-
“Ndichaita Kuti Vave Rudzi Rumwe Chete”Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
-
-
5. Zvakaitwa naEzekieri zvinorevei? (Onawo bhokisi rakanzi “Kubatanidzwa Kwetutanda Twuviri.”)
5 Zvadaro, Jehovha anotsanangura zvinorehwa nekubatanidzwa kwetutanda twacho twuviri. (Verenga Ezekieri 37:21, 22.) Nhapwa dzaibva kumadzinza maviri aJudha nedzaibva kumadzinza gumi aIsraeri (Efremu) dzaizounzwa kunyika yeIsraeri, dzova “rudzi rumwe chete.”—Jer. 30:1-3; 31:2-9; 33:7.
-
-
“Ndichaita Kuti Vave Rudzi Rumwe Chete”Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
-
-
7. Nyaya iri pana 1 Makoronike 9:2, 3 inoratidza sei kuti “zvinhu zvese zvinobvira kuna Mwari”?
7 Kuvanhu zvaiita sekuti zvakanga zvisingatomboiti kuti nhapwa dzisunungurwe uye dzibatanezve.a Asi, “zvinhu zvese zvinobvira kuna Mwari.” (Mat. 19:26) Jehovha akazadzisa uprofita hwake. Pakapera utapwa muBhabhironi muna 537 B.C.E., vanhu vaibva kuumambo hwaJudha nevamwe vaibva kuna Efremu vakaenda kuJerusarema kunodzorera kunamata kwakachena. Nhoroondo yakafemerwa inoratidza kuti ndizvo zvakaitika painoti: “Vamwe vanhu vekwaJudha, nevekwaBhenjamini, nevekwaEfremu, nevekwaManase vakanogara muJerusarema.” (1 Mak. 9:2, 3; Ezra 6:17) Sezvakanga zvataurwa naJehovha, vanhu vaibva kuumambo huviri uhwu vakabatanidzwa.
8. (a) Isaya akaprofita nezvei? (b) Ndezvipi zvinhu zviviri zvinokosha zvatinowana pana Ezekieri 37:21?
8 Makore anenge 200 akanga adarika, muprofita Isaya akanga aprofita nezvezvaizoitika kuvaIsraeri nevaJudha pashure peutapwa. Akataura kuti Jehovha aizotanga kuunganidza “vaIsraeri vakapararira” uye “vaJudha vakapararira achivabvisa kumativi mana enyika,” kusanganisira “kuAsiriya.” (Isa. 11:12, 13, 16) Uye sezvaakanga agara ataura, Jehovha akatora “vaIsraeri kubva kumarudzi.” (Ezek. 37:21) Ona zvinhu izvi zviviri zvinokosha: Iye zvino, Jehovha akanga asingachadani nhapwa idzi kuti “Judha” uye “Efremu” asi akanga ava kudziti “vaIsraeri,” kureva kuti dzakanga dzava boka rimwe chete. Uyewo, vaIsraeri vakanzi vaibva “kumativi ese,” kwete kunyika imwe chete, kuBhabhironi.
-