Utatu
Tsanangudzo: Dzidziso huru yezvitendero zvechiKristudhomu. Maererano neAthanasian Creed, kune vanaMwari vatatu (Baba, Mwanakomana, Mweya Unoyera), mumwe nomumwe achinzi haafi, mumwe nomumwe achinzi wemasimbaose, asiri mukuru kana kuti muduku kune mumwe, mumwe nomumwe achinzi ndiMwari, asi vose pamwe chete vari Mwari mumwe chete. Zvimwe zvinotaurwa nezvedzidziso iyi zvinonyatsoratidza kuti “Vanhu” vatatu ava vakabatana uye havana kusiyana asi vari muzvimiro zvitatu munowanika unhu hwamwari. Ndosaka vamwe vanodavira Utatu vachisimbisira zvavanodavira zvokuti Jesu Kristu ndiMwari, kana kuti Jesu neMweya Unoyera ndiJehovha. Bhaibheri haridzidzisi izvozvo.
Dzidziso yoUtatu yakatangira kupi?
The New Encyclopædia Britannica inoti: “Shoko rokuti Utatu kana kuti dzidziso yacho pachayo hazviwaniki muTestamende Itsva, uyewo Jesu nevateveri vake vakanga vasingadi kupesana neShema iri muTestamende Yekare: ‘Teerera, haiwa Israeri: Ishe Mwari wedu ndiShe mumwe chete’ (Dheut. 6:4). . . . Dzidziso yacho yakatanga zvishoma nezvishoma kwemazana emakore anoverengeka uye pashure pemakakatanwa akawanda. . . . Pakupera kwezana remakore rechina . . . dzidziso yoUtatu yakabva yava sezvairi nhasi.”—(1976), Micropædia, Vol. X, peji 126.
New Catholic Encyclopedia inoti: “Pfungwa yokuti kuna ‘Mwari mumwe muVanhu vatatu’ haina kudzika midzi uye haina kutombozivikanwa muchiKristu zana remakore rechina risati raguma. Pfungwa iyi ndiyo chaiyo yakatanga kunzi ndiyo dzidziso yoUtatu. Vaapostora vokutanga havana kutombosvika pakufunga saizvozvo.”—(1967), Vol. XIV, peji 299.
MuThe Encyclopedia Americana tinoverenga kuti: “ChiKristu chakabva muchiJudha uye chiJudha chaingotenda kuti Mwari munhu mumwe chete. Kuchinja kubva padzidziso dzomuJerusarema kuenda kune dzomuNicea kwakanga kusiri nyore. Dzidziso yoUtatu yomuzana remakore rechina yakanga isingaratidzi dzidziso chaiyo yechiKristu yokutanga nezvaMwari, asi yakanga yakatsauka kubva padzidziso yechiKristu.”—(1956), Vol. XXVII, peji 294L.
Maererano neNouveau Dictionnaire Universel, “Utatu hwaPlato, hunongova kurongwa zvakare kwoutatu hwainamatwa nevanhu vekare, hunoita sokuti ndihwo utatu hwouzivi pakabva vanamwari vatatu vanodzidziswa mumachechi echiKristu. . . . Dzidziso yomuzivi uyu wechiGiriki [Plato womuzana remakore rechina B.C.E.] pamusoro poutatu hwavanamwari . . . inogona kuwanika muzvitendero zvose zvekare [zvechihedheni].”—(Paris, 1865-1870), rakapepetwa naM. Lachâtre, Vol. 2, peji 1467.
MuDictionary of the Bible, John L. McKenzie, S.J. anoti: “Utatu hwevanhu vakabatana hunorondedzerwa nemashoko ouzivi hwechiGiriki anoreva ‘munhu’ uye ‘zvakasikwa’; chaizvoizvo mashoko acho haawaniki muBhaibheri. Zvinorehwa noutatu zvakazovapo pashure pemakakatanwa pamusoro pemashoko aya nemamwewo akashandiswa zvisiri izvo pana Mwari nevamwe vanodzidza zvechitendero.”—(New York, 1965), peji 899.
Kunyange zvazvo shoko rokuti “Utatu” uye zvinotaurwa nevanodzidzisa zvoUtatu zvisingawaniki muBhaibheri, sezvinobvumwa nevanodavira Utatu, pfungwa dziri mudzidziso iyoyo dzinowanika muBhaibheri here?
Bhaibheri rinodzidzisa kuti “Mudzimu Mutsvene” munhu here?
Mamwe magwaro anotaura nezvomudzimu mutsvene (“Mweya Unoyera,” BR) angaita seanoreva munhu. Somuenzaniso, mudzimu mutsvene unotaurwa somubatsiri (muchiGiriki, pa·raʹkle·tos; “Munyaradzi,” BR; “Mutsigiri,” JB, NE) ‘anodzidzisa,’ ‘anopupurira,’ ‘anotaura’ uye ‘anonzwa.’ (Joh. 14:16, 17, 26; 15:26; 16:13) Asi mamwe magwaro anotaura kuti vanhu ‘vakazadzwa’ nomudzimu mutsvene, vamwe ‘vakabhabhatidzwa’ nawo kana kuti ‘kuzodzwa’ nawo. (Ruka 1:41; Mat. 3:11; Mab. 10:38) Magwaro aya anotaura nezvomudzimu mutsvene haatombokodzeri munhu. Kuti tinzwisise zvinodzidziswa neBhaibheri rose zvaro, tinofanira kufunga nezvemagwaro aya ose. Tingagumisa zvine musoro tichiti chii? Kuti magwaro ari pamusoro apa anoshandisa chirungamutauro chinotaura mudzimu mutsvene waMwari, simba rake rinoita basa, somunhu, sezvinongoitwa neBhaibheri parinotaura nezvouchenjeri, chivi, rufu, mvura, uye ropa. (Onawo mapeji 245, 246, pasi pomusoro unoti “Mudzimu.”)
Magwaro Matsvene anotiudza zita raBaba pachavo—Jehovha. Anotiudza kuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana. Asi muMagwaro hapana panombotaurwa nezvomudzimu mutsvene kuti une zita seromunhu.
Mabasa 7:55, 56 inotaura zvakaratidzwa Stefani mupfungwa, akaona “Jesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari,” kudenga. Asi haambotauri nezvokuona mudzimu mutsvene. (Onawo Zvakazarurwa 7:10; 22:1, 3.)
New Catholic Encyclopedia inobvuma kuti: “Magwaro akawanda omuTestamende Itsva anoratidza mudzimu waMwari sechinhu, kwete somunhu; izvi zvinonyanya kuonekwa nokufanana kwakaita mudzimu wacho nesimba raMwari.” (1967, Vol. XIII, peji 575) Inotiwo: “[Vanyori vechiKristu vechiGiriki vomuzana remakore rechipiri] vakataurawo vachizengurira uye vasina chokwadi nezvoMudzimu; zvokuti mumwe angati hausitombori munhu.”—Vol. XIV, peji 296.
Bhaibheri rinobvumirana here nevaya vanodzidzisa kuti Baba neMwanakomana havasi vanhu vaviri vakasiyana?
Mat. 26:39, RS: “[Jesu Kristu] akapfuura mberi zvishomanana, akawira pasi nechiso chake, akanyengetera, achiti, ‘Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri; kunyange zvakadaro kurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu.’” (Kudai Baba noMwanakomana vaiva munhu mumwe chete, munyengetero wakadaro waizova usina musoro. Zvaizoreva kuti Jesu ainyengetera kwaari pachake, uye kuda kwake kwaizova chaizvoizvo kuda kwaBaba.)
Joh. 8:17, 18, BR: “[Jesu akapindura vaFarisi vechiJudha kuti:] Zvakanyorwa mumirayiro yenyu kuti kunofanira kuvapo uchapupu hwavanhu vaviri kuti pawanikwe chokwadi. Ini ndini ndinozvipupurira pachangu, uye Baba vakandituma vanondipupurirawo.” (Saka Jesu akanyatsotaura nezvake pachake kuti akasiyana naBaba vake.)
Onawo mapeji 91, 92, pasi pemusoro unoti “Jehovha.”
Bhaibheri rinodzidzisa kuti vose vanonzi vanoumba Utatu vanoramba varipo nokusingagumi uye havana pavakatangira here?
VaK. 1:15, 16, BR: “[Jesu Kristu] ndiye mufananidzo waMwari, asingaoneki. Ndiye dangwe rezvisikwa zvose. Nokuti ndiye [akaita kuti] zvinhu zvose zvisikwe, zviri kudenga nezviri pasi pose.” Jesu Kristu “ndiye dangwe rezvisikwa zvose” pakudini? (1) Vanodavira Utatu vanoti “dangwe” pano rinoreva kuti munhu mukuru kupfuura vose, anokosha kwazvo, anokudzwa zvikuru; nokudaro tinogona kunzwisisa kuti Kristu haana kusikwa, asi munhu anokudzwa zvikuru pane vose vakasikwa. Kana zvakadaro, uye kana dzidziso yoUtatu iri yechokwadi, nei Baba nomudzimu mutsvene vasingataurwiwo kuti idangwe rezvisikwa zvose? Asi Bhaibheri rinoshandisa shoko iroro kuMwanakomana chete. Maererano nezvinorehwa nokuti “dangwe,” zvinoratidza kuti Jesu ndiye mukuru kupfuura vose pavanakomana vaJehovha. (2) Tisati tasvika pana VaKorose 1:15, shoko rokuti “dangwe” rinowanika ka30 muBhaibheri, uye pose parinoshandisirwa zvisikwa zvipenyu rinenge richingoreva zvakafanana—dangwe richiverengwawo pakati pezvinenge zvichitaurwa. “Dangwe raIsraeri” mumwe wevanakomana vaIsraeri; “dangwe raFarao” mumwe womumhuri yaFarao; “dangwe remhuka” imhukawo. Saka chii chinoita kuti vamwe vatsanangure dangwe zvakasiyana pana VaKorose 1:15? Kushandiswa kwarinoitwa muBhaibheri here kana kuti inyaya yezvavanotodavira uye zvavanotsvakira uchapupu hwokuzvitsigira? (3) VaKorose 1:16, 17 (BR) inoti Jesu haana kusikwa here painoti ‘ndiye akaita kuti zvinhu zvose zvisikwe, zvinhu zvose zvakasikwa naye uye zvakasikirwa iye’? Shoko rechiGiriki rakashandurwa pano kuti “zvinhu zvose” ndipanʹta, rinobva pane rokuti pas. Pana Ruka 13:2, BR rinoshandura shoko iri kuti “vamwe . . . vese”; JB inoti “chero vamwe”; NE inoti “munhu wese wese.” (Onawo Ruka 21:29 uye VaFiripi 2:21 muBR.) Maererano nezvimwe zvose zvinotaurwa neBhaibheri nezvoMwanakomana, NW rinotaura zvakafanana napanʹta pana VaKorose 1:16, 17 zvokuti inoti muchidimbu, “pachishandiswa iye zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa . . . Zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa pachishandiswa iye uye nokuda kwake.” Saka Bhaibheri rinoratidza kuti iye munhu akasikwa, chimwe chezvisikwa zvaMwari.
Zvak. 1:1; 3:14, RS: “Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari . . . ‘Nyorera ngirozi yeungano iri muRaodhikiya, kuti: “Mashoko aAmeni, chapupu chakatendeka nechechokwadi, wokutanga [chiGiriki, ar·kheʹ] pane zvakasikwa naMwari.”’” (KJ, Dy, CC, uye NW, uyewo mamwe anotaura zvakafanana.) Shanduro iyoyo yakarurama here? Vamwe vanofunga kuti zvinorehwa ndezvokuti Mwanakomana ndiye ‘akatanga kusika zvisikwa zvaMwari,’ kureva kuti ndiye ‘musiki wazvo mukuru.’ Asi Greek-English Lexicon raLiddell naScott rinoisa “kutanga” setsanangudzo yaro yokutanga yeshoko rokuti ar·kheʹ. (Oxford, 1968, peji 252) Mhedziso ine musoro ndeyokuti anotaurwa pana Zvakazarurwa 3:14 munhu akasikwa, chisikwa chaMwari chokutanga, ane paakatangira. Enzanisa naZvirevo 8:22, iyo inotaura nezvoMwanakomana souchenjeri, sezvinobvumwa nevanhu vakawanda vanoongorora Bhaibheri. Maererano neRS, NE, uye JB, anenge achitaura ipapo anonzi “akasikwa.”)
Mika 5:2 (KJ) ichiprofita nezvaMesiya inoti iye akatanga kuvapo “kubvira karekare, panguva isingagumi.” Dy rinoti: “panguva yokutangatanga, pamazuva enguva isingagumi.” Izvi zvinomuita akafanana naMwari here? Tinoona kuti pane kutaura kuti “mazuva enguva isingagumi,” RS neJB, anoshandura shoko racho muchiHebheru kuti “mazuva ekare”; NW, “mazuva enguva isingagumi.” Tichifunga nezvemashoko aZvakazarurwa 3:14 ari pamusoro apa, Mika 5:2 hairatidzi kuti Jesu haana paakatangira.
Bhaibheri rinodzidzisa here kuti pakati pevaya vanonzi vanobatanidzwa muUtatu hapana mukuru kana kuti muduku pane mumwe, vose vakaenzana, vose vane masimbaose?
Mako 13:32, RS: “Hapana munhu anoziva nezvezuva iroro kana awa yacho, kunyange ngirozi dziri kudenga, kana Mwanakomana, asi Baba voga.” (Chokwadi, zvaisazodaro kudai Baba, Mwanakomana noMudzimu Mutsvene vakanga vakaenzana, vari muna Mwari mumwe chete. Uye sezvinofunga vamwe, kudai kuva munhu kuriko kwakatadzisa Mwanakomana kuziva, mubvunzo wacho unoramba uripo wokuti, Nei Mudzimu Mutsvene wakanga usingaziviwo?)
Mat. 20:20-23, RS: “Amai vevanakomana vaZebhedhi . . . vakati kwaari [Jesu], ‘Rayirai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu muumambo hwenyu.’ Asi Jesu akapindura achiti, . . . ‘Muchanwira henyu mukapu yangu, asi izvi zvokugara pasi kuruoko rwangu rworudyi nokuruboshwe rwangu handisi ini ndinopa izvozvo, asi ndezvevaya vakazvigadzirirwa naBaba vangu.’” (Kudai Jesu aiva Mwari, izvi zvaizoshamisa chaizvo! Jesu akanga ari kungopindura nokuti akanga ari “munhu pasi pano” here? Sezvinotaurwa nevanodavira Utatu, kudai Jesu akanga ari Mwari-munhu zvechokwadi—ari zvose Mwari uye munhu—chokwadi zvaizova nomusoro here kubvuma tsanangudzo dzakadaro? Mateu 20:23 hairatidzi here kuti Mwanakomana haana kuenzana naBaba, kuti Baba vakazvichengetera dzimwe ropafadzo?)
Mat. 12:31, 32, RS: “Zvivi zvemarudzi ose nokumhura zvichakanganwirwa vanhu, asi kumhura Mudzimu hakuzokanganwirwi. Uye ani naani anotaura shoko rokuzvidza Mwanakomana womunhu achakanganwirwa, asi munhu wose anozvidza Mudzimu Mutsvene, haazokanganwirwi, kunyange panguva ino kana panguva ichauya.” (Kudai Mudzimu Mutsvene waiva munhu uye waiva Mwari, ndima ino yaizopesana zvachose nedzidziso yoUtatu, nokuti yaizoreva kuti Mudzimu Mutsvene mukuru kuMwanakomana. Asi zvakataurwa naJesu zvinoratidza kuti Baba, vanova muridzi we“Mudzimu,” vakuru kuna Jesu, Mwanakomana womunhu.)
Joh. 14:28, BR: “[Jesu akati:] Dai muchindida mungadai muchitofara kunzwa kuti ndinoenda kuna Baba, nokuti ivo Baba vakuru kwandiri.”
1 VaK. 11:3, BR: “Ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume mumwe nomumwe ndiye Kristu, uye musoro womukadzi murume, uye musoro waKristu, ndiMwari.” (Saka, zviri pachena kuti Kristu haasi Mwari, uye Mwari ane chinzvimbo chakakwirira kupfuura chaKristu. Tinofanira kuziva kuti izvi zvakanyorwa munenge muna 55 C.E., anenge makore 22 pashure pokunge Jesu adzokera kudenga. Saka chokwadi chiri pano chinoshanda paukama huri pakati paMwari naKristu kudenga.)
1 VaK. 15:27, 28 BR: “Mwari akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake [Jesu]. Asi zvino kana zvichinzi akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake, zviri pachena kuti iye Nyakuisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake, haana kuiswawo pasi petsoka. Zvino kana zvinhu zvose zvichinge zvazoiswa pasi pake ipapo, iye Mwana pachake ndipo paachazozviisawo pasi pouya akaisa zvinhu zvose pasi pake, kuti iye Mwari ave Mwari wezvinhu zvose agoshumirwa navanhu vose.”
Shoko rechiHebheru rokuti Shad·daiʹ uye rechiGiriki rokuti Pan·to·kraʹtor ose anoshandurwa kuti “Wemasimbaose.” Mashoko acho ose emitauro yepakutanga anoramba achishandiswa kureva Jehovha, Baba. (Eks. 6:3; Zvak. 19:6) Hapana rimwe remashoko acho ari maviri rinomboshandiswa kureva Mwanakomana kana mudzimu mutsvene.
Bhaibheri rinodzidzisa here kuti mumwe nomumwe wevanonzi vanoumba Utatu ndiMwari?
Jesu akanyengetera achiti: “Baba, . . . upenyu husingaperi ndiko kuti vanhu vakuzivei imi Mwari munongova ndimi bedzi Mwari wechokwadi naIye Jesu Kristu, wamakatuma imi.” (Joh. 17:1-3, BR; tatsveyamisa mabhii.) (Shanduro dzakawanda pano dzinoshandisa mashoko okuti “Mwari wechokwadi bedzi” dzichitaura nezvaBaba. NE inoti, “imi moga ndimi Mwari wechokwadi.” Angava sei “Mwari wechokwadi bedzi,” kana kuine vamwe vanaMwari vaviri vane simba rakafanana nerake? Vamwe vanganzi “vanamwari” vanofanira kunge vari venhema kana kuti vanongoratidza zvakaita Mwari wechokwadi.)
1 VaK. 8:5, 6, BR: “Kunyange varipo vanonzi vamwari, kudenga kana pasi pano, uye kunyange kuna vamwari vazhinji namadzishe mazhinji, asi tina Mwari mumwe chete, iye Baba. Maari ndimo makabva zvinhu zvose, nesu tiripo nokuda kwake. Uye tina Tenzi mumwe chete, iye Jesu Kristu akaita kuti zvinhu zvose zvivepo, uye ndiye anotiraramisawo.” (Apa panoratidza Baba sa“Mwari mumwe chete” wevaKristu uye sevakasiyana naJesu Kristu.
1 Pet. 1:3, BR: “Isu ngationge Mwari, Baba vaTenzi wedu Jesu Kristu!” (Kakawanda, kunyange pashure pokunge Jesu adzokera kudenga, Magwaro anotaura nezvaBaba sa“Mwari” waJesu Kristu. Pana Johani 20:17, pashure pokumutswa kwaJesu, iye pachake akataura nezvaBaba sa“Mwari wangu.” Pave paya, paakanga ava kudenga, sezvakanyorwa pana Zvakazarurwa 3:12, akashandisa mashoko iwayo zvakare. Asi muBhaibheri hapana patinomboona Baba vachinzi vakati “Mwari wangu” kuMwanakomana, uye Baba kana Mwanakomana havamboti “Mwari wangu” kumudzimu mutsvene.)
Kuti uwane mamwe mashoko nezvemagwaro anoshandiswa nevamwe vanhu vachida kuratidza kuti Kristu ndiMwari, ona mapeji 96-100, pasi pemusoro unoti “Jesu Kristu.”
Mubhuku rinonzi Theological Investigations, Karl Rahner, S.J., anobvuma kuti “Θεός [Mwari] harimboshandiswi kutaura nezvoMudzimu,” uye: “ὁ θεός [kureva Mwari] harimboshandiswi muTestamende Itsva kureva πνεῦμα ἅγιον [mudzimu mutsvene].”—(Baltimore, Md.; 1961), rakashandurwa kubva muchiGerman, Vol. I, mapeji 138, 143.
Pamagwaro anoshandiswa nevanodavira Utatu vachida kutsigira zvavanodavira, pane runonyatsotsigira dzidziso iyoyo here?
Munhu anenge achinyatsoda kuziva chokwadi pamusoro paMwari haazotsvaki muBhaibheri achitarisira kuwana rugwaro rwaanozotora serunoenderana nezvaanenge agara achidavira. Anoda kuziva zvinotaurwa neShoko raMwari. Angawana mamwe magwaro aangafunga kuti angava nezvaanoreva zvakasiyana, asi kana akaaenzanisa nezvimwe zvinotaurwa neBhaibheri panyaya imwe chete, zvaanoreva zvichava zvakajeka. Tinofanira kugara taziva kuti magwaro mazhinji anoshandiswa “kutsigira” Utatu anotaura nezvevanhu vaviri chete, kwete vatatu; saka kunyange dai matsananguriro anoitwa mamwe magwaro nevanodavira Utatu aiva akarurama, izvi zvaisazoreva kuti Bhaibheri rinodzidzisa Utatu. Ona zvinotevera:
(Kutoti zvaratidzwa, magwaro ose ari muchikamu chinotevera anobva muBR.)
Ndima dzinoratidza zita rinopiwa Jehovha richishandiswa kuna Jesu Kristu kana kuti rinonzi rinotaura nezvaJesu
Arufa naOmega: Zita iri nderaani chaizvo? (1) Pana Zvakazarurwa 1:8, rinonzi nderaMwari Wemasimbaose. Zva 1 Mundima 11 maererano neKJ, zita iroro rinoshandisirwa munhu anozotsanangurwa zvinoratidza kuti ndiJesu Kristu. Asi nyanzvi dzinoona kuti kutaurwa nezvaArufa naOmega Zva 1 mundima 11 hakusi kwechokwadi, saka hariwaniki muRS, NE, JB, NAB, Dy. (2) Shanduro dzakawanda dzaZvakazarurwa dzechiHebheru dzinoratidza kuti anotsanangurwa Zva 1 mundima 8 ndiJehovha, uye dzinochengetedza zita raMwari ipapo. Ona NW, 1984 Ref.,. (3) Zvakazarurwa 21:6, 7 inoratidza kuti vaKristu vanokunda pane zvokunamata vanova ‘vanakomana’ vouya anozivikanwa saArufa naOmega. Izvozvo hazvimbotaurwi nezvoukama huri pakati paJesu Kristu nevaKristu vakazodzwa nemudzimu.
Jesu akataura nezvavo ‘sehama’ dzake. (VaH. 2:11; Mat. 12:50; 25:40) Asi ‘hama’ dzaJesu idzodzo dzinonzi ‘vanakomana vaMwari.’ (VaG. 3:26; 4:6) (4) Pana Zvakazarurwa 22:12, TEV inoisa zita rokuti Jesu, saka panotaurwa nezvaArufa naOmega mundima 13 panobva paitwa kuti paite separi kutaura nezvaJesu. Asi zita rokuti Jesu hariwaniki pandima iyoyo muchiGiriki, uye dzimwe shanduro hadzirishandisi. (5) Pana Zvakazarurwa 22:13, Arufa naOmega anonziwo ndiye “wokutanga nowokupedzisira,” anova mashoko anoshandisirwa Jesu pana Zvakazarurwa 1:17, 18. Saizvozvowo, shoko rokuti “muapostora” rinoshandiswa kuna Jesu uye kune vamwe vevateveri vake. Asi izvozvo zvinoratidza here kuti ivo munhu mumwe chete kana kuti vane chinzvimbo chimwe chete? (VaH. 3:1) Saka uchapupu hunoratidza kuti zita rokuti “Arufa naOmega” rinoshanda kuna Mwari Wemasimbaose, Baba, kwete Mwanakomana.
Muponesi: Kakawanda Magwaro anotaura nezvaMwari soMuponesi. Pana Isaya 43:11 Mwari anototi: “Kunze kwangu hakuna muponesi.” Sezvo Jesu achinziwo Muponesi, saka Mwari naJesu munhu mumwe chete here? Kwete. Tito 1:3, 4 inotaura nezva“Mwari . . . Muponesi wedu,” uyewo nezvevose vari vaviri “Mwari Baba pamwe chete naKristu Jesu Muponesi wedu.” Saka vose vari vaviri vaponesi. Judha 25 inoratidza ukama hwacho ichiti: “Mwari . . . Muponesi wedu muna Jesu Kristu Tenzi wedu.” (Tatsveyamisa mabhii.) (Onawo Mabasa 13:23.) Pana Vatongi 3:9, shoko rimwe chete iroro rechiHebheru (moh·shiʹaʽ, rinoshandurwa kuti “muponesi” kana kuti “mununuri”) rinoshandiswa pana Isaya 43:11 rinoshandiswa kuna Otinieri, mutongi muna Israeri, asi izvozvo zvaisareva kuti Otinieri ndiJehovha, handiti? Kana tikaverenga Isaya 43:1-12 tinoona kuti Isa 43 ndima 11 inoreva kuti Jehovha chete ndiye aiponesa kana kununura vaIsraeri; hapana kana mumwe wavanamwari vemarudzi aive akavapoteredza aigona kuvapa ruponeso irworwo.
Mwari: Pana Isaya 43:10 Jehovha anoti: “Ndakagara ndiripo, zvimwe zvimwari zvisati zvaumbwa, uyezve hakuchazoviwo nezvimwe zvimwari shure kwangu.” Izvi zvinoreva here kuti sezvo Jesu Kristu achinzi “Mwari Ane Simba” pana Isaya 9:6, Jesu ndiJehovha? Mashoko akapoteredza anoratidza zvakare kuti handizvo! Hapana vemamwe marudzi vainamata zvidhori vakambogadzira mwari, Jehovha asati avapo, nokuti hapana akatangira Jehovha kuvapo. Kunyange munguva yemberi vaisazokwanisa kugadzira mwari chaiye, mupenyu aikwanisa kuprofita. (Isa. 46:9, 10) Asi izvozvo hazvirevi kuti Jehovha haana kumbosika mumwe munhu anogona kunzi mwari nenzira yakarurama. (Pis. 82:1, 6; Joh. 1:1, NW) Pana Isaya 10:21 Jehovha anonzi “Mwari ane simba,” sezvinongoitwawo Jesu pana Isaya 9:6; asi Jehovha chete ndiye anonzi “Mwari Wemasimbaose.”—Gen. 17:1.
Kana rimwe zita kana mashoko okutsanangura achiwanika panzvimbo dzakawanda muMagwaro, hatifaniri kubva tati rinofanira kungoreva munhu mumwe chete. Kana tikafunga tichidaro zvingareva kuti Nebhukadhinezari aiva Jesu Kristu, nokuti vose vainzi “mambo . . . wemadzimambo” (Dhan. 2:37; Zvak. 17:14); uye kuti vadzidzi vaJesu vaitova Jesu Kristu, nokuti vose vainzi “chiedza chenyika.” (Mat. 5:14; Joh. 8:12) Tinofanira kugara tichifungawo nezvemamwe mashoko anenge akapoteredza uye pamwe panowanikawo mashoko acho muBhaibheri.
Kushandiswa kwendima dzomuMagwaro echiHebheru dzinoreva Jehovha kwakaitwa nevanyori veBhaibheri vakafuridzirwa vachireva Jesu
Nei Johani 1:23 ichitora mashoko aIsaya 40:3 yoashandisa pane zvakaitwa naJohani Mubhabhatidzi pakugadzirira Jesu Kristu nzira, iyo Isaya 40:3 ichitaura pachena nezvokugadzirira Jehovha nzira? Nokuti Jesu aimiririra Baba vake. Akauya muzita raBaba vake uye aiva nechivimbo chokuti Baba vake vaiva naye nguva dzose nokuti aiita zvinhu zvinofadza Baba vake.—Joh. 5:43; 8:29.
Nei VaHebheru 1:10-12 ichitora mashoko ePisarema 102:25-27 yoashandisa kuMwanakomana, nepo pisarema racho richitaura kuti mashoko acho anoreva Mwari? Nokuti mabasa okusika anotsanangurwa nomunyori wepisarema akaitwa naMwari achishandisa Mwanakomana. (Ona VaKorose 1:15, 16; Zvirevo 8:22, 27-30.) Tinofanira kuona kuti mashoko ari pana VaHebheru 1:5b akatorwa kubva pana 2 Samueri 7:14 ndokushandiswa kuMwanakomana waMwari. Kunyange zvazvo mashoko iwayo akatanga kushandisirwa pana Soromoni, kushandiswa kwaakazoitwa pana Jesu Kristu hakurevi kuti Soromoni naJesu munhu mumwe chete. Jesu “munhu mukuru anodarika Soromoni” uye anoita basa rakafanofananidzirwa nezvakaitwa naSoromoni.—Ruka 11:31.
Magwaro anotaura nezvaBaba, Mwanakomana, neMudzimu Mutsvene pamwe chete
Mateu 28:19 na2 VaKorinde 13:14 mienzaniso yemagwaro akadaro. Asi pamagwaro iwayo hapana runombotaura kuti Baba, Mwanakomana, neMudzimu Mutsvene vakaenzana kana kuti vose vakagara variko uye vanoramba variko nokusingagumi kana kuti vose ndiMwari. Uchapupu hweMagwaro atatoona kare huri pamapeji 367-371 hunopesana nepfungwa idzodzo.
Kunyange zvazvo Cyclopedia of Biblical, Theological, and Ecclesiastical yaMcClintock naStrong ichitsigira dzidziso yoUtatu, nezvaMateu 28:18-20, inobvuma kuti: “Zvisinei, rugwaro urwu rukatorwa sezvarwuri, harumboratidzi zvakaita vatatu vataurwa kana kuti kuenzana uye kuva vanamwari kwavo.” (rakadhindwazve muna 1981, Vol. X, peji 552) Nezvemamwe magwaro anotaurawo nezvevatatu ava pamwe chete, Cyclopedia iyi inobvuma kuti, akatorwa sezvaari, haana kukwana kuti aratidze kuti Utatu ndehwechokwadi. (Enzanisa na1 Timoti 5:21, panotaura nezvaMwari naKristu nengirozi pamwe chete.)
Ndima dzinoshandisa mazita muuzhinji kureva Mwari muMagwaro echiHebheru
Pana Genesisi 1:1 zita rokuti “Mwari” rinoshandurwa kubva pashoko rechiHebheru rinoreva zvizhinji rokuti ‘Elo·himʹ. Vanodavira Utatu vanoritsanangura kureva Utatu. Vanotsanangurawo kuti Dheuteronomio 6:4 inotaura kubatana kwevanhu vanoumba Utatu painoti, “TENZI Mwari wedu [kubva pana’Elo·himʹ] anongova TENZI mumwe chete.”
MuchiHebheru, zita iri muzvizhinji pano rinoreva ukuru kana kuti uchangamire. (Ona NAB, St. Joseph Edition, Bible Dictionary, peji 330; uyewo, New Catholic Encyclopedia, 1967, Vol. V, peji 287.) Haimbotauri uwandu hwevanhu vari muna mwari. Pana Vatongi 16:23 panotaurwa nezvamwari wenhema Dhagoni, zita rokuti ‘elo·himʹ rakashandiswawo zvakafanana; shoko rechiito riripo harisi muuzhinji, kuratidza kuti ari kutaurwa ndimwari mumwe chete. Pana Genesisi 42:30, Josefa anonzi “ishe” (‘adho·nehʹ, uzhinji hweshoko rokuti changamire) weIjipiti.
Mutauro wechiGiriki hauna ‘shoko rouzhinji rinoreva ukuru kana kuti uchangamire.’ Saka pakushandura Genesisi 1:1, vashanduri veLXX vakashandisa ho The·osʹ (Mwari, shoko risiri muuzhinji) kureva ‘Elo·himʹ. Mumashoko akataurwa naJesu ari pana Mako 12:29 aakatora pana Dheuteronomio 6:4 akaashandisa semhinduro, shoko rechiGiriki risiri muuzhinji rokuti ho The·osʹ rinoshandiswa zvakafanana.
Pana Dheuteronomio 6:4, rugwaro rwechiHebheru runoshandisa Tetragrammaton kaviri, uye runofanira kutaura zvakarurama kuti: “Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.” (NW) Rudzi rwevaIsraeri, rwaiudzwa mashoko iwayo, rwakanga rusingadaviri Utatu. VaBhabhironi nevaIjipiti vainamata vanamwari voutatu, asi vaIsraeri vakataurirwa zvakajeka kuti Jehovha akasiyana navanamwari vacho.
Ndima dzingaita kuti munhu adzidudzire zvakasiyana, zvichienderana neshanduro yeBhaibheri yaanenge ashandisa
Kana imwe ndima ichigona kushandurwa kureva zvakasiyana-siyana, ndeipi inenge iri shanduro yakarurama? Inenge ichibvumirana nezvimwe zvose zviri muBhaibheri. Kana munhu asingadi kubvuma zvimwe zvikamu zveBhaibheri ongodavira shanduro yaanofarira yeimwe ndima, zvaanenge achidavira zvinoratidza pfungwa dzake kana kuti dzemumwe munhu asina kukwana, kwete Shoko raMwari.
RS inoti: “Pakutanga Shoko rakanga riripo, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari. Pakutanga akanga ari kuna Mwari.” (KJ, Dy, JB, NAB anotaura zvakafanana.) Zvisinei, NW inoti: “Pakutanga Shoko rakanga riripo, uye Shoko rakanga riina Mwari, uye Shoko rakanga riri mwari. Pakutanga iyeyu akanga aina Mwari.”
Ndeipi shanduro yaJohani 1:1, 2 inowirirana nemashoko akapoteredza? Johani 1:18 inoti: “Hapana munhu akamboona Mwari.” Joh 1 Ndima 14 inotaura zvakajeka kuti, “Shoko rakava nyama rikagara pakati pedu, . . . takaona kubwinya kwake.” Uyewo, Joh 1 ndima 1 ne2 dzinoti pakutanga akanga “aina Mwari.” Munhu angava nomumwe munhu obva anzi ndiye munhu mumwe chete iyeye here? Pana Johani 17:3, Jesu anotaura nezvaBaba ‘saMwari wechokwadi bedzi’; saka, Jesu sa“mwari” anongoratidza unhu hwaBaba vake.—VaH. 1:3.
Kushandurwa kweshoko rokuti “mwari” kunoenderana here nemitemo yegirama yomutauro wechiGiriki? Mamwe mabhuku anoshandiswa pakutsvakurudza anotaura zvakasimba kuti ndima iyi yechiGiriki inofanira kushandurwa kuti, “Shoko rakanga riri Mwari.” Asi ose haabvumirani. Munyaya yake inonzi “Qualitative Anarthrous Predicate Nouns: MarkMk 15:39 and JohnJoh 1:1,” Philip B. Harner akataura kuti mitsetse yakaita seuri pana Johani 1:1, “ine zvirevo zvisina chivakashure, inoreva mamiriro akaita chinhu. Inoratidza kuti shoko rokuti logos rinoreva zvakada kufanana nerokuti theos.” Anoti: “Zvichida mashoko acho anogona kushandurwa kuti ‘Shoko rakafanana naMwari.’” (Journal of Biblical Literature, 1973, mapeji 85, 87) Saka murugwaro urwu, zvinokosha kuti tizive kuti shoko rokuti the·osʹ parinowanika kechipiri rinenge risina chivakashure chokuti (ho) uye rinotangira shoko rechiito mumutsetse wacho muchiGiriki. Sezvineiwo, vashanduri vanoramba vachishandura Johani 1:1 kuti, “Shoko rakanga riri Mwari,” havazezi kushandisa chivakashure pavanoshandura dzimwe ndima dzine shoko rechiito rine chivakashure chinoreva chinhu chimwe chete. Nokudaro, pana Johani 6:70, BR uye KJ ose anotaura nezvaJudhasi Iskariyoti sa“dhiyabhorosi,” uye pana Johani 9:17 anoti Jesu “muprofita.”
John L. McKenzie, S.J., muDictionary of the Bible, anoti: “Johani 1:1 inofanira kunyatsoshandurwa kuti ‘shoko raiva naMwari [= Baba], uye shoko raiva mwari.’”—(Ndiye akaisa zvikomberedzo. Rakabvumirwa nevakuru vakuru vechechi yeRoma.) (New York, 1965), peji 317.
Maererano nezviri pamusoro apa, AT inoti: “Shoko rakanga riri mwari”; Mo, “Logos akanga ari mwari”; NTIV, “shoko rakanga riri mwari.” Mushanduro yake yechiGerman, Ludwig Thimme anoti: “Shoko raiva Mwari munzira yakati.” Kutaura nezveShoko (rakazova Jesu Kristu) sa“mwari” kunoenderana nokushandiswa kweshoko iroro mune mamwe Magwaro ose. Somuenzaniso, pana Pisarema 82:1-6 vanhu vaitonga vomuIsraeri vainzi “vanamwari” (muchiHebheru,’elo·himʹ; muchiGiriki, the·oiʹ, pana Johani 10:34) nokuti vaimiririra Jehovha uye vaifanira kutaura mutemo wake.
Onawo mashoko okuwedzera eNW, ya1984 Ref., peji 1579.
BR inoti: “Jesu akati kwavari, ‘Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Abrahamu asati avapo, Ini ndiripo [muchiGiriki, e·goʹ ei·miʹ].’” (NE, KJ, TEV, JB, NAB ose anoti “Ini ndiripo,” mamwe acho achitoshandisa mabhii makuru kuti abudise kuti izita. Nokuita izvi vanovavarira kubatanidza mashoko aya naEksodho 3:14, Mwari paanozviti “NDIRI IYE” maererano neshanduro dzavo.) Zvisinei, muNW Johani 8:58 yava kunopera inoti: “Abrahamu asati avapo, ini ndaivapo.” (Pfungwa yakafanana inobudiswa mumashoko ari muAT, Mo, CBW, uye muSE.)
Ishanduro ipi inowirirana nemashoko akapoteredza? Mubvunzo wevaJudha (uri Joh 8 mundima 57) waipindurwa naJesu waiva nechokuita nezera, kwete kuti aiva ani. Zvine musoro kuti titi Jesu akapindura achitaura nezvezera rake, urefu hwenguva yaakanga ararama. Sezvineiwo, hapana panomboshandiswa e·goʹ ei·miʹ kureva mudzimu mutsvene.
Bhuku rinonzi A Grammar of the Greek New Testament in the Light of Historical Research, rakanyorwa naA. T. Robertson rinoti: “Shoko rechiito [ei·miʹ] . . . Dzimwe nguva rinoratidza kuvapo kwechinhu sezvinongoitawo mamwe mashoko ose ezviito, sezvazviri mushoko rokuti [e·goʹ ei·miʹ] (Jo.Joh 8:58).”—Nashville, Tenn.; 1934, peji 394.
Onawo mashoko okuwedzera eNW, ya1984 Ref., mapeji 1582, 1583.
JB inoti: “Zvichenjererei imi neboka rose ramakagadzwa pariri noMweya Mutsvene kuti muve vatariri varo, kuti mufudze Chechi yaMwari yaakatenga neropa rake.” (KJ, Dy, NAB anoshandisa mashoko akafanana.) Zvisinei, muNW, mashoko okupedzisira mundima iyoyo anoti: “ropa ro[Mwanakomana] wake.” (TEV inotaura zvakafanana. Kunyange RS ya1953 ichiti “neropa rake,” ya1971 inoti “neropa roMwanakomana wake.” Ro neDa anongoti “ropa rake.”)
Ishanduro dzipi dzinobvumirana nemashoko ari pana 1 Johani 1:7, anoti “Ropa raJesu Mwanakomana wake [Mwari] rinotichenesa pazvivi zvose.”? (Onawo Zvakazarurwa 1:4-6.) Sezvinotaurwa pana Johani 3:16, Mwari akatuma Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga here, kana kuti akauya iye pachake somunhu kuitira kuti tiwane upenyu? Ropa roMwanakomana wake ndiro rakateurwa, kwete raMwari.
Onawo mashoko okuwedzera eNW, ya1984 Ref., peji 1580.
JB inoti: “Ivo vazukuru vemadzitateguru avo uye Kristu uyo ari pamusoro pezvose akabva kwavari panyama neropa, Mwari ngaarumbidzwe nokusingaperi! Ameni.” (KJ, Dy anotaura zvakafanana.) Zvisinei, yava kunopera ndima yacho muNW inoti: “kwakabva Kristu panyama: Mwari, ari pamusoro pezvose, ngaarumbidzwe nokusingaperi. Ameni.” (RS, NE, TEV, NAB, Mo ose anoshandisa mashoko akafanana.)
Ndima iyi iri kuti Kristu “ari pamusoro pezvose” naizvozvo ndiMwari here? Kana kuti inotaura nezvaMwari naKristu sevanhu vakasiyana uye Mwari “ari pamusoro pezvose” here? Mashoko api ari pana VaRoma 9:5 anobvumirana naVaRoma 15:5, 6, anotanga nokusiyanisa Mwari naKristu Jesu obva akurudzira muverengi ‘kukudza Mwari uye Baba vaShe wedu Jesu Kristu’? (Onawo 2 VaKorinde 1:3 uye VaEfeso 1:3.) Funga nezvendima dzinotevera dziri pana VaRoma chitsauko 9. VaR 9 Ndima 6-13 dzinoratidza kuti kuitika kwezvinangwa zvaMwari hakubvi panyama asi kunobva pakuda kwaMwari. VaR 9 Ndima 14-18 dzinotaura nezvemashoko aMwari kuna Farao ari pana Eksodho 9:16 kuratidza kuti Mwari ari pamusoro pezvose. Ukuru hwaMwari hunofananidzwawo noukuru hwomuumbi kumidziyo yaanoumba VaR 9 mundima 19-24. Ndosaka mashoko ari VaR 9 mundima 5 akakodzera okuti: “Mwari, ari pamusoro pezvose, ngaarumbidzwe nokusingaperi. Ameni”!—NW.
The New International Dictionary of New Testament Theology inoti: “Vanhu havabvumirani pakutsanangura VaRoma 9:5. . . . Zvaizova nyore, uye zvakanyatsorurama pakutaura kuti mashoko acho ataure nezvaKristu. Saka ndima yacho yaizoti, ‘Kristu uyo ari Mwari pamusoro pezvose, ngaarumbidzwe nokusingaperi. Ameni.’ Kunyange zvakadaro, Kristu haangamboenzaniswi zvachose naMwari, asi anotsanangurwa somunhu akaita saMwari, nokuti shoko rokuti theos harina chivakashure. . . . Tsanangudzo inenge ine musoro ndeyokuti mashoko iwayo inzira yokurumbidza Mwari.”—(Grand Rapids, Mich.; 1976), yakashandurwa kubva muchiGerman, Vol. 2, peji 80.
Onawo mashoko okuwedzera eNW, ya1984 Ref., mapeji 1580, 1581.
KJ inoti: “Ivai nepfungwa idzi dzaivawo muna Kristu Jesu: Uyo, kunyange aiva nechimiro chaMwari, haana kufunga nezvokuba kuti ave akaenzana naMwari.” (Dy ine mashoko akafanana. JB inoti: “haana kuomerera pakuenzana kwake naMwari.”) Zvisinei, muNW mashoko okupedzisira endima iyoyo anoti: “uyo, kunyange zvazvo aivapo saMwari, haana kufunga nezvokubvuta [muchiGiriki, har·pag·monʹ], kureva kuti ave akaenzana naMwari.” (RS, NE, TEV, NAB anobudisa pfungwa yakafanana.)
Ipfungwa ipi inobvumirana nemashoko akapoteredza? VaF 2 Ndima 5 inorayira vaKristu kuti vatevedzere Kristu munyaya iri kukurukurwa pano. Vangakurudzirwa here kufunga kuti ‘hakusi kuba,’ asi ikodzero yavo, ‘kuva vakaenzana naMwari’? Kwete! Zvisinei, vanogona kutevedzera uyo asina “kufunga nezvokubvuta, kureva kuti ave akaenzana naMwari.” (NW) (Enzanisa naGenesisi 3:5.) Shanduro yakadaro inobvumiranawo naJesu Kristu pachake, uyo akati: “Baba vakuru kwandiri.”—Joh. 14:28.
The Expositor’s Greek Testament inoti: “Hapana ndima panoshandiswa [har·paʹzo] kana kuti mamwe mashoko anobva pariri [anosanganisira har·pag·monʹ] ane pfungwa yo‘kuva nechimwe chinhu,’ ‘kuramba uinacho.’ Rinoita serinoreva ‘kutorera,’ ‘kubvuta nechisimba’. Nokudaro hazvibvumirwi kubva papfungwa chaiyo yokuti ‘kubata’ tichienda pane yakatosiyana zvachose yokuti ‘batisisa.’”—(Grand Rapids, Mich.; 1967), rakapepetwa naW. Robertson Nicoll, Vol. III, mapeji 436, 437.
BR inoti: “Nokuti pakuitwa munhu kwaKristu, uMwari [chiGiriki, the·oʹte·tos] hwake hwakangoramba huri maari.” (Pfungwa yakafanana inobudiswa muNE, RS, JB, NAB, Dy.) Zvisinei, NW inoti: “Kuva saMwari kwake kwose kuzere kunogara maari mumuviri.” (AT, We, neCKW anoti “zvakaita Mwari,” pane kuti “uMwari.” Enzanisa na2 Petro 1:4.)
Sezvinobvumwa, vanhu vose havatsananguri VaKorose 2:9 zvakafanana. Asi ndeipi tsananguro inobvumirana nemamwe mashoko ari mutsamba yakafuridzirwa yakanyorerwa vaKorose? Kristu akanga aine chimwe chinhu maari pachake nokuti ndiMwari, chikamu choUtatu here? Kana kuti ‘kuzara’ kuri maari kwakazova kwake nokuti mumwe munhu akanga asarudza kuti zvidaro here? VaKorose 1:19 (KJ, Dy) inoti kuzara ikoko kwose kwakagara muna Kristu nokuti “Baba vakazvifarira.” NE inoti “ndizvo zvakasarudzwa naMwari pachake.”
Funga nezvemashoko akapoteredza VaKorose 2:9: VaK 2 Mundima 8, vaverengi vanonyeverwa nezvokuti vasatsauswe nevanotsigira uzivi netsika dzevanhu. Vanoudzwawo kuti muna Kristu “pfuma yose youchenjeri neyezivo yakavanzwa” uye vanokurudzirwa “kufamba maari” uye “kudzika midzi maari uye kuvakira upenyu maari uye kusimbisa kutenda.” (VaK 2 Ndima 3, 6, 7) “Kuzara” kuri maari, kwete muvanhu vakatanga kana kuti vanodzidzisa nezvouzivi hwevanhu. Muapostora Pauro akanga achitaura nezvokuti “kuzara” kwaiva muna Kristu kwakaita kuti Kristu ave Mwari here? VaKorose 3:1 haitauri izvozvo, nokuti inoti Kristu “akagara kurudyi rwaMwari.”—Ona KJ, Dy, TEV, NAB.
Maererano neGreek-English Lexicon yaLiddell naScott, the·oʹtes (panobva shoko rokuti the·oʹte·tos) rinoreva “kuva samwari.” (Oxford, 1968, peji 792) Kuva kwake “mwari” kana kuti “kuva samwari” kwake hakuiti kuti Jesu soMwanakomana waMwari ave akaenzana naBaba uye ave asina mavambo saivo, sezvakangoita vanhu kuti havanzi vakaenzana kana kuti ndevezera rimwe chete nokuti vose vanonzi “vanhu.”
RS inoti: “Takamirira tariro yedu inofadza, nokuoneka kwokubwinya kwaMwari wedu mukuru noMuponesi wedu Jesu Kristu.” (NE, TEV, JB ane mashoko akafanana.) Zvisinei, NW inoti: “tichimirira tariro inofadza nokuratidzwa pachena kunobwinya kwaMwari mukuru uye kwoMuponesi wedu, Kristu Jesu.” (NAB inotaurawo izvozvo.)
Ishanduro ipi inobvumirana naTito 1:4, iyo inotaura nezva“Mwari Baba naKristu Jesu Muponesi wedu”? Kunyange zvazvo Magwaro achitaura kuti Mwari Muponesi, rugwaro urwu runomusiyanisa zvakajeka naKristu Jesu, uyo anoshandiswa naMwari kuponesa vanhu.
Vamwe vanhu vanoti Tito 2:13 inoratidza kuti Kristu ndiMwari uye Muponesi. Zvinoshamisa kuti RS, NE, TEV, JB anoshandura Tito 2:13 nenzira inoita kuti iite seinotsigira pfungwa iyoyo, asi haashandisi nzira iyoyo pakushandura 2 VaTesaronika 1:12. MuThe Greek Testament, Henry Alford, anoti: “Ndinobvuma kuti [shanduro inonyatsosiyanisa Mwari naKristu, pana Tito 2:13] ine zvose zvinodiwa pamitemo yemitauro mumutsetse wacho: kuti ine musoro tichitarisa zvayakaita uye mashoko akapoteredza, uye kuti inoenderana nemanyorero oMuapostora wacho.”—(Boston, 1877), Vol. III, peji 421.
Onawo mashoko okuwedzera eNW, ya1984 Ref., mapeji 1581, 1582.
BR inoti: “NezveMwana wake, Mwari anoti, ‘Imi Mwari, chigaro chenyu choumambo, chinongoramba chiripo kusvikira rini narini.’” (KJ, NE, TEV, Dy, JB, NAB anotaura zvakafanana.) Zvisinei, NW inoti: “Asi kana achitaura nezvoMwanakomana anoti: ‘Mwari ndiye chigaro chako choumambo nokusingaperi-peri.’” (AT, Mo, TC, By anobudisa pfungwa yakafanana.)
Ndeipi shanduro inoenderana nemashoko akapoteredza? Ndima dzinotangira iyi dzinoti Mwari ndiye ari kutaura, kwete kuti ari kutaurwa kwaari; uye ndima inotevera inoshandisa mashoko okuti “Mwari, iye Mwari wenyu,” kuratidza kuti ari kutaurwa naye haasi Mwari Wokumusorosoro asi munamati waMwari iyeye. VaHebheru 1:8 inotora mashoko pana Pisarema 45:6, rine mashoko aitaurirwa munhu aiva mambo wevaIsraeri. Zviri pachena kuti munyori weBhaibheri wepisarema iri haana kufunga kuti mambo uyu aiva Mwari Wemasimbaose. Asi muBR, Pisarema 45:6 inoti, “Chigaro chenyu choushe imi Mwari.” (NE inoti, “Chigaro chenyu choushe chakaita sechigaro chaMwari choushe.” JP [ndima 7]: Chigaro chenyu chamakapiwa naMwari.”) Soromoni angave aiva mambo aitaurwa naye pana Pisarema 45, anonzi akagara “pachigaro choumambo chaJehovha.” (1 Mak. 29:23, NW) Zvichienderana nechokwadi chokuti Mwari ndiye “chigaro choushe,” kana kuti ndiye Akapa uye Anotsigira umambo hwaKristu, Dhanieri 7:13, 14 naRuka 1:32 anoratidza kuti Mwari anomupa simba iroro.
Ichitaura nezvemashoko ari pana VaHebheru 1:8, 9 akatorwa pana Pisarema 45:6, 7, nyanzvi yeBhaibheri, B. F. Westcott inoti: “LXX. inobvuma shanduro mbiri: [ho the·osʹ] rinogona kunzi ishoko rinoratidza ari kutaurwa nezvake mumitsetse yacho miviri (Chigaro chenyu choushe imi Mwari, . . . saka Mwari, iye Mwari wenyu . . . ) kana kuti rinogona kutorwa seshoko rinotaura chinhu chacho mumutsetse wokutanga (Mwari ndiye chigaro chenyu choushe, kana kuti chigaro chenyu choushe ndiMwari . . . ), uye mumashoko anoshandiswa akamiririra chinhu [ho the·osʹ sou] mumutsetse wechipiri (Saka Mwari, iye Mwari wenyu . . . ). . . . Kashoma kuti mumutauro wokutanga [‘Elo·himʹ] ishandiswe kureva mambo. Saka izvi hazvibvumirani nezvinodavirwa kuti [ho the·osʹ] ishoko rinoratidza ari kutaurwa nezvake muLXX. Saka zvinoita sezvakanakisisa kushandisa mumutsetse wokutanga shanduro yokuti: Mwari ndiye chigaro chenyu choushe, (kana kuti Chigaro chenyu choushe ndiMwari), kureva kuti, ‘Umambo hwenyu hwakavakirwa pana Mwari, Dombo risingatsuduguki.’”—The Epistle to the Hebrews (London, 1889), mapeji 25, 26.
KJ inoti: “Nokuti kune zvinhu zvitatu zvinopupura kudenga, Baba, Shoko, uye Mweya Unoyera: uye zvitatu izvi chinhu chimwe. Uye kune zvitatu zvinopupurira panyika, mweya, mvura, neropa: zvitatu izvi zvinowirirana.” (Dy inobatanidza mashoko aya anodzidzisa Utatu.) Zvisinei, NW haibatanidzi mashoko okuti “kudenga, Baba, Shoko, uye Mweya Unoyera: uye zvitatu izvi chinhu chimwe. Uye kune zvitatu zvinopupurira panyika.” (RS, NE, TEV, JB, NAB haabatanidziwo mashoko aya anodzidzisa Utatu.)
Achitaura nezvemashoko aya anodzidzisa Utatu, muongorori wemagwaro anonzi F. H. A. Scrivener akanyora kuti: “Hatifaniri kuzengurira kutaura nezvechivimbo chatinacho chokuti mashoko aya anoitiranwa nharo haana kunyorwa naSt. John: kuti akaiswa kare mumakopi echiLatin kuAfrica achitorwa kubva mumicheto, maakanga aiswa semashoko anotsanangura zvechitendero pandima 1Jo 5:8: kuti akaiswa mumakodhekisi maviri kana kuti matatu echiGiriki achibva muchiLatin, ndokuzodhindwa mumagwaro echiGiriki, maakanga asina kukodzera kuva.”—A Plain Introduction to the Criticism of the New Testament (Cambridge, 1883, third ed.), peji 654.
Onawo mashoko omuzasi endima idzi muJB, uye mashoko okuwedzera eNW, ya1984 Ref., mapeji 1580.
Mamwe magwaro anotaurwa nevanodzidzisa Utatu vachitsigira zvavanodzidzisa
Onai kuti rugwaro rwokutanga rwacho runongotaura nezveMwanakomana; rumwe rwacho runotaura nezvevose Baba noMwanakomana; ose haatauri nezvaBaba, Mwanakomana, uye Mweya Unoyera uye kuti vose vanoumba Mwari mumwe chete.
Zvakataurwa naJesu pano zvinoreva kuti aizozvimutsa kubva kuvakafa here? Zvinoreva kuti Jesu ndiMwari here, nokuti Mabasa 2:32 inoti, “Uyu Jesu akamutswa naMwari”? Kwete. Mashoko akadaro aizopesana naVaGaratiya 1:1, inotaura kuti Jesu akamutswa naBaba, kwete noMwanakomana. Achishandisa matauriro akafanana, pana Ruka 8:48 Jesu anonzi akataura kune mumwe mukadzi kuti: “Kutenda kwako kwakuporesa.” Akazviporesa here? Kwete; akaporeswa naKristu achishandisa simba rakabva kuna Mwari nokuti akanga aine kutenda. (Ruka 8:46; Mabasa 10:38) Nenzira yakafanana, kuteerera kwaJesu somunhu kwakakwana kwakaita kuti Baba vamumutse kubva kuvakafa, zvichiratidza kuti Jesu Mwanakomana waMwari. Nemhaka yokuti Jesu akararama akatendeka, tinogona kutaura zvakarurama kuti Jesu pachake akaita kuti amutswe.
MuWord Pictures in the New Testament, A. T. Robertson anoti: “Yeukai [Johani] Joh 2:19 Jesu paakati: ‘Uye mumazuva matatu ndichaimutsa.’ Akanga asingarevi kuti aizozvimutsa kubva kuvakafa ari oga pasina Baba (VaR. 8:11).—(New York, 1932), Vol. V, peji 183.
Paakati, “Ini naBaba tiri vamwe,” Jesu aireva kuti vaiva vakaenzana here? Vamwe vanodavira Utatu vanoti ndizvo zvaaireva. Asi pana Johani 17:21, 22, Jesu akanyengetera nezvevateveri vake achiti: “Kuti vose vave vamwe,” uye akazoti, “kuti vave vamwe sesu tiri vamwe.” Akashandisa shoko rakafanana rechiGiriki (hen) rinoreva “mumwe” mundima idzi. Zviri pachena kuti vadzidzi vaJesu vose havanganzi varimowo muUtatu. Asi vari pamwe muchinangwa naBaba noMwanakomana, kuva pamwe kumwe chete ikoko kunobatanidza Mwari naKristu.
Kudavira Utatu kunoita kuti vaya vanoomerera pakuhudavira vave mumamiriro api ezvinhu?
Kunovaisa mungozi zvikuru. Uchapupu hwacho hahurambiki hwokuti dzidziso yoUtatu haiwaniki muBhaibheri uye haienderani nezvinodzidziswa neBhaibheri. (Ona mapeji anotangira ino.) Hunotaura zvenhema nezvaMwari wechokwadi. Asi Jesu Kristu akati: “Awa iri kuuya, nazvino yatovapo, vanamati vechokwadi pavachanamata Baba nomweya nechokwadi, nokuti Baba vanotsvaka vanhu vakadaro kuti vavanamate. Mwari Mweya, uye vanomunamata vanofanira kunamata mumweya nechokwadi.” (Joh. 4:23, 24 RS) Jesu akanyatsojekesa kuti vaya vasinganamati ‘muchokwadi,’ vanonamata zvisingaenderani nechokwadi chiri muShoko raMwari pachake, havasi “vanamati vechokwadi.” Achitaura kuvatungamiriri vechitendero chechiJudha vomuzana remakore rokutanga, Jesu akati: “Makaita kuti shoko raMwari rive renhando netsika dzenyu. Imi vanyengeri! Isaya akaprofita nezvenyu paakati: ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni; asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso iri mirayiro yevanhu.’” (Mat. 15:6-9, RS) Mashoko aya anoratidza zviri kuitwa nevaya vari muchiKristudhomu nhasi vanokurudzira tsika dzevanhu kupfuura chokwadi chakajeka chomuBhaibheri.
NezvoUtatu, Athanasian Creed (yeChirungu) inoti vanoumba Utatu vacho “havanzwisisiki.” Vanodzidzisa Utatu vanowanzotaura kuti chinhu “chakavanzika.” Zviri pachena kuti Mwari woUtatu akadaro haasi iye aifungwa naJesu paakati: “Isu tinonamata chatinoziva.” (Joh. 4:22, RS) Unonyatsoziva Mwari waunonamata here?
Mumwe nomumwe wedu anotarisana nemibvunzo inokosha: Tinoda chokwadi nemwoyo wose here? Tinonyatsoda kuva noukama hwakanaka naMwari here? Havasi vanhu vose vanoda chokwadi nomwoyo wose. Vakawanda vanoda kufadza hama dzavo neshamwari kupfuura kuda kwavanoita chokwadi naMwari. (2 VaT. 2:9-12; Joh. 5:39-44) Asi sezvakataurwa naJesu mumunyengetero wake womwoyo wose kuna Baba vake vokudenga, akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Joh. 17:3, NW) Uye Pisarema 144:15 rinotaura zvechokwadi kuti: “Vanofara vanhu avo Mwari wavo ari Jehovha!”—NW.
Kana Mumwe Munhu Akati—
‘Munodavira Utatu here?’
Ungapindura kuti: ‘Vakawanda mazuva ano vanodavira Utatu. Asi maizviziva here kuti Jesu nevadzidzi vake havana kumbodzidzisa izvozvo? Saka tinonamata watakanzi tinamate naJesu.’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Paaidzidzisa, uyu ndiwo murayiro waakati ndiwo mukuru pane yose . . . (Mako 12:28-30).’ (2) ‘Jesu haana kumbotaura kuti akaenzana naMwari. Akati . . . (Joh. 14:28).’ (3) ‘Saka dzidziso yoUtatu yakatanga sei? Onai zvinotaurwa nemaenisaikoropidhiya anozivikanwa zvikuru. (Ona mapeji 365, 366.)’
Kana kuti ungati: ‘Kwete, handidaviri Utatu. Pane magwaro omuBhaibheri andakatadza kuita kuti aenderane nedzidziso iyoyo. Inzwai rumwe rwacho. (Mat. 24:36) Zvichida munganditsanangurira.’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Kana Mwanakomana akaenzana naBaba, Baba vanogoziva sei zvinhu zvisingazivikanwi noMwanakomana?’ Kana vakati zvakanga zvakadaro paakanga ari munhu, ibva wabvunza kuti: (2) ‘Asi nei mudzimu mutsvene usingazivi?’ (Kana munhu wacho achiratidza kufarira chokwadi nomwoyo wose, muratidze zvinotaurwa neMagwaro nezvaMwari. [Pis. 83:18; Joh. 4:23, 24])
Zvimwe zvaungataura ndezvokuti: ‘Tinotenda muna Jesu Kristu asi kwete muUtatu. Nei? Nokuti tinodavira zvaidavirwa nomuapostora Petro nezvaKristu. Onai zvaakataura . . . (Mat. 16:15-17).’
Rimwezve zano nderokuti: ‘Ndakaona kuti vanhu vanodavira Utatu vane mafungiro akasiyana. Zvichida mukandiudza kuti munorevei zvichaita kuti ndikwanise kupindura mubvunzo wenyu zviri nani.’ Ungawedzerawo kuti: ‘Maita nokutsanangura. Asi ndinongodavira zvinodzidziswa neBhaibheri. Makamboona shoko rokuti “Utatu” here muBhaibheri? . . . (Muvhurire konikodhenzi iri muBhaibheri rako.) Kristu anotaurwa nezvake muBhaibheri here? . . . Hongu, uye tinodavira maari. Onai pano mukonikodhenzi pana “Kristu” rumwe rwemagwaro aripo ndiMateu 16:16. (Iverenge.) Izvi ndizvo zvandinodavira.’
Kana kuti ungapindura kuti (kana munhu wacho ataura nezvaJohani 1:1): ‘Ndinoziva ndima iyoyo chaizvo. Mune dzimwe shanduro dzeBhaibheri inoti Jesu ndi“Mwari,” uye dzimwe dzinoti iye ndi“mwari.” Nei zvakadaro?’ (1) ‘Imhaka here yokuti ndima inotevera inoti akanga “aina Mwari”?’ (2) ‘Imhaka here yezvinotaurwa pano pana Johani 1:18?’ (3) ‘Makambozvibvunza here kana Jesu ainewo waanonamata saMwari? (Johani 20:17)’
‘Munodavira here kuti Kristu ndiMwari?’
Ungapindura kuti: ‘Hongu, ndinodavira kudaro. Asi zvichida ndine mafungiro akasiyana neenyu pamunotaura kuti “Kristu ndiMwari.”’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Munoziva here kuti nei ndichidaro? Pana Isaya 9:6 Jesu Kristu anonzi “Mwari Ane Simba,” asi Baba vake chete ndivo vanonzi Mwari Wemasimbaose muBhaibheri.’ (2) ‘Uye onai kuti pana Johani 17:3 Jesu anotaura nezvaBaba vake sa“Mwari wechokwadi chete.” Saka Jesu anongoratidza zvakaita Mwari wechokwadi.’ (3) ‘Chii chatinofanira kuita kuti tifadze Mwari? (Joh. 4:23, 24)’