Vagari Pamwe Mu“nyika” Yakadzorerwa
“Asi imi muchanzi vaprista vaJehovha, vanhu vachakutumidzai vashumiri vaMwari wedu.”—ISAYA 61:6.
1, 2. (a) Chii chakanga chiri mamiriro ezvinhu avaproserite muna Israeri? (b) Mitezo ye“boka guru” yakaratidza mudzimui munguva dzazvino uno?
MUNGUVA dzakare, Israeri apo aiva akatendeka akabatira pachiono chenyika sechapupu kumbiri yaJehovha. (Isaya 41:8, 9; 43:10) Vokumwe vakawanda vakadavidza ndokuuya kuzonamata Jehovha mukusonganira navanhu Vake vakasarudzwa. Chaizvoizvo, vakataura kuna Israeri izvo Rute akataura kuna Naomi, kuti: “Vanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu uchava Mwari wangu.” (Rute 1:16) Vakazviisa pasi pegadziriro yesungano yoMutemo, varume vachidzingiswa. (Eksodho 12:43-48) Vamwe vavakadzi vakaroorwa navaIsraeri. Rakabhi weJeriko naRute muMoabhikadzi vakava vakare vaJesu Kristu. (Mateo 1:5) Vaproserite vakadaro vaiva rutivi rweungano yaIsraeri.—Dheuteronomio 23:7, 8.
2 Kufanana navaproserite vaiva muna Israeri, “boka guru” nhasi rakati kuvakasarira vakazodzwa: “Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi.” (Zvakazarurwa 7:9, NW; Zekaria 8:23) Vanoziva kuti ava vaKristu vakazodzwa ndivo “muranda akatendeka, akangwara,” waJehovha uye vanosanoshanda pamwe navo zvokuti vakazodzwa na“mamwe makwai” i“boka rimwe, nomufudzi mumwe.” (Mateo 24:45-47; Johane 10:16) Chii chichaitika kuboka guru apo hama dzaro dzose dzakazodzwa dzinogamuchira tuso yadzo yokudenga? Havadikanirwi kutya. Mu“mazuva okupedzisira” ano ose, Jehovha akaita gadziriro nokuda kwenguva iyoyo.—2 Timotio 3:1.
“Nyika” Yomudzimu
3. Chii chiri “matenga matsva” akaporofitwa naPetro, uye akavamba rini?
3 Gadziriro inodzora yokudenga iyo vaKristu vakazodzwa vane 144 000 vachava rutivi rwayo yakaporofitwa nomuapostora Petro. Iye akati: “Kune matenga matsva nepasi idzva zvatakamirira maererano nokupikira kwake, uye muna izvozvi kururama kuchagara.” (2 Petro 3:13, NW) Aya “matenga matsva” akavamba muna 1914, apo Kristu akagadzwa pachigaro saMambo muUmambo hwokudenga. Asi zvakadiniko ne“pasi idzva”?
4. (a) Chiitikoi chisingakarirwi chakaitika muna 1919? (b) Chii chakanga chiri ‘rudzi rwakaberekwa panguva imwe chete,’ uye chii chakanga chiri ‘nyika yakaunzwa namarwadzo okubereka’?
4 Muna 1919, Jehovha akabudisa vakasarira vakazodzwa muutapwa kuBhabhironi Guru. (Zvakazarurwa 18:4) Kuvatungamiriri vechiKristudhomu, ichi chiitiko chinoshamisa chakanga chisingakarirwi chose chose. Nezvacho, Bhaibheri rinoti: “Ndianiko wakambonzwa chinhu chakadai? Ndiani wakamboona zvinhu zvakadai? Nyika ingaberekwa nezuva rimwe here? Rudzi rwavanhu rungazvarwa pakarepo?” (Isaya 66:8) Apo rudzi rwakazodzwa rwakaerekana rwaoneka pamberi pamarudzi savanhu vakasunungurwa, zvirokwazvo rwakanga rwuri rudzi rwaka“zvarwa pakarepo.” Chii, kunyange zvakadaro, chakanga chiri “nyika” yacho? Mupfungwa yakati, yakanga iri enzano yomudzimu yakafanana yenyika yaIsraeri wekare. Yakanga iri nzvimbo yemubato wakapiwa “rudzi” rwuchangoberekwa, nzvimbo umo zviporofita zveParadhiso zvebhuku raIsaya zvine zadziko yazvino uno, yomudzimu. (Isaya 32:16-20; 35:1-7; enzanisa naVaHebheru 12:12-14) Kupi nokupi uko muKristu angava mumuviri, ari mu“nyika” iyoyo.
5. Musimbotii wakavapo muna 1919? Tsanangura.
5 Ikoku kwaiva nechii chokuita ne“pasi idzva” rakaporofitwa naPetro? Eya, “rudzi” rutsva irworwo, rwakaberekwa muna 1919 mu“nyika” yakadzorerwa, rwaifanira kukura kuva sangano renyika yose rakaumbwa navarumbidzi vaJehovha vakazodzwa uye vasina kuzodzwa. Iri sangano richapukunyuka Armagedhoni ndokupinda munyika itsva yaMwari. Munzira iyi rudzi irworwo rwunogona kurangarirwa semusimboti wenzanga yakarurama yerudzi rwemunhu, pasi idzva, iro richavapo pashure pokuparadzwa kwenyika yaSatani.a Pakuzosvika pakati pama 1930, vakazodzwa, seboka, vakanga vaunganidzirwa munyika yakadzorerwa. Kubvira panguva iyeyo, simbiso yave iri pakuunganidza boka guru ramamwe makwai, iro nhasi rinosvika anodokusvika mamiriyoni mashanu. (Zvakazarurwa 14:15, 16) “Nyika” yacho ine vanhu vakawandisa here? Aiwa, miganhu yayo inogona kutambanudzwa zvakafara sezviri madikanwa. (Isaya 26:15) Zvirokwazvo, kunofadza kuona vagari vayo vachiwedzera sezvo vakasarira vakazodzwa vanozadza “nyika” ne“zvibereko”—zvokudya zvomudzimu zvinopa utano, zvinopa simba. (Isaya 27:6) Asi chii chiri nzvimbo yaaya mamwe makwai mu“nyika” yakadzorerwa yavanhu vaMwari?
Vokumwe Vanoshingaira mu“Nyika”
6. Vokumwe vave vachishingaira sei mu“nyika” yavanhu vaMwari?
6 Kungofanana navaproserite vaiva munyika yaIsraeri vakazvipa kuMutemo waMosesi, boka guru nhasi mu“nyika” yakadzorerwa rinoteerera mirayiro yaJehovha. Vadzidziswa nehama dzavo dzakazodzwa, vanorega kunamata kwenhema muzvimiro zvakwo zvose uye vanochengeta utsvene hweropa. (Mabasa 15:19, 20; VaGaratia 5:19, 20; VaKorose 3:5) Vanoda Jehovha nemwoyo wavo wose, ndangariro, mweya, uye simba nokuda muvakidzani wavo saivo vamene. (Mateo 22:37; Jakobho 2:8) Muna Israeri wekare vaproserite vakabetsera nokuvakwa kwetembere yaSoromoni uye vakatsigira kudzorerwa kwokunamata kwechokwadi. (1 Makoronike 22:2; 2 Makoronike 15:8-14; 30:25) Nhasi, boka guru rinogoveranawo mumabasa okuvaka. Somuenzaniso, vanobetsera kuvaka ungano namatunhu, tisingatauri nezvemabasa okuvaka chaiko, akadai seHoro dzoUmambo, Horo dzaMagungano, uye zvivako zvebazu.
7. Chii chakaitika kuJerusarema rapashure poutapwa apo kwakanga kusina vaRevhi vakakwana kuti vaite mabasa apatemberi?
7 Muna 537 B.C.E., apo Israeri akadzoka kubva muutapwa muBhabhironi, vakatanga kuronga basa panzvimbo yetembere. Zvisinei, vaRevhi vakadzokera vakanga vasina kuwanda zvikuru. Nokudaro, vaNetinimi—vagari vokumwe vakadzingiswa avo vaichimbova vabetseri vavaRevhi—vakapiwa ropafadzo dzakawedzerwa mubasa romutemberi. Vakanga vasiri vaenzani, zvisinei, vevaprista vakazodzwa vomumutsara waAroni.b—Ezra 7:24; 8:15-20; Nehemia 3:22-26.
8, 9. Mamwe makwai akava sei negoverano inowedzera yebasa rokuita basa rinoyera mukati memazuva okupedzisira?
8 VaKristu vakazodzwa nhasi vakatevera uyu mutoo. Sezvo “nguva yokupedzisira” yafambira mberi, vakasarira vevakazodzwa vazova vashomanene zvikuru mu“nyika” yavanhu vaMwari. (Dhanieri 12:9; Zvakazarurwa 12:17) Nemhaka yaikoku, boka guru zvino rinoita wakawanda zvikurusa wemitoro yoku“shumira.” (Zvakazarurwa 7:15) Vachitevera nhungamiro yehama dzavo dzakazodzwa, vano“bayira Mwari naye chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake.” Ivo hava“kanganw[e] kuita zvakanaka nokugovana;” vachiziva kuti “Mwari unofara nezvibayiro zvakadai.”—VaHebheru 13:15, 16.
9 Uyezve, neboka guru richiwedzera nemazana ezviuru gore rimwe nerimwe, pane dikanwo inoramba ichiwedzera yokutarisira. Pane imwe nguva iyoyi yaiitwa chose chose navaKristu vakazodzwa. Zvino, kutarisirwa kweungano dzakawanda zvikurusa, pamwe chete nematunhu, maruwa uye mapazu, nemhaka yokudikanwa kwakaronzeswa mamwe makwai. Muna 1992 vashomanene vaivava vakapiwa ropafadzo yokupinda misangano yamatare eMutumbi Unodzora uye vachibatira sevabetseri vasingasarudzi. Zvisinei, mamwe makwai anoramba akavimbika kuvaKristu biyavo vakazodzwa uye vanonzwa vakaropafadzwa kuvatsigira somuranda akatendeka uye akachenjera waJehovha.—Mateo 25:34-40.
“Somuchinda paJudha”
10, 11. Vachitevera mutoo wavamwe vaFiristia, vamwe vaichimbova vavengi vavanhu vaMwari vakachinja sei mwoyo? Nemigumisiroi?
10 Nzira iyo muranda akatendeka uye akachenjera akashandisa nayo mamwe makwai munzvimbo dzemitoro yakaporofitwa pana Zekaria 9:6, 7. Ipapo tinorava, kuti: “Ndichaparadza kuzvikudza kwavaFiristia. Ndichabvisa ropa rake mumuromo make, nezvinonyangadza zvake zviri pakati pameno ake; iyewo uchasarira Mwari wedu; uchava somuchinda paJudha, uye Ekroni somuJebhusi.”c VaFiristia vakanga vari vavengi vakapikirwa vavanhu vaJehovha, sezvakaita nyika yaSatani nhasi. (1 Johane 5:19) Kungofanana navaFiristia pakupedzisira vakaparadzwa savanhu, ndozvichaitawo nyika ino, nezvinoiumba zvayo zverudzidziso, zvamatongerwe enyika, uye zvekutengeserana, nokukurumidza ichawana kutsamwa kunoparadza kwaJehovha.—Zvakazarurwa 18:21; 19:19-21.
11 Zvisinei, mukuwirirana namashoko aZekaria, vamwe vaFiristia vakachinja mwoyo, uye ikoku kwakafanofananidzira kuti vamwe vanhu venyika nhasi havasati vaizoramba vachivengana naJehovha. Vaizorega kunamata zvidhori kworudzidziso nemiitiro yakwo inosemesa nezvibayiro zvinonyangadza ndokucheneswa mumaziso aJehovha. Muzuva redu “vaFiristia” vakachinja vakadaro vanowanwa muboka guru.
12. Munguva dzazvino uno, “Ekroni” yakava sei “somuJebhusi”?
12 Mukuwirirana nouporofita, guta guru reFiristia reEkroni raizova “somuJebhusi.” VaJebhusiwo vaimbova vavengi vaIsraeri. Jerusarema rakanga riri mumaoko avo kusvikira Dhavhidhi arikurira. Zvisinei, vamwe vaavo vaipukunyuka hondo navaIsraeri sezviri pachena vakava vaproserite. Vakabatira munyika yaIsraeri savaranda uye vaitova neropafadzo yokushanda pakuvakwa kwetembere. (2 Samueri 5:4-9; 2 Makoronike 8:1-18) Nhasi, va“Ekroni” vanotendeukira kukunamata Jehovha vanewo ropafadzo yebasa mu“nyika” inotarisirwa nemuranda akatendeka uye akachenjera.
13. Ndivanaani vaiva machinda munyika yekare?
13 Zekaria anotaura kuti muFiristia aizofanana nomuchinda muJudha. Shoko rechiHebheru ʼal·luphʹ, apo rinoshandurwa kuti “muchinda,” rinoreva “mutungamiriri wechiuru” (kana kuti, “chiliarch”). Yakanga iri nzvimbo yapamusoro zvikuru. Rudzi rwapakuvamba rwaEdhomi sezviri pachena rwakanga rwune machinda 13 bedzi. (Genesi 36:15-19) Shoko rokuti “muchinda” hariwanzoshandiswi pakutaura nezvaIsraeri, asi kutaura kwokuti “musoro (kana kuti, ishe) wechiuru” rinooneka kakawanda. Apo Mosesi akadana vamiriri verudzi rwaIsraeri, akadana “misoro yavane zviuru vaIsraeri.”d Kwaiva ne 12 vaivava, sezviri pachena vaiva pasi kuna Mosesi bedzi. (Numeri 1:4-16, NW) Nenzira yakafanana, mukurongwa kweuto, madzishe evane zviuru aiva echipiri bedzi kumukuru weuto kana kuti mambo.—2 Samueri 18:1, 2; 2 Makoronike 25:5.
14. Nhasi mu“Firistia” azova sei akafanana nomuchinda?
14 Zekaria haana kuporofita kuti muFiristia anopfidza aizova chaizvoizvo muchinda muna Israeri. Ikoko kwaisazova kwakafanira, sezvo aisava muIsraeri wokunyama. Asi aizova akafanana nomuchinda, achiwana nzvimbo yechiremera ingaenzaniswa nomuchinda. Uye naizvozvo kwakabvumikisa kuva kwakadaro. Sezvo vakasarira vevaKristu vakazodzwa vanoderera munhamba uye vakawanda veavo vanopukunyuka vakaganhurirwa nezera, mamwe makwai akasanorovedzwa anobetsera sezvaanodiwa, sokunge zvakadaro. Havadi kutsiva hama dzavo dzakazodzwa. Asi muranda akatendeka uye akachenjera anovapa chiremera sezvinodikanwa mu“nyika” kuitira kuti sangano raMwari rigogona kupfuurira kufambira mberi munzira yakarongwa. Muitiro unofambira mberi wakadaro unoonekwa mune humwezve uporofita.
Vaprista uye Varimi
15. (a) Mukuzadzikwa kwaIsaya 61:5, 6, ndivanaani vari “vaprista vaJehovha,” uye ndirini pavanobatira mune iyi nzvimbo mumufungo wakakwana? (b) Ndivanaani vari “vatorwa” vanoita basa rokurima raIsraeri, uye—mupfungwa yomudzimu—iri basa rinobatanidzei?
15 Isaya 61:5, 6 inoti: “Vatorwa vachamira vachifudza mapoka enyu amakwai, navaeni vachava varimi venyu navagadziri vemizambiringa yenyu. Asi imi muchanzi vaprista vaJehovha, vanhu vachakutumidzai vashumiri vaMwari wedu; muchadya fuma yamarudzi avanhu, muchazvirumbidza nokukudzwa kwawo.” Nhasi, “vaprista vaJehovha” vaKristu vakazodzwa. Mumufungo wokupedzisira uye wakakwana, vachabatira sa“vaprista vaJehovha . . . , vashumiri vaMwari wedu,” muUmambo hwokudenga. (Zvakazarurwa 4:9-11) Ndivanaani vari “vatorwa” vane mutoro webasa rokurima? Ava ndivo mamwe makwai, vanogara mu“nyika” yaIsraeri waMwari. Chii chiri kufudza, kurima, uye kugadzira mizambiringa kunoronzeswa kwavari? Mumufungo unokosha womudzimu, aya mabasa ane chokuita nokubetsera, kurovedza, uye kukohwa vanhu.—Isaya 5:7; Mateo 9:37, 38; 1 VaKorinte 3:9; 1 Petro 5:2.
16. Pakupedzisira ndiani achaita basa rose “munyika” yavanhu vaMwari?
16 Panguva ino, nhamba duku yavaIsraeri vomudzimu yasara pasi pano vachigovera mukufudza kwomudzimu, kurima, uye kugadzira mizambiringa. Apo ungano yakazodzwa mukukwana kwayo kwose pakupedzisira inobatanidzwa naKristu, iri basa rose richasiyirwa mamwe makwai. Kunyange kutarisira kwavanhu “nyika” kuchava ipapo mumaoko amamwe makwai akakwaniriswa, avo mubhuku raEzekieri vanoratidzirwa seboka roushe.—Ezekieri, maganhuro 45, 46.e
“Nyika” Inotsungirira
17. Jehovha ave achiita gadziriroi mukati meano mazuva okupedzisira?
17 Hungu, boka guru harifaniri kutya! Jehovha akavaitira gadziriro dzakakwana. Chinoitika chinokosha zvikurusa pasi pano mukati meano mazuva okupedzisira chave chiri kuunganidzwa nokuisa chisimbiso kwavakazodzwa. (Zvakazarurwa 7:3) Nepo achiona kuti ikoku kunoitwa, zvisinei, Jehovha akaunza mamwe makwai mukusonganirana navo munyika yomudzimu yakadzorerwa. Imomo vakadyiswa mumudzimu ndokurovedzwa kurarama kwechiKristu. Tevere, vakasanorayiridzwa mubasa rinoyera, kubatanidza routarisiri. Nokuda kwaikoku vanoonga zvikuru Jehovha nehama dzavo dzakazodzwa.
18. Mamwe makwai acharamba akavimbika “munyika” yaIsraeri womudzimu nomuzviitikoi?
18 Apo Gogi waMagogi pakupedzisira anodenha vanhu vaMwari, mamwe makwai achamira akasimba navakasarira vakazodzwa mu“nyika . . . isina kuvakirwa.” Mamwe makwai achave achiri mu“nyika” iyoyo apo vanopukunyuka kuparadzwa kwamarudzi ndokupinda munyika itsva yaMwari. (Ezekieri 38:11; 39:12, 13; Dhanieri 12:1; Zvakazarurwa 7:9, 14) Vachipfuurira vakatendeka, havazotongofaniri kusiya nzvimbo iyoyo inofadza.—Isaya 11:9.
19, 20. (a) Munyika itsva, kutarisirwai kukuru uko vagari vo“munyika” vachafarikanya? (b) Tinokarira chii nekariro huru?
19 Israeri wekare aitongwa namadzimambo avanhu uye aiva navaprista vechiRevhi. Munyika itsva, vaKristu vachava noutarisiri hukuru zvikuru: Muudzori hwaJehovha Mwari, vachadzorwa neanopfuura Muprista Mukuru naMambo, Jesu Kristu, uye vasonganiri vane 144 000 vasonganiri vaprista namadzimambo—vamwe vavo vavaimboziva sehama nehanzvadzi dzavo dzechiKristu pasi pano. (Zvakazarurwa 21:1) Vagari vakavimbika venyika yomudzimu vachagara papasi rakadzorerwa kuparadhiso chaiyo vachifadzwa nezvikomborero zvinoporesa zvinonangidzirwa pasi kupfurikidza neJerusarema Idzva.—Isaya 32:1; Zvakazarurwa 21:2; 22:1, 2.
20 Sezvo ngoro huru yomudenga yaJehovha inoenda mberi isingakwanisi kumiswa kuti iite zvinangwa zvake, tose zvedu tinokarira nokudisa kuita mugove wedu wakagoverwa. (Ezekieri 1:1-28) Apo zvinangwa izvozvo pakupedzisira zvinenge zvaitwa, funga kuti kutsveneswa kworukundo kwaJehovha kuchachengetwa nomufaro wakadini! Rwiyo rwenyika rwune simba rwakanyorwa pana Zvakazarurwa 5:13 ipapo rwuchaimbwa nechisiko chose: “Kurumbidzwa, nokukudzwa, nokubwinya, nesimba ngazvive kuna iye ugere pamusoro pechigaro choushe, nokuGwayana nokusingaperi-peri”! Kana nzvimbo yedu ichava kudenga kana kuti pasi pano, hatishuvi kuva ipapo here, tichikumbanira namanzwi edu murumbo irworwo rwakaisvonaka rwokurumbidza?
[Mashoko Omuzasi]
a Ona “New Heavens and a New Earth,” rakabudiswa muna 1953 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., mapeji 322-3.
b Nokuda kwekukurukurwa kwakazara, ona nyaya inoti “Gadziriro yaJehovha, ‘Vakapiwa’” muchinyorwa cheNharireyomurindi chaApril 15, 1992.
c Ona Paradise Restored to Mankind—By Theocracy!, rakabudiswa muna 1972 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., mapeji 264-9.
d ChiHebheru: raʼ·shehʹ ʼal·phehʹ Yis·ra·ʼelʹ, rinoshandurwa khi·liʹar·khoi Is·ra·elʹ “chiliarchs” waIsraeri muSeptuagint.
e Ona “The Nations Shall Know That I Am Jehovah”—How?, rakabudiswa muna 1971 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., mapeji 401-7.
Unopindura Sei?
◻ I“nyika”i yakadzorerwa muna 1919, uye yakazadzwa sei navagari?
◻ Mamwe makwai akapiwa sei mitoro yakawedzerwa “munyika” yavanhu vaMwari vakadzorerwa?
◻ Mitezo yeboka guru yakaita sei “somuJebhusi”? “somuchinda muna Judha”?
◻ Mamwe makwai akatendeka acharamba ari “munyika” kwenguva yakareba zvakadini?
[Mufananidzo uri papeji 23]
MuFiristia wazvino uno achava “somuchinda paJudha”
[Mifananidzo iri papeji 24]
Vakazodzwa namamwe makwai vanobatira pamwe chete munyika yomudzimu