Ganhuro 7
Zivisai Mambo Noumambo! (1919-1941)
“Munodavira kuti Mambo wembiri akavamba kutonga kwake here? Ipapo dzokerai kumunda, Haiwa imi vanakomana vaMwari wokumusorosoro! Pfekai nhumbi dzenyu dzokurwa nadzo! Pengenukai, svinurai, shingairai, shingai. Ivai zvapupu zvakatendeka nezvechokwadi zvaShe. Endererai mberi mukurwa kutozosvikira chisaririra chiri chose cheBhabhironi chava dongo. Zivisai shoko kwose kwose. Nyika inofanira kuziva kuti Jehovha ndiMwari uye kuti Jesu Kristu ndiMambo wamadzimambo naShe wamadzishe. Iri izuva rinokosha kupfuura ose. Tarirai, Mambo anotonga! Imi muri nhume dzake dzinozivisa. Naizvozvo zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake.”
DANIDZO inoshamisa iyoyo kuchiito yakapiwa naJ. F. Rutherford pakokorodzano yamarudzi akawanda paCedar Point, Ohio, muna 1922, yakava nepesvedzero huru paavo vaiva muvateereri. Vadzidzi veBhaibheri vakabva pakokorodzano iyoyo vane chishuvo chikuru chokuzivisa Umambo. Asi makore mashomanene akakurumidza kupfuura ikoku kusati kwaitika, kariro yokubatira senhume dzinozivisa dzoUmambo yairatidzika kuva isina kujeka zvirokwazvo. J. F. Rutherford navanomwe vavasonganiri vake vakanga vari mutorongo, uye basa ravo mune remangwana mukati mesangano rakaratidzika kuva risina chokwadi. Izvi zvinetso zvakakurirwa sei?
“Ndinoziva Chimwe Chinhu Pamusoro poMutemo Wovakavimbika”
Kokorodzano yakarongwa muPittsburgh, Pennsylvania, January 2-5, 1919, mukati menguva iyo Hama Rutherford navasonganiri vavo vakanga vari mutorongo. Asi iyoyi yakanga isati iri kokorodzanowo zvayo—iyo yakabatanidzwa nomusangano wegore negore weWatch Tower Society, paChitanhatu, January 4, 1919. Hama Rutherford vaisanoziva ukoshi hwouyu musangano. Masikati eChitanhatu ichocho ivo vakatsvaka Hama Macmillan ndokuvawana vari munhandare yomutambo wetenesi. Maererano naMacmillan, izvi ndizvo zvakaitika:
“Rutherford akati, ‘Mac, ndinoda kutaura newe.’
“‘Unoda kutaura neni pamusoro pechii?’
“‘Ndinoda kutaura newe pamusoro pezviri kuitika kuPittsburgh.’
“‘Ndinoda kutamba aya makwikwi kusvikira apera kuno.’
“‘Haufariri zviri kuitika here? Hauzivi here kuti kune kusarudzwa kwavakuru vakuru nhasi? Ungafuratirwa ndokusiyiwa uye tichagara muno nokusingaperi.’
“‘Hama Rutherford,’ ndakadaro, ‘regai ndikuudzei chimwe chinhu zvichida chamusina kufunga nezvacho. Ino ndiyo nguva yokutanga kubvira apo Sosaiti yakatangwa apo kunogona kuva pachena nenzira yakajeka kuti Jehovha Mwari angada kuti ani ave purezidhendi.’
“‘Unoreveiko naizvozvo?’
“‘Ndinoreva kuti Hama Russell vakanga vane kuvhota kunodzora uye vakagadza vakuru vakuru vakasiyana-siyana. Zvino isu tichiratidzika kuva tisingakwanisi kutora rutivi, nhau yacho yakasiyana. Asi, kana tikabuda munguva kuti tiende kugungano iroro kumusangano webhizimisi iwoyo, taizopinda imomo uye taizogamuchirwa kuti titore nzvimbo yaHama Russell tine rukudzo rumwe cheterwo rwavakagamuchira. Ipapo ringaratidzika sebasa romunhu, kwete raMwari.’
“Rutherford akangoratidzika kuva ari kufunga ndokuenda.”
Zuva iroro musangano wakakomba wakanga uri kuitwa shure kuPittsburgh. “Vhiringidziko, kupesana, uye nharo zvakadzora kwechinguvana,” akayeuka kudaro Sara C. Kaelin, uyo akarerwa munharaunda yePittsburgh. “Vamwe vaida kusundira mberi musangano wacho kwemwedzi mitanhatu; vamwe vakapanikira kuva pamutemo kwokusarudza vakuru vakuru vakanga vari mutorongo; vamwe vakakarakadza vakuru vakuru vose vatsva.”
Pashure pekurukurirano refu, W. F. Hudgings, mutungamiriri wePeoples Pulpit Association,a akaravira vateereri tsamba yakabva kuna Hama Rutherford. Mairi ivo vakatumira rudo nekwaziso kuavo vakaungana. “Zvombo zvikurusa zvaSatani RUDADO, GWINYIRO uye RUTYO,” ivo vakanyevera kudaro. Vachiratidza chishuvo chokuzviisa pasi pokuda kwaJehovha, ivo vakatokarakadza nenzira yokuzvininipisa varume vakakodzera kudai vakutsirani vakafanira kusarudza vakuru vakuru vatsva veSosaiti.
Kurukurirano yakapfuurira kwenguva yakati, uye ipapo E. D. Sexton, uyo akanga agadzwa kuva sachigaro wedare rokusarudza, akataura nenzwi guru, achiti:
“Ndichangobva kusvika. Chitima changu chanonoka namaawa ane makumi mana namasere, chichiva chakadziviswa nesinou. Ndine chimwe chinhu chokutaura uye nokuda kwokunyaradzwa kwangu ndimene zviri nani kuti ndichitaure zvino. Hama dzangu dzinodiwa, ndauya pano, sezvo imi madaro, ndichirangarira pfungwa dzakati—dzinotsigira nedzinorwisana. . . . Hakuna mhinganidzo yapamutemo munzira. Kana tichishuva kusarudzazve hama dzedu dziri kuMaodzanyemba kuva nenzvimbo ipi neipi yavanogona kuva nayo, handigoni kuona, kana kuti kuwana muzano ripi neripi [rapamutemo] randakagamuchira, kuti ikoku, muchitarisiko chipi nechipi kana kuti muchimiro, kuchakanganisa sei rutivi rwemhaka yavo pamberi peFederal Court kana kuti pamberi pevanhu.
“Ndinodavira kuti rukudzo rukurusa rwatinogona kupa kuhama yedu inodiwa Rutherford kwaizova kuvasarudzazve sapurezidhendi weW[atch] T[ower] B[ible] & T[ract] Society. Handifungi kuti pane panikiro ipi neipi mundangariro yevanhu pamusoro pokuti tiri papi papfungwa yacho. Kana hama dzedu munzira ipi neipi dzakapunza chaizvoizvo mutemo wadzakanga dzisinganzwisisi, tinoziva kuti vavariro dzadzo dzakanaka. Uye pamberi pa[Mwari] Wamasimba Ose havana kupunza mutemo upi noupi waMwari kana kuti zvimwe womunhu. Tingagona kuratidzira chivimbo chikurusa kana tikasarudzazve Hama Rutherford sapurezidhendi weAssociation.
“Handisati ndiri gweta, asi apo kunouya kukuva pamutemo kwemamirire acho ezvinhu ndinoziva chimwe chinhu pamusoro pomutemo wevakavimbika. Kuvimbika ndiko uko Mwari anoda. Handigoni kufungidzira chivimbo chipi nechipi chikuru zvikuru chatingagona kuratidzira kupfuura kuva nesarudzo NDOKUSARUDZAZVE HAMA RUTHERFORD SAPUREZIDHENDI.”
Eya, Hama Sexton sezviri pachena vakataura mirangariro yavazhinjisa vaavo vaiva muvateereri. Kwakanga kune kududzwa kwamazita; kuvhota kwakaitwa; uye J. F. Rutherford akasarudzwa kuva purezidhendi, C. A. Wise mutevedzeri wapurezidhendi, uye W. E. Van Amburgh munyori nomuchengeti wemari.
Zuva rakatevera Hama Rutherford vakagogodza pamadziro echitokisi chaMacmillan ndokuti: “Budisa ruoko rwako.” Ipapo akapa Macmillan tenigiramu yaitaura kuti Rutherford akanga asarudzwazve kuti ave purezidhendi. “Akafara zvikuru,” Macmillan akayeuka kudaro gare gare, “kuona iyi ratidzirwo yevimbiso yokuti Jehovha akanga achitarisira Sosaiti.”
Sarudzo yakapfuura, asi Hama Rutherford navamwe vanomwe vakanga vachiri mutorongo.
“Kunyanduka Munyika Yose” Nokuda Kwavasungwa
“Mukati mevhiki shomanene dzakapfuura kunyanduka munyika yose kwakatangwa nokuda kweidzi hama,” yakadaro Nharireyomurindi yechiNgezi yaApril 1, 1919. Mapepanhau akati akanga achirayira kusunungurwa kwaJ. F. Rutherford navasonganiri vake. Vadzidzi veBhaibheri mumativi ose eUnited States vakaratidzira kutsigira kwavo kupfurikidza nokunyora tsamba kuvapepeti venhau dzemapepanhau, vaiti vemitemo, mitezo yedare ramakurukota, uye magavhuna, vachivakurudzira kuita chiito nokuda kwavasungwa vasere. Nenzira yakajeka, Vadzidzi veBhaibheri vaisazozorora kutozosvikira hama dzavo sere dzasununguka.
Pakasvika March 1919, Vadzidzi veBhaibheri muUnited States vakanga vachifambisa chikumbiro umo vakakumbira Purezidhendi Woodrow Wilson kushandisa pesvedzero yake kuita chimwe chezvinotevera nokuda kwehama dzakaiswa mutorongo:
“CHOKUTANGA: Kuregererwa kwakakwana, kana ikoko zvino kuchibvira, KANA KUTI
“CHECHIPIRI: Kuti murayire Dhipatimendi Reruramisiro kubvisa pomero pavari, uye kuti vasunungurwe zvizere, KANA KUTI
“CHECHITATU: Kuti vabvumirwe kubvisa bheroauti nokukurumidza vachimirira chisarudzo chokupedzisira chemhaka yavo chinoitwa namatare akakwirira zvikuru.”
Mukati mevhiki mbiri Vadzidzi veBhaibheri vakawana masiginicha 700 000. Chikumbiro chacho, kunyange zvazvo zvakadaro, hachina kutongopiwa kuna purezidhendi kana kuti kuhurumende. Kuregerereiko? Nemhaka yokuti ikoko kusati kwagona kuitwa, varume vasere vakasunungurwa vabvisa bheroauti. Chiiko, ipapoka, icho basa rechikumbiro rakaita? Nharireyomurindi yechiNgezi yaJuly 1, 1919, yakati: “Ufakazi hwakakura hwokuti Ishe aishuva kuti iri basa riitwe, kwete zvikuru kwazvo kuita kuti hama dzibude mutorongo, kupfuura chinangwa chouchapupu kuzvokwadi.”
“Munogamuchirwa Mumusha, Hama”
PaChipiri, March 25, hama sere dzakabva Atlanta dzichienda kuBrooklyn. Mashoko okubudiswa kwadzo akapararira nokukurumidza. Chakanga chiri chiono chinoorora zvirokwazvo—Vadzidzi veBhaibheri vachiungana pazviteshi zvechitima munzira nekariro yokudziona nokuratidzira kufarira kusunungurwa kwadzo. Vamwe vakamhanyira kuMusha weBheteri muBrooklyn, uyo wakanga wavharwa, kuti varonge mabiko okugamuchirwa mumusha. Shure muBrooklyn, pana March 26, hama dzakabvumidzwa kubvisa bheroauti ye$90 000 mumwe nomumwe, uye dzakasunungurwa.
“Pakare pakarepo dzakaperekedzwa neshamwari dzakati kuti kuenda kuMusha weBheteri, uko shamwari dziri pakati pamazana mashanu nematanhatu dzakanga dzaungana kuti dzidzigamuchire,” yakashuma kudaro Nharireyomurindi yechiNgezi yaApril 15, 1919. Mukamuri rokudyira, makanga mune mureza mukuru wakanyorwa kuti, “Munogamuchirwa Mumusha, Hama.” Anodokusvika makore 50 gare gare, Mabel Haslett, uyo akanga aripo nokuda kwamabiko iwayo okuchingamidza, akayeuka, kuti: “Ndinoyeuka ndichigadzira madhonanzi ane zana, ayo hama dzakaratidzika kuva dzaifarikanya pashure pemwedzi mipfumbamwe yezvokudya zvomutorongo. Ndichiri anogona kuona Hama Rutherford vachianhonga. Yakanga iri nhambo isingakanganwiki sezvo ivo navamwe vakarondedzera zvakaitika zvavo. Ndinoyeukawo Hama DeCecca vapfupi vakamira pachigaro kuti vose vagone kuvaona nokuvanzwa.”
PaChipiri mangwanani, April 1, Hama Rutherford vakasvika muPittsburgh, umo hofisi dzedzimbahwe dzakanga dzave zvino. Munowo hama, dzichiziva kuti vakanga vachifanira kusvika, dzakaronga mabiko, ayo akaitwa manheru iwayo paHotel Chatham. Mamirire ezvinhu mutorongo, kunyange zvazvo zvakadaro, akanga akuvadza zvikuru Hama Rutherford. Vakanga vatanga kuva nechinetso chamapapu asisina simba, uye somugumisiro, pashure pokusunungurwa kwavo vakabatira chirwere chakakomba chamabayo. Naizvozvo, chinguvana pashure pacho undonda hwavo hwakaita kuti kuve kuri madikanwa kuti vaende kuCalifornia, uko vakanga vane hama dzokunyama.
Muedzo muLos Angeles
Zvino Hama Rutherford navamwe zvavakanga vasununguka, mubvunzo wakamuka wokuti, Zvakadiniko nebasa rokuzivisa Umambo hwaMwari? Mukati menguva iyo idzi hama dzakanga dziri mutorongo, kutarisirwa kwokurongwa kwebasa rokupupura zvikurukuru kwakanga kwaregwa. Brooklyn Tabernacle yakanga yatengeswa uye Musha weBheteri wakanga wavharwa. Hofisi dzedzimbahwe muPittsburgh dzakanga dziri duku, uye mari yakanga yakaganhurirwa. Kunze kwezvo, ifariro huru sei chaizvoizvo yakanga iriko mushoko roUmambo? Vari muCalifornia, Hama Rutherford vakasarudza kuronga nzvero.
Musangano wakarongwa paClune’s Auditorium muLos Angeles, paSvondo, May 4, 1919. “Tariro Yavanhu Vatambudzika” ndiwo wakanga uri musoro wehurukuro iyo vanhu vakakokerwa kwairi. Asi hurukuro yacho yaizopiwa naJ. F. Rutherford—murume akanga achangobva kubuda mutorongo. Kupfurikidza nokuzivisa kukuru mumapepanhau, Rutherford akapikira kupiwa kwakajeka kwamaidi, kubatanidza kutsanangurwa kwezvikonzero zvokupomerwa kusiri pamutemo kwavakuru vakuru veSosaiti. Munhu upi noupi aizofarira zvakakwana kuti apinde here?
Kuita kwacho kwakanga kuri kukuru. Kutaura idi, 3 500 vakauya kuzonzwa hurukuro yacho, uye vamwe vanenge 600 vaifanira kudzorerwa. Hama Rutherford vakafadzwa! Ivo vakabvuma kutaura kune vamwe vasina kugona kupinda kuti vanzwe hurukuro yokutanga pausiku hwoMuvhuro, uye 1 500 vakauya. Vakanga vachirwara kwazvo, kunyange zvazvo zvakadaro, zvokuti vaisagona kupedza hurukuro iyoyo. Pashure peawa imwe ivo vaifanira kutsiviwa nomumwe musonganiri. Kunyanguvezvo, nzvero muLos Angeles yakabudirira. Hama Rutherford vakapwiswa kuti kwakanga kune fariro yakati mushoko roUmambo, uye vakatsunga kuriona richiziviswa.
Pamberi Nebasa!
Pakasvika July 1919, Hama Rutherford vakanga vadzokera pabasa kudzimbahwe muPittsburgh. Zvinhu zvakaitika nokukurumidza mukati memwedzi mishomanene yakatevera. Gadziriro dzakaitwa dzokuti kokorodzano yaVadzidzi veBhaibheri iitwe kuCedar Point, Ohio, September 1-8, 1919. Hofisi dzeSosaiti dzakadzorerwa kuBrooklyn uye dzakanga dzave kushanda ikoko pakasvika October 1.
Chii chavaifanira kuita zvino? Basa ravo rakasimbiswa nenzira yakajeka pakokorodzano yeCedar Point. PaChipiri, September 2, Hama Rutherford vakatsanangura, kuti: “Basa romuKristu pasi pano . . . nderokuzivisa shoko roumambo hwaShe hwokururama, uhwo huchaunza zvikomborero kuchisiko chose chinogomera.” Mazuva matatu gare gare, paChishanu, September 5, iro rakadanwa kuti Zuva Ravashandi Biyamwe, Hama Rutherford vakatizve: “Munhambo dzakakomba muKristu anozvibvunza amene nenzira yomuzvarirwo kuti, Neiko ndiri pasi pano? Uye mhinduro nenzira iri madikanwa inofanira kuva yokuti, Ishe nenzira yengoni akandiita nhume yake kuti ndiendese shoko roumwari reyananiso kunyika, uye ropafadzo yangu nebasa ndiko kuzivisa shoko iroro.”
Hungu, yakanga iri nguva yokupfuurira nebasa rokuzivisa Umambo hwaMwari! Uye kuti vabatsire mukuita iri basa, Hama Rutherford vakazivisa, kuti: “Munhungamiro yaShe taronga kubudiswa kwemagazini itsva pasi pezita nomusoro unoti THE GOLDEN AGE.” Vakokorodzani havana kutongoziva kuti The Golden Age yaizobvumikisa kuva magazini ine ushingi zvakadini.
“Kokorodzano iyoyo yokutanga yapashure peHondo Yenyika I yakanga iri kurudziro huru nokuda kwedu tose,” akayeuka kudaro Herman L. Philbrick, uyo akaenda kukokorodzano yacho achibva kumusha wake muBoston, Massachusetts. Zvirokwazvo, kokorodzano iyoyo yeCedar Point yakanyandurira Vadzidzi veBhaibheri kuchiito. Vakanga vagadzirira kupfuurira nebasa rokuzivisa mashoko akanaka. Kwakaita sokunge vakanga vadzokera kuupenyu vachibva muvakafa.—Enzanisa naEzekieri 37:1-14; Zvakazarurwa 11:11, 12.
Munguvayo, zvinhu zvinokosha zvakanga zviri kuitika munyika. Chibvumirano cheVersailles chakasainwa pana June 28, 1919, uye chakatanga kushanda pana January 10, 1920. Chichigumisa nenzira yapamutemo kurwisana neGermany muHondo Yenyika I, chibvumirano chacho chakabvirisawo kuumbwa kweChinzwano Chamarudzi—sangano ramarudzi akawanda rakatangwa kuti richengete rugare munyika.
‘Zivisai Mambo noUmambo’
Muna 1922 Vadzidzi veBhaibheri vakadzokera kuCedar Point nokuda kwepurogiramu yamazuva mapfumbamwe, kubvira pana September 5 kusvikira pana 13. Mufaro wakawedzera sezvo nhume dzakasvika nokuda kweiyi kokorodzano yamarudzi akawanda. Nhambo yakakomba zvikurusa yekokorodzano yakasvikwa paChishanu, September 8, apo Hama Rutherford vakapa hurukuro inoti “Umambo.”
Thomas J. Sullivan akayeuka gare gare, kuti: “Avo vakaropafadzwa kupinda musangano iwoyo vachiri vanogona kunyange kuisa muchiono uchokwadi hwaHama Rutherford apo ivo vakaudza vanhu vashomanene vakanga vasina kugadzikana vaifamba-famba nemhaka yokupisa kukuru kuti va‘GARE PASI’ ndoku‘TEERERA’ hurukuro pasinei zvapo nechinoitika.” Avo vakadaro havana kuodzwa mwoyo, nokuti iyoyo yakanga iri hurukuro inokosha umo Hama Rutherford vakakurudzira vateereri vavo ku‘zivisa Mambo noUmambo.’
Vateereri vakagamuchira nembavarira huru. Nharireyomurindi yakashuma, kuti: “Mumwe nomumwe aivapo akaororwa zvakakwana neidi rokuti musengwa unoiswa pamunhu ari wose wavakazvitsaurira kubvira panguva ino zvichienda mberi kuti aite semuzivisi waMambo noumambo.” Vadzidzi veBhaibheri vakabva pakokorodzano iyoyo vane shingairo huru yebasa rokuparidza. Sokutaura kwakaita Hanzvadzi Ethel Bennecoff, colporteur panguva iyoyo vaiva namakore okukura aisvika mukupera kwama20 kuti “takanyandurwa ku‘zivisa, zivisa, zivisa Mambo noumambo hwake’—Hungu, neshingairo huru norudo mumwoyo yedu kupfuura nakare kose.”
Sezvo chiedza chomudzimu chenzwisiso chakajeka zvikuru, Vadzidzi veBhaibheri vakavamba kunzwisisa zvokwadi dzeBhaibheri dzinofadza. (Zvir. 4:18) Kunzwisiswa kweidzi zvokwadi dzinokosha kwakapa sundo ine simba kubasa ravo rokuzivisa Umambo hwaMwari. Panguva imwe cheteyo, vaifanira kugadziridza kufunga kwavo—uye nokuda kwavamwe iwoyu wakanga uri muedzo chaiwoiwo.
“Tariro Dzisina Kuzadzikwa Hadzisati Dziri Dzechienzi Kuzuva Redu”
“Tingakarira nechivimbo,” rakadaro bhukwana rinonzi Millions Now Living Will Never Die, shure muna 1920, “kuti 1925 acharatidzira kudzoka [kubva muvakafa] kwaAbrahama, Isaka, Jakobho navaporofita vakatendeka vekare . . . kumugariro wokukwana kwomunhu.” Rwakanga rwusati rwuri bedzi rumuko rwavanhu vakatendeka vekare rwaikarirwa muna 1925 asi vamwe vaikarira kuti vaKristu vakazodzwa vangagamuchira tuso yavo yokudenga mugore iroro.b
Gore ra1925 rakavamba ndokuguma. Vamwe vakasiya tariro yavo. Asi voruzhinjisa vaVadzidzi veBhaibheri vakaramba vakatendeka. “Mhuri yedu,” akatsanangura kudaro Herald Toutjian, aiva navanasekuru vakanga vava Vadzidzi veBhaibheri panenge pakuvamba kwezana racho ramakore, “yakasvika pakunzwisisa kuti tariro dzisina kuzadzikwa hadzisati dziri dzechienzi kuzuva redu. Vaapostora vamene vakanga vane kariro dzakafanana dzakaiswa pasina kufanira. . . . Jehovha akafanirwa nebasa rokuvimbika nerumbidzo rine tuso yokupedzisira kana kuti risina.”—Enzanisa naMabasa 1:6, 7.
Isangano Ripi—raJehovha Here Kana Kuti raSatani?
“Kuberekwa Kworudzi”—iwoyo ndiwo wakanga uri musoro wenyaya inoshamisa yaioneka muchinyorwa chechiNgezi chaMarch 1, 1925 cheNharireyomurindi. Yakapa nzwisiso yakajekeswa yaZvakazarurwa ganhuro 12 iro vamwe vakawana rakaoma kugamuchira.
Vanhu vokufananidzira vanodudzwa muiri ganhuro raZvakazarurwa vakaziviswa sezvinotevera: “mukadzi” uyo anobereka (ndima 1, 2) se“sangano raMwari” rokudenga; “shato” (ndima 3) se“sangano radhiyabhorosi”; uye “mwanarume” (ndima 5, KJ) so“umambo hutsva, kana kuti hurumende itsva.” Pahwaro hwaikoku, chimwe chinhu chakatsanangurwa zvakajeka kwenguva yokutanga: Kune masangano maviri akajeka naanorwisana—raJehovha neraSatani. Uye pashure pe“hondo mudenga” (ndima 7, KJ), Satani navatsigiri vake madhemoni vakadzingwa mudenga ndokukandirwa kupasi.
“Takagara pasi ndokuifunda usiku hwose kutozosvikira ndagona kuinzwisisa zvakanaka zvikuru,” akanyora kudaro Earl E. Newell, uyo gare gare akabatira somumiriri anofambira weWatch Tower Society. “Takaenda kugungano muPortland, Oregon, uye ikoko takawana shamwari dzose dzakagumbuka uye dzimwe dzacho dzakanga dzakagadzirira kurasa Nharireyomurindi nemhaka yeiyi nyaya.” Neiko uku kutsanangurwa kwaZvakazarurwa ganhuro 12 kwakanga kwakaoma kwazvo kuti vamwe vagamuchire?
Kutanga, kwakanga kwakasiyana zvikuru nekwakanga kwabudiswa muThe Finished Mystery, iyo yakanga iri kuunganidzwa kwamanyoro aHama Russell kwakaitwa pashure pokunge vafa.c Walter J. Thorn, uyo akabatira sapilgrim anofambira, akatsanangura, kuti: “Nyaya pamusoro po‘Kuberekwa Kworudzi’ yakanga . . . yakaoma kugamuchira nemhaka yedudziro yomunguva yakapfuura yakaitwa naHama Russell vanodiwa, iyo taidavira kuva shoko rokupedzisira pamusoro paZvakazarurwa.” Hakushamisi, ipapoka, kuti vamwe vakagumbuka pamusoro petsananguro yacho. “Nenzira isingapanikirwi iyi dudziro ingabvumikisa kuva mutoo wokusefa nawo,” akadaro J. A. Bohnet, mumwe pilgrim, “asi vanhu vaiva vanodisa chaizvoizvo navapachokwadi vokutenda vachamira vakasimba ndokufara.”
Zvirokwazvo, vanodisa chaizvoizvo navapachokwadi vakafarira tsananguro itsva. Zvino yakanga yajeka kwavari: munhu ari wose ndowesangano raJehovha kana kuti zvimwe raSatani. “Yeukai,” nyaya inoti “Kuberekwa Kworudzi” yakatsanangura kudaro, “ichava ropafadzo yedu . . . kurwira noushingi basa raMambo wedu kupfurikidza nokuzivisa shoko rake, iro akatipa kuti tizivise.”
Sezvo ma1920 uye ipapo ma1930 akafambira mberi, kupenya kukuru kwenzwisiso yeBhaibheri kwakatevera. Mitambo yenyika namazororo, zvakadai seKrisimisi, zvakabviswa. Mimwe miitiro nezvitendero zvakaraswawo apo kwakaoneka kuti zvakanga zvine mavambo anozvidza Mwari.d Kupfuura kusiya miitiro isina kururama nezvitendero, kunyange zvazvo zvakadaro, Vadzidzi veBhaibheri vakapfuurira kutarira kuna Jehovha nokuda kwokuziviswa kunofambira mberi kwezvokwadi.
“Imi Muri Zvapupu Zvangu”
“‘Imi muri zvapupu zvangu,’ ndiko kutaura kwaJehovha, ‘uye ini ndiri Mwari.’” (Isa. 43:12, NW) Kutanga muma1920, Vadzidzi veBhaibheri vakava vanoziva nenzira inowedzera ukoshi hukuru hwaaya mashoko omuporofita Isaya. Kupfurikidza namapeji eNharireyomurindi, ngwariro yakakweverwa yakweverwazve kumutoro wedu wokupupurira zita raJehovha noUmambo hwake. Nhano inokosha, kunyange zvazvo zvakadaro, yakasvikwa pakokorodzano yakaitwa muColumbus, Ohio, muna 1931.
PaSvondo, July 26, masikati, Hama Rutherford vakapa hurukuro yavose inoti “Umambo, Tariro Yenyika,” iyo yakaparadzirwa nomubatanidzwa mukuru weredhiyo, nezviteshi zvokuwedzera zvinopfuura 300 zvaiparadzira shoko racho gare gare. Pamugumo wehurukuro yacho, Hama Rutherford vakanyevera chiKristudhomu kupfurikidza nokurava chisarudzo chinorwadza chaiva nomusoro unoti “Nyevero Inobva Kuna Jehovha,” icho chakataurwa “Kuvatongi Nokuvanhu.” Kukokero yake yokuti vagamuchire chisarudzo chacho, vateereri vose vaioneka vakasimuka ndokudanidzira kuti, “Hungu!” Tenigiramu dzakagamuchirwa gare gare dzakaratidzira kuti vakawanda vaavo vaiteerera redhiyo nenzira yakafanana vakasimudza manzwi avo mubvumirano.
Kubvira na1 kiroko, apo hurukuro yavose yakapedzwa, kutozosvikira na4 kiroko, apo Hama Rutherford vakapindazve muhoro, mhoteredzo yakanga yakazadzwa nomufaro. Hama Rutherford vakanga vakumbira nenzira chaiyo kuti munhu ari wose akanga achifarira chaizvoizvo nyevero yamasikati kuchiKristudhomu ave pachigaro chake na4 kiroko.
Nokukurumidza na4, Hama Rutherford vakavamba nokutaura kuti ivo vairangarira izvo vakanga vodokutaura sezvoukoshi hukuru kumunhu ari wose aigona kunzwa inzwi ravo. Vateereri vavo vakafarira zvikuru. Mukati mehurukuro yavo vakapa chimwe chisarudzo, ichi chaiva nemusoro unoti “Zita Idzva,” icho chakagumiswa neziviso yokuti: “Tinoshuva kuzivikanwa nokudanwa nezita, rokuti, zvapupu zvaJehovha.” Vakokorodzani vanofara vakasimukazve nokudanidzira kune ruzha kwokuti “Hungu!” Kubvira panguva iyoyo ivo vaizozivikanwa seZvapupu zvaJehovha!
“Mudzimu waJehovha Wakatiita Kuti Tive Vasingatyi”
Mukati ma1927, vanhu vaJehovha vakakurudzirwa kupedzera chikamu cheSvondo iri yose mukupupura kweboka. Chishoro chapamutemo chapakarepo chakamutswa. Mukati mamakore mashomanene, kusungwa kwakavamba kuwedzera—268 muUnited States moga muna 1933, 340 muna 1934, 478 muna 1935, uye 1 149 muna 1936. Papomeroi? Chaizvoizvo, papomero dzakasiyana-siyana, kubatanidza kutengesa vasina rezinesi, kudzongonyedza rugare, uye kupunza mitemo yesabata yeSvondo. Mapoka omunzvimbomo eZvapupu akanga asingazivi nzira yokubata nayo namapurisa namatare. Kuwana betsero yapamutemo munzvimbomo kwakanga kuchidhura zvikuru kana kuti zvimwe kusingabviri nemhaka yokufungira mano akaipa. Naizvozvo nenzira yokuchenjera Watch Tower Society yakatanga bato rezvemitemo muBrooklyn kuti ripe zano.
Dziviriro yakasimba yapamutemo, kunyange zvazvo zvakadaro, yakanga isina kukwana. Izvi Zvapupu zvapachokwadi zvaJehovha zvakanga zvakatsunga kurarama maererano nezita razvakanga zvagamuchira. Naizvozvo, pakuvamba muma1930, zvakatsiva kupfurikidza nokudenha. Seiko? Kupfurikidza nenzendo chaidzo dzokuparidza dzaizivikanwa senhimbe dzamapoka. Zviuru zvavazvipiri muUnited States mose zvakanga zvakarongwa kuva mapoka. Apo Zvapupu zvaisungwa murimwe taundi nokuda kwokuparidza paimba neimba, rimwe boka ravazvipiri vaibva kudzimwe nharaunda raisvika nokukurumidza ndoku“komba” taundi racho, vachipa uchapupu hwakakwana.e
Nhimbe idzodzo dzamapoka dzakaita zvakawanda kusimbisa Zvapupu zvomunzvimbomo. Muboka rimwe nerimwe, makanga mune hama dzakakwaniriswa idzo dzakanga dzarovedzwa kubata nezviremera. Yakanga iri kurudziro huru kuhama dzaigara munharaunda yaiva nechinetso, zvichida mutaundi duku, kuziva kuti dzakanga dzisati dziri dzoga mukuzivisa Umambo hwaMwari.
Kwaida ushingi hukuru kugoverana munhimbe dzamapoka dzama1930. Pakati penhambo yoKushata Kukuru Kwokutengeserana, mabasa akanga ari mashoma. Bva, Nicholas Kovalak, Jr., mutariri anofambira kwamakore 40 anoyeuka, kuti: “Apo danidzo yaiuya yokufukidza nzvimbo ine chinetso, ‘mutungamiriri webasa’ aikumbira vazvipiri. Vanhu vamwe navamwe vaiudzwa kuti vasazvipire kana vakanga vachitya kurasikirwa namabasa avo. . . . Asi taifara nguva dzose kuona mhinduro yakakwana yokuti hungu!” John Dulchinos, mutariri wokuSpringfield, Massachusetts akati: “Zvirokwazvo, iwayo akanga ari makore anofadza uye kuayeuka kunokosha. Mudzimu waJehovha wakatiita kuti tive vasingatyi.”
Munguvayo, kupenya kwenzwisiso yeBhaibheri kwakanga kuchikura uko kwaizova nesimba guru pabasa.
Zvakadiniko navanaJonadhabhi?
Muna 1932 kwakatsanangurwa kuti Jehonadhabhi (Jonadhabhi), musonganiri waMambo Jehu, akafanofananidzira boka ravanhu vaizofarikanya upenyu husingaperi pasi pano.f (2 Madz. 10:15-28) VanaJonadhabhi, sezvo vakasvika pakuzivikanwa kudaro, vakakurangarira kuva ropafadzo kubatanidzwa navabatiri vakazodzwa vaJehovha nokuva negoverano yakati navo mukuzivisa Umambo. Asi panguva iyoyo, kwakanga kusina nhamburiko chaiyo yokuunganidza nokuronga ava vanhu vane tariro yapasi.
Zvisinei, kurudziro chaiyoiyo yakapiwa kuna vanaJonadhabhi muNharireyomurindi yechiNgezi yaAugust 15, 1934. Nyaya inoti “Mutsa Wake” yakati: “Jonadhabhi anofanira kuzvitsaurira amene kuna Ishe ndokubhapatidzwa here? Mhinduro: Zvirokwazvo kwakarurama kuti Jonadhabhi azvitsaurire amene kuti aite kuda kwaMwari. Hakuna munhu achazombowana upenyu asina kuita izvozvo. Kuombekwa mumvura chiratidzowo zvacho chokuva akaita tsauriro [kana kuti, sezvataizotaura zvino, kuzvitsaurira] kuti aite kuda kwaMwari, uye ikoko kwaisazova kuri kusina kukodzera.” VanaJonadhabhi vakafadzwa!
Bva, mufaro unotova mukuru zvikuru wakanga uri pedyo nokuda kwavo. Chirimo chakatevera, zvinyorwa zvinoverengeka zveNharireyomurindi, kuvamba nechinyorwa chaApril 1, 1935, zvakava neichi chiziviso: “Zvakare Nharireyomurindi inoyeuchidza varavi vayo kuti kokorodzano yeZvapupu zvaJehovha navanaJonadhabhig ichaitwa kuWashington, D. C., ichivamba May 30 uye ichiguma June 3, 1935.” VanaJonadhabhi vakamirira kokorodzano yacho nenzira yokudisa.
“Vazhinjizhinji,” vakafanotaurwa pana Zvakazarurwa 7:9-17 (KJ), wakanga uri musoro wehurukuro iyo Hama Rutherford vakapa pamasikati echipiri ekokorodzano. Muhurukuro iyoyo ivo vakatsanangura kuti vazhinjizhinji vakanga vakaumbwa navanaJonadhabhi vomuzuva razvino uno uye kuti vanaJonadhabhi ivava vaifanira kuratidza mwero mumwe chetewo wokutendeka kuna Jehovha savakazodzwa. Eya, vateereri vakafadzwa! Pakukumbira kwomukurukuri, vanaJonadhabhi vakasimuka. “Kwakanga kune kunyarara pakutanga,” akayeuka kudaro Mildred Cobb, uyo akanga abhapatidzwa muzhizha ra1908, “ipapo kudanidzira kwokufara, uye kudanidzira kwacho kwakanga kune ruzha uye kwakareba.”
Uku kupenya kwenzwisiso yeBhaibheri kwakava netapuro huru pamubato weZvapupu zvaJehovha. “Mbavarira ichiwedzera,” akatsinhira kudaro Sadie Carpenter, muparidzi wenguva yakazara kwamakore anopfuura 60, “takadzoka kundima dzedu kuti titsvake ava vanhu vakafanana namakwai vakanga vachigere kuunganidzwa.” Gare gare Yearbook of Jehovah’s Witnesses for 1936 yakashuma, kuti: “Uku kuzivisa kwakanyandura hama ndokudzisundira kumibato yakamutsidzirwa, uye kwose kwose mupasi rose kunobva mishumo inoratidzira kufarira idi rokuti vakasarira zvino vane ropafadzo yokuendesa shoko kuvazhinjizhinji, uye ivava pamwe chete vachishanda kukukudzwa kwezita raShe.” Kuvabetsera muiri basa, bhuku rinonzi Riches, rakabudiswa muna 1936, raiva nekurukurirano huru yekariro dzinopiwa muMagwaro nokuda kwavazhinjizhinji.
Pakupedzisira, mitezo yakazvitsaurira, yakabhapatidzwa yevazhinjizhinji yakanga ichiwana nzvimbo yayo yakafanira parutivi pevakazodzwa mukuzivisa Umambo hwaMwari!
‘Kutsvukisa Ganda Ravahosi’
Muma1930, shoko iro izvi Zvapupu zvinoshingaira zvakazivisa raibatanidza kufumurwa kunorwadza kworudzidziso rwenhema. Chishandiso chinobetsera muna ikoku chakabudiswa pakokorodzano huru yeZvapupu zvaJehovha, September 15-20, 1937, muColumbus, Ohio.
PaChitanhatu, September 18, pashure pehurukuro yavo yamangwanani, Hama Rutherford vakabudisa bhuku dzvuku rinonzi Enemies. Iro rakashurikidza rudzidziso rwenhema so“muvengi mukuru, anokuvadza rudzi rwomunhu nguva dzose.” Vezvorudzidziso rwenhema vakaziviswa sa“vashandiri vaDhiyabhorosi, kana vachiziva idi iroro kana kuti kwete.” Pakusuma bhuku racho kuvateereri, Hama Rutherford vakati: “Muchacherekedza kuti butiro raro idzvuku, uye tichatsvukisa ganda ravahosi naroh.” Kuna ikoku vateereri vakapa tendero ine ruzha neyembavarira.
Kwamakore akati giramufomu rakanga raita rutivi mu‘kutsvukisa ganda ravahosi.’ Asi pamusoro pebasa regiramufomu, pakanga pane chishamiso pakokorodzano ya1937. “Pairi gungano basa rokushandisa giramufomu rinotakurwa pasuo rakatangwa,” anoyeuka kudaro Elwood Lunstrum, uyo akanga ane makore 12 chete okukura panguva yacho. “Kare takanga tave tichitakura giramufomu mubasa, asi takanga tichiiridza bedzi pakukumbirwa kupinda mukati. . . . Kurongwa kwa‘Mapiyona Chaiwo’ kwakaratidzwa pakokorodzano yeColumbus kuti atungamirire kushandiswa kwegadziriro yepasuo nesuo reimba negiramufomu nebasa rokutevera vanhu vanofarira (pakutanga panguva iyoyo dzainzi ‘shanyo dzedzokerero’) nefundo dzeBhaibheri negadziriro inonzi ‘fundo yomuenzaniso.’”
Vanhu vaJehovha vakabva pakokorodzano iyoyo vasanoshongedzerwa nokuda kwebasa rokuzivisa Umambo hwaMwari. Zvirokwazvo vaida kurudziro yose yavaigona kuwana. Fungu rinowedzera rourudzi muma1930 rakaunza chishoro, muzviitiko zvakati masimba masimba enyongori, kubva kuvanhu vakanga vakatsunga kuregedzesa Zvapupu zvaJehovha kusangana pamwe chete nokuparidza.
“Boka Rembavha”
Simba rakasimba rechishoro rakabva kumapoka akati eSangano reKaturike. Pana October 2, 1938, Hama Rutherford vakanga vakananga mukupa hurukuro inoti “ChiFascist Kana Kuti Rusununguko,” iyo yakaoneka gare gare muchimiro chebhukwana uye rakaparadzirwa mumamiriyoni. Hama Rutherford muhurukuro iyi vakapa udzame hwezviitiko zvakati zvisati zviri zvapamutemo kuti varatidzire rangano pakati pavakuru vakuru vehurumende vakati navamiriri veChechi yeRoma Katurike.
Pashure pokupa maidi acho, Rutherford akati: “Apo vanhu vanoudzwa maidi pamusoro peboka riri kushanda rakahwanda norudzidziso kuti ribe kodzero dzavo, Boka Rinodzora Ravafundisi rinoungudza ndokuti: ‘Nhema! Sungai miromo yaivavo uye musavabvumidza kutaura.’” Ipapo iye akabvunza, kuti: “Kwakaipa here kuzivisa zvokwadi ine chokuita neboka rembavha idzo dziri kubira vanhu? Aiwa! . . . Vanhu vakatendeseka vachasungwa miromo ndokugombedzerwa kuramba vakanyarara apo iri boka rembavha rinenge richiparadza rusununguko rwavanhu here? Kupfuura zvose, vanhu vanofanira kunyimwa ropafadzo dzavo dzakapiwa naMwari dzegungano rine rugare norusununguko rwokunamatwa kwaMwari Wamasimba Ose, uye rusununguko rwokutaura pamusoro poumambo hwake naavo vanohushora here?”
Pashure pouku kutuka kunorwadza, chishoro chakapfuurira chichibva kumapoka eSangano reKaturike muUnited States yose. Zvapupu zvaJehovha zvakarwa hondo dzapamutemo nokuda kworusununguko rwokunamata nekodzero dzazvo dzokuzivisa Umambo hwaMwari. Asi mumamirire ezvinhu akangoipa zvikuru bedzi sezvo nyika yakaenda kuhondo. Ganhuriro dzapamutemo nokuiswa mutorongo zvakawirawo Zvapupu zvaJehovha munyika nenyika muEurope, Africa, uye Asia.
“Munhu Ari Wose Aida Kuenda kuSt. Louis”
“Muna 1941,” anoyeuka kudaro Norman Larson, uyo akanga achangobva kupinda muushumiri hwenguva yakazara, “tose takanzwa kuti taifanira kutambura mazuva anotambudza ari mberi hondo zvayaipfuurira mberi zvino muEurope. Naizvozvo munhu ari wose aida kuenda kuSt. Louis.” Nokuda kweiko? Chokwadi, nokuda kweGungano roUbati Ushe hwaMwari reZvapupu zvaJehovha muSt. Louis, Missouri, August 6-10, 1941! Uye “munhu ari wose” akauya. Zvivako zvekokorodzano zvakazadzwa kusvikira kukufashukira. Maererano nokufungidzira kwamapurisa, nhamba yapamusoro yavanhu vane 115 000 yakapinda.
Kubvira pazuva rokutanga, purogiramu yekokorodzano yakagovera kurudziro yakakodzera nguva. Hurukuro yokuzarura yaHama Rutherford yaiti, “Perero,” yakanzwika kuva hurukuro chaiyo yekokorodzano. “Takaziva nenzira yakajeka zvikuru kupfuura nakare kose chikonzero nei Jehovha akanga achibvumidza kutambudzwa kwakakomba kwakadaro kwavanhu vake munyika yose,” akayeuka kudaro Hazel Burford, uyo akabatira somufundisi kwamakore anodokusvika 40, kutozosvikira parufu rwake muna 1983. Ichishuma pamusoro pekokorodzano yacho, 1942 Yearbook of Jehovah’s Witnesses yakawedzera, kuti: “Vose vaigona kuona nenzira yakajeka kuti pamberi pavo paiva nebasa guru rokupupura raifanira kuitwa, uye kuti kupfurikidza nokuita saizvozvo vaizochengeta perero yavo, kunyange zvazvo vangavengwa navanhu vose namasangano enyika.”
Chiono chinoorora pakokorodzano chakasvika paSvondo, August 10, iro rakanga riri “Zuva Ravana.” Apo rusando rwamangwanani rwakatanga, vana vane 15 000—vaiva pakati pamakore 5 ne18 ezera—vakanga vakaungana munhandare huru pamberi chaipo pechikuva nomunzvimbo yakatsaurwa nenzira yakafanana panzvimbo inomiswa turera uko boka romuraudzo rakateerera. Sezvo Hama Rutherford, panguva iyoyo vaiva mumakore avo omuma70 apakuvamba, vakakwira pachikuva, vana vakadaidzira ndokurova maoko. Ivo vakavheyesa hengechepfu yavo, uye vana vakasimudzawo maoko. Ipapo, nenzwi rakajeka, romutsa, ivo vakataura kuvateereri vose pamusoro unoti “Vana vaMambo.” Pashure pokutaura kweinopfuura awa kuvateereri vose zvavo, ivo vakanangidzira tsinhiro dzavo kuvana vakagara muzvikamu zvakanga zvakachengetwa.
“Mose zvenyu . . . vana,” ivo vakadaro, vachinangidzira ngwariro yavo pazviso zviduku zvainyemwerera zvaiva pamberi pavo, “makabvuma kuita kuda kwaMwari ndokutsigira Hurumende yake yoUbati Ushe hwaMwari inotungamirirwa naKristu Jesu uye makabvuma kuteerera Mwari naMambo wake, ndapota simukai.” Vana vakasimuka pamwe chete. “Tarirai,” akadanidzira kudaro mukurukuri aiva nembavarira, “zvapupu zvitsva zvinopfuura 15 000 kuUmambo!” Kwakanga kune kurova maoko kukuru. “Mose zvenyu muchaita zvamunogona kuti muudze vamwe pamusoro poumambo hwaMwari nezvikomborero zvahwo zvinotevera, ndapota itai kuti Hungu.” Kudanidzira kukuru, “Hungu!”
Kukugumisa kwose, Hama Rutherford vakazivisa kubudiswa kwebhuku idzva rinonzi Children, iro rakagamuchirwa nokudanidzira kwomufaro nokurova maoko kukuru. Pashure pacho, mukurukuri, murume murefu, akagoverana mukuparadzira makopi apachena ebhuku racho sezvo mutsetse murefu wavana wakakwira pachikuva ndokupfuura nepavari vari mumudungwe. Vakawanda vakachemedzwa nechiono chacho.
Muvateereri mangwanani iwayo eSvondo makanga mune vana vakawanda avo vakararama maererano nokudanidzira kwavo kwokuti “Hungu!” LaVonne Krebs, Merton Campbell, uye Eugene naCamilla Rosam vakanga vari pakati pavaduku avo vakagamuchira bhuku rinonzi Children panhambo iyoyo. Vachiri kubatira padzimbahwe reSosaiti muna 1992, ivo vakapa makore 51, 49, 49, uye 48 mukutevedzana kuushumiri hwenguva yakazara. Vamwe vavana vakapfuurira kubatira mumigove yokumwe youfundisi, kubatanidza Eldon Deane (Bolivia), Richard naPeggy Kelsey (Germany), Ramon Templeton (Germany), uye Jennie Klukowski (Brazil). Zvirokwazvo, purogiramu yamangwanani iwayo eSvondo muSt. Louis yakaorora zvinogara kwenguva refu mwoyo yavaduku yakawanda!
Pamasikati eSvondo Hama Rutherford vakanga vane mashoko okuoneka vakokorodzani. Ivo vakavakurudzira kupfuuridzira basa rokuzivisa Umambo hwaMwari. “Ndinonzwa ndine chokwadi zvirokwazvo,” ivo vakavaudza kudaro, “kuti kubvira panguva ino zvichienda mberi . . . avo vachaumba vazhinjizhinji vachawedzera nokukurumidza zvikuru.” Vakavakurudzira kudzokera kumativi avo akatsaukana enyika ndoku“tonyanyoshanda zvikuru . . . kushandisa nguva yose yamunogona.” Ipapo kwakauya mashoko avo okupedzisira kuvateereri: “Eya, hama dzangu dzinodiwa, Ishe ngaakukomborerei. Zvino handisati ndichizoti Fambai zvakanaka, nemhaka yokuti ndinokarira kukuonai pane imwezve nguva.”
Asi nokuda kwavakawanda yakanga iri nguva yokupedzisira yavaizoona Hama Rutherford.
Mazuva Okupedzisira aJ. F. Rutherford
Hama Rutherford vakanga vava nekenza muura uye vakanga vane utano hwakaipa pakokorodzano yeSt. Louis. Zvisinei, ivo vakakwanisa kupa hurukuro shanu dzakasimba. Pashure pekokorodzano, zvisinei, mugariro wavo wakaipa zvikuru, uye ivo vakamanikidzirwa kuvhiyiwa ura. Arthur Worsley anoyeuka zuva iro Hama Rutherford vakaoneka mhuri yeBheteri. “Ivo vakatiudza chakavanzika kuti vakanga vachienda kundova nokuvhiyiwa kwakakomba uye kuti kana vakapona kana kuti kwete, ivo vakanga vane chivimbo chokuti taizoramba tichizivisa zita raJehovha. Ivo . . . vakagumisa nokuti, ‘Naizvozvo, kana Mwari achida, ndichakuonai zvakare. Kana zvikasadaro, rambai muchirwa.’ Hapana asina kuchema mumhuri.”
Hama Rutherford, vaiva namakore 72 ezera, vakapukunyuka kuvhiyiwa kwacho. Chinguvana pashure pacho ivo vakaendeswa kune imwe imba muCalifornia iyo ivo vakanga vatumidza kuti Beth-Sarim. Kwakanga kuri pachena kuvadiwa vavo, uye kunyanzvi dzezvokurapa, kuti vaisazonaya. Kutaura idi, vaida kumwe kuvhiyiwazve.
Panenge pakati paDecember, Nathan H. Knorr, Frederick W. Franz, uye Hayden C. Covington vakasvika vachibva kuBrooklyn. Hazel Burford, uyo akatarisira Hama Rutherford mukati mamazuva iwayo anosuruvarisa neanotambudza, gare gare akayeuka, kuti: “Vakapedza mazuva anoverengeka vanavo vachihwirudzura mushumo wegore negore weYearbook nezvimwe zvinhu zvesangano. Pashure pokuenda kwavo, Hama Rutherford vakapfuurira kuneta uye, dzinenge vhiki nhatu gare gare, paChina, January 8, 1942, vakapedza nokutendeka nguva yavo yapasi.i
Mashoko orufu rwaHama Rutherford akagamuchirwa sei paBheteri? “Handisati ndichizotongokanganwa zuva ratakaziva nezvokufa kwaHama Rutherford,” akayeuka kudaro William A. Elrod, uyo akanga ave ari mutezo wemhuri yeBheteri kwamakore mapfumbamwe. “Pakanga pari pamasikati apo mhuri yakanga yaungana nokuda kwezvokudya zvamasikati. Chiziviso chacho chakanga chiri chipfupi. Kwakanga kusina kutaura. Hapana munhu akatora zuva rokusashanda kuti acheme. Panzvimbo pezvo, takadzokera kufekitari ndokushanda zvakaoma zvikuru kupfuura nakare kose.”
Idzodzo dzakanga dziri nguva dzinotambudza zvikuru nokuda kweZvapupu zvaJehovha. Hondo yakanga yava rwisano yenyika yose. Kurwa kwacho kwakapararira kubva Europe kuenda kuAfrica, ipapo kuenda kuyaizivikanwa panguva iyoyo seSoviet Union. Pana December 7, 1941, mwedzi mumwe chete Hama Rutherford vasati vafa, kudenha kweJapan paPearl Harbor kwakanga kwakwevera United States muhondo. Munzvimbo dzakawanda Zvapupu zvakanga zviri zvipfuro zvamasimba masimba enyongori nezvimwe zvimiro zvechitambudzo chakakomba.
Chii chaizoitika zvino?
[Mashoko Omuzasi]
a Sangano reNew York rakaumbwa muna 1909 pamusoro pokutamisa kweSosaiti hofisi dzayo huru kuenda kuBrooklyn, New York.
b Ona Ganhuro 28, “Kuedza Nokusefa Kubvira Mukati.”
c Maererano nedudziro inooneswa muThe Finished Mystery, mukadzi waZvakazarurwa ganhuro 12 yakanga iri “Chechi yapakuvamba,” shato yakanga iri “Umambo hweRoma Hwechihedheni,” uye mwanarume akanga ari “upapa”
d Ona Ganhuro 14, “Havasati Vari Rutivi Rwenyika.”
e Ona Ganhuro 30, “Kudzivirira Nokusimbisa Pamutemo Mashoko Akanaka.”
f Vindication, Bhuku Rechitatu, peji 77. Onawo ganhuro 12, “Boka Guru—Richararama Mudenga Here? kana kuti Pasi pano?”
g Panguva iyoyo vanaJonadhabhi vakanga vasingarangarirwi kuva “zvapupu zvaJehovha.” (Ona Nharireyomurindi yechiNgezi, yaAugust 15, 1934, peji 249.) Zvisinei, makore mashomanene gare gare, Nharireyomurindi yechiNgezi yaJuly 1, 1942, yakati: “Aya ‘mamwe makwai’ [vanaJonadhabhi] vanova zvapupu Zvake, nomutoo mumwe chetewo uyo vanhu vakatendeka Kristu asati afa, kubvira pana Johane Mubhapatidzi kudzoka shure kusvikira kuna Abheri, vakanga vari zvapupu zvaJehovha zvisingatongoregi.”
h Nongedzero ku“mhombwe huru,” inodudzwa muna Zvakazarurwa ganhuro 17. Bhuku rinonzi Enemies rakati: “Masangano ose ari pasi pano ayo anoshora Mwari noumambo hwake . . . ane zita rokuti ‘Bhabhironi’ uye ‘mhombwe’, uye mazita iwayo anoshanda zvakananga kusangano guru rorudzidziso, chechi yeRoma Katurike.” (Peji 198) Makore akati gare gare kwakaoneka kuti mhombwe chaizvoizvo inomirira umambo hwenyika hworudzidziso rwose rwenhema.
i Hama Rutherford vakasiya mudzimai wavo, Mary, uye mwanakomana wavo, Malcolm. Nemhaka yokuti Hanzvadzi Rutherford vakanga vane utano hwakaipa uye vakawana mwaka yechando muNew York (umo dzimbahwe reWatch Tower Society rakanga riri) yakaoma kutsungirira, ivo naMalcolm vakanga vave vachigara kumaodzanyemba kweCalifornia, uko mamirire okunze akanga ari nani nokuda kwoutano hwavo. Hanzvadzi Rutherford vakafa December 17, 1962, pazera ramakore 93. Chiziviso chorufu rwavo, chakaoneka muMonrovia, California, Daily News-Post, chakati: “Kutozosvikira utano hwakaipa hwavaganhurira kumusha kwavo, ivo vakaita rutivi rwokushingaira mubasa roushumiri reZvapupu zvaJehovha.”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 73]
“Zvombo zvikurusa zvaSatani RUDADO, GWINYIRO uye RUTYO”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 74]
“Vimbiso yokuti Jehovha akanga achitarisira Sosaiti”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 75]
‘Kubuda mutorongo, kwete zvikuru kwazvo nokuda kwavo vamene, kupfuura chinangwa chouchapupu kuzvokwadi’
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 77]
“Basa romuKristu pasi pano . . . nderokuzivisa shoko roumambo hwaShe”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 78]
‘Zivisai Umambo neshingairo huru norudo kupfuura nakare kose’
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 82]
“Tinoshuva kuzivikanwa . . . sezvapupu zvaJehovha”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 83]
Hungu! VanaJonadhabhi vanofanira kubhapatidzwa
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 84]
‘Kutsvaka vanhu vakafanana namakwai vachigere kuunganidzwa’
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 85]
Rutherford akanga akananga mukutuka vashori vorudzidziso
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 86]
Vana vane 15 000 vanotsigira Umambo
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 89]
“Kana Mwari achida, ndichakuonai zvakare. Kana zvikasadaro, rambai muchirwa”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 76]
“Imba Yamachinda”
Hama Rutherford vakanga vane chirwere chakakomba chamabayo pashure pokusunungurwa kwavo mukuiswa mutorongo kusina ruramisiro muna 1919. Pashure paikoko, ivo vakanga vane bapu rimwe chete rakanaka. Muma1920, vachirapwa nachiremba, ivo vakaenda kuSan Diego, California, uye chiremba akavakurudzira kupedza nguva yakawanda seinobvira vari ikoko. Kubvira muna 1929 zvichienda mberi, Hama Rutherford vakapedza mwaka yechando vachishanda paimwe imba yeSan Diego iyo vakanga vatumidza kuti Beth-Sarim. Beth-Sarim yakavakwa nemari dzakanga dziri mupiro wakananga nokuda kwechinangwa ichocho. Gwaro rokuva mwene, iro rakabudiswa rose mu“The Golden Age” yaMarch 19, 1930, rakapa iyi nzvimbo kuna J. F. Rutherford uye pashure paikoko kuWatch Tower Society.
NezveBeth-Sarim, bhuku rinonzi “Salvation,” rakabudiswa muna 1939, rinotsanangura, kuti: “Mashoko echiHebheru ‘Beth Sarim’ anoreva ‘Imba Yamachinda’; uye chinangwa chokuwana nzvimbo iyoyo nokuvaka imba yacho chakanga chiri chokuti kugova nechibvumikiso chinooneka chokuti kune avo vari pasi pano nhasi vanodavira zvizere Mwari naKristu Jesu noumambo Hwake, uye avo vanodavira kuti varume vakatendeka vekare vachakurumidza kumutswa naShe, kudzoka pasi pano, uye kutarisira zvinhu zvinooneka zvapasi.”
Makore mashomanene pashure porufu rwaHama Rutherford, boka ravatungamiriri veWatch Tower Society rakasarudza kutengesa Beth-Sarim. Neiko? “Nharireyomurindi” yechiNgezi yaDecember 15, 1947, yakatsanangura, kuti: “Yakanga yabatira zvizere chinangwa chayo uye zvino yakanga iri kubatira bedzi semufananidzo unodhura chaizvo kuchengeta; kutenda kwedu mukudzoka kwavarume venguva yekare avo Mambo Kristu Jesu achaita machinda mupasi ROSE (kwete muCalifornia chete) kwakavakirwa, kwete paimba iyoyo Beth-Sarim, asi paShoko raMwari rechipikirwa.”j
[Mashoko Omuzasi]
j Panguva yacho, kwaidavirwa kuti varume vakatendeka venguva dzekare, vakadai saAbrahama, Josefa, uye Dhavhidhi vaizomutswa mugumo wetsika ino yezvinhu usati wasvika uye vaizobatira sa“machinda mupasi rose,” muzadziko yePisarema 45:16. Uyu murangariro wakagadziridzwa muna 1950, apo imwe fundo yaMagwaro yakaratidzira kuti madzibaba apasi iwayo aJesu Kristu aizomutswa pashure peArmagedhoni.—Ona “Nharireyomurindi,” yechiNgezi yaNovember 1, 1950, mapeji 414-17
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 80, 81]
Kuparidza Shoko roUmambo
Mukati mamakore maviri pashure pokunge kuparidza kwenguva dzose kwokushambadzira kweredhiyo kwa- vamba, redhiyo yakanga ichisha- ndiswa kutumira shoko roUmambo. Nokudaro pana February 26, 1922, Hama Rutherford vakatanga kuparidza kwavo neredhiyo, muCali- fornia. Makore maviri gare gare, pana February 24, 1924, nhepfenyuro ye- Watch Tower Society imene WBBR, muStaten Island, New York, yakava- mba kuparidza. Pakupedzisira, Sosaiti yakaronga nhepfenyuro dzomunyika yose kuti dziparidze zvirongwa zveBhaibheri nehurukuro. Pakasvika 1933 nhamba yapamusoro yezviteshi 408 yakanga ichiendesa shoko ro- Umambo kukondinendi nhanhatu!
WBBR, muNew York, yakashandiswa neWatch Tower Society kubvira muna 1924 kutozosvikira 1957
[Mifananidzo]
WBBR, muNew York, yakashandiswa neWatch Tower Society kubvira muna 1924 kutozosvikira 1957
“Orchestra” yeWBBR muna 1926
J. F. Rutherford achipa hurukuro inoti “Tarisana Namaidi,” paRoyal Albert Hall, muLondon, England, pana September 11, 1938; vanopfuura 10 000 vakatsvikinyidzana muhoro (iri pasi apa), apo mamwe mamiriyoni akanzwa neredhiyo
Chirongwa chokuzarura cheWBBR
Vashandi pachiteshi 2HD, Newcastle, NSW, Australia
Nhepfenyuro CHCY muEdmonton, Alberta, chakanga chiri chimwe chezvi- teshi zvinoverengeka izvo zvaiva zveSosaiti uye zvayaishandiswa muCanada
Kuparidza kuFinland nomunhepfenyuro iri muEstonia
Zvokuparidza nazvo pachiteshi cheWORD, pedyo neChicago, Illinois; chaiva cheSosaiti uye chaishandiswa nayo
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 87]
Kuparidza Namagiramufomu
Muna 1933, Zvapupu zvaJehovha zvakavamba kushandisa mumwe mutoo mutsva wokuparidza. Muchina wezvakarekodwa unotakurwa une “amplifier” negudzanzwi wakashandiswa kuparidza zvakarekodwa 33 1/3-rpm zvehurukuro dzaHama Rutherford dzomuredhiyo, muhoro, mupaka, uye dzimwe nzvimbo dzavanhu vose. Motokari dzaiva nemagudzanzwi nemagwa aiva negudzanzwi zvakashandiswawo kuzivisa shoko roUmambo.
Kushandiswa kunobudirira kwemichina yezvakarekodwa kwakatungamirira kuchimwezve chitsva—kuparidza paimba neimba negiramufomu risingaremi. Muna 1934 Sosaiti yakavamba kugadzira magiramufomu anotakurwa nenhevedzano yamadhisiki e78-rpm aiva nehurukuro dzeBhaibheri dzamaminiti 4 1/2. Pakupedzisira, zvakarekodwa zvinofukidza nhau 92 dzakasiyana-siyana zvakanga zvichishandiswa. Pamwe chete, Sosaiti yakabudisa magiramufomu anopfuura 47 000 kuti izivise shoko roUmambo. Zvisinei, pashure penguva yakati, simbiso huru zvikuru yakaiswa pamharidzo dzokutaura dzeshoko roUmambo, naizvozvo basa regiramufomu rakarega kushandiswa.
[Mifananidzo]
Nemotokari ine gudzanzwi pamusoro pegomo, shoko roUmambo raigona kunzwika makiromita ari kure (pamusoro apa)
Kushandisa muchina wezvakarekodwa muMexico (kurudyi)
Igwa rine gudzanzwi riri kuparidza paRwizi rweThames, muLondon, England (pamusoro apa)
Kushandisa giramufomu mubasa romumunda (kuruboshwe)
Kuratidzira nzira yokushandisa nayo giramufomu rinomiswa, muna 1940 (kurudyi)
[Mufananidzo uri papeji 79]
J. A. Bohnet
[Mufananidzo uri papeji 88]
Kubvira muna 1917, apo J. F. Rutherford akava purezidhendi, kusvikira kuna 1941, Watch Tower Society yakadhinda zvinyorwa zvakawanda, kubatanidza mabhuku 24, mabhukwana 86, uye ma“Yearbook” egore negore, pamwe chete nenyaya dze“Nharireyomurindi” ne“The Golden Age” (gare gare yakanzi “Consolation”)