Zvidhakwa Zvomudzimu—Ndivanaani?
“Ine nhamo korona yakatanhamara yezvidhakwa zvaEfraimi.”—ISAYA 28:1, NW.
1. Itariroi iyo vazhinji vakanzwa, asi tariro dzavo dzichazadzikwa here?
TIRI kurarama munguva dzinofadza. Vanhu vazhinji vakafadzwa nechinjo dzinoshamisa dzezvamatongerwe enyika kupota nyika nomukuona kubatanidza kukuru kunoitwa neChibatanwa chaMarudzi. Muna December 1989 Detroit Free Press yakati: “Sezvo nyika inopinda muma 1990, rugare rwakatanga.” Magazini yeSoviet yakazivisa, kuti: “Tiri kugadzirira kupfura minondo kuva miromo yamapadza,” nepo munyori mukuru weChibatanwa chaMarudzi akazivisa, kuti: “Hatichisirizve muutsinye hukuru pakati pamarudzi.” Hungu, tariro dzave dzakakwirira, uye pasina panikiro, chiono chenyika chiri kuchinja. Misi ichangobva kupfuura iyi zvikuru, hondo yeGulf yakaenzanisira kuti chinjo dzingakurumidza sei kuitika. Asi iyi nyika yazvino ichazombova nenguva yorugare chairwoirwo nechengeteko, nebetsero dzayo dzose dzakamirira here? Mhinduro ndiaiwa. Kutaura idi, ngwavaira yakakomba iri kukura iyo ichazunguza nyika kusvikira kunheyo dzayo! Ingwavaira umo rudzidziso runobatanidzwa zvikuru.
2. Mugariro wanhasi wakaenzaniswa sei muna Israeri wekare naJudha?
2 Iyi ngwavaira yakadeya kufananidzirwa nezvinoitika muna Israeri wekare naJudha mukati mamazana amakore rechisere nerechinomwe P.N.V. Shure panguva iyeyowo, vanhu vakafunga kuti vangave vakawana rugare. Asi Mwari, kupfurikidza nomuporofita wake Isaya, akanyevera kuti tariro yavo yorugare yakanga iri nyengedzo, iyo yaizokurumidza kuratidzirwa. Nenzira yakafanana nhasi, Jehovha, kupfurikidza neZvapupu zvake, ari kunyevera rudzi rwomunhu kuti vanonyengedzwa kana vachikarira kuwana rugare runogarisa kupfurikidza nenhamburiko dzohunhu. Ngatiravei nyevero youporofita yaJehovha ndokuona mashandire ainoita nhasi. Inowanika muganhuro yechi 28 yaIsaya uye yakanyorwa pamberi pa 740 P.N.V., sezvingabvira mukati mokutonga kwaMambo akaipa Peka waIsraeri nokwaMambo asingateereri Ahazi waJudha.
“Zvidhakwa zvaEfraimi”
3. Ishurikidzoi inokatyamadza iyo Isaya akataura?
3 Mundima 1 yeganhuro 28Isa 28:1 (NW), tinokatyamadzwa nokutaura kunoshamisa, kunoti: “Ine nhamo korona yakatanhamara yezvidhakwa zvaEfraimi, uye ruva riri kusvava rokushongedzerwa kwaro kworunako uko kuri pamusoro womupata wakaorera waavo vakakurirwa newaini!” VaIsraeri vanofanira kuva vakashamiswa sei kunzwa shurikidzo iyoyo yakakomba! Ndivanaani vaiva izvi “zvidhakwa zvaEfraimi”? Chii chakanga chiri “korona yakatanhamara” yazvo? Uye chii chiri “musoro womupata wakaorera”? Chinokosha zvikuru, aya mashoko anorevei nokuda kwedu nhasi?
4. (a) Zvii zvaiva Efraimi nomusoro womupata wakaorera? (b) Neiko Israeri akanzwa akachengeteka?
4 Sezvo Efraimi rwaiva rukurusa rwendudzi gumi dzaIsraeri, shoko rokuti “Efraimi” pane dzimwe nguva rainongedzera kuumambo hwose hwokuchamhembe. Naizvozvo “zvidhakwa zvaEfraimi” zvaiva chaizvoizvo zvidhakwa zvaIsraeri. Dzimbahwe raIsraeri rakanga riri Samaria, iro rakanga riri paurefu hukuru kumusoro kwomupata wakaorera. Naizvozvo kutaura kwokuti “musoro womupata wakaorera” kunonongedzera kuSamaria. Apo aya mashoko akanyorwa, umambo hwaIsraeri hwakanga hwakaipa zvikuru kana toreva nezvorudzidziso. Uyezve, hwakanga hwapinda mumubatanidzwa wezvamatongerwe enyika neSiria mukurwisana naJudha uye zvino hwakanzwa hwakakotsekana. (Isaya 7:1-9) Ikoko kwakanga kwodokuchinja. Ngwavaira yakanga ichisvika, iyo yaiva chikonzero nei Jehovha akazivisa “nhamo kukorona yakatanhamara yezvidhakwa zvaEfraimi.”
5. (a) Chii chakanga chiri korona yakatanhamara yaIsraeri? (b) Ndivanaani vaiva zvidhakwa zvaEfraimi?
5 Chii chakanga chiri “korona yakatanhamara”? Korona chiratidzo chechiremera choumambo. Sezviri pachena, “korona yakatanhamara” yakanga iri nzvimbo yaIsraeri soumambo hwakaparadzana, hwakazvimirira hwaJudha. Chimwe chinhu chakanga chichizoitika kuparadza kuzvimirira kwoumambo hwaIsraeri. Ndivanaani, ipapoka, vaiva “zvidhakwa zvaEfraimi”? Pasina panikiro, makanga mune zvidhakwa chaizvoizvo muna Israeri, sezvo Samaria yakanga iri nzvimbo yokunamata kwoutere kwechihedheni. Bva, Bhaibheri rinotaura nezvorudzi rwakaipa zvikuru rwoudhakwa. Pana Isaya 29:9, tinorava, kuti: “Vakabatwa, asi havana kubatwa newaini, vanodzedzereka, asi havadzedzereki nezvinobata.” Uhu hwakanga huri udhakwa hwomudzimu, kudhakwa kusina kuchena, kunouraisa. Vatungamiriri vaIsraeri—zvikurukuru vatungamiriri vake vorudzidziso—vakatambura nenzira yakajeka muudhakwa hwakadaro chaizvo hwomudzimu.
6. Chii chakadhakisa Israeri wekare?
6 Chii chakanga chiri chisakiso choudhakwa hwomudzimu hwaIsraeri? Zvikurukuru, wakanga uri mubatanidzwa wake neSiria mukurwisana naJudha, uko kwakapa vatungamiriri vorudzi rwacho kunzwa kwakanaka kwechengeteko. Uhu udhakwa hwomudzimu hwakaita kuti Israeri asazive zvomene. Kufanana nechidhakwa chaichoicho, iye aiva netariro kunyange zvazvo pakanga pasina chikonzero chokudaro. Uyezve, Israeri akapfeka mubatanidzwa wake unodhakisa neSiria nenzira yokudada, kufanana neruva rorunako. Asi, sokutaura kunoita Isaya, akanga ari ruva riri kusvava iro raisazogara kwenguva refu zvikuru.
7, 8. Pasinei hapo nokunzwa kwake zvakanaka, Israeri wekare akanga odokuwanei?
7 Isaya anosimbisa ikokuIsa muganhuro 28, ndima 2, kuti: “Tarirai! Ishe une mumwe une simba anokurira; uchawisira pasi noruoko rwake sedutu guru rine chimvuramabwe, sedutu rinoparadza, sokunaya kwemvura zhinji inokukura kwose.” Ndiani akanga ari uyu “une simba anokurira”? Munguva yaIsraeri wekare, hwakanga huri Umambo hune simba hweAsiria. Iri simba renyika rine utsinye, risina tsitsi raizouya pana Israeri kufanana nedutu guru rine mheni remvura dzine simba, dzinofashamira. Nomuuyoiko?
8 Isaya anopfuurira kuti: “Korona inozvikudza yavakabatwa vokwaEfraimi ichatsikwa pasi netsoka; ruva, rinooma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro pomupata wakaorera, richava seonde rinotanga kuibva zhezha richigere kusvika; rinoti richatarirwa nowariona, ndokuridya richiri muruoko rwake.” (Isaya 28:3, 4) Dzimbahwe raIsraeri, Samaria, rakanga rakafanana neonde rakaibva kuAsiria, ragadzirira kutanhwa ndokumedzwa. Batano yaIsraeri yakafanana neruva neSiria yakanga ichizotsikwa-tsikwa. Yaisazova noukoshi apo zuva rokuzvidavirira rakasvika. Chakatoipa zvikuru, mbiri yake yakafanana nekorona yokuzvimirira yaizopwanywa pasi petsoka dzomuvengi weAsiria. Ingwavaira yakadini!
‘Muprista Nomuporofita Vakatsauka’
9. Neiko Judha angave akakarira shoko riri nani kuna Jehovha kupfuura rakawana Israeri wekare?
9 Hungu, kuzvidavirira kunotyisa kwaimirira Israeri, uye kungofanana neizvo Jehovha Mwari akanga anyevera, kuzvidavirira ikoko kwakasvika mugore ra 740 P.N.V. apo Samaria rakaparadzwa neAsiria uye umambo hwokuchamhembe hwakarega kuvapo sorudzi rwakazvimirira. Chakaitika kuna Israeri wekare chinomira senyevero yakakomba kurudzidziso rwenhema rusina kutendeka nhasi, sezvatichaona. Asi zvakadiniko noumambo biyake hwaIsraeri kumaodzanyemba, Judha? Munguva yaIsaya tembere yaJehovha yakanga ichiri kushanda muJerusarema, dzimbahwe raJudha. Uprista hwakanga huchiri kushanda imomo, uye vaporofita vakadai saIsaya, Hosea, uye Mika vakataura muzita raJehovha. Ishokoi, ipapoka, iro Jehovha aiva naro nokuda kwaJudha?
10, 11. Mugariroi unonyangadza waivapo muna Judha?
10 Isaya anopfuurira kutiudza, kuti: “Asi naivo [ndiko kuti, vaprista navaporofita veJerusarema]—vanodzungunyika newaini, vanodzedzereka nezvinobata; muprista nomuporofita vanodzungunyika nezvinobata.” (Isaya 28:7a) Sezviri pachena, vatungamiriri vorudzidziso vaJudha vakanga vakadhakwawo. Sezvingabvira, somuna Israeri, vamwe vakanga vari zvidhakwa mupfungwa chaiyoiyo, uye kana zvakadaro, ikoku kwaiva ruzvidzo. Mutemo waMwari wairambidza zvakananga zvinwiwa zvinodhakisa kuvaprista pavakanga vachibatira mutembere. (Revhitiko 10:8-11) Udhakwa chaihwoihwo muimba yaMwari hwaizove hwakava kuputswa kunokatyamadza kwoMutemo waMwari.
11 Zvakakomba zvikuru, kunyanguvezvo, makanga mune udhakwa hwomudzimu muna Judha. Sezvo Israeri akanga azvibatanidza amene neSiria mukurwisana naJudha, naizvozvo Judha akatsvaka chengeteko kupfurikidza nomubatanidzwa neAsiria. (2 Madzimambo 16:5-9) Pasinei zvapo nokuvapo kwetembere yaMwari navaporofita vake, Judha akaisa kutenda muvanhu apo aifanira kuve akavimba naJehovha. Uyezve, aumba mubatanidzwa wokusachenjera wakadaro, vatungamiriri vake vakanzwa vachifara savavakidzani vavo vakadhakwa mumudzimu vokuchamhembe. Chimiro chavo chokuzvidza chakanyangadza Jehovha.
12. Chii chaizobva mukudhakwa kwomudzimu kwaJudha?
12 Isaya anopfuurira kuti: “Vakamedzwa newaini, vanodzedzereka nezvinobata; vanokanganiswa pakuona; vanogumburwa pakutonga. Nokuti matafura avo azere namarutsi anosemesa, hapana pakanaka.” (Isaya 28:7b, 8) Sezvingabvira, vari mumugariro wavo wokudhakwa, vamwe vakarutsa chaizvoizvo mutembere. Asi zvakatoipa zvikuru, vaprista navaporofita avo vaifanira kuve vakapa nhungamiro yorudzidziso vakarutsa tsvina yomudzimu. Uyezve, kunze kwavashomanene vakatendeka, marutongeso avaporofita akashatiswa, uye vakadeya kuona zvinhu zvenhema zvorudzi rwacho. Jehovha aizoranga Judha nokuda kwouku kusachena kwomudzimu.
Zvidhakwa Zvomudzimu Nhasi
13. Ifananoi nomugariro muna Israeri naJudha yaivapo muzana ramakore rokutanga N.V., uye ifananoi iripo nhasi?
13 Mauporofita aIsaya akazadzikwa pana Israeri wekare bedzi naJudha here? Nyangwe. Vose vari vaviri Jesu nomuapostora Pauro vakanokora mashoko ake pamusoro poudhakwa hwomudzimu ndokuashandisa kuvatungamiriri vorudzidziso venguva yavo. (Isaya 29:10, 13; Mateo 15:8, 9; VaRoma 11:8) Nhasiwo, mugariro wakafanana nouyo womunguva yaIsaya wakamuka—nguva ino muchiKristudhomu, sangano renyika yose rorudzidziso iro rinotaura kuti rinomirira Mwari. Panzvimbo pokutsigira zvakasimba zvokwadi nokutsamira pana Jehovha, chiKristudhomu, chiKaturike nechiPurotesitendi, chinoisa kutenda kwacho munyika. Nokudaro chinodzedzereka nenzira isina kudzikama, kufanana nezvidhakwa zvaIsraeri naJudha. Zvidhakwa zvomudzimu zvamarudzi iwayo ekare zvinosanodeya kufananidzira vatungamiriri vomudzimu vechiKristudhomu nhasi. Ngationei chaizvoizvo kuti sei.
14. Vatungamiriri vorudzidziso vechiKristudhomu vakadhakwa sei sezvakanga zvakaita vatungamiriri veSamaria yekare neJerusarema?
14 Kufanana neSamaria neJerusarema, chiKristudhomu chakadhakwa zvikuru newaini yemibatanidzwa yezvamatongerwe enyika. Muna 1919 chakanga chiri pakati pavasimudziri vakurusa veChinzwano chaMarudzi. Nepo Jesu akataura kuti maKristu haasati aizova rutivi rwenyika, vatungamiriri vechiKristudhomu vanosakurira ukama navatungamiriri vezvamatongerwe enyika. (Johane 17:14-16) Waini yokufananidzira yomubato wakadaro inonyandura kuvakuru vakuru vorudzidziso. (Enzanisa naZvakazarurwa 17:4.) Vanofarikanya kubvunzwa navezvamatongerwe enyika nokusonganirana navakuru venyika ino. Somuuyo, havana nhungamiro yechokwadi yomudzimu yokupa. Vanorutsa kusachena panzvimbo pokutaura shoko rakachena rezvokwadi. (Zefania 3:9) Nechiono chavo chadzikatidzwa uye chavhiringidzwa, havasati vari vatungamiriri vakakotsekana vorudzi rwomunhu.—Mateo 15:14.
“Chirevo Pamusoro Pechirevo”
15, 16. Vanhu vapanguva imwe cheteyo naIsaya vakaita sei kunyevero dzake?
15 Muzana ramakore rechisere P.N.V., Isaya akaratidzira nzira isina kururama yavatungamiriri vomudzimu vaJudha zvikurukuru. Vakapindura sei? Vakakuvenga! Apo Isaya akapfuurira mukuzivisa nyevero dzaMwari, vatungamiriri vorudzidziso vakapindura nokutsamwa, kuti: “Ndianiko waachadzidzisa zivo? Ndianiko waachadzidzisa kunzwisisa shoko? Ivo vakarumurwa pamukaka, vakabviswa pazamu here?” (Isaya 28:9) Hungu, Isaya akafunga kuti akanga achitaura kuvana vaduku here? Vatungamiriri vorudzidziso veJerusarema vaizvirangarira vamene kuva varume vakura, vanokwanisa zvizere kuzviitira vamene zvisarudzo. Vakanga vasingadi kuteerera zviyeuchidzo zvinotsamwisa zvaIsaya.
16 Vezvorudzidziso ivavo vakatoitira jee basa rokuparidzira raIsaya. Vakamuimbira vamuimbirazve, kuti: “Nokuti zvinongoti ‘chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, murairo pamusoro pomurairo, murairo pamusoro pomurairo, apa zvishoma, napapo zvishoma.’” (Isaya 28:10) ‘Isaya anoramba achizvidzokorora amene,’ vakataura kudaro. ‘Anoramba achiti: “Izvi ndizvo zvakaraira Jehovha! Izvi ndizvo zvakaraira Jehovha! Uyu ndiwo mupimo waJehovha! Uyu ndiwo mupimo waJehovha!”’ MuchiHebheru chapakuvamba, Isaya 28:10 mashoko anodzokororwa, akati fananei namashoko okurera mwana. Uye ndizvo zvakaratidzika muporofita kuvatungamiriri vorudzidziso, kuva anodzokorora naanoita zvoupwere.
17. Vazhinji nhasi vanoita sei kushoko renyevero rinoziviswa neZvapupu zvaJehovha?
17 Muzana rokutanga ramakore N.V., kuparidzira kwaJesu navadzidzi vake kwainzwika nenzira yakafanana sokunodzokororwa uye kusina kuoma. Avo vaitevera Jesu vairangarirwa navatungamiriri vorudzidziso vechiJudha savanhu vakatukwa, venhando, vanhu vasina kudzidza navanhuwo zvavo. (Johane 7:47-49; Mabasa 4:13) Zvapupu zvaJehovha nhasi kazhinji kazhinji zvinorangarirwa nenzira imwe cheteyo. Hazvina kupinda zvikoro zvavafundisi zvechiKristudhomu, uye hazvishandisi mazita okuremekedza makuru kana kuti mashoko orudzidziso sezvinoita vakuru vakuru vorudzidziso. Naizvozvo vapamusoro muchiKristudhomu vanozvizvidza, vachifungidzira kuti zvinofanira kuziva nzvimbo dzazvo ndokupa ava vatungamiriri vorudzidziso ruremekedzo rukuru.
18. Vatungamiriri vorudzidziso nhasi vanofuratirei?
18 Zvisinei, pane chimwe chinhu icho vatungamiriri ivavo vorudzidziso vanofuratira. Kunyange zvazvo vakuru vomuzuva raIsaya vakaramba shoko rake, iye akanga achitaura zvokwadi, uye nyevero dzake dzakava dzechokwadi! Nenzira yakafanana, nyevero idzo Zvapupu zvaJehovha zvinotaura nhasi ndedzechokwadi, dzakavakirwa zvakasimba paShoko raMwari rezvokwadi, Bhaibheri. (Johane 17:17) Nokudaro, dzichazadzikwa.
Kuzvidavirira
19. Judha akamanikidzirwa sei kuteerera vaenzi vanotaura mutauro wokukakamira?
19 Pana Isaya 28:11, tinorava, kuti: “Zvirokwazvo uchataura norudzi urwu navanhu vane miromo yorumwe rudzi, norurimi rwokumwe.” Kudzidzisa kwaIsaya kwakanzwika kuna Judha kwakafanana nokubwabwada kwechienzi. Kunyange zvazvo Judha akapukunyuka ngozi yeAsiria iyo yakakurira Israeri, pashure penguva yakati Jehovha akabata naJudha kupfurikidza nomumwe muenzi, Nebhukadnezari. (Jeremia 5:15-17) Mutauro weBhabhironi wakanzwika kuva wehasha nowokukakamira kuvaHebheru ivavo. Asi vakamanikidzirwa kuuteerera apo Jerusarema netembere yaro zvakaparadzwa muna 607 P.N.V. uye vagari vemo vakazvuzvurudzirwa muutapwa hweBhabhironi. Nenzira imwe cheteyo nhasi, chiKristudhomu chichafanira kukurumidza kutambura nemhaka yokuti, kufanana naJudha wekare, chinofuratira pangiro dzaJehovha.
20, 21. Zvapupu zvaJehovha zvinozivisei nguva dzose, asi vatungamiriri vechiKristudhomu vanoramba kuitei?
20 Uporofita hunoti nezvavakadaro: “Akati kwavari: ‘Zororo riri pano, zorodzai vakaneta; pano ndipo panokutonhorera;’ asi vakaramba kuteerera. Saka shoko raJehovha richava kwavari: ‘Chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, murairo pamusoro pomurairo, murairo pamusoro pomurairo, apa zvishoma, napapo zvishoma;’ kuti vaende, vawe nenhenda shure, vavhunike, vabatwe nomusungo, vatapwe.”—Isaya 28:12, 13.
21 Nguva dzose, kungofanana nokutaura kwakaita Isaya shoko raMwari, Zvapupu zvaJehovha zvinoudza chiKristudhomu kuti chinofanira kuisa tariro yacho muShoko raJehovha. Asi chinoramba kuteerera. Kwachiri, Zvapupu zvinoratidzika kuva zviri kubwabwada mururimi rwechienzi. Zvinotaura mutauro wachisingagoni kunzwisisa. ChiKristudhomu chinoramba kupa zororo kune akaneta kupfurikidza nokutaura pamusoro poUmambo hwaMwari nenyika itsva ichauya. Panzvimbo pezvo, chakadhakwa newaini youkama hwacho nenyika ino. Chinoda hacho kutsigira zvigadzikiso zvamatongerwe enyika zvezvinetso zvorudzi rwomunhu. Kufanana navaJudha vomuzuva raJesu, hachina kuzvitsvakira chimene nzvimbo yokuzororera yoUmambo, uye hachisati chichizoudza vamwe pamusoro pahwo.—Mateo 23:13.
22. Jehovha anozivisa vatungamiriri vechiKristudhomu nezvechii?
22 Nokudaro, mashoko ouporofita aIsaya akazivisa vakuru vakuru vorudzidziso kuti Jehovha haasati achizotaura nguva dzose kupfurikidza neZvapupu Zvake zvisingakuvadzi. Nokukurumidza, Jehovha achashandisa “murairo [wake] pamusoro pomurairo, apa zvishoma napapo zvishoma,” uye muuyo wacho uchava une ngwavaira nokuda kwechiKristudhomu. Vatungamiriri vacho vorudzidziso namapoka avo vacha“vhunika, vachabatwa nomusungo, vachatapwa.” Hungu, kufanana neJerusarema rekare, masangano orudzidziso echiKristudhomu achaparadzwa chose chose. Ichochi chichava chinoitika chinokatyamadza zvakadini, chisingakarirwi! Uye muuyo unotyisa zvakadini nemhaka yokuti vakuru vakuru vorudzidziso vanoda havo udhakwa hwomudzimu kupfuura zviyeuchidzo zvaJehovha!
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Ndivanaani vaiva zvidhakwa zvaEfraimi, uye chii chakavadhakisa?
◻ Korona dzakatanhamara dzezvidhakwa zvaEfraimi dzakatsikwa-tsikwa sei?
◻ Mugariroi unozvidzisa muna Judha uyo Isaya akaratidzira?
◻ Ndokupi nhasi kwatinoona udhakwa hwomudzimu?
◻ Neiko chiKristudhomu chichifanira kuteerera chakaitika kurudzi rwekare rwaJudha?