-
Nhamo Kuvapanduki!Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
17, 18. Uori hwechii huripo mugadziriro youtungamiriri nezvemitemo muna Israeri?
17 Jehovha anotevera kuisa ziso rake rokutonga pavatongi vaIsraeri vane uori nevamwe vakuru vakuru. Ava vanoshandisa simba ravo zvisizvo nokupamba vakaderera nevanotambura vanouya kwavari vachitsvaka kururamisira. Isaya anoti: “Vane nhamo vanotema mitemo isina kururama, navanyori vanonyora zvisakarurama; kuti vadzivise varombo pakururamisirwa, nokutorera varombo vavanhu vangu zvavanofanira kuva nazvo, kuti vapambe chirikadzi, vatorere nherera zvinhu zvavo.”—Isaya 10:1, 2.
18 Mutemo waJehovha unorambidza marudzi ose okusaruramisira uchiti: “Musaita zvisakarurama pakutonga; usatsaura murombo kana kukudza une simba; asi unofanira kutonga wokwako nokururama.” (Revhitiko 19:15) Vachizvidza mutemo iwoyo, vakuru vakuru ava vanoumba yavo “mitemo isina kururama” kuitira kuti kuba kuri pachena kwoutsinye hwakaipisisa kuite sekwapamutemo—vachitora zvinhu zvokukwangwaya zvechirikadzi nenherera. Vanamwari venhema vaIsraeri, chokwadi, mapofu pakusaruramisira uku, asi Jehovha haasi. Achishandisa Isaya, Jehovha zvino anotarira kuvatongi vakaipa ava.
-
-
Nhamo Kuvapanduki!Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
[Mufananidzo uri papeji 141]
Jehovha achatonga vose vanobatirira vamwe
-