Ganhuro 11
“Budai Pakati peBhabhironi”
1. (a) Ko tinogona kuziva sei rwuri rudzi rwokunamata rwunofadza Mwari? (b) Ko Mwari anotikuchidzira kutiza muchii?
VANHU vazhinji vakabva muno rumwe rudzidziso vachienda muno rumwe, vachitsvaka mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yavo pamsoro poupenyu. Vakawana kufanana kwakati kuti muzvitendero nemiitiro, uye kusiana kuzhinji. Asi kuri kupfurikidza bedzi nokushandisa Shoko raMwari amene senhungamiro kuti munhu upi noupi agone kuva nechokwadi chedziri mhinduro dzechokwadi neiri miitiro inofadza zvomenemene Mwari. Kupfurikidza neBhaibheri, Musiki anotirovedzanisa naiye amene nedonzo rake. Anotiratidzirawo mviro mviro dzokunamata kwenhema. Mukuita kudaro, anotinyevera pamsoro pechaanorondedzera kuva “Bhabhironi Guru” uye anotikuchidzira ku“buda” pakati paro. Ko iwe wati watetekera nyevero iyoyo here?—Zvakazarurwa 18:4, 21; Jeremia 51:6.
2. Ko “Bhabhironi Guru” chii?
2 Ko “Bhabhironi Guru” chii? Achirangarirwa seboka, marudzidziso ose anoreverera zvimiro zvendangariro, zvitendero kana kuti miitiro ine mviro mviro dzayo murudzidziso rwekare rweBhabhironi anoumba Bhabhironi Guru. Miitiro yaro inoritsauranisa nenzira iyoyo inogona kutemwa kupfurikidza nokunzvera mviro mviro norudzidziso zveBhabhironi rekare iro rimene.
3. (a) Ko Bhabhironi rekare rakava sei namavambo aro, uye muvambi waro akakurudzira mudzimui? (b) Ko mudzimu iwowo unoratidzirwa mumarudzidziso nhasi munzirai?
3 Anosanopfuura makore ane zana rimwe pashure paMafashamo ezuva raNoa, guta reBhabheri (rakazonzi gare gare Bhabhironi) rakavakwa rakapoteredza shongwe—sezvinooneka chivako chakasimudzirwa naNimrodhi. Uyu Nimrodhi akapinza muna vamabiyake mudzimu wokupandukira Jehovha nechishuvo chokutsvaka utanhamari hwavo vamene. (Genesi 10:9, 10; 11:1-9) Ko iwe unocherekedza mudzimu iwoyo nhasi here—kuzvidzwa kweShoko raMwari, kunyange kuna avo vanokambira kuva vorudzidziso, nokushandiswa kworudzidziso kurereudzira ngwariro kwavari vamene kana kuti kunyange kuwana utanhamari?
4. Ko rudzidziso rweBhabhironi rwakamonyanisa sei zvokwadi pamsoro paMwari amene?
4 Mapoka oUtatu avamwari akanga akatanhamara murudzidziso rweBhabhironi. Kwakanga kune boka routatu raiumbwa naAnu, Bel naEa; rimwe raibatanidza Sin, Shamash naIshtar. Mukuwedzera, mifananidzo yakazadza nzvimbo dzokunamatira dzeBhabhironi. Ikoku kose kwakatsausa ngwariro paidi rokuti kunongova bedzi naMwari mumwe wechokwadi, ane zita rinonzi Jehovha. (Dheuteronomio 4:39; Johane 17:3) Mavara nomufambiro zvainzi ndezvavamwari vavo, pamwe chete nokushandiswa kwemifananidzo isina upenyu, kwakapa vanhu vazhinji kurangarirwa kwakamonyaniswa kwoMusiki.—Jeremia 10:10, 14; 50:1, 38; 1 VaKorinte 10:14, 19-22.
5. (a) Ko chitendero cheBhabhironi pamsoro porufu chakanga chiri zvomenemene sei kunatsiridzwa kwenhema dzaSatani kunaEvha? (b) Ko ichochi chakaparira dzimwe dzidzisoi?
5 VaBhabhironi vaidavira kuti rufu rwakanga rwuchingovawo zvarwo mukoto wokuenda nawo kune rumwe rudzi rwoupenyu, asi ikoku kwakarwisana neizvo Mwari akanga audza vabereki vedu vokutanga. Vazivi vechiGiriki vakakudziridza pano uyu mufungo, vachitaura havo kuti vanhu vane mweya usingafi. Nhema dzokutanga dzaDhiabhorosi dzakanga dziri dzokuti kudai Adhama naEvha vaisazoteerera Mwari, ivo ‘zvamazvirokwazvo havasati vaizofa’ munyama. Zvino vanhu vakanga vachiudzwa kuti chiri chinorarama nokusingaperi chakanga chiri rutivi rwomukati mavo icho vaisagona kuona. Iyi dzidziso yenhema yakaparira kudavira hero yomwoto, kuchenurwa, kunamatwa kwamadzisekuru nezvimwe zvizhinji.—Genesi 3:1-5; Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4.
6. (a) Ko ndimimwei miitiro iri yakapararira nhasi ine mviro-mviro dzayo murudzidziso rweBhabhironi? (b) Ko ikoku kwakakomba sei?
6 Rudzidziso rweBhabhironi rwaibatanidzawo muitiro woruzivo rwenyeredzi, kuuka, mashiripiti nouroyi, izvo vanhu vakatsvaka kupfurikidza nazvo nhungamiro inopfuura simba rohunhu yaigona kushandiswa kuzvipfumisa ivo vamene nokudzora vamwe. (Dheuteronomio 2:27; Ezekieri 21:21) Haiwa yakatekeshera sei miitiro iyi nhasi, kunyange zvazvo iyo yose ichinyeverwa pamsoro payo muBhaibheri! Kupfurikidza nokupinda mairi, vanhu vakapinda nomutoo wakananga musimba remidzimu yamadhemoni, iyo inoraira mutengo woutsinye nokuda kwebetsero dzainopa.—Dheuteronomio 18:10-12; Isaya 8:19; Mabasa 16:16; Zvakazarurwa 18:21, 23.
7. Ufakazii hwaunoona hwokuti Bhabhironi Guru (a) rinoufeve navabati ushe vezvamatongerwe enyika? (b) rine pfuma yakawanda? (c) rine mutoro wokuteurwa kweropa?
7 Richipfuurirazve kuzivisa Bhabhironi Guru, Bhaibheri rinotiudza nezvoufeve hwaro navabati ushe vezvamatongerwe enyika, pfuma yaro nomutoro waro nokuda kwokuteurwa kweropa, kubatanidza nerero ravabatiri vechokwadi vaMwari. (Zvakazarurwa 17:1-6; 18:24) Chinyorwa chamarudzidziso enyika muna izvozvi chinosanozivikanwa.
KO KUDA KWAKO ZVOKWADI KWAKAKURA ZVAKADINI?
8. Ndiani zvomenemene ari mwari weBhabhironi Guru?
8 Kana munhu ari worutivi rwupi norwupi rweBhabhironi Guru, achipinda mukuyeuka kwaro kana kuti kutevedzera nzira dzaro, nenzira iyeyo ndianiko anokudzwa? Zvamazvirokwazvo haasati ari Jehovha. Panzvimbo pakwo, munhu wakadaro, zvomenemene, anokotama pamberi pa“mwari wetsika ino yezvinhu,” uyo akapofumadza ndangariro dzavanhu.—2 VaKorinte 4:4.
9. Ko kwave kuchibvirira sei Satani kutsausa vanhu vazhinji zvikuru nomutoo worudzidziso?
9 Asika kwave kuchibvirira sei vanhu vakawanda kudai kuva vanonyengedzwa nenzira iyi? Bhaibheri rinopindura kuti ivo vakabatwa mumusungo waSatani “nemhaka yokuti ivo havana kubvuma kuda zvokwadi.” (2 VaTesaronika 2:9-12) Ikoku hakusati kuchifanira kutikatyamadza. Vanhu vanganiko vaunoziva vanogarotaura zvokwadi—pamusha, mubhizimisi, pavanonangana nezvikanganiso zvavo vamene? Pavanoratidzirwa izvo Bhaibheri, Shoko raMwari rechokwadi, rinoreva, vanganiko vanodisisa kusiya zvaichimbova zvitendero zvavo kana kuti miitiro, kunyange kuchinja mararamire avo, kuti vagotsinhirana naro? Unodaro here?
10. (a) Ko Jehovha ari kutsvaka vanhu vorudzii? (b) Ko isu tingagona sei kuratidzira kuti tiri vanhu vorudzi irworwo?
10 Jehovha ari kutsvaka vanhu vanoda zvakadaro zvokwadi. Iye ndi“Mwari wezvokwadi.” (Pisarema 31:5) Dzidziso dzeShoko rake hadzisati dziri dzokufungidzira. Idzo izvokwadi. Kuno mukadzi muSamaria, Jesu akati: “Vanamati vechokwadi vachanamata Baba nomudzimu nezvokwadi, nokuti, zvamazvirokwazvo, Baba vanotsvaka vakadaro kuvanamata. Mwari Mudzimu, uye avo vanomunamata vanofanira kumunamata nomudzimu nezvokwadi.” (Johane 4:23, 24) Ko irworwu ndirwo rudzi rwomunhu rwaunoda kuva here?
GADZIRIRO YAMWARI YOKUSUNUNGURWA
11. (a) Chiiko chinodeya kuziviswa pana Isaya 49:8, 9? (b) Ko ikoko kwakatanga kuzadzika rini? (c) Neiko kuchitifadza?
11 Kuti agogovera nhungamiro nokuda kwedu, Jehovha kare kare akanyora muBhaibheri chipikirwa chokununurwa mukudzora kunodzvinyirira kweBhabhironi. Chakazadzika apo Koreshi Mukuru akasunungura vaJudha, uyewo vaNetinimi vasati vari vaIsraeri, kuti vagodzokera Jerusarema kundovakazve tembere yaJehovha. Asi ikoko kwakanga kusati kuriko kwoga bedzi kwakuri. Chakaitika panguva iyeyo chakanongedzera kuno kumwe kununurwa kupfurikidza naKoreshi Mukuru zvikuru, Ishe Jesu Kristu. Kutevera kwedu miraidzo yake kunotitaviridzira pakuva vanotsauswa navanhu vanotsvaka utanhamari bedzi nokuda kwavo vamene. Chiporofita chakashanda kuna Jesu zvikurukuru chinoti: “Izvi ndozvakataurwa naJehovha: ‘Munguva yomutsa ini ndakakupindura, uye muzuva roruponeso ini ndakakubetsera; uye ini ndakaramba ndakakutaviridzira kuti ini ndigokupa sesungano yavanhu, kugarazve munyika, kuparira kuvazve muridzi wepfuma yenhaka yakaparadzwa, kuti kuvasungwa, “Budai!” kuna avo vari murima, “Zvizivisei mumene!”’” (Isaya 49:8, 9) Ko ikoku kwakazadzika sei muna Jesu?
12. (a) Ko chiporofita ichocho chakazadzika sei muna Jesu? (Ruka 4:16-18) (b) Ko rukurudziroi rwuri machiri nokuda kwedu?
12 Jehovha akapindura minyengetero yaJesu. Iye akabetsera uye akataviridzira Mwanakomana wake apo Jesu noushingi akafumura nhema dzorudzidziso ndokuzivisa ‘zvokwadi dzaizosunungura vanhu.’ (Johane 8:32) Pasinei hapo nenhamburiko dzaSatani dzokuparadza Jesu, Jehovha akachengeta Mwanakomana wake kutozosvikira basa rake pasi pano raitwa. Ipapo iye akamutsa Jesu kuti agova noupenyu husingafi mudenga, ikoko kundopfuuridzira basa rake rokusunungura. Mwari akamupa se“sungano,” kana kuti simbisiro, yokuti kwaizova nokusunungurwa kwavanhu muuranda hweBhabhironi Guru. Zvakuri kwechokwadi kuti mudenga muna Jesu Kristu akamutswa uye akapiwa mbiri, saizvozvowo ndokwechokwadi kuti vanhu vane mwoyo yakarurama vachanunurwa murima rorudzidziso reBhabhironi Guru. Ko iwe uchabetserekana nokununurwa ikoko here?
13. Kubvira mu 36 N.V. zvichienda mberi, ko Jesu akabvumikisa sei kuva “chiedza chamarudzi”?
13 Pakureva nezvetambanuko yokusunungurwa, Jehovha akadeya kuzivisa, kuti: “Ini ndakakupawo sechiedza chamarudzi, kuti kuponesa kwangu kugosvika kumugume gume wapasi.” (Isaya 49:6) Nokudaro, muna 36 N.V. vaVamarudzi, kana kuti vanhu vamarudzi asiri echiJudha, vakavamba kupinzwa muungano yaIsraeri womudzimu. Zvisinei, kuwedzera kwaVamarudzi kuungano yechiKristu yakazodzwa nomudzimu kwakanga kusati kuri tambanuko izere iyo Jesu aizobatira kwairi se“chiedza chamarudzi.”
14. (a) Ko Jesu aizova chiedza nokuda kwavanaanizve vanobva mu“marudzi”? (b) Ko ivava vakadeya kufananidzirwa namapokai akabva muBhabhironi rekare? (c) Ko ivo vanotofarikanya zvikomboreroi zvomudzimu, mukuzadzika kwaIsaya 49:10?
14 Jesu aiziva kuti iye aizounganidzawo “mamwe makwai” aizova noupenyu husingagumi pasi pano. (Johane 10:16) Iwo akadeya kufananidzirwa navaNetinimi vasiri vaIsraeri navanakomana vavabatiri vaSoromoni avo vakakumbanira vaJudha muna 537 P.N.V. mukubuda kwavo muBhabhironi. (Ezra 2:1, 43-58) Boka guru raivava munguva dzazvino uno rakatotetekera murairo woku“buda” muBhabhironi Guru. Ivava zvino vanofarikanya zvikomborero zvomudzimu zvinonyevenutsa zvakadeya kutaurwa pana Isaya 49:10: “Ivo havasati vachizonzwa nzara, uyewo havasati vachizonzwa nyota, kana kuti kupisa kunobvuraudza kana zuva harisati richizovarovanya. Nokuti Uyo unovanzwira nyasha uchavatungamirira, uye iye uchavatungamirira napamatsime emvura.” Pana Zvakazarurwa 7:9, 16, 17, zvikomborero izvi nomutoo wakakodzera zvinoshandisirwa ku“boka guru” ra“mamwe makwai.”
“BUDAI PAKATI PARO, VANHU VANGU”
15. Neiko Bhaibheri richikuchidzira avo vangava vanhu vaMwari kubuda muBhabhironi Guru?
15 Muchiono chakafuridzirwa muapostora Johane akaratidzirwa icho kuuraya kworutongeso rwaMwari kwaizoreva kuBhabhironi Guru. Nokuda kwouchokwadi hwacho, ngirozi yakabva kudenga, ichitaurira Mwari, yakakuchidzira, kuti: “Budai pakati paro, vanhu vangu, kana imi musati muchida kugoverana naro muzvivi zvaro, uye kana imi musati muchida kugamuchira rutivi rwamadambudziko aro. Nokuti zvivi zvaro zvatutirana pamwe chete kusvikira kudenga, uye Mwari akarangarira zviito zvaro zvokusaruramisira.”—Zvakazarurwa 18:4, 5.
16. Chii chingaratidzira kana tichitetekera zvomenemene murairo iwowo?
16 Mitezo yaIsraeri womudzimu yakatetekera murairo iwoyo, uye zvino inokuchidzira vamwe kuita zvimwe chetezvo. Inoziva kuti kana munhu achivhenganisa kunamata kwechokwadi nokwenhema, haangagoni kufadza Mwari. Kana munhu upi noupi achisonganirana neZvapupu zvaJehovha asi achiri asati agura batano dzake neBhabhironi Guru, ko iye angagona sei kutaura kuti iye haaziri rutivi rwaro? Kunyange kana iye asingatongopindi minamato yaro, asi kana iye achipinda mumazoro aro orudzidziso kunzvimbo yake yebasa kana kuti pamwe chete nehama dzake dzokunyama, iye achiri kubata chiri chisina kuchena. (Isaya 52:11) Kana iye achitora rutivi mumagamuchidzanwa emhuri anoratidzira kutenda kusafa kwomweya kana kuti kutya mashura emidzimu yakaipa, iye achiri kugoverana muzvivi zvaro. Hatingagoni kuva vasingagoni kusarudza. Kana tichidavira kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi, ipapoka tinofanira kubatira iye bedzi.—1 Madzimambo 18:21.
17. (a) Sezvinoratidzirwa pana Zvakazarurwa 14:6, 7, ko vanhu kunzvimbo iri yose vari kukokerwa kuzoitei? (b) Kunamata Jehovha nomutoo unogamuchirika, ko ivo vanofanira kuteerera mumwe murairoi?
17 Kuvanhu vorudzi rwuri rwose nendudzi nendimi kukoka kunofadza kuri kupiwa, kunoti: Kumbanirai mukunamatwa kwaJehovha, Mwari wechokwadi bedzi! (Zvakazarurwa 14:6, 7) Kuita kudaro, unofanira kutevedzerawo vabatiri vekare vaMwari vakatetekera murairo, wokuti: “Budai pakati peBhabhironi, uye munhu mumwe nomumwe ngaaponese mweya wake umene.”—Jeremia 51:6.