Bhuku Rechipiri raSamueri
7 Mambo paakanga agadzikana muimba yake*+ uye Jehovha amupa zororo pavavengi vake vese vakanga vakamupoteredza, 2 mambo akati kumuprofita Natani:+ “Onai ini ndiri kugara muimba yemiti yemisidhari+ asi Areka yaMwari wechokwadi iri kugara mumachira etende.”+ 3 Natani akapindura mambo achiti: “Endai munoita chero zviri mumwoyo menyu, nekuti Jehovha anemi.”+
4 Usiku ihwohwo chaihwo, shoko raJehovha rakauya kuna Natani, richiti: 5 “Enda unoti kumushumiri wangu Dhavhidhi, ‘Zvanzi naJehovha: “Ungandivakira imba yekuti ndigare here?+ 6 Nekuti handina kugara mumba kubvira pazuva randakabudisa vaIsraeri muIjipiti kusvikira nhasi,+ asi ndanga ndichifamba ndiri mutende uye mutebhenekeri.+ 7 Nguva yese yandakafamba nevaIsraeri* vese, pane here shoko randakambotaura kune mumwe wevakuru vemadzinza aIsraeri wandakagadza kuti afudze vanhu vangu vaIsraeri, ndichiti, ‘Nei musina kundivakira imba yemiti yemisidhari?’”’ 8 Saka udza mushumiri wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Ndakakutora kumafuro kwawaifudza makwai+ kuti uve mutungamiriri wevanhu vangu vaIsraeri.+ 9 Ndichava newe kwese kwaunoenda,+ uye ndichaparadza* vavengi vako vese pamberi pako;+ ndichaita kuti uve nezita guru,+ rakafanana nerevarume vanokudzwa panyika. 10 Ndichasarudzira vanhu vangu vaIsraeri nzvimbo ndoita kuti vagare mairi, vachagara imomo uye havazonetswi zvakare; varume vakaipa havazovatambudzizve sezvavaimboita kare,+ 11 kubvira pazuva randakagadza vatongi+ pavanhu vangu vaIsraeri. Uye ndichakuzorodza pavavengi vako vese.+
“‘“Uyewo Jehovha akuudza kuti Jehovha achaita kuti uve nemba.*+ 12 Pauchafa,+ woradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ako, ndichaita kuti mwana* wako, mwanakomana wauchabereka,* ave mambo pashure pako, uye ndichasimbisa umambo hwake.+ 13 Ndiye achavaka imba yekuti zita rangu rikudzwe,+ uye ndichasimbisa chigaro chake cheumambo nekusingaperi.+ 14 Ndichava baba vake, uye iye achava mwanakomana wangu.+ Kana akakanganisa, ndichamururamisa neshamhu uye ndichamuranga neshamhu sezvinoita vanakomana vevanhu.*+ 15 Rudo rwangu haruzobvi paari semabvisiro andakaruita pana Sauro,+ uyo wandakabvisa pamberi pako. 16 Imba yako neumambo hwako zvicharamba zviripo nekusingaperi; chigaro chako cheumambo chicharamba chakasimba nekusingaperi.”’”+
17 Natani akaudza Dhavhidhi mashoko aya ese nezvinhu zvese izvi zvaakaratidzwa.+
18 Mambo Dhavhidhi akabva apinda akagara pasi pamberi paJehovha, akati: “Nhai Changamire Ishe Jehovha, ndini aniwo zvangu? Uye imba yangu chii zvamandiitira zvese izvi?+ 19 Kuwedzera pane izvozvo, haiwa Changamire Ishe Jehovha, muri kutaurawo kuti imba yemushumiri wenyu ichagara kwenguva refu; uye uyu murayiro* kuvanhu vese, haiwa Changamire Ishe Jehovha. 20 Chii chimwe chingataurwa nemushumiri wenyu Dhavhidhi, imi Changamire Ishe Jehovha muchinyatsondiziva kudaro?+ 21 Maita zvinhu zvese izvi zvikuru nekuti ndizvo zvamunoda* uye ndizvo zvamakavimbisa uye maita kuti mushumiri wenyu azvizive.+ 22 Ndokusaka muri mukuru zvechokwadi,+ haiwa Changamire Ishe Jehovha. Hakuna mumwe akaita semi,+ uye hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu;+ zvinhu zvese zvatakanzwa nenzeve dzedu zvinoratidza kuti ichi ichokwadi. 23 Nderupi rumwe rudzi panyika rwakaita sevanhu venyu vaIsraeri?+ Mwari akaenda akanovadzikinura kuti vave vanhu vake,+ akaita kuti zita rake rive nemukurumbira+ paakavaitira zvinhu zvikuru uye zvinoshamisa.+ Makadzinga marudzi navanamwari vawo muchiitira vanhu venyu vamakadzikinura muIjipiti. 24 Makaita kuti vaIsraeri varambe vari vanhu venyu;+ uye imi haiwa Jehovha, makava Mwari wavo.+
25 “Zvino imi Jehovha Mwari, zadzisai nekusingaperi vimbiso yamaita pamusoro pemuranda wenyu neimba yake uye itai sezvamavimbisa.+ 26 Zita renyu ngarikudzwe nekusingaperi+ kuti vanhu vataure kuti, ‘Jehovha wemauto ndiMwari waIsraeri,’ uye imba yemushumiri wenyu Dhavhidhi ngaisimbiswe pamberi penyu.+ 27 Nekuti imi Jehovha wemauto, Mwari waIsraeri, mazivisa mushumiri wenyu zvichaitika muchiti, ‘Ndichakuvakira imba.’*+ Ndokusaka mushumiri wenyu ashinga kunyengetera kwamuri seizvi. 28 Changamire Ishe Jehovha, ndimi Mwari wechokwadi, uye mashoko enyu ndeechokwadi,+ uye mavimbisa mushumiri wenyu zvinhu izvi zvakanaka. 29 Saka farirai kukomborera imba yemushumiri wenyu, uye ngairambe iri pamberi penyu nekusingaperi;+ nekuti imi Changamire Ishe Jehovha, mavimbisa, uye imba yemushumiri wenyu ngaive nechikomborero chenyu nekusingaperi.”+