Ezekieri
20 Mugore rechi7, mumwedzi wechi5, pazuva rechi10 remwedzi wacho, vamwe vakuru vaIsraeri vakauya vakagara pamberi pangu kuti vabvunze Jehovha. 2 Shoko raJehovha rakabva rauya kwandiri, richiti: 3 “Mwanakomana wemunhu, taura nevakuru vaIsraeri, uvaudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Mauya kuzondibvunza here? ‘Neupenyu hwangu, handisi kuzokupindurai,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”’
4 “Wagadzirira kuvatonga* here? Wagadzirira kuvatonga here, mwanakomana wemunhu? Vaudze zvinhu zvinosemesa zvakaitwa nemadzitateguru avo.+ 5 Vaudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Zuva randakasarudza Israeri,+ ndakapikawo* kuvana* veimba yaJakobho uye ndakaita kuti vandizive munyika yeIjipiti.+ Chokwadi ndakapika kwavari, ndikati, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ 6 Zuva iroro ndakapika kuti ndichavabudisa munyika yeIjipiti ndichivaendesa kunyika yandakavatsvagira, nyika inoyerera uchi nemukaka.+ Yaiva nyika yakanaka kupfuura dzimwe dzese.* 7 Ndakabva ndati kwavari, ‘Mumwe nemumwe wenyu anofanira kurasa zvinhu zvinosemesa zvamuri kushumira; musazvisvibisa nezvidhori zvinosemesa* zveIjipiti.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.’+
8 “‘“Asi vakandipandukira uye vakaramba kunditeerera. Havana kurasa zvinhu zvavo zvinosemesa, uye havana kuda kusiya zvidhori zvinosemesa zveIjipiti.+ Saka ndakavataurira kuti ndichadururira hasha dzangu pavari uye kuti ndichavatsamwira chaizvo munyika yeIjipiti. 9 Zvisinei, ndakazviitira kuti zita rangu rirege kuzvidzwa nemarudzi avaigara nawo.+ Nekuti ndakaita kuti vandizive pamberi pemarudzi acho pandakavabudisa munyika yeIjipiti.+ 10 Saka ndakavabudisa munyika yeIjipiti, ndikavaendesa murenje.+
11 “‘“Ndakabva ndavapa mirau yangu uye ndakavazivisa mitongo yangu,+ kuitira kuti munhu anoitevera ararame.+ 12 Ndakavapawo masabata angu+ kuti ave chiratidzo pakati pangu navo,+ kuti vazive kuti ini Jehovha ndini ndiri kuvatsvenesa.
13 “‘“Asi imba yaIsraeri yakandipandukira murenje.+ Havana kufamba mumirau yangu, uye vakaramba mitongo yangu, iyo inoita kuti munhu anoitevera ararame. Vakasvibisa masabata angu kusvika pekupedzisira. Saka ndakavataurira murenje kuti ndichavadururira hasha dzangu kuti ndivaparadze.+ 14 Asi ndakazviitira kuti zita rangu rirege kuzvidzwa nemarudzi akaona ndichivabudisa.+ 15 Ndakapikawo kwavari murenje kuti ndaisazovapinza munyika yandakanga ndavapa,+ nyika inoyerera uchi nemukaka,+ yakanaka kupfuura dzese, 16 nekuti vakaramba mitongo yangu, havana kufamba mumirau yangu, uye vakasvibisa masabata angu, nekuti mwoyo yavo yaitevera zvidhori zvavo zvinosemesa.+
17 “‘“Asi ndakavanzwira* tsitsi uye handina kuvaparadza. Handina kuvapedza murenje. 18 Ndakati kuvanakomana vavo murenje,+ ‘Regai kufamba mumirau yemadzitateguru enyu+ kana kuchengeta mitongo yavo kana kuzvisvibisa nezvidhori zvavo zvinosemesa. 19 Ndini Jehovha Mwari wenyu. Fambai mumirau yangu, uye chengetai mitongo yangu muiite.+ 20 Tsvenesai masabata angu,+ uye achava chiratidzo pakati pangu nemi kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’+
21 “‘“Asi vanakomana vacho vakatanga kundipandukira.+ Havana kufamba mumirau yangu uye havana kuchengeta mitongo yangu kana kuiteerera, iyo inoita kuti munhu anoitevera ararame. Vakasvibisa masabata angu. Saka ndakataura kuti ndichavatsamwira chaizvo murenje uye ndichavadururira hasha dzangu.+ 22 Asi ndakarega kuita izvozvo,+ uye ndakaita zvinochengetedza zita rangu,+ kuti risazvidzwa nemarudzi akaona ndichivabudisa. 23 Ndakapikawo kwavari murenje kuti ndichavaparadzira kune mamwe marudzi uye ndichaita kuti vapararire nenyika,+ 24 nekuti havana kutevera mitongo yangu uye vakaramba mirau yangu,+ vakasvibisa masabata angu, uye vakatevera zvidhori zvinosemesa zvemadzitateguru avo.+ 25 Ndakavaregawo vachitevera mirau isina kunaka, nemitongo inourayisa.+ 26 Pavaiita kuti matangwe avo ese apfuure nemumoto, ndakavarega vachisvibiswa nezvibayiro zvavo kuti ndivaparadze,+ vobva vaziva kuti ndini Jehovha.”’
27 “Saka iwe mwanakomana wemunhu taura neimba yaIsraeri uvaudze kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Madzitateguru enyu akandizvidzawo saizvozvo, achiita zvisina kutendeka pamberi pangu. 28 Ndakavapinza munyika yandakapika kuti ndichavapa.+ Pavakaona zvikomo zvese zvakakwirira nemiti yese ine mashizha akawanda,+ vakatanga kupa zvibayiro zvavo nemipiro yavo inotsamwisa. Vakapa zvibayiro zvinonhuhwirira* uye vakadurura mipiro yavo yezvinwiwa vari munzvimbo idzodzo. 29 Saka ndakavabvunza kuti, ‘Munoenderei kunzvimbo yakakwirira? (Nanhasi ichiri kunzi Nzvimbo Yakakwirira.)’”’+
30 “Zvino iti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Mava kuzvisvibisa sezvakaitwa nemadzitateguru enyu here nekutevera kwamuri kuita zvidhori zvavo zvinosemesa kuti muite unzenza hwekunamata nazvo?+ 31 Uye nanhasi muchiri kungoramba muchizvisvibisa here, muchipa zvibayiro kuzvidhori zvenyu zvese zvinosemesa, muchiita kuti vanakomana venyu vapfuure nemumoto?+ Munofunga kuti ndingakupindurai here nezvamuri kuita izvozvo, imi imba yaIsraeri?”’+
“‘Neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘Handisi kuzokupindurai.+ 32 Zvamunofunga mupfungwa dzenyu muchiti, “Ngatiitei semamwe marudzi, semhuri dzekune dzimwe nyika dzinonamata* matanda nematombo,” hazvisi kuzomboitika.’”+
33 “‘Neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘ndichava mambo wenyu ndichikutongai neruoko rune simba uye rwakatambanudzwa, ndakakutsamwirai zvikuru.+ 34 Ndichakubvisai pakati pemarudzi, ndokuunganidzai kubva kunyika dzamakanga mapararira kwadziri ndichishandisa ruoko rune simba uye rwakatambanudzwa, ndakatsamwa zvikuru.+ 35 Ndichakuendesai murenje remarudzi, ndokutongai imomo takatarisana.+
36 “‘Ndichakutongai sekutonga kwandakaita madzitateguru enyu murenje renyika yeIjipiti,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. 37 ‘Ndichaita kuti mupfuure nepasi petsvimbo yemufudzi,+ ndoita kuti muve pasi pesungano yacho. 38 Asi ndichabvisa vapanduki vari pakati penyu nevaya vanonditadzira.+ Nekuti ndichavabudisa munyika isiri yavo yavari kugara, asi havazopindi munyika yeIsraeri;+ uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’
39 “Asi kana muri imi imba yaIsraeri, zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Mumwe nemumwe wenyu ngaaende kunoshumira zvidhori zvake zvinosemesa.+ Asi kana maita izvozvo, ndichakurambai zvoita kuti musasvibisazve zita rangu dzvene nezvibayiro zvenyu nezvidhori zvenyu zvinosemesa.’+
40 “‘Nekuti mugomo rangu dzvene, gomo refu reIsraeri,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘ndimo mandichashumirwa nevanhu veimba yese yaIsraeri, vese zvavo vari munyika yacho.+ Ndichakufarirai uye ndichada kuti mundipe zvipo zvenyu imomo nemipiro yenyu yakanakisisa, zvinhu zvenyu zvese zvitsvene.+ 41 Kunhuhwirira kwemipiro yacho kuchaita kuti ndikufarirei panguva yandichakubvisai pakati pemarudzi, ndokuunganidzai kubva kunyika dzamakanga maparadzirwa;+ uye ndichatsveneswa pakati penyu, mamwe marudzi ese akatarisa.’+
42 “‘Muchaziva kuti ndini Jehovha,+ pandichakuendesai kunyika yeIsraeri,+ nyika yandakapika kuti ndichapa madzitateguru enyu. 43 Mava ikoko, muchayeuka maitiro enyu nemabasa enyu ese amakazvisvibisa nawo,+ uye muchazvisema* nemhaka yezvakaipa zvamakaita.+ 44 Muchabva maziva kuti ndini Jehovha pandichakuitirai zvakanaka ndichifunga nezvezita rangu,+ kwete nzira dzenyu dzakaipa kana mabasa enyu akaora, imi imba yaIsraeri,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”
45 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 46 “Mwanakomana wemunhu, tarisa kumaodzanyemba uzivise shoko ikoko, uye profita kusango renyika yekumaodzanyemba. 47 Iti kusango rekumaodzanyemba, ‘Inzwa shoko raJehovha. Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri kubatidza moto kuti ukupise,+ uye uchaparadza miti yese yakasvibirira, nemiti yako yese yakaoma. Rimi racho harizodzimwi,+ uye richapisa zviso zvese, kubva kumaodzanyemba kusvika kuchamhembe. 48 Vanhu vese vachaona kuti ini, Jehovha, ndini ndaribatidza, kuti risadzimwa.”’”+
49 Zvino ndakati: “Maiwee, Changamire Ishe Jehovha! Vari kuti nezvangu, ‘Haasi kungotaura zvirahwe* here?’”