Isaya
59 Inzwai! Ruoko rwaJehovha haruna kupfupika zvekuti rungatadza kuponesa,+
Uyewo nzeve yake haina kuvhara zvekuti angatadza kunzwa.+
2 Aiwa, kukanganisa kwenyu ndiko kwakuparadzanisai naMwari wenyu.+
Zvivi zvenyu zvaita kuti akuvanzirei chiso chake,
Uye anoramba kukunzwai.+
Miromo yenyu inotaura manyepo,+ uye rurimi rwenyu runozevezera zvisina kururama.
Vanovimba nezvinhu zvisiri zvechokwadi,*+ uye vanotaura zvisina maturo.
Vanobata pamuviri pedambudziko, vobereka zvinhu zvakaipa.+
Chero munhu anodya mazai avo anofa,
Uye zai rinopwanyiwa rinobudisa nyoka ine uturu.
Mabasa avo akaipa,
Uye mumaoko avo mune mabasa emhirizhonga.+
Vanofunga zvinhu zvakaipa;
Kuparadza nekuonesa vamwe nhamo ndiwo maitiro avo.+
Vanoita kuti migwagwa yavo ikombame;
Hakuna anofamba nayo achaziva rugare.+
9 Ndokusaka zvakarurama zviri kure nesu,
Uye kururama kusingasviki kwatiri.
Tinoramba tichitarisira chiedza, asi onai, kune rima;
Tichitarisira kubwinya, asi tinoramba tichifamba murima.+
Tinogumburwa masikati machena sezvinoitika murima manheru;
Pakati pevakasimba, takangoita sevanhu vakafa.
11 Tese tinoramba tichidzvova semhuka dzinonzi mabheya
Uye tichigururudza senjiva, takasuruvara.
Tinotarisira kururama, asi hakupo;
Tinotarisira ruponeso, asi ruri kure nesu.
12 Nekuti kupanduka kwedu kuzhinji pamberi penyu;+
Chivi chedu chimwe nechimwe chinopupura kuti tine mhosva.+
Nekuti kupanduka kwedu kunesu;
Tinonyatsoziva kukanganisa kwedu.+
13 Takatadza uye takaramba Jehovha;
Takafuratira Mwari wedu.
Takataura nezvekudzvinyirira uye kupanduka;+
Takabata pamuviri pemanyepo tikazevezera mashoko enhema zvichibuda mumwoyo.+
14 Kutonga kwakarurama kunodzoserwa shure,+
Uye kururama kunomira kure;+
Nekuti chokwadi chagumburwa* munzvimbo inoungana vanhu,
Uye zvakarurama hazvikwanisi kupinda.
16 Akaona kuti pakanga pasina munhu,
Uye akashamisika kuti hapana aireverera,
Saka ruoko rwake pachake ndirwo rwakaita kuti pave neruponeso,*
Uye kururama kwake kwakamutsigira.
18 Achavapa mubayiro wezvavakaita:+
Hasha kumhandu dzake uye kurangwa kuvavengi vake.+
Uye achaitira zvitsuwa zvazvinofanira kuitirwa.
19 Vachatya zita raJehovha kubvira kumavirira
Uye kubwinya kwake kubvira kumabvazuva,
Nekuti achauya serwizi runoyerera nesimba,
Runosundwa nemweya waJehovha.
20 “Mudzikinuri+ achauya kuZiyoni,+
Kune vaya vari pakati paJakobho vanosiya zvakaipa,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
21 “Kana ndiri ini, iyi ndiyo sungano yangu navo,”+ anodaro Jehovha. “Mweya wangu uyo uri pauri nemashoko angu andaisa mumuromo mako, hazvizobviswi mumuromo mako, mumuromo mevana vako,* kana mumuromo mevazukuru vako,”* anodaro Jehovha, “kubva zvino zvichienda mberi uye nekusingaperi.”