Isaya
63 Ndiani uyo ari kubva kuEdhomu,+
Ari kubva kuBhozra+ aine nguo dzine ruvara rwakajeka,*
Ane zvipfeko zvakanaka chaizvo,
Ari kufamba musimba rake guru?
“Ndini uya ari kutaura mukururama,
Iye ane simba guru rekuponesa.”
2 Nei zvipfeko zvako zvakatsvuka,
Uye nei nguo dzako dzakaita sedzemunhu ari kutsika-tsika muchisviniro chewaini?+
3 “Ndakatsika-tsika muchisviniro chewaini ndiri ndega.
Hapana munhu wekune mamwe marudzi wandaiva naye.
Ndakaramba ndichivatsika-tsika ndakatsamwa,
Uye ndakaramba ndichivatsika-tsika ndiine hasha.+
Nguo dzangu dzakatsatikirwa neropa ravo,
Ndikasvibisa zvipfeko zvangu zvese.
5 Ndakatarisa, asi pakanga pasina anobatsira;
Ndakakatyamadzwa kuti pakanga pasina aitsigira.
7 Ndichataura nezvemabasa aJehovha erudo rusingachinji,
Iwo mabasa aJehovha akakodzera kurumbidzwa,
Ndichadaro nekuda kwezvese zvatakaitirwa naJehovha,+
Zvinhu zvakanaka zvakawanda zvaakaitira imba yaIsraeri,
Maererano netsitsi dzake uye rudo rwake rukuru rusingachinji.
8 Nekuti akati: “Chokwadi ivo vanhu vangu, vanakomana vasingazovi vanhu vasina kuvimbika.”*+
Saka akava Muponesi wavo.+
9 Pakutambudzika kwavo kwese naiyewo akanga achitambudzika.+
Uye nhume yake* yakavaponesa.+
10 Asi ivo vakapanduka,+ vakarwadzisa mweya wake mutsvene.+
11 Uye vakayeuka mazuva ekare,
Mazuva aMozisi mushumiri wake, vachiti:
“Ari kupi iye akavabudisa mugungwa+ nevafudzi vemakwai ake?+
Ari kupi iye akaisa mweya wake mutsvene maari,+
12 Iye akaita kuti ruoko rwake runokudzwa ruende neruoko rwerudyi rwaMozisi,+
Iye akakamura mvura pamberi pavo+
Kuti zita rake rive nemukurumbira nekusingaperi,+
13 Iye akavafambisa nemumvura yaiva nemafungu,*
Zvekuti vakafamba vasingagumburwi,
Sebhiza munzvimbo isina chinhu?*
Hazvisi kuunzwa kwandiri.
Kunyange zvazvo Abrahamu angasatiziva
Uye Israeri angasaziva kuti tiri vanaani,
Imi, haiwa Jehovha, ndimi Baba vedu.
Mudzikinuri wedu wekare kare ndiro zita renyu.+
17 Haiwa Jehovha, munotisiyirei tichidzungaira* tichibva panzira dzenyu?
Sei muchirega mwoyo yedu ichioma,* zvekuti hatikutyii?+
Dzokai nekuda kwevashumiri venyu,
Madzinza enhaka yenyu.+
18 Yakanga iri yevanhu venyu vatsvene kwenguva pfupi.
Mhandu dzedu dzakatsika-tsika nzvimbo yenyu tsvene.+
19 Tava nenguva yakareba chaizvo takaita sevaya vamusina kumbobvira matonga,
Sevaya vasina kumbobvira vashevedzwa nezita renyu.