-
Kuzivisa Rudzi Rwakarurama RwenhumeNharireyomurindi—1997 | May 1
-
-
7, 8. Ishokoi rakafuridzirwa iro Isaya aiva naro nokuda kweBhabhironi, uye mashoko ake akarevei?
7 Judha neJerusarema akanga achifanira kuparadzwa, pasina munhu anogaramo, kwamakore 70. Zvisinei, Jehovha akazivisa kupfurikidza naIsaya naEzekieri kuti guta racho raizovakwazve uye nyika yaizogarwa panguva chaiyoiyo yaakanga afanotaura! Uku kwaive kufanotaura kunoshamisa. Nei? Nemhaka yokuti Bhabhironi raive nemukurumbira wokusatongosunungura vasungwa varo. (Isaya 14:4, 15-17) Naizvozvo ndiani sezvinobvira aigona kusunungura idzi nhapwa? Ndiani aigona kukurira Bhabhironi rine simba, nemasvingo aro makuru nedziviriro yerwizi? Jehovha Wamasimba Ose aigona! Uye akataura kuti aizodaro: “Iye unoti kumvura yakadzika [ndiko kuti; dziviriro yemvura yeguta racho]: Chipwa, uye ndichapwisa nzizi dzako; iye unoti pamusoro paKoreshi: Ndiye mufudzi wangu, uchaita zvose zvinondifadza, kana achiti pamusoro peJerusarema: Richavakwa, uye pamusoro petembere: Nheyo dzako dzichateyiwa.”—Isaya 44:25, 27, 28.
8 Funga nezvaikoko! Rwizi rwaYufuratesi, mhinganidzo huru zvirokwazvo kuvanhu, kuna Jehovha yakanga yakaita sedonhwe remvura panzvimbo inopisa zvikuru. Kamwe kamwe, mhinganidzo yacho yaizopwa! Bhabhironi raizowa. Kunyange zvazvo akanga ari makore anenge 150 Koreshi muPersia asati aberekwa, Jehovha akaita kuti Isaya afanotaura kutapa Bhabhironi kwamambo iyeyu uye kusunungurwa kwenhapwa dzeChijudha kupfurikidza nokubvumira kudzokera kwadzo kundovakazve Jerusarema netembere yaro.
-
-
Kuzivisa Rudzi Rwakarurama RwenhumeNharireyomurindi—1997 | May 1
-
-
11. Nei vagari veBhabhironi vainzwa vakachengeteka?
11 Panguva iyo Koreshi akarwisa Bhabhironi, vagari varo vainzwa vakakotsekana uye vakachengeteka zvikuru. Guta ravo rakanga rakakomberedzwa nemugero wakadzika uye wakafara waidzivirira, wakaitwa neRwizi rwaYufuratesi. Apo rwizi rwaipfuura nomuguta, pakanga pane rusvingo rwaipfuurira mumahombekombe okumabvazuva erwizi. Kuti arwuparadzanise neguta, Nebhukadhinezari akavaka rwaakadana kuti “rusvingo rukuru, urwo kufanana negomo rusingagoni kubviswa . . . Musoro warwo [iye] akarurebesa segomo.”a Rusvingo irworwu rwakanga rwune magedhi ane masuo mahombe endarira. Kuti apinde, munhu aifanira kukwira mawere achibva kumucheto kworwizi. Hazvishamisi kuti vasungwa veBhabhironi vaisatombofunga zvekusunungurwa!
12, 13. Mashoko aJehovha kupfurikidza nenhume yake Isaya akava sei echokwadi apo Bhabhironi rakawa kuna Koreshi?
12 Asi kwete nhapwa dziya dzeChijudha dzaiva nokutenda muna Jehovha! Dzaiva netariro yakajeka. Kupfurikidza navaporofita vake, Mwari akanga apikira kudzisunungura. Mwari akazadzika sei chipikirwa chake? Koreshi akarayira mauto ake kutsausa Rwizi rwaYufuratesi pane imwe nzvimbo makiromita anoverengeka kuchamhembe kweBhabhironi. Nokudaro, dziviriro huru yeguta yakashandurwa kuva rinenge gova. Pausiku hunokosha, zvidhakwa zvinofara muBhabhironi nokusaitira hanya zvakasiya masuo maviri epakatarisana nepamberi pemvura yaYufuratesi akazaruka. Jehovha haana chaizvoizvo kupwanya masuo endarira; uyewo haana kucheka matare aiapfiga, asi kuronga kwake kunoshamisa kuaita kuti arambe akazaruka uye asina kukochekerwa zvakava nemugumisiro mumwe chetewo. Masvingo eBhabhironi akanga asingabetseri. Mauto aKoreshi aisafanira kuakwira kuti apinde. Jehovha akatungamirira Koreshi, achibvisa “pasina kuenzana,” hungu, mhinganidzo dzose. Isaya akabvumikiswa kuva nhume yaMwari yechokwadi.
-