Chitsauko 9
Jehovha Anotidzidzisa Zvinotibatsira
1. Vanhu vakachenjera vanoita sei nemashoko aJehovha?
JEHOVHA paanotaura, vakachenjera vanoteerera noruremekedzo rukuru uye vanoita chimwe chinhu nemashoko ake. Zvinhu zvose zvinotaurwa naJehovha ndezvokutibatsira, uye anofarira kwazvo kugara kwedu zvakanaka. Somuenzaniso, zvinonyevenutsa mwoyo zvikuru kufunga nezvenzira iyo Jehovha akataura nayo nevanhu vake vekare vesungano achiti: “Haiwa! Dai wakateerera hako mirayiro yangu!” (Isaya 48:18) Kukosha kwedzidziso dzaMwari kwakaedzwa kunofanira kutiita kuti tide kumuteerera nokutevera nhungamiro yake. Zvakanyorwa pamusoro pouprofita hwakazadzika zvinobvisa kusava nechokwadi kwose pamusoro pechinangwa chaJehovha chokuzadzika zvipikirwa zvake.
2. Mashoko aIsaya 48 akanyorerwa ani, uye ndiani mumwe anogona kubatsirwa nawo?
2 Mashoko echitsauko chechi48 chebhuku raIsaya sezviri pachena akanyorerwa vaJudha vaizova nhapwa muBhabhironi. Uyezve, mashoko aya ane shoko iro vaKristu nhasi vasingafaniri kungosiyawo zvavo. Muna Isaya chitsauko 47, Bhaibheri rakafanotaura nezvokuwa kweBhabhironi. Zvino Jehovha anorondedzera zvaari kufunga pamusoro penhapwa dzechiJudha dziri muguta iroro. Jehovha anorwadziwa nounyengeri hwevasanangurwa vake uye kuomesa kwavo musoro vachiramba kudavira zvipikirwa zvake. Kunyange zvakadaro, anoda kuvarayira zvinovabatsira. Anofanoona nguva yokunatswa inotungamirira kukudzorerwa kwevakatendeka vachasara kunyika yokumusha kwavo.
3. Chii chakanga chisina kururama nokunamata kwevaJudha?
3 Kutsauka nokure zvakadini pakunamata kwakachena kwaita vanhu vaJehovha! Mashoko aIsaya okuzarura anopengenutsa. “Inzwai izvi, imi imba yaJakobho, makatumidzwa zita raIsraeri, makabuda kumvura zhinji, yaJudha; imi, munopika nezita raJehovha, muchirumbidza Mwari waIsraeri, musingazviiti nezvokwadi kana nokururama. (nokuti vanozviidza veguta dzvene, vachisendama kuna Mwari waIsraeri; zita rake ndiJehovha wehondo.)” (Isaya 48:1, 2) Unyengeri hwakadini! Ku“pika nezita raJehovha” sezviri pachena kunongova kushandisa zita raMwari zvezita. (Zefania 1:5) Vasati vatapwa muBhabhironi, vaJudha vainamata Jehovha pa“guta dzvene,” Jerusarema. Asi kunamata kwavo kwakanga kusiri kwomwoyo wose. Mwoyo yavo yakanga iri kure naMwari, uye zviito zvokunamata kwavo vakanga va“singazviiti nezvokwadi kana nokururama.” Vakanga vasina kutenda kwemadzibaba avo.—Maraki 3:7.
4. Kunamata kworudzii kunofadza Jehovha?
4 Mashoko aJehovha anotiyeuchidza kuti kunamata hakufaniri kuva kwezita. Kunofanira kubva pamwoyo. Basa rechipamesowo zvaro—pamwe rinoitirwa kungofadza kana kuti kuorora vamwe—hariumbi anonzi “mabasa ekuzvipira kuna Mwari.” (2 Petro 3:11) Kuzviti muKristu kwomunhu pachake hakuiti kuti kunamata kwake kugamuchirike kuna Mwari. (2 Timoti 3:5) Kuziva kuti Jehovha ariko kunokosha, asi anongova mavambo. Jehovha anoda kunamata kwomwoyo wose uye kunokurudzirwa norudo rwakadzama nokuonga.—VaKorose 3:23.
Kufanotaura Zvinhu Zvitsva
5. Ndezvipi zvimwe “zvinhu zvekare” zvakafanotaurwa naJehovha?
5 Pamwe vaJudha ivavo vari muBhabhironi vanoda kuyeuchidzwa. Nokudaro, Jehovha anovayeuchidza zvakare kuti ndiMwari wouprofita hwechokwadi: “Ndakaparidza zvinhu zvekare kubva pakutanga; zvirokwazvo, zvakabuda mumuromo mangu, ndakazvizivisa; ndakazviita kamwe kamwe, zvikaitika.” (Isaya 48:3) “Zvinhu zvekare” ndeizvo Mwari akatoita, zvakadai sokusunungura vaIsraeri kubva kuIjipiti nokuvapa Nyika Yakapikirwa senhaka. (Genesi 13:14, 15; 15:13, 14) Kufanotaura kwakadaro kunobuda mumuromo maMwari; kunobva kuna Mwari. Mwari anoita kuti vanhu vanzwe mirayiro yake, uye zvavanonzwa zvinofanira kuvaita kuti vateerere. (Dheuteronomio 28:15) Anoita chiito kamwe kamwe kuti aite zvaakafanotaura. Pfungwa yokuti Jehovha ndiye Wemasimba Ose inosimbisa kuti chinangwa chake chinozadziswa.—Joshua 21:45; 23:14.
6. VaJudha vave va“singateereri, [vano]mukira” zvakadini?
6 Vanhu vaJehovha vave va“singateereri, [vano]mukira.” (Pisarema 78:8) Anovaudza pachena kuti: “Mwoyo wako mukukutu, nomutsipa wako runda rwedare, nehuma yako ndarira.” (Isaya 48:4) Kufanana nesimbi, vaJudha vakaoma kufonyora—havanzwi. Ndicho chimwe chikonzero nei Jehovha achizivisa zvinhu zvisati zvaitika. Zvikasadaro, vanhu vake vachati pamusoro pezvinhu zvakaitwa naJehovha: “Chifananidzo changu ndicho chakaita izvozvo, mufananidzo wangu wakavezwa nomufananidzo wangu wakaumbwa ndizvo zvakarayira izvozvo.” (Isaya 48:5) Zviri kutaurwa naJehovha iye zvino zvichachinja vaJudha vasina kutendeka here? Mwari anoti kwavari: “Wakazvinzwa; tarira izvi zvose; zvino imi hamungazviparidzi here? Ndakakuzivisa zvinhu zvitsva kubva panguva ino, zvinhu zvakavanzwa, zvawakanga usingazivi. Zvasikwa zvino, zvakanga zvisipo kare; hauna kumbozvinzwa zuva rino risati rasvika; kuti urege kuti: Tarirai, ndaizviziva.”—Isaya 48:6, 7.
7. VaJudha vakatapwa vachafanira kubvuma chii, uye chii chavanogona kutarisira?
7 Pachine nguva refu kwazvo Isaya akanyora achifanotaura nezvokuwa kweBhabhironi. Zvino zvavari nhapwa muBhabhironi, vaJudha vanorayirwa nenzira youprofita kufungisisa kuzadzika kwezvakafanotaurwa zvacho. Vangaramba here kuti Jehovha ndiMwari wouprofita hwakazadzika? Uye sezvo vagari venyika yeJudha vakaona nokunzwa kuti Jehovha ndiMwari wechokwadi, havafaniri kuzivisawo vamwe chokwadi ichi here? Shoko raJehovha rakaziviswa rinofanotaura zvinhu zvitsva zvisati zvapfuura, zvakadai sokukunda Bhabhironi kwaKoreshi nokusunungurwa kwevaJudha. (Isaya 48:14-16) Zviitiko zvinoshamisa kudaro zvinoita sezvinongonyuka. Hapana munhu angagona kudai akafanozviona nokungotarira mafambiro emamiriro ezvinhu munyika. Zvinosvika sokunge zvangonyuka pasina chinhu. Ndiani anoitisa zviitiko izvi? Sezvo Jehovha achifanozvitaura pachine makore anenge 200, mhinduro yacho iri pachena.
8. Zvinhu zvitsva zvipi izvo vaKristu vanotarisira nhasi, uye nei vachivimba zvakakwana neshoko raJehovha rouprofita?
8 Uyezve, Jehovha anoita shoko rake maererano nenguva yake. Uprofita hwakazadzika hunoratidza kuva kwake Mwari kwete kuvaJudha vekare bedzi asiwo kuvaKristu nhasi. Uprofita hwakasiyana-siyana hwakanyorwa hwakazadzika kare—“zvinhu zvekare”—ivimbiso yokuti zvinhu zvitsva zvakapikirwa naJehovha—“kutambudzika kukuru” kuri kuuya, kupukunyuka kwe“boka guru revanhu” mukutambudzika ikoko, “pasi idzva,” nezvimwe zvizhinji—zvichaitika. (Zvakazarurwa 7:9, 14, 15; 21:4, 5; 2 Petro 3:13) Vimbiso iyoyo inokurudzira vanhu vane mwoyo yakarurama nhasi kutaura nezvake nokushingaira. Vanonzwa sezvakaita munyori wePisarema, uyo akati: “Ndakaparidza mashoko omufaro paungano huru; tarirai, handingadzori miromo yangu.”—Pisarema 40:9.
Jehovha Anozvidzora
9. Rudzi rwaIsraeri rwave rwuri “mudariki kubva pachizvaro sei”?
9 Kuita kwevaJudha kwokusadavira uprofita hwaJehovha kwavatadzisa kuteerera nyevero dzake. Ndosaka achienderera mberi achiti kwavari: “Zvirokwazvo, hauna kunzwa, zvirokwazvo, hauna kuziva; zvirokwazvo, nzeve dzako dzakanga dzisina kudziurwa kubva panguva yekare; nokuti ndakaziva kuti wakaita nokunyengera, ukanzi mudariki kubva pachizvaro.” (Isaya 48:8) Nyika yeJudha yakaramba kunzwa mashoko aJehovha omufaro. (Isaya 29:10) Nzira iyo vanhu vaMwari vesungano vakaita nayo inoratidza rudzi rwacho kuva “mudariki kubva pachizvaro.” Kubva pakuberekwa kwarwo uye kwoupenyu hwarwo hwose, rudzi rwaIsraeri rwakazviitira mukurumbira wokumukira. Kudarika nokunyengera zvikanganiso zvenguva dzose zvevanhu vacho, kwete zviviwo hazvo zveapo neapo.—Pisarema 95:10; Maraki 2:11.
10. Nei Jehovha achazvidzora?
10 Hapachina kana tariro here? Kwete. Kunyange zvazvo nyika yeJudha yave ichimukira nokunyengera, Jehovha ndewechokwadi nguva dzose uye akatendeka. Kuti zita rake guru rikudzwe, achazvidzora pakudurura hasha dzake. Anoti: “Ndichanonosa kutsamwa kwangu nokuda kwezita rangu, ndichazvidzora pamusoro pako nokuda kwokurumbidzwa kwangu, kuti ndirege kukuparadza.” (Isaya 48:9) Kusiyana kwakadini! Vanhu vaJehovha, Israeri naJudha, vave vasina kutendeka kwaari. Asi Jehovha achatsvenesa zita rake, achiita nenzira ichaita kuti rirumbidzwe nokukudzwa. Nokuda kwechikonzero ichi, haazoparadzi vanhu vake vakasarudzwa.—Joere 2:13, 14.
11. Nei Mwari asingazobvumiri vanhu vake kuparadzwa zvachose?
11 Vanhu vane mwoyo yakarurama pakati pevaJudha vakatapwa vanopeputswa nokutsiurwa naMwari uye vanova vakatsunga kuteerera zvaanodzidzisa. Kuvakadaro kuzivisa kunotevera kunokurudzira kwazvo: “Tarira, ndakakunatsa, asi handina kuzviita senesirivha; ndakakuidza muchoto chokutambudzika. Nokuda kwangu, nokuda kwangu ndichazviita; nokuti zita rangu ringamhurwa sei? Handingapi mumwe kukudzwa kwangu.” (Isaya 48:10, 11) Nhamo dzemiedzo—dzakaita so“muchoto”—idzo Jehovha akabvumira kuuya pavanhu vake dzakavaedza nokuvanatsa, dzichiratidza zviri mumwoyo yavo. Chimwe chinhu chakadaro chakamboitika mazana emakore akanga apfuura apo Mosesi akati kumadzitateguru avo: “Wakafambiswa . . . naJehovha Mwari wako murenje makore aya makumi mana, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti azive zvaiva mumwoyo mako.” (Dheuteronomio 8:2) Pasinei nokuita kwavo kwokumukira, Jehovha haana kuparadza rudzi rwacho panguva iyoyo, uye haazoparadzi rudzi rwacho zvachose zvino. Naizvozvo zita rake norukudzo zvichasimudzirwa. Kudai vanhu vake vaizoparadzwa nevaBhabhironi, aizove asina kuchengeta sungano yake uye zita rake raizosvibiswa. Zvaizoratidza sokuti Mwari waIsraeri haana simba rokuponesa vanhu vake.—Ezekieri 20:9.
12. VaKristu vechokwadi vakanatswa sei muhondo yenyika yokutanga?
12 Munguva dzazvinowo, vanhu vaJehovha vave vachidawo kunatswa. Kare mumazuva okutanga ezana remakore rechi20, vazhinji veboka duku reVadzidzi veBhaibheri vakashumira Mwari nechido chomwoyo wose chokumufadza, asi vamwe vaiva nevavariro dzisina kururama, dzakadai sechido chokuva pamusoro. Boka duku iroro risati rakwanisa kutungamirira mukuparidza munyika yose mashoko akanaka akaprofitwa nokuda kwenguva yomugumo, raizoda kunatswa. (Mateu 24:14) Muprofita Maraki akaprofita kuti kunatswa kwakadaro kwaizoitwa pakuuya kwaJehovha kutemberi yake. (Maraki 3:1-4) Mashoko ake akazadzika muna 1918. VaKristu vechokwadi vakanga vaona nguva yokuedzwa kunopisa mukupisa kwehondo yenyika yokutanga uye kuedzwa ikoko kwakatungamirira kukusungwa kwaJoseph F. Rutherford, aiva purezidhendi weWatch Tower Society panguva iyoyo, uye vamwe vevamiririri vayo vaitungamirira. VaKristu vemwoyo wose ivavo vakabatsirwa nokunatswa uku. Vakabuda muHondo Yenyika I vatsunga zvikuru kupfuura kare kose kushumira Mwari wavo mukuru munzira chero ipi zvayo yaairatidza.
13. Vanhu vaJehovha vakaita sei pakutambudzwa mumakore anobvira muhondo yenyika yokutanga?
13 Kubva mazuva iwayo, Zvapupu zvaJehovha zvaigara zvichitarisana nechitambudzo chinotyisa. Izvi hazvina kuzviita kuti zvisava nechokwadi neshoko roMusiki wazvo. Asi zvakateerera mashoko omuapostora Petro kuvaKristu vaitambudzwa vomuzuva rake okuti: “Muri kufara zvikuru muna izvozvi, kunyange kwenguva duku panguva ino, kana zvichifanira kudaro, mave muchishungurudzwa nemiedzo yakasiyana-siyana, kuti kutenda kwenyu kwakaedzwa . . . kuwanikwe kuri chikonzero cherumbidzo nembiri nokukudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu.” (1 Petro 1:6, 7) Chitambudzo chinopisa hachiparadzi kuvimbika kwevaKristu vechokwadi. Asi, chinotoratidza kuchena kwezvavanovavarira. Chinowedzera kukutenda kwavo unhu hwakaedzwa hunoratidza kudzika kwokuzvipira kwavo norudo.—Zvirevo 17:3.
“Ndini Wokutanga, Ndini Wokupedzisira”
14. (a) Jehovha ndiye “wokutanga” ne“wokupedzisira” munzirai? (b) Jehovha akaita mabasa makuru api no“ruoko rwake”?
14 Zvino Jehovha anoteterera noushamwari vanhu vake vesungano achiti: “Nditeerere, iwe Jakobho, newe Israeri wandakadana: Ndini iye, ndini wokutanga, ndini wokupedzisirawo. Zvirokwazvo, ruoko rwangu rwakateya nheyo dzenyika, ruoko rwangu rworudyi rwakatatamura denga rose; kana ndichizvidana, zvinosimuka pamwe chete.” (Isaya 48:12, 13) Kusiyana nevanhu, Mwari ndewokusingagumi uye haachinji. (Maraki 3:6) Muna Zvakazarurwa, Jehovha anozivisa kuti: “Ndini Arufa naOmega, wokutanga nowokupedzisira, mavambo nomugumo.” (Zvakazarurwa 22:13) Hakuna Mwari wemasimba ose akatangira Jehovha uye pashure pake hapazovi nomumwe. Ndiye Mukuru noWokusingagumi, Musiki. “Ruoko” rwake—simba rake raakashandisa—rakaumba pasi nokutatamura matenga azere nenyeredzi. (Jobho 38:4; Pisarema 102:25) Paanodana zvaakasika, zvinomira zvakagadzirira kumushumira.—Pisarema 147:4.
15. Koreshi “unodikanwa” naJehovha munzirai uye nokuda kwechinangwa chei?
15 Kumwe kukoka kunokosha kunoitwa kuvaJudha nevasiri vaJudha kuchiti: “Unganai imi mose, munzwe; ndianiko pakati pavo wakaparidza zvinhu izvi? Iye unodikanwa naJehovha, uchaita kuda kwake pamusoro peBhabhironi, ruoko rwake ruchava pamusoro pavaKardhea. Ini, iyeni, ndini ndakataura izvozvo; zvirokwazvo, ndakamudana, ndakamuuyisa, uchafambiswa panzira yakanaka.” (Isaya 48:14, 15) Jehovha bedzi ndiye ane simba rose uye ndiye anogona kufanotaura zvichaitika nenzira yakarurama. Hapana mumwe pakati “pavo,” zvidhori zvisingabatsiri, anokwanisa kutaura zvinhu izvi. Koreshi “unodikanwa,” naJehovha, kwete nezvidhori—kureva kuti Jehovha akamusarudzira chinangwa chaicho. (Isaya 41:2; 44:28; 45:1, 13; 46:11) Akafanoona kubuda kwaKoreshi panyika uye akamusarudza somukundi weBhabhironi womunguva yemberi.
16, 17. (a) Nei zvichigona kutaurwa kuti Mwari haana kufanotaura zvichaitika pachivande? (b) Jehovha akazivisa sei pachena zvinangwa zvake nhasi?
16 Nemataurire okunyengetedza, Jehovha anoenderera mberi achiti: “Swederai kwandiri, munzwe chinhu ichi; kubva pakutanga handina kutaura chinyararire; kubva panguva yokuvamba kwazvo, ndaivapo.” (Isaya 48:16a) Zvakafanotaurwa naJehovha hazvina kuitwa pachivande kana kuti kungoziviswa vakabvunza vashomanana. Vaprofita vaJehovha vakanga vari vatauriri vaMwari vainanga. (Isaya 61:1) Vaizivisa pachena kuda kwaMwari. Somuenzaniso, zviitiko zvine chokuita naKoreshi zvakanga zvisiri zvitsva kuna Mwari kana kuti akanga asina kufanozviona. Pachine makore anenge 200, Mwari akafanozvitaura pachena achishandisa Isaya.
17 Saizvozvowo nhasi, Jehovha haavanzi zvinangwa zvake. Mamiriyoni evanhu ari mumazana enyika nezvitsuwa zvegungwa anozivisa paimba neimba, mumigwagwa, uye kumwe kwose kwavangagona nyevero yomugumo uri kuuya wenyika ino uye mashoko akanaka ezvikomborero zvichauya muUmambo hwaMwari. Chokwadi, Jehovha ndiMwari anotaura zvinangwa zvake.
“Teerera Hako Mirayiro Yangu!”
18. Ndechipi chiri chido chaJehovha kuvanhu vake?
18 Achitsigirwa nomudzimu waJehovha, muprofita wacho anozivisa kuti: “Ishe Jehovha wakandituma, noMweya wake. Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri: Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.” (Isaya 48:16b, 17) Kuratidzwa kwokuva nehanya kwaJehovha uku kunofanira kusimbisa kurudzi rwaIsraeri kuti Mwari achavanunura paBhabhironi. Ndiye Mudzikinuri wavo. (Isaya 54:5) Chido chaJehovha chomwoyo wose ndechokuti vaIsraeri vadzokerezve muukama hwavo naye uye vateerere mitemo yake. Kunamata kwechokwadi kunobva pakuteerera mirayiridzo yaMwari. VaIsraeri havakwanisi kufamba munzira yakarurama kutoti vakadzidziswa ‘nzira yavanofanira kufamba nayo.’
19. Jehovha anoteterera nomwoyo wose achitii?
19 Chido chaJehovha chokuti vanhu vake vadzivise njodzi uye vanakidzwe noupenyu chinotaurwa nenzira yakanaka kwazvo: “Haiwa! Dai wakateerera hako mirayiro yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa.” (Isaya 48:18) Kuteterera kwemwoyo wose kwakadini kunobva kuMusiki wemasimba ose! (Dheuteronomio 5:29; Pisarema 81:13) Pane kutapwa, vaIsraeri vanogona kunakirwa norugare ruchave rwakawanda kwazvo semvura iri kuyerera murwizi. (Pisarema 119:165) Zviito zvavo zvakarurama zvinogona kuva zvisingaverengeki semafungu egungwa. (Amosi 5:24) Somunhu anonyatsovafarira, Jehovha anoteterera vaIsraeri, achivaratidza norudo nzira yavanofanira kufamba nayo. Haiwa, kudai vakateerera havo!
20. (a) Ndechipi chiri chido chaJehovha kuvaIsraeri pasinei nokumukira kwavo? (b) Tinodzidzei nezvaJehovha mukubata kwake nevanhu vake? (Ona bhokisi riri papeji 133.)
20 Zvikomborero zvechii zvaizouya kudai Israeri aizopfidza? Jehovha anoti: “Vana vako vaiva sejecha, nezvibereko zvomuviri wako setsanga dzaro; zita rake harizaibviswa kana kuparadzwa pamberi pangu.” (Isaya 48:19) Jehovha anoyeuchidza vanhu vacho nezvechipikirwa chake chokuti mbeu yaAbrahamu ichawanda, “senyeredzi dzokudenga, uye sejecha riri pamhenderekedzo dzegungwa.” (Genesi 22:17; 32:12) Zvisinei, vedzinza raAbrahamu ava vave vachimukira, uye havana kodzero yokugamuchira kuzadzika kwechipikirwa chacho. Chaizvoizvo, mukurumbira wavo wave wakashata kwazvo zvokuti noMutemo waJehovha pachake, vakakodzera kuti zita ravo sorudzi rigurwe. (Dheuteronomio 28:45) Kunyange zvakadaro, Jehovha haana chido chokuti vanhu vake vaparadzwe, uye haadi kuvasiya zvachose.
21. Zvikomborero zvechii zvatinogona kuwana nhasi kana tikatsvaka kurayiridzwa naJehovha?
21 Nheyo dziri mundima ino ine simba dzinoshanda kuvanamati vaJehovha nhasi. Jehovha ndiye Tsime roupenyu, uye anoziva zviri nani kupfuura munhu wose kuti tinofanira kushandisa sei upenyu hwedu. (Pisarema 36:9) Akatipa nhungamiro, kwete kuti atishayise mufaro, asi kuti dzitibatsire. VaKristu vechokwadi vanobva vatotsvaka kurayiridzwa naJehovha. (Mika 4:2) Mirayiridzo yake inochengeta kunamata kwedu noukama hwedu naye, uye inotidzivirira pakukanganiswa naSatani. Patinonzwisisa nheyo dzakabatana nemitemo yaMwari, tinoona kuti Jehovha anotidzidzisa zvinotibatsira. Tinoona kuti “mitemo yake hairemi.” Uye hatizoparadzwi.—1 Johani 2:17; 5:3.
‘Budai muBhabhironi!’
22. VaJudha vakatendeka vanokurudzirwa kuitei?
22 Bhabhironi parinowa, pane vaJudha vacharatidza mwoyo wakarurama here? Vachabatisisa kununurwa naMwari, vodzokera kunyika yokumusha kwavo, vodzorera kunamata kwakachena here? Hungu. Mashoko aJehovha anotevera anoratidza chivimbo chake chokuti izvi zvichaitika. “Ibva paBhabhironi, tizai vaKardhea; paridzai nenzwi rokuimba, muzivise izvi, muzvireve kusvikira kumigumo yenyika, muti: Jehovha wakadzikinura muranda wake Jakobho. Havana kunzwa nyota nguva yaakavafambisa mumarenje; wakavayereresa mvura ichibva padombo, wakatsemurawo dombo, mvura zhinji ikadzutuka.” (Isaya 48:20, 21) Vanhu vaJehovha vanorayirwa nenzira youprofita kuti vabude muBhabhironi nokukurumidza. (Jeremia 50:8) Kudzikinurwa kwavo kunofanira kuziviswa kumigumo yepasi chaiyo. (Jeremia 31:10) Pashure poKubuda kubva Ijipiti, Jehovha akagovera zvaidiwa nevanhu vake sezvavaifamba nomurenje. Saizvozvowo, achagovera vanhu vake sezvavanofamba vachibva Bhabhironi kuenda kumusha.—Dheuteronomio 8:15, 16.
23. Ndiani asingazovi norugare runopiwa naMwari?
23 Panewo imwe nheyo inokosha iyo vaJudha vanofanira kuyeuka pamusoro pemabasa aJehovha okuponesa. Vanoda zvakarurama vangatambura nemhaka yezvivi zvavo, asi havazoparadzwi. Zvisinei, zvakasiyana nevasina kururama. “Zvanzi naJehovha: Vakaipa havana rugare.” (Isaya 48:22) Vatadzi vasingapfidzi havazogamuchiri rugare urwo Mwari akachengetera vanomuda. Mabasa oruponeso haaitirwi vakaipa zvokuomesa musoro kana kuti vasingatendi. Mabasa akadaro ndeevane kutenda bedzi. (Tito 1:15, 16; Zvakazarurwa 22:14, 15) Rugare runobva kuna Mwari harusi rwevakaipa.
24. Chii chakaunza mufaro kuvanhu vaMwari munguva dzazvino?
24 Muna 537 B.C.E., mukana wokubuda muBhabhironi wakaunza mufaro mukuru kuvaIsraeri vakatendeka. Muna 1919 kusunungurwa kwevanhu vaMwari pakutapwa neBhabhironi kwakavafadza. (Zvakazarurwa 11:11, 12) Vakazara netariro, uye vakashandisa mukana wacho kuwedzera basa ravo. Chokwadi, zvaida kushinga kuti boka duku-duku iroro revaKristu rishandise mikana mitsva yaibvira yokuparidza munyika yaive noruvengo. Asi nokubatsira kwaJehovha, vakatanga basa rokuparidza mashoko akanaka. Nhau dzakaitika dzinopupurira kuti Jehovha akavakomborera.
25. Nei zvichikosha kuteereresa mirayiro yakarurama yaMwari?
25 Chikamu chino chouprofita hwaIsaya chinosimbisa kuti Jehovha anotidzidzisa zvinotibatsira. Zvinokosha zvikuru kuteereresa mirayiro yaMwari yakarurama. (Zvakazarurwa 15:2-4) Kana tikazviyeuchidza nezvouchenjeri hwaMwari norudo, zvichatibatsira kuwirirana nezvinonzi naJehovha ndizvo zvakarurama. Mirayiro yake yose ndeyokutibatsira.—Isaya 48:17, 18.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 133]
Mwari Wemasimba Ose Anozvidzora
“Ndichanonosa kutsamwa kwangu . . . ndichazvidzora,” Jehovha akaudza vaIsraeri vakanga varamba kutenda kudaro. (Isaya 48:9) Mashoko akadaro anotibatsira kuona kuti Mwari anopa muenzaniso wakakwana wokushandisa simba zvakafanira. Ichokwadi kuti hakuna munhu ane simba guru kupfuura raMwari. Ndosaka tichitaura nezvake saIye ane simba rose, Iye ane masimba ose. Anozvishandisira zita rokuti “Wemasimba Ose” nenzira yakakodzera. (Genesi 17:1) Haangovi nesimba risina muganhu chete asi ane chiremera chose nemhaka yenzvimbo yake saChangamire Ishe wezvakasikwa zvose, izvo akasika. Ndosaka pasina angagona kudzivisa ruoko rwake kana kuti kwaari, “Unoiteiko?”—Dhanieri 4:35.
Zvisinei, Mwari anononoka kutsamwa, kunyange pazvinenge zvichida kuti aratidze simba rake kuvavengi vake. (Nahumi 1:3) Jehovha anogona ‘kudzora kutsamwa kwake’ uye anorondedzerwa zvakarurama se“anononoka kutsamwa” nemhaka yokuti rudo—kwete kutsamwa—ndihwo unhu hwake hukuru. Kutsamwa kwake, pakunoratidzwa, nguva dzose kwakarurama, nguva dzose kunoruramiswa, nguva dzose kunodzorwa.—Eksodho 34:6; 1 Johani 4:8.
Nei Jehovha achiita nenzira iyi? Nemhaka yokuti anodzikamisa simba rake rose guru zvakakwana nohumwe unhu hwake hukuru hutatu—uchenjeri, ruramisiro, uye rudo. Kushandisa kwake simba nguva dzose kunowirirana nohumwe unhu uhwu.
[Mufananidzo uri papeji 122]
Shoko raIsaya rokudzorerwa rinopa kachiedza ketariro kuvaJudha vakatendeka vakatapwa
[Mifananidzo iri papeji 124]
VaJudha vaiwanzoti mabasa aJehovha aitwa nezvidhori
1. Ishtar 2. Chifananidzo pazvidhina zvine girazi mu“Processional Way” yeBhabhironi 3. Mufananidzo waMarduk wedhiragoni
[Mufananidzo uri papeji 127]
“Choto chokutambudza” chinogona kuratidza kana vavariro dzedu dzokushumira Jehovha dzakachena
[Mifananidzo iri papeji 128]
VaKristu vechokwadi vakatarisana nokutambudza kunotyisa kwazvo