א [Aleph]
119 Vanofara vaya vasina mhosva munzira yavo,
Vanofamba mumutemo waJehovha.+
2 Vanofara vaya vanochengeta zviyeuchidzo zvake,+
Vanomutsvaga nemwoyo wavo wese.+
3 Havaiti zvisina kururama;
Vanofamba munzira dzake.+
4 Makarayira
Kuti mirayiro yenyu inyatsochengetwa.+
5 Kudai ndaingokwanisa kuramba ndakasimba+
Kuti ndichengete mirau yenyu!
6 Ndaisazombonyadziswa+
Pandinofunga mirayiro yenyu yese.
7 Ndichakurumbidzai nemwoyo wakarurama
Pandinodzidza mitongo yenyu yakarurama.
8 Ndichachengeta mirau yenyu.
Musambondisiya zvachose.
ב [Beth]
9 Jaya ringaita sei kuti nzira yaro irambe yakachena?
Rinofanira kuzvichengetedza maererano neshoko renyu.+
10 Ndinokutsvagai nemwoyo wangu wese.
Musaita kuti nditsauke pamirayiro yenyu.+
11 Ndinochengeta shoko renyu mumwoyo mangu+
Kuti ndirege kukutadzirai.+
12 Rumbidzwai, haiwa Jehovha;
Ndidzidzisei mirau yenyu.
13 Ndinozivisa nemiromo yangu
Mitongo yenyu yese yamakataura.
14 Ndinofarira zviyeuchidzo zvenyu+
Kupfuura zvimwe zvinhu zvese zvinokosha.+
15 Ndichafungisisa mirayiro yenyu+
Uye ndichaita kuti maziso angu arambe ari panzira dzenyu.+
16 Ndinoda mirau yenyu zvikuru.
Handizokanganwi shoko renyu.+
ג [Gimel]
17 Itirai mushumiri wenyu zvakanaka,
Kuti ndirarame uye ndichengete shoko renyu.+
18 Vhurai maziso angu kuti ndinyatsoona
Zvinhu zvinoshamisa zviri mumutemo wenyu.
19 Ndinongovawo zvangu mutorwa munyika.+
Musandivanzira mirayiro yenyu.
20 Ndakurirwa nekusuwa
Mitongo yenyu nguva dzese.
21 Munotsiura vanozvikudza,
Vaya vakatukwa vanotsauka pamirayiro yenyu.+
22 Bvisai pandiri kushorwa nekuzvidzwa,
Nekuti ndakachengeta zviyeuchidzo zvenyu.
23 Kunyange kana machinda akagara pasi achitaura zvakaipa nezvangu,
Mushumiri wenyu anofungisisa mirau yenyu.
24 Ndinoda zviyeuchidzo zvenyu kwazvo;+
Ndizvo zvinondipa mazano.+
ד [Daleth]
25 Ndinozvambarara muguruva.+
Ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano neshoko renyu.+
26 Ndakakuudzai nezvenzira dzangu, mukandipindura;
Ndidzidzisei mirau yenyu.+
27 Itai kuti ndinzwisise zvinorehwa nemirayiro yenyu,
Kuti ndifungisise mabasa enyu anoshamisa.+
28 Ndanga ndichishaya hope neshungu.
Ndisimbisei maererano neshoko renyu.
29 Bvisai pandiri nzira yeunyengeri,+
Uye ratidzai kuti munondifarira nekundipa mutemo wenyu.
30 Ndakasarudza nzira yekutendeka.+
Ndinoziva kuti mitongo yenyu yakarurama.
31 Ndakabatirira pazviyeuchidzo zvenyu.+
Haiwa Jehovha, musaita kuti ndiore mwoyo.+
32 Ndichatevera nzira yemirayiro yenyu nemwoyo wese
Nekuti munoita kuti iwane nzvimbo mumwoyo wangu.
ה [He]
33 Haiwa Jehovha,+ ndidzidzisei nzira yemirau yenyu,
Uye ndichaitevera kusvikira kumagumo.+
34 Itai kuti ndinzwisise,
Kuti ndichengete mutemo wenyu
Uye ndiuchengete nemwoyo wangu wese.
35 Nditungamirirei mugwara remirayiro yenyu,+
Nekuti ndinorifarira.
36 Itai kuti mwoyo wangu ude zviyeuchidzo zvenyu,
Kwete kuti uchive pfuma.+
37 Itai kuti maziso angu arege kutarisa zvinhu zvisina basa;+
Ndichengetedzei ndiri mupenyu munzira yenyu.
38 Itirai mushumiri wenyu zvamakavimbisa,
Kuti mutyiwe.
39 Bvisai kunyadziswa kwandiri kutyira,
Nekuti mitongo yenyu yakanaka.+
40 Onai kusuwa kwandiri kuita mirayiro yenyu.
Ndichengetedzei ndiri mupenyu mukururama kwenyu.
ו [Waw]
41 Ndiratidzeiwo rudo rwenyu rusingachinji, haiwa Jehovha,+
Ruponeso rwenyu maererano nezvamakavimbisa;+
42 Ndichabva ndapindura uya ari kundinyomba,
Nekuti ndinovimba neshoko renyu.
43 Musabvisa zvachose shoko rechokwadi pamuromo wangu,
Nekuti ndinotarisira mitongo yenyu.
44 Ndichachengeta mutemo wenyu nguva dzese,
Nariini nariini.+
45 Uye ndichafamba-famba munzvimbo isina njodzi,+
Nekuti ndinotsvaga mirayiro yenyu.
46 Ndichataura nezvezviyeuchidzo zvenyu pamberi pemadzimambo,
Uye handizonyari.+
47 Ndinoda mirayiro yenyu zvikuru;
Zvechokwadi ndinoida.+
48 Ndichasimudza maoko angu kumirayiro yenyu yandinoda,+
Uye ndichafungisisa mirau yenyu.+
ז [Zayin]
49 Yeukai shoko ramakataura kumushumiri wenyu,
Ramunoshandisa kundipa tariro.
50 Uku ndiko kunyaradzwa kwangu mukutambudzika kwangu,+
Nekuti zvamakataura zvakandichengetedza ndiri mupenyu.
51 Vanozvikudza vanondishora zvakanyanya,
Asi handitsauki pamutemo wenyu.+
52 Ndinoyeuka mitongo yenyu kubvira kare,+ haiwa Jehovha,
Uye inondinyaradza.+
53 Ndinoviruka nehasha nekuda kwevakaipa,
Vanosiya mutemo wenyu.+
54 Mirau yenyu yakaita senziyo kwandiri
Kwese kwandinogara.
55 Ndinoyeuka zita renyu usiku, haiwa Jehovha,+
Kuti ndichengete mutemo wenyu.
56 Aya ndiwo akava maitiro angu
Nekuti ndakachengeta mirayiro yenyu.
ח [Heth]
57 Jehovha ndiye mugove wangu;+
Ndakavimbisa kuchengeta mashoko enyu.+
58 Ndinokutetererai nemwoyo wangu wese;+
Ndinzwirei nyasha+ maererano nevimbiso yenyu.
59 Ndakaongorora nzira dzangu,
Kuti ndidzose tsoka dzangu kuzviyeuchidzo zvenyu.+
60 Ndinokurumidza, handinonoki
Kuchengeta mirayiro yenyu.+
61 Tambo dzevakaipa dzakandikomberedza,
Asi handikanganwi mutemo wenyu.+
62 Ndinomuka pakati peusiku kuti ndikuongei+
Nekuda kwemitongo yenyu yakarurama.
63 Ndiri shamwari yevaya vese vanokutyai
Neyevaya vanochengeta mirayiro yenyu.+
64 Nyika yakazara nerudo rwenyu rusingachinji, haiwa Jehovha;+
Ndidzidzisei mirau yenyu.
ט [Teth]
65 Makaitira mushumiri wenyu zvakanaka,
Haiwa Jehovha, maererano neshoko renyu.
66 Ndidzidzisei kufunga zvakanaka, uye kuva neruzivo,+
Nekuti ndinovimba nemirayiro yenyu.
67 Ndisati ndava kutambudzika ndaiwanzorasika,
Asi iye zvino ndinochengeta zvamakataura.+
68 Makanaka+ uye mabasa enyu akanaka.
Ndidzidzisei mirau yenyu.+
69 Vanozvikudza vanondizora nhema,
Asi ini ndinochengeta mirayiro yenyu nemwoyo wangu wese.
70 Mwoyo yavo yakaoma,+
Asi ini ndinoda mutemo wenyu zvikuru.+
71 Zvakanaka kuti ndakatambudzwa,+
Kuti ndidzidze mirau yenyu.
72 Mutemo wamakazivisa wakandinakira,+
Kupfuura goridhe nesirivha zvakawanda.+
י [Yod]
73 Maoko enyu ndiwo akandisika uye akandiumba.
Itai kuti ndinzwisise,
Kuti ndidzidze mirayiro yenyu.+
74 Vaya vanokutyai vanondiona vofara,
Nekuti shoko renyu ndiro tariro yangu.+
75 Ndinoziva, haiwa Jehovha, kuti mitongo yenyu yakarurama+
Uye kuti makanditambudza mukutendeka kwenyu.+
76 Ndinokumbirawo kuti rudo+ rwenyu rusingachinji rundinyaradze,
Maererano nevimbiso yamakaita kumushumiri wenyu.
77 Ndinzwirei tsitsi, ndirambe ndichirarama,+
Nekuti ndinoda mutemo wenyu zvikuru.+
78 Vanozvikudza ngavanyadziswe,
Nekuti vanondiitira zvakaipa pasina chikonzero.
Asi ini ndichafungisisa mirayiro yenyu.+
79 Itai kuti vaya vanokutyai vadzoke kwandiri,
Vaya vanoziva zviyeuchidzo zvenyu.
80 Mwoyo wangu ngauve usina mhosva pakutevera mirau yenyu,+
Kuti ndirege kunyadziswa.+
כ [Kaph]
81 Ndinosuwa ruponeso rwenyu,+
Nekuti shoko renyu ndiro tariro yangu.
82 Maziso angu anosuwa shoko renyu+
Pandinenge ndichiti: “Muchandinyaradza riini?”+
83 Nekuti ndava sehomwe yedehwe yakakokonyara iri muutsi,
Asi mirau yenyu handikanganwi.+
84 Mushumiri wenyu anofanira kumirira kwemazuva mangani?
Muchatonga riini vaya vanonditambudza?+
85 Vanozvikudza vanondicherera makomba,
Vaya vanopandukira mutemo wenyu.
86 Mirayiro yenyu yese yakavimbika.
Vanhu vanonditambudza pasina chikonzero; ndibatsireiwo!+
87 Vakapotsa vandiparadza panyika,
Asi handina kusiya mirayiro yenyu.
88 Ndichengetedzei ndiri mupenyu nekuda kwerudo rwenyu rusingachinji,
Kuti ndichengete zviyeuchidzo zvamakataura.
ל [Lamed]
89 Nekusingaperi, haiwa Jehovha,
Shoko renyu richaramba riri kumatenga.+
90 Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo muzvizvarwa zvese.+
Makanyatsosimbisa nyika, zvekuti inoramba iripo.+
91 Mitongo yenyu ndiyo yakaita kuti zvirambe zviripo kusvikira nhasi,
Nekuti zvese vashumiri venyu.
92 Dai ndakanga ndisingadi mutemo wenyu kwazvo,
Ndingadai ndakaparara mukutambudzika kwangu.+
93 Handifi ndakakanganwa mirayiro yenyu,
Nekuti ndiyo yamakandichengeta nayo ndiri mupenyu.+
94 Ndiri wenyu; ndiponesei,+
Nekuti ndakatsvaga mirayiro yenyu.+
95 Vakaipa vanomirira kuti vandiparadze,
Asi ndinonyatsoteerera zviyeuchidzo zvenyu.
96 Ndakaona kuti kukwana kwese kune pakunogumira,
Asi murayiro wenyu hauna muganhu.
מ [Mem]
97 Ndinoda chaizvo mutemo wenyu!+
Ndinoswera ndichiufungisisa.+
98 Murayiro wenyu unoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu,+
Nekuti uneni nekusingaperi.
99 Ndinonzwisisa kupfuura vadzidzisi vangu vese,+
Nekuti ndinofungisisa zviyeuchidzo zvenyu.
100 Ndinonzwisisa kupfuura varume vakuru,
Nekuti ndinochengeta mirayiro yenyu.
101 Ndinoramba kufamba munzira dzese dzakaipa,+
Kuti ndichengete shoko renyu.
102 Handitsauki pamitongo yenyu,
Nekuti makandirayiridza.
103 Zvamunotaura zvinotapira chaizvo mukanwa mangu,
Kutapira kupfuura uchi!+
104 Mirayiro yenyu inoita kuti ndiite zvinhu nekuchenjera.+
Ndokusaka ndichivenga nzira dzese dzenhema.+
נ [Nun]
105 Shoko renyu irambi retsoka dzangu,
Uye chiedza panzira yangu.+
106 Ndakapika mhiko, uye ndichaizadzisa,
Kuti ndichengete mitongo yenyu yakarurama.
107 Ndakatambudzwa kwazvo.+
Haiwa Jehovha, ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano neshoko renyu.+
108 Fariraiwo zvibayiro zvangu zvekurumbidza zvandinopa ndichizvidira,+ haiwa Jehovha,
Uye ndidzidzisei mitongo yenyu.+
109 Upenyu hwangu hunogara huri pangozi,
Asi handina kukanganwa mutemo wenyu.+
110 Vakaipa vakanditeya,
Asi handina kutsauka pamirayiro yenyu.+
111 Ndinoita kuti zviyeuchidzo zvenyu zvive zvangu nekusingaperi,
Nekuti ndizvo zvinofarirwa nemwoyo wangu.+
112 Ndakazvipira kuteerera mirau yenyu
Nguva dzese, kusvikira pakupedzisira.
ס [Samekh]
113 Ndinovenga vane mwoyo miviri,+
Asi ndinoda mutemo wenyu.+
114 Muri nzvimbo yangu yekuhwanda nenhoo yangu,+
Nekuti shoko renyu ndiro tariro yangu.+
115 Ibvai kwandiri, imi vanoita zvakaipa,+
Kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu.
116 Nditsigirei sezvamakavimbisa,+
Kuti ndirambe ndichirarama;
Musaita kuti tariro yangu ive kuora mwoyo.+
117 Nditsigirei kuti ndiponeswe;+
Ndichabva ndaramba ndakaisa pfungwa pamirau yenyu.+
118 Munoramba vese vanotsauka pamirau yenyu,+
Nekuti vanonyepa uye vanonyengera.
119 Munorasa vakaipa vese vari panyika setsvina isingabatsiri.+
Ndokusaka ndichida zviyeuchidzo zvenyu.
120 Kukutyai kwandinoita kunoita kuti muviri wangu ubvunde;
Ndinotya mitongo yenyu.
ע [Ayin]
121 Ndakatonga zvakarurama uye ndakaita zvakarurama.
Musandiisa mumaoko evadzvinyiriri vangu!
122 Vimbisai mushumiri wenyu kuti achagara zvakanaka;
Vanozvikudza ngavarege kundidzvinyirira.
123 Maziso angu aneta nekumirira ruponeso rwenyu+
Uye vimbiso yenyu yakarurama.+
124 Ratidzai mushumiri wenyu rudo rwenyu rusingachinji,+
Mundidzidzise mirau yenyu.+
125 Ndiri mushumiri wenyu; itai kuti ndinzwisise,+
Kuti ndizive zviyeuchidzo zvenyu.
126 Nguva yekuti Jehovha aite chimwe chinhu yasvika,+
Nekuti vakatyora mutemo wenyu.
127 Ndokusaka ndichida mirayiro yenyu
Kupfuura goridhe, kunyange goridhe rakanatswa.+
128 Saka ndinotenda kuti mirayiro yese inobva kwamuri yakarurama;+
Ndinovenga nzira dzese dzenhema.+
פ [Pe]
129 Zviyeuchidzo zvenyu zvinoshamisa.
Ndokusaka ndichizvichengeta.
130 Kuziviswa kwemashoko enyu kunopa chiedza,+
Kuchiita kuti vasina ruzivo vanzwisise.+
131 Ndinoshama muromo wangu ndofemereka,
Nekuti ndinosuwa mirayiro yenyu.+
132 Tendeukirai kwandiri mundinzwire nyasha,+
Maererano nematongero amunoita vaya vanoda zita renyu.+
133 Tungamirirai nhanho dzangu pasina ngozi nezvamunotaura;
Ngaparege kuva nechinhu chakaipa chinondikurira.+
134 Ndinunurei pavanhu vanodzvinyirira,
Uye ndichachengeta mirayiro yenyu.
135 Itai kuti chiso chenyu chipenyere mushumiri wenyu,+
Uye ndidzidzisei mirau yenyu.
136 Misodzi inoyerera mumaziso angu
Nekuti vanhu havachengeti mutemo wenyu.+
צ [Tsade]
137 Makarurama, haiwa Jehovha,+
Uye mitongo yenyu yakarurama.+
138 Zviyeuchidzo zvamunopa zvakarurama
Uye zvakanyatsovimbika.
139 Kushingaira kwangu kunondipedza,+
Nekuti mhandu dzangu dzakanganwa mashoko enyu.
140 Zvamunotaura zvakanatswa kwazvo,+
Uye mushumiri wenyu anozvida.+
141 Handikoshi uye ndinozvidzwa;+
Asi handina kukanganwa mirayiro yenyu.
142 Kururama kwenyu kururama kunogara nariini nariini,+
Uye mutemo wenyu ichokwadi.+
143 Kunyange kutambudzika nekunetseka zvichindiwira,
Ndinoramba ndichida mirayiro yenyu kwazvo.
144 Kururama kwezviyeuchidzo zvenyu kunogara nekusingaperi.
Itai kuti ndinzwisise,+ kuti ndirambe ndichirarama.
ק [Qoph]
145 Ndinoshevedzera nemwoyo wangu wese. Ndipindureiwo, Jehovha.
Ndichachengeta mirau yenyu.
146 Ndinoshevedzera kwamuri; ndiponeseiwo!
Ndichachengeta zviyeuchidzo zvenyu.
147 Ndanga ndakamuka mambakwedza asati asvika, kuti ndichemere kubatsirwa,+
Nekuti mashoko enyu ndiyo tariro yangu.
148 Maziso angu anosvinura nguva yekurinda kweusiku isati yakwana,
Kuti ndifungisise zvamakataura.+
149 Inzwai inzwi rangu nekuda kwerudo rwenyu rusingachinji.+
Haiwa Jehovha, ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano nekururama kwenyu.
150 Vaya vanoita zvinonyadzisa vanouya pedyo;
Vari kure kure nemutemo wenyu.
151 Muri pedyo, haiwa Jehovha,+
Uye mirayiro yenyu yese ichokwadi.+
152 Ndakadzidza kare kare nezvezviyeuchidzo zvenyu,
Zvamakaita kuti zvigare nekusingaperi.+
ר [Resh]
153 Tarisai muone kutambudzika kwangu, mundinunure,+
Nekuti handina kukanganwa mutemo wenyu.
154 Ndidzivirirei mundinunure;+
Ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano nezvamakavimbisa.
155 Ruponeso ruri kure nevakaipa,
Nekuti havana kutsvaga mirau yenyu.+
156 Tsitsi dzenyu ihuru, haiwa Jehovha.+
Ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano nekururama kwenyu.
157 Vatambudzi vangu uye vavengi vangu vazhinji;+
Asi handina kutsauka pazviyeuchidzo zvenyu.
158 Ndinotarisa vanyengeri ndichisemeswa,
Nekuti havachengeti zvamakataura.+
159 Onai kuda kwandinoita mirayiro yenyu!
Haiwa Jehovha, ndichengetedzei ndiri mupenyu nekuda kwerudo rwenyu rusingachinji.+
160 Shoko renyu rese ichokwadi,+
Uye mitongo yenyu yese yakarurama inoramba iripo nekusingaperi.
ש [Sin] kana kuti [Shin]
161 Machinda anonditambudza+ pasina chikonzero,
Asi mwoyo wangu unoramba uchishamiswa nemashoko enyu.+
162 Ndinopembera pamusoro pezvamakataura+
Sezvinoita munhu awana zvinhu zvakawanda zvekupamba.
163 Ndinovenga nhema, zvekudzisema,+
Asi ndinoda mutemo wenyu.+
164 Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva
Nekuda kwemitongo yenyu yakarurama.
165 Vaya vanoda mutemo wenyu ndivo vane rugare rukuru;+
Hapana chingaita kuti vagumburwe.
166 Ndinotarisira mabasa enyu ekuponesa, haiwa Jehovha,
Uye ndinochengeta mirayiro yenyu.
167 Ndinochengeta zviyeuchidzo zvenyu,
Uye ndinozvida nemwoyo wese.+
168 Ndinochengeta mirayiro yenyu nezviyeuchidzo zvenyu,
Nekuti munoziva zvese zvandinoita.+
ת [Taw]
169 Kuchemera kwangu kubatsirwa ngakusvike kwamuri, haiwa Jehovha.+
Itai kuti ndinzwisise, maererano neshoko renyu.+
170 Kukumbira kwangu kunzwirwa nyasha ngakusvike pamberi penyu.
Ndiponesei, sezvamakavimbisa.
171 Muromo wangu ngaufashukire nekurumbidza,+
Nekuti munondidzidzisa mirau yenyu.
172 Rurimi rwangu ngaruimbe nezvezvamakataura,+
Nekuti mirayiro yenyu yese yakarurama.
173 Ruoko rwenyu ngarugadzirire kundibatsira,+
Nekuti ndinosarudza kuteerera mirayiro yenyu.+
174 Ndinosuwa ruponeso rwenyu, haiwa Jehovha,
Uye ndinoda mutemo wenyu kwazvo.+
175 Regai ndirarame kuti ndikurumbidzei;+
Mitongo yenyu ngaindibatsire.
176 Ndakadzungaira segwai rakarasika.+ Tsvagai mushumiri wenyu,
Nekuti handina kukanganwa mirayiro yenyu.+