Teerera—Nharirire yaJehovha Inotaura!
“Ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri, . . . uvanyevere panzvimbo yangu.”—EZEKIERI 3:17.
1. Kuteererei apo “nharirire” yaJehovha inotaura?
“NHARIRIRE” yaJehovha iri kutaura shoko raMwari iko zvino. Ko uri kuteerera here? Upenyu hwako humene hunotsamira pakugamuchira kwako shoko iroro nokuonga nechiito. Nokukurumidza, ‘marudzi achaziva Jehovha’ apo anotsvenesa zita rake dzvene kupfurikidza nokuparadza tsika ino yakaipa nokuchengeta vanhu vake. Ko iwe unokarira kuva pakati pavo here? (Ezekieri 36:23; 39:7; 2 Petro 3:8-13) Ungava, asi bedzi kana ukateerera apo “nharirire” yaJehovha inotaura.
2. Kukundikana kuteerera vaporofita vaMwari kwakaguma nei nokuda kwoumambo hwaJudha?
2 Kukundikana kuteerera vaporofita vaMwari kwakaunza ngozi paumambo hwaJudha muna 607 P.N.V. Marudzi vavengi akafarira ruparadziko irworwo nesimba reBhabhironi. Asi zita raJehovha rakapiwa mbiri sei apo iye akaronga kuhwirira kwavaJudha vakatendeka kunyika yokumusha kwavo muna 537 P.N.V.!
3. Chii chine bhuku raEzekieri?
3 Zvose zviri zviviri ruparadziko irworwo nokudzorerwa zvakadeya kutaurwa nenharirire yaJehovha, Ezekieri. Bhuku reBhaibheri rine zita rake uye rakapedzwa naye muBhabhironia munenge muna 591 P.N.V. rine (1) basa raEzekieri; (2) mabasa ouporofita; (3) mashoko anorwisana naIsraeri; (4) kudeya kutaurwa kworutongeso rweJerusarema; (5) mauporofita anorwisana namamwe marudzi; (6) zvipikirwa zvedzorero; (7) uporofita hunorwisana naGogi waMagogi; uye (8) chiono chenzvimbo tsvene yaMwari. Tinokukumbira kurava bhuku racho sezvatinorifunda. Iwe nokudaro uchaona kuti rinotitapura sei nhasi uye uchave uchiteerera sezvo “nharirire” yaJehovha inotaura.a
Nharirire yaMwari Inotumwa
4. (a) Chii chakaona Ezekieri muchiono? (b) Ndivanaani vakanga vari “zvisikwa zvipenyu,” uye mavarai ayo vaiva nawo?
4 Pana Tamuzi 5, 613 P.N.V. (mugore rechishanu routapwa hwamambo waJudha Jehoiakini muBhabhironi), muprista ane makore 30 okukura Ezekieri akanga ari pakati penhapwa dzechiJudha pa“rwizi rwaKebhari,” mugero wakakurumbira weRwizi rwaYufratesi. Muchiono, iye akaona ngoro yokudenga yaJehovha, yakarindirwa ne“zvisikwa zvina zvipenyu.” (Rava Ezekieri 1:4-10.) ‘Chisikwa chipenyu’ chimwe nechimwe, kana kuti kerubhi rine mapapiro, chakanga chine zviso zvina. (Ezekieri 10:1-20; 11:22) Izvozvi zvinoratidzira kuti makerubhi ane rudo rwakapiwa naMwari (munhu), ruramisiro (shumba), simba (nzombe), uye uchenjeri (gondo). Kerubhi rimwe nerimwe rakamira parutivi pe‘gumbo [guru] mukati megumbo,’ uye mudzimu waMwari, kana kuti simba rinobata basa, wakakwanisa kuafambisa munzira ipi neipi.—Ezekieri 1:1-21.
5. Ngoro yokudenga inomirirei, uye ichi chiono chayo chinofanira kutapura sei vanhu vaJehovha?
5 Mutasvi wengoro wakanga uri mufananidzo une mbiri waJehovha. (Rava Ezekieri 1:22-28.) Ngoro inosanomirira sei sangano romudzimu rengirozi raMwari! (Pisarema 18:10; 103:20, 21; Dhanieri 7:9, 10) Jehovha anoritasva mupfungwa yokudzora izvi zvisikwa nokuzvishandisa mukuwirirana nedonzo rake. Mutasvi akanga akaterama, somuraraungu unoperekedza, asi Ezekieri akashamiswa. Zvirokwazvo, ichi chiono chinotyisa chembiri yaJehovha nesimba soMurongi Mukurusa wamapoka ake okudenga chinofanira kutiita kuti tionge nokuzvininipisa nokuda kweropafadzo yokumubatira sorutivi rwesangano rake rapasi.
6. (a) Iranganoi yakagamuchira Ezekieri, uye iye akarangarira sei basa rokuna Mwari? (b) Ezekieri aifanira kuporofita pakati porudzii rwavanhu, uye kuziva kuti Mwari akabata sei naye ndokwebetseroi?
6 Kunyange zvazvo akayeuchidzwa nezvemviromviro yake yohunhu nenzvimbo yakaderera kupfurikidza nokudanwa kuti “mwanakomana womunhu,” Ezekieri akagadzwa somuporofita waJehovha. (Rava Ezekieri 2:1-5.) Ezekieri aizoenda ku“marudzi anomukira,” maumambo aIsraeri naJudha. Kutanga, kupfurikidza nomurairo woumwari iye akadya rugwaro rwakapetwa rwaiva namariro, asi rwakazipa souchi nemhaka yokuti akaonga kuva muporofita waMwari. Nenzira yakafanana, maKristu akazodzwa navabatiri biyavo vanokuwana kwakanaka kuva zvapupu zvaJehovha. Ezekieri aifanira kuporofita pakati pavanhu vane mwoyo wakaoma navane misoro yakaoma, asi Mwari aizoita kuti chiso chake chive chakatsunga sezviso zvavo, huma yake yakaoma sedhaimani. Iye aizoporofita noushingi kana vakateerera kana kuti kwete. Kunofadza kuziva kuti seizvo Mwari akatsigira Ezekieri mumigariro yakaoma, Iye achatibetsera kupa uchapupu noushingi mundima ipi neipi.—Ezekieri 2:6–3:11.
7. Basa raEzekieri rakabatanidza mutoroi?
7 Kudya bhuku yakapetwa kwakaparira muna Ezekieri ‘mudzimu wakatsamwa’ wakafanira kushoko raro. PaTeri-abhibhi iye akagara ‘achishaiwa mashoko kwamazuva manomwe’ achirangarira shoko racho. (Ezekieri 3:12-15) Isuwo tinofanira kurangarira ndokufunda nokushingaira kuti tinzwisise zvinhu zvikuru zvomudzimu. Zvaakanga ava neshoko rokuzivisa, Ezekieri akatumwa senharirire yaMwari. (Rava Ezekieri 3:16-21.) Nharirire yakanga ichangobva kugadzwa yaifanira kunyevera vaIsraeri vanoputsa mutemo kuti vakanga vakatarisana nokuuraya kwoumwari.
8. Ndiani anobatira se“nharirire” yaJehovha nhasi, uye ndivanaani vakabatana navo?
8 Kudai Ezekieri akakundikana senharirire, Jehovha aizomuita kuti ave nomutoro wenzufu dzavanyajambwa. Kunyange zvazvo avo vakanga vasingamudi kuti ape tsiuro vaizomusunga nezvisungo zvokufananidzira, iye aizozivisa noushingi shoko raMwari. (Ezekieri 3:22-27) Muzuva redu, chiKristudhomu chinoramba kuteerera uye chinoedza kuisa zvinodzora pamaKristu akazodzwa. Asi chibviro cha 1919 ava vakazodzwa vakabatira se“nharirire” yaJehovha, vachizivisa noushingi shoko rake re“nguva yomugumo” yetsika ino. (Dhanieri 12:4, NW) Rakabatana navo muiri basa i“boka guru” rinowedzera ra“mamwe makwai” aJesu. (Zvakazarurwa 7:9, 10, NW; Johane 10:16) Sezvo boka re“nharirire” richiramba richitaura shoko raMwari, zvirokwazvo munhu ari wose wavakazodzwa ne“boka guru” aizoda kurizivisa somuparidzi wenguva dzose.
Mauporofita Akaitwa
9. (a) Ezekieri akatigadzira sei muenzaniso? (b) Chii chakaita Ezekieri kuratidzira kukomberedzwa kweJerusarema neBhabhironi, uye chii chakaratidzirwa namazuva 390 namazuva 40?
9 Ezekieri akatevera kuita zvinoitika zvouporofita nokuzvininipisa noushingi, achigadza muenzaniso unofanira kutisunda kuita migove yakapiwa naMwari nokuzvininipisa uye noushingi. Kuti aratidzire kukomberedza kweBhabhironi, iye aifanira kuvata akatarira chitina paakanga anyora mufananidzo weJerusarema. Ezekieri aifanira kuvata norutivi rwake rwokuruboshwe kwamazuva 390 kuti atakure chikanganiso choumambo hwamarudzi gumi hwaIsraeri, ipapo norutivi rwake rworudyi kwamazuva 40 kuti atakure chivi chaJudha wamarudzi maviri. Zuva rimwe rakamirira gore. Naizvozvo makore 390 akavambira pakuvambwa kwaIsraeri muna 997 P.N.V. kusvikira kuruparadziko rweJerusarema muna 607 P.N.V. Makore 40 aJudha akavambira pakugadzwa kwaJeremia somuporofita waMwari muna 647 P.N.V. kusvikira kukuparadzwa kwaJudha muna 607 P.N.V.—Ezekieri 4:1-8; Jeremia 1:1-3.
10. Ezekieri akaita sei miuyo yekomberedzo, uye chifundoi chatinogona kudzidza muidi rokuti Mwari akamutsigira?
10 Ezekieri akatevera kuita miuyo yekomberedzo. Kuratidzira nzara, iye aifanira kupfuurira kurarama neanongoti pfuurei chete makirogiramu 0,2 ezvokudya neanenge marita 0,5 emvura pazuva. Chingwa chake (muvhenganiswa wakashata wezviyo, bhari, nyimo, nyemba, mapfunde, uye sipereti wakabikirwa pandove) chakanga chisina kuchena. (Revhitiko 19:19) Ichi chiito chakaratidza kuti vagari veJerusarema vaizotambura urombo hukuru. Asi kunofadza sei kuziva kuti seizvo Jehovha akatsigira Ezekieri mumigariro yakaoma, Mwari achatibetsera kuramba takatendeka ndokuita basa redu rokuparidzira mukutarisana nenhamo dzose!—Ezekieri 4:9-17.
11. (a) Mabasai anodudzwa pana Ezekieri 5:1-4, uye chii chaiva revo yawo? (b) Idi rokuti Mwari akazadzika mabasa aEzekieri rinofanira kuva nomuuyoi patiri?
11 Achishandisa munondo, Ezekieri akatevera kuveura vhudzi rake nendebvu. (Rava Ezekieri 5:1-4.) Avo vanofa nenzara nenhenda vaizova vakafanana nechetatu chevhudzi romuporofita iro iye akapisira pakati peJerusarema. Vakafa nehondo vaizova vakafanana nechetatu chinorohwa nomunondo. Vapukunyuki vaizoparadzirwa pakati pamarudzi kufanana nechetatu chevhudzi rake rakaparadzirwa kumhepo. Asi dzimwe nhapwa dzaizova dzakafanana nevhudzi shomanene rakatorwa muchikamu ichocho chakaparadzirwa ndokuputirwa munguvo yaEzekieri kuratidza kuti ivo vaizotanga namatwo yaJehovha muna Judha pashure pedongo ramakore 70. (Ezekieri 5:5-17) Idi rokuti Jehovha akazadzika ikoku nokumwe kuitwa kwouporofita rinofanira kutisunda kumuvimba soMuzadziki wouporofita.—Isaya 42:9; 55:11.
Ruparadziko Ruri Mberi!
12. (a) Ezekieri 6:1-7 inoratidzira kuti vavhozhokeri vaizoitei? (b) Mukuwirirana nouporofita hwaEzekieri, chii chiri Jerusarema rokufananidzirwa, uye chii chichaitika kwachiri?
12 Muna 613 P.N.V., Ezekieri akataura kunyika kuratidzira chaizowira vagari vaJudha vanonamata zvidhori. (Rava Ezekieri 6:1-7.) Vavhozhokeri vaizoparadzanya nzvimbo dzakakwirira, nzvimbo dzezvinonhuwira, uye atari dzaishandiswa mukunamata kwenhema. Mufungo umene wokuparadzanya kunoitwa nenzara, nhenda, uye hondo waizoita kuti munhu acheme kuti “Maiwe!” ndokusimbisa ikoku nokurova maoko nokutsika tsoka. Mitumbi yakafa yemhombwe dzomudzimu yaizozadza nzvimbo dzakakwirira. Apo chiKristudhomu, Jerusarema rokufananidzirwa, chinotambura ruparadziko rwakafanana, icho chichaziva kuti nhamo yacho inobva kuna Jehovha.—Ezekieri 6:8-14.
13. Chii chakanga chiri “tsvimbo” yaiva muruoko rwaJehovha, uye chii chaifanira kubva mukushandiswa kwayo?
13 ‘Mugumo wakanga uchiuya pamigumo mina yenyika,’ sangano rorudzidziso risina kutendeka raJudha. “Dzoro” rezvinhu zvine njodzi raizotenderedza musoro womunamati wezvidhori apo “shamhu” iri muruoko rwaMwari—Nebhukadnezari nehondo dzake dzeBhabhironi—vakarwisana navanhu vaJehovha netembere yake. Avo vaiva ve“vazhinji” vaJudha vavatengi navatengesi vaizourawa kana kuti zvimwe kupinzwa muutapwa, uye maoko avapi navapi vakakwanisa kuramba vari vapenyu aizoshaiwa simba nemhaka yokuzheuka. Pakukurirwa kwesangano ravo rorudzidziso rwenhema, ivo, sokunge zvakadaro, vaizoveura misoro yavo mukuchema.—Ezekieri 7:1-18.
14. Chii icho kufumbamuromo kwakanga kusingakwanisi kuita nokuda kweJerusarema, uye ikoko kunoratidzirei nokuda kwechiKristudhomu?
14 Jehovha namauto ake anouraya havagoni kufumbwamuromo. (Rava Ezekieri 7:19.) Kufumbamuromo kwaisagona kuponesa “nzvimbo yakavanzwa,” Nzvimbo Tsvene Tsvene, pakushatiswa sezvo “makororo” avaKardhea akabvuta midziyo inoyera ndokusiya tembere yava dongo. Jehovha ‘akaparira kudada kwavane simba kuguma’ apo Mambo Zedhekia akatapwa uye vakuru vouprista vaRevhi vakaurawa. (2 Madzimambo 25:4-7, 18-21) Aiwa, vatadzi vaiva muJerusarema rakakombwa vaisagona kupukunyuka nhamo kupfurikidza nokufumbamuromo apo Mwari ‘akavatonga’ savapunzi vesungano. Nenzira yakafanana, mukati mokushatiswa kuri pedyo kwezvinhu izvo chiKristudhomu chinorangarira kuva zvinoyera, icho hachisati chichizokwanisa kufumbamuromo kuti chiwane nzira yokubuda nayo mukuitwa kworutongeso rwoumwari pachiri. Panguva iyeyo kuchava kunyanyononoka kuteerera “nharirire” yaJehovha.—Ezekieri 7:20-27.
Kugomera Pamusoro Pezvinhu Zvinonyangadza
15. Chii chakaona Ezekieri muJerusarema, uye ichochi chinofanira kuva nomuuyoi patiri?
15 Apo Ezekieri akaona Mwari muchiono ari mumbiri pana Eruri 5, 612 P.N.V., ‘mufananidzo woruoko wakabata bumu rake’ ndokumutakurira kuJerusarema nomudzimu wefuridziro. Ngoro yokudenga yakanga yaendawoko. Icho Ezekieri panguva iyeyo akaona chinofanira kuita kuti titye mufungo umene wokuteerera vawi pakutenda. (Zvirevo 11:9) Patembere, vawi pakutenda vechiIsraeri vakanga vachinamata chiratidziro chokunamata zvidhori (zvichida danda rinoyera) iro rakanyandurira Mwari kugodo. (Eksodho 20:2-6) Achipinda muruvazhe rwomukati, ndizvinhu zvinonyangadza zvakadini Ezekieri akaona! (Rava Ezekieri 8:10, 11.) Kunonyadzisa sei kuti vakuru vechiIsraeri 70 vakanga vachipa zvinonhuwira kuvamwari venhema vakamirirwa nezvifananidzo zvakashata zvaparusvingo!—Ezekieri 8:1-12.
16. Chiono chaEzekieri chinoratidzira chii pamusoro pemiuyo yokuwa pakutenda?
16 Chiono chaEzekieri chinoratidza kuti kuwa pakutenda kunouraya sei mumudzimu. Chokwadi, vakadzi vechiIsraeri vakanga vanyengetedzwa kuti vacheme pamusoro paTamuzi, mwari weBhabhironi nomudi wamwarikadzi woruzvaro Ishitari! Uye ndichinosemesa zvakadini kuona varume vechiIsraeri 25 vari muvazhe rwomukati rwetembere vachinamata zuva! (Dheuteronomio 4:15-19) Kumhino yaMwari ivo vakaisa davi rakashata, zvichida rinomirira mutezo womunhurume. Hakushamisi kuti Jehovha haasati aizoteerera minyengetero yavo, kunyange sezvo chiKristudhomu chichatsvaka betsero yake pasina maturo mukati me“dambudziko guru”!—Ezekieri 8:13-18; Mateo 24:21, NW.
Vakaiswa Chiratidzo Nokuda Kwokupukunyuka
17. Varumei vanomwe vakaonwa muchiono, uye chii chavakaita?
17 Tevere, tinocherechedza varume vanomwe—mumwe munyori akafuka mucheka navamwe vatanhatu vane zvombo zvokuparadzanya nazvo. (Rava Ezekieri 9:1-7.) “Varume vatanhatu” vakamirira mauto anouraya okudenga aJehovha, kunyange zvazvo iye aigona kushandisa vamiriri vapasi. Avo vane huma ‘murume akafuka mucheka’ akaisa chiratidzo vaizowana tsitsi dzaMwari nemhaka yokuti vakanga vasingabvumirani nezvinhu zvinonyangadza zvaiitwa patembere. Kuuraya kwakaitwa na“varume vatanhatu” kwakavambamo navakuru vanonamata zvidhori 70, vakadzi vaichema Tamuzi, uye vanamati vezuva 25. Ivava navamwe vasina kuvimbika kuna Mwari vakaurawa navaBhabhironi muna 607 P.N.V.
18. (a) Ndiani ari ‘murume akafuka mucheka’ womuzuva razvino uno? (b) Chii chiri “chiratidzo,” ndivanaani vanacho zvino, uye kuva nacho kuchaguma nei?
18 ‘Murume akafuka mucheka’ wokufananidzirwa iboka ramaKristu akazodzwa. Ivo vanoenda paimba neimba kunoisa chiratidzo chokufananidzira paavo vanova rutivi rwe“boka guru” ra“mamwe makwai” aKristu. “Chiratidzo” hufakazi hwokuti makwai akadaro ndivanhu vakazvitsaurira, vakabhapatidzwa vane hunhu hwakafanana nohwaKristu. Ivo ‘vanogomera nokuchema pamusoro pezvinhu zvinonyangadza’ zvinoitwa muchiKristudhomu, uye ivo vakabuda muBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. (Zvakazarurwa 18:4, 5) “Chiratidzo” chavo chichajekesa kumauto anouraya aMwari kuti ivo vanofanira kuponeswa mukati me“dambudziko guru.” Ivo vanogona kuchengeta “chiratidzo” ichocho kupfurikidza nokugoverana navakazodzwa mukuisazve vamwe chiratidzo. Naizvozvo, kana iwe ‘wakaiswa chiratidzo,’ goverana nokushingaira mubasa ro‘kuisa chiratidzo.’—Ezekieri 9:8-11.
Ruparadziko Runotyisa Rwuri Mberi!
19. ‘Murume akafuka mucheka’ womuzuva razvino uno anoparadzirei muchiKristudhomu chose?
19 Murume akafuka mucheka akapinda pakati pamakumbo engoro yokudenga kunotora mazimbe omwoto. Iwaya akakandwa pamusoro peJerusarema, kuchipa nyevero yapachine nguva mberi yokuti ruparadziko rwaro rwaizova ratidzirwo yokutsamwa kunotyisa kwaMwari. (Ezekieri 10:1-8; Mariro 2:2-4; 4:11) Muzuva raEzekieri, hasha dzaJehovha dzakadururwa kupfurikidza navaBhabhironi. (2 Makoronike 36:15-21; Jeremia 25:9-11) Asi zvakadiniko nezuva redu? ‘Murume akafuka mucheka’ wokufananidzirwa anoparadzira shoko rinotyisa raMwari muchiKristudhomu mose seziviso yokuti hasha dzoumwari dzichakurumidza kuratidzirwa pachiri norutivi rwose rwasara rweBhabhironi Guru. Chokwadika, avo vanoramba kuteerera “nharirire” yaJehovha havana tariro yokupukunyuka.—Isaya 61:1, 2; Zvakazarurwa 18:8-10, 20.
20. (a) Tsinhirano iri pakati pamakumbo engoro yokudenga namakerubhi inofanira kutitapura sei? (b) Machinda akanga achiitei, uye akafananidzira Jerusarema zvisina kururama nechii?
20 Ngwariro inokweverwazve kungoro yokudenga, sangano rokudenga raMwari. Tichicherechedza tsinhirano iri pakati pamakumbo engoro namakerubhi, tinofanira kusundwa kubatira pamwe zvizere nesangano rapasi raMwari. Nemhaka yoruvimbiko, tinofanira kuridzivirirawo pavanhu vanonyengera. (Ezekieri 10:9-22) Kwakanga kune varume vakadaro muzuva raEzekieri, nokuti iye akaona machinda ehurumende 25 achironga kumukira mauto anouraya aMwari nebetsero yeEgipita. Ivo vakafananidza Jerusarema negate, uye ivo vamene nenyama yakakotsekana mukati. Asi vakanga vasina kururama sei! “Munondo” “vatorwa” veBhabhironi waifanira kuuraya vamwe vavarangani, nepo vamwe vaifanira kuva nhapwa. Ikoku kwaifanira kuitika sezvo Mwari akaita kuti vaJudha vazvidavirire nokuda kwokupunza sungano yake. (Ezekieri 11:1-13; Eksodho 19:1-8; 24:1-7; Jeremia 52:24-27) Nemhaka yokuti chiKristudhomu chinotaura kuti chiri musungano naMwari asi chichiisa chivimbo mumibatanidzwa yenyika, icho chichaparara mudenho yamauto anouraya aJehovha.
21. Chii chakaitika pashure pedongo raJudha ramakore 70, uye ndichinoitikai chakafanana chakatapura vakasarira vakazodzwa?
21 Kunyange zvazvo vaIsraeri vakanga ‘vaparadzirwa pakati penyika,’ somuna 617 P.N.V., Mwari akanga ari “nzvimbo tsvene,” kana kuti huvando, nokuda kwenhapwa dzinopfidza. (Ezekieri 11:14-16) Asi chiizve chaigona kukarirwa? (Rava Ezekieri 11:17-21.) Pashure pedongo raJudha ramakore 70, vakasarira vakadzorerwa ku“ivhu raIsraeri” rakacheneswa. Nenzira yakafanana, pashure poutapwa hwechiBhabhironi, vakasarira vakazodzwa vakanunurwa muna 1919, uye munhungamiro yomudzimu waMwari, “ivhu” rakambova dongo raIsraeri womudzimu rakacheneswa. Nokudaro, avo ‘vakaiswa chiratidzo’ nokuda kwokuponeswa zvino vari kufarikanya nyasha dzoumwari pamwe chete navakasarira vakadzorerwa vaIsraeri womudzimu. Uye kana iwe ukaramba uchiteerera “nharirire” yaMwari, ungava pakati pavapukunyuki apo Jehovha anovhomora munondo wake.
[Mashoko Omuzasi]
a Kana nguva ichibvumidza, muitisi anofanira kuita kuti nongedzero dzakatsveyamiswa mashoko dziraviwe mukati mefundo yeungano yeiyi nyaya nembiri dzinoitevera. Mapfundo makuru eBhaibheri ari muChikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari anogonawo kutorwa muidzi nyaya dziri mufundo dzazvino dzebhuku raEzekieri.
Unoyeuka Here?
◻ Kuteererei apo “nharirire” yaJehovha inotaura?
◻ Chii chakamirirwa nengoro yokudenga yaMwari?
◻ Ndiani anobatira se“nharirire” yaJehovha nhasi?
◻ Mabasai okuwa pakutenda akaona Ezekieri muJerusarema, uye ichi chiono chinofanira kutitapura sei?
◻ Ndiani ari ‘murume akafuka mucheka’ womuzuva razvino uno, uye chii chiri “chiratidzo” chaanoisa pahuma?