Jehovha Anovhomora Munondo Wake!
“Nyama yose ichaziva kuti ini Jehovha ndakavhomora munondo wangu mumuhara wawo.”—EZEKIERI 21:5.
1. Jehovha akashandisa munondo wake mukurwisana navanaani muna Judha naIsraeri?
MUNONDO waJehovha unonyandura nomazvo rutyo muvavengi vake. Asi apo iye akaushandisa pavaiti vezvakaipa mumaumbo aJudha naIsraeri, ko ivo vakaziva chaizvoizvo here chakanga chichiitika? Hungu, ivo vakaziviswa kuti Jehovha akanga avhomora munondo wake wokufananidzira mumuhara wawo.—Ezra 9:6-9; Nehemia 1:8; 9:26-30.
2. Chii chakataura Jehovha pamusoro po“munondo” wake, kuchimutsa mibvunzoi?
2 Kupfurikidza nomuporofita wake uye nharirire Ezekieri, Mwari akati: “Nyama yose ichaziva kuti ini Jehovha ndakavhomora munondo wangu mumuhara wawo.” (Ezekieri 21:5) Ko mashoko iwayo akangoshanda bedzi munguva dzakare here? Kana kuti ane revo here nokuda kwedu?
Kudeya Kutaurwa Kwokutongwa kweJerusarema
3. Chii chakaudza Ezekieri nhapwa dzaiva muBhabhironia, uye ichochi chine fananoi yomuzuva razvino uno?
3 Ngoro yaJehovha yakafambazve, uye nzvimbo yaEzekieri yakachinjawo. Kwakanga kwakaita sokunge sangano rokudenga rakafanana nengoro raMwari rakaenda panzvimbo pokucherechedza pamusoro peGomo reMiorivhi. Ari ipapo Jesu akadeya kutaura ruparadziko urwo rwakauya paJerusarema muna 70 N.V., ruparadziko runodeya kuratidzira mugumo wechiKristudhomu. (Marko 13:1-20) Muchiono, Ezekieri amene akanga abviswa parwizi Kebhari, asi kupfurikidza nomudzimu waMwari iye zvino akadzoserwa kuimba yake youtapwa muBhabhironia. Ikoko iye akaudza dzimwe nhapwa ‘zvose izvo Jehovha akanga amuparira kuona.’ Nenzira yakafanana, “nharirire” yakazodzwa yaMwari nezvapupu biyayo nhasi vanozivisa izvo zvose zvakaziviswa kwavari noMutasvi wengoro yokudenga.—Ezekieri 11:22-25.
4. Nhapwa dzechiJudha dzakaita sei kumabasa okufananidzira aEzekieri?
4 Kupfurikidza namabasa okufananidzira, Ezekieri akaratidza nhapwa dzechiJudha kuti ngwavaira yorudzi yakanga yava pedyo. (Rava Ezekieri 12:1-7.) Muporofita wacho akatakura “nhumbi dzokutama nadzo” kuratidzira zvinhu zvishomanene izvo nhapwa dzaigona kutakura pamafudzi adzo. Rutyo rwaizokurumidza kupararira muJerusarema rakakomberedzwa. Kunyange zvazvo vazhinji vasina kurangarira nyevero dzakadaro zvakakomba, Ezekieri aifanira kuudza vanhu, kuti: “Haringazononoswi.” Nhasiwo kune kuzvidzwa kwenyevero dzoumwari namauporofita, asi tinogona kuita zvakawanda kubetsera vatsvaki vezvokwadi kuisa chivimbo muzadziko yazvo.—Ezekieri 12:8-28.
5. Sezvo “zuva raJehovha” rakanga rava pedyo, ishurikidzoi dzakanga dzakafanira?
5 Avo vaisateerera nharirire yaJehovha vaidikanirwa kuziva kuti vaizonzwa “munondo” waJehovha. Naizvozvo, avo vaiva nomutoro wokusanzwisisa pamusoro pechengeteko yeJerusarema naJudha vakazvidzwa. Vaporofita venhema vakaenzaniswa namakava anoparadza, uye kwakaratidzwa kuti varevi venhema vakanga vachichenesa masvingo anowa, kana kuti gadziriro dzisina maturo, dzavanhu. Vaporofitakadzi venhema vakashurikidzawo. “Zuva raJehovha” rakanga rava pedyo, uye chiso chake chakanga chakatarira avo ‘vanobva kwaari,’ ndiko kuti, ‘vanozvibvisa vamene pakutevera Mwari.’ Kana isu takazvitsaurira kuna Jehovha, zvirokwazvo hatisati taizotongoda kubva mubasa rake rinoyera.—Ezekieri 13:1–14:11.
6. Ko munhu upi noupi aigona here kuponesa vanhu vakasindimara vaJudha, uye ikoku kunotidzidzisei?
6 Ndianiko aigona kuponesa vanhu vane chisimbwa vaJudha? Kwete kunyange Noa akarurama, Dhanieri, uye Jobho aigona kuvanunura apo Mwari akaunza marutongeso ake panyika. Kana isu tichizowana ruponeso, ipapoka, tinofanira kutakura mutoro wedu womunhu oga pamberi paMwari ndokuita kuda kwake.—Ezekieri 14:12-23; VaRoma 14:12.
7. Judha akafananidzwa nechii, bva chii icho Jehovha aizoita navakatendeka?
7 Nemhaka yavagari vemo vake vasina kutendeka, Judha akafananidzwa nomuti womuzambiringa womusango usina michero yakanaka uye wakangokodzera bedzi mwoto. (Ezekieri 15:1-8) Iye akafananidzwawo nomwana akaponeswa naMwari muEgipita ndokutarisirwa kusvikira pakuva mukadzi. Jehovha akamutora somudzimai wake, asi iye akatendeukira kuvamwari venhema uye aizotambura ruparadziko nokuda kwoupombwe hwake hwomudzimu. Bva, navakatendeka Mwari aizo‘ita sungano isingaperi kusvikira kunguva isingazivikanwi’—sungano itsva naIsraeri womudzimu.—Ezekieri 16:1-63; Jeremia 31:31-34; VaGaratia 6:16.
8. (a) Bhabhironi neEgipita zvakafananidzwa nechii? (b) Kupunza kwaZedhekia mhiko yake kunofanira kutitapura sei?
8 Tevere, vatongi veBhabhironi neEgipita vakafananidzwa namakondo makuru. Rimwe rakatora musoro womusidhari kupfurikidza nokubvisa Mambo Jehoiakini ndokumutsiva naZedhekia. Kunyange zvazvo Zedhekia akaita mhiko yoruvimbiko kuna Nebhukadnezari, iye akaipunza, achitsvaka betsero yehondo yomutongi weEgipita, rimwe gondo guru. Kana Zedhekia akadana zita raMwari mukuita mhiko yake, kuipunza kwakaunza ruzvidzo pana Jehovha. Mufungo umene wokuunza ruzvidzo pana Mwari unofanira kutidzivisa kumbobvumikisa kuva venhema kushoko redu. Zvamazvirokwazvo takaropafadzwa kutakura zita roumwari seZvapupu zvaJehovha!—Ezekieri 17:1-21.
9, 10. (a) Uporofitai hwakanyorwa pana Ezekieri 17:22-24, asi chii chinofanira kuitwa kana tichizobetserwa nezadziko yahwo? (b) Ndivanaani vane mutoro wemiuyo yomufambiro wedu?
9 Uporofita hunofadza hwaMesia hunotevera kuuya. (Rava Ezekieri 17:22-24.) Pano, “rumwe rutsva” ndiMambo woUmesia, Jesu Kristu. Zvaakasimwa naJehovha paGomo reZioni rokudenga, iye aizova “musidhari wakanaka kwazvo,” manyuko edziviriro nechikomborero sezvaakatonga pamusoro papasi. (Zvakazarurwa 14:1) Zvamazvirokwazvo tinogona kuva nechivimbo muna ikoku.
10 Kana tichizobetserwa nezadziko youporofita hwaMesia, zvisinei, tinofanira kuchengeta ukama hwakanaka naJehovha. Nhapwa biyake dzaEzekieri sezviri pachena dzakafunga kuti dzaiva nechimiro chakaisvonaka naMwari ndokushora madzibaba avo nokuda kwokutambura kwavo. Asi muporofita akaonesa kuti munhu mumwe nomumwe ane mutoro wemiuyo yomufambiro wake amene. (Ezekieri 18:1-29; enzanisa naJeremia 31:28-30.) Kwakatevera kuuya chikumbiro. (Rava Ezekieri 18:30-32.) Hungu, Jehovha ane ngoni kuvanopfidza uye haafarire rufu rwomunhu upi noupi. Naizvozvo, Mwari anoti: ‘Dzokerai murambe muchirarama, haiwa imi vanhu.’—Enzanisa na 2 Petro 3:9.
11. Vatongi vaJudha vakaenzaniswa nechii, uye chii chaizoitika kwaari apo akarohwa no“munondo” waJehovha?
11 Mumariro pamusoro pokuwa kwaJudha, vatongi vake vakafananidzwa neshumba duku. Mambo Jehoahazi akafira muutapwa hweEgipita, Jehoiakimi akatapwa naNebhukadnezari, uye Johoiakini akaendeswa kuBhabhironi. Nebhukadnezari akatevera kuisa Zedhekia pachigaro choumambo chaJudha, asi iye akamukira. Pakupedzisira, kufanana neshumba yakaiswa muchirugu, Zedhekia akatakurirwa kuBhabhironi ari nhapwa. Mukuwirirana namariro ouporofita, muna 607 P.N.V., Judha akava muzambiringa wakaparadzwa, “hapachine danda rine simba ringaita tsvimbo yokubata ushe.” Iye akanga arohwa no“munondo” waJehovha!—Ezekieri 19:1-14; Jeremia 39:1-7.
12. (a) Kufanana namadzibaba avo, vararami vapanguva imwe cheteyo naEzekieri vakapinda muchakaipai? (b) Neiko vanhu vakabvunza kana Ezekieri akanga asiri kutaura mifananidzo, uye ikoku kunotigovera nyeveroi?
12 Asvikwa na“vamwe vakuru vaIsraeri,” Ezekieri akataura shoko raMwari. Iye akaonesa kuti kunyange zvazvo Jehovha akanunura vaIsraeri muEgipita ndokuvapa Mutemo Wake, ivo vakauramba ndokushandira kunamata zvidhori. Sezvo vararami vapanguva imwe cheteyo vaEzekieri vaiva nemhaka yechakaipa chakafanana, Mwari aizovatonga. Sezviri pachena nepanikiro uye kwete nemhaka yokuti havana kunzwisisa izvo Ezekieri akareva, vanhu vakabvunza, kuti: “Ko haazi mutauri wemifananidzo here?” Ivo vaizokurumidza kuziva kuti kwakanga kusina chinhu chemifananidzo zvacho pamusoro peshoko romuporofita. Ikoku kunofanira kutinyevera kusatongogamuchira chimiro chokupanikira kuzadziko yenyevero dzapaMagwaro.—Ezekieri 20:1-49.
Jehovha Murwi
13. “Munondo” waMwari unoratidzira chii, uye chii icho “nyama yose” yaizoitwa kuti izive apo munondo iwoyo wakashandiswa?
13 Mugore rechinomwe routapwa (pakasvika Abhi 10, 611 P.N.V.), asingasviki makore maviri nehafu akasara “hondo yomuzuva raJehovha” isati yavamba mukurwisana naJudha neJerusarema. (Ezekieri 13:5; 20:1) Cherechedza izvo Jehovha Murwi ipapo akataura kupfurikidza naEzekieri. (Rava Ezekieri 21:1-5.) “Munondo” waMwari unoratidzira mumiriri wapasi waaizoshandisa, asi unogona kubatanidza sangano rake rokudenga, rakafanana nengoro. Vagari “vakarurama” uye “vakaipa” vaJudha naIsraeri, pamwe chete namarudzi anovenga vanhu vaMwari, vaizowa nomuromo wo“munondo” waMwari. Zvamazvirokwazvo, “avo vose venyama” vaizoitwa kuti vazive kuti Jehovha akanga achirwa navo.
14. (a) Kufanana naEzekieri, kuchii uko zvapupu zvakazodzwa zvaJehovha zvinodanira ngwariro? (b) Chii chinoratidzira kuti vatongi vechiKristudhomu havasati vachizopukunyuka “munondo” waMwari?
14 Kufanana naEzekieri, zvapupu zvakazodzwa zvaJehovha nhasi zvinodanira ngwariro ku“munondo” uyo Mwari acharova nawo vatsigiri vechiKristudhomu, nzvimbo yacho iri “ivhu raIsraeri” rokufananidzirwa. Nokukurumidza “munondo” iwowo uchanzwiwa ne“nyama yose kuvambira zasi kusvikira kumusoro,” navashandisi vose vorudzidziso rwenhema. Vanozvivimba vomuzuva raEzekieri vakanga vasina chikonzero chokufara, vachigumisa kuti “munondo” waJehovha hausati ‘waizoronga kuuraya’ mukurwisana navo. “Munondo” iwowo wakaramba tsvimbo youmambo youmambo hwaJudha, kunyange sezvawakaramba mumwe “muti” uri wose, kana kuti tsvimbo. Zvirokwazvo, ipapoka, vatongi vechiKristudhomu havasati vachizoponeswa nomumiriri anouraya waMwari.—Ezekieri 21:6-17.
15. Ndichinoitikai chinobatanidza Nebhukadnezari chinoratidza kuti hakuna munhu anogona kutsausa “munondo” waJehovha?
15 Uporofita hwaEzekieri hunopfuurira kuratidza kuti hakuna munhu, kubatanidza madhemoni, anogona kutsausa “munondo” waJehovha. (Rava Ezekieri 21:18-22.) Kunyange zvazvo Mambo Nebhukadnezari aizoshandisa kuuka kwoudhemoni, Jehovha aizova nechokwadi chokuti mutongi weBhabhironi akarwisana neJerusarema, kwete kurwisana nedzimbahwe rakaneta reAmoni reRabha. Ari muchinhu Nebhukadnezari aizosarudza museve wakaratidzirwa nokuda kweJerusarema. Iye aizoshandisa terafimi (sezvingabvira, zvidhori zviduku zvakafanana nomunhu) uye aizotsvaka zviratidzo muchiropa chemhuka yakaurawa. Pasinei zvapo nokuuka, zvisinei, iye aizotora nzira inoenda kudzimbahwe raJudha ndokurikomba. Chokwadi, Nebhukadnezari akanga aita sungano naMambo Zedhekia. Asi nemhaka yokupunza kwavo mhiko, Zedhekia navamwe vaJudha vaizo“batwa noruoko” ndokuendeswa vari nhapwa kuBhabhironi.—Ezekieri 21:23, 24.
16. (a) Chii chakaitika muzadziko yaEzekieri 21:25-27? (b) Nguva dzaVamarudzi dzakavamba rini, uye idzo dzakaguma nechinoitikai?
16 Kupfurikidza nokupandukira, Zedhekia akazvikuvadza amene nenzira inouraya. (Rava Ezekieri 21:25-27.) Apo mambo waJudha akabviswa pachigaro, ngowani youmambo nekorona zvakabviswa. (2 Madzimambo 25:1-7) Umambo hwaiva pa“musoro” hwaJudha ‘hwakaderedzwa’ kupfurikidza nokuparadzwa muna 607 P.N.V. Nokudaro maumambo aVamarudzi aiva “pasi” aka“kwiridzwa,” kuchiasiya achidzora pasi pasina dzongonyedzo iyo yakaitwa noumambo hwokufananidzira hwaMwari. (Dheuteronomio 28:13, 15, 36, 43, 44) Naizvozvo “nguva dzakagadzwa dzamarudzi” dzakavamba—Nguva dzaVamarudzi—idzo dzakaguma muna 1914 apo Mwari akapa umambo pana Jesu Kristu, ‘uyo ane maruramiro apamutemo’ ahwo. (Ruka 21:20-24; Pisarema 110:1, 2; Dhanieri 4:15-28; 7:13, 14) Jesu ari pachigaro choumambo chokudenga, marudzi aVamarudzi haagoni kutsika-tsika paicho umambo hweJerusarema hwakafananidzira, Umambo hwomudyi wenhaka wapamutemo waDhavhidhi.—VaHebheru 12:22.
17. “Inhemai” yakanga ichiziviswa navaporofita vaAmoni?
17 Vaporofita vaAmoni vakanga vachitaura kuti dzimbahwe reAmoni, Rabha, raizopukunyuka ruparadziko nomunondo waNebhukadnezari. Asi idzodzi dzakanga dziri “nhema,” nokuti nyika yose yaAmoni yaizoparadzanywa. Muzuva redu, Mwari akaraira kuti rupadziko rwamarudzi ruchatevera urwo rwechiKristudhomu, kunyange sezvo Rabha rakaparadzwa pashure peJerusarema.—Ezekieri 21:28-32; Zvakazarurwa 16:14-16.
Jerusarema Rinopomerwa Mhaka
18. Ezekieri akashurikidza Jerusarema nokuda kwezvivii, uye tinofanira kuita sei kuna ikoku?
18 Achitaura zvakare shoko raJehovha, Ezekieri akashurikidza Jerusarema nokuda kwezvivi zvakadai sokudeura ropa, kunamata zvidhori, kusazvibata, kunyengedza, uye kukanganwa Mwari. Machinda aro ane mhaka yeropa akashatisa simba kusvikira pafundo rorutongeso rwokuuraya, uye vacheri vakazvibvisira vamene vavengi kupfurikidza nokuvapomera zvenhema nhema. Nokuda kwezvakaipa zvakadaro, vagari veJerusarema vaizoparadzirwa. Zivo yaikoku inofanira kusimbisa chisarudzo chedu chokudzivisa kushatiswa kwesimba, kusazvibata, kuchera, uye zvimwe zvivi zvakakomba.—Ezekieri 22:1-16.
19. Vanhu vaJudha vaizonyunguduswa munzirai, uye neiko kuparadzanywa kwavo kwakadikanwa?
19 Jehovha aizonyungudusawo vanhu vaJudha muchoto. Ikoku kwakanga kusati kuri kuvachenesa mumuitiro wokunatsa asi kwakanga kuri kuvanyautsa mumwoto wokutsamwa kwake. (Ezekieri 22:17-22) Rutongeso irworwu rwakanga rwakasanofanirwa navaporofita vanorangana, vaprista vasingateereri mutemo, machinda ane makaro, uye vanhu vasina kururama. Vose vakashurikidzwa. Sezvo kwakanga kusina munhu pakati pavo aitsigira kururama, Mwari aizovaparadzanya nomwoto wokutsamwa kwake.—Ezekieri 22:23-31.
Chirango Chakafanirwa
20. Kutsamwa kwaMwari kwakafanira kudururirwa pavakadzii vokufananidzira, uye udzamei hwaunogona kugovera pamusoro pokuzivikanwa kwavo?
20 Kudururwa kwehasha dzaMwari kwakatevera kumirirwa sorutongeso runoitwa pavakadzi vaviri vokufananidzira vane mhaka youpombwe hwomudzimu. Mumwe akanga ari Ohora, umambo hwendudzi gumi hwaIsraeri hwaiva neSamaria sedzimbahwe rahwo. Iye akanga ari “mukuru” nemhaka yokuumbwa namazhinjisa amarudzi aIsraeri, kubatanidza ayo akabva kuvanakomana vakurusa vaJakobho, Rubheni naSimeoni. Munun’una wake akanga ari Ohoribha, Judha ane marudzi maviri aiva neJerusarema sedzimbahwe rake. Ohora anoreva “Tende Yake.” Ohoribha anoreva “Tende Yangu Iri Maari,” uko kuri kwakafanira sezvo tende yaMwari, kana kuti tembere, yakanga iri muna Judha.—Ezekieri 23:1-4.
21. Ohora akatsvaka chengeteko muchii, kuchigovera nyeveroi nokuda kwedu?
21 Ohora (Israeri) akaguma kuvapo apo akaparadzwa navaAsiria muna 740 P.N.V. Chii chaakanga aita? (Rava Ezekieri 23:5-7.) Ohora akanga atsvaka chengeteko nenzira yokushaiwa kutenda mumibatanidzwa yezvamatongerwe enyika, asi ikoku kwakatungamirira kukugamuchira kwake namato yenhema yeshamwari dzake, zvokuti ‘iye akazvisvibisa amene nezvidhori zvavo.’ Tichiwana nyevero muupombwe hwomudzimu hwaOhora, tinofanira kudzivisa batano dzenyika idzo dzinogona kuparadza kutenda kwedu.—Jakobho 4:4; 1 Johane 2:15-17.
22. Kufanana naOhora naOhoribha, chii chiri kuita chiKristudhomu, asi chii chichaitika kwachiri?
22 Nokuda kwokuronda nzira yechivi zvikuru kupfuura mukuru wake, Ohoribha, (Judha) akatambura njodzi yorudzi pasimba reBhabhironi muna 607 P.N.V. Vana vake vakawa nomunondo kana kuti vakaendeswa vari nhapwa, uye iye akanyadziswa pakati pamarudzi. Kufanana naOhora naOhoribha, chiKristudhomu chinoita upombwe hwomudzimu, chivi pamberi paMwari uyo chinoti chinonamata. ChiPurotesitendi, namasangano acho akawanda, chakazvisvibisa chimene namasimba ezvokutengeserana neezvamatongerwe enyika enyika kunyange kupfuura mukuru wacho, chiRoma Katurike. Nokudaro, Jehovha achava nechokwadi chokuti chiKristudhomu chose chinoparadzwa. Ipapo vanhu vachaziva kuti iye ndiye Changamire Ishe Jehovha. Kuchasimbisa chisarudzo chedu chokudzivisa batano dzenyika dzisina kufanira kana tikayeuka kuti vasonganiri vechiKristudhomu vachakurumidza kuchipandukira ndokuita tongero yaMwari pachiri sorutivi rukuru rweBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema.—Ezekieri 23:8-49; Zvakazarurwa 17:1-6, 15-18.
Vanyengeri Vanokatyamadzwa
23. Jerusarema rakaratidzirwa sei mushoko raMwari kuna Ezekieri mukupera kwaDecember 609 P.N.V., uye chii chaizoitika kwariri?
23 Pazuva rimene mukupera kwaDecember apo Nebhukadnezari akavamba komberedzo yake yemwedzi 18 yeJerusarema (Tebheti 10, 609 P.N.V.), Mwari akapa Ezekieri rimwe shoko rinokatyamadza. Mariri, Jerusarema rakakomberedzwa rakamirirwa negate umo vagari veguta vaizo‘bikirwa.’ Tsvina yetsika yakanga yaparira “ngura” mugate iroro rokufananidzira. “Nhindi nenhindi,” vaiti vezvakaipa vaizobudiswa muJerusarema, uye nhamo yaro haisati yaizoguma kutosvikira iro ratambura ruparadziko. Jehovha akanga atonga Jerusarema mukuwirirana nokubata kwaro kwakaipa, uye iro raifanira kuparadzwa, kunyange sezvinofanira kuitwa chiKristudhomu.—Ezekieri 24:1-14.
24. (a) Neiko Ezekieri asina kuratidzira nhamo apo mudzimai wake akafa? (b) Apo “munondo” waJehovha unodzika pachiri, chiKristudhomu chichaita sei, uye chichasvika pakuzivei?
24 Tevere, Ezekieri aifanira kuita nenzira yechienzi. (Rava Ezekieri 24:15-18.) Neiko muporofita wacho asaifanira kuratidzira nhamo apo mudzimai wake akafa? Kuratidza kuti vaJudha vaizokatyamadzwa sei paruparadziko rweJerusarema, vagari varo, uye tembere. Ezekieri akanga atotaura zvakakwana pamusoro penhau dzakadaro uye haasati aizotaura shoko raMwari zvakare kutozosvikira kuwa kweJerusarema kwashumwa kwaari. Nenzira yakafanana, chiKristudhomu nevezvorudzidziso vacho vanonyengera vachakatyamadzwa panguva yoruparadziko rwavo. Uye pashure pokunge “dambudziko guru” ravamba, izvo boka renharirire rakazodzwa rakanga ratotaura pamusoro pomugumo wacho chichave chakakwana. (Mateo 24:21, NW) Asi apo “munondo” waMwari unodzika pachiKristudhomu, vezvorudzidziso vanokatyamadzwa vakadaro navamwe ‘vachafanira kuziva kuti iye ndiJehovha.’—Ezekieri 24:19-27.
Waizopindura Sei?
◻ Chii chakaitika apo Jehovha akashandisa “munondo” wake mukurwisana naJudha naIsraeri?
◻ Tinofanira kutapurwa sei nokupunza kwaZedhekia mhiko yake kuna Nebhukadnezari?
◻ “Munondo” waMwari unoratidzirei?
◻ Ndichinoitikai chinobatanidza Nebhukadnezari chinoratidza kuti hakuna munhu anogona kutsausa “munondo” waJehovha?
◻ Chii chakaitika muzadziko ya Ezekieri 21:25-27?
◻ Chii chakadeya kufananidzirwa nokusaratidzira kwaEzekieri nhamo apo mudzimai wake akafa?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Apo Mambo Zedhekia akapunza mhiko yake kuna Nebhukadnezari uye akatapwa, uporofitai hwakavamba kuzadzikwa?