Chitsauko 16
Shoko Retariro Kunhapwa Dzakaora Mwoyo
1. Rondedzera mamiriro ezvinhu enhapwa dzechiJudha.
YAKANGA iri nguva isina tariro munhoroondo yenyika yeJudha. Vanhu vaMwari vesungano vakanga vatorwa nechisimba kubva munyika yokumusha kwavo uye zvino vakanga vachiyaura vari nhapwa muBhabhironi. Chokwadi, vaibvumirwa kumboti sunungukei kuti vaite mabasa avo ezuva nezuva. (Jeremia 29:4-7) Vamwe vakatodzidza mabasa ounyanzvi kana kuti vakatoita mabhizimisi.a (Nehemia 3:8, 31, 32) Kunyange zvakadaro, upenyu hwenhapwa dzechiJudha hwakanga husiri nyore. Vakanga vari vasungwa, zvose mumuviri nomumudzimu. Ngationei kuti sei.
2, 3. Kuva nhapwa kwakachinja sei kunamata Jehovha kwevaJudha?
2 Mauto eBhabhironi paakaparadza Jerusarema muna 607 B.C.E., haana kungoparadza rudzi rwacho chete; asi akaparadzawo kunamata kwechokwadi. Akatora zvinhu zvose zvomutemberi yaJehovha ndokuiparadza, achikanganisa urongwa hwokuva nevapristi nokutapa vamwe vorudzi rwaRevhi nokuuraya vamwe vacho. Vasina imba yokunamatira, vasina atari, vasina vapristi vakarongwa, zvakanga zvisingabviri kuti vaJudha vape zvibayiro kuna Mwari wechokwadi sezvairayirwa noMutemo.
3 Kunyange zvakadaro vaJudha vakatendeka vaigona kuchengetedza chitendero chavo nokudzingiswa pamwe nokutevera Mutemo sezvaibvira. Somuenzaniso, vaigona kurega zvokudya zvairambidzwa uye kuchengeta Sabata. Asi nokuita kudaro, vaizviisa mungozi yokusekwa nevatapi vavo, nokuti vaBhabhironi vaiona mitambo yechitendero yevaJudha soupenzi. Kuora mwoyo kwenhapwa dzacho kunogona kuonekwa mumashoko omunyori wepisarema okuti: “Panzizi dzeBhabhironi, ndipo patakagara pasi, zvirokwazvo tikachema, pakurangarira kwedu Ziyoni. Pamikonachando mukati madzo takaturika mbira dzedu. Nokuti ipapo avo vakatitapa vakakumbira kwatiri mashoko orwiyo, vakatiparadza vakakumbira mufaro vachiti: Tiimbireiwo rwiyo rweZiyoni.”—Pisarema 137:1-3.
4. Nei zvaisazobatsira kuti vaJudha vatarisire kusunungurwa nemamwe marudzi, asi vaigona kuenda kunaani kuti avabatsire?
4 Nhapwa dzechiJudha dzaigona kuenda kunaani zvino kuti adzinyaradze? Ndiani aigona kudziponesa? Zvechokwadi kwete marudzi akanga akadzipoteredza! Ose iwayo akanga asina simba pamauto eBhabhironi, uye mazhinji aive asingafariri vaJudha. Asi mamiriro acho ezvinhu akanga asiri okushayiwa tariro. Jehovha uyo vaive vamukira pavaiva vanhu vakasununguka, akavakoka nenyasha zvinokurudzira, kunyange zvazvo vakanga vari nhapwa.
“Uyai Kumvura”
5. Mashoko okuti “uyai kumvura” anorevei?
5 Achishandisa Isaya Jehovha anoprofita kunhapwa dzechiJudha dziri muBhabhironi achiti: “Nhai, imi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji, nousina mari, uyai, mutenge mudye; zvirokwazvo, uyai mutenge waini nomukaka, musina mari, pasina mutengo.” (Isaya 55:1) Mashoko okufananidzira aya akapfuma. Somuenzaniso, funga nezvokukoka uku: “Uyai kumvura.” Pasina mvura, upenyu hahubviri. Pasina mvura inokosha iyoyo, isu vanhu tinogona kurarama kweinenge vhiki bedzi. Nokudaro, zvakakodzera kuti Jehovha ashandise mvura somufananidzo wezvichaitwa nemashoko ake panhapwa dzechiJudha. Shoko rake richadzizorodza, sechinwiwa chinotonhorera pazuva rinopisa. Richadzikurudzira pakupera mwoyo kwadzo, richipedza nyota yadzo yechokwadi nokururama. Uye richadzipa tariro yorusununguko pakutapwa. Kunyange zvakadaro, kuti dzibatsirwe, nhapwa dzechiJudha dzichafanira kunwa shoko raMwari, kuriteerera, uye kuita zvarinotaura.
6. VaJudha vachabatsirwa sei kana vakatenga “waini nomukaka”?
6 Jehovha anopawo “waini nomukaka.” Mukaka unosimbisa miviri yevaduku uye unobatsira vana kukura. Saizvozvowo, mashoko aJehovha achasimbisa vanhu vake mumudzimu nokuvagonesa kusimbisa ukama hwavo naye. Zvisinei, zvakadini newaini? Waini inowanzoshandiswa pamitambo. MuBhaibheri, inobatanidzwa nokubudirira nokufara. (Pisarema 104:15) Nokuudza vanhu vake kuti “mutenge waini,” Jehovha ari kuvavimbisa kuti kudzoka nemwoyo wose kukunamata kwechokwadi kuchavaita kuti va“fare kwazvo.”—Dheuteronomio 16:15; Pisarema 19:8; Zvirevo 10:22.
7. Nei tsitsi dzaJehovha kunhapwa dzichishamisa, uye dzinotidzidzisei nezvake?
7 Itsitsi dzakadini dzaJehovha kupa kuzorodza kwomudzimu kwakadaro kunhapwa dzechiJudha! Tsitsi dzake dzinotowedzera kushamisa patinofunga nezvenhoroondo yevaJudha yokupanduka nokumukira. Hakusi kuti vakafanira kutenderwa naJehovha. Zvisinei, munyori wepisarema Dhavhidhi akanyora pachine mazana emakore kuti: “Jehovha une tsitsi nenyasha, haachimbidziki kutsamwa, une ngoni zhinji. Haangarambi achirwa; uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi.” (Pisarema 103:8, 9) Pane kucheka ukama nevanhu vake, Jehovha ari kutotora nhanho yokutanga yokuyanana navo. Chokwadi, ndiMwari “unofarira kuva nenyasha.”—Mika 7:18.
Kuvimba Nezvisingabatsiri
8. VaJudha vakawanda vari kuvimba nechii, pasinei nenyevero yechii?
8 Kusvika panguva ino vaJudha vazhinji havasati vavimba zvakazara naJehovha kuti avaponese. Somuenzaniso, Jerusarema risati rawa, vatongi varo vaitarisira kutsigirwa nenyika dzine simba, zvichiita sokunge vari kuita upfambi neIjipiti neBhabhironi. (Ezekieri 16:26-29; 23:14) Nokuda kwechikonzero chakanaka, Jeremia akavanyevera kuti: “Ngaatukwe iye munhu unovimba nomumwe munhu, unoita nyama yomunhu ruoko rwake, une mwoyo unotsauka kuna Jehovha.” (Jeremia 17:5) Asi, ndizvozvo chaizvo zvakaita vanhu vaMwari!
9. VaJudha vazhinji vangave vachi“tenga zvisati zviri zvokudya” sei?
9 Zvino vave varanda veimwe yenyika dzavaivimba nadzo. Pane chidzidzo chavadzidza here? Kungava kuti vazhinji havana, nokuti Jehovha anobvunza kuti: “Munoparadzireiko mari muchitenga zvisati zviri zvokudya, nezvamakabatira muchitenga zvisingagutisi?” (Isaya 55:2a) Kana nhapwa dzechiJudha dzichivimba nomumwe munhu asiri Jehovha, dziri ku“tenga zvisati zviri zvokudya.” Chokwadi hadzisi kuzosunungurwa neBhabhironi nomutemo waro wokusambobvumira nhapwa kudzokera kumusha. Chokwadi, Bhabhironi nomutemo waro wokudzora dzimwe nyika, zvokutengeserana, uye kunamata kwenhema, harina chokupa nhapwa dzechiJudha.
10. (a) Jehovha achakomborera sei nhapwa dzechiJudha kana dzikamuteerera? (b) Jehovha akanga aita sungano yechii naDhavhidhi?
10 Jehovha anoteterera vanhu vake achiti: “Nditeererei zvakanaka, mudye izvo zvakanaka, mweya yenyu ifare nezvakakora. Rerekai nzeve yenyu, muuye kwandiri; inzwai, mweya yenyu igorarama; ndichaita nemi sungano isingaperi, nyasha dzazvokwadi dzakapikirwa Dhavhidhi.” (Isaya 55:2b, 3) Tariro bedzi yevanhu vane nzara yomudzimu ava iri kuna Jehovha, uyo zvino ari kutaura navo achishandisa Isaya. Upenyu hwavo chaihwo hunobva pakuteerera shoko raMwari, nokuti anotaura kuti nokuita kwavo kudaro, ‘mweya yavo ichararama.’ Zvisinei, “sungano isingaperi” chii, iyo Jehovha achaita nevanomuteerera? Sungano iyoyo i“nyasha dzazvokwadi dzakapikirwa Dhavhidhi.” Pachine mazana emakore, Jehovha akapikira Dhavhidhi kuti chigaro chake choumambo chaizo“simbiswa nokusingaperi.” (2 Samueri 7:16) Nokudaro, “sungano isingaperi” inotaurwa pano iri pamusoro pokutonga.
Mudyi Wenhaka Wechigarire woUmambo Husingaperi
11. Nei kuzadzika kwechipikirwa chaMwari kuna Dhavhidhi kungaratidzika sokusingabviri kunhapwa dziri muBhabhironi?
11 Sezvinobvumwa, pfungwa yokutonga mudzinza raDhavhidhi ingaratidzika sechinhu chisingabviri kunhapwa dzechiJudha idzodzo. Dzakarasikirwa nenyika yadzo uye kunyange kuva rudzi kwadzo! Asi izvozvo ndezvenguva pfupi chete. Jehovha haana kukanganwa sungano yake naDhavhidhi. Pasinei nokuti zvinoratidzika sezvisingabviri sei mukuona kwomunhu, chinangwa chaMwari pamusoro poUmambo husingaperi mudzinza raDhavhidhi chichabudirira. Asi rini uye sei? Muna 537 B.C.E., Jehovha anosunungura vanhu vake pakuva nhapwa dzeBhabhironi ovadzorera kunyika yokumusha kwavo. Izvi zvinoguma nokugadzwa kwoumambo husingaperi here? Aiwa, vanoramba vari pasi pohumwe umambo hwevahedheni, vaMedhia nevaPersia. “Nguva dzakatemwa” dzokuti marudzi atonge hadzisati dzapera. (Ruka 21:24) Pasina mambo muna Israeri, chipikirwa icho Jehovha akapa Dhavhidhi chicharamba chisina kuzadzika kwemazana emakore achauya.
12. Inhanhoi iyo Jehovha akatora kuti azadzike sungano yake yoUmambo yaakaita naDhavhidhi?
12 Anopfuura makore 500 Israeri asunungurwa pakuva nhapwa muBhabhironi, Jehovha akaita nhanho huru kuti azadzike sungano yoUmambo paakatamisa upenyu hwoMwanakomana wake wedangwe, kutanga kwebasa rake rokusika, kubva kumbiri yokudenga kuenda munhumbu yemhandara yechiJudha Mariya. (VaKorose 1:15-17) Pakuzivisa chiitiko ichocho, ngirozi yaJehovha yakaudza Mariya kuti: “Iyeyu achava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; uye Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chaDhavhidhi baba vake, uye achatonga samambo paimba yaJakobho nokusingaperi, uye hapazovi nomugumo woumambo hwake.” (Ruka 1:32, 33) Naizvozvo Jesu akaberekerwa mudzinza roumambo raDhavhidhi uye akagara nhaka kodzero youmambo. Angogadzwa chete, Jesu aizotonga “kusvikira panguva isingaperi.” (Isaya 9:7; Dhanieri 7:14) Nokudaro nzira yakanga yazaruka zvino yokuzadzika kwechipikirwa chaJehovha chakanga chava nemazana emakore chokupa Mambo Dhavhidhi mugari wenhaka wechigarire.
“Mutungamiriri Nomubati Wamarudzi”
13. Jesu akanga ari “chapupu kumarudzi avanhu” sei munguva youshumiri hwake uye pashure pokukwira kwake kudenga?
13 Mambo womunguva yemberi uyu achaitei? Jehovha anoti: “Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi avanhu, ave mutungamiriri nomubati wamarudzi.” (Isaya 55:4) Jesu paakakura, akanga ari mumiririri waJehovha pasi pano, chapupu chaMwari kumarudzi. Munguva youpenyu hwake ari munhu, ushumiri hwake akahuitira “makwai akarasika eimba yaIsraeri.” Zvisinei, nguva pfupi asati akwira kudenga, Jesu akati kuvateveri vake: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi . . . Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwegadziriro yezvinhu.” (Mateu 10:5, 6; 15:24; 28:19, 20) Nokudaro, nokufamba kwenguva, shoko roUmambo rakaendeswa kuvakanga vasiri vaJudha, uye vamwe vavo vakaona kuzadzika kwesungano yakaitwa naDhavhidhi. (Mabasa 13:46) Nenzira iyi, kunyange pashure porufu rwake, kumutswa, nokukwira kudenga, Jesu akangoramba ari “chapupu kumarudzi avanhu.”
14, 15. (a) Jesu akazviratidza sei kuva “mutungamiriri nomubati”? (b) Itariroi yaiva nevateveri vaJesu vomuzana remakore rokutanga?
14 Jesu aifanira kuzovawo “mutungamiriri nomubati.” Zvechokwadi sokurondedzera kwouprofita uku, paakanga ari pasi pano Jesu akabvuma zvakazara basa rokuva kwake musoro uye akatungamirira muzvinhu zvose, achikwezva mapoka makuru, achiadzidzisa mashoko echokwadi, uye achiratidza zvinobatsira zvinowanikwa nevanoteerera kutungamirira kwake. (Mateu 4:24; 7:28, 29; 11:5) Akabudirira kudzidzisa vadzidzi vake, achivagadzirira kuita basa rokuparidza raiva mberi. (Ruka 10:1-12; Mabasa 1:8; VaKorose 1:23) Mumakore matatu nehafu bedzi, Jesu akaisa hwaro hweungano yakabatana yenyika yose ine zviuru zvevanhu vanobva kumarudzi mazhinji! “Mutungamiriri nomubati” wechokwadi bedzi ndiye angagona kudai akaita basa guru rakadaro.b
15 Avo vakaunganidzwa muungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga vakazodzwa nomudzimu mutsvene waMwari, uye vakanga vane tariro yokuva vatongi pamwe naJesu muUmambo hwake hwokudenga. (Zvakazarurwa 14:1) Zvisinei, uprofita hwaIsaya hunotaura zvinopfuura zvemazuva echiKristu chepakutanga. Uchapupu hunoratidza kuti Jesu Kristu haana kutanga kutonga saMambo woUmambo hwaMwari kuzosvikira 1914 asvika. Nguva pfupi kubva ipapo, mamiriro ezvinhu akamuka pakati pevaKristu vakazodzwa pasi pano aiva akafanana muzvinhu zvizhinji neevaJudha vaiva nhapwa muzana remakore rechitanhatu B.C.E. Kutaura chokwadi, zvakaitika kuvaKristu ivavo chikamu chikuru chokuzadzika kwouprofita hwaIsaya.
Kutapwa Kwomuzuva Ranhasi Nokusunungurwa
16. Inhamo ipi yakatevera kugadzwa kwaJesu pachigaro muna 1914?
16 Kugadzwa kwaJesu saMambo muna 1914 kwakaratidzwa nenhamo yenyika isina kumboitika. Nemhaka yei? Nokuti paakava Mambo, Jesu akadzinga Satani nezvimwe zvisikwa zvomudzimu zvakaipa kudenga. Asingachabvumirwi kugara kudenga, Satani akatanga kurwa nevatsvene vaivapo, vaKristu vakazodzwa vasara. (Zvakazarurwa 12:7-12, 17) Kwakazonyanya muna 1918 apo basa rokuparidza pachena rakada kumira uye vamiririri vebasa veWatch Tower Society vakaisirwa mujeri mhosva dzenhema dzokumukira. Nenzira iyi, vashumiri vomuzuva ranhasi vaJehovha vakava nhapwa dzomudzimu, zvakafananidzirwa nokutapwa chaiko kwevaJudha vekare. Pakava nokuzvidzwa kukuru pavari.
17. Mamiriro ezvinhu evakazodzwa akachinjwa sei muna 1919, uye vakasimbiswa sei panguva iyoyo?
17 Zvisinei, kuva nhapwa kwevashumiri vakazodzwa vaMwari hakuna kugara kwenguva refu. Musi waMarch 26, 1919, vamiririri vacho vakanga vaiswa mujeri vakasunungurwa, uye nokufamba kwenguva mhosva dzose dzavaipomerwa dzakaregwa. Jehovha akadurura mudzimu mutsvene pavanhu vake vakasununguka, achivapa simba nokuda kwebasa raiva mberi. Zvinofadza kuti vakabvuma kukokwa kuti va“tore mvura youpenyu pachena.” (Zvakazarurwa 22:17) Vakatenga “waini nomukaka [va]sina mari, pasina mutengo” uye vakasimbiswa mumudzimu nokuda kwokuwedzera kunoshamisa kwakanga kwava pedyo, uko vakazodzwa vakanga vasara vakanga vasina kufanoona.
Boka Guru Revanhu Rinomhanyira Kune Vakazodzwa vaMwari
18. Mapoka api maviri anowanikwa pakati pevadzidzi vaJesu Kristu, uye anoumba chii nhasi?
18 Vadzidzi vaJesu vane tariro imwe pambiri dziripo. Kutanga, “boka duku” rinosvika 144 000 rakaunganidzwa—vaKristu vakazodzwa vechiJudha neveMamwe Marudzi avo vari “Israeri waMwari” uye vane tariro yokutonga naJesu muUmambo hwake hwokudenga. (Ruka 12:32; VaGaratiya 6:16; Zvakazarurwa 14:1) Yechipiri, mumazuva okupedzisira, “boka guru revanhu” ve“mamwe makwai” rakazviratidza. Ivava vane tariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso yepasi. Dambudziko guru risati raitika, boka guru iri revanhu—iro rine nhamba isina kufanotaurwa—rinoshumira riri pamwe neboka duku, uye mapoka acho ari maviri anoumba “boka rimwe” pasi po“mufudzi mumwe.”—Zvakazarurwa 7:9, 10; Johani 10:16.
19. “Rudzi” rwakanga rusingambozivikanwi naIsraeri waMwari rwakapindura sei kudana kwake?
19 Kuunganidzwa kweboka guru revanhu kunogona kunzwisiswa mumashoko anotevera ouprofita hwaIsaya okuti: “Tarira, uchadana rudzi rwawakanga usingazivi, norudzi rwakanga rusingakuzivi iwe ruchamhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, nokwoMutsvene waIsraeri; nokuti iye wakakukudza.” (Isaya 55:5) Mumakore akatevera kusunungurwa kwavo pakuva nhapwa dzomudzimu, vakazodzwa vakanga vasara havana kunzwisisa pakutanga kuti Amagedhoni isati yaitika vaizoshandiswa kudana rumwe “rudzi” rukuru kuzonamata Jehovha. Zvisinei, nokufamba kwenguva, vazhinji vane mwoyo yakatendeka vakanga vasina tariro yokudenga vakatanga kusonganira nevakazodzwa uye vachishumira Jehovha nokushingaira kwakaita sokwevakazodzwa. Vatsva ava vakaona kushongedzwa kwakanga kwakaitwa vanhu vaMwari, vachiona kuti Jehovha akanga ari pakati pavo. (Zekaria 8:23) Muma1930, vakazodzwa vakasvika pakuziva boka iri zvechokwadi, rine vanhu vairamba vachiwedzera pakati pavo. Vakasvika pakunzwisisa kuti basa guru rokuunganidza rakanga richiri mberi. Boka guru revanhu rakanga richisonganira nevanhu vaMwari vesungano nokukurumidza, uye nokuda kwechikonzero chakanaka.
20. (a) Muzuva redu, nei ‘kutsvaka Jehovha’ kuri kwokukurumidzira, uye izvi zvinoitwa sei? (b) Jehovha achaita sei kune vanomutsvaka?
20 Muzuva raIsaya, kudana kwacho kwakaitwa kuchinzi: “Tsvakai Jehovha achawanikwa, danai kwaari achiri pedyo.” (Isaya 55:6) Muzuva redu, mashoko aya akakodzera, zvose kune avo vanoumba Israeri waMwari uye kuboka guru revanhu riri kukura. Chikomborero chaJehovha hachingopiwi pasina zvinodiwa, uyewo kukoka kwake haazokuiti nokusingaperi. Ino ndiyo nguva yokutsvaka nyasha dzaMwari. Apo nguva yakatarwa yokutonga kwaJehovha inosvika, anenge ava manonoko. Nokudaro, Isaya anoti: “Wakaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu usakarurama mirangariro yake; ngaadzokere kuna Jehovha, iye uchamunzwira nyasha, nokuna Mwari wedu, nokuti uchakanganwira zvikuru.”—Isaya 55:7.
21. Rudzi rwaIsraeri rwaratidza sei kuva rusina kuvimbika pane zvakaziviswa nemadzitateguru arwo?
21 Mashoko okuti “ngaadzokere kuna Jehovha” anoratidza kuti avo vanofanira kupfidza vaichimbova noukama naMwari. Mashoko acho anotiyeuchidza kuti zvinhu zvizhinji zvechikamu chino chouprofita hwaIsaya zvinoshanda kutanga kunhapwa dzechiJudha dziri muBhabhironi. Pachine mazana emakore, madzitateguru enhapwa idzi akazivisa kutsunga kwawo kuti ateerere Jehovha paakati: “[“Hazvimbofungiki,” NW] kurasa Jehovha tichishumira vamwe vamwari.” (Joshua 24:16) Nhau dzakaitika dzinoratidza kuti zvisinga“mbofungiki” zvacho zvakaitika—zvaitikazve! Vanhu vaMwari inhapwa muBhabhironi nokuti havana kutenda.
22. Nei Jehovha achitaura kuti ndangariro dzake dzakakwirira kupfuura dzevanhu?
22 Chii chichaitika kana vakapfidza? Achishandisa Isaya, Jehovha anovimbisa kuti acha“kanganwira zvikuru.” Uye anowedzera kuti: “Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzizi nzira dzangu—ndizvo zvinotaura Jehovha. Nokuti denga sezvarakakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.” (Isaya 55:8, 9) Jehovha akakwana, uye zvaanofunga nenzira dzake zvakakwirira zvisingasvikiki. Kunyange tsitsi dzake dzakakwirira kusvika apo isu vanhu tisingagoni kumbotarisira kusvika. Imbofunga kuti: Patinokanganwira mumwe munhu, inhau yomutadzi achikanganwira mutadzi. Tinoziva kuti pane imwe nguva tichazoda kuti mumwe munhu atikanganwire. (Mateu 6:12) Asi Jehovha, kunyange zvazvo asingazombodi kukanganwirwa, anokanganwira “zvikuru”! Chokwadi ndiMwari womutsa worudo mukuru. Uye mutsitsi dzake, Jehovha anovhura mahwindi okudenga, achidururira zvikomborero kune vanodzokera kwaari nomwoyo yavo yose.—Maraki 3:10.
Zvikomborero Kune Vanodzoka Kuna Jehovha
23. Jehovha anoenzanisira sei kuva nechokwadi kwokuzadzika kweshoko rake?
23 Jehovha anopikira vanhu vake kuti: “Nokuti mvura nechando sezvazvinoburuka zvichibva kudenga, zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokuitungisa maruva, ichipa mud[y]ari mbeu, nomudyi zvokudya; ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.” (Isaya 55:10, 11) Chinhu chose chinotaurwa naJehovha chine chokwadi chokuzadzika. Kungofanana nemvura nechando zvinonaya kubva kudenga zvichiita basa razvo rokunyorovesa pasi nokubudisa zvibereko, naizvozvo shoko raJehovha rinobuda mumuromo make rakavimbika zvakakwana. Zvaanopikira, achazadzika—zvisina kana mubvunzo.—Numeri 23:19.
24, 25. Zvikomborero zvechii zvakamirira nhapwa dzechiJudha dzinoita chiito pashoko raJehovha nokuna Isaya?
24 Nokudaro, kana vaJudha vakateerera mashoko aakaprofita kwavari nokuna Isaya, pasina mubvunzo vachawana ruponeso rwavakapikirwa naJehovha. Somugumisiro, vachafara zvikuru. Jehovha anoti: “Nokuti muchabuda nomufaro, nokufambiswa norugare; makomo nezvikomo zvichaimba nomufaro pamberi penyu; miti yose yokudondo ichauchira. Panzvimbo yomuti womunzwa pachamera musipresi, panzvimbo yorukato pachamera mumirte; zvichava kuna Jehovha mukurumbira nechiratidzo chisingaperi, chisingazoparadzwi.”—Isaya 55:12, 13.
25 Muna 537 B.C.E., nhapwa dzechiJudha zvechokwadi dzinobuda muBhabhironi nomufaro. (Pisarema 126:1, 2) Padzinosvika muJerusarema, dzinowana nyika yave bvokocho reminzwa nemiti yezvibayo zvinobaya—yeuka kuti nyika yacho yave iri dongo kwemakumi emakore. Asi vanhu vaMwari vakadzorerwa vanogona zvino kubatsira kuishandura zvinofadza! Miti mirefu, yakadai semisipresi nemimirte, inotsiva minzwa nezvibayo. Chikomborero chaJehovha chinova pachena vanhu vake sezvavanomushumira vachi“imba nomufaro.” Zvinoita sokuti nyika yacho pachayo ndiyo yaifara.
26. Mamiriroi ezvinhu akakomborerwa ayo vanhu vaMwari vari kufara nawo nhasi?
26 Muna 1919 vakanga vasara vevaKristu vakazodzwa vakasunungurwa pakusungwa kwavo mumudzimu. (Isaya 66:8) Pamwe neboka guru remamwe makwai, zvino vari kushumira Mwari nomufaro muparadhiso yomudzimu. Vasina kana gwapa rokukanganiswa neBhabhironi, vanofara nenyasha dzavanadzo, idzo dzava kuna Jehovha “mukurumbira.” Kubudirira kwavo mumudzimu kunokudza zita rake nokumusimudzira saMwari wouprofita hwechokwadi. Izvo Jehovha akavaitira zvinoratidza kuva Mwari kwake uye uchapupu hwokutendeka kwake kushoko rake uye tsitsi dzake kune vanopfidza. Vose vanoramba vachi“tenga waini nomukaka, [va]sina mari, pasina mutengo” ngavafare nokumushumira nokusingaperi!
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita mazhinji echiJudha akawanikwa muzvinyorwa zvebhizimisi zveBhabhironi rekare.
b Jesu achiri kungotarisira basa rokuita vadzidzi. (Zvakazarurwa 14:14-16) Nhasi, varume nevakadzi vechiKristu vanoona Jesu soMusoro weungano. (1 VaKorinde 11:3) Uye munguva yaMwari yakakodzera, Jesu ane zvaachaita so“mutungamiriri nomubati,” paachatungamirira hondo inokosha nevavengi vaMwari pahondo yeAmagedhoni.—Zvakazarurwa 19:19-21.
[Mufananidzo uri papeji 234]
VaJudha vane nyota yomudzimu vanokokwa kuti “uyai kumvura” uye kuzo“tenga waini nomukaka”
[Mufananidzo uri papeji 239]
Jesu akaratidza kuti ndiye “mutungamiriri nomubati” kumapoka evanhu
[Mifananidzo iri papeji 244, 245]
“Wakaipa ngaasiye nzira yake”