RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mwari Wechokwadi Anofanotaura Nezvokununurwa
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
    • 20 “Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wako, wakakuumba kubva pachizvaro: Ndini Jehovha, unoita zvinhu zvose, unotatamura denga rose iye oga, unotambanudza nyika (ndiani waiva neni?); iye unoparadza zviratidzo zvavane nhema, unopengesa vauki, unodzosa vachenjeri, achishandura zivo yavo huve upenzi; iye unosimbisa shoko romuranda wake, unoita zvakarayirirwa nenhume dzake; iye unoti pamusoro peJerusarema: Richagarwa navanhu, napamusoro pemaguta aJudha: Achavakwa, ini ndichamutsa matongo awo; iye unoti kumvura yakadzika: Chipwa, uye ndichapwisa nzizi dzako; iye unoti pamusoro paKoreshi: Ndiye mufudzi wangu, uchaita zvose zvinondifadza, kana achiti pamusoro peJerusarema: Richavakwa, uye pamusoro petembere: Nheyo dzako dzichateyiwa.”—Isaya 44:24-28.

  • Mwari Wechokwadi Anofanotaura Nezvokununurwa
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
    • 22. Rondedzera mapwire anoita Rwizi Yufratesi.

      22 Vafemberi vasina kufuridzirwa kazhinji havatauri zvakanyatsonanga mune zvavanofanotaura vachityira kuti nguva ingazoratidza kuti havana kururama. Achisiyana neizvi, achishandisa Isaya, Jehovha anozivisa zita chairo romurume waachashandisa kusunungura vanhu vake muusungwa kuitira kuti vaende kumusha nokuvakazve Jerusarema netemberi. Zita rake ndiKoreshi, uye anozivikanwa saKoreshi Mukuru wePersia. Jehovha anopawo mashoko akazara emazano ehondo ayo Koreshi achashandisa kuti apinde pazvakadzivirira Bhabhironi zvikuru uye zvakasimba. Bhabhironi richave rakadzivirirwa nemasvingo marefu nemigero yemvura inotenderera nomuguta racho. Koreshi achatsausa chinhu chikuru chedziviriro iyoyo—Rwizi Yufratesi—kuti zvimunakire. Maererano nevanyori venhau dzakaitika vekare Herodotus naXenophon, pane imwe nzvimbo iri nechokumusoro kwerwizi kubva muBhabhironi, Koreshi akatsausa mvura yeYufratesi kusvikira rwizi rwaserera zvokuti varwi vake vayambuke. Pamusoro pokugona kwarwo kudzivirira Bhabhironi, Rwizi Yufratesi rukuru runopwa.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe