RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Nhamo Kuvapanduki!
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 1. Chikanganisoi chakaipa kwazvo chakaitwa naJerobhoami?

      VANHU vaJehovha vesungano pavakakamurwa kuva umambo huviri, umambo hwendudzi gumi hwokumusoro hwakatanga kutongwa naJerobhoami. Mambo mutsva wacho akanga ari mutongi aikwanisa, aive nesimba. Asi akanga asina kutenda chaiko muna Jehovha. Nemhaka yokudaro akaita chikanganiso chakaipa kwazvo chakavhiringidza nhoroondo yose yeumambo hwokumusoro. MuMutemo waMosesi, vaIsraeri vairayirwa kufamba vachienda kutemberi muJerusarema katatu pagore, iyo zvino yakanga iri kuumambo hwezasi hwenyika yeJudha. (Dheuteronomio 16:16) Achityira kuti vanhu vake vakagara vachiita nzendo dzakadaro vaizofunga nezvokubatanazve nehama dzavo dzezasi, Jerobhoami “akaumba mhuru mbiri dzendarama, akati kwavari: Kukwira Jerusarema kwava kure; tarirai, vaIsraeri, vamwari venyu vakakubudisai panyika yeEgipita. Akagadza imwe paBheteri, imwe akaiisa paDhani.”—1 Madzimambo 12:28, 29.

      2, 3. Chikanganiso chaJerobhoami chakatapura sei Israeri?

      2 Kwechinguva, zano raJerobhoami rakaita seraishanda. Zvishoma nezvishoma vanhu vakarega kuenda kuJerusarema uye vakatanga kunamata pamberi pemhuru mbiri. (1 Madzimambo 12:30) Zvisinei, tsika yechitendero yokuramba kutenda iyi yakakanganisa umambo hwendudzi gumi. Mumakore akatevera, kunyange Jehu, uyo akanga aratidza kushingaira kunorumbidzwa mukubvisa kunamatwa kwaBhaari muna Israeri, akapfugamirawo mhuru dzendarama. (2 Madzimambo 10:28, 29) Chiizve chimwe chakaguma chaitika nemhaka yechisarudzo chakaipa kwazvo chaJerobhoami? Kusagadzikana kwezvematongerwe enyika nokutambura kwevanhu vake.

      3 Nemhaka yokuti Jerobhoami akanga aramba kutenda, Jehovha akati mbeu yake yaisazotonga panyika yacho, uye pakupedzisira umambo hwokumusoro hwaizotambura nedambudziko rakaipisisa. (1 Madzimambo 14:14, 15) Shoko raJehovha rakava rechokwadi. Madzimambo manomwe aIsraeri akatonga kwemakore maviri kana kuti asingasviki—vamwe kwemazuva mashomanene chete. Mumwe mambo akazviuraya, uye vamwe vatanhatu vakaurayirwa chigaro nevarume vaizvikudza vakabvuta chigaro. Kunyanya pashure pokutonga kwaJerobhoami II, uko kwakaguma munenge muna 804 B.C.E. apo Uziya akanga achitonga munyika yeJudha, nyika yeIsraeri yakatambudzwa nokusagadzikana, chisimba, uye kuurayirwa chigaro. Mumamiriro iwaya ezvinhu ndimo umo Jehovha achishandisa Isaya anotumira nyevero yakananga, kana kuti “shoko,” kuumambo hwokumusoro. “Jehovha wakatuma shoko kuna Jakobho, rakaburukira pamusoro pavaIsraeri.”—Isaya 9:8.a

  • Nhamo Kuvapanduki!
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • a Isaya 9:8–10:4 yakaumbwa nezvikamu zvina (zvikamu zvendima dzine mutinhimira), chimwe nechimwe chichiguma nekorasi inoratidza chimwe chinhu yokuti: “Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.” (Isaya 9:12, 17, 21; 10:4) Ichi chidavado chokunyora chinoita kuti Isaya 9:8–10:4 ibatanidzwe kuva “shoko” rine zvikamu. (Isaya 9:8) Onawo kuti, “ruoko rwa[Jehovha] rwakatambanudzwa nazvino,” kwete kuti ape kuyanana, asi kuti atonge.—Isaya 9:13.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe