Vanofara Zvino Uye Nokusingaperi
“Asi imi farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika; nokuti tarirai, ndinosika Jerusarema rive guta romufaro, navanhu varo vave nomufaro.”—ISAYA 65:18.
1. Kunamata kwechokwadi kwakatapura sei vanhu mumazana amakore?
MUMAZANA amakore, vasingaverengeki vakawana mufaro mukuru mukubatira Mwari wechokwadi, Jehovha. Dhavhidhi akanga ari mumwe bedzi wavazhinji akanga achifara mukunamata kwechokwadi. Bhaibheri rinorondedzera kuti apo areka yesungano yakakwidzwa kuJerusarema, “Dhavhidhi neimba yose yaIsraeri vakakwira neareka yaJehovha vachipururudza nokuridza hwamanda.” (2 Samueri 6:15) Mufaro wakadaro mukubatira Jehovha hachisi chinhuwo zvacho chomunguva yakapfuura. Unogona kugoverana mauri. Uye kunyange zvikamu zvitsva zvomufaro zvinogona nokukurumidza kuva zvako!
2. Kupfuura zadziko yokutanga yaIsaya ganhuro 35 pavadzoki vechiJudha, ndivanaani nhasi vanobatanidzwa mune kumwe kuzadzika?
2 Munyaya yatangira ino, takanzvera kuzadzikwa kwokutanga kwouporofita hunonyandura hwakanyorwa muna Isaya ganhuro 35. Tinogona nenzira yakarurama kudana ihwohwu kuti uporofita hwekudzorerwa nemhaka yokuti ndizvo zvahwakava nokuda kwavaJudha vekare. Hune kuzadzika kwakafanana munguva yedu. Zvakadaro sei? Eya, kuvamba navaapostora vaJesu navamwe paPentekosta 33 C.E., Jehovha ave achibata navaIsraeri vomudzimu. Ivava vanhu vakazodzwa nomudzimu mutsvene waMwari avo vanova rutivi rweicho muapostora Pauro akadana kuti “vaIsraeri vaMwari.” (VaGaratia 6:16; VaRoma 8:15-17) Yeukawo kuti pana 1 Petro 2:9, vaKristu ava vanodanwa kuti “rudzi rwakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira.” Petro anopfuurira kuzivisa mugove wakapiwa kuna Israeri womudzimu, wokuti: “Muparidze kunaka kwaiye wakakudanai, kuti mubve parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa.”
Kuzadzika Munguva Yedu
3, 4. Ndeapi akanga ari mamiriro ezvinhu apo Isaya ganhuro 34 rakazadzika munguva dzazvino uno?
3 Pakanga paine nguva pakuvamba muzana rino ramakore apo vakasarira vaIsraeri womudzimu pasi pano vakanga vasingashingaire nguva dzose mukuzivisa shoko rakadaro. Vakanga vasingafari zvizere muchiedza chaMwari chinoshamisa. Kutaura idi, vakanga vari murima rakati. Ikoko kwakaitika rini? Uye Jehovha Mwari akaitei pamusoro pako?
4 Makanga muri munguva yeHondo Yenyika I, nokukurumidza pashure pokunge Umambo hwaMwari hwaMesiya hwagadzwa mudenga muna 1914. Marudzi, netsigiro yavafundisi vechechi munyika dzakasiyana-siyana, akatsamwirana. (Zvakazarurwa 11:17, 18) Mwari, chokwadika, aishora chiKristudhomu chakaramba kutenda neboka racho rakakwidziridzwa ravafundisi sezvaakanga akaita kurudzi rwaidada rwaEdhomi. Nokudaro, chiKristudhomu, rudzi rwavaEdhomi rokufananidzirwa, chichanzwa kuzadzikwa kwomuzuva razvino uno kwaIsaya ganhuro 34. Kuzadzika uku kupfurikidza nokuparadzwa kwechigarire kune chokwadi kungofanana nezvakanga zvakaita kuzadzika kwokutanga mukurwisana neEdhomi yakare.—Zvakazarurwa 18:4-8, 19-21.
5. Isaya ganhuro 35 rakava nokuzadzika kworudzii munguva yedu?
5 Zvakadini neganhuro 35 rouporofita hwaIsaya, nesimbisiro yahwo pamufaro? Ihwohwo hwakazadzikawo munguva yedu. Ikoko kwakadaro sei? Hwakazadzikwa mukudzorerwa kwaIsraeri womudzimu achibva kune rumwe rudzi rwoutapwa. Ngatinzverei maidi mune iyo iri chaizvoizvo nhau yomunguva pfupi yapfuura youbati ushe hwaMwari, inoitika mukati menduramo yavazhinji vachiri kurarama.
6. Nei kuchigona kutaurwa kuti vakasarira vaIsraeri womudzimu vakapinda mumumiriro wezvinhu woutapwa?
6 Kwenhambo pfupi zvikuru mukati menguva yeHondo Yenyika I, vakasarira vaIsraeri womudzimu vakanga vasina kuramba vakachena chose chose uye vachiwirirana nekuda kwaMwari. Vamwe vavo vakanga vakasvipiswa nemhosho dzedzidziso uye vakabvumirana pane zvisina kufanira kupfurikidza nokusatsigira Jehovha zvakajeka apo vakaiswa mudzvinyiriro yokutsigira marudzi airwisana. Mukati memakore iwayo ehondo, vakatambura mutoo wose wechitambudzo, mabhuku avo eBhaibheri achitorambidzwa munzvimbo zhinji. Pakupedzisira, dzimwe dzehama dzakanga dzakatanhamara zvikuru dzakawanwa dziine mhaka ndokuiswa mutorongo papomero dzenhema. Mukurangarira zvakaitika hakuna kuoma kuona kuti, mupfungwa yakati, vanhu vaMwari, panzvimbo pokuva vakasununguka, vakanga vari mumamiriro ezvinhu outapwa. (Enzanisa naJohane 8:31, 32.) Vakanga vachiperevedza nenzira yakakomba muchiono chomudzimu. (VaEfeso 1:16-18) Vakaratidza kusagona kutaura kwakati pamusoro pokurumbidza Mwari, nemugumisiro wokuti vakanga vasingabereki mumudzimu. (Isaya 32:3, 4; VaRoma 14:11; VaFiripi 2:11) Unoona here kuti ikoku kunofanana sei nemamiriro ezvinhu avaJudha vakare vaiva muutapwa muBhabhironi?
7, 8. Rudzii rwokudzorerwa rwakava navakasarira vomuzuva razvino uno?
7 Asi Mwari aizosiya varanda vake vomuzuva razvino uno vari mumumiriro wezvinhu wakadaro here? Aiwa, akanga akatsunga kuvadzorera, maererano nezvakanga zvafanotaurwa kupfurikidza naIsaya. Nokudaro uporofita humwe chetehwu huri Isa muganhuro 35 hunozadzika zvakatanhamara munguva yedu, nokudzorerwa kwavakasarira vaIsraeri womudzimu kurubudiriro noutano muparadhiso yomudzimu. Pana VaHebheru 12:12, Pauro akashandisa Isaya 35:3 mupfungwa yokufananidzira, achitsigira ururami hwokushandisa kwedu kwomudzimu chikamu ichi chouporofita hwebhuku raIsaya.
8 Munguva yapashure pehondo, vakasarira vakazodzwa vaIsraeri womudzimu vakabuda muutapwa, sokunge zvakadaro. Jehovha Mwari akashandisa Jesu Kristu, Koreshi Mukuru, kuvasunungura. Nokudaro, vakasarira ava vaigona kuita basa rokuvakazve, rakaenzana nebasa ravakasarira vavaJudha vakare, avo vakadzokera kunyika yavo kunovakazve tembere chaiyoiyo muJerusarema. Kupfuurirazve, ava vaIsraeri vomudzimu munguva dzazvino uno vaigona kutanga kurima nokugadzira paradhiso yomudzimu yakasvibira, bindu rokufananidzira reEdheni.
9. Chimwe chinhu chakafanana nechinorondedzerwa pana Isaya 35:1, 2, 5-7 chakatanga sei munguva yedu?
9 Tichirangarira zviri pamusoro apa, ngatirangarirei zvakare Isaya ganhuro 35, uye kutarira pakutanga Isa 35 ndima 1 ne2. Yakanga yaratidzika kuva nharaunda isina mvura zvirokwazvo yakavamba kutunga ndokubereka kufanana nemipata yakare yeSharoni. Ipapo, tarira Isa 35 ndima 5 kusvikira ku 7. Vakasarira, vakati vavo vachiri vapenyu uye nokushingaira mubasa raJehovha, vakazarurirwa maziso avo okunzwisisa. Vaigona kuona zviri nani revo yezvakanga zvaitika muna 1914 uye pashure pacho. Ikoko kwakavawo netapuro pavazhinji vedu avo vanoumba “boka guru,” zvino riri kubatira pamwe chete nevakasarira.—Zvakazarurwa 7:9, NW.
Uri Rutivi Rwokuzadzika Kwacho Here?
10, 11. (a) Wakabatanidzwa sei mukushanda Isaya 35:5-7? (b) Unonzwa sei somunhu oga pamusoro pechinjo idzi?
10 Zvirangarire umene somuenzaniso. Usati wasangana neZvapupu zvaJehovha, wairava Bhaibheri nguva dzose here? Kana waidaro, waiva nenzwisiso huru zvakadini? Zvino unoziva, somuenzaniso, zvokwadi pamusoro pomugariro wevakafa. Zvimwe waigona kunongedzera mumwe munhu aifarira nhau yacho kundima dzakakodzera muna Genesi ganhuro 2, Muparidzi ganhuro 9, uye Ezekieri ganhuro 18, pamwe chete nezvimwe zvikamu zvamashoko zvakawanda. Hungu, sezvingabvira unonzwisisa izvo Bhaibheri rinodzidzisa pamisoro mizhinji kana kuti nhau. Kuchitaurwa zvakapfava, Bhaibheri rine mufungo kwauri, uye unogona kutsanangura zhinji raro kune vamwe, pasina kupanikira sezvawakaita.
11 Isu mumwe nomumwe tingaita zvakanaka kubvunza, kunyange zvakadaro, kuti, ‘Ndakadzidza sei zvose zvandinoziva zvezvokwadi yeBhaibheri? Ndisati ndafunda navanhu vaJehovha, ndingadai ndakawana zvikamu zvose zvamashoko zvichangobva kududzwa here? Ndakanga ndadzinzwisisa ndokusvika mhedziso dzakarurama pamusoro perevo yadzo here?’ Mhinduro yokutendeseka kumibvunzo iyi zvimwe ndiaiwa. Hapana munhu anofanira kugumburwa nekutaura kwakadaro, asi kunogona kutaurwa kuti zvikurukuru wakanga uri bofu pamusoro pemagwaro aya nerevo yawo. Handizvo here? Akanga ari muBhaibheri, asi waisagona kuaona kana kuti kunzwisisa revo yawo. Ipapo, maziso ako akavhurwa sei nenzira yomudzimu? Kwakanga kuri kupfurikidza neizvo Jehovha akaita mukuzadzika bhuku raIsaya 35:5 pavakasarira vakazodzwa. Wakazarurirwawo maziso ako. Hausati uchiri murima romudzimu. Unogona kuona.—Enzanisa naZvakazarurwa 3:17, 18.
12. (a) Nei tichigona kutaura kuti ino haisi nguva yokuporesa kwomumuviri kunoshamisa? (b) Chakaitika chaHama F. W. Franz chinoratidzira sei nzira iyo Isaya 35:5 iri kuzadzikwa nayo munguva yedu?
12 Vadzidzi vanodisa veBhaibheri uye vekubata kwaMwari mumazana amakore vanoziva kuti ino haisi nguva munhau yezvishamiso zvokuporesa mumuviri. (1 VaKorinte 13:8-10) Naizvozvo hatikariri Jesu Kristu kuva achizarura maziso asingaoni mukubvumikisa kuti iye ndiMesiya, Muporofita waMwari. (Johane 9:1-7, 30-33) Uyewo haasi kugonesa matsi dzose kunzwa zvakare. Frederick W. Franz, mumwe wavakazodzwa uye ipapo purezidhendi weWatch Tower Society, sezvaakasvika makore 100 ezera, akanga odokuva bofu uye aifanira kushandisa chinoyamura kunzwa. Kwamakore akati akanga asati achagona kuona kuti arave; bva, ndiani aifunga nezvake sebofu kana kuti matsi mupfungwa yaIsaya 35:5? Kuona kwake kwomudzimu kwakakomba kwakanga kuri chikomborero kuvanhu vaMwari mupasi rose.
13. Kuchinjwai kana kuti kudzorerwa uko vanhu vaMwari vomuzuva razvino uno vakava nako?
13 Kana kuti zvakadini nerurimi rwako? Vakazodzwa vaMwari vangava vakanga vaitwa zvimumumu mukati meutapwa hwavo hwomudzimu. Asi Mwari paakangochinja mumiriro iwowo wezvinhu, ndimi dzavo dzakavamba kudanidzira nomufaro pamusoro pezvavaiziva nezveUmambo hwaMwari hwakagadzwa nezvipikirwa zvake zveramangwana. Vangava vakakubetsera kusunungura rurimi rwakowo. Wakataura zvokwadi dzeBhaibheri kakawanda sei kuvamwe munguva yakapfuura? Zvimwe pane imwe nguva waifunga kuti, ‘Ndinofarikanya kufunda, asi handisati ndichizotongoenda kunotaura kuvanhu vandisingazivi.’ Zvisinei, hakusati kuri kwechokwadi here kuti “rurimi rwembeveve” zvino rwuri ‘kudanidzira nomufaro’?—Isaya 35:6.
14, 15. Vazhinji vakafamba sei mu“Nzira youtsvene” munguva yedu?
14 VaJudha vakare vakasunungurwa muBhabhironi vakava nerwendo rurefu rwokudzokera kunyika yokumusha kwavo. Ikoko kunowirirana nei munguva yedu? Eya, tarira pana Isaya 35:8: “Ipapo pachava nomugwagwa, nenzira, ichanzi, Nzira youtsvene; une tsvina haangafambi nayo.”
15 Kubvira pakusunungurwa kwavo muutapwa hwomudzimu, vakasarira vakazodzwa, zvino vanoperekedzwa namamiriyoni amamwe makwai, vakabuda muBhabhironi Guru munzira yokufananidzira, nzira yakachena youtsvene iyo inotungamirira munhu kupinda muparadhiso yomudzimu. Tiri kuita nhamburiko iri yose kuti tikwanirise ndokuramba tiri muNzira Youtsvene iyi. Funga nezvako umene. Mipimo yako yetsika nenheyo zvaunonamatira kwazviri hazvina kukwirira zvikuru zvino kupfuura apo wakanga uri munyika here? Haushandisi nhamburiko huru zvikuru yokuwiriranisa kufunga kwako nemufambiro nezvaMwari here?—VaRoma 8:12, 13; VaEfeso 4:22-24.
16. Mamiriroi ezvinhu atinogona kufarikanya sezvatinofamba muNzira Youtsvene?
16 Sezvaunopfuurira muiyi Nzira Youtsvene, wakasununguka zvikurukuru pakunetseka nezvevanhu voumhuka. Chokwadi, munyika unofanira kungwarira kuti vanhu vane makaro kana kuti vanovenga vasakudye uri mupenyu nenzira yokufananidzira. Vanhu vazhinji kwazvo vanorura munzira iyo vanobata nayo nevamwe. Musiyano wakadini pakati pavanhu vaMwari! Imomo uri mumhoteredzo yakadzivirirwa. Chokwadika, vaKristu biyako havana kukwana; pane dzimwe nguva mumwe anokanganisa kana kuti anogumbura. Asi unoziva kuti hama dzako hadzisati dzichiedza noune kukukuvadza kana kuti kukuparadza. (Pisarema 57:4; Ezekieri 22:25; Ruka 20:45-47; Mabasa 20:29; 2 VaKorinte 11:19, 20; VaGaratia 5:15) Panzvimbo pezvo, dzinokufarira; dzakakubetsera; dzinoda kubatira newe.
17, 18. Mupfungwai umo paradhiso iripo zvino, uye ndeipi iri tapuro yaiyoyi patiri?
17 Naizvozvo tinogona kutarira pana Isaya ganhuro 35, tichirangarira kuzadzika kwazvino kwendima 1 kusvikira ku8. Hakuna kujeka here kuti takawana inodanwa zvakarurama kuti paradhiso yomudzimu? Aiwa, haina kukwana—ichigere. Asi iparadhiso zvirokwazvo, nokuti imomo tinogona, sezvinotaurwa Isa 35 mundima 2, kuto“ona kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo ukomba hwaMwari wedu.” Uye mugumisiro wacho ndoupi? Isa 35 Ndima 10 inoti: “Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachasvika Zioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo; vachawana mufaro nomwoyo muchena, kuchema nokusuwa kuchatiza.” Zvirokwazvo, kuva kwedu takabuda murudzidziso rwenhema uye kuronda kwedu kunamata kwechokwadi munyasha dzaMwari kunonyandura mufaro.
18 Mufaro wakabatanidzwa nokunamata kwechokwadi unoramba uchiwedzera, haudaro here? Unoona vachangobva kufarira vachiita chinjo ndokuva vakasimba muzvokwadi yeBhaibheri. Unocherekedza pwere dzichikura ndokuita fambiro mberi yomudzimu muungano. Kune rubhapatidzo, apo unoona vaunoziva vachibhapatidzwa. Izvozvo handizvikonzero zvokufara, zvokufara kukuru, nhasi here? Hungu, mufaro wakadini kuva navamwe vanotikumbanira murusununguko rwedu rwomudzimu nemumiriro wezvinhu weparadhiso!
Kuzadzika Kuri Mberi!
19. Isaya ganhuro 35 rinotizadza nekariroi ine tariro?
19 Kusvikira panguva ino tarangarira Isaya ganhuro 35 nezvekuzadzika kwaro kwokutanga nokudzoka kwavaJudha uye nezvekuzadzika kwomudzimu kuri kupfuurira nhasi. Asi handiwo mugumo. Kune zvakawanda zvikuru. Zvakabatanidzwa nechipikirwa cheBhaibheri chokudzorerwa kunouya kwamamiriro ezvinhu chaiwoiwo eparadhiso pasi pano.—Pisarema 37:10, 11; Zvakazarurwa 21:4, 5.
20, 21. Nei kuri kune mufungo uye kwapaMagwaro kudavira kuti kuchava nokumwezve kuzadzikwa kwaIsaya ganhuro 35?
20 Kungava kusatsinhirana nokuda kwaJehovha kuti agovere rondedzero dzakajeka dzeparadhiso uye ipapo kuganhurira kuzadzika kwacho kuzvinhu zvomudzimu. Ikoku, chokwadika, hakusi kutaura kuti kuzadzika kwomudzimu hakuna kukosha. Kunyange kudai paradhiso chaiyoiyo ikavambwa, ingasatigutsa kudai tiri pakati pechiono chakaisvonaka nemhuka dzine rugare takakomberedzwa navanhu vakashata mumudzimu, vanhu vanoita kunge zvikara zvine utsinye. (Enzanisa naTito 1:12.) Hungu, kwomudzimu kunofanira kutanga, nokuti kunokosha zvikurusa.
21 Kunyange zvazvo zvakadaro, Paradhiso iri kuuya haigumi nemativi omudzimu atinofarikanya zvino uye atichatofarikanya zvikuru mune ramangwana. Tine chikonzero chakanaka chokukarira kuzadzikwa chaikoiko kweuporofita hwakadai sohwaIsaya ganhuro 35. Nei? Eya, Isa 35 muganhuro 65, Isaya akafanotaura “denga idzva nenyika itsva.” Muapostora Petro akashandisa iroro pakurondedzera zvinotevera zuva raJehovha. (Isaya 65:17, 18; 2 Petro 3:10-13) Petro akanga achiratidzira kuti mativi ayo Isaya akarondedzera aizovapo chaizvoizvo apo “pasi idzva” rinova chairoiro. Ikoko kunobatanidza rondedzero dzaungava wakarovedzana nadzo—kuvaka dzimba ndokugara madziri; kusima minda yemizambiringa nokudya michero yayo; kufarikanya kwenguva refu mabasa amaoko omunhu; bere negwayana zvichigara pamwe chete; uye pasina kuvadziko inoitika pasi rose. Nemamwe mashoko, upenyu hurefu, misha yakachengeteka, zvokudya zvizhinji, basa rinogutsa, uye rugare pakati pemhuka uye pakati pemhuka navanhu.
22, 23. Zvikonzeroi zvomufaro zvichavapo mukuzadzikwa kweramangwana kwaIsaya ganhuro 35?
22 Kariro iyoyo haikuzadzi nomufaro here? Inofanira, nokuti ndiyo nzira iyo Mwari akatisika kuti tirarame nayo. (Genesi 2:7-9) Naizvozvo, kunorevei pamusoro peuporofita huri muna Isaya ganhuro 35 hwatiri kurangarira? Kunoreva kuti tine chikonzero chakawedzerwa chokudanidzira nomufaro. Marenje chaiwoiwo nenharaunda dzisina mvura zvichatunga, kuchitiparira kufara. Ipapo vanhu vane maziso ebhuruu, kana kuti maziso matsvuku, kana kuti rumwe ruvara rwakati runofadza, asi zvino vari mapofu, vachakwanisa kuona. VaKristu biyedu vari matsi, kana kuti kunyange avo vedu vanotambura nokunzwa, vachakwanisa kunzwa zvakajeka. Mufaro wakadini kushandisa mano iwayo kunzwa Shoko raMwari richiraviwa nokutsanangurwa, pamwe chete nokuteerera kumhepo mumiti, kuseka kwomwana, rwiyo rweshiri!
23 Kucharevawo kuti vakaremara, kubatanidza avo vari kutambudzwa nearthritis zvino, vachafamba-famba vasingarwadziwi. Rusununguko rwakadini! Ipapo nzizi chaidzoidzo dzemvura dzichatubuka murenje. Tichaona zvose zviri zviviri mvura dzine masaisai uye kutinhira kwacho. Tichakwanisa kufamba kuenda ikoko ndokubata uswa hwakasvibira nenhokwe. Zvirokwazvo ichava Paradhiso ichadzorerwa. Zvakadini nomufaro wokuva neshumba kana kuti imwe mhuka yakadaro pasina kutya? Hatifaniri hedu kuvamba kurondedzera kwose ikoko, nokuti tose zvedu takatofungidzira ndokufarikanya chiono chacho.
24. Nei uchigona kubvumirana nekutaura kuri pana Isaya 35:10?
24 Bhuku raIsaya rinotivimbisa, kuti: “Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachasvika Zioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo.” Naizvozvo tinogona kubvuma kuti tine chikonzero chokudanidzira nokuda kwomufaro. Mufaro pamusoro peizvo Jehovha ari kutoitira vanhu vake muparadhiso yedu yomudzimu, uye mufaro pamusoro peizvo tinogona kukarira muParadhiso chaiyoiyo yava pedyo. Pamusoro pavanofara—pamusoro pedu—Isaya anonyora, kuti: “Vachawana mufaro nomwoyo muchena, kuchema nokusuwa kuchatiza.”—Isaya 35:10.
Wacherekedza Here?
◻ Isaya ganhuro 35 rakava nokuzadzikwai kwechipiri?
◻ Chii chinowirirana nenzira yomudzimu nechinjo dzinoshamisa idzo Isaya akafanotaura?
◻ Wakagoverana sei mukuzadzikwa kwouhwu uporofita?
◻ Nei tichigona kutaura kuti Isaya ganhuro 35 rinotizadza netariro yeramangwana?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Jeri riri muna Raymond Street muBrooklyn, New York, umo hama nomwe dzakatanhamara dzakachengetwa muna June 1918
[Mufananidzo uri papeji 16]
Kunyange zvazvo vakanga vodokuva bofu mumakore avo apashure, kuona kwomudzimu kwaHama Franz kwakaramba kwakasimba
[Mifananidzo iri papeji 17]
Kukura kwomudzimu nefambiro mberi zvikonzero zvomufaro