Kukwanisa Utsvene Mukutya Mwari
“Ngatizvitsvenesei timene mutsvina iri yose yenyama nomudzimu, tichikwanisa utsvene mukutya Mwari.”—2 VAKORINTE 7:1, “NW.”
1. Tinoziva sei kuti ngirozi dzine nzvimbo huru dzinoziva utsvene hwaJehovha?
JEHOVHA ndiMwari mutsvene. Ngirozi dzine nzvimbo huru mudenga dzinozivisa utsvene hwake mumashoko asiri asina chokwadi. “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha wehondo; nyika yose izere nokubwinya kwake.” Kwakadaro kwakanga kuri kudanidza kunofadza kwamaserafimi akaonwa muchiono nomuporofita Isaya muzana ramakore rechisere P.N.V. Pamugumo pezana ramakore rokutanga N.V., muapostora Johane akaona zviono zvezvaizoitika mu“zuva raShe,” matiri zvino. Iye akaona zvisikwa zvipenyu zvina zvakapoteredza chigaro choumambo chaJehovha ndokuzvinzwa zvichizivisa nguva dzose, kuti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye [Jehovha, NW] Mwari, Wamasimba ose, iye wakanga aripo, uripo, nouchazouya.” Uku kuzivisa kutatu kwakaitwa nezvisikwa zvomudzimu zvokudenga zvaJehovha kunosimbisa utsvene hukurusa hwoMusiki.—Isaya 6:2, 3; Zvakazarurwa 1:10; 4:6-8.
Utsvene Nokuparadzana
2. (a) Mativii maviri aripo kuutsvene, uye Jehovha mutsvene sei mumativi ose iwawa ari maviri? (b) Mosesi akasimbisa sei utsvene hwaJehovha?
2 Utsvene hunoreva kwete bedzi rucheno rwomudzimu norutsvindo asiwo kuparadzana, kana kuti kutsvenesa. Jehovha akachena zvikurusa, kana kuti akatsvinda, uyewo iye akaparadzana chose chose navamwari vose vane tsvina vamarudzi. Rutivi urwu rwoutsvene hwake, kana kuti kutsveneswa, rwakasimbiswa naMosesi paakaimba, kuti: “Ndianiko wakafanana nemi, Jehovha, pakati pavamwari; ndianiko wakafanana nemi paukuru hwoutsvene?”—Eksodho 15:11.
3. VaIsraeri vaidikanirwa kuva vatsvene munzirai, uye Jehovha akabetsera sei muna ikoku?
3 Mwari Jehovha mutsvene aida kuti vaIsraeri vakare, vanhu vake pasi pano, vanofanira kuvawo vatsvene. Ikoku kwaidikanwa kwete bedzi navaprista navaRevhi asiwo norudzi rwose. Jehovha akati kuna Mosesi: “Taura neungano yose yavana vaIsraeri, uti kwavari: ‘Ivai vatsvene, nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene.’” (Revhitiko 19:2) Nedonzo iroro, Jehovha akavapa mitemo kuvabetsera kuramba vakachena mumudzimu, mutsika, mundangariro, mumuviri, uye mumuitiro, kwapashure kuchiva pamusoro pokunamata kwavo patabhernakeri uye, gare gare, patembere.
Vanhu Vakaparadzaniswa
4, 5. (a) Israeri wokunyama aiva sei rudzi rwakatsveneswa? (b) Chii chinodikanwa kuvaIsraeri vomudzimu, uye muapostora Petro anosimbisa sei ikoku?
4 Kusvikira patambanuko iyo vaIsraeri vakatevera mitemo yaMwari, ivo vakatanhamara pamarudzi akashata akanga akavapoteredza. Ivo vaizivikanwa savanhu vakatsaurwa, kana kuti vakatsveneswa, nokuda kwebasa raMwari Jehovha mutsvene. Mosesi akavaudza, kuti: “Nokuti uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako; Jehovha Mwari wako wakakutsaura kuti uve rudzi rwake chairwo pakati pendudzi dzose dziri panyika dzose.”—Dheuteronomio 7:6.
5 Rucheno rwakadaro nokuparadzana zvinodikanwawo kuna Israeri womudzimu. Muapostora Petro akanyorera vakasarudzwa kuva vaIsraeri vomudzimu, kuti: “Savana vanoteerera, regai kuenzaniswa nezvishuvo zvamaichimbova nazvo mukusaziva kwenyu, asi, muwirirano noMutsvene akakudanai, imiwo mumene ivai vatsvene mumufambiro wenyu wose, nemhaka yokuti kwakanyorwa, kuti: ‘Imi munofanira kuva vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.’”—1 Petro 1:1, 14-16, NW.
6, 7. (a) Mitezo ye“boka guru” inorondedzerwa sei muna Zvakazarurwa ganhuro 7, uye chii chinodikanwa kwavari nenzira ine mufungo? (b) Chii chicharangarirwa mundima dzinotevera?
6 Muna Zvakazarurwa ganhuro 7, mitezo ye“boka guru” inorondedzerwa se“vamire pamberi pechigaro choushe [chaJehovha], napamberi peGwaiana, vakapfeka nguvo chena,” vachiva “vakasuka nguvo dzavo vakadzichenesa muropa reGwaiana.” (Zvakazarurwa 7:9, 14) Nguvo dzavo chena dzinofananidzira chimiro chavo chakachena, chakarurama pamberi paJehovha, icho iye anovapa nemhaka yokutenda kwavo muropa rinodzikinura raKristu. Nenzira yakajeka, ipapoka, haasati achingova bedzi maKristu akazodzwa asi “mamwe makwai”wo anofanira kuramba akachena mumudzimu nomutsika kuti anamate Jehovha zvinogamuchirika.—Johane 10:16.
7 Zvino ngatirangarirei kuti vanhu vaJehovha munguva yakapfuura vaidikanirwa sei kuzvibvumikisa vamene kuva vakachena navatsvene uye nei nheyo dzimwe chetedzo dzichishanda kuvanhu vaMwari nhasi.
Rucheno Rwomudzimu
8. VaIsraeri vaifanira kuzvichengeta vamene vakaparadzana namarudzidziso eKanani nokuda kwechikonzeroi?
8 VaIsraeri vokunyama vaifanira kuzvichengeta vamene vakaparadzana chose chose nemiitiro yorudzidziso isina kuchena yamamwe marudzi. Achitaura kupfurikidza naMosesi, Jehovha akaudza Israeri, kuti: “Chenjera kuti urege kuita sungano navanhu vagere munyika iyo kwaunoenda, kuti zvirege kuva musungo kwauri; asi munofanira kuputsa atari dzavo, nokuputsanya mabwe emifananidzo yavo [zvaishandiswa nokunamata vatano kunonyangadza], nokutema matanda avo avanonamata nawo; nokuti usafungamira vamwe vamwari, nokuti Jehovha, une zita rinonzi une Godo, ndiMwari une godo [kana kuti, “Mwari anoraira kuzvipira kwapoga,” New World Translation Reference Bible, mashoko omuzasi]; kuti urege kuita sungano navanhu vagere munyika iyo, zvino kana ivo vopata vachitevera vamwari vavo, vachibaira vamwari vavo.”—Eksodho 34:12-15.
9. Miraidzoi chaiyo yakapiwa kuvakasarira vakabva muBhabhironi muna 537 P.N.V.?
9 Mazana amakore gare gare, Jehovha akafuridzira Isaya kutaura aya mashoko ouporofita kuvakasarira vakatendeka vaizohwirira kuna Judha vachibva Bhabhironi: “Ibvai, ibvai, budai ipapo, musanyangata chinhu chine tsvina; budai pakati paro; zvinatsei, imi munotakura nhumbi dzaJehovha [dzaizoshandiswa mukudzorera kunamata kwakachena patembere muJerusarema].”—Isaya 52:11.
10, 11. (a) Miraidzoi yakafanana yakapiwa kuna Israeri womudzimu muzana rokutanga N.V.? (b) Iyi miraidzo yakateverwa sei zvikurukuru chifo cha 1919 na 1935, uye vakazodzwa neshamwari dzavo vanozvichengeta vakachena mumudzimu muimwe nzirai?
10 Nenzira yakafanana, vaIsraeri vomudzimu neshamwari dzavo vanofanira kuzvichengeta vamene vasina kusvibiswa namarudzidziso anonamata zvidhori enyika ino. Achinyorera maKristu akazodzwa aiva muungano yeKorinte, muapostora Pauro akati: “Tembere yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti isu tiri tembere yaMwari mupenyu; Mwari sezvaakareva, achiti: ‘Ndichagara mukati mavo, nokufamba mukati mavo; ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.’ ‘“Saka budai pakati pavo, muzviraure,” ndizvo zvinotaura [Jehovha, NW], “musabata chinhu chine tsvina”’; ‘“ini ndichakugamuchirai.”’”—2 VaKorinte 6:16, 17.
11 Chifo cha 1919 mitezo yakacheneswa neyakanatswa yavakasarira vakazodzwa yakasunungurwa mumarudzidziso asina kuchena, anonamata zvidhori eBhabhironi Guru. (Maraki 3:1-3) Ivo vakateerera danidzo yokudenga, inoti: “Budai mariri, vanhu vangu, kana musati muchida kugoverana naro zvivi zvaro, uye kana musati muchida kugamuchira rutivi rwamadambudziko aro.” (Zvakazarurwa 18:4, NW) Chifo cha 1935 boka guru rinowedzera ra“mamwe makwai” nenzira yakafanana rakateerera iyi danidzo uye vakasiya rudzidziso rusina kuchena rwechiBhabhironi. Vakazodzwa neshamwari dzavo vanorambawo vakachena mumudzimu kupfurikidza nokudzivisa onano yose nepfungwa dzinoparadza dzavawi pakutenda.— Johane 10:16; 2 Johane 9-11.
Rucheno Rwetsika
12. (a) Jehovha akasimudza mugariro wetsika wavaIsraeri pamusoro zvikuru pouyo wamarudzi akapoteredza kupfurikidza nemitemoi? (b) Mitemoi yaiva yerumano zvikuru nokuda kwouprista?
12 Kupfurikidza nesungano yoMutemo, Jehovha akakwidza mugariro wetsika wavaIsraeri pamusoro zvikuru pomugariro wakashata wamarudzi akapoteredza. Roorano noupenyu hwemhuri zvakanga zviri gadziriro dzakadzivirirwa muna Israeri. Wechinomwe weMirairo ine Gumi wakarambidza upombwe. Zvose zviri zviviri upombwe noufeve zvairangwa zvakakomba. (Dheuteronomio 22:22-24) Mhandara dzaidzivirirwa muMutemo. (Dheuteronomio 22:28, 29) Mitemo yeroorano yakanga iri yorumano zvikuru nokuda kwouprista. Kana ari muprista mukuru, aidikanirwa kusarudza mhandara yakachena nokuda kwomudzimai.—Revhitiko 21:6, 7, 10, 13.
13. Mitezo yo“mwenga” waKristu inofananidzwa nechii, uye nei?
13 Nenzira yakafanana, Muprista Mukuru zvikuru, Jesu Kristu, ane “mwenga” akaumbwa namaKristu akazodzwa ane 144 000 ayo anofananidzwa ne“mhandara.” (Zvakazarurwa 14:1-5; 21:9) Ivo vanozvichengeta vamene vasina kusvibiswa nenyika yaSatani uye vanoramba vakachena murudzidziso nomutsika. Muapostora Pauro akanyorera maKristu akazodzwa aiva muKorinte, kuti: “Nokuti ndine godo pamusoro penyu negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisai nomurume mumwe, kuti ndikuisei kuna Kristu semhandara yakachena.” (2 VaKorinte 11:2) Pauro akanyorawo, kuti: “Kristu akadawo ungano ndokuzvipa amene nokuda kwayo, kuti aitsvenese achiichenesa nemvura kupfurikidza neshoko, kuti agopa ungano kwaari amene iri murubwinyo rwayo, isati ine tsvina kana kuti kuunyana kana kuti chipi nechipi chezvinhu zvakadai, asi kuti iyo ingova tsvene uye isina chaingapomerwa.”—VaEfeso 5:25-27, NW.
14, 15. (a) Chii chinofanira kuperekedza rucheno rwomudzimu rweboka romwenga, uye rugwaroi runoratidza ikoku? (b) Neiko kuri pachena kuti zvinodikanwa zvakafanana zvorucheno rwetsika zvinoshandawo kumamwe makwai?
14 Uku kutsvinda kwomudzimu kwomwenga waKristu kunofanira kuperekedzwa norucheno rwetsika kumitezo yawo. Muapostora Pauro akati: “Musatsauswa. Uyewo zvifeve, kana kuti vanonamata zvidhori, kana kuti mhombwe, . . . havasati vachizogara nhaka umambo hwaMwari. Asi ndizvo zvakanga zvakaita vamwe venyu. Asi makacheneswa, asi makatsveneswa.”—1 VaKorinte 6:9-11, NW.
15 Kuti zvinodikanwa izvozvo zvorutsvindo rwetsika zvinoshandawo kumamwe makwai kunova pachena pakurangarira avo Jehovha achabvisa mudenga idzva nepasi idzva zvake zvakapikirwa. Tinorava, kuti: “Asi kana vari . . . vanonyangadza mutsvina yavo navapondi nezvifeve mugove wavo uchava mudziva rinopfuta mwoto nesurferi. Ikoku kunoreva rufu rwechipiri.”—Zvakazarurwa 21:1, 8, NW.
Roorano Inokudzwa
16, 17. (a) Magwaroi anoratidza kuti kusaroora hakusi chinodikanwa chorucheno rwetsika? (b) MuKristu anogona sei kuratidza kutyiwa kwakafanira muchisarudzo chomukwanyina weroorano, uye neiko kwaizova kusachenjera kufuratira ganhuriro yavaapostora?
16 Kuti irambe yakachena mutsika, mitezo yakazodzwa yeboka romwenga namamwe makwai havadikanirwi kuramba vasina kuroora. Kusaroora kwokumanikidzira hakusi kwapamagwaro. (1 Timotio 4:1-3) Vatano muchisungo cheroorano hadzisati dziri dzisina kuchena. Shoko raMwari rinoti: “Roorano ngaikudzwe pakati pavose, uye huvato hweroorano huve husina kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga vafevi nemhombwe.”—VaHebheru 13:4, NW.
17 Zvisinei, muKristu anoshuva ku‘kwanisa utsvene mukutya Mwari’ haasati achifanira kunzwa akasununguka kuroora munhu upi noupi uyo iye anoda. Pamberi chaipo pokupa zano maKristu biyake rokuti ‘zvichenesei mumene pasvibiso iri yose yenyama nomudzimu, muchikwanisa utsvene mukutya Mwari,’ muapostora Pauro akanyora, kuti: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi; nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? . . . Unotenda ungava nomugove weiko nousingatendi?” (2 VaKorinte 6:14, 15; 7:1) Somutezo wavanhu vaJehovha vakaparadzana navakachena, murume wechiKristu kana kuti mukadzi anoda kuroora achagamuchira ganhuriro yavaapostora yokuita saizvozvo “bedzi munaShe,” ndiko kuti, kupfurikidza nokusarudza mumwe munhu ari mubatiri akazvitsaurira, akabhapatidzwa, uye akatendeka waJehovha. (1 VaKorinte 7:39) Somunguva yakapfuura, naizvozvo nhasi, kwaizova zvamazvirokwazvo kusachenjera kuti mitezo yakazvitsaurira yavanhu vaMwari ifuratire iri zano rapaMagwaro. (Enzanisa naDheuteronomio 7:3, 4; Nehemia 13:23-27.) Hakusati kwaizova kuratidza kutyiwa kwakanaka kwaTenzi wedu Mukuru, Jehovha.—Maraki 1:6.
18. MaKristu anogona kuchengeta roorano yawo ichikudzwa muimwe nzirai?
18 Kupfuurirazve, muna Israeri, mitemo yaiisa ganhuriro pavatano kunyange mukati mechisungo cheroorano. Murume aifanira kurega kuvatana nomudzimai wake mukati menhambo yake yokuva kumwedzi. (Revhitiko 15:24; 18:19; 20:18) Ikoku kwaida kurangarira kworudo nokuzvidzora kuvarume vechiIsraeri. Ko maKristu anombofanira kuvarangarira zvishoma here vadzimai vavo? Muapostora Petro anotaura kuti varume vechiKristu vanofanira kugara navadzimai vavo “mukuwirirana nezivo,” ndiko kuti, zivo yokuitwa kwavo se“midziyo ine simba duku, munhukadzi.”—1 Petro 3:7, NW.
Kufamba Mu“nzira Youtsvene”
19, 20. (a) Rondedzera nzira yakafara iri kuteverwa navoruzhinji vorudzi rwomunhu. (b) Vanhu vaJehovha vanofanira kuve vakasiana sei nenyika yaSatani? (c) Mugwagwai uri kutevera vanhu vaMwari, wakazarurwa rini, ndivanaani bedzi vanobvumirwa mauri?
19 Zvichangobva kududzwa zvinosimbisa mukaha unofara nguva dzose unoparadzanisa vanhu vaJehovha nenyika yaSatani. Tsika yenyika yazvino yezvinhu iri kuva yamadiro nenzira inowedzera neine udyire. Jesu akati: “Pindai nesuo rakamanikana; nokuti suo rakafara, nzira yakapamhama, inoenda kukuparadzwa; vanopinda naro vazhinji.” (Mateo 7:13) Nzira yakafara iyoyo iri kuteverwa navoruzhinji vorudzi rwomunhu. Kunokora mashoko muapostora Petro, ndiyo nzira yo“kufamba noutere, nokuchiva, nokunwa waini, nokutamba kwakaipa, namabira, nokunamata zvifananidzo zvisakafanira,” nzira inotungamirira ku“kusazvidzora kwavo uko kwakawanda.” (1 Petro 4:3, 4) Mugumo wako ruparadziko.
20 Vanhu vaMwari, pane rumwe rutivi, vari kufamba munzira yakasiana, nzira yakachena inoteverwa navanhu vakachena. Kuzarurwa kweiyi nzira munguva yomugumo kwakadeya kutaurwa nomuporofita Isaya, uyo akanyora, achiti: “Ipapo pachava nomugwagwa, nenzira, ichanzi, Nzira Youtsvene; une tsvina haangafambi nayo.” (Isaya 35:8) Richitsinhira pauporofita ihwohwu, bhuku raWorldwide Security Under the “Prince of Peace” rinoti: “Muna 1919 mugwagwa wokufananidzira wakazarurirwa vabatiri vanofara vaMwari. Avo vaida kuva vatsvene pamberi paJehovha ndivo vakafamba mu‘mugwagwa’ iwoyu, ‘Nzira Youtsvene.’ . . . Nhasi, tapinda kwazvo ‘mumhedziso yetsika yezvinhu,’ ‘mugwagwa’ iwoyo wakagoverwa nenzira youmwari unoramba wakazaruka. Mapoka avanhu vanoonga ari . . . kupinda munzira yeparadhiso yomudzimu, ‘Nzira Youtsvene.’”a
21. Vabatiri vaJehovha vanofanira kuzvisianisa vamene neboka raSatani sei uye nei, uye chii chichakurukurwa munyaya inotevera?
21 Hungu, vakasarira vakazodzwa vavaIsraeri vomudzimu neshamwari dzavo, mamwe makwai, vanozvisianisa vamene nhasi savanhu vakatsaurwa munyika yaSatani, nokuda kwavo murangariro woutsvene wakarasikirwa nerevo yose. Hakuna chinhu chinoyera kuboka raDhiabhorosi rinofamba mu“nzira yakafara neyakapamhama . . . inotungamirira muruparadziko.” Ivo havasati vari vasina kuchena bedzi mumudzimu nomutsika asi muzvinoitika zvakawanda ivo havana kuchena mumuviri uye chitarisiko chavo chine tsvina, pasina kukatutsira. Bva, muapostora Pauro anoti: “Ngatizvichenesei timene pachinosvibisa chiri chose chenyama nomudzimu, tichikwanisa utsvene mukutya Mwari.” (2 VaKorinte 7:1) Kuti munzirai umo vanhu vaMwari vanofanira kungwarira kuva vakachena mundangariro nomumuviri kucharangarirwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Ganhuro 16, mapeji 134-5.
Mapfundo Ehwirudzuro
◻ Mativii maviri ari kuutsvene, uye neiko kuchigona kutaurwa kuti Jehovha mutsvene zvikurusa?
◻ VaIsraeri vaifanira kuzvibvumikisa vamene kuva rudzi rutsvene munzirai mbiri?
◻ Chii chinodikanwa kuvaIsraeri vomudzimu nomushamwari dzavo, mamwe makwai?
◻ Kutya kwedu Mwari kunofanira kutapura sei chisarudzo chedu chomukwanyina weroorano?
◻ Inzirai mbiri dzinogona kuteverwa nhasi, uye neiko chisarudzo chakajeka chichifanira kuitwa?
[Mufananidzo uri papeji 13]
Shoko raMwari rinoti: “Roorano ngaikudzwe”