Chitsauko 25
Mambo neMachinda Ake
1, 2. Chii chingataurwa pamusoro porugwaro rwoMupumburu weGungwa Rakafa waIsaya?
PEDYO nechokunopera kwema1940, mipumburu inoshamisa yakawanikwa mumapako ari pedyo neGungwa Rakafa, muParestina. Yakasvika pakuzikanwa seMipumburu yeGungwa Rakafa uye inofungidzirwa kuva yakanyorwa panenge pakati pa200 B.C.E. na70 C.E. Unonyanya kuzivikanwa pakati payo mupumburu waIsaya wakanyorwa muchiHebheru padehwe rakasimba. Mupumburu uyu unenge uripo wose zvawo, uye magwaro awo akasiyana zvishomanene nemanyoro emagwaro evaMasoreti akazonyorwa kwapera makore anenge 1 000. Saka, mupumburu wacho unoratidza kupfuudzwa kworugwaro rweBhaibheri nenzira yakarurama.
2 Chinhu chiduku chinofadza pamusoro peMupumburu weGungwa Rakafa waIsaya ndechokuti chikamu chinonzi nhasi chitsauko 32 chakaiswa “X” akatarwa mumucheto nomunyori. Hatizivi kuti nei munyori akaita chiratidzo chakadaro, asi tinoziva kuti pane chimwe chinhu chinokosha pamusoro pechikamu ichi cheBhaibheri Dzvene.
Kutongera Kururama Neruramisiro
3. Kutarisirwa kwezvinhu zvipi kunoprofitwa mubhuku raIsaya neraZvakazarurwa?
3 Chitsauko 32 chaIsaya chinotanga nouprofita hunofadza huri kuzadzika zvinoshamisa muzuva redu hunoti: “Tarirai, mambo uchabata ushe nokururama, machinda achabata achiruramisira.” (Isaya 32:1) Hungu, “Tarirai!” Kudanidzira uku kunoyeuchidza nezvokudanidzira kwakafanana kunowanikwa mubhuku rouprofita rokupedzisira muBhaibheri: “Uyo akanga agere pachigaro choumambo akati: ‘Tarira! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.’” (Zvakazarurwa 21:5) Mabhuku eBhaibheri anoti raIsaya neraZvakazarurwa, akanyorwa nguva dzakasiyana nemakore 900, ose anopa rondedzero inofadza yokutarisirwa kwezvinhu kutsva—“denga idzva,” rinoumbwa naMambo, Jesu Kristu, akagadzwa pachigaro choumambo mumatenga muna 1914, uye vanotonga pamwe naye 144 000 “vakatengwa pakati pevanhu”—pamwe ne“pasi idzva,” nzanga yevanhu vakabatana kupota pasi.a (Zvakazarurwa 14:1-4; 21:1-4; Isaya 65:17-25) Gadziriro iyi yose inoitwa kuti ibvire nechibayiro chorudzikinuro chaKristu.
4. Musimboti wepasi idzva wavapo zvino chii?
4 Aona mune zvaakaratidzwa kuiswa chisimbiso kwokupedzisira kwe144 000 ava vanotonga pamwe naye, muapostora Johani anoti: “Ndakaona, uye, tarira! boka guru revanhu, vakanga vasina munhu aikwanisa kuverenga, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi, vamire pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana.” Uyu ndiwo musimboti wepasi idzva—boka guru revanhu zvino vanosvika kumamiriyoni, vakaunganidzwa kurutivi rwevashoma, vakawanda vavo vakwegura vasara ve144 000. Boka guru revanhu ava vachapona pakutambudzika kukuru kuri kuuya nokukurumidza uye muParadhiso yepasi vachasangana nevakatendeka vachamutswa pamwe nemamwe mabhiriyoni vachapiwa mukana wokuratidza kutenda. Vose vanodaro vachakomborerwa noupenyu husingaperi.—Zvakazarurwa 7:4, 9-17.
5-7. “Machinda” akafanotaurwa anoita basa rei muboka raMwari?
5 Zvisinei, chero bedzi nyika iripo zvino izere noruvengo ichipo, veboka guru vanoda kudzivirirwa. Zvikurukuru izvi zvinoitwa ne“machinda” ayo ano“bata, achiruramisira.” Igadziriro yakanaka sei! “Machinda” aya anorondedzerwazve nemashoko anofadza ouprofita hwaIsaya anoti: “Munhu mumwe nomumwe uchava soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.”—Isaya 32:2.
6 Panguva ino chaiyo munguva ino yokurwadziwa kwenyika yose, panodikanwa “machinda,” hungu, vakuru vacha“chenjerer[a] . . . boka rose,” vachitarisira makwai aJehovha nokuita ruramisiro inowirirana nenheyo dzakarurama dzaJehovha. (Mabasa 20:28) “Machinda” akadaro anofanira kuva nezvinodiwa zvakanyorwa pana 1 Timoti 3:2-7 naTito 1:6-9.
7 Muuprofita hwake hukuru achirondedzera “kuguma kwegadziriro yezvinhu” kunorwadza, Jesu akati: “Onai kuti hamutyiswi.” (Mateu 24:3-8) Nei vateveri vaJesu vasingatyiswi nemamiriro ezvinhu enyika yanhasi ane ngozi? Chimwe chikonzero chacho ndechokuti “machinda”—vangave vakazodzwa kana kuti “mamwe makwai”—ari kudzivirira boka nokuvimbika. (Johani 10:16) Vanotarisira hama dzavo nehanzvadzi nokusatya, kunyange mukutarisana nezvinotyisa zvakadaro zvakadai sehondo dzemadzinza kana kuti kuparadzwa kwedzinza. Munyika isingadi Mwari, vanova nechokwadi chokuti mweya yakaora mwoyo inozorodzwa nechokwadi chinovaka cheShoko raMwari, Bhaibheri.
8. Jehovha ari kudzidzisa nokushandisa sei “machinda” emamwe makwai?
8 Mumakore 50 apfuura, “machinda” akava pachena. “Machinda” emamwe makwai ari kudzidziswa seboka ro“muchinda” riri kukura kuitira kuti pashure pokutambudzika kukuru, vanhu vanokwanisa pakati pavo vachave vagadzirira kugadzwa kushumira sevatarisiri vezvinhu mu“nyika itsva.” (Ezekieri 44:2, 3; 2 Petro 3:13) Nokupa nhungamiro yomudzimu nokuzorodza sezvavanotungamirira mubasa roUmambo, vari kuzviratidza kuva “mumvuri wedombo guru,” vachizorodza boka munzvimbo yokunamata kwaro.b
9. Mamiriroi ezvinhu anoratidza kudikanwa kwe“machinda” nhasi?
9 Mumazuva ano okupedzisira ane ngozi enyika yakaipa yaSatani, vaKristu vakazvitsaurira vanoda kwazvo dziviriro yakadaro. (2 Timoti 3:1-5, 13) Mhepo dzakasimba dzedzidziso dzenhema nemashoko enhema akamonyana dziri kuvhuvhuta. Madutu ehondo pakati penyika namarudzi ari kuvhuvhuta, uyewo kurwiswa kwakananga kwevanamati vakatendeka vaJehovha Mwari. Munyika yakaoma nenzira yomudzimu vaKristu vanoda kwazvo hova dzemvura yakachena, chokwadi chisina kusvibiswa kuitira kuti vapedze nyota yavo yomudzimu. Zvinofadza kuti Jehovha akavimbisa kuti Mambo wake ari kutonga, achishandisa hama dzake dzakazodzwa ne“machinda” anotsigira emamwe makwai, achapa kurudziro nenhungamiro kune vakaora mwoyo nokupererwa nezano munguva ino yokushayiwa. Saka Jehovha achaita kuti kururama nokururamisira kutekeshere.
Kuteerera Nemeso, Nenzeve, uye Nemwoyo
10. Igadziriroi idzo Jehovha akaita kuitira kuti vanhu vake vagone ku‘ona’ noku‘nzwa’ zvinhu zvomudzimu?
10 Boka guru revanhu rakaita sei negadziriro yaJehovha yokutonga kwake? Uprofita hwacho hunoenderera mberi huchiti: “Meso avanoona haangatsinzini, nzeve dzavanonzwa dzichateerera.” (Isaya 32:3) Kwemakore, Jehovha akagovera nokuda kwokudzidziswa nokukura mumudzimu kwevaranda vake vanokosha. Chikoro choUshumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari nemimwe misangano iri kuitwa muungano dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose; kokorodzano dzoruwa, dzenyika, nedzenyika dzakawanda; pamwe chete nokudzidziswa kwounyanzvi kwe“machinda” kubata boka nokuratidza hanya kworudo zvose zvakabetsera mukuvakwa kwemamiriyoni ehama dzenyika yose dzakabatana. Kupi nokupi uko vafudzi ava vari pano pasi, nzeve dzavo dzakateya kunzwa kugadziriswa kwokunzwisisa shoko rechokwadi rinofambira mberi. Nehana dzakadzidziswa neBhaibheri, vanogara vakagadzirira kunzwa nokuita.—Pisarema 25:10.
11. Nei vanhu vaMwari zvino vava kutaura nechivimbo, vasingakakamiri nokusava nechokwadi?
11 Uprofita hwacho zvino hunonyevera kuti: “Mwoyo yavanotaura vasingarangariri zvakanaka ichanzwisisa zivo, marimi avanokakamira achaziva kutaura zvakanaka.” (Isaya 32:4) Ngaparege kuva nomunhu unokurumidzisa kugumisa pamusoro pezvakarurama nezvisina kururama. Bhaibheri rinoti: “Unoona munhu unokurumidza kutsamwa? Benzi riri nani kuna iye.” (Zvirevo 29:20; Muparidzi 5:2) Kunyange vanhu vaJehovha vakanga vakasvibiswa nepfungwa dzechiBhabhironi 1919 asati asvika. Asi kutanga mugore iroro, Jehovha akavapa kunzwisisa zvinangwa zvake kwakawedzera kujeka. Vakawana chokwadi chaakavaratidza kusava chokukurumidzisa, asi chakanyatsofungwa, uye zvino vave kutaura zvavanotenda nechivimbo, vasingakakamiri nokusava nechokwadi.
“Benzi”
12. ‘Mapenzi’ ndivanaani nhasi, uye havana rupo munzirai?
12 Uprofita hwaIsaya hunotevera kutaura zvakapesana huchiti: “Benzi harichazonzi munhu wakakudzwa, munyengeri haanganzi mukomboreri. Nokuti benzi rinotaura zvoupenzi.” (Isaya 32:5, 6a) “Benzi” ndiani? Sokunge kuitira kusimbisa, Mambo Dhavhidhi kaviri anopa mhinduro yacho: “Benzi rakati mumwoyo maro: Mwari haako. Vakaora, vakabata mabasa anonyangadza. Hapana unoita zvakanaka.” (Pisarema 14:1; 53:1) Kutaura chokwadi, vasingatendi kuvapo kwaMwari vanozikanwa vanoti hakuna Jehovha. Saizvozvowo, ndizvo zvinoita “vakadzidza” nevamwe vanoita sokuti hakuna Mwari, vachitenda kuti hapana wavanozvidavirira kwaari. Chokwadi hachisi muvanhu vakadaro. Mumwoyo yavo hamuna rupo. Havana evhangeri yorudo. Kusiyana nevaKristu vechokwadi, vanononoka kugovera vanoshayiwa vari kutambura kana kuti havatombozviiti zvachose.
13, 14. (a) Vakaramba kutenda muzuva ranhasi vanoita zvakaipa sei? (b) Vakaramba kutenda vanoedza kunyima vane nzara nenyota chii, asi chii chichava mugumisiro?
13 Mapenzi akadaro mazhinji anosvika pakuvenga avo vanokudza chokwadi chaMwari. “Mwoyo waro unoita zvakaipa, zvaanoita zvinomhura Mwari, nokureva zvingarasa vanhu pamusoro paJehovha.” (Isaya 32:6b) Izvi ndezvechokwadi sei pamusoro pevakaramba kutenda vomuzuva ranhasi! Munyika dzinoverengeka muEurope nomuAsia, vakaramba kutenda vakabatana nevamwe vavengi vechokwadi, vachireva nhema dziri pachena kuzviremera, vachida kuti Zvapupu zvaJehovha zvirambidzwe kana kuti zvisave zvakasununguka. Vanoratidza mudzimu wo“muranda akaipa,” uyo nezvake Jesu akaprofita kuti: “Asi kana zvikaitika chete kuti muranda akaipa iyeye akati mumwoyo make, ‘Tenzi wangu ari kunonoka,’ akatanga kurova varanda pamwe naye uye akadya nokunwa nezvidhakwa zvinozivikanwa, tenzi womuranda iyeye achauya pazuva raasingatarisiri uye muawa yaasingazivi, uye achamuranga zvakaoma zvikuru kwazvo uye achamugovera mugove wake nevanyengeri. Ikoko ndiko kuchava nokuchema kwake nokugeda-geda kwemazino ake.”—Mateu 24:48-51.
14 Panguva ino, akaramba kutenda “anorega kugutisa mweya wavane nzara, nokushayisa vane nyota chinonwiwa.” (Isaya 32:6c) Vavengi vechokwadi vanoedza kunyima vanhu vane nzara yechokwadi zvokudya zvomudzimu, uye vanoedza kudzivisa vane nyota kuti vasanwa mvura inozorodza yeshoko roUmambo. Asi mugumisiro uchava izvo Jehovha anozivisa kuvanhu vake nokumumwe wevaprofita vake kuti: “Vacharwa newe, asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire—ndizvo zvinotaura Jehovha.”—Jeremia 1:19; Isaya 54:17.
15. Nhasi, ndivanaani ‘vanyengeri,’ “mashoko enhema” api avakakurudzira, uye nomugumisiro wei?
15 Kubva mumakore epakati pezana remakore rechi20, unzenza hwakazara munyika dzechiKristudhomu. Nei? Uprofita hwakafanotaura chimwe chikonzero chokuti: “Mitoo yomunyengeri yakaipa; unofunga mano akaipa, kuti aparadze vanyoro namashoko enhema, kunyange unoshayiwa achitaura zvakanaka.” (Isaya 32:7) Mukuzadzika kwemashoko aya, kunyanya vazhinji vevafundisi vakatanga pfungwa yemadiro pamusoro pokurara pamwe kwevanhu vasati varoorana, kugara pamwe kwevasati varoorana, ungochani—zvechokwadi, “ufeve nokusachena kworudzi rwose.” (VaEfeso 5:3) Saka, vano“paradz[a]” mapoka avo nokutaura kwavo kwenhema.
16. Chii chinofadza vaKristu vechokwadi?
16 Kusiyana neizvi, kunozorodza sei kuzadzika kwemashoko omuprofita anotevera! “Asi wakarurama unofunga zvinhu zvakarurama; unorambira panzira yezvakarurama.” (Isaya 32:8) Jesu pachake akakurudzira rupo paakati: “Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo. Vachadurura muhomwe inoitwa nenguo yenyu chiyero chakanaka kwazvo, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinofashukira. Nokuti nechiyereso chamuri kuyera nacho, vachakuyereraiwo nacho.” (Ruka 6:38) Muapostora Paurowo akaratidza zvikomborero zvinouya kune vane rupo paakati: “Munofanira kurangarira mashoko aShe Jesu, iye paakati, ‘Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.’” (Mabasa 20:35) VaKristu vechokwadi vanofadzwa, kwete nokuwana upfumi hwenyama kana kuti mukurumbira munzanga, asi nokuva norupo—sorupo urwo Mwari wavo Jehovha, anarwo. (Mateu 5:44, 45) Mufaro wavo mukuru unowanikwa mukuita kuda kwaMwari, mukuzvipa norupo kuti vazivise vamwe “mashoko akanaka ane mbiri aMwari anofara.”—1 Timoti 1:11.
17. Ndivanaani nhasi vakafanana ne“vakunda vasina hanya” vanorehwa naIsaya?
17 Uprofita hwaIsaya hunoenderera mberi huchiti: “Simukai, imi vakadzi vagere zvakanaka, munzwe inzwi rangu; imi vakunda vasina hanya, teererai kutaura kwangu. Nokuti kana kwapfuura gore namazuva, muchatambudzika, imi vasina hanya; nokuti kukohwiwa kwamazambiringa kuchakona, nguva yokuunganidza haingasviki. Dederai, imi vakadzi vagere zvakanaka; tambudzikai, imi vasina hanya.” (Isaya 32:9-11a) Mafungiro evakadzi ava angangotiyeuchidza nezveavo nhasi vanoti vanoshumira Mwari asi vasingashingairi mubasa rake. Vakadaro vanowanikwa muzvitendero zve“Bhabhironi Guru, amai vemahure.” (Zvakazarurwa 17:5) Somuenzaniso, vezvitendero zvechiKristudhomu vakaita chaizvo semarondedzerere anoita Isaya “vakadzi” ava. Va“gere zvakanaka,” havana hanya nokutongwa uye hasha zvichavamedza munguva pfupi iri kutevera.
18. Ndivanaani vanorayirwa kuti va“zvisunge zviuno namakudza,” uye nei?
18 Kudanidzira zvino kunoenda kuchitendero chenhema: “Zvifukurei, mubvise nguo dzenyu, muzvisunge zviuno namakudza. Vachazvirova zvifuva nokuda kweminda yaifadza, nomuzambiringa waibereka zvakanaka. Panyika yavanhu vangu pachamera minzwa norukato; zvirokwazvo, pamusoro pedzimba dzose dzomufaro muguta romufaro.” (Isaya 32:11b-13) Mashoko okuti “zvifukurei, mubvise nguo dzenyu” haaratidzi seanoreva kubvisa zvipfeko zvose. Tsika yekare yakanga iri yokupfeka nguo yokunze pamusoro penguo yepasi. Nguo yokunze kazhinji yakanga iri nzira yokuzikanwa nayo. (2 Madzimambo 10:22, 23; Zvakazarurwa 7:13, 14) Uprofita hwacho naizvozvo huri kurayira vezvitendero zvenhema kubvisa nguo dzavo dzokunze—chiratidzo chavo chokuzikanwa nacho chokunyepera sevashumiri vaMwari—vopfeka nguo dzemakudza, zviratidzo zvokuchema kutongwa kwavo kwava pedyo. (Zvakazarurwa 17:16) Hapana kubereka zvibereko zvaMwari kuchawanikwa pakati pemasangano ezvechitendero echiKristudhomu, ayo anoti i“guta romufaro” raMwari, kana kuti pakati penhengo dzose dzoumambo hwenyika yose hwechitendero chenhema. Pavanoshanda zvikuru panongobudisa “minzwa norukato” yokuregeredza nokutamiwa.
19. Mamiriroi e“Jerusarema” rakaramba kutenda anofumurwa naIsaya?
19 Mufananidzo uyu werima riri mberi unopararira kumativi ose e“Jerusarema” rakaramba kutenda: “Nokuti imba yamambo ichasiyiwa, guta rine vanhu vazhinji richaita dongo; [“Oferi,” NW] nenhare zvichashanduka [“mapani,” NW], panofara mbizi, namafuro ezvipfuwo.” (Isaya 32:14) Hungu, kunyange Oferi iripowo. Oferi inzvimbo yakakwirira yeJerusarema iri nzvimbo yakasimba yokuzvidzivirira. Kutaura kuti Oferi inova bani kunoratidza kuparadzwa kwakakwana kweguta racho. Mashoko aIsaya anoratidza kuti “Jerusarema” rakaramba kutenda—chiKristudhomu—hachisi kungwarira kuita kuda kwaMwari. Igwenga nenzira yomudzimu, chiri kure nechokwadi neruramisiro—chakaita sechikara zvakanyanyisa.
Musiyano une Mbiri!
20. Mudzimu waMwari unodururwa pavanhu vake unoitei?
20 Isaya anotevera kupa tariro inofadza kune avo vanoita kuda kwaJehovha. Kusiyiwa kupi nokupi kwevanhu vaMwari pachake kuchangova bedzi “kusvikira mweya uchidururwa pamusoro pedu uchibva kumusoro, renje rikaita munda unobereka zvakanaka, nomunda unobereka zvakanaka uchinzi idondo.” (Isaya 32:15) Zvinofadza kuti kubva muna 1919, mudzimu waJehovha wakawanda wakadururwa pavanhu vake, uchiita sounodzorera, munda unobereka zvibereko weZvapupu zvakazodzwa, wozoteverwa nedondo rinoramba richikura remamwe makwai. Kubudirira nokukura ndizvo zvinhu zvinokosha zvesangano rake riri pano pasi nhasi. Muparadhiso yomudzimu yakadzorerwa, “kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo ukomba hwaMwari wedu,” zvinoratidzwa nevanhu vake sezvaanozivisa Umambo hwake huri kuuya munyika yose.—Isaya 35:1, 2.
21. Kururama, runyararo, nokuchengeteka zvinowanikwepi nhasi?
21 Teerera zvino, chipikirwa chine mbiri chaJehovha: “Ipapo kururamisira kuchagara murenje, kururama kuchagara mumunda unobereka zvakanaka. Basa rokururama richava rugare, zvibereko zvokururama zvichava kunyarara nokutenda nokusingaperi.” (Isaya 32:16, 17) Izvi zvinonyatsorondedzera mamiriro omudzimu evanhu vaJehovha sei nhasi! Kusiyana noruzhinji rwevanhu, vakakamurwa noruvengo, chisimba, uye urombo hwomudzimu hwakakomba, vaKristu vechokwadi vakabatana munyika yose, kunyange zvazvo vachi“bva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.” Vanogara, nokushanda, uye kushumira maererano nokururama kwaMwari, vachiita kudaro nechivimbo chokuwana pakupedzisira, rugare rwechokwadi nokuchengeteka kusvika nokusingaperi.—Zvakazarurwa 7:9, 17.
22. Ndoupi uri musiyano pamamiriro ezvinhu evanhu vaMwari neayo evari muchitendero chenhema?
22 Muparadhiso yomudzimu, Isaya 32:18 iri kutozadzika. Inoti: “Vanhu vangu vachagara paugaro hune rugare, napadzimba dzakasimba, napanzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.” Asi nokuda kwevaKristu vokunyepedzera, “chimvuramabwe chichavapo kana dondo richiwa, neguta richaparadzwa chose.” (Isaya 32:19) Hungu, kufanana nechimvuramabwe chinovhuvhuta, kutonga kwaJehovha kwagadzirira kuwira paguta rokunyepedzera rechitendero chenhema, nokuparadza “dondo” racho revatsigiri, ava vachiparadzwa nokusingaperi!
23. Ibasa ripi renyika yose rave pedyo nokuguma, uye avo vanoriita vanofanira kuverengwa sei?
23 Chikamu chino chouprofita chinoguma chichiti: “Makaropafadzwa imi munokusha pose pane mvura, munosundira makumbo enzombe neembongoro.” (Isaya 32:20) Nzombe nembongoro dzakanga dziri mhuka dzokutakudza zvinhu dzaishandiswa nevanhu vaMwari vekare kurima minda, nokudyara mbeu. Nhasi, vanhu vaJehovha vanoshandisa michina yokudhinda, zvishandiso zvemagetsi, zvivako uye zvokufambisa zvemazuva ano uye, pamusoro pezvose sangano rokutonga kunoitwa naMwari rakabatana kudhinda nokuparadzira mabhiriyoni emabhuku eBhaibheri. Vashandi vanoda vanoshandisa zvishandiso izvi kudyara mbeu dzechokwadi choUmambo pasi pose, panenge “pose [zvapo] pane mvura.” Mamiriyoni evarume nevakadzi vanotya Mwari vakatokohwewa kare, uye vazhinji-zhinji vari kubatana navo. (Zvakazarurwa 14:15, 16) Vose zvechokwadi vanofanira kuverengwa se“vakaropafadzwa”!
[Mashoko Omuzasi]
a “Mambo” ari muna Isaya 32:1 angava aireva Mambo Hezekia pakutanga. Zvisinei kuzadzika kukuru kwechitsauko 32 chaIsaya kunoitika kuna Mambo, Kristu Jesu.
b Ona Nharireyomurindi, yaMarch 1, 1999, mapeji 13-18, yakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
[Mifananidzo iri papeji 331]
Mumipumburu yeGungwa Rakafa, Chitsauko 32 chaIsaya chakaiswa “X”
[Mifananidzo iri papeji 333]
‘Muchinda’ mumwe nomumwe akaita senzvimbo yokuvanda pamhepo, pokuvanda mvura, mvura mugwenga, uye mumvuri pazuva
[Mufananidzo uri papeji 338]
MuKristu anowana mufaro mukuru mukugovana nevamwe mashoko akanaka