Chitsauko 26
“Hakuna Ugeremo, Uchati: Ndinorwara”
1. Nei mashoko aIsaya 33:24 achinyaradza?
“ZVISIKWA zvose zvinoramba zvichigomera pamwe uye zvichirwadziwa pamwe kusvikira zvino.” Akadaro muapostora Pauro. (VaRoma 8:22) Pasinei zvapo nokufambira mberi musayenzi yezvokurapa, urwere norufu zvinongoramba zvichitambudza vanhu. Saka chinoshamisa sei zvino chipikirwa chinopfiga chikamu chino chouprofita! Fungidzira nguva apo panenge pasi“na ugeremo, uchati: Ndinorwara.” (Isaya 33:24) Chipikirwa ichi chichazadzika rini uye sei?
2, 3. (a) Rudzi rweIsraeri ruri kurwara munzirai? (b) Asiria inoshanda se“shamhu” yaMwari yechirango sei?
2 Isaya ari kunyora panguva apo vanhu vaMwari vari kurwara mumudzimu. (Isaya 1:5, 6) Vawira ndokunyura mukuramba kutenda nounzenza zvokuti vanoda chirango chakakomba kubva kuna Jehovha Mwari. Asiria inoshanda se“shamhu” yaJehovha yokupa chirango ichocho. (Isaya 7:17; 10:5, 15) Kutanga, umambo hwendudzi gumi hwokumusoro hweIsraeri hunokundwa nevaAsiria muna 740 B.C.E. (2 Madzimambo 17:1-18; 18:9-11) Makore mashomanene gare gare, Mambo Seniheribhi weAsiria anorwisa kwazvo umambo hwezasi hwenyika yeJudha. (2 Madzimambo 18:13; Isaya 36:1) Uto rine simba reAsiria sezvarinopinda munyika yacho, kuparadzwa zvachose kwenyika yeJudha kunoratidza sokusingadzivisiki.
3 Asi Asiria, ichipfuura zvinodiwa kuranga vanhu vaMwari, zvino yave kutsvaka zvinangwa zvayo zvokukara zvokukunda nyika yose. (Isaya 10:7-11) Jehovha achabvumira here kubata kwayo vanhu vake zvisina kufanira kwoutsinye kuti kungoenda pasina chirango? Pachava nokuporeswa here kworudzi rwacho paurwere hwomudzimu? Muchitsauko 33 chaIsaya, tinorava mhinduro dzaJehovha dzemibvunzo iyi.
Kuparadza Muparadzi
4, 5. (a) Kushandukai uko Asiria ichaona? (b) Munyengetero wei uyo Isaya anopa akamirira vanhu vaJehovha?
4 Uprofita hwacho hunotanga huchiti: “Une nhamo, iwe unoparadza, usina kuparadzwa umene, iwe unoita nokunyengera, asi havana kukuitira nokunyengera! Kana wapedza kuparadza, newewo uchaparadzwa, kana wapedza kuita nokunyengera, vachakuitira nokunyengera newewo.” (Isaya 33:1) Isaya anotaura zvakananga nomuparadzi, Asiria. Pairi kuzvinzwa nesimba rayo, nyika iyoyo ine ukasha inoita seisingakundiki. Yave ichi‘paradza iyo isingaparadzwi,’ ichipamba maguta enyika yeJudha, kunyange kupedza kuti tsvai pfuma yomuimba yaJehovha—uye ichiita kudaro isingamboratidzi kana kukendenga! (2 Madzimambo 18:14-16; 2 Makoronike 28:21) Zvisinei, iye zvino zvichaipindukira. Isaya anozivisa noushingi kuti, “uchaparadzwa.” Hunonyaradza sei uprofita uhwu kune vakatendeka!
5 Munguva iyoyo inotyisa, vanamati vakavimbika vaJehovha vachafanira kuenda kwaari kuti avabetsere. Isaya naizvozvo anonyengetera achiti: “Jehovha mutinzwirei tsitsi, takakumirirai; ivai ruoko rwavo [rwesimba nokutsigira] mangwanani ose, noruponeso rwedu panguva yokutambudzika. Marudzi avanhu akatiza achinzwa mubvumo, marudzi akaparadzirwa imi muchisimuka.” (Isaya 33:2, 3) Nenzira yakakodzera, Isaya anonyengeterera kuti Jehovha anunure vanhu Vake sezvaakaita nguva dzakawanda dzakapfuura. (Pisarema 44:3; 68:1) Achangopedza kupa munyengetero uyu Isaya anofanotaura mhinduro yawo inobva kuna Jehovha!
6. Chii chichaitika kuAsiria, uye nei izvi zvakakodzera?
6 “Zvakapambwa zvenyu [vaAsiria] zvichaparadzwa, sezvinoparadza gwatakwata; somumhanyire wemhashu, saizvozvo vanhu vachamhanyira kwazviri.” (Isaya 33:4) Nyika yeJudha inonyatsoziva nezvokupinda kwetupukanana tunoparadza. Zvisinei, panguva ino, vavengi venyika yeJudha vachaparadzwa. Asiria ichakundwa zvinonyadzisa, varwi vayo vomanikidzwa kutiza, vachisiya zvakapambwa zvakawanda zvokuti vagari venyika yeJudha vatore! Zvakakodzera kwazvo kuti Asiria, inozikanwa nokuda kwoutsinye hwayo, itorerwe zvayakapamba.—Isaya 37:36.
MuAsiria Womuzuva Ranhasi
7. (a) Ndiani nhasi angafananidzwa norudzi runorwara mumudzimu rweIsraeri? (b) Ndiani achashanda se“shamhu” yaJehovha kuparadza chiKristudhomu?
7 Uprofita hwaIsaya hunoshanda sei muzuva redu? Rudzi rweIsraeri runorwara mumudzimu rungafananidzwa nechiKristudhomu chisina kutendeka. Sokungoshandisa kwaakaita Asiria se“shamhu” kuranga Israeri, naizvozvo Jehovha achashandisa “shamhu” kuranga chiKristudhomu—pamwe chete noumambo hwose hwechitendero chenhema, “Bhabhironi Guru.” (Isaya 10:5; Zvakazarurwa 18:2-8) “Shamhu” iyoyo ichava nhengo dzeSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose—sangano rinofananidzirwa muna Zvakazarurwa nechikara chitsvuku chine misoro minomwe, nenyanga gumi.—Zvakazarurwa 17:3, 15-17.
8. (a) Ndiani nhasi angafananidzwa naSeniheribhi? (b) Ndiani uyo Seniheribhi womuzuva ranhasi achatsunga kurwisa, uye nomugumisiro wei?
8 Apo muAsiria womuzuva ranhasi anobvongodza chitendero chose chenhema, acharatidzika seasingamisiki. Nemafungiro akafanana neaSeniheribhi, Satani Dhiyabhorosi achave atsunga kuparadza—kwete bedzi masangano akaramba kutenda anofanira kupiwa chirango asiwo vaKristu vechokwadi. Pamwe chete nevakasara vevanakomana vomudzimu vakazodzwa vaJehovha, mamiriyoni akabuda munyika yaSatani, inosanganisira Bhabhironi Guru, vanotsigira Umambo hwaJehovha. Atsamwiswa nokuramba kumunamata kwevaKristu vechokwadi “mwari wegadziriro ino yezvinhu,” Satani, achavarwisa kwazvo. (2 VaKorinde 4:4; Ezekieri 38:10-16) Pasinei nokuti kurwisa uku kuchava, pasina mubvunzo kuchityisa sei, vanhu vaJehovha havafaniri kudzokera shure nokutya. (Isaya 10:24, 25) Vanovimbiswa naMwari kuti achava “ruponeso rw[avo] panguva yokutambudzika.” Achapindira, achiparadza Satani neboka rake. (Ezekieri 38:18-23) Kungofanana nomunguva dzekare, avo vanoedza kuparadza vanhu vaMwari vachaparwadzwa ivo! (Enzanisa naZvirevo 13:22b.) Zita raJehovha richatsveneswa, uye vachapona vachapiwa mubayiro nokuda kwokutsvaka “uchenjeri nezivo; [uye] kutya Jehovha.”—Rava Isaya 33:5, 6.
Nyevero Kuvasina Kutenda
9. (a) “Mhare” ne“nhume dzorugare” dzenyika yeJudha dzichaitei? (b) MuAsiria achatii nokuda kutsvaka rugare kunoitwa nenyika yeJudha?
9 Zvisinei, chii chichaitika kune vasina kutenda munyika yeJudha? Isaya anorondedzera zvisina tariro kuparadzwa kwakavamirira kuchaitwa nevaAsiria. (Rava Isaya 33:7.) “Mhare” dzehondo dzenyika yeJudha dzinochema nokutya kuswedera kweAsiria. “Nhume dzorugare,” vamiriri vanotumwa kunotaurirana zvorugare nevaAsiria vanoda hondo, vanonyombwa nokunyadziswa. Vachachema kwazvo nokuda kwokukundikana kwavo. (Enzanisa naJeremia 8:15.) MuAsiria ane utsinye haazovanzwiri urombo. (Rava Isaya 33:8, 9.) Achaputsa sungano dzaakaita nevagari venyika yeJudha asina tsitsi. (2 Madzimambo 18:14-16) MuAsiria acha‘zvidza maguta’ enyika yeJudha, achiashora nokuatsvinyira, asina basa noupenyu hwevanhu. Mamiriro acho ezvinhu achave achisiririsa kwazvo zvokuti nyika yacho pachayo ichaita seinochema. Rebhanoni, Sharoni, Bhashani, uye Karmeri achachemawo nokuda kwokuparadza kwacho.
10. (a)“Machinda” echiKristudhomu acharatidza sei kuva asina maturo? (b) Ndiani achadzivirira vaKristu vechokwadi muzuva renhamo yechiKristudhomu?
10 Mamiriro ezvinhu akafanana pasina mubvunzo achamuka munguva pfupi iri kutevera nyika sezvadzichatanga kurwisa chitendero. Somuzuva raHezekia, kudzivisa masimba anoparadza aya kuchava kusina maturo. “Mhare” dzechiKristudhomu—vezvamatongerwe enyika vacho, vanochipa mari, nevamwe vanhu vane simba—vachakundikana kuchibetsera. ‘Sungano’ dzezvematongerwe enyika nedzemari, kana kuti zvibvumirano, zvakaitirwa kuchengeta zvido zvechiKristudhomu zvichaputswa. (Isaya 28:15-18) Kuedza nokushingaira kudzivisa kuparadzwa nokutaurirana kuchakundikana. Mabasa ezvokutengeserana achamira, zvivako nepfuma yechiKristudhomu sezvazvinotorwa kana kuparadzwa. Vapi nevapi vachiri kufarira chiKristudhomu hapana zvavachaita kunze kwokungomira vari kure vachichema kupfuura kwacho. (Zvakazarurwa 18:9-19) ChiKristu chechokwadi chichatsvairwa pamwe nechenhema here? Aiwa, nokuti Jehovha pachake anopa chipikirwa ichi: “Zvino ndichasimuka, ndizvo zvinotaura Jehovha; zvino ndichazvisimudza, zvino ndichakudzwa.” (Isaya 33:10) Pakupedzisira, Jehovha achapindira achirwira vakatendeka, saHezekia, omisa muAsiria ari kuramba achiuya.—Pisarema 12:5.
11, 12. (a) Mashoko aIsaya 33:11-14 anozadzika rini uye sei? (b) Mashoko aJehovha anopa nyevero yei nokuda kwanhasi?
11 Vasina kutendeka havagoni kuvimba nokudzivirirwa ikoko. Jehovha anoti: “Imi muchava nemimba yehundi, muchabereka mashanga; mweya wenyu moto uchakupedzai. Marudzi evanhu achaita sokupiswa kwesuko, seminzwa yakatemwa, inopiswa nomoto. Inzwai, imi muri kure, zvandakaita; imi muri pedyo, muzive simba rangu. Vatadzi vari paZioni vanotya, vasingadi Mwari, vabatwa nokudedera. Ndianiko pakati pedu ungagara nomoto unoparadza? Ndiani pakati pedu ungagara nokupisa kusingaperi?” (Isaya 33:11-14) Mashoko aya sezviri pachena anoshanda panguva iyo nyika yeJudha inotarisana nomuvengi mutsva, Bhabhironi. Hezekia afa, nyika yeJudha inodzokera kunzira dzayo dzouipi. Mumakumi mashomanene emakore anotevera, mamiriro ezvinhu munyika yeJudha anoderera kusvika pokuti rudzi rwose runofanira kutambura nemoto wehasha dzaMwari.—Dheuteronomio 32:22.
12 Mazano nokurangana kwakaipa zvinorongwa nevasingateereri kuti vanzvenge kutonga kwaMwari anoratidza kuva hundi isingabetseri. Chaizvoizvo, pfungwa yokuzvikudza nokupandukira yorudzi rwacho ichatokoromora zviitiko zvinotungamirira kukuparadzwa kwayo. (Jeremia 52:3-11) Vakaipa vachaita “sokupiswa kwesuko”—vachaparadzwa zvachose! Sezvavanofunga nezvokutongwa kuri kuuya uku, vagari venyika yeJudha vanopandukira vanonzwa kutya kukuru. Mashoko aJehovha kunyika yeJudha isina kutendeka anoenzanisira mamiriro ezvinhu enhengo dzechiKristudhomu nhasi. Kana vakasateerera nyevero yaMwari, remangwana risina tariro rakavamirira.
“Unofamba Nokururama”
13. Munhu “unofamba nokururama,” unopikirwei uye izvi zvinozadzika sei kuna Jeremia?
13 Nenzira yakapesana, Jehovha anotevera kuti “Ndiye unofamba nokururama, unotaura zvakarurama; iye unoshora pfuma yakawanikwa nokunyengera, unozuza maoko ake achiramba fufuro, unodzivira nzeve dzake, kuti arege kunzwa mashoko eropa, unotsinzina meso ake kuti arege kutarira zvakaipa; iye uchagara pakakwirira, nhare dzamatombo dzichava utiziro hwake; zvokudya zvake uchazvipiwa, mvura yake haingapwi.” (Isaya 33:15, 16) Sematauriro akazoita muapostora Petro, “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vakazvipira kuna Mwari mumuedzo, asi kuchengetera vanhu vasina kururama zuva rokutongwa kuti vagurwe.” (2 Petro 2:9) Jeremia akaona kununurwa kwakadaro. Munguva yokukombwa neBhabhironi, vanhu vaito“dya zvokudya zvakayerwa vachitya.” (Ezekieri 4:16) Vamwe vakadzi vakatodya nyama yevana vavo. (Mariro aJeremia 2:20) Asi, Jehovha akava nechokwadi chokuti Jeremia akachengeteka.
14. VaKristu nhasi vangaramba vachi“famba nokururama” sei?
14 VaKristu nhasi vanofanirawo ‘kufamba nokururama,’ vachichengeta zvinodiwa naJehovha zuva nezuva. (Pisarema 15:1-5) Vanofanira ‘kutaura zvakarurama’ voramba kureva nhema nechisiri chokwadi. (Zvirevo 3:32) Pfuma yakawanikwa nokunyengera nefufuro zvingava zvakakurumbira munyika zhinji, asi zvinosemesa kumunhu “unofamba nokururama.” VaKristu vanofanirawo kuchengeta “hana yakatendeseka” mukuita zvinhu zvebhizimisi, vachirambisisa zviito zvisina kutwasuka kana kuti zvisina kururama. (VaHebheru 13:18; 1 Timoti 6:9, 10) Uye munhu ‘akadzivira nzeve yake kuti arege kunzwa mashoko okuteura ropa uye akatsinzina meso ake kuti asaona zvakaipa’ achave anosarudza munziyo dzaanoda nezvinovaraidza. (Pisarema 119:37) Muzuva rake rokutonga, Jehovha achadzivira nokutsigira vanamati vake, vanorarama maererano nezvaanoda izvozvo.—Zefania 2:3.
Kuona Mambo Wavo
15. Chipikirwa chei chichatsigira nhapwa dzakatendeka dzechiJudha?
15 Isaya anotevera kupa zvokungoravidza chete izvi zvinofadza pamusoro penguva yemberi achiti: “Meso ako achaona mambo pakunaka kwake, achaona nyika yakakura kwazvo. Mwoyo wako ucharangarira nguva yokutya, uchiti uripiko iye waiverenga, uripiko waiyera mutero? Uripiko waiverenga shongwe? Haungazooni vanhu vane hasha, vanhu vane rurimi runoshamisa rwausingagoni kunzwa, rurimi rwokumwe rwausingagoni kunzwisisa.” (Isaya 33:17-19) Chipikirwa chaMambo Mesiya womunguva yemberi noUmambo hwake chichatsigira vaJudha vakatendeka munguva yemakumi emakore akareba okutapwa muBhabhironi, kunyange zvazvo vachingoona Umambo ihwohwo vari kure. (VaHebheru 11:13) Kutonga kwaMesiya pakunozoitika pakupedzisira, utsinye hweBhabhironi huchava ndangariro iri kure kure. Vachapukunyuka kurwisa kwomuAsiria vachabvunza nomufaro kuti: “Machinda omushushi aripi, aititeresa, aitibhadharisa, aitora mitero yedu?”—Isaya 33:18, Moffatt.
16. Vanhu vaMwari vave vachikwanisa ku“ona” Mambo Mesiya rini, uye nomugumisiro wei?
16 Kunyange zvazvo mashoko aIsaya achisimbisa kudzorerwa kubva pakutapwa neBhabhironi, nhapwa imwe neimwe yechiJudha ichafanira kumirira rumuko kuti ifare nokuona kuzadzika kwakakwana kwechikamu chino chouprofita. Zvakadini nevashumiri vaMwari nhasi? Kubva muna 1914, vanhu vaJehovha vakakwanisa ku“ona,” kana kuti kunzwisisa, Mambo Mesiya, Jesu Kristu, murunako rwake rwose rwomudzimu. (Pisarema 45:2; 118:22-26) Somugumisiro, vakanunurwa muudzvinyiriri nokudzorwa negadziriro yakaipa yaSatani. MuZioni, chigaro choUmambo hwaMwari, vakachengeteka zvechokwadi mumudzimu.
17. (a) Zvipikirwai zvinoitwa pamusoro peZioni? (b) Zvipikirwa zvaJehovha pamusoro peZioni zvinozadzika sei paUmambo hwaMesiya nepavatsigiri vahwo vari pano pasi?
17 Isaya anoenderera mberi achiti: “Tarirai Zioni, iro guta remitambo yedu; meso ako achaona Jerusarema hwava ugaro hwakadzikama, tende risingazobviswi, mbambo dzaro dzisingazovhomorwi, nebote raro rimwe risingazodamburwi. Asi Jehovha uchavapo nesu noumambo hwake, ichava nzvimbo ine nzizi nehova dzakafara, magwa anokwasviwa haangasvikiko, nezvikepe zvikuru hazvingapfuuripo.” (Isaya 33:20, 21) Isaya anotivimbisa kuti Umambo hwaMwari hwaMesiya haugoni kudzurwa kana kuparadzwa. Uyezve, kudzivirirwa kwakadaro sezviri pachena kunoendawo kuvatsigiri voUmambo vakatendeka vari pano pasi nhasi. Kunyange kana vanhu vakawanda vakaedzwa zvakakomba, vanhu voUmambo hwaMwari vanovimbiswa kuti hapana kuedza kuvaparadza seungano kungabudirira. (Isaya 54:17) Jehovha achadzivirira vanhu vake munzira iyo mugero kana kuti goronga rinodzivirira guta. Muvengi upi noupi anouya kuzorwa navo—kunyange akasimba se“magwa anokwasviwa” kana kuti “zvikepe zvikuru”—achaparadzwa!
18. Jehovha anobvuma basa rei?
18 Zvisinei, nei vanoda Umambo hwaMwari vanganzwa vane chivimbo kwazvo nokudzivirirwa naMwari? Isaya anotsanangura kuti: “Nokuti Jehovha ndiye mutongi wedu; Jehovha ndiye mutemi wemirayiro yedu, Jehovha ndiye mambo wedu; iye uchatiponesa.” (Isaya 33:22) Jehovha anobvuma basa rokudzivirira nokutungamirira vanhu vake, vanobvuma nzvimbo yake saChangamire Mukuru. Ivava vanozviisa pasi pokutonga kwake nokuna Mambo wake Mesiya vachida, vachiziva kuti Jehovha ane chiremera kwete chokungoita mitemo asiwo chokuita kuti iteererwe. Zvisinei, nemhaka yokuti Jehovha anoda kururama neruramisiro, kutonga kwake, nokuMwanakomana wake, hakusi musengwa kuvanamati vake. Asi, vano‘zvibetsera’ nokuzviisa pasi pechiremera chake. (Isaya 48:17) Haazombosiyi vakavimbika vake.—Pisarema 37:28.
19. Isaya anorondedzera sei kusava nematuro kwevavengi vevanhu vakatendeka vaJehovha?
19 Isaya anotaurira vavengi vevanhu vaJehovha vakatendeka kuti: “Mabote ako akati dembu-tembu; haagoni kusimbisa muromo wapasi wedanda rechikepe chavo, haagoni kutasanura seiri; ipapo zvakatapwa nezvakapambwa zvizhinji zvinogoverwa; zvirema zvinotora zvakatapwa.” (Isaya 33:23) Chero muvengi upi noupi anouya achava asina basa uye asingabetseri pakurwa naJehovha sechikepe chine mabote asina kusungwa zvakasimba, danda rokusungira seiri rinozununguka, uye chisina seiri. Kuparadzwa kwevavengi vaMwari kuchaguma nezvakapambwa zvakawanda kwazvo zvokuti kunyange zvirema zvichatorawo zvakapambwa. Naizvozvo tinogona kuva nechivimbo chokuti naMambo Jesu Kristu, Jehovha achakunda vavengi vake “mukutambudzika kukuru” kuri kuuya.—Zvakazarurwa 7:14.
Kuporeswa
20. Vanhu vaMwari vachaona kuporeswa kworudzii, uye rini?
20 Chikamu chino chouprofita hwaIsaya chinoguma nechipikirwa chinofadza kwazvo chokuti: “Hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara; vanhu vageremo vachakanganwirwa zvakaipa zvavo.” (Isaya 33:24) Urwere uhwo Isaya anotaura nezvahwo kunyanya ndehwomudzimu, nokuti hwakabatana nechivi, kana kuti “zvakaipa.” Mukushanda kwokutanga kwemashoko aya, Jehovha anopikira kuti pashure pokusunungurwa kwavo pakutapwa neBhabhironi, rudzi rwacho ruchaporeswa mumudzimu. (Isaya 35:5, 6; Jeremia 33:6; enzanisa nePisarema 103:1-5.) Vakanganwirwa zvivi zvavo zvakapfuura, vaJudha vari kudzoka vachamutsiridzazve kunamata kwakachena muJerusarema.
21. Vanamati vaJehovha nhasi vanowana kuporeswa kwomudzimu munzirai?
21 Zvisinei, uprofita hwaIsaya hune kuzadzika kwazvino. Vanhu vaJehovha nhasi vakave vachiporeswawo mumudzimu. Vakasunungurwa padzidziso dzenhema dzakadai sokuti mweya haufi, Utatu, uye hero yemoto. Vanogamuchira nhungamiro mutsika, zvichivasunungura pamiitiro younzenza uye zvichivabetsera kuita zvisarudzo zvakanaka. Uye nemhaka yechibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu, vane kumira kwakachena pamberi paMwari uye vane hana yakachena. (VaKorose 1:13, 14; 1 Petro 2:24; 1 Johani 4:10) Kuporeswa kwomudzimu uku kune zvakunobetsera muviri. Somuenzaniso, kurega unzenza nokushandisa zvinobva mufodya kunodzivirira vaKristu pahosha dzinopomeranwa nokurara pamwe uye mamwe marudzi ekenza.—1 VaKorinde 6:18; 2 VaKorinde 7:1.
22, 23. (a) Isaya 33:24 ichava nokuzadzika kukuru kwechii munguva yemberi? (b) Ndokupi kuri kutsunga kwevanamati vechokwadi nhasi?
22 Uyezve, kuchava nokuzadzika kukuru kwemashoko aIsaya 33:24 pashure peAmagedhoni, munyika itsva yaMwari. Mukutonga kwoUmambo hwaMesiya, vanhu vachaporeswa miviri zvikuru pamwe nokuporeswa kwavo mumudzimu. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Gadziriro yezvinhu yaSatani ichangoparadzwa, zvishamiso zvakafanana neizvo Jesu akaita paakanga ari pano pasi pasina mubvunzo zvichaitika munyika yose. Mapofu achaona, matsi dzichanzwa, vanokamhina vachafamba! (Isaya 35:5, 6) Izvi zvichagonesa vose vanopona padambudziko guru kuitawo basa guru rokuita kuti pasi rive paradhiso.
23 Gare gare pachatanga rumuko, avo vanodzoka kuupenyu pasina mubvunzo vachamutswa vane utano hwakanaka. Asi kukosha kwechibayiro chorudzikinuro sezvakunoshandiswa zvakawedzerwa, zvimwe zvinobetsera muviri zvichatevera, kusvika vanhu vasvitswa pakukwana. Ipapo, vakarurama vacha“va vapenyu” mupfungwa yakakwana. (Zvakazarurwa 20:5, 6) Panguva iyoyo, munzira yomudzimu uye sezvazviri chaizvo, “Hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara.” Chipikirwa chinofadza sei! Vanamati vose vechokwadi nhasi ngavatsunge kuti vave pakati pevachaona kuzadzika kwacho!
[Mufananidzo uri papeji 344]
Isaya anonyengetera nechivimbo kuna Jehovha
[Mifananidzo iri papeji 353]
Nemhaka yechibayiro chorudzikinuro, vanhu vaJehovha vane kumira kwakachena pamberi pake
[Mufananidzo uri papeji 354]
Munyika itsva, muchava nokuporeswa kwomuviri kukuru