Bhaibheri Ibhuku Rine Uprofita Hwechokwadi, Chikamu 2
Budai muBhabhironi!
Nyaya ino ine zvikamu zvisere iri muMukai! iri kutaura nezvechimwe chinhu chinokosha chinowanikwa muBhaibheri, uprofita. Zvikamu izvi zvichakubatsira kupindura mibvunzo inotevera: Vanhu vakachenjera ndivo here vakanyora uprofita huri muBhaibheri? Pane here chinoratidza kuti uprofita huri muBhaibheri hwakafemerwa naMwari? Tinokukumbira kuti uenzanise uchapupu huripo.
MUCHIKAMU chapfuura tataura nezveuprofita hutatu huri muBhaibheri hunotaura nezvevana vaAbrahamu. Uchapupu huripo hunoratidza kuti Mwari akazadzisa zvaakavimbisa nokuita kuti pave nerudzi rwevaIsraeri rwakabva kuna Abrahamu.
Nhoroondo yeBhaibheri inotaurawo nezveumambo hweBhabhironi rekare, hune zvakawanda zvahwakaita kunyanya makore okuma600 B.C.E. Ngatikurukurei uprofita hutatu hweBhaibheri hunotaura nezveumambo ihwohwo, toona kuti hunoratidza here kuti hwakafemerwa naMwari.
Muprofita Mosesi akanyevera vaIsraeri vekare kuti: “Kana mukangokanganwa Jehovha Mwari wenyu, mukatevera vamwe vanamwari movashumira uye movakotamira, . . . muchaparara zvachose.” (Dheuteronomio 8:19; 11:8, 9) Pasinei nokuti vakanga vanyeverwa, vaIsraeri vakaramba vachingopandukira Mwari pavainamata zvidhori.—1 Madzimambo 14:22-24.
Mwari akambovaregerera kakawanda kusvikira aona kuti hazvichaiti ndokubva avarega vachitapwa nevaBhabhironi. Mambo weBhabhironi Nebhukadhinezari, kana kuti “Nebhukadrezari,” akaenda nemauto ake kunorwisa vaIsraeri, akakomba guta reJerusarema. Zviripo here zvakanga zvambotaurwa nezvekukombwa kweJerusarema? Ngationei zvakanyorwa nemuprofita Jeremiya pachine makore anenge 20 izvozvo zvisati zvaitika.—Jeremiya 25:1.
Uprofita 1: “Nokuti [vaIsraeri] hamuna kuteerera mashoko angu [Mwari], tarirai ndichatumira . . . kuna Nebhukadrezari mambo weBhabhironi, . . . uye [vaBhabhironi] ndichavaunza kuti varwise nyika ino nevagari vayo nemarudzi aya ose akapoteredza . . . Nyika ino yose ichava dongo, chinhu chinokatyamadza, uye marudzi aya achashandira mambo weBhabhironi kwemakore makumi manomwe.”—Jeremiya 25:8-11.
Kuzadzika kwahwo: Nebhukadhinezari akakomba guta reJerusarema kwenguva yakati rebei ndokuzoritapa muna 607 B.C.E. Akakundawo mamwe maguta eJudha, kusanganisira Rakishi neAzeka. (Jeremiya 34:6, 7) Akabva atora vaya vakanga vapona ndokuvaendesa kuBhabhironi kwavakanova nhapwa kwemakore 70.
Zvinyorwa zvisiri zveBhaibheri zvinoti kudii?:
● Bhaibheri rinoti panguva yakaparadzwa Jerusarema, Nebhukadhinezari ndiye akanga ari mambo weBhabhironi. Zvakawanikwa pakuchera matongo zvinotsigirawo zvinotaurwa neBhaibheri kuti mambo uyu aivako zvechokwadi. Pane dombo reonyx rakavezwa riri mumiziyamu iri muFlorence, kuItaly. Rine mashoko akanyorwa pariri, uye mamwe acho anoti: “Achikudza Merodhaki, ishe wake, Nebhukadhinezari, mambo weBhabhironi, panguva yaairarama akaita kuti rigadzirwe.” Nebhukadhinezari akatonga kubva muna 624 kusvika muna 582 B.C.E.
● Bhuku rinonzi The Bible and Archaeology rinotaura kuti zvakawanikwa pakuchera matongo kuRakishi zvinoratidza kuti mashoko anotevera ndeechokwadi: “Guta iri rakaparadzwa zvoutsinye, uye matombo elimestone akashandiswa pakuvaka zvivako akatsva kusara ava madota pamusana pemoto wakaroromesa guta racho.”
Uprofita 2: “Kana makore makumi manomwe apera muri kuBhabhironi, [ini Jehovha] ndichafunga nezvenyu [vaJudha vari muutapwa], uye ndichasimbisa shoko rangu rakanaka kwamuri ndichikudzosai kunzvimbo ino [nyika yeJudhiya].”—Jeremiya 29:10.
Kuzadzika kwahwo: Pakapera makore 70 vaJudha vari nhapwa, kubva muna 607 kusvika muna 537 B.C.E., apo Mambo Koreshi wePezhiya akasunungura nhapwa dzechiJudha ndokuvabvumira kuti vadzokere kumusha kunovakazve temberi muJerusarema.—Ezra 1:2-4.
Zvinyorwa zvisiri zveBhaibheri zvinoti kudii?:
● VaIsraeri vakapedza makore 70 vari nhapwa muBhabhironi sezvakanga zvataurwa neBhaibheri here? Ona zvakataurwa neimwe nyanzvi inoona nezvekuchera matongo muIsrael inonzi Ephraim Stern. “Hapana uchapupu hunoratidza kuti pane munhu akambogara munzvimbo iyi kubva muna 604 B.C.E. kusvika muna 538 B.C.E. Panguva yose iyoyo hapana kunyange guta rimwe chete rakanga raparadzwa neBhabhironi rakazogarwazve.” Makore aya ari kunzi pakanga pasina munhu aigara munzvimbo iyi yevaIsraeri ndiwo makore apo vaIsraeri vakanga vari nhapwa muBhabhironi kubva muna 607 kusvika muna 537 B.C.E.—2 Makoronike 36:20, 21.
● Mazita emarudzi ekare aiva kuMesopotamiya akanyorwa pamahwendefa evhu. Rimwe racho rinozivikanwa seCyrus Cylinder rakagadzirwa munenge muna 539 B.C.E. uye mugore iroro ndimo umo Mambo Koreshi wePezhiya akakunda Umambo hweBhabhironi. Mamwe mashoko aiva pahwendefa iri anoti: “Ndini Koreshi, . . . mambo weBhabhironi.” Mashoko iwayo anoenderera achiti: “Ndakadzokera kumaguta matsvene [mamwe ambotaurwa nezvawo] ari mhiri kwaTigrisi, ane nzvimbo tsvene dzakanga dziri matongo kwenguva refu . . . (Uyewo) ndakaunganidza (vaimbova) vagari venzvimbo yacho ndokudzorera (kwavari) nyika yavo.”
Chinyorwa ichi chinoenderana neuprofita huri muBhaibheri hunotaura kuti nhapwa dzechiJudha dzaizodzoswa kunyika yadzo, uye uprofita uhwu hwakanyorwa pachine makore 200 zvisati zvaitika.
Uprofita 3: “Bhabhironi, kushongedzwa kwoumambo, runako rwokudada kwevaKadheya, richava sepaya pakaparadzwa Sodhoma neGomora naMwari. Harizombogarwi.”—Isaya 13:19, 20.
Kuzadzika kwahwo: Zvinhu zvakangoerekana zvachinja, umambo hweBhabhironi hwaitonga nyika yose pahwakakurirwa nemauto evaMedhiya nevaPezhiya muna 539 B.C.E.a Guta iri harina kuzomboita sezvarakanga rakaita. Rakangoparara zvishoma nezvishoma uye rakaguma rava dongo “risina anogaramo.”—Jeremiya 51:37.
Zvinyorwa zvisiri zveBhaibheri zvinoti kudii?:
● Bhabhironi rakatsakatika zvachose zvokuti imwe nyanzvi inonzi Tom Boiy inotaura ‘nezvevanoongorora nhoroondo uye vafambi vokunyika dzokumadokero kubva muna 1500 kusvika ku1700’ vaiziva nezvemukurumbira waiva neguta iri asi vakatadza kunyatsoona “chaipo paraiva.”
● Muna 1919, H. R. Hall, anotarisira zvinhu zvekare zvekuIjipiti neAsiriya kuBritish Museum, anorondedzera Bhabhironi achiti: “Unongova murwi wemadziro akakoromoka . . . wakavharwa nevhu.”
Toti kudii nezvataongorora maererano nekuzadzika kweuprofita hwose uhwu? Zviri pachena kuti Bhaibheri ibhuku rine uprofita hwechokwadi. Uprofita hwakanga hwataurwa pamusoro peJudha neBhabhironi hwakanyatsozadzika semataurirwo azvakanga zvaitwa!
Mwari akanga anyevera vanhu kuti vasiye tsika dzavo dzakaipa, saka kusateerera kwavakaita nyevero iyi ndiko kwakaita kuti Jerusarema riparadzwe. Pakapera makore 70 akanga afanotaurwa vaIsraeri vari nhapwa muBhabhironi, vaIsraeri vakazobvumirwa kudzokera kuJerusarema. Guta reBhabhironi rekare rakaparadzwa sezvakanga zvataurwa, uye nanhasi hapana anogarako. Uhwu hunongova uprofita hushoma pane hunotaurwa muBhaibheri.
Muchikamu chinotevera pachakurukurwa uprofita hwakafanotaurwa pachine makore akawanda hwaizozadzika muzana remakore rokutanga. Kuzadzika kweuprofita ihwohwo kunoita kuti tiwedzere kuva nechivimbo chokuti Bhaibheri nderechokwadi.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuparadzwa kweBhabhironi nevaMedhiya kwakanga kwafanotaurwawo naIsaya pachine makore anenge 200 Bhabhironi racho risati raparadzwa.—Ona Isaya 13:17-19; 21:2.
[Chati iri papeji 30, 31]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
CHATI INORATIDZA ZVAKAITIKA MUBHABHIRONI
Munenge muna 732 B.C.E.: Isaya anofanotaura nezvekuparara kweBhabhironi
(B.C.E.)
647 Jeremiya anopiwa basa rokuva muprofita
632 Bhabhironi rinokunda Asiriya
625 Nebhukadhinezari anotanga kutonga
617 Dhanieri naEzekieri vanoendeswa kuBhabhironi
607 Nebhukadhinezari anoparadza Jerusarema
582 Kutonga kwaNebhukadhinezari kunoguma
539 Bhabhironi rinokurirwa nevaMedhiya nevaPezhiya
537 Nhapwa dzechiJudha dzinodzorerwa kuJerusarema
VaJudha vanova nhapwa muBhabhironi kwemakore 70
[Mufananidzo uri papeji 30]
Gwaro iri rekuRakishi rinotsigira zvakarondedzerwa naJeremiya nezvekukundwa kweJudha nevaBhabhironi
[Mufananidzo uri papeji 31]
Cyrus Cylinder rine mashoko aKoreshi ekusunungura nhapwa kuti dzidzokere kumusha kwadzo
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]
Peji 30, Gwaro reRakishi: Photograph taken by courtesy of the British Museum; peji 31, Cyrus Cylinder: © The Trustees of the British Museum