PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ISAYA 63-66
Matenga Matsva Nenyika Itsva Zvichaita Kuti Tifare
Zvakavimbiswa naMwari zviri muchitsauko 65 chaIsaya zvichaitika nekuti Jehovha akatotaura nezvazvo sekunge zvatoitika.
Jehovha achaita kuti pave nematenga matsva nenyika itsva uye zvinhu zvekare hazvizoyeukwi
Matenga matsva chii?
Ihurumende itsva ichaita kuti panyika pave neupenyu hwakanaka
Yakatanga kutonga muna 1914 Kristu paakagadzwa kuva Mambo weUmambo hwaMwari
Nyika itsva chii?
Vanhu vemarudzi ose uye vemitauro yose vanozviisa pasi pehurumende itsva yekudenga
Zvinorevei kuti zvinhu zvekare hazvizoyeukwi?
Zvinhu zvinokonzera ndangariro dzinorwadza, zvakadai sekurwara uye kushungurudzika zvinenge zvisisiko
Vanhu vakavimbika vachanakidzwa neupenyu uye zuva rimwe nerimwe vachava nezvinhu zvinofadza zvekuyeuka