Zvirevo
2 Kana munyika muine zvitadzo,* machinda acho anoramba achibviswa achitsiviwa,+
Asi kana muchinda achibatsirwa nemunhu ane ungwaru uye ane ruzivo, anogara kwenguva refu.+
5 Vanhu vakaipa havagoni kunzwisisa kutonga kwakarurama,
Asi vaya vanotsvaga Jehovha vanogona kunzwisisa zvinhu zvese.+
7 Mwanakomana anonzwisisa anochengeta mutemo,
Asi anoshamwaridzana nevanhu vanodyisa anonyadzisa baba vake.+
8 Munhu anowedzera pfuma yake nemubereko+ uye nechimbadzo
Anenge achiiunganidzira uya anonzwira nyasha varombo.+
10 Munhu anotungamirira munhu akarurama kunzira yakaipa achawira mugomba rake pachake,+
Asi vasina mhosva vachagara nhaka yezvakanaka.+
12 Kana akarurama akakunda, panova nekukudzwa kukuru,
Asi kana munhu akaipa akatanga kutonga, vanhu vanohwanda.+
15 Zvinoita shumba inohon’a nebheya riri kuda kurwisa
Ndizvo zvinoita mutongi akaipa achitonga vanhu vasina mubatsiri.+
16 Mutungamiriri asina ungwaru anoshandisa simba rake zvisiri izvo,+
Asi uya anovenga mubereko wekubiridzira acharebesa upenyu hwake.+
17 Munhu anoremerwa nemhosva yekudeura ropa kana apfuudza upenyu hwemumwe* acharamba achitiza kusvikira muguva.*+
Ngaparege kuva nemunhu anomutsigira.
19 Munhu anorima munda wake achaguta nezvekudya,
Asi uya anotandanisana nezvinhu zvisingakoshi achaguta nenhamo.+
20 Munhu akatendeka achawana makomborero akawanda,+
Asi uya anomhanyirira kuda kupfuma haazorambi asina mhosva.+
23 Munhu wese anotsiura mumwe munhu+ achazofarirwa zvikuru pakupedzisira+
Kupfuura uya anorumbidza munhu zvekumubata kumeso.