-
Mugari Wemo Kana Kuti Wokumwe, Mwari Anokugamuchira!Nharireyomurindi—1992 | April 15
-
-
19. Pamusoro pokudzoka kwaIsraeri, iratidziroi youporofita yaivapo yokuti vokumwe vaizobatanidzwa?
19 Zvakare, mukudeya kutaura kununurwa nokudzoka kwavanhu vaMwari, Isaya akaita uhu uporofita hunoshamisa: “Marudzi achauya kuchiedza chako, namadzimambo kukubwinya kwakakubudira.” (Isaya 59:20; 60:3) Ikoku kunoreva zvinopfuura kuti vokumwe vamwe vamwe vaigamuchirwa, mukuwirirana nomunyengetero waSoromoni. Isaya akanga achinongedzera kuchinjo isiri yenguva dzose mumugariro. “Marudzi” aizobatira navanakomana vaIsraeri: “[Vokumwe, NW] vachavaka masvingo ako, madzimambo avo achakushumira; nokuti ndakakurova nokutsamwa kwangu, asi ndakakunzwira nyasha nengoni dzangu.”—Isaya 60:10.
-
-
Mugari Wemo Kana Kuti Wokumwe, Mwari Anokugamuchira!Nharireyomurindi—1992 | April 15
-
-
22. “Vokumwe” vakasvika sei pakushanda pamwe chete navaIsraeri vomudzimu?
22 Zvakadiniko na‘vokumwe avo vachavaka zvomenemene masvingo ako’? Ikokuwo kwakaitika munguva yedu. Sezvo kudanwa kwavane 144 000 kwakanga kuchisvika kukupera, boka guru rinobva mumarudzi ose rakavamba kudirana kukunamata naIsraeri womudzimu. Ava vatsva vane kariro yakavakirwa paBhaibheri youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Kunyange zvazvo nzvimbo yokupedzisira yebasa ravo rokutendeka yaizova yakasiana, ivo vakafadzwa kubetsera vakasarira vakazodzwa mukuparidzira mashoko akanaka oUmambo.—Mateo 24:14.
23. “Vokumwe” vakabatsira vakazodzwa kusvikira patambanukoi?
23 Nhasi, vanopfuura 4 000 000 avo vari “vokumwe,” pamwe chete navakasarira vaavo vane ‘ugari mumatenga,’ vari kubvumikisa kuzvipira kwavo kuna Jehovha. Vakawanda vavo, varume navakadzi, vaduku navakuru, vari kubatira muushumiri hwenguva yakazara samapiona. Muzhinjisa dzedzinopfuura ungano 66 000, vokumwe vakadaro vari kutakura mitoro savakuru navabatiri vanoshumira. Vakasarira vanofara muna ikoku, vachiona kuzadzika kwamashoko aIsaya, anoti: “Vatorwa vachamira vachifudza mapoka enyu amakwai, navaeni vachava varimi venyu navagadziri vemizambiringa yenyu.”—Isaya 61:5.
-