Iwe Unoyeuka Here?
Wakarangarira nokungwarira here zvinyorwa zvichangobva kupfuura zveNharireyomurindi? Kana zvakadaro, uchakuwana kuchifadza kuyeuka zvinotevera:
◻ Varoorani vakawanda nhasi vakatevera sei muenzaniso wakaisvonaka wakasiyiwa naAkwira naPrisira?
Akwira naPrisira vakabatira muungano dzinoverengeka dzakasiyana-siyana. Kufanana navo, vaKristu vakawanda vemuzuva razvino uno vakazviita vamene vanowanika kutamira uko kune kushayiwa kukuru. Vakawanawo mufaro negutsikano mukuona fariro dzeUmambo dzichikura uye mukukwanisa kusakurira ushamwari hunokosha.—12/15, peji 24.
◻ Ndoupi uri murangariro weBhaibheri wezvinwiwa zvinodhaka?
Murangariro weBhaibheri wezvinwiwa zvinodhaka wakadzikama. Pane rumwe rutivi, Bhaibheri rinotaura kuti waini chipo chinobva kuna Mwari. (Pisarema 104:1, 15) Pane rumwe rutivi, rinozvidza kunyanyisa. (Ruka 21:34; 1 Timotio 3:8; Tito 2:3; 1 Petro 4:3)—12/15, peji 27.
◻ Nderupi rwuri rutivi runokosha rwebhuku reBhaibheri raHagai?
Kunyange zvazvo bhuku raHagai richiumbwa nendima 38 chete, zita raMwari rinoshandiswa ka35. Uporofita hwakadaro hunonzwika husina upenyu apo zita raMwari rinotsiviwa nezita rokuremekedza rokuti “Ishe.”—1/1, peji 6.
◻ Chidzidzoi chinogona kudzidzwa muzvivi zvaDhavhidhi naManase?
Pasinei zvapo nokukanganwira kwaJehovha Dhavhidhi naManase, ava varume—naIsraeri pamwe chete navo—vaifanira kurarama nemigumisiro yezviito zvavo zvechivi. (2 Samueri 12:11, 12; Jeremia 15:3-5) Nenzira yakafanana, nepo Jehovha nhasi achikanganwira vatadzi vanopfidza, kungava nemigumisiro yezviito zvavo isingagoni kudziviswa.—1/1, peji 27.
◻ ‘Tsoka dzeavo vanozivisa mashoko akanaka’ eUmambo hwaMwari “dzakanaka” munzirai? (Isaya 52:7)
Tsoka kazhinji kazhinji ndidzo dzinofambisa munhu sezvo anoenda kunoparidza kuvamwe. Tsoka dzakadaro chaizvoizvo dzinomirira munhu wacho. Naizvozvo kuvakawanda vanonzwa ndokudavidza zvakanaka kumashoko akanaka eUmambo, tsoka dzenhume dzakadaro zvirokwazvo dzinofadza kuona.—1/15, peji 13.
◻ Mabasai maviri anobatanidzwa muku“paridza Evhangeri”? (1 VaKorinte 9:16)
Kutanga, tinofanira kuzivisa mashoko akanaka eUmambo. Rutivi rwechipiri rweiri basa rwunobatanidza kudzidzisa avo vanodavidza zvakanaka kukuziviswa kweUmambo.—1/15, peji 23.
◻ Ibetseroi dzemunhu oga dzinobva mukuimba nziyo dzeUmambo pamisangano yeungano?
Kuimba kunotipa mukana wekutaura mirangariro yedu nokuda kweMusiki wedu. (Pisarema 149:1, 3) Apo tinoimba nemwoyo wose mukuimba kweungano, kunogona kutiisa muchimiro chakanaka chendangariro uye chemwoyo nokuda kwepurogiramu inotevera. Kunogona kutinyandurira kugoverano huru zvikuru mukunamatwa kwaJehovha.—2/1, peji 28.
◻ Ndirini apo zuva rekufa rinova riri nani kupfuura zuva rekuberekwa? (Muparidzi 7:1)
Zuva rekufa rinogona kuva riri nani kupfuura zuva rekuberekwa kwemunhu kana munhu akasvika panguva iyoyo avaka zita rakanaka naJehovha, uyo anogona kumutsa vakatendeka vanofa. (Johane 11:25)—2/15, peji 12.
◻ Nei bhuku raMuparidzi richifanira kutibetsera semunhu oga?
Rinogona kubetsera mumwe nomumwe wedu kururamisa murangariro wedu paupenyu uye pazvatinokoshesa. (Muparidzi 7:2; 2 Timotio 3:16, 17)—2/15, peji 16.
◻ Zvapupu zvaJehovha vanhu vanoomerera pane zvepakuvamba here?
Aiwa. Nepo zvine zvitendero zvorudzidziso zvakasimba, hazvisi vanoomerera pane zvapakuvamba mupfungwa iyo mashoko acho akasvika pakushandiswa. Hazvitendeukiri kukuratidzira masimba masimba mukurwisana neavo vazvisingabvumirani navo. Zvinotevedzera Mutungamiriri wazvo, Jesu Kristu.—3/1, peji 6.
◻ Kusaziva nguva chaiyoiyo yekuuya kwaJesu kuzoita matsive aMwari kune tapuroi pavaKristu?
Ikoku kunowanzochengeta vaKristu vakamuka uye kunovapa mukana wezuva nezuva wekubvumikisa kuti vanobatira Jehovha vasina vavariro dzeudyire.—3/1, peji 13.
◻ Chii chatinofanira kurangarira tisati taita chiito chemutemo kuhama ingave yakatidyeredzera?
Tinofanira kurangarira migumisiro inobvira kwatiri, pavamwe vanobatanidzwa, paungano, uye pavokunze. (1 VaKorinte 6:7)—3/15, peji 22.
◻ Mufaro wechokwadi unogona kuwanwa sei?
Mufaro wechokwadi mugariro wemwoyo, wakavakirwa pakutenda kwechokwadi uye ukama hwakanaka naJehovha. (Mateo 5:3)—3/15, peji 22.
◻ MuKristu anofanira kuitei apo anodanwa nokuda kwebasa redare rinobetsera vatongi?
MuKristu mumwe nomumwe anotarisana nebasa redare rinobetsera vatongi anofanira kusarudza nzira yekutevera, ichivakirwa panzwisiso yake yeBhaibheri uye hana yake amene. (VaGaratia 6:5)—4/1, peji 23.