RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Farai Mufarisise Nokusingaperi Pamusoro Pezvandinosika”
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
    • Kuvimba na“Mwari weMhanza”

      13, 14. Miitiroi inoratidza kuti vanhu vaMwari vamusiya, uye chii chichapedzisira chaitika kwavari?

      13 Uprofita hwaIsaya zvino hunodzokera shure kune vaya vakasiya Jehovha ndokurambira mukunamata zvifananidzo. Hunoti: “Asi imi munosiya Jehovha, nokukanganwa gomo rangu dzvene, imi munogadzirira Gadhi [“mwari weMhanza,” NW] tafura, nokudirira Meni [“mwari woKufanotemerwa Mugumo,” NW] waini yakavhenganiswa.” (Isaya 65:11) Nokugadzirira tafura yezvokudya nechokunwa pamberi pa“mwari weMhanza” na“mwari Wokufanotemerwa Mugumo,” vaJudha vari kudzokera shure ava vawira mumiitiro yokunamata zvidhori yemarudzi echihedheni.b Chii chichaitika kuna vose nokushayiwa mano vanovimba navanamwari ava?

  • “Farai Mufarisise Nokusingaperi Pamusoro Pezvandinosika”
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
    • 15. VaKristu vechokwadi nhasi vanoteerera nyevero iri pana Isaya 65:11, 12 munzirai?

      15 Nhasi vaKristu vechokwadi vanoteerera nyevero inowanikwa pana Isaya 65:11, 12. Havatendi zve“Mhanza,” sokunge nderimwe simba rinopfuura revanhu rinokwanisa kuratidza nyasha. Vachiramba kupedza pfuma yavo vachiedza kufadza “mwari weMhanza,” vanorega kubhejera kwemarudzi ose. Vane chokwadi chokuti vose vanozvipira kuna mwari uyu pakupedzisira vacharasikirwa nezvose, nokuti kune vakadaro Jehovha anoti: “Imi mose muchakotamira pakubayiwa.”

  • “Farai Mufarisise Nokusingaperi Pamusoro Pezvandinosika”
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
    • b Achitaura pamusoro pendima iyi, mushanduri weBhaibheri Jerome (akaberekwa muzana remakore rechina C.E.) anotaura nezvetsika yekare yaiitwa nevanamati vezvidhori pazuva rokupedzisira romwedzi wokupedzisira wegore ravo. Akanyora kuti: “Vaigadzira tafura izere nezvokudya zvemarudzi akasiyana-siyana nomukombe wakavhenganiswa newaini inotapira kuti vave nerombo rakanaka pakubereka kwegore rapfuura kana kuti rinotevera.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe