Chitsauko 14
Jehovha Anoninipisa Guta Rinozvikudza
1. Bhuku raIsaya zvino rinotaura zviri mberi kusvika kure zvakadini?
BHUKU rouprofita raIsaya rakanyorwa muzana remakore rechisere B.C.E. munguva yokupinda nechisimba kweAsiria muNyika Yakapikirwa. Sezvaonekwa muzvitsauko zvapfuura zvebhuku rake, Isaya anofanotaura zvakarurama zvinoshamisa mafambiro achaita zvinhu. Zvisinei, bhuku racho rinotaura zvinopfuura zvomunguva yokutonga kweAsiria. Rinofanotaura nezvokudzoka kwevanhu vaJehovha vesungano kubva kwavakatapwa munyika zhinji, kusanganisira Shinari, nzvimbo yeBhabhironi. (Isaya 11:11) Muna Isaya chitsauko 13, tinowana uprofita hunoshamisa uhwo pahunozadzika huchazarura nzira yokudzoka kwacho. Uprofita uhwu hunosumwa nemashoko aya: “Chirevo chaMwari pamusoro peBhabhironi, chakaonekwa naIsaya, mwanakomana waAmozi.”—Isaya 13:1.
‘Ndichagumisa Kuzvikudza’
2. (a) Hezekia anosvika pakufambidzana neBhabhironi sei? (b) “Mureza” uchasimudzwa chii?
2 Nyika yeJudha inofambidzana neBhabhironi munguva yakararama Isaya. Mambo Hezekia anorwara zvakakomba ozonaya. Vamiririri veBhabhironi vanouya kuzomukorokotedza pakunaya kwake, pamwe nerweseri vane chinangwa chokuti vabatanidze Hezekia somubetseri pahondo yavo neAsiria. Nokusangwarira, Mambo Hezekia anovaratidza pfuma yake yose. Somugumisiro, Isaya anoudza Hezekia kuti kana mambo afa, pfuma yose iyoyo ichaendeswa kuBhabhironi. (Isaya 39:1-7) Izvi zvinozadzika muna 607 B.C.E. panoparadzwa Jerusarema uye rudzi rwacho rwotapwa. Zvisinei, vanhu vaMwari vakasanangurwa havasi kuzogara muBhabhironi nokusingaperi. Jehovha anofanotaura mazarurire aachaita nzira yokuti vadzokere kumusha. Anotanga achiti: “Simudzai mureza pagomo risina miti; danidzirai kwavari, ninirai noruoko, kuti vapinde pamasuo avakuru.” (Isaya 13:2) “Mureza” isimba renyika riri kusimuka richabvisa Bhabhironi kubva panzvimbo yaro yapamusoro. Richakwidzwa “pagomo risina miti”—riri panooneka zvakajeka uri kure. Radanwa kuzorwa neBhabhironi, simba renyika idzva iroro richapinda “pamasuo avakuru” nesimba, masuo eguta guru iroro, uye richarikunda.
3. (a) “Vatsvene” ndivanaani avo Jehovha achamutsa? (b) Mauto echihedheni “matsvene” pakudii?
3 Jehovha zvino anoti: “Ndakarayira vatsvene vangu, ndakadana mhare dzangu nokuda kwokutsamwa kwangu, ivo varume vangu vanofara vachizvikudza. Inzwai kutinhira pamakomo, kwakaita sokwavanhu vazhinji! Kutinhira kweungano dzoushe hwamarudzi akaungana pamwe chete! Jehovha wehondo wogadzira hondo kundorwa.” (Isaya 13:3, 4) “Vatsvene” ava ndivanaani vakagadzwa kuti vagadzike pasi Bhabhironi rinozvikudza? Mubatanidzwa wemauto enyika, “marudzi akaungana pamwe chete.” Anodzika kuzorwa neBhabhironi kubva kunzvimbo yemakomo iri kure. “Vanobva kunyika iri kure, kumugumo wedenga.” (Isaya 13:5) Vatsvene pakudii? Chokwadi kwete mupfungwa yokuva vatsvene. Mauto evahedheni asingafariri kushumira Jehovha. Zvisinei, muMagwaro echiHebheru, “vatsvene” rinoreva “kutsaurirwa kushandiswa naMwari.” Jehovha anogona kutsvenesa mauto emarudzi oshandisa kuzvikudza kwawo kwoudyire kuti aratidze hasha dzake. Akashandisa Asiria nenzira iyi. Achashandisa Bhabhironi nenzira yakafanana. (Isaya 10:5; Jeremia 25:9) Uye achashandisa mamwe marudzi kuranga Bhabhironi.
4, 5. (a) Jehovha anofanotaurei nezveBhabhironi? (b) Avo vanorwisa Bhabhironi vanofanira kutarisana nei?
4 Bhabhironi harisati rave simba guru renyika yose. Asi, achizivisa nokuna Isaya, Jehovha anofanoona nguva apo richava munzvimbo iyoyo, uye anofanotaura nezvokukundwa kwaro. Anoti: “Chemai, nokuti zuva raJehovha riri pedyo; rinosvika sokuparadza kunobva kuna Wemasimba ose.” (Isaya 13:6) Hungu, kuzvikudza kweBhabhironi kuchatsiviwa nokuungudza kwenhamo. Nei? Nemhaka ye“zuva raJehovha,” zuva apo Jehovha anoritonga.
5 Zvisinei, zvichabvira sei kuti Bhabhironi ritorerwe zvarakapamba? Panosvika nguva yaJehovha yokuita izvi, guta richaratidzika serakachengeteka. Mauto acho achapinda nechisimba anofanira kutanga kubvisa dziviriro yakaiswa neRwizi rwaYufratesi, urwo runopfuura nepakati peguta uye rwune mvura inotsausirwa kuti izadze mugero wokudzivirira uye kuwanisa guta racho mvura yokunwa. Kwozotiwo masvingo akasimba akapetwa ruviri eBhabhironi, anoita seasingapindiki. Uyezve, guta racho richave rine zvokudya zvakakwana. Bhuku rinonzi Daily Bible Illustrations rinoti Nabonidus—mambo wokupedzisira weBhabhironi—“akanga ashanda zvakaoma kuti achengetere guta racho zvokudya, uye rainzi raiva nezvakakwana [zvokudya] kuraramisa vaigaramo kwemakore makumi maviri.”
6. Chii chichaitika chisingatarisirwi apo kurwisa Bhabhironi kwakafanotaurwa kunoitika?
6 Zvisinei, zvinoonekwa zvinogona kunyengera. Isaya anoti: “Saka maoko ose achashayiwa simba, nomwoyo mumwe nomumwe wavanhu uchanyauka; vachavhunduka; vachabatwa nokurwadziwa namadambudziko; vacharwadziwa somukadzi unosurumuka; vachatarirana vachishamiswa; zviso zvavo zvichafanana nezviso zvomoto.” (Isaya 13:7, 8) Mauto anokunda paanopinda muguta racho nechisimba, kudekara kwevagari varo kuchatsiviwa nemarwadzo anouya kamwe kamwe uye akasimba seomukadzi ari kusununguka. Mwoyo yavo ichanyauka nokutya. Vangoti tuzu, maoko avo achati rabada, vasingagoni kuzvidzivirira. Zviso zvavo zvichaita se“zvomoto” nokutya uye kushushikana. Vachatarisana vachishamisika, vachinetseka kuti guta ravo guru ringawa sei.
7. I“zuva raJehovha” ripi riri kuuya, uye ndeipi ichava migumisiro nokuda kweBhabhironi?
7 Kunyange zvakadaro, richakundwa chete. Bhabhironi rinofanira kutarisana nezuva rokuzvidavirira, “zuva raJehovha,” richava rinorwadza zvechokwadi. Mutongi mukuru acharatidza hasha dzake otonga zvakakodzera kwazvo pavagari veBhabhironi vanotadza. Uprofita hwacho hunoti: “Tarirai, zuva r[a]Jehovha rinouya, rinotyisa, rine hasha nokutsamwa kukuru, kuti ashandure nyika riite dongo, nokuparadza vatadzi vayo vabvemo.” (Isaya 13:9) Tariro yeBhabhironi haina kujeka. Zvakaita sokuti zuva, mwedzi, nenyeredzi zvose zvinomira kuvheneka. “Nokuti nyeredzi dzokudenga, namapoka adzo, hadzingaratidzi chiedza chadzo; zuva richasvibiswa pakubuda kwaro, uye mwedzi haungavhenekeri nechiedza chawo.”—Isaya 13:10.
8. Nei Jehovha achipikira kukundwa kweBhabhironi?
8 Nei mugumisiro wakadaro nokuda kweguta rinozvikudza iri? Jehovha anoti: “Ndicharova nyika nokuda kwokushata kwayo, navakaipa nokuda kwezvakaipa zvavo, ndichagumisa manyawi avanozvikudza nokuwisira pasi kudada kwavanotyisa.” (Isaya 13:11) Kudururwa kwehasha dzaJehovha kuchava chirango kuutsinye hweBhabhironi kuvanhu vaMwari. Nyika yose ichatambura nemhaka yokuipa kwavaBhabhironi. Vadzvinyiriri vanozvikudza ava havazozvidzizve Jehovha pachena!
9. Chii chakamirira Bhabhironi pazuva rokutonga kwaJehovha?
9 Jehovha anoti: “Vanhu ndichavaita vashoma kupfuura ndarama yakaisvonaka, iye munhu kupfuura ndarama tsvene yeOfiri.” (Isaya 13:12) Hungu, guta racho richava dongo rakatamiwa. Jehovha anoenderera mberi achiti: “Saka ndichadederesa denga, nyika ichazununguswa ibve panzvimbo yayo, nehasha dzaJehovha wehondo, napazuva rokutsamwa kwake kukuru.” (Isaya 13:13) “Denga” reBhabhironi, vanamwari varo navamwarikadzi vakawanda, vachazungunuswa, vachitadza kubetsera guta panguva yaro yokutambura. “Nyika,” Umambo hweBhabhironi, huchakuduburwa kubva panzvimbo, huchingopfuurawo kuva ngano sehumwe umambo hwakafa. “Zvino semhara inovhimwa, uye sezvipfuwo zvisina unozviunganidza, saizvozvo munhu mumwe nomumwe uchadzokera kurudzi rwake, mumwe nomumwe uchatizira kunyika yake.” (Isaya 13:14) Vatsigiri vose vokunze veBhabhironi vacharisiya votiza, vachitarisira kutanga ushamwari hutsva nesimba renyika rinokurira. Bhabhironi pakupedzisira richanzwa marwadzo eguta rakundwa, marwadzo arakanzwisa vamwe vakawanda mumazuva embiri yaro: “Mumwe nomumwe unowanikwa, uchabayiwa; mumwe nomumwe unobatwa, uchaurawa nomunondo. Vacheche vavo vacharoverwa pasi pamberi pavo, dzimba dzavo dzichapambwa, vakadzi vavo vachachinyiwa.”—Isaya 13:15, 16.
Anoshandiswa naJehovha Kuparadza
10. Jehovha achashandisa ani kukunda Bhabhironi?
10 Jehovha achashandisa simba ripi kuparadza Bhabhironi? Pachine makore 200, Jehovha anozivisa mhinduro yacho yokuti: “Tarirai, ndichavamutsira vaMedhia, vasingarangariri sirivha, kunyange ndarama havaifariri. Uta hwavo huchawisira pasi majaya avo, havangavi netsitsi nezvibereko zvechizvaro; ziso ravo haringadariki vana. Zvino Bhabhironi, rine mbiri paushe hwose, raizvikudza vaKardhea pamusoro pokunaka kwaro, richaita sapanguva yakaparadza Mwari Sodhoma neGomora.” (Isaya 13:17-19) Bhabhironi rine mbiri richakundwa, uye chichashandiswa naJehovha kuita izvi mauto anobva kunyika yemakomo iri kure yeMedhia.a Pakupedzisira, Bhabhironi richange rave matongo semaguta aiva nounzenza zvikuru eSodhoma neGomora.—Genesi 13:13; 19:13, 24.
11, 12. (a) Medhia inova simba renyika sei? (b) Unhu hupi hunoshamisa uhwo uprofita hunotaura nezvemauto evaMedhia?
11 Muzuva raIsaya, vaMedhia nevaBhabhironi vari mujoko reAsiria. Makore anenge 100 gare gare, muna 632 B.C.E., Medhia neBhabhironi dzinobatanidza mauto dzokunda Ninevhe, guta guru reAsiria. Izvi zvinozarura nzira yokuti Bhabhironi rive simba guru renyika. Harimbozivi zvaro kuti makore 100 kubva ipapo, vaMedhia vachariparadza! Ndiani kunze kwaJehovha Mwari aigona kufanotaura zvine simba kudaro?
12 Paanozivisa waasarudza kushandisa kuparadza, Jehovha anotaura kuti mauto eMedhia haa“rangariri sirivha, uye kunyange ndarama havaifariri.” Unhu hunoshamisa sei nokuda kwevarwi vaomeswa mwoyo nehondo! Nyanzvi yeBhaibheri Albert Barnes inoti: “Mashoma chaizvo mauto aipinda nechisimba akanga asingapiwi simba nokutarisira kuwana zvipambwa.” Mauto evaMedhia anoratidza kuti Jehovha akataura chokwadi here panhau iyi? Hungu. Funga nezvemashoko ari muThe Bible-Work, rakanyorwa naJ. Glentworth Butler okuti: “Kusiyana nemarudzi mazhinji ati amborwa, vaMedhia, uye kunyanya vaPersia, vaifunga nezvembiri nokukunda kupfuura ndarama.”b Tichirangarira izvi, hazvishamisi kuti paanosunungura vaIsraeri mukutapwa kwavo muBhabhironi, mutongi wePersia Koreshi anovadzorera zviuru zvemidziyo yendarama nesirivha yakapambwa naNebhukadhinezari mutemberi yeJerusarema.—Ezra 1:7-11.
13, 14. (a) Kunyange zvazvo vasingafariri zvipambwa, varwi veMedhia nePersia vanovavarira kuwanei? (b) Koreshi anopfuura sei pazvinodadiwa nazvo zvakadzivirira Bhabhironi?
13 Kunyange zvazvo varwi veMedhia nePersia vasinganyanyi kuda zvipambwa, kunyange zvakadaro vane zvavanovavarira kuita. Havadi kuenderwa pamberi neimwe nyika chero ipi zvayo munyika yose. Uyezve, Jehovha anoisa “kuparadza” mumwoyo yavo. (Isaya 13:6) Saka, nouta hwavo hwesimbi—hunogona kushandiswa kwete bedzi kukanda miseve asiwo kurova nokutsonda varwi vemuvengi, vana vemadzimai eBhabhironi—vakatsunga kukunda Bhabhironi.
14 Koreshi mutungamiriri wemauto evaMedhia nevaPersia, haaodzwi mwoyo nezvakadzivirira Bhabhironi. Usiku hwaOctober 5/6, 539 B.C.E., anorayira kuti mvura yeRwizi rweYufratesi itsauswe. Mvura yacho sezvainoserera, vari kupinda nechisimba vacho vanopinda chinyararire muguta iri, vachifamba nomurwizi mumvura inosvika muzvidya. Vagari veBhabhironi vanosvikirwa vakarivara, uye Bhabhironi rinokundwa. (Dhanieri 5:30) Jehovha Mwari anofuridzira Isaya kuti aprofite zviitiko izvi, zvichisiya pasina mubvunzo kuti Ari kutungamirira zvinhu.
15. Inguva yemberi yakadini yakamirira Bhabhironi?
15 Bhabhironi richaparadzwa zvakakura sei? Teerera chirevo chaJehovha chinoti: “Haringatongogarwi navanhu, hakuna vangatongogaramo kusvikira kumarudzi namarudzi; kunyange nomuArabhia haangadziki tende rake imomo, navafudzi havangavatisi mapoka avo ipapo. Asi zvikara zvomusango zvichavatamo; dzimba dzavo dzichazara nezvinorira; mhou dzichagaramo, nemweya yakaipa ichatamba ipapo. Mapere acharira munhare dzavo, namakava mudzimba dzamadzimambo dzaifadza; nguva yaro yaswedzera pedyo, mazuva aro haangawedzerwi.” (Isaya 13:20-22) Kuparadzwa kwakakwana ndiko kwakamirira guta racho.
16. Mamiriro eBhabhironi azvino anotipa chivimbo chei?
16 Izvi hazvina kuitika nokukurumidza muna 539 B.C.E. Kunyange zvakadaro, nhasi zviri pachena kwazvo kuti zvose izvo Isaya akafanotaura pamusoro peBhabhironi zvakaitika. Bhabhironi “zvino rava, uye rave riri kwemazana emakore, nzvimbo huru yakaparadzwa, uye murwi wematongo,” anodaro mumwe mutsinhiri weBhaibheri. Anozowedzera kuti: “Hazvibviri kuona nzvimbo iyi ndokusayeuchidzwa nezvekunyatsozadzika nomazvo kwakaita uprofita hwakafanotaurwa naIsaya naJeremia.” Sezviri pachena, hapana munhu muzuva raIsaya aigona kudai akafanotaura nezvokukundwa kweBhabhironi nokuzoparadzwa kwaro pakupedzisira. Pamusoro pazvo, kukundwa kweBhabhironi nevaMedhia nevaPersia kwakaitika anenge makore 200 Isaya anyora bhuku rake! Uye kuparadzwa kwaro kwokupedzisira kwakazouya mazana emakore pave paya. Izvi hazvisimbisi kutenda kwedu Bhaibheri seShoko raMwari rakafuridzirwa here? (2 Timoti 3:16) Uyezve, sezvo Jehovha akazadzika uprofita munguva dzakapfuura, tinogona kuva nechivimbo chakakwana chokuti uprofita hweBhaibheri huchigere kuzadzika huchaitika munguva yaMwari yakakodzera.
“Achikuzorodza Pakuchema Kwako”
17, 18. Kukundwa kweBhabhironi kuchareva zvikomborero zvechii kuna Israeri?
17 Kukundwa kweBhabhironi kuchazorodza Israeri. Kuchareva kusunungurwa pakutapwa uye mukana wokudzokera kuNyika Yakapikirwa. Naizvozvo, Isaya zvino anoti: “Nokuti Jehovha uchanzwira Jakobho tsitsi, uchasanangura Israeri nokuvagadza munyika yavo; mutorwa uchandogara navo, vachanamatira imba yaJakobho. Marudzi achavatora, nokuvaisa kunzvimbo yavo; imba yavaIsraeri ichavabata panyika yaJehovha vave varanda navashandiri vavo; vachatapa ivo vaiva vatapi vavo, vachabata ivo vaivamanikidza.” (Isaya 14:1, 2) “Jakobho” pano anoreva Israeri wose—ndudzi dzose 12. Jehovha acharatidza “Jakobho” tsitsi nokubvumira rudzi rwacho kudzokera kumusha. Zviuru zvevokumwe zvichaenda navo, vazhinji vaivava vachashandira vaIsraeri sevashandi vepatemberi. Vamwe vaIsraeri vachatosvika pakuva nesimba pane vaichimbova vakavapamba.c
18 Nhamo yokugara kuutapwa ichave yaenda. Panzvimbo peizvozvo Jehovha achapa vanhu vake “kuzorodza pakuchema kwa[vo] napakutambudzika kwa[vo], napakubata kwa[vo] kunorema kwa[v]akabatiswa nako.” (Isaya 14:3) Pashure pokunge asunungurwa pamutoro wouranda, Israeri haazotamburi nemarwadzo nokutambura kwokugara pakati pevanamati vavamwari venhema. (Ezra 3:1; Isaya 32:18) Richitsinhira nezveizvi, bhuku rinonzi Lands and Peoples of the Bible rinoti: “KumuBhabhironi vanamwari vake vakanga vakangoita saiye pakuti, naivowo vaiva neunhu hwakaipa kwazvo sehwake. Vaiva makwara, zvidhakwa uye mapenzi.” Kuzorodzwa kwakadini kubuda munharaunda yezvechitendero yakaipa kudaro!
19. Chii chinodikanwa kana Israeri achizowana kukanganwira kwaJehovha, uye izvi zvinotidzidzisei?
19 Kunyange zvakadaro, tsitsi dzaJehovha dzine padzinoratidzwa. Vanhu vake vanofanira kuratidza kuzvidemba nokuda kwezvakaipa zvavo, izvo zvakaita kuti Mwari avarange zvakakomba kwazvo. (Jeremia 3:25) Kureurura kwemwoyo wose pasina kuvanza kuchauyisa kukanganwira kwaJehovha. (Ona Nehemia 9:6-37; Dhanieri 9:5.) Nheyo imwe chete iyi ndeyechokwadi nhasi. Sezvo kusi“na munhu usingatadzi,” tose tinoda tsitsi dzaJehovha. (2 Makoronike 6:36) Jehovha, Mwari ane tsitsi, norudo anotikumbira kuti tireurure zvivi zvedu kwaari, titendeuke, uye tirege nzira dzose dzakaipa, kuitira kuti tiporeswe. (Dheuteronomio 4:31; Isaya 1:18; Jakobho 5:16) Izvi hazvingotibetseri kuwanazve nyasha dzake asi zvinotinyaradzawo.—Pisarema 51:1; Zvirevo 28:13; 2 VaKorinde 2:7.
“Rwiyo” Pamusoro peBhabhironi
20, 21. Vavakidzani veBhabhironi vanofara sei nokukundwa kwaro?
20 Anopfuura makore 100 Bhabhironi risati ramuka sesimba guru munyika yose, Isaya anofanotaura kuti nyika ichatii nokukundwa kwaro. Nenzira yokuprofita, anorayira vaIsraeri vakasunungurwa kuutapwa hwaro kuti: “Uchaimba rwiyo urwu pamusoro pamambo weBhabhironi, uchiti: Haiwa, mumanikidzi wapera sei! Kutambudza kwapera sei! Jehovha wavhuna mudonzvo wowakaipa, netsvimbo youshe yavabati; iye wairova marudzi avanhu nehasha nokurova kusingaperi, waibata ndudzi dzavanhu nokutambudza kusina kudzorwa nomunhu.” (Isaya 14:4-6) Bhabhironi rave nemukurumbira mukuru kwazvo somukundi, mudzvinyiriri anoita vanhu vakasununguka varanda. Zvakakodzera sei kuti kukundwa kwaro kupembererwe no“rwiyo” rwakanangidzirwa kunyanya kuimba youmambo yeBhabhironi—kutanga naNebhukadhinezari kugumira pana Nabonidus naBhershazari—vakatungamirira mumazuva embiri eguta racho guru!
21 Pachave nomusiyano sei kana rakundwa! “Nyika yose yozorora, yanyarara; vanofara nokuimba. Zvirokwazvo miti yemisipresi inofara nokuda kwako, nemisidhari yeRebhanoni, ichiti: Chinguva chawaparadzwa, hapana mutemi unokwira kutitema.” (Isaya 14:7, 8) Madzimambo enyika dzakanga dzakapoteredza, kuvatongi veBhabhironi, aiva akaita semiti yaifanira kutemwa yoshandiswa nokuda kwezvinangwa zvavo. Aha, zvose izvozvo zvapera. Mutemi wemiti yeBhabhironi atema muti wake wokupedzisira!
22. Mupfungwa yenhetembo, Sheori inonzwa sei nokukundwa kweimba youmambo yeBhabhironi?
22 Kukundwa kweBhabhironi kunoshamisa kwazvo zvokuti neguvawo chairo rinovhunduka richiti: “Sheori pasi rine nyongano pamusoro pako kuzosangana newe pakuuya kwako; rinokumutsira vakafa, ivo vose vaiva vakuru panyika; ramutsa madzimambo ose amarudzi avanhu pazvigaro zvawo zvoushe. Ivo vose vachapindura, vachiti kwauri: Newe wava usina simba sesu kanhi? Iwe wafanana nesu kanhi? Kuzvikudza kwako kwaderedzwa kusvikira paSheori, nokurira kwoudimbwa hwako; honye dziri pasi pako, nehonye dzinokufukidza.” (Isaya 14:9-11) Mufananidzo wenhetembo une simba zvakadini! Zvinoita sokuti guva revanhu vose raizomutsa madzimambo ose aya akatangira imba youmambo yeBhabhironi kufa kuitira kuti akwazise auya uyu. Vanonyomba simba riri kutonga reBhabhironi, iro zvino risisabetseri, rakarara pamubhedha wehonye panzvimbo pomubhedha unodhura, rakafukidzwa nehonye panzvimbo pemachira anodhura.
“Somutumbu Watsikwa Netsoka”
23, 24. Kuzvitutumadza kwokunyanyisa kwakadini kunoratidzwa nemadzimambo eBhabhironi?
23 Isaya anopfuudzira rwiyo rwacho achiti: “Haiwa, wawa seiko uchibva kudenga, iwe nyamasase, iwe mwanakomana wamambakwedza! Wakandwa seiko pasi, iwe wokuwisira marudzi pasi!” (Isaya 14:12) Rudado rwoudyire runoita kuti madzimambo eBhabhironi azvikwidziridze kupfuura vamwe vakaapoteredza. Kufanana nenyeredzi iri kupenya zvakajeka mudenga remambakwedza, vanoshandisa simba nechiremera nokuzvitutumadza. Chinonyanyoita kuti vazvikudze kukunda kwaNebhukadhinezari Jerusarema, chinhu chakatadza kuitwa neAsiria. Rwiyo rwunoimbwa rwacho runoratidza imba youmambo inozvikudza yeBhabhironi ichiti: “Iwe wakati mumwoyo mako: Ndichakwira kudenga, ndichakwiridza chigaro changu choushe kumusoro kwenyeredzi dzaMwari; ndichagara pamusoro pegomo reungano, pamigumo yamativi okumusoro; ndichakwira kumusoro kwamakore, ndichazvienzanisa noWokumusorosoro.” (Isaya 14:13, 14) Pane kumwe kuvhaira kungapfuura apa here?
24 MuBhaibheri madzimambo edzinza roumambo raDhavhidhi anofananidzwa nenyeredzi. (Numeri 24:17) Kubva pana Dhavhidhi zvichienda mberi, “nyeredzi” idzodzo dzakatonga dziri paGomo reZioni. Pashure pokunge Soromoni avaka temberi muJerusarema, zita rokuti Zioni rakasvika pakushanda kureva guta racho rose. Musungano yoMutemo, varume vose vevaIsraeri vaisungirwa kuenda kuZioni katatu pagore. Naizvozvo, rakava, “gomo reungano.” Nokufunga kukunda madzimambo enyika yeJudha nokuvabvisa pagomo iroro, Nebhukadhinezari ari kuzivisa chinangwa chake chokuzviisa pamusoro pe“nyeredzi” idzodzo. Haakudzi Jehovha nokuda kwokuvakunda kwake. Asi, chaizvoizvo anozviisa munzvimbo yaJehovha nokuzvitutumadza.
25, 26. Imba youmambo yeBhabhironi inoguma zvinonyadzisa sei?
25 Kuchinja kwakadini kwakamirira imba youmambo yeBhabhironi! Bhabhironi riri kure nokukwidziridzwa kupfuura nyeredzi dzaMwari. Asi, Jehovha anototi: “Kunyange zvakadaro uchaderedzwa kusvikira paSheori, kusvikira pakadzika pegomba. Vanokuona vachakucherekedza, vachakutarira, vachiti: Ko uyu ndiye munhu waidederesa nyika, waizunungusa ushe; waishandura nyika ifanane nerenje, waiparadza maguta ayo, wairamba kusunungura vasungwa vake vaende kumusha here?” (Isaya 14:15-17) Imba youmambo inozvikudza ichaburukira kuHadhesi (Sheori), sezvinongoita munhu wose.
26 Simba raikunda umambo, raiparadza nyika inobereka, uye raikunda maguta asingaverengeki richave raenda kupi zvino? Simba renyika raitora nhapwa risingambodzibvumiri kudzokera richave raenda kupi? Chokwadi, imba youmambo yeBhabhironi haizowani kunyange kuvigwa kunoremekedzwa chaiko! Jehovha anoti: “Madzimambo ose amarudzi, iwo ose, anovata achikudzwa, mumwe nomumwe paimba yake. Asi iwe warashwa kure nohwiro hwako, sedavi rinonyangadza wafukidzwa navakaurawa, vakabayiwa nomunondo, vanoburukira kumabwe egomba, somutumbu watsikwa netsoka. Haungavigwi pamwe chete navo, nokuti wakaparadza nyika yako, vakauraya vanhu vako; vana vavakaipa havangarehwi nokusingaperi.” (Isaya 14:18-20) Munguva dzekare, zvaionekwa sezvainyadzisa kuti mambo asavigwa zvinoremekedzwa. Saka, zvakadini neimba youmambo yeBhabhironi? Ichokwadi kuti mamwe madzimambo pamwe anoradzikwa nokuremekedzwa, asi imba youmambo yemadzimambo akabva kuna Nebhukadhinezari inobviswa “sedavi rinonyangadza.” Zvinoita sokuti imba youmambo yacho yakangokandirwa muhwiro husina chiratidzo—kungoita somumwewo murwi zvake wetsoka aurawa muhondo. Kunyadziswa kwakadini!
27. Zvizvarwa zvinotevera zveBhabhironi zvinotambura sei nokuda kwekushata kwemadzibaba azvo?
27 Rwiyo rwacho rwunoguma nomurayiro wokupedzisira kuvaMedhia nevaPersia vanokunda wokuti: “Gadzirirai vana vake pavangaurawa nokuda kwokushata kwamadzibaba avo; varege kuzomuka, vagare nhaka yenyika, vazadze pasi pose namaguta.” (Isaya 14:21) Kukundwa kweBhabhironi kuchagara zvachose. Imba youmambo yeBhabhironi ichadzurwa. Hapazovi nenguva yokumukazve. Zvizvarwa zvinotevera zveBhabhironi zvichatambura nemhaka ye“kushata kwamadzibaba avo.”
28. Chii chakanga chiri mudzi wechivi chemadzimambo eBhabhironi, uye tinodzidzei apa?
28 Kutonga kwakaziviswa nokuda kweimba youmambo yeBhabhironi kunotipa chidzidzo chinokosha. Mudzi wechivi chemadzimambo eBhabhironi wakanga uri kuzvikudza kwavo kusina mugumo. (Dhanieri 5:23) Mwoyo yavo yakanga yakazadzwa nokuda simba. Vakanga vachida kudzora vamwe. (Isaya 47:5, 6) Uye vaichiva kupiwa mbiri nevanhu, iyo nenzira yakakodzera iri yaMwari. (Zvakazarurwa 4:11) Iyi inyevero kune vose vane chiremera—kunyange muungano yechiKristu. Kuzvikudza nokudada kwoudyire unhu uhwo Jehovha asingazoshiviriri, mungave muvanhu vakazvimirira kana kuti mumarudzi.
29. Rudado nokuzvikudza zvevatongi veBhabhironi zvairatidzira chii?
29 Rudado rwevatongi veBhabhironi rwakanga rwuri kuratidzwa kwemudzimu wa“mwari wegadziriro ino yezvinhu,” Satani Dhiyabhorosi. (2 VaKorinde 4:4) Iyewo anochiva simba uye anoshuva kuzviisa pamusoro paJehovha Mwari. Sezvaiita mambo weBhabhironi nevanhu vaaikunda, kuzvikudza kusiri kutsvene kwaSatani kwakaguma nenhamo nokutambura kwevanhu vose.
30. Nderipi rimwe Bhabhironi rinotaurwa muBhaibheri, uye rakaratidza mudzimu wechii?
30 Uyezve, mubhuku raZvakazarurwa, tinorava nezverimwe Bhabhironi—“Bhabhironi Guru.” (Zvakazarurwa 18:2) Sangano iri, dzimbahwe rechitendero chenhema chenyika yose, rakaratidzawo mudzimu worudado, kudzvinyirira, uye utsinye. Somugumisiro, nairowo rinofanira kutarisana ne“zuva raJehovha” roparadzwa munguva yaMwari yakafanira. (Isaya 13:6) Kubva muna 1919 shoko rakanzwika pasi pose rokuti: “Bhabhironi Guru rawa!” (Zvakazarurwa 14:8) Parakatadza kuramba rakatapa vanhu vaMwari, rakakundwa. Nokukurumidza richaparadzwa zvachose. NezveBhabhironi rekare, Jehovha akarayira kuti: “Muritsive parakabata napo, zvose zvarakaita iro muriitire saizvozvo, nokuti rakaita manyawi pamberi paJehovha, pamberi poMutsvene waIsraeri.” (Jeremia 50:29; Jakobho 2:13) Bhabhironi Guru richatongwa saizvozvowo.
31. Chii chichaitika nokukurumidza kuBhabhironi Guru?
31 Saka, shoko raJehovha rokupedzisira rouprofita uhwu huri mubhuku raIsaya rinoshanda kwete kuBhabhironi rekare bedzi asiwo kuBhabhironi Guru rokuti: “Ndichavamukira, ndichatorera Bhabhironi zita navakasara, navana navana vavana, . . . Ndichariita nzvimbo inogarwa nenungu, uye madziva emvura; ndicharitsvaira nomutsvairo wokuparadza.” (Isaya 14:22, 23) Matongo akaparadzwa eBhabhironi rekare anoratidza zvichaitwa naJehovha nokukurumidza kuBhabhironi Guru. Inyaradzo yakadini kune vanoda kunamata kwechokwadi! Ikurudziro yakadini yokuedza kusambobvumira unhu hwaSatani hworudado, kuzvikudza, uye utsinye kutanga patiri!
[Mashoko Omuzasi]
a Isaya anotaura vaMedhia chete nezita, asi nyika dzinoverengeka dzichakutsirana Bhabhironi—Medhia, Persia, Erami, nedzimwe nyika duku. (Jeremia 50:9; 51:24, 27, 28) Nyika dzakavakidzana dzinoreva vaMedhia nevaPersia se“vaMedhia.” Uyezve, muzuva raIsaya, Medhia ndiro simba guru. Persia inongozova simba guru mukutonga kwaKoreshi.
b Zvisinei, zvinoratidza sokuti gare gare vaMedhia nevaPersia vakatanga kuda kwazvo zvinhu zvemaoresa.—Estere 1:1-7.
c Somuenzaniso, Dhanieri akagadzwa somukuru mukuru muBhabhironi mukutonga kwevaMedhia nevaPersia. Uye anenge makore 60 gare gare, Estere akava mambokadzi waMambo wePersia Ahasuerosi, uye Mordekai akava puraiminisita woUmambo hwePersia hwose.
[Mufananidzo uri papeji 178]
Bhabhironi rakakundwa richava ugaro hwezvisikwa zvomugwenga
[Mifananidzo iri papeji 186]
Kufanana neBhabhironi rekare, Bhabhironi Guru richava murwi wematongo