Mugari Wemo Kana Kuti Wokumwe, Mwari Anokugamuchira!
“Wakaita marudzi ose avanhu, achibva kuno mumwe chete, kuti agare pose panyika.”—MABASA 17:26.
1. Mugariroi usingafadzi uripo munzvimbo dzakawanda nhasi pamusoro pokugamuchirwa kwavanhu vanobva mutsika dzokumwe?
MISHUMO yamapepanhau inoratidzira kuti munyika dzakawanda itiro hanya iri kukura pamusoro pavokumwe, vanhu vanopinda munyika vachibva kune dzimwe nyika, uye vapoteri. Mamirioni anoshinga kutama achibva kumativi eAsia, Africa, Europe, uye maAmerica. Zvichida vanotsvaka rusununguko muurombo hunoparadza, hondo yavagari vemo, kana kuti chitambudzo. Asi vanogamuchirwa kumwewo zvako here? Magazini yeTime yakati: “Sezvo muvhenganiswa wamarudzi weEurope unovamba kuchinja, dzimwe nyika dzinowana kuti hadzishiviriri tsika dzokumwe sezvadzaimbofunga kuti dzaidaro.” Nezvavapoteri 18 000 000 “vasingadikanwi,” Time yakati: “Denho yavanopa kumarudzi akatsiga haisati ichizobva.”
2, 3. (a) Ivimbisoi inozorodza iyo Bhaibheri rinogovera mukuwirirana nokugamuchira? (b) Neiko tichigona kubetserwa nokunzvera izvo Magwaro anopa pamusoro pokubata kwaMwari navanhu?
2 Chipi kana chipi chinoitika muna ikoku, Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anogamuchira vanhu vorudzi ruri rwose—munhu angave mugari akaberekerwamo, anopinda munyika achibva kune imwe nyika, kana kuti mupoteri. (Mabasa 10:34, 35) ‘Bva,’ vamwe vangabvunza, kuti ‘unogona sei kutaura kudaro? Ko Mwari haana kusarudza Israeri wakare bedzi savanhu vake, achisiya vamwe here?’
3 Eya, ngationei kuti Mwari akabata sei navanhu vekare. Tinogona kunzverawo mauporofita akati ayo ane chokuita nokuti maropafadzoi anowanikwa kuvanamati vechokwadi nhasi. Kuhwirudzura aya mashoko ouporofita kunogona kujekesa nzwisiso yakazara zvikuru iyo ungawana ichikurudzira zvikurusa. Inopa ratidzirowo, yokuti Mwari angabata sei navanhu vamwe navamwe “vendudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi” pashure pedambudziko guru.—Zvakazvarurwa 7:9, 14-17.
‘Marudzi OseAchazvikomborera Amene’
4. Chinetso chourudzi chakavamba sei, asi Mwari akaita nhanoi?
4 Pashure paMafashamo, mhuri yapedyo yaNoa yakaumba rudzi rwose rwomunhu, uye vose vaiva vanamati vechokwadi. Asi chinzwano ichocho chakachinja nokukurumidza. Nguva refu isati yapfuura, vamwe vanhu, vachifuratira kuda kwaMwari, vakavamba kuvaka shongwe. Ikoku kwakatungamirira kukupunzika kworudzi rwomunhu kuva mapoka emitauro ayo akava vanhu vakapararira namarudzi. (Genesi 11:1-9) Zvakare, kunamata kwechokwadi kwakapfuurira mumutsara unotungamirira kuna Abrahama. Mwari akakomborera Abrahama akatendeka uye akapikira kuti vazukuru vake vaizova rudzi rukuru. (Genesi 12:1-3) Rudzi irworwo rwaiva Israeri wakare.
5. Neiko tose zvedu tichigona kukurudzirwa nokubata kwaMwari naAbrahama?
5 Jehovha, zvisinei, akanga asingasiyi vamwe vanhu kunze kwaIsraeri, nokuti donzo rake rakatambanuka kuti rifukidze rudzi rwose rwomunhu. Tinoona ikoku zvakajeka kubva muizvo Mwari akapikira Abrahama, kuti: “Kupfurikidza nembeu yako marudzi ose apasi achazvikomborera zvamazvirokwazvo nemhaka yeidi rokuti iwe wakateerera inzwi rangu.” (Genesi 22:18, NW) Kwamazana amakore, kunyanguvezvo, Mwari akabata munzira chaiyo naIsraeri, achipa bumbiro reMitemo rorudzi, achironga vaprista kupa zvibairo patembere yake, uye kugovera Nyika Yakapikirwa mokugara.
6. Gadziriro dzaMwari naIsraeri dzaizobetsera sei vose?
6 Mutemo waMwari kuna Israeri wakanga wakanakira vanhu vamarudzi ose mukuti wakaita kuti kutadza kwomunhu kuve pachena, uchiratidza kudikanwa kwechibairo chakakwana kuti chifukidze chivi chomunhu kamwe uye nokusingaperi. (VaGaratia 3:19; VaHebheru 7:26-28; 9:9; 10:1-12) Bva, ivimbisoi yakanga iripo yokuti Mbeu yaAbrahama—kupfurikidza nayo marudzi ose aizozvikomborera amene—yaizosvika ndokusvitsa zvikwaniriso? Mutemo waIsraeri wakabetserawo pano. Wakarambidza kuroorerana navaKanani, vanhu vaiva nomukurumbira wakashata nokuda kwemiitiro youtere netsika, zvakadai setsika yokupisa vana vari vapenyu. (Revhitiko 18:6-24; 20:2, 3; Dheuteronomio 12:29-31; 18:9-12) Mwari akaraira kuti ivo nemiitiro yavo vaifanira kuparadzwa. Ikoko kwaiva kubetserwo yenguva refu yavose, kubatanidza mugari wokumwe, sezvo kwaizobatira kudzivisa mutsara weMbeu pakuva unoshatiswa.—Revhitiko 18:24-28; Dheuteronomio 7:1-5; 9:5; 20:15-18.
7. Iratidziroi yapakuvamba yaivapo yokuti Mwari akagamuchira vaeni?
7 Kunyange apo Mutemo wakanga uchishanda uye Mwari achirangarira Israeri kuva chaiye, iye akaratidza ngoni kuvaisava vaIsraeri. Kudisisa kwake kuita saizvozvo kwakanga kwaratidzirwa apo Israeri akabuda muusungwa hweEgipita akananga kunyika yake amene. “Navanhu vazhinji vakanga vakavhengana vakaenda navo.” (Eksodho 12:38) Purofesa C. F. Keil anozivisa ivavo se“mhute yavokumwe . . . muunganidzwa, kana kuti boka ravanhu vamarudzi akasiana-siana.” (Revhitiko 24:10; Numeri 11:4) Sezvingabvira vakawanda vakanga vari vaEgipita avo vakagamuchira Mwari wechokwadi.
Kugamuchirwa Kwavokumwe
8. VaGibheoni vakawana sei nzvimbo pakati pavanhu vaMwari?
8 Sezvo Israeri akaita murairo waMwari wokubvisa marudzi akaipa muNyika Yakapikirwa, iye akadzivirira boka rimwe ravokumwe, vaGibheoni, avo vaigara kuchamhembe kweJerusarema. Vakatuma nhume dzakavanza kuzivikanwa kwadzo kuna Joshua, dzichikumbira nokuwana rugare. Apo nyengedzo yavo yakawanikwa, Joshua akaraira kuti vaGibheoni vaizobatira sa“vatemi vehuni navateki vemvura yeungano neyeatari yaJehovha.” (Joshua 9:3-27) Nhasi vanhu vakawanda vanopinda munyika vachibva kune dzimwe nyika vanogamuchirawo nzvimbo dzebasa dzakaderera kuitira kuti vave rutivi rwavanhu vatsva.
9. Muenzaniso waRakabhi nemhuri yake unokurudzira sei pamusoro pavokumwe muna Israeri?
9 Kungakukurudzira kuziva kuti kugamuchira kwaMwari kwakanga kusati kuri bedzi nokuda kwamapoka avokumwe shure panguva iyeyo; vanhu vamwe navamwe somunhu oga vakanga vachigamuchirwawo. Nhasi mamwe marudzi anogamuchira bedzi vanhu vanopinda munyika vachibva kune dzimwe nyika avo vane nzvimbo dzakakwirira, vane pfuma yokushandisa, kana kuti vane dzidzo yakakwirira zvikuru. Hakuna kudaro naJehovha, sezvatinoona kubva muchinoitika pamberi chaipo penhauro navaGibheoni. Ichochi chakabatanidza muKanani uyo akanga asina nzvimbo yakakwirira yenzanga. Bhaibheri rinomudana kuti “Rakabhi chifeve.” Nemhaka yokutenda kwake muna Mwari wechokwadi, iye naveimba yake vakanunurwa apo Jeriko rakawa. Kunyange zvazvo Rakabhi akanga ari wokumwe, vaIsraeri vakamugamuchira. Iye akanga ari muenzaniso wokutenda uko kwakafanirwa nokutevedzera kwedu. (VaHebheru 11:30, 31, 39, 40; Joshua 2:1-21; 6:1-25) Akatova mukarekadzi waMesia.—Mateo 1:5, 16.
10. Kugamuchirwa kwavokumwe muna Israeri kwaitsamira pachii?
10 Vaisava vaIsraeri vakagamuchirwa muNyika Yakapikirwa mukuwirirana nenhamburiko yavo yokufadza Mwari wechokwadi. VaIsraeri vakaudzwa kusashamwaridzana, zvikurukuru mune zvorudzidziso, naavo vaisabatira Jehovha. (Joshua 23:6, 7, 12, 13; 1 Madzimambo 11:1-8; Zvirevo 6:23-28) Asi, vagari vakawanda vaisava vaIsraeri vakateerera mitemo mikuru. Vamwe vakatova vapuroserite vakadzingiswa, uye Jehovha akavagamuchira zvizere semitezo yeungano yake.—Revhitiko 20:2; 24:22; Numeri 15:14-16; Mabasa 8:27.a
11, 12. (a) VaIsraeri vaifanira kubata sei vanamati vokumwe? (b) Neiko tingadikanirwa kuvandudza mukutevera muenzaniso waJehovha?
11 Mwari akaraira vaIsraeri kutevedzera chimiro chake kuvanamati vokumwe: “Mutorwa ugere nemi ngaave kwamuri somunhu wakaberekerwa pakati penyu, unofanira kumuda sezvaunozvida iwe, nokuti nemiwo makanga muri vatorwa munyika yeEgipita.” (Revhitiko 19:33, 34; Dheuteronomio 1:16; 10:12-19) Ikoku kunogovera chidzidzo nokuda kwedu, kunyange zvazvo tisiri pasi pomuMutemo. Kuri nyore kutera kukufungira mano akaipa noutsinye kuavo verimwe dzinza, rudzi, kana kuti tsika. Naizvozvo tinoita zvakanaka kubvunza, kuti: ‘Ko ndiri kuedza here kuzvibvisira ndimene kufungira mano akaipa kwakadaro, ndichitevera muenzaniso waJehovha?’
12 VaIsraeri vakanga vaine chibvumikiso chinooneka chokugamuchira kwaMwari. Mambo Soromoni akanyengetera, kuti: “Zvino kana ari mutorwa, asati ari wavanhu venyu vaIsraeri, kana akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu; . . . kana akauya akanyengetera akatarira kuimba ino; inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, . . . kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei.”—1 Madzimambo 8:41-43; 2 Makoronike 6:32, 33.
13. Neiko Mwari akaita gadziriro yokuchinja kubata kwake naIsraeri?
13 Apo Jehovha akanga achiri kushandisa rudzi rwaIsraeri savanhu vake uye nokudaro kudzivirira mutsara waMesia wedzinza, Mwari akadeya kutaura chinjo dzinokosha. Pakuvamba-vamba, apo Israeri akabvuma kuva musungano yoMutemo, Mwari akabvuma kuti vaigona kuva manyuko o“umambo hwavaprista norudzi rutsvene.” (Eksodho 19:5, 6, NW) Asi Israeri akaratidza kusatendeka kwamazana amakore. Naizvozvo Jehovha akadeya kutaura kuti iye aizoita sungano itsva mairi avo vanoumba “imba yaIsraeri” vaizokanganwirwa chikanganiso chavo nechivi. (Jeremia 31:33, 34) Sungano itsva iyoyo yakamirira Mesia, ane chibairo chaizochenesa chaizvoizvo vakawanda muchivi.—Isaya 53:5-7, 10-12.
VaIsraeri Mudenga
14. Ndi“Israeri” upi mutsva uyo Jehovha akagamuchira, uye sei?
14 Magwaro echiKristu echiGiriki anotibetsera kunzwisisa kuti ikoku kwose kwakaitwa sei. Jesu akanga ari Mesia, ane rufu rwakazadzika Mutemo ndokuvanzarika hwaro hwekanganwirwo yakazara yechivi. Kuwana betsero iyoyo, munhu aisadikanirwa kuva muJudha akadzingiswa munyama. Aiwa. Muapostora Pauro akanyora kuti musungano itsva, “asi muJudha ndiye uri muJudha nechomukati; nokudzingiswa ndiko kwomwoyo, mu[mudzimu, NW], kusati kuri kwezvakanyorwa.” (VaRoma 2:28, 29; 7:6) Avo vakaisa kutenda muchibairo chaJesu vakawana kanganwirwo, uye Mwari akavatendera sa‘vaJudha nomudzimu,’ avo vanoumba rudzi rwomudzimu runodanwa kuti “Israeri waMwari.”—VaGaratia 6:16, NW.
15. Neiko urudzi hwokunyama husati huri chinhu mukuva rutivi rwaIsraeri womudzimu?
15 Hungu, kugamuchirwa muna Israeri womudzimu hakuna kutsamira pamugariro wekare wakati worudzi kana kuti wetsika. Vamwe, vakadai savaapostora vaJesu, vaiva vaJudha vokunyama. Vamwe, vakadai saKornerio mukuru wehondo weRoma, vakanga vari vaMarudzi vasina kudzingiswa. (Mabasa 10:34, 35, 44-48) Pauro akataura nenzira yakarurama pamusoro paIsraeri womudzimu, kuti: “Hapana muGiriki nomuJudha, kudzingiswa nokusadzingiswa, mutorwa nomuSitia, musungwa nowakasununguka.” (VaKorose 3:11) Avo vakazodzwa nomudzimu waMwari vakava “rudzi rwakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira.”—1 Petro 2:9; enzanisa naEksodho 19:5, 6.
16, 17. (a) Ibasai iro vaIsraeri vomudzimu vanaro mudonzo raMwari? (b) Neiko kwakafanira kurangarira avo vasati vari vaIsraeri vaMwari?
16 Inguva yemberi yakadini iyo vaIsraeri vomudzimu vanayo mudonzo raMwari? Jesu akapindura, kuti: “Musatya henyu, imi kapoka kaduku, nokuti Baba venyu vanofara nokukupai ushe.” (Ruka 12:32) Vakazodzwa, vane “nyika iri kudenga,” vachava vadyi venhaka pamwe chete neGwaiana mukutonga kwaro kwoUmambo. (VaFiripi 3:20; Johane 14:2, 3; Zvakazarurwa 5:9, 10) Bhaibheri rinoratidzira kuti ivava ‘vanoiswa chisimbiso kubva muvanakomana vaIsraeri’ uye “vakadzikinurwa pakati pavanhu, kuti vave zvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwaiana.” Vanokwana 144 000. Zvisinei, pashure pokupa nhauro yeichi chiverengero chiri kuiswa chiratidzo, Johane anosuma boka rakasiana—“[boka guru, NW], vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi.”—Zvakazarurwa 7:4, 9; 14:1-4.
17 Vamwe vangashamisika, kuti: ‘Zvakadini namamirioni ayo asiri rutivi rwaIsraeri womudzimu, vakadai saavo vangapfuura nomudambudziko guru seboka guru iroro? Ibasai ravanaro nhasi mukuwirirana navashomanene vavakasarira vaIsraeri womudzimu?’b
Vokumwe Muuporofita
18. Chii chakatungamirira kukudzoka kwaIsraeri kubva muutapwa hweBhabhironi?
18 Kudzokera shure kunguva apo Israeri akanga ari musungano yoMutemo asi asina kutendeka kwairi, tinowana kuti Mwari akasarudza kurega vaBhabhironi vachiparadza Israeri. Muna 607 P.N.V., Israeri akapinzwa muutapwa kwamakore 70. Ipapo Mwari akanunura rudzi rwacho. Muutungamiriri hwaGavhuna Zerubhabheri, vakasarira vaIsraeri wokunyama vakadzokera kunyika yavo. Vatongi vavaMedhia navaPersia, avo vakanga vaparadza Bhabhironi, vakatoyamura nhapwa dzinodzokera nezvinhu. Bhuku raIsaya rakadeya kutaura izvi zvinoitika. (Isaya 1:1-9; 3:1-26; 14:1-5; 44:21-28; 47:1-4) Uye Ezra anotipa udzame hwenhau pamusoro pokudzoka ikoko.—Ezra 1:1-11; 2:1, 2.
19. Pamusoro pokudzoka kwaIsraeri, iratidziroi youporofita yaivapo yokuti vokumwe vaizobatanidzwa?
19 Zvakare, mukudeya kutaura kununurwa nokudzoka kwavanhu vaMwari, Isaya akaita uhu uporofita hunoshamisa: “Marudzi achauya kuchiedza chako, namadzimambo kukubwinya kwakakubudira.” (Isaya 59:20; 60:3) Ikoku kunoreva zvinopfuura kuti vokumwe vamwe vamwe vaigamuchirwa, mukuwirirana nomunyengetero waSoromoni. Isaya akanga achinongedzera kuchinjo isiri yenguva dzose mumugariro. “Marudzi” aizobatira navanakomana vaIsraeri: “[Vokumwe, NW] vachavaka masvingo ako, madzimambo avo achakushumira; nokuti ndakakurova nokutsamwa kwangu, asi ndakakunzwira nyasha nengoni dzangu.”—Isaya 60:10.
20, 21. (a) Tinowana wiriranoi munguva dzazvino uno kukudzoka kwaIsraeri kubva muutapwa? (b) ‘Vanakomana navanasikana’ pashure pako vakawedzerwa sei kuna Israeri womudzimu?
20 Muzvinoitika zvakawanda, kupinda nokudzoka kwaIsraeri muutapwa kwakawana wirirano munguva dzazvino uno naIsraeri womudzimu. Pamberi peHondo yeNyika I, vakasarira vamaKristu akazodzwa vakanga vasiri muwirirano nokuda kwaMwari zvizere; vakabatirira kumirangariro nemiitiro yakatorwa mumachechi echiKristudhomu. Ipapo, mukati moupengo hwenguva yehondo uye murutivi pakurudziro yavafundisi, vatungamiriri pakati pavakasarira vaIsraeri womudzimu vakaiswa mutorongo zvisina kururama. Pashure pehondo, muna 1919 N.V., vakazodzwa ivavo vari mutorongo chairoiro vakasunungurwa ndokuwanwa vasina mhaka. Ikoku kwakapa ufakazi hwokuti vanhu vaMwari vakasunungurwa muutapwa kuBhabhironi Guru, umambo hwenyika yose hworudzidziso rwenhema. Vanhu vake vakabuda kuti vavake ndokugara muparadhiso yomudzimu.—Isaya 35:1-7; 65:13, 14.
21 Ikoku kwakaratidzirwa murondedzero yaIsaya, inoti: “Ringira kose kose nameso ako, uone: vose vanoungana pamwe chete, vachiuya kwauri; vanakomana vako vachauya vachibva kure, vakunda vako vachaberekwa pahudyu. Ipapo uchazviona ukapenya nomufaro, mwoyo wako uchadedera nokufariswa; nokuti zvakawanda zvegungwa zvichaiswa kwauri, pfuma yamarudzi avanhu ichauya kwauri.” (Isaya 60:4, 5) Mumakumi amakore akatevera, ‘vanakomana navanasikana’ vakapfuurira kupinda, vachizodzwa nomudzimu kuzadza nzvimbo dzokupedzisira muna Israeri womudzimu.
22. “Vokumwe” vakasvika sei pakushanda pamwe chete navaIsraeri vomudzimu?
22 Zvakadiniko na‘vokumwe avo vachavaka zvomenemene masvingo ako’? Ikokuwo kwakaitika munguva yedu. Sezvo kudanwa kwavane 144 000 kwakanga kuchisvika kukupera, boka guru rinobva mumarudzi ose rakavamba kudirana kukunamata naIsraeri womudzimu. Ava vatsva vane kariro yakavakirwa paBhaibheri youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Kunyange zvazvo nzvimbo yokupedzisira yebasa ravo rokutendeka yaizova yakasiana, ivo vakafadzwa kubetsera vakasarira vakazodzwa mukuparidzira mashoko akanaka oUmambo.—Mateo 24:14.
23. “Vokumwe” vakabatsira vakazodzwa kusvikira patambanukoi?
23 Nhasi, vanopfuura 4 000 000 avo vari “vokumwe,” pamwe chete navakasarira vaavo vane ‘ugari mumatenga,’ vari kubvumikisa kuzvipira kwavo kuna Jehovha. Vakawanda vavo, varume navakadzi, vaduku navakuru, vari kubatira muushumiri hwenguva yakazara samapiona. Muzhinjisa dzedzinopfuura ungano 66 000, vokumwe vakadaro vari kutakura mitoro savakuru navabatiri vanoshumira. Vakasarira vanofara muna ikoku, vachiona kuzadzika kwamashoko aIsaya, anoti: “Vatorwa vachamira vachifudza mapoka enyu amakwai, navaeni vachava varimi venyu navagadziri vemizambiringa yenyu.”—Isaya 61:5.
24. Neiko tichigona kukurudzirwa nokubata kwaMwari naIsraeri uye vamwe munguva yakapfuura?
24 Naizvozvo murudzi rupi norupi rwapasi rwauri mugari wemo, munhu anopinda munyika achibva kune imwe nyika, kana kuti mupoteri, une banza rakanaka rokuva wokumwe womudzimu uyo Wamasimba ose anogamuchira nomwoyo wose. Kugamuchira kwake kunobatanidza kubvira kwokufarikanya maropafadzo mubasa rake mose muri muviri zvino uye munguva yemberi isingagumi.
[Mashoko Omuzasi]
a Nezvemisiano pakati po“mugari wokumwe,” “mugari,” “muenzi,” uye “wokumwe,” ona Insight on the Scriptures, Volume 1, mapeji 72-5, 849-51, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Vanopfuura 10 600 000 vakapinda chirangaridzo chegore negore cheChirairo chaShe chaMadekwana chakaitwa neZvapupu zvaJehovha muna 1991, asi 8 850 bedzi vakazivisa kuva vavakasarira vaIsraeri womudzimu.
Wacherekedza Izvi Here?
◻ Mwari akapa sei tariro yokuti vanhu vamarudzi ose vaizogamuchirwa Naye?
◻ Chii chinoratidza kuti vanhu kunze kwavanhu chaivo vaMwari, Israeri, vaigona kuMusvika?
◻ Muuporofita, Mwari akaratidzira sei kuti vokumwe vaizozvibatanidza vamene naIsraeri?
◻ Chii chakawirirana nokudzoka kwaIsraeri achibva muutapwa muBhabhironi, uye “vokumwe” vakabatanidzwa sei?
[Mufananidzo uri papeji 9]
Mambo Soromoni akanyengetera pamusoro pavokumwe avo vaizouya kuzonamata Jehovha