Chitsauko 24
Hapana Chinobetsera Munyika Ino
1, 2. (a) Nei vagari veJerusarema vachitya? (b) Tichifunga nezvenhamo yeJerusarema, mibvunzo ipi yakakodzera?
VAGARI veJerusarema vari kutya—uye vane chikonzero chakanaka! Asiria, umambo hune simba pane hwose muzuva iri, yarwisa “maguta ose aJudha akakombwa norusvingo, [i]kaakunda.” Zvino, uto reAsiria riri kutyisidzira guta guru renyika yeJudha. (2 Madzimambo 18:13, 17) Mambo Hezekia pamwe nevamwe vagari vose veJerusarema vachaitei?
2 Sezvo mamwe maguta omunyika yokwake atokundwa kare, Hezekia anoziva kuti Jerusarema haringamirisani neuto rehondo reAsiria rakasimba kwazvo. Uyezve vaAsiria vane mukurumbira usina vamwe woutsinye nechisimba. Uto renyika iyi rinotyisa kwazvo zvokuti dzimwe nguva vavengi vanotiza vasina kana kumborwa! Tichifunga nezvemamiriro ezvinhu eJerusarema okupererwa nezano, vagari varo vangaendepi kuti vabetserwe? Pane nzira yokutiza nayo uto reAsiria here? Uye vanhu vaMwari vakapinda sei mumamiriro ezvinhu akadaro? Kuti tipindure mibvunzo iyi, tinofanira kutarisa shure toona kuti Jehovha akabata sei norudzi rwake rwesungano mumakore ekare.
Kuramba Kutenda muIsraeri
3, 4. (a) Rudzi rwaIsraeri rwakakamurwa kuva umambo huviri rini uye sei? (b) Mavamboi asina kunaka ayo Jerobhoami akapa umambo hwendudzi gumi hwokumusoro?
3 Kubva panguva apo Israeri akabva Ijipiti kusvika pakufa kwomwanakomana waDhavhidhi Soromoni—nguva inopfuura makore 500 zvishomanene—ndudzi 12 dzeIsraeri dzakanga dzakabatana sorudzi rumwe. Soromoni afa, Jerobhoami akatungamirira ndudzi gumi dzokumusoro mukumukira imba yaDhavhidhi, uye kubva ipapo umambo hwacho hwakakamuka kuva umambo huviri. Umu makanga muri mugore ra997 B.C.E.
4 Jerobhoami ndiye akanga ari mambo wokutanga woumambo hwokumusoro hweIsraeri, uye akatungamirira vanhu vake munzira yokuramba kutenda nokutsiva upristi hwaAroni nokunamatwa kwaJehovha kwapamutemo noupristi husiri hwapamutemo netsika yokunamata mhuru. (1 Madzimambo 12:25-33) Izvi zvaisemesa kuna Jehovha. (Jeremia 32:30, 35) Nokuda kweizvi nezvimwe zvikonzero, akabvumira Asiria kukurira Israeri. (2 Madzimambo 15:29) Mambo Hoshea akaedza kutyora joko reAsiria nokurangana neIjipiti, asi kurangana kwacho kwakakundikana.—2 Madzimambo 17:4.
Israeri Inoenda Kuutiziro Hwenhema
5. Israeri inoenda kunaani kuti ibetserwe?
5 Jehovha anoda kuti vaIsraeri vapengenuke mupfungwa dzavo.a Naizvozvo anotumira muprofita Isaya nenyevero inotevera: “Vane nhamo vanoburukira [Ijipiti] kundotsvaka kubatsirwa, vanotenda mabhiza, vanovimba nengoro dzokurwa nokuti izhinji, uye navatasvi vamabhiza nokuti vane simba kwazvo, asi havatariri kune Mutsvene waIsraeri, kana kutsvaka Jehovha.” (Isaya 31:1) Inhamo yakadini! Israeri inovimba nemabhiza nengoro dzehondo kupfuura Mwari mupenyu, Jehovha. Mukufunga kwenyama kweIsraeri, mabhiza eIjipiti akawanda uye ane simba. Chokwadi, Ijipiti ichava mukutsiri anokosha mukurwa neuto reAsiria! Zvisinei, vaIsraeri nokukurumidza vachaona kuti mubatanidzwa wavo wenyama neIjipiti hauna maturo.
6. Nei kuenda kuIjipiti kweIsraeri kuchiratidza kushayiwa kutenda kwakakomba muna Jehovha?
6 Nesungano yoMutemo, vagari veIsraeri nenyika yeJudha vane ukama hwokuzvitsaurira kuna Jehovha. (Eksodho 24:3-8; 1 Makoronike 16:15-17) Nokuenda kuIjipiti kunotsvaka kubetserwa, vaIsraeri vanoratidza kushayiwa kutenda muna Jehovha uye kusateerera mitemo iyo iri chikamu chesungano iyoyo tsvene. Nei? Nemhaka yokuti chinobatanidzwa muzvibvumirano zvesungano yacho chipikirwa chaJehovha chokudzivirira vanhu vake kana vakazvipira kwaari iye oga. (Revhitiko 26:3-8) Zvechokwadiwo sechipikirwa ichocho, Jehovha akaratidza kuva “nhare . . . panguva yokutambudzika.” (Pisarema 37:39; 2 Makoronike 14:2, 9-12; 17:3-5, 10) Uyezve, nokuna Mosesi, murevereri wesungano yoMutemo, Jehovha akaudza madzimambo aizotevera eIsraeri kuti asazviwanzira mabhiza. (Dheuteronomio 17:16) Kuteerera mutemo uyu kwaizoratidza kuti madzimambo aya anotarira ku“Mutsvene waIsraeri” kuti avadzivirire. Zvinosuruvarisa kuti vatongi veIsraeri havana kutenda kwakadaro.
7. VaKristu nhasi vangadzidzei mukushayiwa kutenda kweIsraeri?
7 Pane chidzidzo apa nokuda kwavaKristu nhasi. Israeri yakatarira kutsigiro inooneka kubva kuIjipiti panzvimbo petsigiro yakasimba kupfuura ipapo nokure inopiwa naJehovha. Saizvozvowo nhasi, vaKristu vanganzwa vachida kuvimba nezvinhu zvenyama zvinochengetedza—maakaundi okubhengi, chinzvimbo munzanga, vavanozivana navo munyika—panzvimbo paJehovha. Pasina mubvunzo, misoro yemhuri yechiKristu inokoshesa mutoro wayo wokugovera mhuri dzayo zvinhu zvenyama. (1 Timoti 5:8) Asi havavimbi nezvinhu zvenyama. Uye vanongwarira “kuchochora kworudzi rwose.” (Ruka 12:13-21) “Nhare yakasimba panguva yokutambudzika” ndiJehovha Mwari bedzi.—Pisarema 9:9; 54:7.
8, 9. (a) Kunyange zvazvo mazano eIsraeri angaratidza seanoshanda pakuonekwa kwawo, zvichaguma sei, uye nei? (b) Zvipikirwa zvaJehovha zvakasiyanei nezvevanhu?
8 Chaizvoizvo Isaya anonyomba vatungamiriri vevaIsraeri vakaronga chibvumirano neIjipiti, achiti: “Kunyange zvakadaro naiye wakachenjera, uchauyisa nhamo, haangadzosi mashoko ake, asi uchamukira imba yavanoita zvakaipa, navanobatsirana navanoita zvakaipa.” (Isaya 31:2) Vatungamiriri veIsraeri vangafunga kuti vakachenjera. Asi Musiki wezvose zvakasikwa haana kutochenjera zvakanyanya here? Zano reIsraeri rokutsvaka kubetserwa neIjipiti rinoita sokuronga kwakanaka. Kunyange zvakadaro, kuita mubatanidzwa wezvamatongerwe enyika wakadaro kunoreva kuita upombwe hwomudzimu mumeso aJehovha. (Ezekieri 23:1-10) Somugumisiro, Isaya anotaura kuti Jehovha acha“uyisa nhamo.”
9 Vimbiso dzevanhu dzine mukurumbira wokusavimbika, uye kudzivirirwa nevanhu hakuna chokwadi. Asi kana ari Jehovha, hazvimbodi kuti ‘adzose mashoko ake.’ Achaita zvaanopikira pasina kukundikana. Shoko rake haridzokeri kwaari risina kuitika.—Isaya 55:10, 11; 14:24.
10. Chii chichaitika kuIjipiti neIsraeri?
10 VaIjipiti vachava vadziviriri vakavimbika veIsraeri here? Aiwa. Isaya anoudza Israeri kuti: “Zvino va[Ijipiti] vanhu, havazi Mwari, namabhiza avo inyama, haasi mweya; zvino kana Jehovha achitambanudza ruoko rwake, unobatsira uchagumburwa nounobatsirwa uchawira pasi, vose vachapera pamwe chete.” (Isaya 31:3) Vose mubetseri (Ijipiti) nounobetserwa (Israeri) vachagumburwa, vowa, vosvika pakuguma kwavo Jehovha paanotambanudza ruoko rwake kuti aite kutonga kwake achishandisa Asiria.
Kuwa kweSamaria
11. Israeri yave nomukurumbira wechivi wakadini, uye zvinoguma nei?
11 Netsitsi dzake Jehovha anoramba achitumira vaprofita kuti akurudzire Israeri kupfidza nokudzoka kukunamata kwakachena. (2 Madzimambo 17:13) Pasinei neizvi, Israeri inotowedzera pamusoro pechivi chayo chokunamata mhuru nokuita zvokushopera, kunamata Bhaari kwounzenza, uye kushandisa matanda anoyera nematunhu akakwirira. VaIsraeri vanoto“pinza vanakomana navakunda vavo mumoto,” vachibayira zvibereko zvenyama yavo chaiyo kuvanamwari vemadhimoni. (2 Madzimambo 17:14-17; Pisarema 106:36-39; Amosi 2:8) Kugumisa uipi hweIsraeri, Jehovha anopikira kuti: “Samaria, mambo waro waparadzwa sechipande pamusoro pemvura.” (Hosea 10:1, 7) Muna 742 B.C.E., mauto eAsiria anorwisa Samaria, guta guru reIsraeri. Pashure pokukomba kwemakore matatu, Samaria inowa, uye muna 740 B.C.E., umambo hwendudzi gumi uhwu hunorova.
12. Nhasi ibasa ripi iro Jehovha akapa, uye chii chinoitika kune vasingateereri nyevero?
12 Muzuva redu Jehovha akapa basa rokuparidza munyika yose kuitira kunyevera “vanhu kuti vanofanira kupfidza vose kwose kwose.” (Mabasa 17:30; Mateu 24:14) Avo vanoramba nzira yaMwari yoruponeso vachaita se“chipande,” vachaparadzwa sorudzi rwakaramba kutenda rweIsraeri. Asi avo vanovimba naJehovha “vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Saka kuchenjera kwakadini kudzivisa zvikanganiso zvoumambo hwekare hweIsraeri! Ngativimbei naJehovha nomwoyo wedu wose nokuda kworuponeso.
Simba raJehovha Rokuponesa
13, 14. Mashoko api anonyaradza ayo Jehovha anawo nokuda kweZioni?
13 Riri makiromita mashomanene kubva pamuganhu wenyika yeIsraeri nechezasi iJerusarema, guta guru renyika yeJudha. Vagari Jerusarema vanonyatsoziva zvakaitika kuSamaria. Zvino vanoerekana vave kutyisidzirwa nomuvengi iyeye anotyisa uyo akaparadza muvakidzani wavo wokumusoro. Vachadzidza here pane zvakawira Samaria?
14 Mashoko aIsaya anotevera anonyaradza kuvagari veJerusarema. Anovavimbisa kuti Jehovha achiri kuda vanhu vake vesungano achiti: “Nokuti zvanzi naJehovha kwandiri: Zvakaita seshumba nomwana weshumba zvinoombera chayabata; kunyange vafudzi vazhinji vakakokerwa kuzorwa nayo, haingavhunduswi namanzwi avo, haingavi nehanya nokupopota kwavo; saizvozvo Jehovha wehondo uchaburukira pamusoro pegomo reZioni napamusoro pechikomo charo kuzorwa navo.” (Isaya 31:4) Kufanana nomwana weshumba akamira pamusoro pechaabata, Jehovha achachengeta guta rake dzvene Zioni negodo. Hapana kuzvikudza, hapana mashoko okutyisidzira, kana kumwe kupfakanyika kungaitwa nemauto eAsiria kuchachinjisa Jehovha chinangwa chake.
15. Jehovha anobata sei nounyoro uye netsitsi nevagari veJerusarema?
15 Zvino, cherechedza nzira younyoro netsitsi iyo Jehovha achabata nayo nevagari veJerusarema: “Seshiri dzinoyengerera, saizvozvo Jehovha uchatavirira Jerusarema; ucharitavirira nokurirwira, ucharidarika nokurisunungura.” (Isaya 31:5) Mai veshiri vanogara vakangwarira kudzivirira vana vavo. Mapapiro akatwasuka, inoyengerera pamusoro pemanyana ayo, uye nemaziso anonyatsotarisisa inotsvaka chipi nechipi chingava chiratidzo chengozi. Kana mhandu ikauya pedyo, inokurumidza kudzika kuti idzivirire manyana ayo. Saizvozvowo, Jehovha achatarisira nounyoro vagari veJerusarema nemhaka yevaAsiria vanopinda nechisimba.
“Dzokerai”
16. (a) Jehovha anoita chikumbiroi chorudo kuvanhu vake? (b) Kupandukira kwevanhu venyika yeJudha kunonyanya kubuda pachena rini? Tsanangura.
16 Jehovha zvino anoyeuchidza vanhu vake kuti vatadza uye anovakurudzira kusiya nzira dzavo dzokukanganisa achiti: “Dzokerai kuna iye wamakamukira zvikuru, imi vana vaIsraeri.” (Isaya 31:6) Umambo hwendudzi gumi hweIsraeri handihwo bedzi hwaimukira. Vanhu venyika yeJudha, “vana vaIsraeri”wo vasvika kure muku“mukira” kwavo. Izvi zvichanyatsova pachena, nokukurumidza pashure pokunge Isaya apedza shoko rake rouprofita, apo mwanakomana waHezekia Manase anova mambo. Maererano nenhoroondo yeBhaibheri, “Manase akatsausa vaJudha navakanga vagere Jerusarema, vakaita zvakaipa kupfuura zvakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi pavana vaIsraeri.” (2 Makoronike 33:9) Pafunge! Jehovha anoparadza marudzi echihedheni nokuti anosemesa netsvina yawo, asi vagari venyika yeJudha, vari muukama hwesungano naJehovha, vakatoipa kupfuura vanhu vemarudzi iwayo.
17. Mamiriro ezvinhu nhasi akafanana pakudii neaya aiva munyika yeJudha mukutonga kwaManase?
17 Mukutanga kwezana remakore rechi21, mamiriro ezvinhu akafanana muzvinhu zvizhinji neomunyika yeJudha mumazuva aManase. Nyika iri kuramba ichizara noruvengo rwechitendero, rwedzinza, uye rwemarudzi. Zviito zvinotyisa zvokuponda, kutambudza, kubata chibharo, uye kunonzi kuparadza dzinza zvakawira mamiriyoni akawanda. Pasina mubvunzo, vanhu nemarudzi—kunyanya marudzi echiKristudhomu—vasvika kure noku“mukira” kwavo. Zvisinei, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha haasi kuzobvumira uipi kuenderera mberi nokusingaperi. Nei? Nemhaka yezvakaitika muzuva raIsaya.
Jerusarema Rinonunurwa
18. Rabhisheki anopa nyeveroi kuna Hezekia?
18 Madzimambo eAsiria vaiti vanamwari vavo ndivo vaiakundisa hondo. Bhuku rinonzi Ancient Near Eastern Texts rine zvakanyorwa naAshurbanipal, mumwe mambo weAsiria uyo aiti aitungamirirwa “naAshur, Bel, Nebo, vanamwari vakuru, madzishe [ake], aifora [nguva dzose] parutivi [rwake], [apo iye] aikunda muhondo varwi (vaiziva kurwa) . . . vari muhondo huru.” Muzuva raIsaya, Rabhisheki, uyo anomirira Mambo Seniheribhi weAsiria, anoratidza kudavira izvozvo zvokubatanidzwa kwevanamwari muhondo dzevanhu paanotaura naMambo Hezekia. Anonyevera mambo wechiJudha uyu kuti asavimba naJehovha nokuda kworuponeso achitaura kuti vanamwari vemamwe marudzi vakakundikana kudzivirira vanhu vavo pauto rine simba reAsiria.—2 Madzimambo 18:33-35.
19. Hezekia anoita sei nokutuka kwaRabhisheki?
19 Mambo Hezekia anoita sei? Nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Zvino mambo Hezekia wakati achizvinzwa, akabvarura nguo dzake, akafuka magumbu, akapinda mumba maJehovha.” (2 Madzimambo 19:1) Hezekia anoona kuti kunongova noMumwe bedzi anogona kumubetsera mumamiriro ezvinhu anotyisa aya. Anozvininipisa otsvaka kutungamirirwa naJehovha.
20. Jehovha achaitei akamirira vagari venyika yeJudha, uye vanofanira kudzidzei pazviri?
20 Jehovha anopa nhungamiro iri kutsvakwa yacho. Achishandisa muprofita Isaya, anoti: “Nokuti nezuva iro mumwe nomumwe ucharasha zvifananidzo zvake zvesirivha nezvifananidzo zvake zvendarama, zvamakazviitira namaoko enyu, zvikava zvivi kwamuri.” (Isaya 31:7) Jehovha paanorwira vanhu vake, vanamwari vaSeniheribhi vachafumurwa zvavari—kuti havabetseri. Ichi chidzidzo icho vagari venyika yeJudha vanofanira kuisa mumwoyo. Pasinei nokutendeka kwaMambo Hezekia, nyika yeJudha kufanana neyeIsraeri, yakazara zvidhori. (Isaya 2:5-8) Nokuda kwevagari venyika yeJudha, kutangazve ukama hwavo naJehovha kungada kuti vapfidze pazvivi zvavo nokurasa “mumwe nomumwe . . . zvifananidzo zvake.”—Ona Eksodho 34:14.
21. Isaya anorondedzera sei nenzira youprofita mabasa aJehovha okuparadza muAsiria?
21 Isaya zvino anorondedzera nenzira youprofita mabasa aJehovha okuparadza muvengi anotyisa wenyika yeJudha achiti: “Ipapo muAsiria uchawa nomunondo usati uri womunhu; munondo usati uri wavanhu uchamudya; uchatiza pamberi pomunondo, namajaya ake achabatira chibharo.” (Isaya 31:8) Panouya kunyadziswa kwacho, vagari veJerusarema havatombofaniri kuvhomora minondo yavo mumihara yawo. Mbiru dzemauto eAsiria dzinoitwa murakatira, kwete neminondo yevanhu, asi nomunondo waJehovha. Kana ari Mambo Seniheribhi weAsiria, “uchatiza pamberi pomunondo.” Varwi vake 185 000 vaurawa nengirozi yaJehovha, anodzokera kumba. Gare gare achikotamira mwari wake Nisroki, anourayirwa chigaro nevanakomana vake.—2 Madzimambo 19:35-37.
22. VaKristu vangadzidzei nhasi pazviitiko zvinobatanidza Hezekia neuto reAsiria?
22 Hapana munhu, kusanganisira Hezekia, aigona kufanoona nzira iyo Jehovha aizonunura nayo Jerusarema pauto reAsiria. Kunyange zvakadaro, nzira yaHezekia yokubatana nayo nenhamo yacho inopa muenzaniso wakanaka kwazvo nokuda kwevanotarisana nemiedzo nhasi. (2 VaKorinde 4:16-18) Achifunga nezvomukurumbira wokutyisa kwevaAsiria vari kutyisidzira Jerusarema, Hezekia nenzira inonzwisisika aitya. (2 Madzimambo 19:3) Kunyange zvakadaro, akanga achitenda Jehovha, aitsvaka kutungamirirwa Naye, kwete nomunhu. Chakava chikomborero chakadini kuJerusarema nokuti akadaro! VaKristu vanotya Mwari nhasi vanganzwawo kutya zvikuru kana vamanikidzika. Mumamiriro ezvinhu mazhinji, kutya kunonzwisisika. Asi, kana tika‘kandira kufunganya kwedu kwose pana Jehovha,’ iye uchatitarisira. (1 Petro 5:7) Achatibetsera kukurira kutya kwedu uye achatisimbisa kuti titarisane nemamiriro ezvinhu ari kuita kuti tiore mwoyo.
23. Munzirai umo Seniheribhi, kwete Hezekia, anosara achitya?
23 Pakupedzisira ndiSeniheribhi, kwete Hezekia, anosara achitya. Angaenda kuna ani? Isaya anofanotaura kuti: “Dombo rake richatiza nokutya, machinda ake achavhunduswa nomureza, ndizvo zvinotaura Jehovha, une moto wake paZioni, nechoto chake paJerusarema.” (Isaya 31:9) Vanamwari vaSeniheribhi—“dombo” rake, utiziro hwaanovimba nahwo—hunokundikana. Vanoita sevano“tiza nokutya.” Uyezve, kunyange machinda aSeniheribhi hapana zvaanobetsera. Naivowo vabatwa nokutya.
24. Chidzidzoi chakajeka chingadzidzwa pane zvakaitika kumuAsiria?
24 Chikamu chino chouprofita hwaIsaya chinogovera shoko rakajeka nokuda kwevapi nevapi vangada kuzorwa naMwari. Hakuna chombo, hakuna simba, hakuna zano ringakanganisa zvinangwa zvaJehovha. (Isaya 41:11, 12) Uyewo avo vanoti vanoshumira Mwari asi vachimufuratira kuti vatsvake kuchengeteka muzvinhu zvenyama vachasangana nokuora mwoyo. Vapi nevapi vasinga“tariri kune Mutsvene waIsraeri” vachaona Jehovha achi“uyisa nhamo.” (Isaya 31:1, 2) Zvechokwadi, utiziro bedzi hwechokwadi uye hunogara narini ndiJehovha Mwari.—Pisarema 37:5.
[Mashoko Omuzasi]
a Pamwe ndima nhatu dzokutanga dzechitsauko 31 chaIsaya 31:1-3 dzakanyanya kunanga kuIsraeri. Ndima nhanhatu dzokupedzisira Isa 31:4-9 dzinenge dzinoshanda kunyika yeJudha.
[Mufananidzo uri papeji 319]
Avo vanovimba nezvinhu zvenyama vachaora mwoyo
[Mufananidzo uri papeji 322]
Kufanana neshumba yakarinda chayabata, Jehovha achadzivirira guta rake dzvene
[Mifananidzo iri papeji 324]
Nyika izere noruvengo rwechitendero, rwedzinza, uye rwemarudzi
[Mufananidzo uri papeji 326]
Hezekia akaenda kuimba yaJehovha achitsvaka kubetserwa