Zvokukurukura Semhuri
Chii Chakakanganisika Pamufananidzo Uyu?
Verenga Johani 2:13-17. Ndezvipi zvinhu zvitatu zvakakanganisika pamufananidzo uyu? Nyora mhinduro dzako pamitsetse iri pasi apa, uye pedzisa mufananidzo wacho nokuisa makara.
1. ․․․․․
2. ․․․․․
3. ․․․․․
4. ․․․․․
ZVOKUKURUKURIRANA:
Nemhaka yei Jesu akadzingira panze varume ava?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Mako 11:17.
Nemhaka yei zvakanga zvakaipa kuti vaite zvokutenga nokutengesa mutemberi?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga 2 VaKorinde 2:17.
Kana tichida kuti Jehovha afare, tinofanira kumunamata tiine vavariro ipi?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Mateu 22:36-40; 1 Petro 5:2.
ZVOKUITA SEMHURI:
Tsvaka pepa unyore kana kudhirowa basa raungada kuita rinoratidza kuti unoda Jehovha uyewo vamwe vanhu zvisina udyire mukati. Ratidzawo vamwe vari mumhuri zvawanyora mobva maronga kuti ndiriini wamuchaita basa iroro pamwe chete.
Chengeta Udzidze
Cheka, peta nepakati, uye chengeta
KADHI REBHAIBHERI 16 TIMOTI
MIBVUNZO
A. Zadzisa musina kunyorwa. Amai vaTimoti, ․․․․․, uye mbuya vake ․․․․․ vakamudzidzisa “zvinyorwa zvitsvene,” kubvira ․․․․․.
B. Timoti akabvuma basa ripi rinokosha?
C. Pauro akati nezvaTimoti: “. . . , sezvinoita mwana anoshanda nababa.”
[Chati]
4026 B.C.E. Adhamu anosikwa
Akararama muzana remakore rokutanga C.E.
1 C.E.
98 C.E. Bhuku rokupedzisira romuBhaibheri rinonyorwa
[Mepu]
Aigara kuRistra uye hama dzokuIkoniyumu dzaimupupurirawo kuti aiita zvakanaka
Ristra
Ikoniyumu
Jerusarema
TIMOTI
NHOROONDO YOUPENYU
Pasinei nokuti baba vake vakanga vasiri muKristu, Timoti akanga ari “muenzaniso kune vakatendeka, pakutaura, pamufambiro, parudo, pakutenda, pakuchena.” (1 Timoti 4:12) Akashandisa zano riri muBhaibheri rokuti: “Vavarira kuzvirovedza nokuzvipira kuna Mwari.” (1 Timoti 4:7) Timoti akabatsira Pauro kwemakore anenge 15.
MHINDURO
A. Yunisi, Roisi, paucheche.—2 Timoti 1:5; 3:14, 15.
B. Rokufamba achishanyira ungano aina Pauro.—Mabasa 16:1-5.
C. “Akashanda neni mukuita kuti mashoko akanaka aenderere mberi . . . ”—VaFiripi 2:22.
KADHI REBHAIBHERI 15 DHAVHIDHI
MIBVUNZO
A. Dhavhidhi naJesu vakaberekerwa muguta ripi?
B. Achiri mukomana, Dhavhidhi aiva ․․․․․ uyo akaita zvivindi zvokuuraya ․․․․․ ne ․․․․․
C. Pedzisa mashoko aya aDhavhidhi: “Zvino iwe, mwanakomana wangu Soromoni, ziva . . . ”
[Chati]
4026 B.C.E. Adhamu anosikwa
Akararama munenge muna 1000 B.C.E.
1 C.E.
98 C.E. Bhuku rokupedzisira romuBhaibheri rinonyorwa
[Mepu]
Akatama kubva kuBhetrehema kuenda kuJerusarema
Bhetrehema
Jerusarema
Akarwisa Goriyati mubani reEraa.—1 Samueri 17:2
Mubani reEraa
DHAVHIDHI
NHOROONDO YOUPENYU
Mwanakomana waJese, uye Mambo wevaIsraeri wechipiri. Dhavhidhi akanga ari mudetembi uye muimbi ane unyanzvi, akanyora mapisarema anopfuura 73. Aizvininipisa uye aitsvaka kutungamirirwa naJehovha muupenyu hwake. (1 Samueri 23:2; 30:8; 2 Samueri 2:1) Jehovha akadana Dhavhidhi kuti “munhu anodiwa nomwoyo wangu.”—Mabasa 13:22.
MHINDURO
A. Bhetrehema (romuJudhiya).—Johani 7:42.
B. mufudzi, shumba, bheya.—1 Samueri 17:34, 35; Pisarema 78:70, 71.
C. “. . . Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakakwana.”—1 Makoronike 28:9.
KADHI REBHAIBHERI 17 JONA
MIBVUNZO
A. Jona akatumwa kuti anoparidzira ku ․․․․․, uko kwaiva nevanhu vanopfuura ․․․․․.
B. Kunyange zvazvo Jona akambotanga atiza basa rake, ndechipi chivindi chaakaita kuti vanhu vapone?
C. Pedzisa mashoko aya omuBhaibheri: “Jona akava mudumbu . . . ”
[Chati]
4026 B.C.E. Adhamu anosikwa
Akararama munenge muna 840 B.C.E.
1 C.E.
98 C.E. Bhuku rokupedzisira romuBhaibheri rinonyorwa
[Mepu]
Akatiza kubva kuGati-heferi achienda kuTashishi
Gati-heferi
TASHISHI
Ninivhi
JONA
NHOROONDO YOUPENYU
Aiva muprofita waJehovha panguva yakatonga Mambo Jerobhoamu II. (2 Madzimambo 14:23-25) Jehovha akadzidzisa Jona kuti asangozvifunga asi kuti afungewo zvinodiwa nevamwe. (Jona 4:6-11) Zvakasangana naJona zvinotidzidzisa kuti Jehovha ane mwoyo murefu, ngoni, uye anokanganwira zvikuru.
MHINDURO
A. Ninivhi, 120 000.—Jona 1:1, 2; 4:11.
B. Akaudza vafambisi vengarava kuti vamukande mugungwa kuti ridzikame.—Jona 1:3, 9-16.
C. “ . . . rehove yacho kwemazuva matatu nousiku hutatu.”—Jona 1:17.
KADHI REBHAIBHERI 18 JOSIYA
MIBVUNZO
A. Josiya akava mambo ane makore ․․․․․ uye akatonga kwemakore ․․․․․.
B. Vaprofita vapi vaviri vaipa Josiya mazano akanaka?
C. Josiya paakatuma vashandi kuti vagadziridze “imba yaJehovha,” chii chakawanikwa nemupristi mutemberi?
[Chati]
4026 B.C.E. Adhamu anosikwa
Akararama munenge muna 650 B.C.E.
1 C.E.
98 C.E. Bhuku rokupedzisira romuBhaibheri rinonyorwa
[Mepu]
Akaparadza mifananidzo yakavezwa yaiva mumaguta emadzinza aya.—2 Makoronike 34:6, 7.
Naftari
Manase
Efremu
Simiyoni
JOSIYA
NHOROONDO YOUPENYU
Kunyange zvazvo baba vake Amone vakanga vari munhu akaipa, Josiya akaita “zvakarurama pamberi paJehovha.” (2 Makoronike 34:2) Akasarudza kuteerera vanhu vaida Mwari panzvimbo pokuteerera shamwari dzakaipa. Kuzvininipisa kwake uye kufarira kunamata kwechokwadi zvakaita kuti afarirwe naMwari.—2 Madzimambo 22:19; 23:24, 25.
MHINDURO
A. 8, 31.—2 Makoronike 34:1.
B. Jeremiya naZefaniya.—Jeremiya 1:1, 2; Zefaniya 1:1.
C. “Bhuku romutemo waJehovha,” rakanyorwa naMosesi.—2 Makoronike 34:14-18.
Kana uchida kupirinda dzimwe nyaya dzinoti “Zvokukurukura Semhuri” enda pawww.jw.org
● Mhinduro dze“ZVOKUKURUKURA SEMHURI” dziri papeji 15
MHINDURO DZEMIBVUNZO IRI PAPEJI 27
1. Jesu akashandisa tyava kwete bakatwa.
2. Vanhu vaitengesa mombe nemakwai kwete nguruve.
3. Vanhu vaitengesa njiva kwete mazizi.
4. Chimwewo zvekare, mune mamwe maBhaibheri mari dzacho dzinonzi dzaiva dzesimbi kwete dzemapepa.