Chitsauko 3
“Ngatigadzirisei Zvinhu”
1, 2. Jehovha anofananidza vatongi nevanhu veJerusarema uye Judha naani, uye nei izvi zviri zvechokwadi?
VAGARI veJerusarema vanganzwa vachida kuzvipembedza pashure pokunzwa kutukwa kwakanyorwa pana Isaya 1:1-9. Pasina mubvunzo vangada kunongedzera vachidada zvibayiro zvose zvavanopa kuna Jehovha. Zvisinei, Isa 1 ndima 10 kusvika ku15 dzinopa mhinduro yaJehovha inosvavisa kufunga kwakadaro. Inotanga ichiti: “Inzwai shoko raJehovha, imi vabati veSodhoma; teererai murayiro waMwari wedu, imi vanhu veGomora.”—Isaya 1:10.
2 Sodhoma neGomora zvakaparadzwa kwete bedzi nemhaka younzenza hwazvo asiwo nemhaka yemwoyo mikukutu, nokuzvikudza. (Genesi 18:20, 21; 19:4, 5, 23-25; Ezekieri 16:49, 50) Vateereri vaIsaya vanofanira kushamisika kunzwa vachienzaniswa nevanhu vemaguta iwayo akatukwa.a Asi Jehovha anoona vanhu vake sezvavari chaizvo, uye Isaya haapomhodzi shoko raMwari kuti a‘fadze nzeve dzavo.’—2 Timoti 4:3.
3. Jehovha anorevei paanoti “ndagutisa” zvibayiro zvevanhu, uye nei zvakadaro?
3 Ona kuti Jehovha anonzwa sei nokunamata kwechipameso kwevanhu vake. “Zvibayiro zvenyu zvizhinji zvinondibatsirei? Ndagutisa zvipiriso zvenyu zvinopiswa zvamakondohwe, namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa; handifadzwi neropa renzombe, kana ramakwayana, kana renhongo.” (Isaya 1:11) Vanhu vakanganwa kuti Jehovha haararami nezvibayiro zvavo. (Pisarema 50:8-13) Zvingapiwa nevanhu zvipi nezvipi hazvisi zvinhu zvinodikanwa naye. Saka kana vanhu vachifunga kuti vari kuitira Jehovha tsvete nokupa zvipiwa zvavo zvisiri zvemwoyo wose, vakarasika. Jehovha anoshandisa mutauro wokufananidzira une simba zvikuru. Mashoko okuti “ndagutisa” anogona kushandurwa kuti “ndaguta” kana kuti “ndazvimbirwa.” Unoziva here manzwire okugutisa nezvokudya zvokuti kuona zvimwe kunosembura? Jehovha akanzwa nenzira yakafanana nezvavaipa izvozvo—kunyatsosemburwa!
4. Isaya 1:12 inofumura sei kusava nematuro kwekuenda kwevanhu kutemberi muJerusarema?
4 Jehovha anopfuurira achiti: “Kana muchiuya kuzondiona, ndianiko unoreva izvozvo pamaoko enyu, kuti mutsike mavazhe angu?” (Isaya 1:12) Hausi mutemo waJehovha pachake here unoda kuti vanhu ‘vauye kuzoona chiso chake,’ ndiko kuti, kuuya patemberi yake muJerusarema? (Eksodho 34:23, 24) Hungu, asi vanongouyapo zvechipameso chete, kungoitawo zvechirango nekunamata kwakachena, vasina vavariro dzakanaka. Kuna Jehovha kuenda vaendazve kwavo muvazhe dzake kunongoreva kungo‘tsika’ zvakwo, pasina chiri kuitwa kunze kwekupedza uriri nokutsika.
5. Ndeapi mamwe emabasa okunamata anoitwa nevaJudha, uye nei iwaya ave achi“netsa” Jehovha?
5 Ndosaka Jehovha achitanga kutaura mashoko makukutu! “Musazouyazve nezvipo zvisina maturo; zvinonhuwira zvinondinyangadza; nguva dzokugara kwomwedzi nedzamasabata, nedzokukokera ungano, handizvidi; zvakaipa, kunyange neungano tsvene. Nguva dzenyu dzokugara kwomwedzi nemitambo yenyu zvinovengwa nomweya wangu; zvinondinetsa; ndaneta nokutambudzika nazvo.” (Isaya 1:13, 14) Zvipo, zvinonhuwira, maSabata, uye ungano tsvene zvose ndezvoMutemo waMwari waakapa Israeri. Kana kuri “kugara kwomwedzi,” Mutemo unongorayira kuti kunofanira kuchengetwa, asi tsika dzakanaka dzakatangwa zvishoma nezvishoma pakuchengeta kwacho. (Numeri 10:10; 28:11) Kugara kwomwedzi kunoonekwa sesabata romwedzi nomwedzi, apo vanhu vairega kushanda uye votoungana kuti varayiridzwe navapristi nevaprofita. (2 Madzimambo 4:23; Ezekieri 46:3; Amosi 8:5) Kuchengeta kwakadaro hakuna kuipa. Dambudziko riri pakungozviitira mandionekwe. Uyezve, vaJudha vari kushandisa “zvakaipa,” kuita zvemidzimu, pamwe chete nokuchengeta kwavo Mutemo waMwari kwechipameso.b Saka, mabasa avo okunamata Jehovha anomu“netsa.”
6. Jehovha a“neta” mupfungwai?
6 Zvisinei, Jehovha aigonzwa a“neta” sei? Pamusoro pazvo, ane “ukuru hwesimba . . . haaziyi; haaneti.” (Isaya 40:26, 28) Jehovha ari kushandisa mutauro wokufananidzira wakajeka kuitira kuti tikwanise kunzwisisa manzwire ake. Wakambotakura mutoro unorema kwenguva refu zvokuti wakaremerwa zvokunzwa uchida kuukanda pasi here? Ndomanzwire anoita Jehovha pamusoro pemabasa okunamata kwounyengeri evanhu vake.
7. Nei Jehovha asisateereri minyengetero yevanhu vake?
7 Jehovha zvino anonanga panyaya yomunhu mumwe nomumwe yakavanzika pamabasa ose okunamata. “Kana muchitambanudza maoko enyu, ndichakuvanzirai chiso changu; zvirokwazvo, kana muchiwanza minyengetero, handinganzwi; maoko enyu azere neropa.” (Isaya 1:15) Kutambanudza zvanza, kusimudza maoko mudenga zvanza zvakatarira mudenga, chiratidzo chokukumbira. Kuna Jehovha, maitiro akadai haana zvaanoreva, nokuti vanhu ava vane maoko azere nokuteura ropa. Chisimba chakazara munyika yacho. Kudzvinyirira vasina simba kuri pose pose. Kuvanhu vane utsinye, vane udyire kudaro kunyengetera kuna Jehovha nokukumbira zvikomborero kunonyadzisa. Ndosaka Jehovha achiti, “handinganzwi”!
8. Chikanganiso chei chinoitwa nechiKristudhomu nhasi, uye vamwe vaKristu vanopinda sei mumusungo wakafanana?
8 Muzuva redu, chiKristudhomu nenzira yakafanana chakakundikana kufadza Mwari nokudzokorora kwacho kusingaperi minyengetero isina maturo nemamwe “mabasa” acho echitendero. (Mateu 7:21-23) Zvinokosha zvikuru kuti tisawira mumusungo iwoyo. Apo neapo, muKristu anogona kumboita chivi chakakomba, ofunga kuti kana akangovanza zvaari kuita owedzera mubato wake muungano yechiKristu, mabasa ake neimwe nzira achatsivana nechivi chake. Mabasa echipameso akadaro haafadzi Jehovha. Kunongova nomushonga mumwe wokurwara mumudzimu, seizvo ndima dzinotevera dzaIsaya dzinoratidza.
Mushonga Wokurwara Mumudzimu
9, 10. Kuchena kunokosha sei mukunamata kwedu Jehovha?
9 Jehovha, Mwari ane tsitsi, zvino anochinjira kumataurire anofadza anokwezva. “Shambai, muzvinatse; bvisai zvakaipa zvamabasa enyu pamberi pangu; regai kuramba muchiita zvakaipa; dzidzai kuita zvakanaka; tsvakai kururamisira, [“ruramisai anomanikidza,” NW] ruramisirai nherera, mureverere chirikadzi.” (Isaya 1:16, 17) Pano tinowana mashoko okurayira kana kuti mirayiro mipfumbamwe yakatevedzana. Mina yokutanga ndeyezvakaipa pakuti inosanganisira kubviswa kwechivi; mishanu yokupedzisira mabasa akanaka anowanisa chikomborero chaJehovha.
10 Kugeza nokuchena kwakangogara kuri chimwe chinhu chinokosha pakunamata kwakachena. (Eksodho 19:10, 11; 30:20; 2 VaKorinde 7:1) Asi Jehovha anoda kuti kuchenesa kwacho kunyure, kupinda mumwoyo chaimo mevanamati vake. Chinokosha kupfuura zvose kuchena kwetsika nokwemudzimu, uye ndizvo zviri kutaura Jehovha. Mirayiro miviri yokutanga iri Isa 1 mundima 16 hakusi kungodzokorora zvakwo. Imwe nyanzvi yomutauro wechiHebheru inoti “shambai,” wokutanga anoreva chiito chokutanga chokugeza, nepo “muzvinatse” wechipiri anoreva kungoramba uchiedza kuchengeta rucheno irworwo.
11. Kuti tikurire chivi, chii chatinofanira kuita, uye chii chatisingambofaniri kuita?
11 Hapana chatinogona kuvanzira Jehovha. (Jobho 34:22; Zvirevo 15:3; VaHebheru 4:13) Naizvozvo murayiro wake wokuti, “Bvisai zvakaipa zvamabasa enyu pamberi pangu” unongoreva chinhu chimwe—kumira kuita zvakaipa. Izvozvo zvinoreva kusaedza kuvanza zvivi zvakakomba, nokuti kudaro kunotova chivi chakazvimirira. Zvirevo 28:13 inonyevera kuti: “Unofukidza kudarika kwake, haangavi nomufaro; asi unozvireurura, achizvirasha uchawana nyasha.”
12. (a) Nei zvichikosha ‘kudzidza kuita zvakanaka’? (b) Vakuru pachavo vangashandisa sei murayiridzo wokuti “tsvakai kururamisira” newokuti “ruramisai anomanikidza”?
12 Pane zvakawanda zvokudzidza pamabasa akanaka ayo Jehovha anorayira mundima 17 yaIsaya chitsauko 1. Ona kuti haangoti “itai zvakanaka” asi “dzidzai kuita zvakanaka.” Zvinotoda kudzidza Shoko raMwari uri woga kuti unzwisise zvakanaka mumeso aMwari uye kuda kuzviita. Uyezve, Jehovha haangoti “itai kururamisira” asi “tsvakai kururamisira.” Kunyange vakuru vave nenguva yakareba vanofanira kutsvakisisa muShoko raMwari kuti vawane nzira yakarurama mune dzimwe nhau dzakaoma. Mutoro wavo zvakare ku“ruramisa anomanikidza,” seizvo Jehovha anotevera kurayira. Mirayiridzo iyi inokosha kuvafudzi vechiKristu nhasi, nokuti vanoda kudzivirira boka pa“mhumhi dzinodzvinyirira.”—Mabasa 20:28-30.
13. Isu nhasi tingashandisa sei mirayiro iri pamusoro penherera nechirikadzi?
13 Mirayiro miviri yokupedzisira inosanganisira vamwe vevanhu vaMwari vasina anodzivirira—nherera nechirikadzi. Nyika inogara yakagadzirira kubatira vanhu vakadaro; izvi hazvifaniri kudaro pakati pavanhu vaMwari. Vakuru vane rudo vano“ruramisira” nherera dziri muungano dzisina vanababa, vachidzibetsera kuti dziwane ruramisiro nedziviriro munyika inoda kudzibatira kuti idzishatise. Vakuru vano‘revererera’ chirikadzi kana kuti, seizvo shoko rechiHebheru ringagonawo kureva, “vanodzirwira.” Chaizvoizvo vaKristu vose vanoda kuva utiziro, vanyaradzi, uye vanoruramisira kune vanoshayiwa vari pakati pedu nokuti vanokosha kuna Jehovha.—Mika 6:8; Jakobho 1:27.
14. Ishoko ripi rakanaka rinobudiswa pana Isaya 1:16, 17?
14 Ishoko rakasimba sei, rakanaka rinobudiswa naJehovha nemirayiro mipfumbamwe iyi! Dzimwe nguva vanoita chivi vanozvinyaradza nokuti havangozvigoni havo kuita zvakarurama. Pfungwa dzakadaro dzinopedza simba. Pamusoro pezvo, hadzina kururama. Jehovha anoziva—uye anoda kuti tizive—kuti achibetserwa Naye, mutadzi upi noupi zvake anogona kumisa nzira yake yokutadza, otendeuka, obva aita zvakarurama.
Chikumbiro Chetsitsi, Chakarurama
15. Mashoko okuti “ngatigadzirisei zvinhu” dzimwe nguva anotadza kunzwisiswa sei uye anorevei chaizvo?
15 Mataurire aJehovha zvino anotowedzera ushamwari netsitsi. “Chiuyai zvino, [“ngatigadzirisei zvinhu,” NW] ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.” (Isaya 1:18) Kukoka kunozarura ndima iyi yakaisvonaka kazhinji kunonzwisiswa zvisizvo. Somuenzaniso, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona rinoti, “Chiuyai zvino, titaurirane”—sokunge vose vanofanira kutaurirana kusvika vawirirana. Hazvina kudaro! Jehovha haana mhosva, kunyanya pakubata kwake nevanhu ava vanopandukira, vanonyengera. (Dheuteronomio 32:4, 5) Ndima yacho haitauri nezvekurukurirano yevakaenzana vanozoguma vati zvapera mumwe arega, asi dare rokutsvaka kururamisira. Zviri kuita sokuti pano apa Jehovha ari kudana Israeri kudare.
16, 17. Tinoziva sei kuti Jehovha anoda kukanganwira kunyange zvivi zvakakomba?
16 Izvi zvingaita sechinhu chinotyisa, asi Jehovha ndiye mutongi ane tsitsi nengoni kwazvo. Kukwanisa kwake kukanganwira hakuenzaniswi. (Pisarema 86:5) Iye oga ndiye anogona kubvisa zvivi zvaIsraeri zvakaita “somucheka mutsvuku” ndokuzvichenesa, achizviita kuti zvive zvaka“chena sechando.” Hapana kuedza kwomunhu, hapana mabasa, zvibayiro kana minyengetero zvingagona kubvisa gwapa rechivi. Kukanganwira kwaJehovha bedzi kunogona kushamba zvivi. Mwari anopa kukanganwira kwakadaro pane zvaanotema, zvinosanganisira kupfidza kwechokwadi, kwemwoyo.
17 Chokwadi ichi chinokosha kwazvo zvokuti Jehovha anochidzokorora nokutaura neimwe nzira senhetembo—zvivi zvakaita so“muti mushava” zvichaita seshinda chena itsva isina ruvara. Jehovha anoda kuti tizive kuti zvechokwadi ndiye Mukanganwiri wezvivi, kunyange zvakakomba zvikuru, chero bedzi achitiona tapfidza zvechokwadi. Avo vanowana zvakaoma kudavira kuti izvi zvinogoneka kwavari pachavo vangaita zvakanaka vakafunga nezvemienzaniso yakadai sewaManase. Akatadza zvakakomba—kwemakore. Asi, akapfidza akakanganwirwa. (2 Makoronike 33:9-16) Jehovha anoda kuti tose tizive, kusanganisira avo vakaita zvivi zvakakomba, kuti nguva haisati yapera yokuti “tigadzirise zvinhu” naye.
18. Chisarudzo chei icho Jehovha anopa vanhu vake vanopandukira?
18 Jehovha anoyeuchidza vanhu vake kuti vanogona kusarudza. “Kana muchida, muchiteerera, muchadya zvakanaka zvenyika; asi kana muchiramba, muchindimukira, muchaparadzwa nomunondo; nokuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.” (Isaya 1:19, 20) Pano Jehovha anosimbisa mafungiro, uye anoshandisa mumwe mutauro wokufananidzira wakajeka kusimbisa pfungwa yake. Chisarudzo chevanhu venyika yeJudha ndechichi: Idya kana kuti dyiwa. Kana vane pfungwa yokuda kuteerera nokutevedzera Jehovha, vachadya zvibereko zvakanaka zvenyika. Zvisinei, kana vakarambira papfungwa yavo yokupandukira, vachadyiwa—nomunondo wevavengi vavo! Zvinoratidzika sezvisingambofungidziriki kuti rudzi rungasarudza munondo wevavengi varwo panzvimbo petsitsi nokukanganwira kukuru kwaMwari. Kunyange zvakadaro, izvi ndizvo zvinoitika kuJerusarema, seizvo ndima dzaIsaya dzinotevera dzinoratidza.
Rwiyo Rwemariro eGuta Rinodiwa
19, 20. (a) Jehovha anobudisa sei pfungwa yokunyengedzwa yaanonzwa? (b) ‘Kururama kwaigara muJerusarema’ mupfungwa ipi?
19 Pana Isaya 1:21-23, tinoona ukuru hweuipi hweJerusarema panguva ino. Isaya zvino anotanga nhetembo yakafuridzirwa nechidavado cherwiyo rwemariro kana kuti kuchema achiti: “Haiwa, guta rakatendeka rashanduka chifeve sei! Iro rakanga rizere nokururamisa! Kururama kwaigara mariri, asi zvino mogara vaurayi.”—Isaya 1:21.
20 Guta reJerusarema, rawa sei! Raimbova mukadzi akatendeka, zvino rava chifeve. Chii chingagona kubudisa pfungwa yokunyengedza nokuora mwoyo iyo Jehovha anonzwa zvine simba kupfuura apa? “Kururama kwaigara mariri” guta iri. Rini? Kunyange Israeri asati avapo, kare muzuva raAbrahama, guta iri rainzi Saremi. Mariri maitonga murume aive mambo nomupristi zvose. Zita rake, Merekizedheki, rinoreva “Mambo Wokururama,” uye sezviri pachena raimukodzera zvikuru. (VaHebheru 7:2; Genesi 14:18-20) Anenge makore 1 000 pashure paMerekizedheki, Jerusarema rakabudirira kwazvo, mukutonga kwaDhavhidhi naSoromoni. “Kururama kwaigara mariri,” kunyanya apo madzimambo aro aigadzira vanhu muenzaniso nokufamba munzira dzaJehovha. Zvisinei, muzuva raIsaya, nguva dzakadaro dzave dzakare.
21, 22. Chii chinomirirwa netsvina nedoro rakadirwa mvura, uye nei vatungamiriri vevanhu veJudha vachikodzera kurondedzera kwakadaro?
21 Zvinoratidza sokuti vatungamiriri vari pakati pavanhu ndivo dambudziko guru. Isaya anopfuurira nokuchema-chema kwake achiti: “Sirivha yako [yava tsvina], waini yako yakavhenganiswa nemvura. Machinda ako akamukira Jehovha, ishamwari dzembavha; mumwe nomumwe unoda fufuro, unovinga mibayiro; havaruramisiri nherera, mhaka yechirikadzi haitambwi navo.” (Isaya 1:22, 23) Mashoko maviri omuenzaniso akajeka ari kutevedzana nokukurumidza anogadzirira vaverengi zviri kutevera. Mupfuri pachipfuriro chake anobvisa tsvina pasirivha yanyunguduswa achirasa. Machinda nevatongi vaIsraeri vakaita setsvina yacho, kwete sirivha. Vanofanira kuraswa. Havachina basa kungofanana nedoro radirwa mvura risingachanaki. Chinwiwa chakadaro chakangokodzera kuteurwa chete!
22 Isa 1 Ndima 23 inoratidza kuti nei vatungamiriri vacho vachikodzera kupiwa rondedzero yakadaro. Mutemo waMosesi wakakwidziridza vanhu vaMwari, uchivaparadzanisa nemamwe marudzi. Wakadaro, somuenzaniso, nokurayira kudzivirirwa kwenherera nechirikadzi. (Eksodho 22:22-24) Asi muzuva raIsaya, nherera haina kana tariro yokutongwa zvakanaka. Kana iri chirikadzi, haitogoni kuwana chero anouya kuzonzwa nhau yayo, ndoda kutozoirwira. Aiwa, vatongi ava nevatungamiriri vakabatikana kwazvo nokuzvitsvakira zvavanoda ivo—kutsvaka fufuro, kutsvaka zvipo, uye kushanda seshamwari dzembavha, sezviri pachena vachidzivirira matsotsi nepo vachiitisa kuti vanotsotswa vatambure. Chakatoipisisa, va“kamukira,” kana kuti kuomerera pakuita kwavo zvakaipa. Mamiriro ezvinhu anonzwisa urombo sei!
Jehovha Achanatsa Vanhu Vake
23. Jehovha anotaura manzwire api kuvavengi vake?
23 Jehovha haazobvumiri kushandiswa kwesimba zvisina kufanira kwakadaro nekusingaperi. Isaya anopfuurira achiti: “Saka zvanzi naShe, Jehovha wehondo, iye Wamasimba wavaIsraeri: [“Aha!,” NW] Ndichapedza shungu dzangu pamusoro pavadzivisi vangu, ndichazvitsivira pamusoro pavavengi vangu.” (Isaya 1:24) Jehovha anopiwa mazita matatu pano, zvichiratidza kukodzera kwake kuva Ishe nesimba rake guru. Kutaura kwokushamisika kwokuti “Aha!” pamwe kunoratidza kuti tsitsi dzaJehovha zvino dzasangana nokutsunga kuita chimwe chinhu nehasha dzake. Zvechokwadi pane chikonzero chokudaro.
24. Manatsiroi ayo Jehovha anorongera vanhu vake?
24 Vanhu vaJehovha pachake vazviita vavengi vake. Vakakodzerwa nechirango chaMwari. Jehovha ucha“pedza shungu dzake,” kana kuzvibvisira vanhu vacho. Izvi zvinoreva kubviswa zvachose kwevanhu vezita rake here? Aiwa, nokuti Jehovha anopfuurira achiti: “Ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri, ndinatse chose [tsvina y]ako, ndichabvisa [marara] ako.” (Isaya 1:25) Jehovha zvino anoshandisa muitiro wokunatsa somuenzaniso. Munatsi makarekare aiwanzoisa soda kuti ibetsere kuparadzanisa tsvina nesimbi inokosha. Nenzira yakafanana, Jehovha, uyo asingaoni vanhu vake sevakaipa chose chose, acha‘varanga kusvika pamwero wakakodzera.’ Achabvisa pavari ‘marara’ bedzi,—vanhu vakaoma musoro vasingadiwi vanoramba kudzidza nokuteerera.c (Jeremia 46:28) Nemashoko aya, Isaya ane ropafadzo yokunyora nhau yezvisati zvaitika.
25. (a) Jehovha akanatsa sei vanhu vake muna 607 B.C.E.? (b) Jehovha akanatsa vanhu vake rini munguva dzazvino uno?
25 Jehovha zvechokwadi akanatsa vanhu vake, achibvisa tsvina iri vatungamiriri vakaipa nevamwe vapanduki. Muna 607 B.C.E., nguva yaIsaya yatopfuura kare, Jerusarema rakaparadzwa uye vaigaramo vakaendeswa kuBhabhironi senhapwa kwemakore 70. Izvi zvakafananidzira mune dzimwe nzira chiito icho Mwari akazoita gare gare. Uprofita huri pana Maraki 3:1-5, hwakanyorwa nguva refu pashure pokuva nhapwa muBhabhironi, hwakaratidza kuti Mwari aizoitazve basa rokunatsa. Hunotaura nguva apo Jehovha Mwari aizouya kutemberi yake yomudzimu ane “mutumwa wesungano,” Jesu Kristu. Izvi sezvinooneka zvakaitika pakupera kweHondo Yenyika I. Jehovha akaongorora vose vaizviti vaKristu, achipepeta vechokwadi kubva mune venhema. Zvakaguma nei?
26-28. (a) Isaya 1:26 yakatanga kuzadzika pachii? (b) Uprofita uhwu hwakazadziswa sei munguva yedu? (c) Uprofita uhwu hungabetsera sei vakuru nhasi?
26 Jehovha anopindura kuti: “Ndichadzosera vatongi vako vave sapakutanga, namakota ako sapakutanga; shure kwaizvozvo uchanzi Guta rokururama, musha wakatendeka. Zioni richadzikinurwa nokururamiswa, navanodzoka mariri nokururama.” (Isaya 1:26, 27) Kuzadzika kwokutanga kwouprofita uhwu kwakaitika paJerusarema rekare. Pashure pokunge nhapwa dzadzokera kuguta radzo rinodiwa muna 537 B.C.E., kwakave zvakare nevatongi vakatendeka nemakota akafanana nevaya vekare. Vaprofita Hagai naZekaria, mupristi Joshua, munyori Ezra, nagavhuna Zerubhabheri vose vakashanda kutungamirira nokurayira vakasara vakatendeka vaidzokera kufamba munzira dzaMwari. Zvisinei, kumwe kuzadzika kunotokosha kwakaitika muzana remakore rechi20.
27 Muna 1919, vanhu vaJehovha vomuzuva ranhasi vakabuda munguva yokuedza. Vakanunurwa muusungwa hwomudzimu muBhabhironi Guru, dzimbahwe renyika yose rechitendero chenhema. Musiyano uri pakati pevakasara vakatendeka vakazodzwa nevafundisi vechiKristudhomu vakaramba kutenda wakava pachena. Mwari akakomborera zvakare vanhu vake, ‘achivapa zvakare vatongi nemachinda’—varume vakatendeka vanopa vanhu vaMwari mazano maererano neShoko rake, kwete maererano netsika dzevanhu. Nhasi pakati pe“boka duku” riri kupera nemamiriyoni ari kuwedzera eshamwari dzaro dze“mamwe makwai” pane mazana evarume vakadaro.—Ruka 12:32; Johani 10:16; Isaya 32:1, 2; 60:17; 61:3, 4.
28 Vakuru vanoramba vachirangarira kuti pane dzimwe nguva, vanoshanda se“vatongi” muungano kuitira kuti vaichengete yakachena patsika, nemumudzimu nokururamisa vanokanganisa. Vane hanya kwazvo nekuita zvinhu nenzira yaMwari, vachitevedzera pfungwa yake yeruramisiro yetsitsi uye iri pakati nepakati. Zvisinei, munhau zhinji vanoshanda se“makota.” Zvechokwadi, izvi zvakasiyana zvikuru nokuva machinda kana kuti vadzvinyiriri, uye vanoedza zvose zvavanogona kuti vasamboratidza sevano“remedz[a] avo vari nhaka yaMwari.”—1 Petro 5:3.
29, 30. (a) Jehovha anozivisa chii nokuda kwaavo vanoramba kubetserwa negadziriro yokunatsa? (b) Vanhu vano“nyadziswa” nemiti yavo nemapindu mupfungwai?
29 Zvakadini ne“tsvina” inotaurwa muuprofita hwaIsaya? Chii chinoitika kune avo vanoramba kubetserwa negadziriro yaMwari yokunatsa? Isaya anopfuurira achiti: “Asi vadariki navatadzi vachaparadzwa pamwe chete, vanosiya Jehovha vachapedzwa. Nokuti vachanyadziswa pamusoro pemiti yemiouki yamaifarira, muchava nenyadzi pamusoro peminda yamakasanangura.” (Isaya 1:28, 29) Avo vanopandukira nokutadzira Jehovha, vasingateereri mashoko okunyevera evaprofita vake kusvika nguva yapera, zvechokwadi vano“paradzwa” vaka“pedzwa.” Izvi zvinoitika muna 607 B.C.E. Zvisinei, chii chinorehwa nemashoko aya anotaura nezvemiti nemapindu?
30 VaJudha vane chinetso chaingorambirira chekunamata zvidhori. Miti, mapindu, neminda zvinowanzoshandiswa mumiitiro yavo yakashata. Somuenzaniso, vanamati vaBhaari, nemumwe wake, Ashitoreti, vanodavira kuti munguva yechirimo vanamwari vaviri ava vanofa vovigwa. Kuti vavaite kuti vamuke nokurara vose, vachiita kuti nyika ibereke, vanamati vezvidhori vacho vanoungana vachiita unzenza vari pasi pemiti “inoyera” muminda kana kuti mapindu. Mvura painouya panyika yacho uye yobereka, vanamwari venhema ndivo vanorumbidzwa; vanamati vezvidhori ava vofunga kuti mashura avanotenda ndeechokwadi. Asi apo Jehovha anoparadza vanamati vezvidhori vanopandukira achivapedza, hapana vanamwari vezvidhori vanovadzivirira. Vapanduki vacho vano“nyadziswa” nemiti iyi nemapindu zvisingabetseri.
31. Vanamati vezvidhori vanotarisana nechii chinopfuura kunyara?
31 Zvisinei, vanamati vezvidhori vechiJudha vakatarisana nezvimwe zvinotopfuura zvinonyadzisa. Achichinja muenzaniso, Jehovha zvino anofananidza munamati wezvidhori pachake nomuti. “Nokuti muchava somuouki wasvava mashizha, uye somunda usina mvura.” (Isaya 1:30) Mumamiriro okunze anopisa, akaoma eMiddle East, muenzaniso uyu wakafanira. Hapana muti kana kuti munda unogona kurarama nguva refu usingagari uchiwana mvura. Yaoma, miti yakadaro inogona kutsva nemoto nyore nyore. Saka muenzaniso uri Isa 1 mundima 31 unongouya woga.
32. (a) Ndiani “une simba” anotaurwa paIsa 1 ndima 31? (b) Achava ‘rwodzi,’ mupfungwai, “sasaradzi dzomoto” dzichamubatidza chii, uye zvichiguma nei?
32 “Une simba uchava sorwonzi, nebasa rake sesasaradzi dzomoto; zvose zviviri zvichatsva pamwe chete, hakuna ungazvidzimura.” (Isaya 1:31) “Une simba” uyu ndiani? Shoko rechiHebheru rinopa pfungwa yesimba noupfumi. Zvichida rinoreva munhu akapfuma, anozvivimba anotevera vanamwari venhema. Muzuva raIsaya, somuzuva redu, vanhu vanoramba Jehovha nokunamatwa kwake kwakachena havasi venhamo. Vamwe vanotoita sevari kubudirira. Asi, Jehovha anonyevera kuti varume vakadaro vachaita so‘rwodzi,’ makavi akaomarara kana emufurakisi asina kusimba kwazvo uye akaoma zvokuti anoita sokuti anodambuka akangonzwa moto zvishomanene. (Vatongi 16:8, 9) Chibereko chemabasa omunamati wezvidhori—angava mwari wake wechidhori, pfuma yake, kana kuti chipi nechipi chaanonamata panzvimbo paJehovha—chichaita se“sasaradzi dzomoto” dzokubatidzisa. Zvose sasaradzi dzemoto nerwodzi zvicharoromeswa, nokutsvairwa, nemoto usina anogona kudzima. Hakuna simba pazvakasikwa zvose rinogona kuchinja kutonga kwaJehovha kwakakwana.
33. (a) Nyevero dzaMwari dzokutonga kuchauya dzinoratidzirawo tsitsi sei? (b) Mukana upi uyo Jehovha zvino ari kupa vanhu, uye izvi zvinotapura sei mumwe nomumwe wedu?
33 Shoko iri rokupedzisira rinowirirana here neshoko retsitsi nokukanganwira riri Isa 1 mundima 18? Nyangwe! Jehovha anoita kuti mashoko enyevero akadaro anyorwe nokupiwa nevabatiri vake nokuti ane tsitsi. Pamusoro pazvo, “hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:9) Iropafadzo yomuKristu wose wechokwadi nhasi kuzivisa nezvemashoko aMwari enyevero kuvanhu kuitira kuti vanopfidza vabetserwe nokukanganwira kwake kukuru vorarama nokusingaperi. Kuva nomutsa kwakadini kwaJehovha kupa vanhu mukana woku“gadzirisa zvinhu” naye nguva isati yapera!
[Mashoko Omuzasi]
a Maererano netsika dzekare dzechiJudha, Mambo akaipa Manase akaurayisa Isaya, achiita zvokuchekwa napakati. (Enzanisa naVaHebheru 11:37.) Mamwe mashoko anoti kuti pave nechirango chorufu ichi, mumwe muprofita wenhema akapomera Isaya nhema idzi dzokuti: “Adana Jerusarema kuti Sodhoma, uye machinda aJudha neJerusarema avati vanhu veGomora.”
b Shoko rechiHebheru re“zvakaipa” rinoshandurwawo kuti “zvinokuvadza,” “zvemashiripiti,” uye “zvisina kunaka.” Maererano neTheological Dictionary of the Old Testament, vaprofita vechiHebheru vaishandisa shoko racho kutuka “uipi hwaiparirwa nokushandiswa kwesimba zvisizvo.”
c Mashoko okuti “ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri” anoreva kuti Jehovha achachinja kubva pakutsigira vanhu kuenda pakuvaranga.