Chitsauko 6
Jehovha—“Mwari Wakarurama noMuponesi”
1, 2. Zvii zvinovimbiswa muchitsauko 45 chaIsaya, uye mibvunzo ipi ichaongororwa?
ZVIPIKIRWA zvaJehovha zvakavimbika. NdiMwari anozivisa uye ndiMwari wokusika. Akaratidza kuva Mwari wakarurama noMuponesi wevanhu vemarudzi ose kazhinji. Izvi ndizvo zvimwe zvezvinovimbiswa zvinofadza zvinowanikwa muchitsauko 45 chaIsaya.
2 Uyezve, chitsauko 45 chaIsaya chine muenzaniso unoshamisa wokukwanisa kuprofita kwaJehovha. Mudzimu waMwari unogonesa Isaya kutarira nyika dziri kure uye kufanoona zviitiko zviri mumazana emakore achauya, uye unomuita kuti arondedzere chiitiko icho Jehovha bedzi, Mwari wouprofita hwechokwadi, aigona kufanotaura zvakarurama kudaro. Chiitiko chipi ichocho? Uye chinoitei pavanhu vaMwari vomuzuva raIsaya? Chinorevei kwatiri nhasi? Ngationgororei mashoko omuprofita.
Chirevo chaJehovha kuBhabhironi
3. Isaya 45:1-3a inorondedzera kukunda kwaKoreshi nemashoko api akajeka?
3 “Zvanzi naJehovha kumuzodzwa wake, kuna Koreshi, wandakabata ruoko rwake rworudyi, kuti ndikunde marudzi avanhu pamberi pake, ndichisunungura zviuno zvamadzimambo, ndimuzarurire mikova pamberi pake, namasuo arege kuzarirwa: Ini ndichaenda pamberi pako, ndichienzanisa pasina kuenzana; ndichaputsa-putsa mikova yendarira, nokugura-gura mipfigo yendarama; ndichakupa pfuma iri murima, noupfumi hwakavanzwa panzvimbo dzisingazikanwi.”—Isaya 45:1-3a.
4. (a) Nei Jehovha achidana Koreshi kuti “muzodzwa” wake? (b) Jehovha achaitei kuti ave nechokwadi chokuti Koreshi anokunda?
4 Jehovha, achishandisa Isaya, anotaura naKoreshi sokunge kuti mupenyu, kunyange zvazvo muzuva raIsaya Koreshi asati aberekwa. (VaRoma 4:17) Sezvo Jehovha achifanogadza Koreshi kuti aite basa chairo, Koreshi anogona kunzi “muzodzwa” waMwari. Achitungamirirwa naMwari, achakurira marudzi, achiita kuti madzimambo asava nesimba uye asakwanisa kurwisa. Saka, Koreshi paanorwisa Bhabhironi, Jehovha achaita kuti masuo eguta asiyiwe akashama, zvichiita kuti ave asingabatsiri kungofanana nemasuo apwanywa. Achaenda pamberi paKoreshi, achibvisa zvipinganidzo zvose. Pakupedzisira, mauto aKoreshi achakurira guta racho otora “pfuma” yaro “yakavanzwa,” upfumi hwaro hwakavigwa mumakamuri ane rima. Izvi ndizvo zvinofanotaurwa naIsaya. Mashoko ake anoitika here?
5, 6. Uprofita pamusoro pokuwa kweBhabhironi hunoitika rini uye sei?
5 Mugore ra539 B.C.E.—anenge makore 200 Isaya anyora uprofita uhwu—Koreshi zvechokwadi anosvika pamasvingo eBhabhironi kuzorwisa guta racho. (Jeremia 51:11, 12) Zvisinei, vaBhabhironi havana kana hanya nazvo. Vanofunga kuti guta ravo harikundiki. Masvingo aro marefu anoonekwa seawedzera kureba nomumigero izere nemvura inobva kuRwizi Yufratesi, inodzivirirawo guta racho. Kweanopfuura makore zana, hapana muvengi akakwanisa kungoerekana akunda Bhabhironi! Kutaura zvazviri, mutongi weBhabhironi anogaramo, Bhershazari, anonzwa akachengeteka kwazvo zvokuti anotoita zvake mabiko nemakurukota ake. (Dhanieri 5:1) Usiku ihwohwo—usiku hwaOctober 5/6—Koreshi anoita basa rehondo rinoshamisa.
6 Nechokumusoro kubva kuBhabhironi, mainjiniya aKoreshi achera mumhenderekedzo dzeRwizi Yufratesi, achitsausa mvura yarwo kuti irege kuramba ichiyerera ichidzika zasi kuguta. Pasina nguva refu, mvura yomurwizi rwacho uye kupota Bhabhironi rose inoserera kwazvo zvokuti mauto aKoreshi anokwanisa kuyambuka rwizi rwacho akananga pamwoyo peguta iri. (Isaya 44:27; Jeremia 50:38) Nenzira inoshamisa, seizvo Isaya akafanotaura, masuo akadziva kurwizi rwacho akashama. Mauto aKoreshi anomomotera Bhabhironi, anotora muzinda wamambo, ouraya Mambo Bhershazari. (Dhanieri 5:30) Muusiku humwe rukundo rwaitwa. Bhabhironi rawa, uye uprofita hunozadzika zvakazara.
7. VaKristu vechokwadi vanosimbiswa sei nokuzadzika kunoshamisa kwouprofita hwaIsaya pamusoro paKoreshi?
7 Kuzadzika nomazvo kwouprofita uhwu kunosimbisa kutenda kwevaKristu nhasi. Kunovapa chikonzero chakasimba chokudavira kuti uprofita hweBhaibheri husati hwazadzika hwakavimbikawo zvakakwana. (2 Petro 1:20, 21) Vanamati vaJehovha vanoziva kuti chiitiko chakafanofananidzirwa nokuwa kweBhabhironi muna 539 B.C.E.—kuwa kwe“Bhabhironi Guru”—kwakatoitika kare muna 1919. Kunyange zvakadaro, vachiri kutarisira kuparadzwa kwakapikirwa kwesangano rezvechitendero iroro romuzuva razvino pamwe chete nokubviswa kwezvematongerwe enyika zviri kudzorwa naSatani, kukandirwa mugomba rakadzika-dzika kwaSatani, uye kuuya kwematenga matsva nepasi idzva. (Zvakazarurwa 18:2, 21; 19:19-21; 20:1-3, 12, 13; 21:1-4) Vanoziva kuti uprofita hwaJehovha hahusi zvipikirwa zvisingaitwi, asi kurondedzerwa kwezviitiko chaizvo zvomunguva yemberi. Chivimbo chevaKristu vechokwadi chinosimbiswa pavanoyeuka kuzadzika kwemashoko ose ouprofita hwaIsaya pamusoro pokuwa kweBhabhironi. Vanoziva kuti Jehovha anozadzisa shoko rake nguva dzose.
Chikonzero nei Jehovha Achaitira Koreshi Nyasha
8. Ndechipi chimwe chikonzero chinoita kuti Jehovha ape rukundo kuna Koreshi paBhabhironi?
8 Pashure pokutaura kuti ndiani achakunda Bhabhironi uye kuti izvi zvichaitwa sei, Jehovha anoenderera mberi achitsanangura chimwe chikonzero nei Koreshi achapiwa rukundo. Jehovha, achitaura naKoreshi nenzira youprofita, anoti “kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsraeri, unokudana nezita rako.” (Isaya 45:3b) Zvakakodzera kuti mutongi wesimba renyika rechina munhoroondo yeBhaibheri azive kuti rukundo rwake rukuru runouya nemhaka yokutsigira kwomumwe ari mukuru kumupfuura—Jehovha, Changamire Wezvakasikwa Zvose. Koreshi anofanira kubvuma kuti anomudana, kana kuti anomupa basa, ndiJehovha, Mwari waIsraeri. Zviri muBhaibheri zvinoratidza kuti Koreshi zvechokwadi akabvuma kuti rukundo rwake rukuru rwakabva kuna Jehovha.—Ezra 1:2, 3.
9. Jehovha anounza Koreshi kuti azokurira Bhabhironi nokuda kwechikonzero chipi chechipiri?
9 Jehovha anotsanangura chikonzero chechipiri nei achiunza Koreshi kuti azokurira Bhabhironi achiti: “Nokuda kwaJakobho muranda wangu, nokwaIsraeri musanangurwa wangu, ndakakudana nezita rako, ndakakutumidza zita rakanaka, kunyange wakanga usingandizivi.” (Isaya 45:4) Kukunda Bhabhironi kwaKoreshi kunozunungusa pasi pose. Kunoratidza kuwa kwerimwe simba renyika uye kumuka kwerimwe, uye kunosiya chiratidzo munhau dzakaitika nokuda kwezvizvarwa zvichauya. Asi, avo vemamwe marudzi akapoteredza vakanyatsotarisa zvinoitika zvacho zvichida vachashamisika nokuziva kuti zvose zvinoitika nokuda kwenhapwa “dzisina basa” zviuru zvishomanene dziri muBhabhironi—vaJudha, vedzinza raJakobho. Zvisinei, mumaziso aJehovha, vanopukunyuka ava vorudzi rwekare rwaIsraeri havasi vasina basa. “Muranda” wake. Pamarudzi ose epasi, “musanangurwa” wake. Kunyange zvazvo Koreshi pakutanga akanga asingazivi Jehovha, anoshandiswa naJehovha somuzodziwa Wake kukunda guta rakaramba kuregedza nhapwa dzaro. Hachisi chinangwa chaMwari kuti vanhu vake vakasanangurwa vapere mwoyo vari munyika yokumwe nokusingaperi.
10. Ndechipi chikonzero chinokosha zvikuru chinoita kuti Jehovha ashandise Koreshi kugumisa Simba Renyika reBhabhironi?
10 Pane chikonzero chechitatu, chinotokosha zvikuru nei Jehovha achishandisa Koreshi kukurira Bhabhironi. Jehovha anoti: “Ndini Jehovha, hakuna mumwe; kunze kwangu hakuna mumwe Mwari. Ndichakusunga chiuno kunyange usina kundiziva; kuti vazive kubva kumabudazuva nokumavirazuva, kuti hakuna mumwe kunze kwangu; ndini Jehovha, hakuna mumwe.” (Isaya 45:5, 6) Hungu, kuwa kweSimba Renyika reBhabhironi kuratidzwa kwokuti Jehovha ndiye Mwari, uchapupu kumunhu wose hwokuti iye oga ndiye akafanira kunamatwa. Nemhaka yokuti vanhu vaMwari vanosunungurwa, vanhu vanobva kunyika zhinji—kubva kumabvazuva kuenda kumavirazuva—vachasvika pakubvuma kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi bedzi.—Maraki 1:11.
11. Jehovha anoenzanisira sei kuti ane simba rokuzadzika chinangwa chake pamusoro peBhabhironi?
11 Yeuka kuti uprofita hwaIsaya uhwu hwakanyorwa anenge makore 200 izvi zvisati zvaitika. Pavakahunzwa vamwe vangave vakashama kuti, ‘Jehovha ane simba zvechokwadi rokuhuzadzika here?’ Sezvinopupurirwa nenhau dzakaitika, mhinduro yacho ndeyokuti hungu. Jehovha anotsanangura kuti nei zvichinzwisisika kudavira kuti anogona kuita zvaanotaura achiti: “Ndini ndinoumba chiedza, nokusika rima; ndinoita rugare, nokusika njodzi; ndini Jehovha, unoita zvinhu izvi zvose.” (Isaya 45:7) Zvinhu zvose zvakasikwa—kubva kuchiedza kusvika kurima—uye zvose zvakaitika—kubva kurugare kusvika kunjodzi—zvinogona kudzorwa naJehovha. Sokungosika kwaanoita chiedza chemasikati nerima rousiku, naizvozvo achaita rugare nokuda kwaIsraeri uye njodzi nokuda kweBhabhironi. Jehovha ane simba rokusika zvinhu zvose, uyewo ane simba rokuzadzika uprofita hwake. Izvozvo zvinokurudzira vaKristu nhasi, avo vanodzidza shoko rake rouprofita nokushingaira.
12. (a) Jehovha anoita kuti matenga okufananidzira nepasi zvibudise chii? (b) Chipikirwa chipi chinonyaradza chiri mumashoko aIsaya 45:8 nokuda kwevaKristu nhasi?
12 Nenzira yakakodzera, Jehovha anoshandisa zviitiko zvinogara zvichiitika pazvinhu zvakasikwa kuenzanisira zvakamirira vaJudha vari nhapwa achiti: “Iwe denga rose, donhedza zvichibva kumusoro, makore ngaadurure kururama; nyika ngaizaruke, kuti ibudise ruponeso, ibereke kururama pamwe chete; ini Jehovha ndakazvisika.” (Isaya 45:8) Sezvinongoitawo matenga chaiwo anodonhedza mvura inopa upenyu, Jehovha achaita kuti kururama kunaye pavanhu vake kubva kumatenga okufananidzira. Uye sezvinongoitawo pasi chaipo kuti panozaruka kuti pabudise mukohwe wakawanda, Jehovha achadana pasi rokufananidzira kuti ribudise zviitiko zvinoenderana nechinangwa chake chakarurama—kunyanya ruponeso nokuda kwevanhu vake vari nhapwa muBhabhironi. Muna 1919, Jehovha akaita kuti ‘denga’ ne“pasi” zvibudise zviitiko nenzira yakafanana kuti asunungure vanhu vake. Kuona zvinhu zvakadaro kunoita kuti vaKristu nhasi vafare. Nei? Nokuti zviitiko izvozvo zvinosimbisa kutenda kwavo sezvavanotarisira nguva apo matenga okufananidzira, Umambo hwaMwari, achaunza zvikomborero kupasi rakarurama. Panguva iyoyo kururama noruponeso zvichabva kumatenga okufananidzira nepasi zvichave zviri pamwero mukuru kwazvo kupfuura apo Bhabhironi rekare rakakundwa. Kuchava kuzadzika kwokupedzisira kune mbiri zvakadini kwemashoko aIsaya!—2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:1.
Zvikomborero Zvokubvuma Uchangamire hwaJehovha
13. Nei huri upenzi kuti vanhu vave nomubvunzo nezvinangwa zvaJehovha?
13 Pashure pokurondedzera zvikomborero zvinofadza zvomunguva yemberi uku, mataurire ouprofita hwacho anobva angochinja, uye Isaya anozivisa nhamo mbiri achiti: “Une nhamo unorwa noMuiti wake, icho chaenga pakati pezvaenga zvevhu! Ko ivhu ringati kune unoriumba: Unoiteiko? Kana basa rako ringati: Haana maoko, here? Une nhamo unoti kuna baba: Unoberekeiko? Kana kumukadzi: Unozvareiko?” (Isaya 45:9, 10) Sezviri pachena, vanakomana vaIsraeri vanoramba zvinofanotaurwa naJehovha. Pamwe havadaviri kuti Jehovha achabvumira vanhu vake kuva nhapwa. Kana kuti zvimwe vanotsoropodza pfungwa yokuti Israeri achasunungurwa namambo worudzi rwechihedheni panzvimbo pamambo weimba yaDhavhidhi. Kubudisa upenzi hwokuramba kwakadaro, Isaya anoenzanisa vanoramba nevhu rokuumbisa rakaraswa nezvaenga zvehari zvingada kubvunza uchenjeri hwomugadziri wazvo. Chinhu icho muumbi pachake akaumba zvino chava kutaura kuti muumbi haana maoko kana kuti simba rokuumba. Upenzi hwakadini! Vanoramba vacho vakafanana nevana vaduku vanoda kutsoropodza chiremera chevabereki vavo.
14, 15. Mashoko okuti “Mutsvene” no“Muiti” anozivisei nezvaJehovha?
14 Isaya anopa mhinduro yaJehovha kuvanoramba vakadaro achiti: “Zvanzi naJehovha, Mutsvene waIsraeri, noMuiti wavo: Ndibvunzei pamusoro pezvichazoitwa; pamusoro pavanakomana vangu, napamusoro pebasa ramaoko angu, mundirayire. Ndakaita nyika, nokusika vanhu pamusoro payo; ini, namaoko angu, ndakatatamura denga rose; ndakarayira hondo yose yaro. Ndakamumutsa nokururama, ndicharuramisa nzira dzake dzose; iye uchavaka guta rangu, nokusunungura vatapwa vangu, asingatsvaki mutengo kana mubayiro, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.”—Isaya 45:11-13.
15 Kurondedzera Jehovha so“Mutsvene,” kunosimbisa utsvene hwake. Kumudana kuti “Muiti,” kunosimbisa kodzero yake soMusiki kusarudza mafambire achaita zvinhu. Jehovha anokwanisa kuzivisa vanakomana vaIsraeri pamusoro pezvinhu zvichauya uye kutarisira basa remaoko ake, kureva vanhu vake. Zvakare nheyo dzokusika nokuzivisa dzinoratidzwa kuti dzinowirirana. Sezvo ari Musiki wezvinhu zvose, Jehovha ane kodzero yokutungamirira zvinhu munzira yaanosarudza. (1 Makoronike 29:11, 12) Munyaya iri kukurukurwa, Changamire Mutongi asarudza kumutsa Koreshi, muhedheni, somununuri waIsraeri. Kuuya kwaKoreshi, kunyange zvazvo kuchiri munguva yemberi, kune chokwadi sokuvapo kwedenga nepasi. Ndoupi mwanakomana waIsraeri kana zvakadaro aizoda hake kutsoropodza Baba, “Jehovha wehondo”?
16. Nei vashumiri vaJehovha vachifanira kuzviisa pasi pake?
16 Ndima idzodzi dzaIsaya dzine chimwezve chikonzero nei varanda vaMwari vachifanira kuzviisa pasi pake. Zvaanosarudza nguva dzose ndezvokuti zvinakire varanda vake. (Jobho 36:3) Akaita mitemo kuti ibatsire vanhu vake kuti vazviyamure. (Isaya 48:17) VaJudha vomuzuva raKoreshi vanobvuma uchangamire hwaJehovha vanoona kuti izvi ndezvechokwadi. Koreshi, achiita maererano nokururama kwaJehovha, anovaendesa kumusha vachibva Bhabhironi kuitira kuti vagovakazve temberi. (Ezra 6:3-5) Saizvozvowo nhasi, zvikomborero zvinowanikwa nevaya vanoshandisa mitemo yaMwari muupenyu hwavo hwezuva nezuva uye vanozviisa pasi pouchangamire hwake.—Pisarema 1:1-3; 19:7; 119:105; Johani 8:31, 32.
Zvikomborero Nokuda Kwemamwe Marudzi
17. Kunze kwaIsraeri, ndivanaani vachabatsirwa nemabasa okuponesa aJehovha, uye sei?
17 Israeri haazovi iye bedzi rudzi ruchabatsirwa nokuwa kweBhabhironi. Isaya anoti: “Zvanzi naJehovha: [Vashandi vasingabhadharwi veIjipiti, nevashambadzi veItiopiya, NW], nevaSabhea, ivo varume varefu, zvichauya kwauri, zvichava zvako; vachakutevera, vachauya vakasungwa namatare, vachapfugama pamberi pako, [vachanyengetera kwauri, NW], vachiti: Zvirokwazvo Mwari uri pakati pako, hakuna mumwe, hakuna mumwe Mwari.” (Isaya 45:14) Muzuva raMosesi, “vanhu vazhinji vakanga vakavhengana” vakanga vasiri vaIsraeri vakatevera vaIsraeri muKubuda kwavo muIjipiti. (Eksodho 12:37, 38) Saizvozvowo, vabvakure vachatevera nhapwa dzechiJudha dzinodzokera kumusha dzichibva Bhabhironi. Vasiri vaJudha ava havazomanikidzwi kuenda asi va“chauya kwa[va]ri.” Jehovha paanoti, “vachapfugama pamberi pako” uye “vachanyengetera kwauri,” ari kutaura nezvokuzviisa pasi nechido nokuzvipira kunoratidzwa kuna Israeri nevabvakure ava. Kana vakazvisunga nematare, zvichave zviri mupfungwa yokuzvidira, zvichiratidza kuda kwavo kushumira vanhu vaMwari vesungano, avo vachati kwavari: “Mwari uri pakati pako.” Vachanamata Jehovha sevatendeuki, mugadziriro yesungano yake naIsraeri.—Isaya 56:6.
18. Ndivanaani nhasi vakabatsirwa nokusunungurwa kwa“Israeri waMwari” naJehovha, uye munzira dzipi?
18 Kubvira muna 1919 apo “Israeri waMwari” akasunungurwa pakutapwa kwomudzimu, mashoko aIsaya akava nokuzadzika kukuru kupfuura muzuva raKoreshi. Mamiriyoni munyika yose anoratidza kuda kushumira Jehovha. (VaGaratiya 6:16; Zekaria 8:23) Kufanana ne‘vashandi vasingabhadharwi’ ne‘vashambadzi’ vanotaurwa nezvavo naIsaya, nomufaro vanopa simba ravo nemari yavo kuti vatsigire kunamata kwechokwadi. (Mateu 25:34-40; Mako 12:30) Vanozvitsaurira kuna Mwari vofamba munzira dzake, nomufaro vachiva varanda vake. (Ruka 9:23) Vanonamata Jehovha bedzi, vachifara nokuwana zvinobatsira zvinobva mukusonganirana no“muranda akatendeka, akangwara” waJehovha, uyo ari muukama chaihwo hwesungano naMwari. (Mateu 24:45-47; 26:28; VaHebheru 8:8-13) Kunyange zvazvo vasiri musungano iyoyo, ‘vashandi vasingabhadharwi’ ivavo ne‘vashambadzi’ vanobatsirwa nayo uye vanoteerera mitemo yakabatana nayo, vachizivisa noushingi kuti: “Hakuna mumwe Mwari.” Zvinofadza sei kuva zvapupu zvinoona nhasi kuwedzera kukuru kwevatsigiri vanozvidira vakadaro vokunamata kwechokwadi!—Isaya 60:22.
19. Chii chichaitika kune avo vanoomerera pakunamata zvidhori?
19 Pashure pokuzivisa kuti vanhu vemarudzi vachanamatawo Jehovha, muprofita wacho anoshamisika achiti: “Zvirokwazvo muri Mwari unovanda, imi Mwari waIsraeri, Muponesi”! (Isaya 45:15) Kunyange zvazvo Jehovha achirega kuratidza simba rake panguva ino, munguva yemberi haazozvivanzi. Achizviratidza kuva Mwari waIsraeri, Muponesi wevanhu vake. Zvisinei, Jehovha haazovi Muponesi wevanovimba nezvidhori. Nezvevakadaro Isaya anoti: “Ivo vose vachanyadziswa vave nenyadzi; vaiti vezvifananidzo vachanyadziswa pamwe chete.” (Isaya 45:16) Kunyadziswa kwavo kuchapfuura kungonzwa kunyara kwenguva pfupi. Kuchareva rufu—mhesano yeizvo Jehovha anotevera kupikira Israeri.
20. Israeri achaona “ruponeso rusingaperi” munzirai?
20 “Asi vaIsraeri vachaponeswa [muna] Jehovha noruponeso rusingaperi; hamunganyadziswi kana kuva nenyadzi kusvikira panguva dzisingaperi.” (Isaya 45:17) Jehovha anopikira ruponeso rusingaperi kuna Israeri, asi pane zvinodiwa. Israeri anofanira kuramba ari “muna Jehovha.” Israeri paanodimbura mubatanidzwa iwoyo nokuramba Jesu saMesiya, rudzi rwacho rucharasikirwa netariro yo“ruponeso rusingaperi.” Zvisinei, vamwe muna Israeri vachatenda Jesu, uye ivava ndivo vachava mwoyo waIsraeri waMwari, uyo achatora nzvimbo yaIsraeri wenyama. (Mateu 21:43; VaGaratiya 3:28, 29; 1 Petro 2:9) Israeri womudzimu haazombonyadziswi. Achapinzwa mu“sungano isingaperi.”—VaHebheru 13:20.
Muzvakasikwa uye Muzvakaziviswa, Jehovha Akavimbika
21. Jehovha anozviratidza sei kuti akavimbika zvizere muzvakasikwa nezvakaziviswa?
21 VaJudha vangavimba nechipikirwa chaJehovha here choruponeso rusingaperi kuna Israeri? Isaya anopindura kuti: “Nokuti zvanzi naJehovha wakasika denga rose, iye Mwari wakaumba nyika nokuiita, wakaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi wakaiumba kuti igarwe, zvanzi naye: Ndini Jehovha, hakuna mumwe. Handina kutaura pakavanda, panzvimbo yenyika yerima; handina kuti kurudzi rwaJakobho: Nditsvakei pasina; ini Jehovha, ndinotaura zvakarurama, ndinoparidza zvazvokwadi.” (Isaya 45:18, 19) Kechina uye kokupedzisira muchitsauko chino, Isaya anozarura shoko rouprofita rakadzama nemashoko okuti: “Zvanzi naJehovha.” (Isaya 45:1, 11, 14) Jehovha anoti chii? Anoti muzvakasikwa nezvakaziviswa, akavimbika. Haana kungosikira pasi “pasina.” Saizvozvowo, haakumbiri vanhu vake, Israeri, kuti vamutsvake “pasina.” Sezvo chinangwa chaMwari nokuda kwepasi chichaitwa, saizvozvo chinangwa chaMwari nokuda kwevanhu vake vakasanangurwa chichaitwa. Mukupesana nokutaura kusina kujeka kwaavo vanoshumira vanamwari venhema, mashoko aJehovha anotaurwa pachena. Mashoko ake akarurama, uye achaitika. Avo vanomushumira havazomushumiri pasina.
22. (a) VaJudha vakatapwa muBhabhironi vanogona kuva nechokwadi nechii? (b) VaKristu nhasi vane vimbiso yechii?
22 Nokuda kwevanhu vaMwari vakatapwa muBhabhironi, mashoko iwayo chipikirwa chokuti Nyika Yakapikirwa haizorambi iri dongo. Ichagarwazve. Uye zvipikirwa zvaJehovha kwavari zvinoitika. Nokumwe kutaura, mashoko aIsaya anovimbisa vanhu vaMwari nhasi kuti pasi harizoiti dongo rakaparara—rakaitwa marasha nomoto, seizvo vamwe vanodavira, kana kuti richaparadzwa namabhomba enyukireya, sezvinotya vamwe. Chinangwa chaMwari kuti pasi rizoramba riripo nokusingaperi, rakashonga runako rweparadhiso uye richigarwa nevagari vakarurama. (Pisarema 37:11, 29; 115:16; Mateu 6:9, 10; Zvakazarurwa 21:3, 4) Hungu, sezvakaitika kuna Israeri, mashoko aJehovha acharatidza kuti akavimbika.
Jehovha Anoratidza Ngoni Dzake
23. Zvinoguma sei kune vanonamata zvidhori, uye vanonamata Jehovha zvinovafambira sei?
23 Kuponeswa kwaIsraeri kunosimbiswa mumashoko aJehovha anotevera anoti: “Unganai, muuye; swederai pamwe chete, imi makapukunyuka kumarudzi; vanotakura matanda iri mifananidzo yavo yakavezwa havana zivo, ivo vanonyengetera mwari usingagoni kuponesa. Paridzai, muzvibudise; zvirokwazvo, ngavarangane pamwe chete, vachiti: Ndiani wakazviratidza izvi kubvira panguva yekare-kare? Ndiani wakazviparidza pakutanga? Handizini Jehovha here? Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu, Mwari wakarurama noMuponesi, hakuna nomumwe kunze kwangu.” (Isaya 45:20, 21) Jehovha anounganidza va“kapukunyuka” kuti vaenzanise ruponeso rwavo nezvinoitika kune vanonamata zvidhori. (Dheuteronomio 30:3; Jeremia 29:14; 50:28) Nemhaka yokuti vanamati vezvidhori vanonyengetera nokushumira vanamwari vasina simba vasingagoni kuvaponesa, “havana zivo.” Kunamata kwavo hapana zviripo—ndiko pasina. Zvisinei, avo vanonamata Jehovha vanowana kuti ane simba rokuunza zviitiko zvaakafanotaura “kare-kare,” kusanganisira ruponeso rwevanhu vake vakatapwa muBhabhironi. Simba rakadaro nokufanoona kwakadaro kwakasiyanisa Jehovha nevamwe vanamwari vose. Zvechokwadi, ndi“Mwari wakarurama noMuponesi.”
“Tinowana Ruponeso Kuna Mwari Wedu”
24, 25. (a) Jehovha anokoka achiti chii, uye nei chipikirwa chake chine chokwadi chokuzadzika? (b) Jehovha anoda chii nenzira yakakodzera?
24 Ngoni dzaJehovha dzinomuita kuti akoke achiti: “Tarirai kwandiri muponeswe, imi mativi ose enyika; nokuti ndini Mwari, hakuna mumwe. Ndakapika neni ndimene, shoko rabuda mumuromo mangu nokururama, haringadzoki, kuti mabvi ose achandipfugamira, marimi ose achapika neni. Zvanzi pamusoro pangu: Kururama nesimba zviri muna Jehovha bedzi; vanhu vachauya kwaari, vose vakanga vamutsamwira vachanyadziswa. Rudzi rwose rwaIsraeri rucharuramisirwa muna Jehovha, nokuzvirumbidza maari.”—Isaya 45:22-25.
25 Jehovha anopikira Israeri kuti achaponesa vari muBhabhironi vanouya kwaari. Kukundikana kwouprofita hwake chinhu chisingabviri nemhaka yokuti Jehovha ane chido zvose nokukwanisa kununura vanhu vake. (Isaya 55:11) Mashoko aMwari pachawo akavimbika, asi akatonyanya kudaro apo Jehovha anobatanidza mhiko yake kuasimbisa. (VaHebheru 6:13) Nenzira yakakodzera anoda kuteererwa (“mabvi ose achandipfugamira”) uye kuzvipira (“marimi ose achapika neni”) nokuda kwaavo vanoda nyasha dzake. VaIsraeri vanotsungirira mukunamata Jehovha vachaponeswa. Vachakwanisa kuzvirumbidza nokuda kwezvavanoitirwa naJehovha.—2 VaKorinde 10:17.
26. “Boka guru revanhu” vanobva kumarudzi ose riri kuitei nokukoka kwaJehovha kwokuti vauye kwaari?
26 Zvisinei, kukoka kwaMwari kwokuenda kwaari, hakungoitwi kunhapwa dziri muBhabhironi rekare chete. (Mabasa 14:14, 15; 15:19; 1 Timoti 2:3, 4) Kukoka uku kuchiri kuitwa, uye “boka guru revanhu . . . vanobva kumarudzi ose” rinobvuma uye rinozivisa kuti: “Tinowana ruponeso kuna Mwari wedu . . . uye kuGwayana [Jesu].” (Zvakazarurwa 7:9, 10; 15:4) Gore rimwe nerimwe, mazana ezviuru zvevanhu vatsva anofutunura boka guru revanhu nokuuya kuna Mwari, vachibvuma uchangamire hwake zvizere nokuzivisa pachena kuzvipira kwavo kwaari. Mukuwedzera vanotsigira nokuvimbika kuna Israeri womudzimu, ‘mbeu yaAbrahamu.’ (VaGaratiya 3:29) Vanoratidza kuda kwavo kutonga kwakarurama kwaJehovha nokuzivisa munyika yose kuti: “Kururama nesimba zviri muna Jehovha bedzi.”a Mutsamba yake kuvaRoma, muapostora Pauro akatora mashanduriro eSeptuagint Isaya 45:23 kuratidza kuti pakupedzisira munhu wose mupenyu achabvuma uchangamire hwaMwari uye acharamba achirumbidza zita rake.—VaRoma 14:11; VaFiripi 2:9-11; Zvakazarurwa 21:22-27.
27. Nei vaKristu nhasi vachigona kuva nechivimbo chakazara muzvipikirwa zvaJehovha?
27 Nei veboka guru revanhu vangavimba kuti kuuya kuna Mwari kunoreva ruponeso? Nokuti zvipikirwa zvaJehovha zvakavimbika, sokuratidza pachena kunoita mashoko ouprofita anowanikwa muchitsauko 45 chaIsaya. Sezvo Jehovha aiva nesimba nouchenjeri zvokusika matenga nepasi, naizvozvo ane simbawo nouchenjeri zvokuita kuti uprofita hwake huitike. Uye sezvaakangoita kuti uprofita pamusoro paKoreshi huitike, naizvozvo achazadzika humwe uprofita hweBhaibheri hwose hwakamirira kuzadzika. Naizvozvo, vanamati vaJehovha, vanogona kuva nechivimbo chokuti nokukurumidza Jehovha acharatidza zvakare kuva “Mwari wakarurama noMuponesi.”
[Mashoko Omuzasi]
a Shanduro yeNyika Itsva inoshandisa mashoko okuti “kururama kwakazara” nemhaka yokuti rugwaro rwechiHebheru rune shoko rokuti “kururama” riri muzvizhinji. Chimiro chezvizhinji chinoshandiswa kuratidza kuwanda kwakaita kururama kwaJehovha.
[Mifananidzo iri papeji 80, 81]
Jehovha, anoita chiedza nokusika rima, anogona kuita rugare nokusika njodzi
[Mufananidzo uri papeji 83]
Jehovha achaita kuti “matenga” anayise zvikomborero uye “pasi” ribudise ruponeso
[Mufananidzo uri papeji 84]
Zvaenga zvehari zvakaraswa zvingabvunza uchenjeri hwomuiti wazvo here?
[Mufananidzo uri papeji 89]
Jehovha haana kusikira pasi pasina