Chitsauko 14
Jehovha Anokwidziridza Mushumiri Wake Mesiya
1, 2. (a) Ipa muenzaniso wemamiriro ezvinhu ayo vaJudha vazhinji vakatarisana nawo muchikamu chokutanga chezana remakore rokutanga C.E. (b) Igadziriroi iyo Jehovha akanga aita kuti abatsire vaJudha vakatendeka kuziva Mesiya?
FUNGIDZIRA kuti unofanira kuonana nomumwe munhu anoremekedzwa anokosha. Nguva nenzvimbo yenyu yokusangana zvarongwa. Asi pane chinetso: Hauzivi chimiro chake, uye achave achifamba chinyararire, pasina zvokuonererwa. Uchamuziva sei? Zvaizobatsira kudai waiva nemashoko akazara echimiro chake.
2 Muchikamu chokutanga chezana remakore rokutanga C.E. vaJudha vazhinji vakatarisana nemamiriro ezvinhu akadai. Vakanga vachitarisira Mesiya—munhu anokosha kwazvo aizomborarama. (Dhanieri 9:24-27; Ruka 3:15) Asi vaJudha vakatendeka vaizomuziva sei? Jehovha, achishandisa vaprofita vechiHebheru, akanga aita mufananidzo nemashoko akazara akanyorwa ezviitiko zvakapoteredza Mesiya zvaizobatsira vainzwisisa kumuziva pasina chikanganiso.
3. Chii chinorondedzerwa nezvaMesiya chiri pana Isaya 52:13–53:12?
3 Pakati pouprofita hwechiHebheru pamusoro paMesiya, pamwe hapana hunobudisa mufananidzo wakajeka kupfuura hwakanyorwa pana Isaya 52:13–53:12. Pachine makore anopfuura 700, Isaya akarondedzera, kwete chimiro chaMesiya, asi mashoko akazara aikosha zvikuru—chinangwa nomutoo wokutambura kwake uye mashoko akananga orufu rwake, kuvigwa, uye kukwidziridzwa. Kudzidza nezvouprofita uhwu nokuzadzika kwahwo kuchafadza mwoyo yedu nokusimbisa kutenda kwedu.
“Mushumiri Wangu”—Ndiani?
4. Ipfungwa dzipi idzo dzimwe nyanzvi dzechiJudha dzakapa pamusoro pokuti “mushumiri” ndiani, asi nei dzisingawirirani nouprofita hwaIsaya?
4 Isaya achangobva kurondedzera nezvokusunungurwa kwevaJudha pakutapwa neBhabhironi. Zvino achitarira mberi kuchiitiko chikuru kwazvo, anonyora mashoko aJehovha okuti: “Tarirai, [“mushumiri,” NW] wangu uchaita nokuchenjera, uchakwi[dzi]ridzwa nokusimudzwa, nokukwirira kwazvo.” (Isaya 52:13) “Mushumiri” uyu ndiani chaizvo? Kwemazana emakore, nyanzvi dzechiJudha dzakataura pfungwa dzakasiyana-siyana. Dzimwe dzakati aimirira rudzi rwose rwaIsraeri munguva yokutapwa kwarwo muBhabhironi. Asi kutsanangura kwakadaro hakuwirirani nouprofita hwacho. Mushumiri waMwari anozvipira kutambura. Kunyange zvazvo asina mhaka, anotamburira zvivi zvevamwe. Izvi hazvingambokodzeri kurondedzera rudzi rwechiJudha, urwo rwakatapwa nemhaka yokutadza kwarwo. (2 Madzimambo 21:11-15; Jeremia 25:8-11) Vamwe vaitaura kuti Mushumiri wacho aimirira vaizviita vatsvene vakakwirira muIsraeri uye kuti ivava vaitamburira vaIsraeri vaitadza. Zvisinei, munguva yokutambura muIsraeri, hapana boka rakatamburira rimwe.
5. (a) Dzimwe nyanzvi dzechiJudha dzakashandisa sei uprofita hwaIsaya? (Ona mashoko omuzasi.) (b) Kuziviswa kupi kwakajeka kwoMushumiri kunopiwa mubhuku reBhaibheri raMabasa?
5 ChiKristu chisati chavamba, uye kunyange mumazana emakore okutanga eNguva Yavose, dzimwe nyanzvi shomanana dzechiJudha dzaiti uprofita uhwu hunoshanda kuna Mesiya. Kuti uku ndiko kushanda kwakarurama zvinoonekwa muMagwaro echiKristu echiGiriki. Bhuku raMabasa rinotaura kuti mukuru mukuru weEtiopia paakataura kuti akanga asingazivi kuti Mushumiri womuuprofita hwaIsaya aiva ani, Firipi “akamuzivisa mashoko akanaka pamusoro paJesu.” (Mabasa 8:26-40; Isaya 53:7, 8) Mamwe mabhuku eBhaibheri anozivisawo Jesu Kristu saiye Mushumiri Mesiya wouprofita hwaIsaya.a Sezvatinokurukura uprofita huno, tichaona kufanana kusingarambiki pakati pouyo Jehovha anodana kuti “mushumiri wangu” naJesu wokuNazareta.
6. Uprofita hwaIsaya hunoratidza sei kuti Mesiya achaita kuda kwaMwari nokubudirira?
6 Uprofita hwacho hunotanga nokurondedzera kubudirira kwaMesiya pakupedzisira pakuita kuda kwaMwari. Shoko rokuti “mushumiri” rinoratidza kuti achazviisa pasi pokuda kwaMwari, sezvinoita muranda kuna tenzi wake. Mukudaro, “achaita nokuchenjera.” Kuchenjera kukwanisa kunzwisisa mamiriro ezvinhu. Kuita nokuchenjera kuita nokungwara. Pamusoro peshoko rechiito rechiHebheru rakashandiswa pano, rimwe bhuku rinoti: “Musimboti wepfungwa yarinayo ndewokungwara uye kuchenjera pakuita zvinhu. Uyo anoita nouchenjeri achabudirira.” Kuti zvechokwadi Mesiya achabudirira zvinoonekwa mukuti uprofita hunoti “uchakwi[dzi]ridzwa nokusimudzwa, nokukwirira kwazvo.”
7. Jesu Kristu aka“ita nokuchenjera” sei, uye aka“simudzwa, nokukwidziridzwa kwazvo” sei?
7 Jesu aka“ita nokuchenjera,” achiratidza kunzwisisa uprofita hweBhaibheri hwaishanda kwaari uye achitungamirirwa nahwo kuita kuda kwaBaba vake. (Johani 17:4; 19:30) Zvichiguma nei? Pashure pokumutswa kwaJesu nokukwira kudenga, “Mwari akamukwidziridza kunzvimbo yepamusoro akamupa nomutsa zita riri pamusoro pemamwe mazita ose.” (VaFiripi 2:9; Mabasa 2:34-36) Zvadaro, muna 1914 Jesu akapiwa mbiri akatowedzera kukwidziridzwa. Jehovha akamukwidza pachigaro choUmambo hwaMesiya. (Zvakazarurwa 12:1-5) Hungu, aka‘simudzirwa, nokukwidziridzwa kwazvo.’
‘Kumutarira Vachishamiswa’
8, 9. Apo Jesu akakwidziridzwa anouya kuzotonga, vatongi vepasi pano vachaita sei, uye nei?
8 Marudzi nevatongi vawo achaitei naMesiya akakwidziridzwa? Kana tikambosiya mashoko ari muzvikomberedzo ari murutivi rwechipiri rwendima 14, uprofita hwacho hunoti: “Vazhinji sezvavakashamiswa pamusoro pako . . . saizvozvo uchavhundusa marudzi mazhinji; madzimambo achafumbira miromo yawo pamusoro pake, nokuti vachaona zvavasina kumboudzwa; vachanzwisisa zvavasina kumbonzwa.” (Isaya 52:14a, 15) Nemashoko aya Isaya anorondedzera, kwete kuonekwa kwokutanga kwaMesiya, asi kusangana kwake kwokupedzisira nevatongi vepasi pano.
9 Apo Jesu akakwidziridzwa anouya kuzotonga nyika ino isingadi Mwari, vatongi vevanhu ‘vachamutarira vachishamisika.’ Chokwadi, vatongi vevanhu havazooni chaizvo Jesu akapiwa mbiri. Asi vachaona uchapupu hunooneka hwesimba rake soMurwi wokudenga waJehovha. (Mateu 24:30) Vachamanikidzwa kunzwisisa zvavasina kumbonzwa zvichirondedzerwa nevatungamiriri vechitendero—kuti Jesu Muurayi wokutonga kwaMwari! Mushumiri akakwidziridzwa uyo vachasangana naye achaita nenzira yavasingatarisiri.
10, 11. Munzirai umo Jesu anganzi akachinjwa chimiro muzana remakore rokutanga, uye izvi zvakaitwa sei nhasi?
10 Maererano netsinhiro iri muzvikomberedzo mundima 14, Isaya anoti: “Chiso chake chakanga chakakuvadzwa kupfuura chavamwe vanhu, nechimiro chake kupfuura chavanakomana vavanhu.” (Isaya 52:14b) Chimiro chaJesu chakachinjwa here neimwe nzira? Aiwa. Kunyange zvazvo Bhaibheri risingapi mashoko akazara pamusoro pechimiro chaJesu, Mwanakomana waMwari akakwana pasina mubvunzo aiva nechimiro nouso zvinofadza. Sezviri pachena, mashoko aIsaya ari kutaura pamusoro pokunyadziswa kwakaita Jesu. Akafumura noushingi vatungamiriri vechitendero vomuzuva rake sevanyengeri, varevi venhema, uye mhondi; uye vakadzorera nokumutuka. (1 Petro 2:22, 23) Vakamupomera kuva muputsi womutemo, mumhuri waMwari, munyengeri, mumukiri weRoma. Nokudaro, vapomeri venhema ava vakanyatsochinja chimiro chaJesu.
11 Muzuva ranhasi kunyeperwa kwaJesu kunoenderera mberi. Vanhu vazhinji vanofungidzira Jesu ari rusvava ruri muchidyiro chezvipfuwo, kana kuti somunhu ari kutambura akaroverwa pamuchinjikwa, chiso chake chakanganisika nemarwadzo akapfeka korona yeminzwa. Vafundisi vechiKristudhomu vakakurudzira maonero akadaro. Vakakundikana kuratidza Jesu saMambo wokudenga ane simba uyo marudzi achazvidavirira nokwaari. Apo vatongi vevanhu vachasangana naJesu akakwidziridzwa munguva yemberi iri pedyo, vachafanira kubata naMesiya uyo ane ‘chiremera chose kudenga nepanyika’!—Mateu 28:18.
Ndiani Achatenda Aya Mashoko Akanaka?
12. Mibvunzo ipi yokuda kuziva inomutswa nemashoko ari pana Isaya 53:1?
12 Arondedzera kushanduka kunoshamisa kwaMesiya—kubva pa‘kuchinjwa chimiro’ kuenda paku“kwirira kwazvo”—Isaya anobvunza kuti: “Ndianiko wakatenda zvatakaparidzirwa? Ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kunaani?” (Isaya 53:1) Mashoko aIsaya aya anomutsa mibvunzo yokuda kuziva: Uprofita uhwu huchazadzika here? “Ruoko rwaJehovha,” runomirira kukwanisa kwake kushandisa simba, ruchazviratidza ndokuita kuti mashoko aya aiitike here?
13. Pauro akaratidza sei kuti uprofita hwaIsaya hwakazadzika muna Jesu, uye imhinduro yokuti chii yakavapo?
13 Mhinduro yacho pasina mubvunzo ndeyokuti hungu! Mutsamba yake kuvaRoma, Pauro anotora mashoko aIsaya kuratidza kuti uprofita hwakanzwikwa nokunyorwa naIsaya hwakaitika pana Jesu. Kupiwa mbiri kwaJesu pashure pokutambura kwake pasi pano aiva mashoko akanaka. “Kunyange zvakadaro,” anodaro Pauro achitaura pamusoro pevaJudha vasingatendi, “havasi vose vakateerera mashoko akanaka. Nokuti Isaya anoti: ‘Jehovha, ndiani akatenda muchinhu chakanzwiwa kubva kwatiri?’ Nokudaro kutenda kunotevera chinhu chakanzwiwa. Uyewo chinhu chakanzwiwa chinouya neshoko pamusoro paKristu.” (VaRoma 10:16, 17) Zvisinei, zvinosiririsa kuti vashomanana muzuva raPauro vakatenda mashoko akanaka pamusoro poMushumiri waMwari. Nei?
14, 15. Mesiya achauya pasi pano mumamiriroi ezvinhu?
14 Uprofita hwacho hunotevera kutsanangurira vaIsraeri zvikonzero zvemibvunzo yacho yakanyorwa mundima 1, uye mukuita saizvozvo, hunojekesa kuti nei vazhinji vasingazogamuchiri Mesiya, hunoti: “Nokuti wakamera pamberi [pomucherechedzi], sebukira nyoro, somudzi unobuda pavhu rakaoma; haana chimiro kana umambo; kana tichimuona, hakuna kunaka kuti timude.” (Isaya 53:2) Pano tinoona zvichave zvakaita mamiriro ezvinhu apo Mesiya achauya pasi pano. Achatanga ari wepasi, uye kuvacherechedzi acharatidzika seasingazombokuri kuva chinhu. Uyezve, achangoita sebukirawo zvaro, kanhondo kasina kusimba, kanokura pahunde kana kuti bazi romuti. Achavewo somudzi unorarama nemvura uri muvhu rakaoma, risina tariro. Uye haazouyi achishamisira nembiri—hapana nguo dzoumambo kana kuti korona dzipi nedzipi dzinopenya. Pane kudaro, kutanga kwake kuchave kuri kwokuzvininipisa uye kusiri kwokunyengedzera.
15 Izvozvo zvinorondedzera zvakaisvonaka mavambo aJesu akaderera somunhu! Mhandara yechiJudha Mariya yakamuberekera mudanga rezvipfuwo mutaundi duku rainzi Bheterehema.b (Ruka 2:7; Johani 7:42) Mariya nomurume wake, Josefa, vakanga vari varombo. Anenge mazuva 40 Jesu aberekwa, vakauya nechibayiro chechivi chaibvumirwa varombo, “magukutiwa maviri kana kuti hangaiwa mbiri duku.” (Ruka 2:24; Revhitiko 12:6-8) Nokufamba kwenguva, Mariya naJosefa vakagara muNazareta, umo Jesu akakurira mumhuri huru, pamwe muupenyu hwakaderera.—Mateu 13:55, 56.
16. Ichokwadi sei kuti Jesu akanga asina “chimiro” kana kuti “umambo”?
16 Zvairatidzika sokuti somunhu, Jesu akanga asina midzi muvhu chairo. (Johani 1:46; 7:41, 52) Kunyange zvazvo akanga ari munhu akakwana uye wedzinza raMambo Dhavhidhi, mamiriro ake ezvinhu okuzvininipisa haana kumupa “chimiro” kana kuti “umambo”—mumaziso eavo vaitarisira Mesiya kuuya achibva nokwakakwirira. Vakuchidzirwa nevatungamiriri vechitendero vechiJudha, vazhinji vakaitwa kuti vasamukoshesa uye kunyange kumuzvidza. Pakupedzisira mapoka acho evanhu haana chaakaona chaiyemurika paMwanakomana akakwana waMwari.—Mateu 27:11-26.
‘Akazvidzwa Nokurashwa Navanhu’
17. (a) Isaya anovamba kurondedzerei, uye nei achinyora sezvakaitika? (b) Ndivanaani vaka“zvidza” noku‘rasha’ Jesu, uye vakaita kudaro sei?
17 Isaya zvino anotanga kurondedzera zvizere nzira iyo Mesiya achaonekwa uye kubatwa nayo, achiti: “Wakazvidzwa, nokurashwa navanhu, munhu wokurwadziwa, wakaziva urwere, somunhu unovanzirwa navanhu zviso zvavo; wakazvidzwa, nesu hatina kumukudza.” (Isaya 53:3) Aine chokwadi chokuti mashoko ake achaitika, Isaya anonyora nemashoko ezvakaitika, sokunge akanga atozadzika kare. Jesu Kristu akazvidzwa nokurashwa nevanhu here? Zvechokwadi, akadaro! Vatungamiriri vechitendero vaizviita vakarurama nevateveri vavo vaimuona somunhu akaipisisa. Vaimuti shamwari yevateresi nemahure. (Ruka 7:34, 37-39) Vakamupfira mate kumeso. Vakamurova nezvibhakera zvavo nokumutuka. Vakamuzvidza nokumusveeredza. (Mateu 26:67) Vachipesvedzerwa nevavengi vechokwadi ava, “vanhu vokwake [Jesu] havana kumugamuchira.”—Johani 1:10, 11.
18. Sezvo Jesu asina kumborwara, aiva sei “munhu wokurwadziwa, wakaziva urwere”?
18 Somunhu akakwana, Jesu haana kurwara. Asi, akanga ari “munhu wokurwadziwa, wakaziva urwere.” Marwadzo akadaro nourwere zvakanga zvisiri zvake. Jesu akabva kudenga achiuya munyika inorwara. Akagara pakati pokutambura nemarwadzo, asi haana kufuratira vairwara, mungave mumuviri kana kuti mumudzimu. Kufanana nachiremba ane hanya, akasvika pakujairana zvikuru nokutambura kwevakanga vakamupoteredza. Uyezve, akakwanisa kuita zvaisagona kuitwa nomunhuwo zvake anorapa.—Ruka 5:27-32.
19. Chiso chaani ‘chakavanzwa,’ uye vavengi vaJesu vakaratidza sei kuti “ha[va]na kumukudza”?
19 Kunyange zvakadaro, vavengi vaJesu vaiona iye somurwere uye vairamba kumutarisa nenyasha. Chiso chake ‘chakavanzwa’ kuti chisaonekwa asi kwete nemhaka yokuti akavanza chiso kuti vamwe vasamuona. Mukushandura Isaya 53:3, The New English Bible inoshandisa mashoko okuti “chinhu icho vakafuratidza maziso avo kwachiri.” Vashori vaJesu vaimuona achisembura kwazvo zvokuti vakatomufuratira sokunge aitosemesa zvokusatarisika. Vakamuona seakangokodzera mutengo womuranda chete. (Eksodho 21:32; Mateu 26:14-16) Vaitoremekedza Bharabhasi mhondi kupfuura iye. (Ruka 23:18-25) Chii chinopfuura apa chavangadai vakaita kuratidza kuzvidza kwavo Jesu?
20. Mashoko aIsaya anonyaradza vanhu vaJehovha sei nhasi?
20 Vashumiri vaJehovha nhasi vanogona kunyaradzwa zvikuru nemashoko aIsaya. Dzimwe nguva, vashori vangazvidza vanamati vakatendeka vaJehovha kana kuti kuvabata sevasina maturo. Asi, sezvakangoitikawo kuna Jesu, chinokosha zvikuru ndechokuti Jehovha Mwari anotikoshesa zvakadini. Pamusoro pazvo, kunyange zvavo vanhu ‘vaiona Jesu seasina maturo,’ izvi hazvina kuchinja kukosha kwake kukuru mumaziso aMwari!
“Wakakuvadzwa Nokuda Kwokudarika Kwedu”
21, 22. (a) Chii icho Mesiya akatakurira vamwe? (b) Vazhinji vakaona Mesiya sei, uye kutambura kwake kwakaguma nei?
21 Nei Mesiya aizofanira kutambura nokufa? Isaya anotsanangura kuti: “Zvirokwazvo, wakatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu; asi isu takati wakatambudzwa, wakarohwa naMwari nokumanikidzwa. Asi wakakuvadzwa nokuda kwokudarika kwedu, wakarwadziwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwakanga kuri pamusoro pake, takaporeswa namavanga ake. Isu tose takanga takarashika samakwai, takatsauka mumwe nomumwe nenzira yake; asi Jehovha wakaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose.”—Isaya 53:4-6.
22 Mesiya akatakura urwere hwevamwe nokutakura marwadzo avo. Akasimudza mitoro yavo nenzira yokufananidzira, akaisa pamapfudzi ake, ndokuitakura. Uye sezvo urwere nemarwadzo iri migumisiro yokuva nechivi kwevanhu, Mesiya akatakura zvivi zvevamwe. Vazhinji vakatadza kunzwisisa chikonzero chokutambura kwake uye vakafunga kuti airangwa naMwari, achimutambudza nehosha inosemesa.c Kutambura kwaMesiya kwakaguma nokubayiwa kwake, kupwanywa, nokukuvadzwa—mashoko akasimba anoratidza rufu rwechisimba uye runorwadza. Asi rufu rwake rune simba rokuyananisa; runopa chikonzero chokuwanazve vaya vanodzungaira vakanganisa nokutadza, zvichivabatsira kuwana rugare naMwari.
23. Jesu akatakura sei kutambura kwevamwe?
23 Jesu akatakura sei kutambura kwevamwe? Evhangeri yaMateu, ichitora mashoko aIsaya 53:4, inoti: “Asi akati ava manheru, vanhu vakamuunzira vanhu vakawanda vaiva nemadhimoni; uye akadzinga midzimu yacho neshoko, uye akarapa vose vakanga vachinetseka; kuti zvizadzike zvakataurwa nokuna Isaya muprofita, zvichinzi: “Iye akatora zvirwere zvedu akatakura hosha dzedu.” (Mateu 8:16, 17) Nokuporesa vaiuya kwaari nehosha dzakasiyana-siyana, chaizvoizvo Jesu akatakura kutambura kwavo iye pachake. Uye kuporesa kwakadaro kwaitora simba rake. (Ruka 8:43-48) Kukwanisa kwake kuporesa hosha dzemarudzi ose—dzomuviri nedzomudzimu—zvakaratidza kuti akapiwa simba rokuti anatse vanhu pachivi.—Mateu 9:2-8.
24. (a) Nei zvakaratidzika sokuti Jesu aka“tambudzwa” naMwari kuvazhinji? (b) Nei Jesu akatambura ndokufa?
24 Asi, kuvazhinji zvakaita sokuti Jesu aka“tambudzwa” naMwari. Pamusoro pazvo, akatambura zvichikusvudzirwa nevatungamiriri vechitendero vairemekedzwa. Zvisinei, yeuka kuti haana kutambura nemhaka yezvivi zvake pachake. “Kristu akakutambudzikirai,” anodaro Petro, “achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake. Haana kuita chivi, uyewo unyengeri hahuna kuwanika mumuromo make. Iye akatakura zvivi zvedu mumuviri wake padanda, kuti tirege zvivi uye tiraramire kururama. Uye ‘makaporeswa nemaronda ake.’” (1 Petro 2:21, 22, 24) Tose pane imwe nguva taiva takarasika muchivi, “semakwai, akarasika.” (1 Petro 2:25) Zvisinei, achishandisa Jesu, Jehovha akagovera rudzikinuro pakutadza kwedu. Akaisa chikanganiso chedu “pamusoro” paJesu, kumutakudza. Jesu, akanga asina chivi, nokuzvidira akatambura chirango chezvivi zvedu. Nokufa rufu runotambudza rwaasina kufanira runonyadzisa padanda, akaita kuti zvibvire kuti tiyananiswe naMwari.
‘Akarega Achirwadziswa’
25. Tinoziva sei kuti Mesiya akatambura nokufa achizvidira?
25 Mesiya aida here kutambura nokufa? Isaya anoti: “Wakamanikidzwa, kunyange zvakadaro wakazvininipisa, akasashamisa muromo wake; segwayana rinoiswa kundobayiwa, uye segwai risingachemi pamberi pavavevuri varo, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.” (Isaya 53:7) Pausiku hwokupedzisira hwoupenyu hwake, Jesu aigona kudai akadana “mapoka makuru engirozi anopfuura gumi nemaviri” kuti azomubatsira. Asi akati: “Ipapo, Magwaro aizozadzika sei okuti zvinofanira kuitika saizvozvi?” (Mateu 26:53, 54) Pane kudaro, “gwayana raMwari” harina kuramba. (Johani 1:29) Apo vapristi vakuru nevarume vakuru vakamupomera zvenhema pamberi paPirato, Jesu “haana kupindura.” (Mateu 27:11-14) Akanga asingadi kutaura chero chinhu chaigona kuvhiringidza kuita kwake kuda kwaMwari. Jesu akanga achida kufa segwai rechibayiro, achinyatsoziva kuti kufa kwake kwaizodzikinura vanhu vanoteerera pachivi, urwere, uye rufu.
26. ‘Kumanikidza’ kwakashandiswa munzirai nevashori vaJesu?
26 Isaya zvino anopa mamwe mashoko akazara pamusoro pokutambura kwaMesiya nokunyadziswa. Muprofita wacho anonyora kuti: “Akabviswa [“nemhaka yokudziviswa neyokutongwa; uye ndiani achava nehanya nezvinhu zvine chokuita nemashoko echizvarwa chake? Nokuti,” NW] akabviswa panyika yavapenyu. Akarohwa nokuda kwokudarika kwavanhu vangu.” (Isaya 53:8) Apo Jesu akazotorwa pakupedzisira nevavengi vake, vashori vechitendero ava vakamu‘dzivisa’ pamabatire avakamuita. Hakusi kuti vakarega kuratidza ruvengo rwavo asi kuti vakadzivisa kana kuti vakarega, ruramisiro. Mukushandura kwayo Isaya 53:8, Septuagint yechiGiriki inoti “kunyadziswa” panzvimbo pa“kudziviswa.” Vavengi vaJesu vakamunyadzisa nokudzivisa kumupa kubatwa kwakafanira kwakakodzera kupiwa kunyange tsotsiwo zvaro. Kutongwa kwaJesu kwakanga kuri kuseka ruramisiro. Zvakadaro sei?
27. Vatungamiriri vechitendero vechiJudha pavakanga vachitonga Jesu, mitemo ipi yavakasendeka, uye vakaputsa Mutemo waMwari munzira dzipi?
27 Mukutsunga kwavo kuda kupfuudza Jesu, vatungamiriri vechitendero vechiJudha vakaputsa mitemo yavo pachavo. Maererano netsika, Sanihedrini yaigona kutonga nhau ine mutongo worufu bedzi muhoro yakavakwa nematombo akavezwa, muchivanze chetemberi, kwete muimba yomupristi mukuru. Kutonga kwakadaro kwaifanira kuitwa masikati chete, kwete zuva ranyura. Uye mumhaka ine mutongo worufu, chisarudzo chokuva nemhaka chaifanira kuziviswa zuva raizotevera rokupedza kutonga kwacho. Nokudaro, hapana mhaka dzaiva nomutongo worufu dzaigona kutongwa chifume riri Sabata kana kuti mutambo. Mitemo iyi yakasendekwa yose pakutongwa kwaJesu. (Mateu 26:57-68) Zvakatoipa kupfuura izvozvo, vatungamiriri vechitendero vacho vakaputsa Mutemo waMwari sezvavaitonga nhau yacho. Somuenzaniso, vakashandisa chioko muhomwe kuti vabate Jesu. (Dheuteronomio 16:19; Ruka 22:2-6) Vakateerera zvapupu zvenhema. (Eksodho 20:16; Mako 14:55, 56) Uye vakarangana kusunungura mhondi, nokudaro vachizviuyisira mhaka yeropa pamusoro pavo nenyika yavo. (Numeri 35:31-34; Dheuteronomio 19:11-13; Ruka 23:16-25) Nokudaro, pakanga pasina “kutonga,” pasina kutonga kweruramisiro kwaizoguma nechisarudzo chakarurama chokusasarura.
28. Vavengi vaJesu vakakundikana kufunga nezvei?
28 Vavengi vaJesu vakamboferefeta here kuti vaone kuti murume wavaitonga aiva pamberi pavo aiva ani chaizvo? Isaya anobvunza mubvunzo wakadaro. “Ndiani achava nehanya nezvinhu zvine chokuita nemashoko echizvarwa chake?” Shoko rokuti “chizvarwa” ringareva dzinza romunhu, kana kuti kwaakabva. Jesu paaitongwa pamberi peSanihedrini, nhengo dzayo hadzina kurangarira kwaakabva—kuti akazadzisa zvaidiwa kuna Mesiya akapikirwa. Asi vakatomupomera kumhura Mwari uye vakamutongera rufu. (Mako 14:64) Pave paya, gavhuna weRoma Pondiyo Pirato akabvuma kumanikidzwa ndokutongera Jesu kuti arovererwe. (Ruka 23:13-25) Nokudaro Jesu, ave nemakore 33 1/2, waka“gurwa,” kana kuti kuurawa, pakati poupenyu hwake.
29. Zvakadaro sei kuti guva raJesu rakanga riri “navakaipa” uye “nomupfumi”?
29 Pamusoro porufu rwaMesiya nokuvigwa, Isaya anotevera kunyora kuti: “Vakamupa hwiro hwake pamwe chete navakaipa, akava nomupfumi pakufa kwake, kunyange asina kuita chisakarurama, kunyengera kusina kuwanikwa mumuromo make.” (Isaya 53:9) Jesu akanga ane vakaipa nevapfumi sei pakufa nepakuvigwa kwake? Pana Nisani 14, 33 C.E., akafira padanda rokuurayira kunze kwemasvingo eJerusarema. Sezvo akaroverwa ari pakati pevaiti vezvakaipa vaviri, neimwe pfungwa nzvimbo yake yokuvigwa yakanga iri pamwe nevakaipa. (Ruka 23:33) Zvisinei, Jesu afa, Josefa, mumwewo murume akapfuma weArimatiya, akashinga kunokumbira Pirato mvumo yokutakura mutumbi waJesu kuti auvige. Josefa naNikodhimo, vakagadzirira mutumbi wacho kuvigwa ndokuuisa muguva idzva rakanga richangobva kugadzirwa raiva rake. (Mateu 27:57-60; Johani 19:38-42) Naizvozvo guva raJesu rakanga ririwo revanhu vakapfuma.
‘Jehovha Akafarira Kumupwanya’
30. Jehovha akafarira kupwanya Jesu mupfungwai?
30 Isaya anotevera kutaura chimwe chinhu chinoshamisa achiti: “Asi kwaiva kuda kwaJehovha kuti arwadziwe; wakamurwarisa; kana mweya wake wauya nechipiriso chezvivi, uchaona zvibereko zvake, uchawedzera mazuva ake, zvinodikanwa naJehovha zvichafambiswa zvakanaka noruoko rwake. Uchaona zvaakatamburira nomweya wake, akagutiswa; nokuziva kwake [“mushumiri wangu, achaita kuti vanhu vakawanda vave vakarurama,” NW] uchatakura zvakaipa zvavo.” (Isaya 53:10, 11) Jehovha aizofarira sei kuona mushumiri wake akatendeka achipwanywa? Sezviri pachena, Jehovha pachake haana kurwadzisa Mwanakomana wake anodiwa. Vavengi vaJesu ndivo vaiva nemhaka yakazara pane zvavakaita kwaari. Asi Jehovha akavabvumira kuita noutsinye. (Johani 19:11) Nechikonzero chei? Chokwadi Mwari anonzwira urombo ane tsitsi akarwadziwa kuona Mwanakomana wake asina mhaka achitambura. (Isaya 63:9; Ruka 1:77, 78) Jesu haana paasina kumbofadza Jehovha chero munzira ipi zvayo. Kunyange zvakadaro, Jehovha akafarira kuzvidira kweMwanakomana wake kutambura nemhaka yezvikomborero zvose zvaizovapo somugumisiro wacho.
31. (a) Jehovha akagadza mweya waJesu se‘chibayiro chezvivi’ munzirai? (b) Pashure penhamo yose iyo Jesu akaona somunhu, chii chinofanira kuva chichinyanya kumugutsa?
31 Chokutanga, Jehovha akagadza mweya waJesu se‘chibayiro chezvivi.’ Nokudaro, Jesu paakakwira kudenga zvakare akapinda pamberi paJehovha akatakura ukoshi hwoupenyu hwake somunhu hwaakanga apira sechibayiro chezvivi, uye Jehovha akafara kuchigamuchira nokuda kwevanhu vose. (VaHebheru 9:24; 10:5-14) Nechibayiro chake chezvivi, Jesu akava ne“vana.” Sa“Baba vokusingaperi,” anokwanisa kupa upenyu—upenyu husingaperi—kune vanotenda muropa rake rakateurwa. (Isaya 9:6) Pashure penhamo yose iyo Jesu akaona somunhu, mweya, zvinofanira kuva zvichimugutsa zvakadini kutarisira kununura vanhu muchivi norufu! Chokwadi, zvinofanira kuva zvichitomugutsa zvikuru kuziva kuti kuperera kwake kwakapa Baba vake vokudenga mhinduro yokushora kwoMuvengi Wavo, Satani Dhiyabhorosi.—Zvirevo 27:11.
32. Jesu ano“ita kuti vanhu vakawanda vave vakarurama” nokuziva chii, uye kururama uku kunouya kunaani?
32 Chimwe chikomborero chinovapo nemhaka yokufa kwaJesu ndechokuti ano“ita kuti vanhu vakawanda vave vakarurama,” kunyange zvino. Anoita kudaro, anodaro Isaya, “nokuziva kwake.” Sezviri pachena, iyi izivo iyo Jesu akawana nokuva munhu uye kutambura zvisina kufanira nokuda kwokuteerera kwake Mwari. (VaHebheru 4:15) Atambura zvokusvika pakufa, Jesu akakwanisa kupa chibayiro chaidiwa kubatsira vamwe kuti vave vakarurama. Kuva vakarurama uku kunouya kunaani? Kutanga, kuvateveri vake vakazodzwa. Nemhaka yokuti vanotenda chibayiro chaJesu, Jehovha anovati vakarurama netarisiro yokuvagamuchira sevanakomana nokuvaita vadyi venhaka pamwe naJesu. (VaRoma 5:19; 8:16, 17) Zvadaro, “boka guru revanhu” re“mamwe makwai” rinotenda muropa raJesu rakateurwa uye rinofara nokuva rakarurama netarisiro yokuva shamwari dzaMwari nokupukunyuka paAmagedhoni.—Zvakazarurwa 7:9; 16:14, 16; Johani 10:16; Jakobho 2:23, 25.
33, 34. (a) Chii chatinodzidza nezvaJehovha chinofadza mwoyo yedu? (b) Ndivanaani “vakawanda” avo Mushumiri Mesiya anowana “mugove” pakati pavo?
33 Pakupedzisira, Isaya anorondedzera kukunda kwaMesiya achiti: “Saka ndichamuganhurira mugove pamwe chete navakuru, uchagoverana zvakapambwa navane simba; nokuti wakadurura mweya wake pakufa, akaverengwa pamwe chete navadariki; kunyange zvakadaro wakatakura zvivi zvavazhinji akanyengeterera vadariki.”—Isaya 53:12.
34 Mashoko okupedzisira echikamu chino chouprofita hwaIsaya anodzidzisa chimwe chinhu chinofadza pamusoro paJehovha: Anokoshesa vanoramba vakavimbika kwaari. Izvi zvinoratidzwa nechipikirwa chokuti acha“ganhurira” Mushumiri wake Mesiya “mugove pamwe chete [“nevakawanda,” NW].” Mashoko aya sezviri pachena akatorwa patsika yokugovana zvinopambwa muhondo. Jehovha anoonga kuvimbika kwe“vakawanda,” vakatendeka venguva dzekare, kusanganisira Noa, Abrahamu, naJobho, uye akavachengetera “mugove” munyika yake itsva iri kuuya. (VaHebheru 11:13-16) Saizvozvo, achapawo mugove kuMushumiri wake Mesiya. Zvechokwadi, Jehovha haazoiti kuti kuperera kwaiyeyu kungoenda kusina mubayiro. Nesuwo tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha haazo‘kanganwi basa redu norudo rwatinoratidza nokuda kwezita rake.’—VaHebheru 6:10.
35. “Vane simba” ndivanaani avo Jesu anogovana navo zvakapambwa, uye zvakapambwa chii?
35 Mushumiri waMwari achawanawo zvinopambwa zvehondo nokukunda vavengi vake. Achagovana zvakapambwa izvi ne“vane simba.” Mukuzadzika kwacho, “vane simba” ndivanaani? Ndivo vadzidzi vaJesu vokutanga kukunda nyika sezvaakaita—vagari venyika 144 000 va“Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16; Johani 16:33; Zvakazarurwa 3:21; 14:1) Saka, zvakapambwa chii zvino? Sezviri pachena, izvi zvinosanganisira “zvipo zviri varume,” izvo Jesu anoita seanobvuta mukudzora kwaSatani, ozvipa ungano yechiKristu. (VaEfeso 4:8-12) “Vane simba” 144 000 vanopiwawo mugove wezvimwe zvakapambwa. Nokuda kwechikonzero chokukunda kwavo nyika, vanotorera Satani chero chikonzero chipi chokutuka Mwari. Kuzvipira kwavo kuna Jehovha kusingaputsiki kunomukwidziridza, kuchiita kuti mwoyo wake ufare.
36. Jesu aizviziva here kuti akanga achizadzika uprofita hwoMushumiri waMwari? Tsanangura.
36 Jesu aizviziva kuti akanga ari kuzadzika uprofita pamusoro poMushumiri waMwari. Usiku hwaakasungwa, akatora mashoko akanyorwa pana Isaya 53:12 ndokuashandisira kwaari pachake anoti: “Nokuti ndinokuudzai kuti izvi zvakanyorwa zvinofanira kuitika mandiri, zvinoti, ‘Akaverengwa pamwe nevasingateereri mutemo.’ Nokuti icho chine chokuita neni chiri kuitika.” (Ruka 22:36, 37) Zvinosiririsa kuti Jesu zvechokwadi akabatwa somunhu asingateereri mutemo. Akaurawa somuputsi womutemo, akaroverwa pakati pemakororo maviri. (Mako 15:27) Asi, akabvuma kuzvidzwa zvakadai, achinyatsoziva kuti akanga achitimiririra. Chaizvoizvo, akamira pakati pevatadzi neshamhu yechirango chorufu, ndokugamuchira shamhu yacho iye pachake.
37. (a) Chinyorwa chenhoroondo youpenyu hwaJesu norufu chinotibatsira kuziva chii? (b) Nei tichifanira kuonga Jehovha Mwari noMushumiri wake akakwidziridzwa, Jesu Kristu?
37 Chinyorwa chenhoroondo youpenyu hwaJesu norufu chinotibatsira kumuziva tisingakanganisi: Jesu Kristu ndiye Mushumiri Mesiya wouprofita hwaIsaya. Tinofanira kuonga chaizvo kuti Jehovha akanga achida kurega Mwanakomana wake anodiwa achizadzisa basa rouprofita roMushumiri, achitambura nokufa kuti tigodzikinurwa muchivi norufu! Jehovha nokudaro akaratidza rudo rukuru kwatiri. VaRoma 5:8 inoti: “Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vanhu vanoita zvivi, Kristu akatifira.” Tinofanirawo kuonga zvikuru Jesu Kristu, Muranda akakwidziridzwa, uyo nokuzvidira akadurura mweya wake pakufa chaiko!
[Mashoko Omuzasi]
a Mukushandura kwaro Isaya 52:13, Targum of Jonathan ben Uzziel (Muzana remakore rokutanga C.E.) sezvakashandurwa naJ. F. Stenning, rinoti: “Tarirai, muranda wangu, Muzodziwa (kana kuti, Mesiya), achabudirira.” Saizvozvowo, Talmud yeBhabhironi (munenge muzana remakore rechitatu C.E.) inoti: “Mesiya—zita rake ndiani? . . . [; avo] veimba yaRabhi [vanoti, Unorwara], sezvazvinonzi, ‘chokwadi akatakura urwere hwedu.’”—Sanhedrin 98b; Isaya 53:4.
b Muprofita Mika akataura nezveBheterehema so“muduku kwazvo pakati pezvuru zvamazana zvaJudha.” (Mika 5:2) Asi, Bheterehema duku rakava nokukudzwa kumwe kwokuva taundi rakaberekerwa Mesiya.
c Shoko rechiHebheru rinoshandurwa pano kuti “tambudzwa” rinoshandiswawo kureva maperembudzi. (2 Madzimambo 15:5) Maererano nedzimwe nyanzvi, vamwe vaJudha vakanzwisisa pana Isaya 53:4 pfungwa yokuti Mesiya aizova nemaperembudzi. Talmud yeBhabhironi inoshandisira ndima iyi kuna Mesiya, ichimudana kuti “nyanzvi yemaperembudzi.” Douay Version yeKaturike, ichitorera kuVulgate yeLatin, inoshandura ndima iyi kuti: “Takafunga nezvake somunhu ane maperembudzi.”
[Chati iri papeji 212]
MUSHUMIRI WAJEHOVHA
Nzira Iyo Jesu Akazadzika Nayo Basa Racho
UPROFITA CHIITIKO KUZADZIKA
Isa. 52:13 Wakasimudzirwa Mab. 2:34-36;
nokukwidziridzwa VaF. 2:8-11; 1 Pet. 3:22
Isa. 52:15 Akashamisa marudzi Mat. 24:30;
mazhinji 2 VaT. 1:6-10; Zvak. 1:7
Isa. 53:1 Haana kutendwa Joh. 12:37, 38;
Isa. 53:3 Akazvidzwa Mat. 26:67; Ruka 23:18-25;
ndokurambwa Joh. 1:10, 11
Isa. 53:4 Akatakura Mat. 8:16, 17;
urwere hwedu Ruka 8:43-48
Isa. 53:5 Akabayiwa Joh. 19:34
Isa. 53:6 Akatamburira 1 Pet. 2:21-25
zvikanganiso zvevamwe
Isa. 53:7 Akanyarara uye Mat. 27:11-14;
asinganyunyuti Mako 14:60, 61;
pamberi pevapomeri Mab. 8:32, 35
Isa. 53:8 Akatongwa pasina Mat. 26:57-68; 27:1, 2,
kururamisirwa uye Mt 27:11-26; Joh. 18:12-14,
akapiwa mhosva Joh 18:19-24, 28-40
Isa. 53:9 Akavigwa nomupfumi Mat. 27:57-60;
Isa. 53:10 Mweya wake wakapiwa VaH. 9:24; 10:5-14
sechibayiro chezvivi
Isa. 53:12A kaverengwa Mat. 26:55, 56; 27:38;
pamwe nevatadzi Ruka 22:36, 37
[Mufananidzo uri papeji 203]
‘Akazvidzwa nevanhu’
[Mufananidzo uri papeji 206]
“Haana kushamisa muromo wake”
[Kwazvakatorwa]
Rutivi rwomufananidzo we“Ecce Homo” wakanyorwa naAntonio Ciseri
[Mufananidzo uri papeji 211]
“Wakadurura mweya wake pakufa”