RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kuzivisa Rudzi Rwakarurama Rwenhume
    Nharireyomurindi—1997 | May 1
    • 10. Koreshi aka“zodzwa” munzirai, uye Jehovha aigona sei kutaura kwaari makore anopfuura zana asati aberekwa?

      10 Cherekedza kuti Jehovha anotaura kuna Koreshi sokunge kuti anotove mupenyu. Izvozvi zvinotsinhirana nekutaura kwaPauro kwokuti Jehovha ano“dana zvisipo sezvinenge zviripo.” (VaRoma 4:17) Uyewo, Mwari anozivisa Koreshi so“muzodzwa wake.” Nei akaita izvozvo? Pashure pezvose, muprista mukuru waJehovha haana kutongodurura mafuta matsvene okuzodza pamusoro waKoreshi. Chokwadi, asi ikoku kuzodza kwouporofita. Kunoratidzira kupinzwa mubasa chairo. Naizvozvo Mwari aigona kutaura nezvekugadza kwake Koreshi pachine nguva mberi sokuzodza.—Enzanisa na1 Madzimambo 19:15-17; 2 Madzimambo 8:13.

  • Kuzivisa Rudzi Rwakarurama Rwenhume
    Nharireyomurindi—1997 | May 1
    • 12, 13. Mashoko aJehovha kupfurikidza nenhume yake Isaya akava sei echokwadi apo Bhabhironi rakawa kuna Koreshi?

      12 Asi kwete nhapwa dziya dzeChijudha dzaiva nokutenda muna Jehovha! Dzaiva netariro yakajeka. Kupfurikidza navaporofita vake, Mwari akanga apikira kudzisunungura. Mwari akazadzika sei chipikirwa chake? Koreshi akarayira mauto ake kutsausa Rwizi rwaYufuratesi pane imwe nzvimbo makiromita anoverengeka kuchamhembe kweBhabhironi. Nokudaro, dziviriro huru yeguta yakashandurwa kuva rinenge gova. Pausiku hunokosha, zvidhakwa zvinofara muBhabhironi nokusaitira hanya zvakasiya masuo maviri epakatarisana nepamberi pemvura yaYufuratesi akazaruka. Jehovha haana chaizvoizvo kupwanya masuo endarira; uyewo haana kucheka matare aiapfiga, asi kuronga kwake kunoshamisa kuaita kuti arambe akazaruka uye asina kukochekerwa zvakava nemugumisiro mumwe chetewo. Masvingo eBhabhironi akanga asingabetseri. Mauto aKoreshi aisafanira kuakwira kuti apinde. Jehovha akatungamirira Koreshi, achibvisa “pasina kuenzana,” hungu, mhinganidzo dzose. Isaya akabvumikiswa kuva nhume yaMwari yechokwadi.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe