-
Ruoko rwaJehovha Haruna KupfupiswaUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
17. Mudzikinuri weZiyoni ndiani uye anodzikinura Ziyoni rini?
17 Mumutemo waMosesi, muIsraeri aizvitengesa muuranda aigona kubudiswa muuranda nomudzikinuri. Shure mubhuku rouprofita raIsaya, Jehovha akarondedzerwa soMudzikinuri wevanhu vanopfidza. (Isaya 48:17) Zvino anorondedzerwa zvekare soMudzikinuri wevanopfidza. Isaya anonyora chipikirwa chaJehovha achiti: “Zvino mudzikinuri uchasvika paZiyoni, nokuna vanodzoka pakudarika pakati paJakobho—ndizvo zvinotaura Jehovha.” (Isaya 59:20) Chipikirwa chinonyaradza ichi chinozadzika muna 537 B.C.E. Asi chine kumwe kuzadzika. Muapostora Pauro akatora mashoko aya mushanduro yeSeptuagint ndokuashandisira kuvaKristu. Akanyora kuti: “Uye Israeri wose achaponeswa saizvozvi. Sokunyorwa kwazvakaitwa kuti: ‘Mununuri achabva muZiyoni ozobvisa tsika dzokusada Mwari kuna Jakobho. Uye iyi ndiyo sungano yangu navo, pandinobvisa zvivi zvavo.’” (VaRoma 11:26, 27) Zvechokwadi, uprofita hwaIsaya hunoshanda pakawanda—hunosvika kunguva yedu uye kupfuura. Sei?
-
-
Ruoko rwaJehovha Haruna KupfupiswaUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
19. Jehovha anoita sungano yechii naIsraeri waMwari?
19 Jehovha zvino anoita sungano naIsraeri waMwari. Tinoverenga kuti: “Zvino kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo—ndizvo zvinotaura Jehovha: Mweya wangu uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako, hazvingabvi mumuromo mako, kana mumiromo yavana vako, kana mumiromo yavana vavana vako, kubva zvino kusvikira nokusingaperi—ndizvo zvinotaura Jehovha.” (Isaya 59:21) Mashoko aya angave akashanda pana Isaya pachake kana kuti kwete, asi zvechokwadi akazadzika pana Jesu, uyo akapikirwa kuti ‘aizoona vana vake.’ (Isaya 53:10) Jesu akataura mashoko aakanga adzidza kuna Jehovha, uye mudzimu waJehovha wakagara pamusoro pake. (Johani 1:18; 7:16) Nenzira yakakodzera, hama dzake uye vaanodya nhaka navo, nhengo dzaIsraeri waMwari, vanogamuchirawo mudzimu mutsvene waJehovha uye vanoparidza shoko ravakadzidza kubva kuna Baba vavo vokudenga. Vose “vachadzidziswa naJehovha.” (Isaya 54:13; Ruka 12:12; Mabasa 2:38) Zvimwe nokuna Isaya kana kuti Jesu, uyo Isaya anomiririra nenzira youprofita, Jehovha zvino anoita sungano yokusazovatsiva asi yokuvashandisa sezvapupu zvake kusvika kunguva isingazivikanwi. (Isaya 43:10) Zvisinei, “vana” vavo ndivanaani vanobatsirwawo nesungano iyi?
20. Chipikirwa chaJehovha kuna Abrahamu chakazadziswa sei muzana remakore rokutanga?
20 Munguva dzekare Jehovha akapikira Abrahamu kuti: “Ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako.” (Genesi 22:18) Maererano neizvi, vaIsraeri chaivo vakanga vasara vashoma vakagamuchira Mesiya vakabuda vakapinda mumarudzi mazhinji, vachiparidza mashoko akanaka pamusoro paKristu. Kutanga naKoneriyasi veMamwe Marudzi vasina kudzingiswa vakawanda ‘vakazviropafadza’ naJesu, Mbeu yaAbrahamu. Vakava rutivi rwaIsraeri waMwari uye rutivi rwechipiri rwembeu yaAbrahamu. Rutivi rwo“rudzi rutsvene” rwaJehovha, rune basa roku‘zivisa kwose kwose kunaka kweakavadana kuti vabve murima vapinde muchiedza chake chinoshamisa.’—1 Petro 2:9; VaGaratiya 3:7-9, 14, 26-29.
21. (a) “Vana” vapi avo Israeri waMwari akabereka munguva dzazvino? (b) “Vana” vacho vanonyaradzwa sei nesungano, kana kuti chibvumirano, icho Jehovha akaita naIsraeri waMwari?
21 Nhasi zvinoita sokuti nhamba yakakwana yaIsraeri waMwari yakaunganidzwa. Kunyange zvakadaro marudzi anongoramba achikomborerwa—pamwero mukuru. Sei? Pakuti Israeri waMwari akava ne“vana,” vadzidzi vaJesu vane tariro youpenyu husingaperi muparadhiso yepasi. (Pisarema 37:11, 29) “Vana” ava vanodzidziswawo naJehovha uye vanodzidziswa munzira dzake. (Isaya 2:2-4) Kunyange zvazvo vasingabhabhatidzwi nomudzimu mutsvene kana kuti vasingaonekwi sevari kurimwe remativi maviri esungano itsva, vanosimbiswa nomudzimu mutsvene waJehovha kukurira zvipingamupinyi zvose izvo Satani anoisa munzira yebasa ravo rokuparidza. (Isaya 40:28-31) Nhamba yavo zvino inosvika kumamiriyoni uye inoramba ichiwedzera sezvavanobereka vana vavowo. Sungano yaJehovha, kana kuti chibvumirano, nevakazodzwa inopa “vana” ava chivimbo chokuti Jehovha acharamba achivashandisawo sevamiririri vake kusvikira kunguva isingazivikanwi.—Zvakazarurwa 21:3, 4, 7.
-