Chitsauko 4
Imba yaJehovha Inokwidziridzwa
1, 2. Mashoko api akanyorwa pamadziro echivako cheSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose, uye akabva kupi?
“VACHAPFURA minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.” Mashoko aya akanyorwa pamadziro echivako cheSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose (UN) chiri muNew York City. Kwemakumi emakore kwakabva mashoko iwayo hakuna kuziviswa. Sezvo chinangwa cheUN chiri chokushandira rugare rwenyika yose, zvakanga zviri nyore kugumisa kuti mashoko acho akabva kuvakatanga UN, muna 1945.
2 Zvisinei, muna 1975, zita rokuti Isaya rakaita zvokutemerwa pamadziro acho nechapazasi pemashoko iwayo. Ipapo zvakava pachena kuti mashoko acho haasi anhasi. Kutaura chokwadi, akanyorwa seuprofita anopfuura makore 2 700 adarika mune chave zvino chitsauko chechipiri chebhuku raIsaya. Kwezviuru zvemakore vanoda rugare vakafungisisa kuti zvinhu zvakafanotaurwa naIsaya zvichazadzika rini uye sei. Hazvichambodi kuita zvokufungidzira. Nhasi tiri kuzvionera kuzadzika kwouprofita uhwu hwekare kunoshamisa.
3. Marudzi anopfura minondo yawo kuva miromo yemapadza ndivanaani?
3 Marudzi anopfura minondo yawo kuva mapadza ndivanaani? Zvechokwadi, haasi marudzi ezvamatongerwe enyika nehurumende zvanhasi. Kusvika zvino marudzi aya akagadzira minondo, kana kuti zvombo, zvokurwa nazvo pamwe nokuchengeta “rugare” nesimba. Zvazviri chaizvo ndezvokuti, marudzi ave achipfura mapadza achiaita minondo! Uprofita hwaIsaya hunozadzika pavamiririri vemarudzi ose, vanhu vanonamata Jehovha, “Mwari worugare.”—VaFiripi 4:9.
Marudzi Anodirana Achienda Kukunamata Kwakachena
4, 5. Ndima dzokutanga dzechitsauko chechipiri chaIsaya dzinofanotaurei, uye chii chinosimbisa kuti mashoko iwayo akavimbika?
4 Chitsauko chechipiri chaIsaya chinotanga nemashoko aya: “Shoko rakaonekwa naIsaya, mwanakomana waAmozi, pamusoro paJudha neJerusarema. Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, richakwiridzwa kupfuura zvikomo; marudzi ose achamhanyira kwariri.”—Isaya 2:1, 2.
5 Ona kuti izvo Isaya anofanotaura hazvisi zvokungofungidzira. Isaya anorayirwa kunyora zviitiko zvi“chaitika”—pasina kukundikana. Zvipi nezvipi izvo Jehovha anopikira zvi“chaendika.” (Isaya 55:11) Sezviri pachena kusimbisa kuvimbika kwechipikirwa chake, Mwari akafuridzira muprofita Mika, akararama nguva yaIsaya, kunyora mubhuku rake uprofita hwakafanana nehwakanyorwa pana Isaya 2:2-4.—Mika 4:1-3.
6. Uprofita hwaIsaya hunozadzika rini?
6 Uprofita hwaIsaya huchazadzika rini? “Pamazuva okupedzisira.” New International Version inoti: “Mumazuva okupedzisira.” Magwaro echiKristu echiGiriki akafanotaura zvinhu zvaizoratidza nguva iyi. Pakati pazvo panosanganisira hondo, kudengenyeka kwenyika, zvirwere, kuperevedza kwezvokudya, ne“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.”a (2 Timoti 3:1-5; Ruka 21:10, 11) Kuzadzika kwouprofita hwakadaro kunopa uchapupu hwakawanda hwokuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira,” mazuva okupedzisira egadziriro yezvinhu yenyika ino. Saka, zvinonzwisisika kuti taizotarisira kuona kuzadzika kwezvinhu izvo Isaya akafanotaura munguva yedu.
Gomo Rokunamatira
7. Isaya anorondedzera mufananidzoi wouprofita?
7 Mumashoko mashomanene, Isaya anorondedzera mufananidzo wakajeka wouprofita. Tinoona gomo refu refu, rine imba inobwinya panhongonya, temberi yaJehovha. Gomo iri rakareba kupfuura makomo nezvikomo zvakapoteredza. Asi harityisi, kana kuvhundutsira; rinofadza. Vanhu vemarudzi ose vanoda kwazvo kukwira kugomo reimba yaJehovha; vanomhanyirako. Izvi zviri nyore kuona mupfungwa, asi zvinorevei?
8. (a) Zvikomo nemakomo zvinobatanidzwa nechii muzuva raIsaya? (b) Kumhanyira kwemarudzi ku“gomo reimba yaJehovha” kunofananidzirei?
8 Muzuva raIsaya zvikomo nemakomo zvinowanzobatanidzwa nokunamata. Somuenzaniso, ndidzo nzvimbo dzokunamatira zvidhori neartari dzavanamwari venhema. (Dheuteronomio 12:2; Jeremia 3:6) Zvisinei, imba kana kuti temberi yaJehovha inoshongedza pamusoro peGomo reMoria muJerusarema. VaIsraeri vakatendeka vanoenda kuJerusarema katatu pagore vokwira Gomo reMoria kuti vanonamata Mwari wechokwadi. (Dheuteronomio 16:16) Naizvozvo kumhanyira kwemarudzi ku“gomo reimba yaJehovha” kunomirira kuungana kwemarudzi mazhinji mukunamata kwechokwadi.
9. “Gomo reimba yaJehovha” rinomirirei?
9 Ichokwadi kuti nhasi, vanhu vaMwari havaungani pagomo chairo rine temberi yemabwe. Temberi yaJehovha muJerusarema yakaparadzwa nemauto eRoma muna 70 C.E. Kunze kwezvo, muapostora Pauro akajekesa kuti temberi yaiva muJerusarema netabhernakeri yokutanga zvaiva zvokufananidzira. Zvaimirira chimwe chinhu chaicho chikuru, chomudzimu, “tende rechokwadi, iro Jehovha akamisa, kwete munhu.” (VaHebheru 8:2) Tende iroro romudzimu igadziriro yokusvika kuna Jehovha mukunamata kwakavakirwa pachibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. (VaHebheru 9:2-10, 23) Maererano neizvi, “gomo reimba yaJehovha” rinotaurwa pana Isaya 2:2 rinomirira kunamatwa kwaJehovha kwakakwidziridzwa kwemunguva yedu. Avo vanowana kunamata kwakachena havaungani pane imwe nzvimbo chaiyo; vanoungana mukubatana kwekunamata.
Kukwidziridzwa Kwekunamata Kwakachena
10, 11. Kunamatwa kwaJehovha kwakakwidziridzwa mupfungwai muzuva redu?
10 Muprofita anotaura kuti “gomo reimba yaJehovha,” kana kuti kunamata kwakachena, raizo“simbiswa pamusoro pamakomo” ro“kwiridzwa kupfuura zvikomo.” Nguva refu Isaya asati avapo, Mambo Dhavhidhi akaunza areka yesungano kuGomo reZioni muJerusarema, rakanga rakakwirira mamita 760 kubva pagungwa. Ipapo areka yakagara kusvikira yatamisirwa kutemberi yakanga yapera paGomo reMoria. (2 Samueri 5:7; 6:14-19; 2 Makoronike 3:1; 5:1-10) Saka, muzuva raIsaya areka tsvene yakanga yatoita zvokukwidziridzwa chaizvoizvo ndokuiswa mutemberi, munzvimbo yakanga yakakwirira kupfuura zvikomo zvizhinji zvakanga zvakapoteredza zvaishandiswa mukunamata kwenhema.
11 Chokwadi, mupfungwa yomudzimu, kunamatwa kwaJehovha kwakangogara kwakakwirira kupfuura miitiro yezvechitendero yevanonamata vanamwari venhema. Zvisinei, muzuva redu, Jehovha akakwidziridza kunamatwa kwake kuenda kudenga, kupfuura marudzi ose okunamata kusina kuchena, hungu, kukwirira kupfuura “zvikomo” zvose ne“makomo.” Sei? Kunyanya nokuunganidzwa pamwe chete kweavo vanoda kumunamata “nomudzimu nechokwadi.”—Johani 4:23.
12. “Vanakomana voumambo,” ndivanaani uye kuunganidzai kwakaitika?
12 Kristu Jesu akataura nezve“kuguma kwegadziriro yezvinhu” senguva yekukohwa apo ngirozi dzaizounganidza “vanakomana voumambo”—avo vane tariro yokutonga naJesu mukubwinya kwokudenga. (Mateu 13:36-43) Kubvira muna 1919, Jehovha akapa simba “vakanga vasara,” vevanakomana ava kuti vashande nengirozi mubasa rokukohwa. (Zvakazarurwa 12:17) Saka kutanga, “vanakomana voumambo,” hama dzakazodzwa dzaJesu, ndivo vanounganidzwa. Ivo vanozoitawo basa rokuunganidza rinotevera.
13. Jehovha akakomborera sei vakazodzwa vasara?
13 Munguva ino yokukohwa, Jehovha pashoma nepashoma akabetsera vakazodzwa vasara kunzwisisa nokushandisa Shoko rake Bhaibheri. Izviwo zvakabetsera kukwidziridza kunamata kwakachena. Kunyange zvazvo ‘rima richifukidza nyika, uye rima gobvu mapoka emarudzi,’ vakazodzwa vari “kupenya . . . sezvivheneko” pakati pevanhu, pashure pokunge vacheneswa nokunatswa naJehovha. (Isaya 60:2; VaFiripi 2:15) Vachi“zadzw[a] nezivo yakarurama pamusoro pokuda kwake nokuchenjera kwose nokunzwisisa kwomudzimu,” vakazodzwa nomudzimu ava vari ku“penya zvakajeka sezuva muumambo hwaBaba vavo.”—VaKorose 1:9; Mateu 13:43.
14, 15. Kuwedzera kukuunganidzwa kwe“vanakomana voumambo” kuunganidzai kwakaitika, uye izvi zvakafanotaurwa sei naHagai?
14 Uyezve, vamwe vakamhanyira ku“gomo reimba yaJehovha.” Vakanzi naJesu “mamwe makwai” ake, ava vane tariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi. (Johani 10:16; Zvakazarurwa 21:3, 4) Kutangira muma1930, vakaonekwa vari zviuru, vakazoita mazana ezviuru, uye zvino vava mamiriyoni! Mune zvakaratidzwa muapostora Johani, vanorondedzerwa se“boka guru revanhu, vakanga vasina munhu aikwanisa kuverenga, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.”—Zvakazarurwa 7:9.
15 Muprofita Hagai akafanotaura nezvokuonekwa kweboka guru iri. Akanyora kuti: “Nokuti zvanzi naJehovha wehondo: Kamwe chete, kwasara chinguva chiduku, ndichazunungusa denga rose, nenyika negungwa, nenyika yakaoma; ndichazunungusa ndudzi dzose; zvose zvinodikanwa nendudzi dzose [avo vanobatana navakristu vakazodzwa mukunamata kwakachena] zvichauya; ndichazadza imba ino nokubwinya—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” (Hagai 2:6, 7) Kuvapo kwe“vazhinji-zhinji” ava vachiri kuwedzera pamwe nevamwe vavo vakazodzwa kunokwidziridza, hungu kunopa mbiri, kunamata kwakachena muimba yaJehovha. Hazvina kumboitika kubva kare kwose kuva nevakawanda zvakadaro vakaverengwa sevakabatana mukunamata Mwari wechokwadi, uye izvi zvinounza mbiri kuna Jehovha naMambo wake akagadzwa pachigaro choumambo, Jesu Kristu. Mambo Soromoni akanyora kuti: “Ukuru hwamambo hunoonekwa pakuwanda kwavanhu.”—Zvirevo 14:28.
Kunamata Kunokwidziridzwa Muupenyu Hwavanhu
16-18. Kuchinjai kwakaita vamwe kuti vanamate Jehovha nenzira inogamuchirika?
16 Jehovha anofanira kurumbidzwa pazvose nokuda kwokukwidziridzwa kwekunamata kwakachena munguva yedu. Kunyange zvakadaro, avo vanoenda kwaari vane ropafadzo yokuitawo basa iri. Sezvo zvichida simba kukwira gomo, naizvozvo zvinodawo simba kudzidza nokurarama maererano nomwero wakarurama waMwari. Kufanana nevaKristu vomuzana rokutanga remakore, vashumiri vaMwari nhasi vakasiya mararamire nemiitiro zvisingawirirani nokunamata kwechokwadi. Zvifeve, vanamati vezvidhori, mhombwe, mbavha, vanhu vanokara, zvidhakwa, nevamwe vakachinja nzira dzavo uye va“kagezwa [va]kachena” mukuona kwaMwari.—1 VaKorinde 6:9-11.
17 Muenzaniso ndewezvakaitika kune mumwe mukadzi muduku uyo akanyora kuti: “Ndakanga ndakamborasika ndisina tariro. Ndairarama upenyu hwounzenza noudhakwa. Ndakaita zvirwere zvounzenza. Ndaitengesawo zvinodhaka uye hapana chinhu chandakanga ndine basa nacho.” Adzidza Bhaibheri, akachinja zvikuru kuti awirirane nemitemo yaMwari. Zvino anoti: “Ndine rugare mundangariro, kuzviremekedza, tariro yenguva yemberi, mhuri chaiyo uye, kupfuura zvose, ukama naBaba vedu, Jehovha.”
18 Kunyange pashure pokuva noukama hunotenderwa naJehovha, vose vanofanira kuramba vachikwidziridza kunamata kwakachena nokukupa nzvimbo yakakwirira muupenyu hwavo. Zviuru zvemakore zvakapfuura, achishandisa Isaya, Jehovha akaratidza chivimbo chake chokuti kwaizova nevazhinjizhinji nhasi vanoda kwazvo kuita kuti kunamatwa kwake kuve chinhu chinokosha zvikuru muupenyu hwavo. Uri pakati pavo here?
Vanhu Vakadzidziswa Nzira yaJehovha
19, 20. Vanhu vaMwari vanodzidziswa chii, uye kupi?
19 Isaya anotiudza zvimwe nezveavo vanogamuchira kunamata kwakachena nhasi. Anoti: “Vanhu vazhinji vachaendako vachiti: Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye uchatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake; nokuti murayiro uchabva paZioni, shoko raJehovha richabva Jerusarema.”—Isaya 2:3.
20 Jehovha haaregi vanhu vake vachidzungaira semakwai akarasika. Achishandisa Bhaibheri nemabhuku eBhaibheri, anovapa “murayiro” wake ne“shoko” rake kuitira kuti vadzidze nzira dzake. Zivo iyi inovashongedzera ku“famba mumakwara ake.” Nemwoyo yakazara nekuonga uye maererano nenhungamiro yaMwari, vanotaurirana nezvenzira dzaJehovha. Vanoungana pakokorodzano huru uye mumapoka maduku—paHoro dzoUmambo uye mudzimba dzavo—kuti vateerere vagodzidza nzira dzaMwari. (Dheuteronomio 31:12, 13) Saka vanotevera tsika yevaKristu vepakuvamba, vaiungana kuti vakurudzirane, nokumutsana kuti vave ‘norudo namabasa akanaka’ akawanda.—VaHebheru 10:24, 25.
21. Vashumiri vaJehovha vanoitawo basa ripi?
21 Vanokokera vamwe kuti va“kwire” kukunamatwa kwaJehovha Mwari kwakakwidziridzwa. Izvi zvinopindirana sei nomurayiro uyo Jesu akapa vadzidzi vake nguva pfupi asati akwira kudenga! Akavaudza kuti: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Zvichitsigirwa naMwari, Zvapupu zvaJehovha zvichiteerera zvinoenda munyika yose, zvichidzidzisa nokuita vadzidzi, nokuvabhabhatidza.
Minondo Kuva Mapadza
22, 23. Isaya 2:4 inofanotaurei, uye mumwe mukuru mukuru weUN akati chii nezvayo?
22 Zvino tinosvika pandima inotevera, iyo ine chimwe chikamu chayo chakanyorwa pamadziro echivako cheUN. Isaya anonyora kuti: “Iye uchatonga pakati pamarudzi, noku[gadzirisa zvinhu pakutaura nezve]vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.”—Isaya 2:4.
23 Kuita izvi harisi basa riri nyore. Federico Mayor, mutungamiriri weUnited Nations Educational, Scientific, and Cultural Organization, akamboti: “Ushati hwose hwehondo, hwatinoona tiri mudzimba mazuvano pamidziyo yemagetsi inoratidza pamwe nokutaura, hahuratidziki sohunokwanisa kumisa kufambira mberi kwemuchina wehondo mukuru wakamiswa ndokutarisirwa kwemazana emakore. Zvizvarwa zvazvino zvine basa rinenge risingabviri riri muBhaibheri ro‘kupfura minondo yazvo kuva mapadza’ nokuchinja kubva kupfungwa yehondo—yakatangwa kubva kunguva isingazivikanwi—kukunzwa kwokuda rugare. Kuita izvi kungava chiito chakanakisisa uye chiito chomutsa zvikuru icho vanhu vari mu‘nyika yose’ vangagona kuita, uye chipo chakanakisisa kuvazukuru vedu.”
24, 25. Mashoko ouprofita hwaIsaya anozadzika kunaani, uye munzirai?
24 Marudzi ose zvawo haafi akaita chinangwa chakakwirira ichi. Zvinhu zvavasingambogoni. Mashoko aIsaya anozadzikwa nevanhu vanobva mumarudzi mazhinji, vanobatanidzwa mukunamata kwakachena. Jehovha aka“gadzirisa zvinhu” pakati pavo. Akadzidzisa vanhu vake kugarisana norugare. Chokwadi, munyika yakakamukana izere noruvengo, vakapfura “minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti” nenzira yokufananidzira. Sei?
25 Chokutanga, havana divi ravanotsigira muhondo dzemarudzi. Nguva pfupi Jesu asati afa, varume vakanga vane zvombo vakauya kuzomusunga. Petro paakashandisa bakatwa rake kucheka kuti adzivirire Tenzi wake, Jesu akati kwaari: “Dzorera bakatwa rako munzvimbo yaro, nokuti vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” (Mateu 26:52) Kubvira ipapo, vanotevera tsoka dzaJesu vakapfura minondo yavo kuva mapadza uye vakadzivisa kutora zvombo kuti vauraye vamwe vanhu uye havatsigiri mabasa ehondo nedzimwe nzira. Vano‘tevera rugare nevanhu vose.’—VaHebheru 12:14.
Kutsvaka Nzira Dzorugare
26, 27. Vanhu vaMwari vano‘tsvaka rugare vorutevera’ sei? Ipa muenzaniso.
26 Rugare rwaMwari runopfuura kungoramba kurwa. Kunyange zvazvo vachiwanikwa munyika dzinopfuura 230 uye vachimirira mitauro isingaverengeki netsika, vanogarisana norugare pachavo. Mavari munowanikwa kuzadzika kwazvino kwemashoko aJesu, uyo akati kuvadzidzi vake muzana rokutanga remakore: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) VaKristu nhasi “vatsvaki vorugare.” (Mateu 5:9, NW, mashoko omuzasi) Vano‘tsvaka rugare vorutevera.’ (1 Petro 3:11) Anovatsigira ndiJehovha, “Mwari anopa rugare.”—VaRoma 15:33.
27 Kune mienzaniso inoshamisa yevakadzidza kuva vatsvaki vorugare. Rimwe jaya rinonyora nezveupenyu hwaro hwakare richiti: “Zvakaitika kwandiri zvakaoma zvakandidzidzisa nzira yokuzvidzivirira nayo. Zvakandiita kuti ndive ndinotyisa uye ndakagumbuka noupenyu hwangu. Ndaiwanzoguma ndave kurwa. Zuva rimwe nerimwe ndairwa nomumwe mwana wemunzvimbo yedu, dzimwe nguva nezvibhakera, dzimwe nguva nematombo kana kuti nemabhodhoro. Ndakakura ndichiita zvechisimba.” Zvisinei, pakupedzisira akabvuma paakakokwa kukwira ku“gomo reimba yaJehovha.” Akadzidza nzira dzaMwari, uye akava mushumiri waMwari anotsvaka rugare.
28. Chii icho vaKristu vangaita kuti vatevere rugare?
28 Vashumiri vaJehovha vazhinji havatangi vari vanhu vechisimba kudaro. Kunyange zvakadaro, mune zvimwe zvinhu zviduku kwazvo—mabasa omutsa, kukanganwira, uye tsitsi—vanoedza kukurudzira rugare nevamwe. Kunyange zvazvo vasina kukwana vanoedza kushandisa zano reBhaibheri rokuti “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana zvikuru kana pane munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe.”—VaKorose 3:13.
Nguva Yemberi Yorugare
29, 30. Itariroi iripo yepasi?
29 Jehovha akaita chinhu chinoshamisa mu“mazuva okupedzisira.” Akaunganidza vanhu vanoda kumunamata kubva kumarudzi ose. Akavadzidzisa kufamba munzira dzake, nzira dzorugare. Ivava ndivo vachapona pa“kutambudzika kukuru” kuri kuuya ndokupinda munyika itsva ine rugare umo hondo ichagumiswa zvachose.—Zvakazarurwa 7:14.
30 Minondo—zvombo—zvinenge zvisisiko. Munyori wepisarema akanyora nezvenguva iyoyo achiti: “Uyai muone mabasa aJehovha, zvishamiso zvaakaita panyika. Unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; unovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; unopisa ngoro dzokurwa nomoto.” (Pisarema 46:8, 9) Tichifunga nezvetarisiro yakadaro, kurudziro yaIsaya inotevera yakangokodzera nanhasi sezvayaive paakainyora achiti: “Iwe imba yaJakobho, uyai tifambe muchiedza chaJehovha.” (Isaya 2:5) Hungu, regai chiedza chaJehovha chivhenekere nzira yedu zvino, uye tichafamba munzira yake nokusingaperi.—Mika 4:5.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, chitsauko 11, “Aya Mazuva Okupedzisira!,” rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.