RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kutenda kwaMambo Kunopiwa Mubayiro
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 28. Chikanganiso chei pakusarudza icho Hezekia anoita chinguva pashure pokuporeswa kwake nenzira inoshamisa?

      28 Kunyange zvazvo akatendeka, Hezekia haana kukwana. Anoita chikanganiso chakakomba mukusarudza zvokuita imwe nguva pashure pokunge Jehovha amuporesa. Isaya anotsanangura kuti: “Zvino nenguva iyo Merodhakibharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi wakatuma nwadhi nechipo kuna Hezekia; nokuti wakanga anzwa kuti wairwara akaporazve. Hezekia akafara pamusoro pavo, akavaratidza imba yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzose dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri papfuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia.”—Isaya 39:1, 2.b

      29. (a) Chii chingangova chinangwa chaHezekia paanoratidza pfuma yake kunhume dzeBhabhironi? (b) Chii chichava mugumisiro wokukanganisa kusarudza kwaHezekia?

      29 Kunyange pashure pokukundwa zvakakomba nengirozi yaJehovha, Asiria inoramba ichityisidzira nyika dzakawanda, kusanganisira Bhabhironi. Hezekia angangodaro akada kufadza mambo weBhabhironi seaigona kuzova mukutsiri wemunguva yemberi. Zvisinei, Jehovha haadi kuti vagari venyika yeJudha vashamwaridzane nevavengi vavo; anoda kuti vavimbe naye! Nokumuprofita Isaya, Jehovha anozivisa nguva yemberi kuna Hezekia achiti: “Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako, nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi; zvichaiswa Bhabhironi; hakuna chinhu chichasiyiwa . . . Vamwe vanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa; vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi.” (Isaya 39:3-7) Hungu, nyika yacho chaiyo iyo Hezekia aitsvaka kufadza pakupedzisira ichaparadza pfuma yeJerusarema nokuderedza vagari varo kusvika pakuva varanda. Kuratidza kwaHezekia pfuma yake kuvaBhabhironi kunongobetsera kuwedzera havi yavo yokukara.

      30. Hezekia akaratidza sei mafungire akanaka?

      30 Sezviri pachena ichitaura pamusoro pechiitiko icho Hezekia akaratidza pfuma yake kuvaBhabhironi, 2 Makoronike 32:26 inoti: “Asi Hezekia wakazozvininipisa pamusoro pokuzvikudza kwomwoyo wake, iye navakanga vagere Jerusarema, saka kutsamwa kwaJehovha hakuna kuvavinga mazuva aHezekia.”

  • Kutenda kwaMambo Kunopiwa Mubayiro
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • b Pashure pokukundwa kwaSeniheribhi, marudzi akapoteredza akaunza zvipo zvendarama, nesirivha, uye zvimwe zvinhu zvinokosha kuna Hezekia. Pana 2 Makoronike 32:22, 23, 27, tinorava kuti “Hezekia wakanga ane pfuma zhinji nokukudzwa” uye kuti “kubva panguva iyo wakakudzwa pamberi pendudzi dzose.” Zvipo izvi zvingadaro zvakamubvumira kuzadzazve imba yake yepfuma, yaakanga atsvaira paakanga achibhandara mutero kuvaAsiria.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe