CHITSAUKO 9
‘Usazvitsvakira Zvinhu Zvikuru’
1, 2. (a) Mugore rechina raJehoyakimu, Bharuki akasangana nedambudziko ripi? (b) Jehovha akabatsira sei Bharuki?
BHARUKI, munyori waJeremiya aiva akatendeka akanga aneta. Maiva mugore rechina rokutonga kwaMambo Jehoyakimu akanga akaipa, kana kuti munenge muna 625 B.C.E. Jeremiya akaudza munyori wacho kuti anyore mubhuku mashoko ose akanga ataurwa naJehovha achishandisa muprofita wacho pamusoro peJerusarema neJudha, mashoko akataurwa mumakore 23 akashandwa naJeremiya kusvika panguva iyoyo. (Jer. 25:1-3; 36:1, 2) Bharuki haana kubva averengera vaJudha mashoko emupumburu wacho ipapo. Aizozviita gore raizotevera. (Jer. 36:9, 10) Asi pane here chaiita kuti Bharuki ashungurudzike?
2 “Zvino ndava nenhamo,” akachema-chema Bharuki, “nokuti Jehovha awedzera shungu pakurwadziwa kwangu! Ndaneta nokugomera kwangu.” Ungangodaro uine pamwe pawakataura nezvokuneta, zvingava zvainzwika kana kuti mumwoyo mako. Hazvinei nokuti Bharuki akazviita nenzira ipi, Jehovha akanga akateerera. Muongorori wemwoyo yevanhu aiziva chaiita kuti Bharuki anetseke, uye achishandisa Jeremiya, Mwari akaruramisa Bharuki nemutsa. (Verenga Jeremiya 45:1-5.) Zvisinei, ungashamisika kuti nei Bharuki akanga achinzwa aneta kudaro. Rakanga riri basa raakanga apiwa here kana kuti zvichida aiva mamiriro ezvinhu aivapo paaiita basa racho? Kwete, dambudziko racho raibva mumwoyo make. Unoonaka, Bharuki ‘aitsvaka zvinhu zvikuru.’ Zvaiva zvii? Jehovha akamuvimbisei kana aizoteerera zano raMwari nomurayiro wake? Tingadzidzei pane zvakaitika kuna naBharuki?
“ZVINHU ZVIKURU” IZVOZVO ZVAIVA ZVII?
3. Dambudziko raiva naBharuki mune zvokunamata raikonzerwa nei?
3 Bharuki anofanira kunge aiziva kuti “zvinhu zvikuru” zvacho zvaiva zvii. Munyori wacho akaziva kuti “maziso [aMwari] ari panzira dzomunhu, uye anoona nhanho dzake dzose.” (Job. 34:21) Chakaita kuti Bharuki afunge kuti akanga asina “nzvimbo yokuzororera” paainyora mashoko aJeremiya ouprofita rakanga risiri basa racho pacharo. Zvaiva zvinhu zvaaiona sezvikuru—zvinhu zvaiva mumwoyo make. Anyura mukuzvitsvakira “zvinhu zvikuru,” Bharuki akatadza kuona zvinhu zvinonyanya kukosha, zviya zvinobatana nokuita kuda kwaMwari. (VaF. 1:10) Shanduro yeNyika Itsva inonyatsobudisa pfungwa yeshoko rechiito rakashandiswa ichiti “unoramba uchizvitsvakira.” Saka zvaisava zvinhu zvokungofunga kwekanguva zvichipfuura. Bharuki akanga achitotsvaka “zvinhu zvikuru” Jehovha paakamunyevera kuti asadaro. Kunyange zvazvo munyori waJeremiya akanga akatendeka aiita kuda kwaMwari, panguva imwe chete, aidokwairira kuwana “zvinhu zvikuru.”
4, 5. Nei “zvinhu zvikuru” zvaBharuki zvingave zvaisanganisira mukurumbira uye kuda kuonekera pane vamwe, uye nei nyevero yaJehovha yakanga yakakodzera?
4 Chimwe chingangove chakaita kuti Bharuki anetseke chaiva nechokuita nomukurumbira uye kuonekera pane vamwe. Kunyange zvazvo Bharuki akashanda semunhu ainyorera Jeremiya, angangodaro aisava munyori waJeremiya chete. Pana Jeremiya 36:32, Bharuki anonzi “munyori.” Uchapupu hwezvakacherwa mumatongo hunoratidza kuti anenge aiva nechinzvimbo chakakwirira muumambo. Kutaura zvazviri, zita rokuremekedza iroro rinoshandiswa pane “munyori Erishama,” anotaurwa pakati pemachinda aJudha. Izvi zvinopa pfungwa yokuti Bharuki aigonawo kupinda semushandi pamwe naErishama ‘muimba yokudyira yomunyori’ yaiva ‘muimba yamambo.’ (Jer. 36:11, 12, 14) Saka Bharuki anogona kunge aiva mukuru mukuru akadzidza womuimba youmambo. Seraya, mukoma wake, aiva mutariri mukuru waMambo Zedhekiya uye akaperekedza mambo paaifambira zvinhu zvinokosha kuBhabhironi. (Verenga Jeremiya 51:59.) Semutariri mukuru, Seraya angangodaro aiona nezvezvinhu zvokushandisa uye nzvimbo yamambo yekurara paaifamba, chokwadi chaiva chinzvimbo chepamusoro.
5 Unogona kunzwisisa kuti munhu akajaira chinzvimbo chepamusoro angadaro akaneta nokunyora mashoko ekutongwa kweJudha. Kutaura zvazviri, kutsigira muprofita waMwari kungadai kwakaisa chinzvimbo chaBharuki nebasa rake pangozi. Uye funga zvaizoitika kudai Jehovha aizoputsa zvaakanga avaka, sezvatinoverenga pana Jeremiya 45:4. “Zvinhu zvikuru” zvaifungwa naBharuki—kungave kwaiva kukwidziridzwa muimba youmambo kana kupfuma—zvingaratidza kusava nematuro. Kana Bharuki aitsvaka chinzvimbo chakachengeteka muutongi hweJudha hwepanguva iyoyo hwaizoparadzwa, Mwari akanga aine chikonzero chokumurambidza kuita izvozvo.
6, 7. Kana “zvinhu zvikuru” zvaBharuki zvaiva nechokuita nepfuma, ndezvipi zvakafanana zvatingafunga nezvazvo?
6 Kune rimwe divi, “zvinhu zvikuru” zvaBharuki zvingave zvaisanganisira kubudirira mune zvoupfumi. Marudzi akanga akapoteredza Judha aivimba zvikuru neupfumi uye zvinhu. Moabhi yaivimba ‘nemabasa ayo nepfuma yayo.’ Ndizvo zvaiitawo Amoni. Uye Jehovha akaita kuti Jeremiya arondedzere Bhabhironi seyaiva ne“pfuma zhinji.” (Jer. 48:1, 7; 49:1, 4; 51:1, 13) Asi chokwadi ndechokuti Mwari akanga ashora marudzi iwayo.
7 Saizvozvowo, kana Bharuki aitsvaka zvinhu nepfuma, unogona kunzwisisa nei Jehovha akamunyevera kuti asadaro. Mwari ‘paaizotambanudzira ruoko rwake’ kuvaJudha, dzimba dzavo neminda zvaizopiwa vavengi vavo. (Jer. 6:12; 20:5) Ngatitii wairarama panguva imwe chete naBharuki muJerusarema. Ruzhinji rwevanhu vomunyika yako—kusanganisira machinda, vapristi uye mambo pachake—vakafunga kuti vanofanira kurwisa vaBhabhironi vaipinda nechisimba. Asi wakaziva nezvemashoko aJeremiya okuti: “Shandirai mambo weBhabhironi murambe muchirarama.” (Jer. 27:12, 17) Kuva nezvinhu zvakawanda muguta racho kwaizodai kwakaita here kuti zvikuitire nyore kuteerera murayiro waMwari? Kuda kwaunoita zvinhu izvozvo kwaizodai kwakaita here kuti uteerere kunyevera kwaJeremiya kana kuti utevedzere zvaiitwa neruzhinji? Kutaura zvazviri, zvinhu zvaikosha muJudha neJerusarema kusanganisira zviya zvaiva mutemberi, zvakapambwa zvikaendeswa kuBhabhironi. Saka kuparapatika kutsvaka kupfuma kwaisabatsira chinhu. (Jer. 27:21, 22) Tinodzidzei pane izvi?
Jehovha akaruramisa sei nemutsa mafungiro aBharuki okutsvaka “zvinhu zvikuru”? Nei uchiona kuri kuchenjera kubvuma kururamiswa naMwari?
“NDICHAKUPA MWEYA WAKO SECHINHU CHAKAPAMBWA”
8, 9. Nei ungati kuwana kwakaita Bharuki upenyu hwake sechinhu chakapambwa kwaikosha?
8 Iye zvino funga izvi: Bharuki aizowanei nokuteerera murayiro waMwari? Mweya wake! Ndiwo waakanga avimbiswa “sechinhu chakapambwa.” (Verenga Jeremiya 45:5.) Vanhu vashomanana ndivo vakasiyiwa. Vanaani? Vaya vakateerera murayiro waMwari wokuenda, kureva kuti, kuzvipa kuvaKadheya. (Jer. 21:9; 38:2) Vamwe vanganetseka kuti, ‘Ndizvozvo chete here zvavakapiwa nokuteerera kwavo?’
9 Funga mamiriro ezvinhu akanga ari muJerusarema parakanga rakombwa neBhabhironi. Jerusarema rakatora nguva refu richitambura parakanga rakakombwa. Kusiyana naizvozvo, Sodhoma rakaparadzwa munguva pfupi. Mupfungwa yakati, kuparadzwa kweSodhoma kunogona kunzi kwaiva nyore kutsungirira. (Mari. 4:6) Bharuki akanyora uprofita hwokuti vagari vomuJerusarema vaizofa nebakatwa, nenzara kana kuti nezvirwere. Nokudaro anofanira kunge akaona izvozvo zvichizadzika. Zvokudya zvakanga zvapera muJerusarema. Zvaikatyamadza zvikuru kuva muguta umo vanamai, vakasikwa vaine “tsitsi,” vaibika vana vavo vachidya! (Mari. 2:20; 4:10; Jer. 19:9) Asi Bharuki akapukunyuka. Zvinhu pazvakanga zvakaita manyama amire nerongo kudaro, upenyu pachahwo ndihwo hwaiva chinhu chakapambwa, somubayiro wevanenge vakunda muhondo. Zviri pachena kuti Bharuki anofanira kunge akabvuma ndokuteerera murayiro waMwari wokuti asatsvake “zvinhu zvikuru.” Uye akapiwa mubayiro naJehovha sezvinoratidzwa nokupukunyuka kwaakaita.—Jer. 43:5-7.
UCHATSVAKA “ZVINHU ZVIKURU” HERE?
10, 11. Nyaya yaBharuki ingabatana sei nenguva yatiri kurarama uye nesu pachedu?
10 Kunyange zvazvo Bharuki akanga akabatikana nokuita kuda kwaMwari, akatambura kwekanguva nechishuwo chokuda “zvinhu zvikuru.” Jehovha akamunyevera nezvengozi yacho, uye akaponeswa panjodzi yezvokunamata uye kufa chaiko. Tingaedzwa uye zvimwe kuremedzwa nezvido zvinenge zviri kutsi kwemwoyo yedu, kunyange patinenge tichiita basa raJehovha sezvakaita Bharuki here?
11 Kuva nemukurumbira kunogona kunge kwaiva muedzo chaiwo kuna Bharuki. Ungafungidzira here achitozvinetsa achiti: ‘Ndichakwanisa here kuramba ndiine basa rangu so“munyori”? Ndingawana here chimwe chinzvimbo chakati kwirirei?’ Ko zvakadini nesu? Zvibvunze kuti, ‘Ndine shungu here, zvimwe dzandakapfigira mumwoyo, dzokubudirira pabasa rokunyika iye zvino kana kuti munguva yemberi?’ Vamwe vaKristu vechiduku vangafungisisa mubvunzo wokuti, ‘Kutarisira kuwana mukurumbira uye mari kuburikidza nedzidzo yepamusoro kungandinyengedza kuti ndizvitsvakire “zvinhu zvikuru” here?’
12. Imwe hama yakatsvaka sei zvinhu zvikuru nokuda kwaJehovha, uye unofungei nezvayakasarudza?
12 Imwe hama yava kushanda padzimbahwe renyika yose yaiva nemakore 15 payakanzi yaizobhadharirwa mari yokuti idzidze payunivhesiti. Yakaramba rubatsiro rwacho, ichitosarudza kuva piyona uye zvakashamisa vadzidzisi vayo. Asi chido chayo chokudzidza hachina kupera. Akava mumishinari kune chimwe chitsuwa chaiva kure zvikuru. Ari ikoko, aifanira kudzidza mutauro unotaurwa nevanhu vanopfuura 10 000. Kwakanga kusina duramazwi romutauro wacho, saka akaita zvekunyora ega mashoko nezvaanoreva. Akazosvika pakugona mutauro wacho uye akapiwa basa rokushandura mamwe mabhuku edu echiKristu. Pave paya, mashoko aakanga anyora zvaanoreva akazoshandiswa kutanga kunyora duramazwi rokutanga mumutauro wacho. Akambotaurira vanhu vakawanda vaiva pagungano reruwa kuti: “Kudai ndakanga ndabvuma kuenda kuyunivhesiti, zvose zvandaizoita zvaizoita kuti ndipiwe mbiri. Kutaura zvazviri, handina kana chitupa chebasa rekunyika. Saka handisi ini ndinorumbidzwa pamusana pezvandakaita. Kurumbidzwa kwose kunoenda kuna Jehovha.” (Zvir. 25:27) Unofungei nezvaakasarudza aine makore 15? Kwemakore, ave achiwana ropafadzo dzakawanda pakati pevanhu vaMwari. Ko iwe unoda kushandisa sei zvipo zvako? Pane kutsvaka kuti ukudzwe, wakatsunga here kuzvishandisa kurumbidza Jehovha ?
13. Nei vamwe vabereki vachifanira kufungisisa dambudziko rakasangana naBharuki?
13 Pane imwe ngozi yakafanana: kutsvakira vanhu vatinoda “zvinhu zvikuru” kana kuti vatingakurudzira kana kuti kuzvitsvaka kuburikidza navo. Ungangodaro wakaona vabereki vokunyika vachiita kuti mwana wavo aite zvakawanda muupenyu kuvapfuura kana kuti ave munhu wavanozvirovera dundundu. Zvichida wakanzwa mashoko akaita seaya: “Handidi kuti ashande zvakaoma sezvandakaita” kana kuti “Ndinoda kuti mwana wangu aende kuyunivhesiti kuitira kuti ave noupenyu huri nyore.” Vabereki vechiKristu vangava nemafungiro akafanana. Ichokwadi kuti munhu angati, ‘Handisi kuzvitsvakira zvinhu zvikuru.’ Asi angave achizviita kuburikidza nemumwewo munhu here, mwanakomana kana mwanasikana? Sezvo Bharuki angave akaedzwa kutsvaka mukurumbira kuburikidza nechinzvimbo chake kana basa rake, nechomukati mubereki angave achitsvaka izvozvo kuburikidza nokubudirira kwevana vake. Asi “muongorori wemwoyo” haazvioni here sokungoona kwaakazviita pana Bharuki? (Zvir. 17:3) Hatifaniri here kukumbira Mwari kuti aongorore zviri kutsi kwemwoyo yedu, sezvakaita Dhavhidhi? (Verenga Pisarema 26:2; Jeremiya 17:9, 10.) Jehovha angashandisa nzira dzakasiyana-siyana, dzakadai senyaya ino yakurukura nezvaBharuki, kuti atizivise ngozi dzokutsvaka “zvinhu zvikuru.”
Bharuki angave aitsvaka sei “zvinhu zvikuru”? Unodzidzei pane izvi?
MUSUNGO WE“ZVINHU ZVINOKOSHA”
14, 15. Pfuma ingava sei “zvinhu zvikuru” kwatiri?
14 Ngatitii “zvinhu zvikuru” zvaBharuki zvaiva pfuma. Sezvatamboona, dai Bharuki akanga akaisa mwoyo wake pazvinhu zvaaiva nazvo muJudha, zvimwe angadai akaomerwa nokuteerera murayiro waMwari wokuti azvipe kuvaKadheya. Ungangodaro wakaona kuti mupfumi anowanzovimba ne“zvinhu [zvake] zvinokosha,” asi Bhaibheri rinoratidza kuti kudzivirira kunoita zvinhu zvakadaro ‘ndekwokufungidzira.’ (Zvir. 18:11) Vashumiri vaJehovha vose vanogona kubatsirwa nokuyeuka maonero akanaka eupfumi anotaurwa muShoko rake. (Verenga Zvirevo 11:4.) Asi vamwe vangafunga kuti, ‘Kuregererei kumbonakirwa zvishoma nezvinhu zviri munyika?’
15 Kunyanyoda pfuma kungaita kuti muKristu adokwairire zvinhu zvenyika iri kupfuura. Jeremiya naBharuki havana kudaro. Kwapera makore, Jesu akanyevera vanhu vaizorarama “pacharatidzwa Mwanakomana womunhu.” Jesu akavaudza kuti: “Yeukai mudzimai waRoti.” Zvaizovawo zvakakosha kukurudzira vaKristu kuti: ‘Yeukai Jeremiya naBharuki.’ (Ruka 17:30-33) Zvingatiomera kushandisa mashoko aJesu kana tikaisa mwoyo yedu papfuma. Asi usakanganwa—Bharuki akateerera nyevero yaakapiwa naMwari uye akararama.
16. Rondedzera nezvevashumiri vaMwari vakaita kuti pfuma irambe iri panzvimbo yakakodzera.
16 Funga zvakaitika kuhama dzaiva muRomania munguva yeutongi hwechiKomonisiti. Vanhu vehurumende pavaipinda mudzimba dzeZvapupu, dzimwe nguva vaitora zvinhu, kunyanya zviya zvavaikwanisa kutengesa. (Mari. 5:2) Hama nehanzvadzi dzakawanda dzaiva pasi peutongi hwacho dzaitoda kurasikirwa nezvinhu zvadzo. Vamwe vaitofanira kusiya zvinhu zvavo pavakatamiswa; asi vakaramba vakavimbika kuna Jehovha. Kana ukatarisana nemuedzo wakadaro, ucharega kuda kwaunoita pfuma kuchikutadzisa kuramba wakavimbika kuna Mwari here?—2 Tim. 3:11.
17. Vamwe vakararama panguva yaJeremiya naBharuki vangave vakavabatsira sei?
17 Zvinokosha kuziva kuti Jeremiya naBharuki vakatsigirwa nevamwe vakararama panguva yavo. Zefaniya aiprofita paitonga Josiya, Jeremiya paaiprofita. Jeremiya aizofungei nezvemashoko ari pana Zefaniya 1:18? (Verenga.) Uye haufungidziri Jeremiya achikurukura naBharuki mashoko iwayo enjere akafuridzirwa here? Mumwe akararama panguva yacho ndiEzekieri, uyo akaendeswa kuBhabhironi senhapwa muna 617 B.C.E. Mamwe mabasa uye mashoko ake aiva nechokuita zvakananga nevaJudha vakanga vasara kumusha, saka Jeremiya angangodaro akaziva zvakataurwa kana kuti zvakaitwa naEzekieri uye Ezekieri akazivawo zvakaitwa nezvakataurwa naJeremiya. Izvozvo zvaizosanganisira mashoko akanyorwa pana Ezekieri 7:19. (Verenga.) Isu tinogona kubatsirwa nemashoko iwayo akafuridzirwa sezvakangoita Jeremiya naBharuki. Vanhu vachashevedzera kuna vanamwari vavo kuti vavaponese pazuva raJehovha. Kunyange zvakadaro, vanamwari vavo kana pfuma yavo hazvizovaponesi.—Jer. 2:28.
UCHAWANA “MWEYA WAKO SECHINHU CHAKAPAMBWA” HERE?
18. “Mweya” waani watinofanira kuda kuwana sechinhu chakapambwa, uye tingazviita sei?
18 Tinofanira kuyeuka kuti “mweya” wedu ndiwo watinovimbiswa naJehovha sechinhu chakapambwa. Kunyange kana vashumiri vake vashomanana vakaparara pakutambudzwa kungauya ‘pakutambudzika kukuru’ apo nyanga dzechikara chezvematongerwo enyika dzicharwisa chitendero, vakatendeka ivavo vachange vasina kurasikirwa chaizvoizvo. “Mweya” wavo uchatorarama zvekare kuti unakidzwe no“upenyu chaihwo,” munyika itsva. (Zvak. 7:14, 15; 1 Tim. 6:19) Zvisinei, tinogona kuva nechivimbo chokuti vashumiri vaMwari vakawanda vacharatidza kuva vakatendeka panguva iyoyo vachapona mudambudziko guru. Unogona kuva nechokwadi chokuti Mwari paachaparadza marudzi, hapana munhu akatendeka achavapo pane “vaya vachaurayiwa naJehovha.”—Jer. 25:32, 33.
19. Kufunga nezvomuenzaniso waJeremiya newaBharuki kwasimbisa sei kutsunga kwawakaita kurega kuzvitsvakira “zvinhu zvikuru”?
19 Vamwe vangazviona zvakaoma kufunga kuti vangapukunyuka ne“mweya” wavo chete sechinhu chakapambwa, asi izvozvo hazvifaniri kuvaodza mwoyo. Yeuka kuti vanhu vomuJerusarema pavaifa nenzara, Jehovha akachengetedza Jeremiya ari mupenyu. Sei? Mambo Zedhekiya akaita kuti Jeremiya achengetwe muChivanze cheVarindi uye akaita kuti apiwe “chingwa cheraundi zuva nezuva chaibva kumugwagwa wevabiki, kusvikira chingwa chose chapera muguta.” (Jer. 37:21) Uye Jeremiya akapukunyuka! Jehovha anogona kushandisa chero chinhu kuti atsigire vanhu vake. Uye achatotsigira chete vanhu vake, nokuti tariro yavo youpenyu husingaperi ndeyechokwadi. Kurega ‘kutsvaka zvinhu zvikuru’ kwakaita kuti Bharuki apukunyuke kuparadzwa kweJerusarema. Saizvozvowo, tinogona kutarisira kupukunyuka Amagedhoni kuti tizorumbidza Jehovha ne“mweya” wedu sechinhu chakapambwa chatinogona kunakidzwa nacho nokusingaperi.
Nei kuri kuchenjera mazuva ano kusatsvaka “zvinhu zvikuru,” asi kutarisira kuwana “mweya” wedu sechinhu chakapambwa?