Chitsauko 23
Ramba Wakamirira Jehovha
1, 2. (a) Muchitsauko 30 chaIsaya munei? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura zvino?
MUCHITSAUKO 30 chaIsaya, tinorava zvimwe zvirevo zvaMwari kuvakaipa. Kunyange zvakadaro, chikamu chino chouprofita hwaIsaya chinobudisa humwe hweunhu hwaJehovha hunofadza zvikuru. Kutaura chokwadi, unhu hwaJehovha hunorondedzerwa nenzira yakajeka kwazvo zvokuti tinogona kuita setiri kumuona aripo achitinyaradza, tichinzwa inzwi rake richititungamirira, uye tichinzwa kubata kwake kunoporesa.—Isaya 30:20, 21, 26.
2 Kunyange zvakadaro, vanhu vokwaIsaya, vagari venyika yeJudha vakaramba kutenda, vanoramba kudzokera kuna Jehovha. Pane kudaro, vanovimba nevanhu. Jehovha anonzwa sei neizvi? Uye chikamu chino chouprofita hwaIsaya chinobetsera sei vaKristu nhasi kuti varambe vakamirira Jehovha? (Isaya 30:18) Ngationei.
Upenzi Nokuva Mungozi
3. Kurangana chii kunofumurwa naJehovha?
3 Kwechinguva vatungamiriri venyika yeJudha vave vachirangana pachivande nzira yokudzivisa nayo kuenda pasi pejoko reAsiria. Zvisinei, Jehovha anga akatarira hake. Zvino anofumura zvavakarangana achiti: “Zvanzi naJehovha: Vane nhamo vana vanondimukira, vanofunga mano vasingandibvunzi, vanoita sungano zvisingabvi paMweya wangu, kuti vawedzere zvivi nezvivi; vanozvirongedza kuenda [Ijipiti].”—Isaya 30:1, 2a.
4. Vanhu vaMwari vanopandukira vaisa sei Ijipiti munzvimbo yaMwari?
4 Zvinorovesa nehana sei vatungamiriri ivavo vari kurangana kunzwa zano ravo richifumurwa! Kuenda kuIjipiti kuti vanoita mubatanidzwa nayo hakusi kungoomesera Asiria chete; kumukira Jehovha Mwari. Munguva yaMambo Dhavhidhi, rudzi rwacho rwaitarira kuna Jehovha senhare uye rwaipotera ‘mumumvuri wemapapiro ake.’ (Pisarema 27:1; 36:7) Zvino vano“zvisimbis[a] nesimba raFarao” uye “nokuvanda mumumvuri we[Ijipiti].” (Isaya 30:2b) Vaisa Ijipiti munzvimbo yaMwari! Kumukira kwakadini!—Rava Isaya 30:3-5.
5, 6. (a) Nei mubatanidzwa neIjipiti chiri chikanganiso chikuru? (b) Rwendo rupi rwakamboitwa nevanhu vaMwari runosimbisa upenzi hwerwendo urwu rweIjipiti?
5 Sokunge kuti ari kupindura pfungwa ipi neipi yokuti chinangwa chokuenda Ijipiti chinongova kushanyawo zvakwo, Isaya anopa mamwe mashoko akazara. “Chirevo pamusoro pezvikara zvenyika yezasi. Panyika yokutambudzika neyokuchema, kunobva shumba hadzi negonho, nenyoka, nenyoka yomoto inobhururuka, ndipo pavanotakudza pfuma yavo pamusoro pamapfudzi avana vembongoro, nezvinokosha zvavo panyungwa dzamakamera.” (Isaya 30:6a) Sezviri pachena, rwendo rwacho rwakanyatsorongwa. Nhume dzinoronga mapoka emakamera nembongoro, ayo dzinotakurisa zvinhu zvinokosha dzoatinha dzakananga Ijipiti nomugwenga risina chinhu rizere shumba dzinoomba nenyoka dzine uturu. Pakupedzisira, nhume dzacho dzinosvika kwadziri kuenda dzopa zvinhu zvadzo zvinokosha kuvaIjipiti. Vatenga dziviriro—kana kuti vanofunga kudaro. Zvisinei, Jehovha anoti: “Vachizviisa kuvanhu vasingavapfumisi. Nokuti [Ijipiti] inobatsira pasina, zvisina maturo; saka ndakaitumidza zita rokuti Rahabhi unongogara zvake.” (Isaya 30:6b, 7) “Rahabhi,” “chikara,” akasvika pakufananidzira Ijipiti. (Isaya 51:9, 10) Inovimbisa zvose asi hapana zvainoita. Kuita mubatanidzwa kwenyika yeJudha nayo ingozi chaiyo.
6 Isaya zvaanorondedzera rwendo rwenhume dzacho, vateereri vake vangayeuka rwendo rwakafanana rwakaitwa mumazuva aMosesi. Madzibaba avo akafamba nomu“renje . . . rinotyisa” iroro. (Dheuteronomio 8:14-16) Zvisinei, muzuva raMosesi vaIsraeri vakanga vachifamba vachibva Ijipiti uye vachibuda muusungwa. Panguva ino nhume dzacho dzinoenda Ijipiti uye, chaizvoizvo dzichizvipereka. Upenzi hwakadini! Ngatiregei kumbofa takaita chisarudzo chakaipa kudaro totengesa rusununguko rwedu rwomudzimu nouranda!—Enzanisa naVaGaratiya 5:1.
Kushorwa Kweshoko Romuprofita
7. Nei Jehovha achiita kuti Isaya anyore pasi nyevero Yake kunyika yeJudha?
7 Jehovha anoudza Isaya kuti anyore pasi shoko raachangobva kupa kuitira kuti “zvivepo panguva inouya nokusingaperi-peri.” (Isaya 30:8) Kuramba kwaJehovha kukudza mubatanidzwa wevanhu kupfuura kuvimba naIye kunofanira kunyorwa kuitira kuti kubetsere zvizvarwa zvichauya—kusanganisira chizvarwa chedu nhasi. (2 Petro 3:1-4) Asi zvakanyorwa zviri kudikanwa nokukurumidza kwazvo. “Nokuti ava rudzi runondimukira, vana vane nhema, vana vasingadi kunzwa murayiro waJehovha.” (Isaya 30:9) Vanhu varamba zano raJehovha. Saka, rinofanira kunyorwa pasi kuitira kuti vasazoramba gare gare kuti vakayambirwa zvakafanira.—Zvirevo 28:9; Isaya 8:1, 2.
8, 9. (a) Vatungamiriri venyika yeJudha vanoedza kukanganisa vaprofita vaJehovha munzirai? (b) Isaya anoratidza sei kuti haasi kuzonzwa kutyisidzirwa?
8 Isaya zvino anopa muenzaniso wezviito zvokupanduka zvevanhu ava. “Vanoti kuvaoni: Musaona; nokuvaprofita: Musatiprofitera zvinhu zvakarurama, tiudzei zvinofadza, tiprofitere zvinonyengera.” (Isaya 30:10) Nokurayira vaprofita vakatendeka kuti vasataura “zvakarurama” kana kuti zvechokwadi, asi kuti vataure “zvinofadza” ne“zvinonyengera,” kana kuti nhema, vatungamiriri venyika yeJudha vanoratidza kuti vanoda kunzwa zvinonakidza nzeve dzavo. Vanoda kurumbidzwa, kwete kushorwa. Sokuona kwavo, muprofita upi noupi asingadi kuprofita sezvavanoda anofanira ku‘bva panzira otsauka pagwara.’ (Isaya 30:11a) Anofanira kutaura zvinhu zvinofadza nzeve kana kuti kurega kuparidza zvachose!
9 Vashori vaIsaya vanosimbirira kuti “Bvisai Mutsvene waIsraeri pamberi pedu.” (Isaya 30:11b) Isaya ngaamire kutaura muzita raJehovha, “Mutsvene waIsraeri”! Zita rokuremekedza iri rinovashatirisa nemhaka yokuti mitemo yakanaka kwazvo yaJehovha inoratidza mamiriro avo ezvinhu anosiririsa. Isaya anoita sei? Anozivisa kuti: “Zvanzi noMutsvene waIsraeri.” (Isaya 30:12a) Asingazezi, Isaya anotaura mashoko acho chaiwo ayo vavengi vake vanovenga kunzwa. Haasi kuzonzwa kutyisidzirwa. Muenzaniso wakanaka sei kwatiri! Kana pave pakuzivisa shoko raMwari, vaKristu havafaniri kumbobvumirana nezvisina kufanira. (Mabasa 5:27-29) Kufanana naIsaya, vanoramba vachizivisa kuti: ‘Izvi ndizvo zvinotaura Jehovha’!
Migumisiro Yokumukira
10, 11. Ndoupi uchava mugumisiro wokumukira kwenyika yeJudha?
10 Nyika yeJudha yaramba shoko raMwari, yavimba nenhema, uye yavimba no“kunyengera.” (Isaya 30:12b) Zvichaguma nei? Pane kuti Jehovha anyangarike sezvinoda rudzi rwacho, achaita kuti rudzi rwacho runyangarike! Izvi zvichaitika kamwe kamwe uye nenzira yakakwana, seizvo Isaya anosimbisa nomuenzaniso. Kumukira kworudzi rwacho kwakaita se“pakakoromoka panoda kuwa, panotsveyama parusvingo rwakareba, panowa kamwe kamwe pakarepo.” (Isaya 30:13) Sezvo kutsveyama kunoramba kuchikura parusvingo rurefu kuchiita kuti ruzoguma rwawa, saizvozvowo kumukira kuri kuwedzera kwevanhu vomuzuva raIsaya kuchaparira kuwa kworudzi rwacho.
11 Nomumwe muenzaniso Isaya anoratidza kukwana kwokuparadza kuri kuuya achiti: “Uchaiputsa sezvinoputswa mudziyo womuumbi, uchaiputsa-putsa asina nyasha, kusvikira pachishayikwa pakati pezvimedu zvayo chaenga chokundogoka moto nacho pachoto, kana kutekesa mvura nacho patsime.” (Isaya 30:14) Kuparadzwa kwenyika yeJudha kuchave kwakakwana kwazvo zvokuti hapana chinokosha chichasara—kunyange chaenga chakakura zvokugoka mazimbe anopisa pachoto kana kutekesa mvura patsime. Mugumisiro unosuruvarisa zvakadini! Kuparadzwa kuri kuuya kwaavo vanomukira kunamata kwechokwadi nhasi kuchave kuri kwekamwe kamwe uye kwakakwana zvakafanana.—VaHebheru 6:4-8; 2 Petro 2:1.
Mutsa waJehovha Unorambwa
12. Vanhu venyika yeJudha vangadzivisa sei kuparadzwa?
12 Zvisinei, kuvateereri vaIsaya, kuparadzwa hakusi chinhu chisingadzivisiki. Pane nzira yokubuda nayo. Muprofita anotsanangura kuti: “Zvanzi naShe Jehovha, Mutsvene waIsraeri: Pakudzoka nokuzorora ndipo pane ruponeso rwenyu, pakunyarara napakutenda ndipo pachava nesimba renyu.” (Isaya 30:15a) Jehovha akagadzirira kuponesa vanhu vake—kana vakaratidza kutenda noku“zorora,” kana kuti kurega kutsvaka ruponeso nomumibatanidzwa nevanhu, uye no“kunyarara,” kana kuti kuratidza kuvimba nesimba raMwari rokudzivirira vasingatyi. “Asi,” Isaya anoudza vanhu kudaro, “makaramba.”—Isaya 30:15b.
13. Vatungamiriri venyika yeJudha vanovimba nei, uye kuvimba kwakadaro kunopembedzwa here?
13 Isaya anobva atsanangura achiti: “Mukati: Kwete, tichatiza takatasva mabhiza; saka muchatiza zvenyu; uyezve; Tichatasva mabhiza anomhanyisa; saka vanodzingana nemi vachamhanyisa.” (Isaya 30:16) VaJudha vanofunga kuti mabhiza anomhanyisa, panzvimbo paJehovha, ndiwo achavaponesa. (Dheuteronomio 17:16; Zvirevo 21:31) Zvisinei, muprofita anopindura kuti, chivimbo chavo chichava pasina nemhaka yokuti vavengi vavo vachavabata. Kunyange kuwanda hakungavabetseri. “Vane chiuru vachatiza kana vachivambwa nomumwe; muchatiza kana muchivambwa navashanu.” (Isaya 30:17a) Mauto enyika yeJudha acharohwa nehana otiza nokungonzwa ruzha rwevashomanene vomuvengi.a Pakupedzisira, vashomanene bedzi vachasara, vachasiyiwa voga, “sedanda pamusoro pegomo, somureza pamusoro pechikomo.” (Isaya 30:17b) Sezvakataura uprofita chaizvo, Jerusarema parinoparadzwa muna 607 B.C.E., vashomanene bedzi ndivo vanopona.—Jeremia 25:8-11.
Nyaradzo Pakati Pokushorwa
14, 15. Mashoko aIsaya 30:18 anopa nyaradzo yei kuvagari venyika yeJudha munguva dzekare uye kuvaKristu vechokwadi nhasi?
14 Mashoko anopengenutsa aya achiri kurira munzeve dzevateereri vaIsaya, anochinja matauriro ake shoko. Kutyisidzirwa nenhamo kunotsiviwa nechipikirwa chezvikomborero. “Naizvozvo Jehovha uchambomira, kuti akunzwirei tsitsi; naizvozvo uchakudzwa, kuti ave nenyasha nemi, nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira; vakaropafadzwa vose vanomumirira.” (Isaya 30:18) Mashoko anokurudzira sei! Jehovha ndiBaba vane tsitsi vanoda kwazvo kubetsera vana vavo. Anofarira kunzwira tsitsi.—Pisarema 103:13; Isaya 55:7.
15 Mashoko anokurudzira aya anoshanda kuvaJudha vakasara avo netsitsi vanobvumirwa kupukunyuka kuparadzwa kweJerusarema muna 607 B.C.E. uye kuvashomanene vanodzokera kuNyika Yakapikirwa muna 537 B.C.E. Zvisinei, mashoko omuprofita anonyaradzawo vaKristu nhasi. Tinoyeuchidzwa kuti Jehovha acha“mira” akatimirira, achigumisa nyika ino yakaipa. Vanamati vakatendeka vanogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha—“Mwari wokururamisira”—haasi kuzobvumira kuti nyika yaSatani ipfuure nezuva rimwe panodiwa neruramisiro kuti igume. Naizvozvo, avo “vanomumirira” vane chikonzero chikuru chokufara.
Jehovha Anonyaradza Vanhu Vake Nokupindura Minyengetero
16. Jehovha anonyaradza sei vanhu vakaora mwoyo?
16 Zvisinei, vamwe vanganzwa kuora mwoyo nemhaka yokuti kununurwa hakuna kuuya nokukurumidza sezvavaitarisira. (Zvirevo 13:12; 2 Petro 3:9) Ngavanyaradzwe nemashoko aIsaya anotevera anoratidza rumwe rutivi runokosha rwounhu hwaJehovha. ‘Nokuti vanhu vachagara paZioni paJerusarema; haungazochemi, zvirokwazvo uchakunzwira tsitsi, kana achinzwa kuchema kwako; kana achinzwa, uchakupindura.” (Isaya 30:19) Isaya anoratidza unyoro mumashoko aya nokuchinja kubva kuna “akunzwirei” anoreva vazhinji mundima 18 achienda kuna “uchakunzwira” anoreva munhu mumwe mundima 19. Jehovha paanonyaradza vanhu vakaora mwoyo, anobata munhu mumwe nomumwe akazvimirira. SaBaba, haabvunzi mwanakomana akaora mwoyo kuti, ‘Nei usingagoni kushinga somukoma wako?’ (VaGaratiya 6:4) Pane kudaro, anonyatsoteerera mumwe nomumwe. Kutaura chokwadi, “kana achinzwa, uchakupindura.” Mashoko anokurudzira sei! Vanhu vakaora mwoyo vanogona kusimbiswa zvikuru kana vakanyengetera kuna Jehovha.—Pisarema 65:2.
Inzwa Inzwi raMwari Rinotungamirira Nokurava Shoko Rake
17, 18. Kunyange munguva dzakaoma, Jehovha anotungamirira sei?
17 Isaya zvaanoenderera mberi nokutaura kwake, anoyeuchidza vateereri vake kuti nhamo ichauya. Vanhu vachagamuchira “chingwa chenhamo nemvura yokutambudzika.” (Isaya 30:20a) Nhamo nokutambudzika zvavachaona pavachange vakakombwa zvichave zvenguva dzose sechingwa nemvura. Kunyange zvakadaro, Jehovha akagadzirira kununura vane mwoyo yakarurama. “Mudzidzisi wenyu Mukuru, haangazozvivanzi, uye maziso enyu anofanira kuva maziso anoona Mudzidzisi wenyu Mukuru. Uye nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu richiti: ‘Iyi ndiyo nzira. Fambai nayo, imi vanhu,’ kana zvimwe imi vanhu mungatsaukira kurudyi kana kuti zvimwe mungatsaukira kuruboshwe.”—Isaya 30:20b, 21, NW.b
18 Jehovha ndiye “Mudzidzisi . . . Mukuru.” Hapana angaenzana naye somudzidzisi. Zvisinei, vanhu vanga‘ona’ nokumu“nzwa” sei? Jehovha anozvizivisa nokuvaprofita vake, vane mashoko akanyorwa muBhaibheri. (Amosi 3:6, 7) Nhasi, vanamati vakatendeka pavanorava Bhaibheri, zvinoita sokuti inzwi raMwari rakaita serababa riri kuvaudza nzira yokufamba nayo nokuvakurudzira kugadziridza mufambiro wavo kuti vafambe nayo. MuKristu mumwe nomumwe anofanira kunyatsoteerera Jehovha zvaanotaura nomumapeji eBhaibheri nemabhuku eBhaibheri anogoverwa no“muranda akatendeka akachenjera.” (Mateu 24:45-47) Munhu mumwe nomumwe ngaashingairire kurava Bhaibheri nokuti ‘zvinoreva upenyu hwake.’—Dheuteronomio 32:46, 47; Isaya 48:17.
Fungisisa Zvikomborero Zvomunguva Yemberi
19, 20. Zvikomborero zvipi zvakamirira avo vanoteerera inzwi roMudzidzisi Mukuru?
19 Avo vanoteerera inzwi roMudzidzisi Mukuru vacharasa zvifananidzo zvavo zvakavezwa, vachizviona sechimwe chinhu chinosemesa. (Rava Isaya 30:22.) Ipapo, ivavo vanoteerera vachawana zvikomborero zvinoshamisa. Izvi zvinorondedzerwa naIsaya, sezvakanyorwa muna Isaya 30:23-26, uprofita hwokudzorerwa hunofadza hunotanga kuzadzika apo vakasara vevaJudha vanodzoka kwavakanga vatapwa muna 537 B.C.E. Nhasi, uprofita uhwu hunotibetsera kuona zvikomborero zvinoshamisa izvo Mesiya anounza muparadhiso yomudzimu zvino nomuParadhiso chaiyo ichauya.
20 “Uchakupa mvura yokumeresa mbeu yako, yauchadzvara muvhu; nezvokudya, zvinoberekwa nevhu, zvichava zvakakora zvizhinji. Nezuva iro mombe dzenyu dzichafura pamafuro makuru; nzombe navana vembongoro, zvinorima minda, zvichadya zvokudya zvakarungwa, zvakarudzwa nemitsvairo nemisero.” (Isaya 30:23, 24) Zvokudya “zvakakora”—zvokudya zvinovaka muviri—zvichava zvokudya zvevanhu zvezuva nezuva. Nyika yacho ichabereka zvakawanda kwazvo zvokuti kunyange mhuka dzichabetserwawo. Zvipfuwo zvichapiwa “zvokudya zvakarungwa”—chikafu chinonaka chinochengeterwa nguva dziri kure. Chikafu ichi chakato“rudzwa”—magadzirirwo anowanzoitwa zviyo zvinoitirwa kudyiwa nevanhu. Mashoko akazara anofadza sei ayo Isaya anopa pano kuenzanisira kupfuma kwezvikomborero zvaJehovha pavanhu vakatendeka!
21. Rondedzera makwanire ezvikomborero zvichauya.
21 “Pamusoro pegomo rimwe nerimwe rakareba, napachikomo chimwe nechimwe chakakwirira, pachava nenzizi nehova dzemvura.” (Isaya 30:25a)c Isaya anonyatsorondedzera zvinosimbisa kukwana kwezvikomborero zvaJehovha. Mvura haiperi—chinhu chinokosha chichaerera kwete munzvimbo dzakaderera bedzi asi mumakomo ose, kunyange “pamusoro pegomo rimwe nerimwe rakareba, napachikomo chimwe nechimwe chakakwirira.” Hungu, nzara ichava chinhu chekare. (Pisarema 72:16) Uyezve, muprofita anochinja otarira zvinhu zvakatokwirira kupfuura makomo. “Uyezve, chiedza chomwedzi chichafanana nechiedza chezuva, chiedza chezuva chichawedzerwa kanomwe, sechiedza chamazuva manomwe, nezuva iro kana Jehovha achisunga pakakuvara pavanhu vake, nokuporesa vanga ravakarohwa.” (Isaya 30:26) Kuguma kunofadza zvakadini kwouprofita uhwu! Mbiri yaMwari ichapenya norunako rwayo rwose. Zvikomborero zvakamirira vanamati vakatendeka vaMwari zvichapfuura nokure—kakapetwa kanomwe—zvose zvavakamboona kare.
Kutongwa uye Mufaro
22. Mukusiyana nezvikomborero zvichauya nokuda kwevakatendeka, Jehovha akachengetera vakaipa chii?
22 Matauriro aIsaya shoko rake anochinja zvekare. “Tarirai,” iye anodaro sokunge ari kuti vateereri vake vamupe nzeve. “Zita raJehovha rinobva kure, richipisa nokutsamwa kwake, richibudisa utsi huzhinji; miromo yake izere nehasha, rurimi rwake rwakafanana nomoto unopedza zvose.” (Isaya 30:27) Kusvika zvino, Jehovha haana kupindira, achibvumira vavengi vevanhu vake kuti vaite zvavanoda. Zvino anoswedera pedyo—semvura yemabhanan’ana iri kuuya zvishoma nezvishoma—kuti azotonga. “Mweya wake wakaita sorwizi runofema kunze, runosvikira pamutsipa, kuti asere marudzi avanhu nomusero wokuparadza; matomu anotsausa achava mumiromo yavanhu.” (Isaya 30:28) Vavengi vevanhu vaMwari vachatenderedzwa ne“rwizi runofema kunze,” vachizungurwa nesimba “nomusero,” nokusungwa ne“matomu.” Vachaparadzwa.
23. Chii chinoparira “kufara kwomwoyo” kuvaKristu nhasi?
23 Matauriro aIsaya anochinja zvekare sezvaanorondedzera mamiriro ezvinhu anofadza evanamati vakatendeka avo rimwe zuva vachadzokera kunyika yokumusha kwavo. “Muchaimba rwiyo, sezvinoitwa usiku kana mutambo mutsvene uchitambwa; muchava nokufara kwomwoyo, wakafanana nowomunhu unoenda achiridza nyere kugomo raJehovha, kudombo raIsraeri.” (Isaya 30:29) VaKristu vechokwadi nhasi vanonzwa “kufara kwomwoyo” kwakafanana sezvavanofunga nezvokutongwa kwenyika yaSatani; dziviriro yavanopiwa naJehovha, “Dombo rokuponeswa;” uye zvikomborero zvoUmambo zvichauya.—Pisarema 95:1.
24, 25. Uprofita hwaIsaya hunosimbisa sei uchokwadi hwokutongwa kweAsiria kuri kuuya?
24 Pashure pokutaura uku kwomufaro, Isaya anodzokerazve kumusoro wokutongwa ozivisa achaona hasha dzaMwari. “Jehovha uchanzwisa inzwi rake roumambo, ucharatidza kuburuka kworuoko rwake, nokutsamwa kwake kukuru, nomurazvo womoto unopedza zvose, nechamupupuri, nokunaya kukuru kwemvura, nechimvuramabwe. Nokuti muAsiria uchakanganiswa nenzwi raJehovha; uchamurova neshamhu.” (Isaya 30:30, 31) Nokurondedzera kwakajeka uku, Isaya anosimbisa uchokwadi hwokutongwa kweAsiria naMwari. Chaizvoizvo, Asiria inomira pamberi paMwari uye inodedera nokuona ‘ruoko rwake ruchidzika’ rwokutonga.
25 Muprofita anoenderera mberi achiti: “Kurova kwose kwetsvimbo yakatumwa, yaacharohwa nayo naJehovha, kuchaitwa nokurira kwengoma nembira; ucharwa navo nokurwa kuchavazunungusa. Nokuti Tofeti rakagara ragadzirwa; zvirokwazvo rakagadzirirwa mambo; wakaridzikisa nokurikurisa; dutu riripo moto nehuni zhinji; mweya waJehovha, wakafanana norwizi rwesurferi, uchazvipfutidza.” (Isaya 30:32, 33) Tofeti, riri muMupata waHinomi rinoshandiswa pano senzvimbo yokufananidzira iri kupfuta moto. Nokuratidza kuti Asiria ichaguma yava ikoko, Isaya anosimbisa kuparadzwa kwakakwana kuchauya kamwe kamwe parudzi irworwo.—Enzanisa na2 Madzimambo 23:10.
26. (a) Zvirevo zvaJehovha kuAsiria zvine kushanda kupi kwomuzuva ranhasi? (b) VaKristu nhasi vanoramba vachimirira sei Jehovha?
26 Kunyange zvazvo shoko rokutongwa iri rakananga Asiria, zvinoreva uprofita hwaIsaya zvinoenda kure. (VaRoma 15:4) Jehovha achaita seanouya zvekare, achibva kure kuzonyudza, kuzungura, nokuisa matomu vose avo vanodzvinyirira vanhu vake. (Ezekieri 38:18-23; 2 Petro 3:7; Zvakazarurwa 19:11-21) Dai zuva iroro rikakurumidza kuuya! Zvichingunodai, vaKristu vanomirira kwazvo zuva rokununurwa. Vanowana simba pakufunga nezvemashoko akajeka akanyorwa muchitsauko 30 chaIsaya. Mashoko aya anokurudzira vashumiri vaMwari kukoshesa ropafadzo yomunyengetero, kushingairira kudzidza Bhaibheri, nokufungisisa nezvezvikomborero zvoUmambo zvichauya. (Pisarema 42:1, 2; Zvirevo 2:1-6; VaRoma 12:12) Saka mashoko aIsaya anotibetsera tose kuti tirambe tichimirira Jehovha.
[Mashoko Omuzasi]
a Cherechedza kuti kudai nyika yeJudha yakanga yakatendeka, zvakapesana chaizvo zvingadai zvirizvo zvakaitika.—Revhitiko 26:7, 8.
b Iyi ndiyo nzvimbo bedzi muBhaibheri apo Jehovha anonzi “Mudzidzisi . . . Mukuru.”
c Isaya 30:25b inoti: “nezuva rokuurawa kukuru kana shongwe dzichiwa.” Mukuzadzika kwokutanga, izvi zvingangoreva kuwa kweBhabhironi, uko kwakazarura nzira yokuti vaIsraeri vawane zvikomborero zvakafanotaurwa pana Isaya 30:18-26. (Ona ndima 19.) Zvingangorevawo kuparadzwa paAmagedhoni, izvo zvichaita kuti kuzadzika kwezvikomborero izvi kukuru kwazvo kubvire munyika itsva.
[Mifananidzo iri papeji 305]
Muzuva raMosesi, vaIsraeri vakapukunyuka muIjipiti. Muzuva raIsaya, nyika yeJudha inoenda kuIjipiti kunotsvaka rubatsiro
[Mufananidzo uri papeji 311]
“Pachikomo chimwe nechimwe chakakwirira, pachava nenzizi nehova dzemvura”
[Mufananidzo uri papeji 312]
Jehovha achauya “nokutsamwa kwake, [a]chibudisa utsi huzhinji”