Isaya
2 Mweya waJehovha uchagara paari,+
Mweya weuchenjeri+ uye wekunzwisisa,
Mweya wekupa mazano uye wekuva nesimba,+
Mweya wekuziva uye wekutya Jehovha.
3 Uye achafarira chaizvo kutya Jehovha.+
Haazotongi nezvaanoona nemaziso ake,
Kana kutsiura nezvaanongonzwa nenzeve dzake.+
6 Mhumhi ichagara negwayana kwenguva diki,+
Uye mbada icharara pasi nembudzi diki,
Uye mhuru neshumba* nemhuka yakakodzwa zvichava pamwe chete;+
Uye kakomana kachazvitungamirira.
7 Mhou nebheya zvichafura pamwe chete,
Uye vana vazvo vacharara pasi pamwe chete.
Shumba ichadya uswa semombe.+
8 Mwana anoyamwa achatamba panogara mhungu,
Uye mwana akarumurwa achaisa ruoko rwake panogara nyoka ine uturu.
Kana kuparadza pagomo rangu rese dzvene,+
Nekuti chokwadi nyika ichazara nekuziva Jehovha
Sekufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.+
10 Pazuva iroro mudzi waJese+ uchamira sechiratidzo* kumarudzi.+
11 Pazuva iroro Jehovha achapazve ruoko rwake, kechipiri, kuti atore vanhu vake vashoma vakasara kuAsiriya,+ kuIjipiti,+ kuPatrosi,+ kuKushi,+ kuEramu,+ kuShinari,* kuHamati, nekuzvitsuwa zvegungwa.+ 12 Achamisira marudzi chiratidzo,* ounganidza vaIsraeri vakapararira,+ uye achaunganidza vaJudha vakapararira achivabvisa kumativi mana enyika.+
Efremu haazoitiri Judha godo,
Uyewo Judha haazovengi Efremu.+
14 Vachadzika nekukurumidza pamateru* evaFiristiya nechekumavirira;
Vachabatana pakupamba vanhu vekuMabvazuva.
Acharurova muhova dzarwo* nomwe nemweya wake wekufema unopisa,
Uye achaita kuti vanhu vayambuke vakapfeka shangu dzavo.