Chitsauko 27
Jehovha Anodurura Hasha Pamarudzi
1, 2. (a) Pamusoro pehasha dzaJehovha, tingava nechokwadi chechii? (b) Mwari anopedzei nokuratidza hasha?
JEHOVHA MWARI anoshivirira kwete bedzi vashumiri vake vakatendeka asiwo, kana chinangwa chake chichida kuti zvidaro, nevavengi vake. (1 Petro 3:19, 20; 2 Petro 3:15) Vavengi vaJehovha vangasanzwisisa kushivirira kwake uye vangakuona sokutadza kana kuti kusada kuita chiito. Kunyange zvakadaro, sezvinoratidzwa nechitsauko 34 chaIsaya, pakupedzisira nguva dzose Jehovha anorayira vavengi vake kuti vazvidavirire. (Zefania 3:8) Kwechinguva, Mwari akabvumira Edhomi nemamwe marudzi kurwisa vanhu vake pasina chinovhiringidza. Asi Jehovha akanga ane nguva yake yokutsiva. (Dheuteronomio 32:35) Saizvozvowo, munguva yake yakatemwa, Jehovha acharatidza hasha dzake pavose venyika yakaipa yazvino vanoshora uchangamire hwake.
2 Chinangwa chikuru chokuratidza hasha kwaMwari ndechokuratidza uchangamire hwake nokukudza zita rake. (Pisarema 83:13-18) Kutsiva kwake kunorevererawo varanda vake sevamiririri vake vechokwadi uye kunovanunura mumamiriro ezvinhu asingadiwi. Uyezve, hasha dzaJehovha dzinogara dzinokodzerana zvakakwana neruramisiro yake.—Pisarema 58:10, 11.
Teererai, Imi Marudzi
3. Jehovha anokokera marudzi kuchii achishandisa Isaya?
3 Asati aisa pfungwa dzake pakutsiva Edhomi, Jehovha achishandisa Isaya anokoka marudzi ose nomwoyo wose. “Swederai, imi marudzi avanhu, munzwe, teererai imi vanhu; nyika ngainzwe, nezvose zvayo, pasi pose, nezvose zvinobudamo.” (Isaya 34:1) Muprofita akataura ataurazve zvinopesana nemarudzi asingadi Mwari. Zvino ava pedyo nokupfupikisa kutukwa kwawo naMwari. Nyevero idzi dzine zvadzinomboreva here nokuda kwezuva redu?
4. (a) Marudzi anokokwa kuti aitei, sezvakanyorwa pana Isaya 34:1? (b) Kutonga kunoitwa naJehovha pamarudzi kunoratidza kuti ndiMwari woutsinye here? (Ona bhokisi riri papeji 363.)
4 Hungu. Changamire wezvakasikwa zvose ane gakava nemativi ose egadziriro ino yezvinhu isingadi Mwari. Ndosaka “marudzi” ne“pasi” zvichidanwa kuti zvizonzwa shoko rinobva muBhaibheri iro Jehovha akaita kuti riziviswe munyika yose. Nemataurire anoyeuchidza nezvePisarema 24:1, Isaya anoti pasi pose pachazadzwa neshoko iri—uprofita hwakava hwechokwadi munguva yedu, apo Zvapupu zvaJehovha zvinoparidza “kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.” (Mabasa 1:8) Zvisinei, marudzi haana kuteerera. Haana kukoshesa nyevero yenhamo iri kuuya. Zvechokwadi, izvi hazvitadzisi Jehovha kuzadzisa shoko rake.
5, 6. (a) Marudzi anoitwa kuti azvidavirire nokuda kwei naMwari? (b) Ndezvechokwadi sei kuti “makomo achanyauswa neropa ravo”?
5 Uprofita hwacho zvino hunorondedzera rima riri mberi nokuda kwemarudzi asingadi Mwari—musiyano wakakwana netariro yakajeka yevanhu vaMwari inorondedzerwa gare gare. (Isaya 35:1-10) Muprofita anoti: “Nokuti Jehovha wakatsamwira marudzi ose, une hasha nehondo dzawo dzose; wakavaparadza chose, wakavaisa pakuurawa. Vakaurawa vavo vacharashwa kunze, kunhuwa kwezvitunha zvavo kuchakwira, makomo achanyauswa neropa ravo.”—Isaya 34:2, 3.
6 Pfungwa dzinoiswa pakuva nemhaka yeropa kwemarudzi. Nhasi marudzi echiKristudhomu ndiwo ane mhaka yeropa kupfuura ose. Muhondo mbiri dzenyika uye mune dzimwe hondo duku zhinji, akanyakatisa pasi neropa revanhu. Ndiani ane kodzero yokurayira kururamisira nokuda kwokuva nemhaka yeropa kwose uku? Hapana mumwe kunze kwoMusiki, Mupi Woupenyu mukuru. (Pisarema 36:9) Mutemo waJehovha unoratidza gwara: “Unofanira kutsiva upenyu noupenyuwo.” (Eksodho 21:23-25; Genesi 9:4-6) Sokutaura kwomutemo uno, achaita kuti ropa remarudzi riyerere—kusvikira afa. Kunhuwa kwezvitunha zvavo zvisina kuvigwa kuchazadza mhepo yose—rufu runosiririsa zvechokwadi! (Jeremia 25:33) Ropa rinodiwa nokutsiva richava rakawanda zvokuita sokunge richanyausa, kana kuti kunyungurutsa makomo. (Zefania 1:17) Nokuparadzwa kwakakwana kwemauto awo ehondo, marudzi enyika achaona kuwa kwehurumende dzawo, idzo muuprofita hweBhaibheri dzimwe nguva dzinofananidzwa nemakomo.—Dhanieri 2:35, 44, 45; Zvakazarurwa 17:9.
7. “Denga” chii, uye “hondo dzose dzokudenga” chii?
7 Zvakare achishandisa mufananidzo wakajeka, Isaya anoenderera mberi achiti: “Hondo dzose dzokudenga dzicha[ora], denga rose richapetwa sorugwaro rwakapetwa; hondo dzaro dzose dzichaoma, sokuoma kwamashizha pamuzambiringa, uye seshizha rinooma pamuonde.” (Isaya 34:4) Mashoko okuti “hondo dzose dzokudenga” haarevi nyeredzi chaidzo nedzimwe nyika dziri mudenga. Ndima 5 ne6 dzinotaura nezvomunondo wokuparadza sounonwa ropa ukaguta mu“denga” iroro. Saka, ichi chinofanira kuva chiratidzo chechimwe chinhu chiri munyika yevanhu. (1 VaKorinde 15:50) Nemhaka yokukwirira kwadzo sezviremera zvikuru, hurumende dzavanhu dzinofananidzwa nematenga anotonga panzanga yenyika yevanhu. (VaRoma 13:1-4) Naizvozvo “hondo dzose dzokudenga” dzinomirira hondo dzakabatanidzwa dzehurumende dzevanhu idzi.
8. Ko matenga okufananidzira anoratidza kuva akaita “sorugwaro rwakapetwa” sei uye chii chinoitika ku‘hondo’ dzawo?
8 “Hondo” idzi dzicha“ora,” kuita chahuvhe, kuita sechimwe chinhu chinoora. (Pisarema 102:26; Isaya 51:6) Nemaziso edu chaiwo, matenga chaiwo ari pamusoro pedu anoita seakakombama, sebhuku rekare romupumburu, uyo waiwanzonyorwa kudivi romukati. Kana zvakanyorwa nechomukati momupumburu zvaraviwa, mupumburu unenge wapedzwa unopetwa worongedzwa. Saizvozvowo, “denga rose richapetwa sorugwaro rwakapetwa,” mukuti hurumende dzevanhu dzinofanira kuguma. Dzichisvika papeji yokupedzisira yenhoroondo yadzo, dzinofanira kuperera paAmagedhoni. ‘Hondo’ dzadzo dzinoratidza sedzinoshamisa dzichawira pasi sokuwa kunoita mashizha asvava omuzambiringa kana kuti kuwa kunoita “shizha rinooma pamuonde.” Nguva yadzo ichave yapfuura.—Enzanisa naZvakazarurwa 6:12-14.
Zuva Rokutsiva
9. (a) Edhomi yakabvepi, uye ukama hwakadii hwakavapo pakati peIsraeri neEdhomi? (b) Jehovha anopikirei pamusoro peEdhomi?
9 Zvino uprofita hwacho hunosarudza rudzi ruripo muzuva raIsaya—Edhomi. VaEdhomi vazukuru vaEsau (Edhomi), uyo akatengesa kodzero yake yokuberekwa nayo kurimwe batya rake, Jakobho, nokuda kwechingwa nemuto wenyemba. (Genesi 25:24-34) Nemhaka yokuti Jakobho akamutsiva pakodzero yake yokuberekwa nayo, Esau akavenga munin’ina wake kwazvo. Gare gare marudzi eEdhomi neIsraeri akatanga kuvengana, kunyange zvazvo akabva kumapatya. Nokuda kwokuvenga vanhu vaMwari uku, Edhomi yazvikoromorera hasha dzaJehovha, uyo zvino anoti: “Nokuti munondo wangu wanwa ukaguta kudenga; tarirai uchaburukira pamusoro paEdhomi, napamusoro pavanhu vakatukwa neni, kuti vatongwe. Munondo waJehovha uzere neropa, unobwinya namafuta, neropa ramakwayana nerembudzana, namafuta etsvo dzamakondohwe; nokuti Jehovha une chibayiro chake paBhozra, nokubaya kukuru panyika yaEdhomi.”—Isaya 34:5, 6.
10. (a) Jehovha anowisa ani paanonyatsobata munondo wake “kudenga”? (b) Edhomi inoita sei apo nyika yeJudha inorwiswa neBhabhironi?
10 Edhomi iri panyika yemakomo, yakakwirira. (Jeremia 49:16; Obhadhia 8, 9, 19, 21) Kunyange zvakadaro, kunyange dziviriro dzakasikwa dzakadaro idzi hadzizobetseri apo Jehovha anonyatsobata munondo wake wokutonga “kudenga,” achiparadza vatongi veEdhomi vari panzvimbo yavo yakakwirira. Edhomi ine uto guru kwazvo, uye mauto ayo akapakatira zvombo anofora nomumakomo akakwirira kuti adzivirire nyika yacho. Asi Edhomi ine simba haibetseri nyika yeJudha painorwiswa nevavengi veBhabhironi. Asi Edhomi inotofara kwazvo kuona kukudubuka kwoumambo hwenyika yeJudha uye inokuza vavengi vayo. (Pisarema 137:7) Edhomi inotodzinganisa vaJudha vari kutiza kuti vapone yovabata yovaendesa kuvaBhabhironi. (Obhadhia 11-14) VaEdhomi vanoronga kutora nyika yevaIsraeri yasara isina munhu, uye vanotaura nokuzvikudza vachizvidza Jehovha.—Ezekieri 35:10-15.
11. Jehovha achatsiva sei vaEdhomi nokuda kwounyengeri hwavo?
11 Jehovha anongosiya here mufambiro wevaEdhomi usingaratidzi ukama uyu? Aiwa. Asi anofanotaura nezveEdhomi kuti: “Nyati dzichawa pamwe chete navo, nenzombe pamwe chete nehando; nyika yavo ichabatwa neropa, guruva ravo richazara namafuta.” (Isaya 34:7) Jehovha anotaura nezvevakuru nevaduku vomurudzi rwacho senyati nenzombe duku dzokufananidzira, semakondohwe nenhongo. Nyika yorudzi rune mhaka yeropa urwu inofanira kuti tapa tapa neropa revanhu vayo pachayo nokuparadza kwo“munondo” waJehovha.
12. (a) Ndiani uyo Jehovha anoshandisa kuranga Edhomi? (b) Muprofita Obhadhia anofanotaurei pamusoro peEdhomi?
12 Mwari anoda kuranga Edhomi nokuda kwoutsinye hwakaitirwa sangano Rake repasi, rinonzi Zioni. Uprofita hwacho hunoti: “Nokuti Jehovha une zuva rokutsiva, negore rokutsiva zvakaitirwa Zioni.” (Isaya 34:8) Isiri nguva refu kubva pakaparadzwa Jerusarema muna 607 B.C.E., Jehovha anotanga kuratidza hasha dzake dzakarurama pavaEdhomi achishandisa mambo weBhabhironi, Nebhukadhinezari. (Jeremia 25:15-17, 21) Apo mauto eBhabhironi anoenda kunorwa neEdhomi, hapana chinogona kuponesa vaEdhomi! I“gore rokutsiva” panyika iyoyo yemakomo. Jehovha anofanotaura nokumuprofita Obhadhia kuti: “Uchafukidzwa nokunyara nemhaka yokuti wakamukira munun’una wako simba, uchaparadzwa nokusingaperi. . . . Sezvamakaitira vamwe, muchaitirwawo saizvozvo; zvamakaita zvichadzokera pamisoro yenyu.”—Obhadhia 10, 15; Ezekieri 25:12-14.
Nguva Yemberi Isina Tariro yechiKristudhomu
13. Ndiani nhasi akafanana neEdhomi, uye nei?
13 Munguva dzazvino, kune sangano rinotozivikanwa nokuda kwokuita sezvaiita Edhomi. Isangano ripi? Ndiani munguva dzazvino akatungamira mukutuka nokutambudza vashumiri vaJehovha? Hachisi chiKristudhomu here, nokuboka racho ravafundisi? Hungu! ChiKristudhomu chakazvikwidziridza kusvika pakakwirira segomo muzvinhu zvenyika ino. Chinorayira kuti chipiwe nzvimbo yakakwirira mugadziriro yezvinhu yevanhu, uye zvitendero zvacho zvinoumba chikamu chikuru cheBhabhironi Guru. Asi Jehovha akapikira “gore rokutsiva” paiyi Edhomi yomuzuva ranhasi nokuda kwokubata vanhu Vake zvisina kunaka, Zvapupu Zvake.
14, 15. (a) Chii chichaitika kunyika yeEdhomi nokuchiKristudhomu? (b) Kutaurwa kwenamo inotsva noutsi husingaperi kunorevei, uye hakurevei?
14 Naizvozvo, sezvatinokurukura chikamu chasara chose chouprofita hwuno hwaIsaya, tinofunga kwete nezveEdhomi yekare bedzi asiwo nezvechiKristudhomu: “Hova dzayo dzichashanduka namo, guruva rayo surferi, nyika yayo ichaitwa namo inopfuta. Haingadzimwi usiku namasikati; utsi hwayo huchakwira nokusingaperi.” (Isaya 34:9, 10a) Nyika yeEdhomi inoomerwa kwazvo zvokuti huruva inoita sesurferi uye hova dzakazara, kwete nemvura asi nenamo. Zvino izvi zvinhu zvinodavira moto zvikuru zvinotungidzwa!—Enzanisa naZvakazarurwa 17:16.
15 Vamwe vakaona kutaurwa kwemoto, namo, nesurferi souchapupu hwokuti hero inopisa iriko. Asi Edhomi haipinzwi mune imwe hero yemoto isinganzwisisiki kuti ipfute nokusingaperi. Asi inoparadzwa, ichinyangarika munyika sokunge yaroromeswa nemoto nesurferi. Uprofita sezvahunoenderera mberi huchiratidza, mugumisiro wacho hausi kutambudzwa kusingaperi, asi pa“sina chinhu . . . havangavipo . . . pasina.” (Isaya 34:11, 12) Utsi ‘hunokwira nokusingaperi’ hunoratidza izvi zvakajeka. Imba painotsva, utsi hunoramba huchibuda pamadota kwechinguva marimi ati nhoo, zvichipa vanotarira uchapupu hwokuti panga pachimbova nezavirira remoto. Sezvo vaKristu nhasi vari kudzidza zvidzidzo pakuparadzwa kweEdhomi, utsi hwokupfuta kweEdhomi huchiri kungokwira neimwe pfungwa.
16, 17. Edhomi ichava chii, uye ichapfuurira kwenguva yakareba sei yakadaro?
16 Uprofita hwaIsaya hunoenderera mberi, huchifanotaura kuti vanhu vomuEdhomi vachatsiviwa nemhuka dzomusango, zvichiratidza kuparadzwa kuri kuuya: “Richava dongo kusvikira kumarudzi namarudzi; hakuna munhu ungapfuura noko nokusingaperi. Asi zvichava zvehukurwizi nenungu; zizi negunguo zvichagaramo; uchatambanudzirapo rwonzi rwokuparadza nechokururamisa chezvisina chinhu. Vakuru vayo vachadanirwa kuushe, asi havangavipo; machinda ayo ose achava pasina. Minzwa ichamera mudzimba dzamadzimambo ayo, utumbambeva norukato mumhare dzayo; huchava ugaro hwamakava, nenzvimbo yemhou. Zvikara zvomusango zvichasongana namapere, mweya wakaipa uchadana shamwari yawo; zvirokwazvo, chikara chousiku chichagarapo norugare, chichiwanapo nzvimbo yokuzorora. Rovambira ichaita dendere rayopo, nokukandira, nokuchochonya mazai ayo, nokuunganidza vana vayo mumumvuri wayo; zvirokwazvo, ndipo pachaunganira [ruvangu], rumwe norumwe neshamwari yarwo.”—Isaya 34:10b-15.a
17 Hungu, Edhomi ichava nyika isina chinhu. Ichava renje rinongova nemhuka dzomusango, shiri, nenyoka. Kuomerwa kwenyika yacho kuchapfuurira, seizvo ndima 10 inotaura, “nokusingaperi.” Hapazovi nokudzorerwazve.—Obhadhia 18.
Kuzadzika kweShoko raJehovha Kune Chokwadi
18, 19. “Bhuku yaJehovha” chii, uye chii chakachengeterwa chiKristudhomu mu“bhuku” iyi?
18 Izvi zvinofananidzira nguva yemberi isina tariro zvakadini nokuda kweimwe yeEdhomi yomuzuva ranhasi, chiKristudhomu! Chakazviratidza kuva muvengi akakasharara waJehovha Mwari, ane Zvapupu zvachinotambudza noutsinye. Uye hapana mubvunzo kuti Jehovha achazadzika shoko rake. Chero nguva apo munhu upi noupi anoenzanisa uprofita hwacho nokuzadzika kwahwo, zviviri izvi zvichawanikwa zvichipindirana—zvechokwadi kungofanana nezvisikwa zvinogara munyika yeEdhomi yakatamiwa ‘zvine chimwe nechimwe shamwari yacho.’ Isaya anotaura nevadzidzi vouprofita hweBhaibheri vomunguva yemberi achiti: “Tsvakai pabhuku yaJehovha, murave; hapana chimwe chezvinhu izvi chichashayikwa, chichashayiwa shamwari yacho; nokuti muromo wangu wakarayira izvozvo, nomweya wake wakazviunganidza. Iye wakazvikandira mijenya, ruoko rwake rwakazviganhurira nyika norwonzi; ichava yazvo nokusingaperi, vachagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.”—Isaya 34:16, 17.
19 Kuparadzwa kwechiKristudhomu kwave pedyo kwakafanotaurwa “pabhuku yaJehovha.” “Bhuku yaJehovha” iyi inotaura mashoko ose nezvokugadzirisa kuchaita Jehovha vavengi vake vasingachinjiki uye vadzvinyiriri vasingapfidzi vevanhu vake. Zvakanyorwa pamusoro peEdhomi yekare zvakaitika, uye izvi zvinosimbisa chivimbo chedu chokuti uprofita hunoshanda kuchiKristudhomu, imwe Edhomi yomuzuva ranhasi, saizvozvo huchaitikawo. “Rwonzi,” kutonga kwaJehovha kwechiito, kunosimbisa kuti sangano iri riri kufa mumudzimu richava renje rakatamiwa.
20. Kufanana neEdhomi yekare, chiKristudhomu chichaonei?
20 ChiKristudhomu chinoita zvose zvachinogona kunyengerera shamwari dzacho dzezvematongerwe enyika, asi hachina kwachinosvika! Maererano nezvitsauko 17 ne18 zvaZvakazarurwa, Mwari Wemasimba Ose, Jehovha, achaisa mumwoyo yavo kuti varwise Bhabhironi Guru, kusanganisira chiKristudhomu. Izvi zvichabvisa panyika yose chiKristu chokunyepera. Mamiriro ezvinhu echiKristudhomu achava akafanana nemamiriro ezvinhu asina tariro anorondedzerwa muchitsauko 34 chaIsaya. Chinenge chatoenda panozoitika “hondo yezuva guru raMwari Wemasimba Ose” ine mukurumbira! (Zvakazarurwa 16:14) Kufanana neEdhomi yekare, chiKristudhomu chichatsvairwa zvachose panyika, “nokusingaperi.”
[Mashoko Omuzasi]
a Pakasvika nguva yaMaraki, uprofita uhwu hwakanga hwazadzika. (Maraki 1:3) Maraki anoti vaEdhomi vakanga vane tariro yokutorazve nyika yavo yakatamiwa. (Maraki 1:4) Zvisinei, uku kwakanga kusiri kuda kwaJehovha, uye gare gare vamwe vanhu, vaNabataea, vakatora yakanga iri nyika yeEdhomi.
[Bhokisi riri papeji 363]
NdiMwari Wehasha Here?
Mashoko akadai seanowanika pana Isaya 34:2-7 akaita kuti vazhinji vafunge kuti Jehovha, sezvinorondedzerwa muMagwaro echiHebheru, ndiMwari ane utsinye, uye wehasha. Ndizvo here?
Aiwa. Kunyange zvazvo Mwari pane dzimwe nguva achiratidza hasha dzake, hasha idzodzo nguva dzose dzinoruramiswa. Dzinobva panheyo nguva dzose, kwete kunzwa kusingadzorwi. Uyezve, nguva dzose dzinoparirwa nekodzero yoMusiki yokugamuchira kuzvipira kunopiwa iye bedzi uye kutsigira kwake chokwadi nguva dzose. Hasha dzaMwari dzinodzorwa nokuda kwake kururama uye nokuda vanoita zvakarurama. Jehovha anoona nhau dzose dzinobatanidzwa panhau imwe, uye ane zivo yakakwana isina painogumira pamamiriro ezvinhu. (VaHebheru 4:13) Anorava mwoyo; anoona ukuru hwokusaziva, kuregeredza, kana kuti chivi chemaune; uye anoita nokusasarura.—Dheuteronomio 10:17, 18; 1 Samueri 16:7; Mabasa 10:34, 35.
Zvisinei, Jehovha Mwari a“nonoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.” (Eksodho 34:6) Avo vanomutya uye vachiedza kuita zvakarurama vanogamuchira tsitsi, nokuti Wemasimba Ose anoziva kusakwana kwomunhu kwakagarwa nhaka uye anomuratidza tsitsi nemhaka iyi. Nhasi Mwari anoita izvi nokuda kwechibayiro chaJesu. (Pisarema 103:13, 14) Panguva yakafanira, hasha dzaJehovha dzinobviswa pane avo vanobvuma chivi chavo, vanopfidza, vomushumira zvechokwadi. (Isaya 12:1) Zvikurukuru, Jehovha haasi Mwari wehasha asi Mwari anofara, kwete asina kusununguka asi akasununguka, worugare, uye munyoro kune avo vanoenda kwaari nenzira yakafanira. (1 Timoti 1:11) Izvi zvinopesana kwazvo neunhu husina tsitsi, hwoutsinye, hunopiwa vanamwari venhema vevahedheni uye hunoratidzwa pamifananidzo yevamwari ivavo.
[Mepu iri papeji 362]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Gungwa Guru
Dhamasiko
Sidhoni
Tire
ISRAERI
Dhani
Gungwa reGarireya
Rwizi rwaJodhani
Megidho
Ramoti-gireadhi
Samaria
FIRISTIA
JUDHA
Jerusarema
Ribna
Rakishi
Bheeri-shebha
Kadheshi-bharnea
Gungwa Romunyu
AMONI
Rabha
MOABHI
Kiri-hareseti
EDHOMI
Bhozra
Temani
[Mifananidzo iri papeji 359]
ChiKristudhomu chakanyakatisa pasi neropa
[Mufananidzo uri papeji 360]
“Denga rose richapetwa sorugwaro”