Kuzivisa Rudzi Rwakarurama Rwenhume
“Iye unosimbisa shoko romuranda wake, unoita zvakarayirirwa nenhume dzake.”—ISAYA 44:25, 26.
1. Jehovha anozivisa sei rudzi rwakarurama rwenhume, uye anoratidzira sei dzenhema?
JEHOVHA MWARI ndiye Muzivisi Mukuru wenhume dzake dzechokwadi. Anodzizivisa kupfurikidza nokuita kuti mashoko ayo anopa kupfurikidza nadzo ave echokwadi. Jehovha ndiyewo Muratidziri Mukuru wenhume dzenhema. Anodziratidzira sei? Anokangaidza zviratidzo zvadzo nokufanotaura. Munzira iyoyi anoratidza kuti vafemberi vakazvigadza, vane mashoko anobva chaizvoizvo mukurangarira kwavo vamene kwenhema—hungu, kufunga kwavo kwakapusa, kwenyama!
2. Irwisanoi pakati penhume yakaitika munguva dzavaIsraeri?
2 Vose vari vaviri Isaya naEzekieri vaitaura kuva nhume dzaJehovha Mwari. Vaiva here? Ngationei. Isaya akaporofita muJerusarema kubvira munenge muna 778 B.C.E. kusvikira pane imwe nguva pashure pa732 B.C.E. Ezekieri akatapirwa kuBhabhironi muna 617 B.C.E. Akaporofita kuhama dzake dzeChijudha ikoko. Vaporofita vose vari vaviri vakazivisa noushingi kuti Jerusarema raizoparadzwa. Vamwe vaporofita vakataura kuti Mwari aisazorega izvozvi zvichiitika. Ndivanaani vakabvumikisa kuva rudzi rwakarurama rwenhume?
Jehovha Anoratidzira Vaporofita Venhema
3, 4. (a) Mashokoi maviri anopesana akapiwa kuvaIsraeri muBhabhironi, uye Jehovha akaratidzira sei nhume yenhema? (b) Jehovha akati chii chaizoitika kuvaporofita venhema?
3 Ezekieri, ari muBhabhironi, akapiwa chiono chezvakanga zvichiitika mutembere yeJerusarema. Pamukova wegedhi rayo rokumabvazuva pakanga pane varume 25. Pakati pavo pakanga pane machinda maviri, Jaazania naPeratia. Jehovha aivarangarira sei? Ezekieri 11:2, 3 inopindura kuti: “Mwanakomana womunhu, ava ndivo varume vanofunga zvakaipa, vanorayirira mano akaipa muguta rino; vanoti: Nguva ichigere kuswedera yokuvaka dzimba.” Idzi nhume dzorugare dzaizvitutumadza dzakanga dzichiti, ‘Hakuna ngozi kuJerusarema. Chokwadi, nokukurumidza tichavaka dzimba zhinji mariri!’ Naizvozvo Mwari akaudza Ezekieri kuporofita zvinorwisana naava vaporofita vainyepa.Eze Mundima 13 yeganhuro 11, Ezekieri anotiudza chakaitika kune mumwe wavo: “Zvino ndakati ndichiporofita, Peratia mwanakomana waBhenaia akafa.” Ikoku sezvinobvira kwakaitika nemhaka yekuti Peratia akanga ari muchinda akatanhamara neanopesvedzera zvikurusa uye munamati wezvidhori mukurusa. Rufu rwake rwakamwe kamwe rwakabvumikisa kuti akanga ari muporofita wenhema!
4 Kuuraya Peratia kwaJehovha hakuna kumisa vamwe vaporofita venhema kunyepa muzita raMwari. Ava vanyengeri vakapfuurira nokupenga kwavo kwokufanotaura zvinhu zvaipesana nokuda kwaMwari. Naizvozvo Jehovha Mwari akaudza Ezekieri kuti: “Vane nhamo vaporofita mapenzi, vanotevera mweya yavo, vasina chavakaona.” Kufanana naPeratia, vaizo“fa” nokuda kwokuonera Jerusarema chiono nenzira yokuzvidza “zviratidzo zvorugare, izvo hakuna rugare.”—Ezekieri 13:3, 15, 16.
5, 6. Pasinei zvapo nenhume dzose dzenhema, Isaya akatsigirwa sei somuporofita wechokwadi?
5 Kana ari Isaya, mashoko ake ose oumwari pamusoro peJerusarema akava echokwadi. Muzhizha ra607 B.C.E., vaBhabhironi vakaparadza guta ndokudzosa vakasarira veChijudha kuBhabhironi senhapwa. (2 Makoronike 36:15-21; Ezekieri 22:28; Dhanieri 9:2) Ngwavaira idzodzi dzakamisa vaporofita venhema kurovanya vanhu vaMwari nekurotomoka here? Aiwa, nhume idzodzo dzinonyepa dzakaramba dzichidaro!
6 Sokunge kuti izvozvi zvakanga zvisina kukwana, nhapwa dzeChiisraeri dzakaratidzirwawo kuvauki veBhabhironi vaiganza, n’anga, uye nyanzvi dzenyeredzi. Zvisinei, Jehovha akabvumikisa nhume dzose idzodzi dzenhema kuva mapenzi akakangaidzwa, ane zvinhu zvisingaitike. Pashure penguva yakati akaratidza kuti Ezekieri aiva nhume yake yechokwadi, sezvakanga zvakaita Isaya. Jehovha akazadzika mashoko ose aakataura kupfurikidza navo, kungofanana nezvaakanga aporofita: “Iye unoparadza zviratidzo zvavane nhema, unopengesa vauki, unodzosa vachenjeri, achishandura zivo yavo huve upenzi; iye unosimbisa shoko romuranda wake, unoita zvakarayirirwa nenhume dzake.”—Isaya 44:25, 26.
Mashoko Anokatyamadza Pamusoro peBhabhironi neJerusarema
7, 8. Ishokoi rakafuridzirwa iro Isaya aiva naro nokuda kweBhabhironi, uye mashoko ake akarevei?
7 Judha neJerusarema akanga achifanira kuparadzwa, pasina munhu anogaramo, kwamakore 70. Zvisinei, Jehovha akazivisa kupfurikidza naIsaya naEzekieri kuti guta racho raizovakwazve uye nyika yaizogarwa panguva chaiyoiyo yaakanga afanotaura! Uku kwaive kufanotaura kunoshamisa. Nei? Nemhaka yokuti Bhabhironi raive nemukurumbira wokusatongosunungura vasungwa varo. (Isaya 14:4, 15-17) Naizvozvo ndiani sezvinobvira aigona kusunungura idzi nhapwa? Ndiani aigona kukurira Bhabhironi rine simba, nemasvingo aro makuru nedziviriro yerwizi? Jehovha Wamasimba Ose aigona! Uye akataura kuti aizodaro: “Iye unoti kumvura yakadzika [ndiko kuti; dziviriro yemvura yeguta racho]: Chipwa, uye ndichapwisa nzizi dzako; iye unoti pamusoro paKoreshi: Ndiye mufudzi wangu, uchaita zvose zvinondifadza, kana achiti pamusoro peJerusarema: Richavakwa, uye pamusoro petembere: Nheyo dzako dzichateyiwa.”—Isaya 44:25, 27, 28.
8 Funga nezvaikoko! Rwizi rwaYufuratesi, mhinganidzo huru zvirokwazvo kuvanhu, kuna Jehovha yakanga yakaita sedonhwe remvura panzvimbo inopisa zvikuru. Kamwe kamwe, mhinganidzo yacho yaizopwa! Bhabhironi raizowa. Kunyange zvazvo akanga ari makore anenge 150 Koreshi muPersia asati aberekwa, Jehovha akaita kuti Isaya afanotaura kutapa Bhabhironi kwamambo iyeyu uye kusunungurwa kwenhapwa dzeChijudha kupfurikidza nokubvumira kudzokera kwadzo kundovakazve Jerusarema netembere yaro.
9. Jehovha akadudza ani semumiriri wake nokuda kwokurangwa kweBhabhironi?
9 Tinowana uporofita ihwohwu pana Isaya 45:1-3: “Zvanzi naJehovha kumuzodzwa wake, kuna Koreshi, wandakabata ruoko rwake rworudyi, kuti ndikunde marudzi avanhu pamberi pake, . . . ndimuzarurire mikova pamberi pake, namasuo arege kuzarirwa: Ini ndichaenda pamberi pako, ndichienzanisa pasina kuenzana; ndichaputsa-putsa mikova yendarira, nokugura-gura mipfigo yendarama; ndichakupa fuma iri murima, noupfumi hwakavanzwa panzvimbo dzisingazivikanwi, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsraeri, unokudana nezita rako.”
10. Koreshi aka“zodzwa” munzirai, uye Jehovha aigona sei kutaura kwaari makore anopfuura zana asati aberekwa?
10 Cherekedza kuti Jehovha anotaura kuna Koreshi sokunge kuti anotove mupenyu. Izvozvi zvinotsinhirana nekutaura kwaPauro kwokuti Jehovha ano“dana zvisipo sezvinenge zviripo.” (VaRoma 4:17) Uyewo, Mwari anozivisa Koreshi so“muzodzwa wake.” Nei akaita izvozvo? Pashure pezvose, muprista mukuru waJehovha haana kutongodurura mafuta matsvene okuzodza pamusoro waKoreshi. Chokwadi, asi ikoku kuzodza kwouporofita. Kunoratidzira kupinzwa mubasa chairo. Naizvozvo Mwari aigona kutaura nezvekugadza kwake Koreshi pachine nguva mberi sokuzodza.—Enzanisa na1 Madzimambo 19:15-17; 2 Madzimambo 8:13.
Mwari Anozadzika Mashoko Enhume Dzake
11. Nei vagari veBhabhironi vainzwa vakachengeteka?
11 Panguva iyo Koreshi akarwisa Bhabhironi, vagari varo vainzwa vakakotsekana uye vakachengeteka zvikuru. Guta ravo rakanga rakakomberedzwa nemugero wakadzika uye wakafara waidzivirira, wakaitwa neRwizi rwaYufuratesi. Apo rwizi rwaipfuura nomuguta, pakanga pane rusvingo rwaipfuurira mumahombekombe okumabvazuva erwizi. Kuti arwuparadzanise neguta, Nebhukadhinezari akavaka rwaakadana kuti “rusvingo rukuru, urwo kufanana negomo rusingagoni kubviswa . . . Musoro warwo [iye] akarurebesa segomo.”a Rusvingo irworwu rwakanga rwune magedhi ane masuo mahombe endarira. Kuti apinde, munhu aifanira kukwira mawere achibva kumucheto kworwizi. Hazvishamisi kuti vasungwa veBhabhironi vaisatombofunga zvekusunungurwa!
12, 13. Mashoko aJehovha kupfurikidza nenhume yake Isaya akava sei echokwadi apo Bhabhironi rakawa kuna Koreshi?
12 Asi kwete nhapwa dziya dzeChijudha dzaiva nokutenda muna Jehovha! Dzaiva netariro yakajeka. Kupfurikidza navaporofita vake, Mwari akanga apikira kudzisunungura. Mwari akazadzika sei chipikirwa chake? Koreshi akarayira mauto ake kutsausa Rwizi rwaYufuratesi pane imwe nzvimbo makiromita anoverengeka kuchamhembe kweBhabhironi. Nokudaro, dziviriro huru yeguta yakashandurwa kuva rinenge gova. Pausiku hunokosha, zvidhakwa zvinofara muBhabhironi nokusaitira hanya zvakasiya masuo maviri epakatarisana nepamberi pemvura yaYufuratesi akazaruka. Jehovha haana chaizvoizvo kupwanya masuo endarira; uyewo haana kucheka matare aiapfiga, asi kuronga kwake kunoshamisa kuaita kuti arambe akazaruka uye asina kukochekerwa zvakava nemugumisiro mumwe chetewo. Masvingo eBhabhironi akanga asingabetseri. Mauto aKoreshi aisafanira kuakwira kuti apinde. Jehovha akatungamirira Koreshi, achibvisa “pasina kuenzana,” hungu, mhinganidzo dzose. Isaya akabvumikiswa kuva nhume yaMwari yechokwadi.
13 Apo Koreshi akanga ava kudzora zvakakwana guta racho, upfumi hwaro hwose hwakapinda mumaoko ake, kubatanidza huya hwakanga hwakavanzwa mukamuri dzaiva nerima, dzakavanzwa. Nei Jehovha Mwari akaitira Koreshi izvozvi? Kuitira kuti azive kuti Jehovha, ‘Uyo unomudana nezita rake,’ ndiMwari weuporofita hwechokwadi uye Changamire Ishe wechisiko chose. Aizoziva kuti Mwari akanga aronga kuti iye ave nesimba rokusunungura vanhu Vake, Israeri.
14, 15. Tinoziva sei kuti kukunda Bhabhironi kwaKoreshi kwaiva nemhaka yaJehovha?
14 Teerera mashoko aJehovha kuna Koreshi: “Nokuda kwaJakobho muranda wangu, nokwaIsraeri musanangurwa wangu, ndakakudana nezita rako, ndakakutumidza zita rakanaka, kunyange wakanga usingandizivi. Ndini Jehovha, hakuna mumwe; kunze kwangu hakuna mumwe Mwari. Ndichakusunga chiuno kunyange usina kundiziva; kuti vazive kubva kumabudazuva nokumavirazuva, kuti hakuna mumwe kunze kwangu; ndini Jehovha, hakuna mumwe Ndini ndinoumba chiedza, nokusina rima; ndinoita rugare, nokusika njodzi; ndini Jehovha, unoita zvinhu izvi zvose.”—Isaya 45:4-7.
15 Kukunda Bhabhironi kwaKoreshi kwaiva nemhaka yaJehovha, nokuti Ndiye akanga amusimbisa kuita zvinofadza Iye mukurwisana neguta iroro rakaipa ndokusunungura vanhu Vake nhapwa. Mukuita ikoku, Mwari akarayira matenga ake kugovera pesvedzero dzakarurama kana kuti masimba. Akarayira pasi rake kuzaruka ndokuparira zviitiko zvakarurama noruponeso nokuda kwevanhu vake vakatapwa. Uye matenga ake nepasi zvokufananidzira zvakaita chimwe chinhu kuuyu murayiro. (Isaya 45:8) Makore anopfuura zana pashure porufu rwake, Isaya akaratidzwa kuva nhume yechokwadi yaJehovha!
Mashoko Akanaka Enhume Nokuda kweZioni!
16. Mashokoi akanaka aigona kuziviswa muguta rakaitwa dongo reJerusarema apo Bhabhironi rakakundwa?
16 Asi kune zvizhinji. Isaya 52:7 inotaura nezvemashoko akanaka nokuda kweJerusarema: “Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzounouya namashoko akanaka, unoparidza rugare, unouya namashoko akanaka ezvinhu zvakanaka, unoparidza ruponeso, unoti kuZioni: Mwari wako unobata ushe!” Fungidzira kuti zvakanga zvichifadza sei kuona nhume ichisvika Jerusarema ichibva kumakomo! Inofanira kuve nemashoko. Ndeapi? Mashoko anofadza nokuda kweZioni. Mashoko orugare, hungu, mashoko ekufarira kwaMwari. Jerusarema netembere yaro zvichavakwazve! Uye nhume inozivisa nembavarira inokunda kuti: “Mwari wako unobata ushe!”
17, 18. Kukunda Bhabhironi kwaKoreshi kwakatapura sei zita raJehovha amene?
17 Apo Jehovha akabvumira vaBhabhironi kukurira chigaro chake choumambo chokufananidzira apo madzimambo emutsara waDhavhidhi aigara, kungave kwakaratidzika kuti Akanga asati achiri Mambo. Marduk, mwari mukuru weBhabhironi, airatidzika kuva mambo panzvimbo pezvo. Zvisinei, apo Mwari weZioni akakunda Bhabhironi, akaratidzira uchangamire hwake muchisiko chose—kuti akanga ari Mambo mukurusa. Uye kusimbisa idi irori, Jerusarema, “guta raMambo mukuru,” rakanga richizovakwazve, pamwe chete netembere yaro. (Mateo 5:35) Kana iri nhume yakaunza mashoko akanaka akadaro, kunyange zvazvo tsoka dzayo dzakanga dzine guruva, dzasviba, uye dzakuvara, mumeso evadi veZioni naMwari wayo, dzakaratidzika, haiwa, dzakanaka kwazvo!
18 Mupfungwa youporofita, kuwa kweBhabhironi kwakareva kuti Umambo hwaMwari hwakagadzwa uye kuti mutakuri wemashoko akanaka akanga ari muzivisi weidi iroro. Uyezve, uyu mutakuri wakare, akafanotaurwa kupfurikidza naIsaya, akafanofananidzira nhume yemashoko akaisvonaka zvikuru—akaisvonaka zvikuru nemhaka yezvaiva maari zvakaisvonaka nemusoro wawo woUmambo, nerevo dzinoshamisa nokuda kwavanhu vose vekutenda.
19. Ishokoi pamusoro penyika yaIsraeri iro Jehovha akapa kupfurikidza naEzekieri?
19 Ezekieriwo akapiwa uporofita hwakaisvonaka hwekudzorerwa. Akaporofita kuti: “Zvanzi naShe Jehovha: . . . ndichagarisa vanhu mumaguta, namatongo achavakwa. Ipapo vachati: Nyika iyi yaiva dongo, yafanana nomunda weEdheni.”—Ezekieri 36:33, 35.
20. Ikurudziroi inofadza iyo Isaya nenzira youporofita akapa kuJerusarema?
20 Vari muutapwa hweBhabhironi, vanhu vaMwari vakanga vave vachichema pamusoro peZioni. (Pisarema 137:1) Zvino, vaigona kufara. Isaya akakurudzira kuti: “Pururudzai nomufaro, imbai pamwe chete, imi matongo eJerusarema; nokuti Jehovha wakanyaradza vanhu vake, wakadzikinura Jerusarema. Jehovha wakafukura ruoko rwake rutsvene pamberi pamarudzi ose; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu.”—Isaya 52:9, 10.
21. Mashoko aIsaya 52:9, 10 akazadzikwa sei pashure pokukundwa kweBhabhironi?
21 Hungu, vanhu vaJehovha vakasarudzwa vakanga vane chikonzero chikuru chokufara. Zvino vakanga vachizogarazve nzvimbo dziya dzaichimbova matongo, vachidziita kuti dzive dzakafanana nebindu reEdheni. Jehovha akanga a“fukura ruoko rwake rutsvene” nokuda kwavo. Akakwinya maoko echipfeko chake, sokunge zvakadaro, kuti ashandire kuvadzorera kunyika yokumusha kwavo inodiwa. Ichochi chakanga chisiri chiitiko chiduku, chisingakoshi munhau. Aiwa, vanhu vose vairarama panguva iyoyo vakaona ‘ruoko rwakaratidzwa’ rwaMwari ruchiisa simba muzvinhu zvavanhu kuitira kuti ruparire ruponeso runoshamisa nokuda kworudzi. Vakapiwa chibvumikiso chisingarambiki chokuti Isaya naEzekieri vaiva nhume dzaJehovha dzechokwadi. Hapana munhu aigona kusava nechokwadi chokuti Mwari weZioni akanga ari Mwari bedzi mupenyu uye wechokwadi mupasi rose. Pana Isaya 35:2, tinorava kuti: “Vachaona kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo ukomba hwaMwari wedu.” Avo vakagamuchira ichi chibvumikiso chekuva Mwari kwaJehovha vakatendeukira kukumunamata.
22. (a) Tinogona kuonga nokuda kwechii nhasi? (b) Nei tichifanira kuonga zvikuru kuti Jehovha anoratidzira nhume dzenhema?
22 Tinofanira kuonga sei kuti Jehovha anozivisa nhume dzake dzechokwadi! Zvirokwazvo ndiye “unosimbisa shoko romuranda wake, unoita zvakarayirirwa nenhume dzake.” (Isaya 44:26) Uporofita hwokudzorerwa hwaakapa Isaya naEzekieri hunorumbidza rudo rwake rukuru, mutsa usina kufanirwa, uye ngoni kuvabatiri vake. Zvirokwazvo, Jehovha akafanirwa nerumbidzo yedu yose nokuda kwaikoku! Uye isu nhasi tinofanira zvikuru kuonga kuti anoratidzira nhume dzenhema. Izvozvi imhaka yekuti kune vakawanda vadzo zvino munyika. Mashoko avo anoshamisa anofuratira madonzo aJehovha akaziviswa. Nyaya inotevera ichatibetsera kuzivisa nhume idzodzo dzenhema.
[Mashoko Omuzasi]
a The Monuments and the Old Testament, rakanyorwa naIra Maurice Price, 1925.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Jehovha anozivisa sei nhume dzake dzechokwadi?
◻ Kupfurikidza naIsaya, Jehovha akadudza ani semumiriri wake nokuda kwokukurira Bhabhironi?
◻ Uporofita hwaIsaya hwairondedzera kukurirwa kweBhabhironi hwakazadzikwa sei?
◻ Kukurirwa kweBhabhironi kwakava nomugumisiroi wakanaka pazita raJehovha?
[Mufananidzo uri papeji 9]
Bhabhironi rairatidzika serisingakundiki kumarudzi ezuva raEzekieri