Vambirana Nengoro Yokudenga yaJehovha
“Unofanira kutaura mashoko angu kwavari, pasinei zvapo nokuti vanonzwa kana kuti vanorega.”—EZEKIERI 2:7, “NW.”
1, 2. Ndichokufambisai choumambo chakaona Ezekieri, uye chii chaakaudzwa?
NGORO yokudenga yaJehovha zvino yakamira pamberi pavabatiri vake. Namaziso okutenda, ivo vanoona chokufambisa choumambo ichocho chaChangamire Ishe wavo. Icho chine mbiri, chinotyisa, chikuru.
2 Chokufambisa choumambo chimwe chetecho chakauya pamberi pomuporofita Ezekieri muchiono makore 2 600 apfuura. Ari muiyi ngoro yakatakura chigaro choumambo—sangano rokudenga raMwari rezvisikwa zvomudzimu—Jehovha akapa uyu murairo unoshamisa kuna Ezekieri: “Vana vane zviso zvisinganyari uye vane mwoyo mukukutu—ndiri kukutuma kwavari, uye unofanira kuti kwavari, ‘Izvi ndizvo zvataura Changamire Ishe Jehovha.’ Uye kana vari ivo, kana vachizonzwa kana kuti vachizorega—nokuti ivo iimba inondipandukira—zvamazvirokwazvo vachazivawo kuti muporofita amene aiva pakati pavo.”—Ezekieri 2:4, 5, NW.
3. Mubiyake upi womuzuva razvino uno ana Ezekieri?
3 Ezekieri akaita zvakasimba basa iroro, achibatira sechishandiso chimwe muruoko rwoumwari. Nenzira yakafanana, Mwari zvino ane chishandiso chimwe chesangano muudzori hwake. Boka raEzekieri, vakasarira vakazodzwa, riri kutungamirira basa rokupa uchapupu hwokupedzisira, ne“boka guru” ra“mamwe makwai” rakakomberedza mukutsigira. (Zvakazarurwa 7:9, 10, NW; Johane 10:16) Pamwe chete ivo i“boka rimwe,” noMufudzi Akaisvonaka, Jesu Kristu, ari kuvatungamirira muuchangamire hwoMutasvi weNgoro mukuru, Jehovha Mwari.
4, 5. Sangano rinooneka raMwari rakavapo sei, uye chii charakawana mutsinhirano naIsaya 60:22?
4 Munhungamiro yaJehovha, iri sangano renyika yose rakura kubva pamavambo maduku kukuva chishandiso chine simba nokuda kwokuzivisa murairo wokuti “ityai Mwari ndokumupa mbiri, nemhaka yokuti nguva yorutongeso runoitwa naye yasvika.” (Zvakazarurwa 14:7, NW) Sezvo Ezekieri asina kuzvimutsa kana kuti kuzvigadza amene somuporofita, naizvozvo sangano rinooneka raMwari harina kuzvisika kana kuti kuzvigadza rimene. Harina kubva mukuda kwomunhu kana kuti nhamburiko. Mutasvi weNgoro woumwari akaparira kuti iri sangano rivepo. Vachipiwa simba nomudzimu waMwari uye vachitsigirwa nengirozi tsvene, vanhu vaJehovha vakawana wedzero yakadaro inoshamisa zvokuti ‘muduku azova rudzi rune simba.’—Isaya 60:22.
5 Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 4 000 000 zviri kuzivisa shoko roUmambo munyika 212. Izvo zvakaunganidzwa muungano dzinopfuura 63 000 dzakarongwa kuva matunhu namaruwa. Nzvimbo huru dzehofisi dzebazu nedzokutsikirira dziri kushanda munhungamiro yoMutumbi Unodzora somusimboti wedzimbahwe resangano. Sokunge ivo munhu mumwe, vose vari kufambira mberi, vachiparidzira mashoko akanaka, vachidzidzisa avo vanogamuchira, vachivaka nzvimbo dzemisangano. Hungu, sangano rinooneka raJehovha riri kuvambirana nengoro yokudenga noMutasvi wayo.
6. Chii chinobatanidzwa mukuvambirana nesangano rinooneka raJehovha?
6 Kana uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, uri kuvambirana nesangano rinooneka raMwari here? Kuita saizvozvo haisati ichingovawo zvayo nhau yokupinda misangano yechiKristu nokupedzera nguva muushumiri. Zvikurukuru, kuvambirana kune chokuita nefambiro mberi nokukura mumudzimu. Kunobatanidza kuva nechiono chakananga, kuronga zvinhu zvokutanga zvakakodzera, uye kuva anowirirana nomusi. Kana tiri kuvambirana nengoro yokudenga yaJehovha, upenyu hwedu hunowirirana neshoko ratinozivisa.
7. Neiko tichirangarira mufambiro waEzekieri somuporofita waMwari?
7 Munhau yokuvambirana, vabatiri vaJehovha vomuzuva razvino uno vanogona kudzidza zvakawanda mumuenzaniso waEzekieri. Kunyange zvazvo akagadzwa zvikurukuru somuporofita naJehovha, Ezekieri akanga achingunoveri nemirangariro, itiro hanya, uye zvinodikanwa. Somuenzaniso, somurume muduku zvikuru akaroora, iye akatambura marwadzo okurasikirwa nomudzimai wake murufu. Bva, iye haana kutongorasikirwa nechiono chebasa rake somuporofita waJehovha. Kupfurikidza nokurangarira nzira iyo Ezekieri akazvibata amene nayo mumamwewo mativi, tinogona kuzvisimbisa timene kuti tivambirane nesangano rinooneka raMwari. Ikoku kuchatigonesa kuvambirana nesangano rake risingaoneki.
Basa Rakagamuchirwa Ndokuitwa
8. Kana toreva nezvebasa rake, muenzanisoi wakagadza Ezekieri?
8 Ezekieri akagadza muenzaniso wakaisvonaka kupfurikidza nokugamuchira basa rake nokuriita. Zvisinei, kuteerera noushingi zvaidikanwa kuti ariite, nokuti tinorava, kuti: “Asi iwe, mwanakomana womunhu, usavatya ivo, usatya mashoko avo, kunyange uri pakati porukato neminzwa, ugere pakati pezvinyavada; usatya mashoko avo, usavhunduswa nezviso zvavo, nokuti ivo iimba inondimukira simba. Asi iwe unofanira kuvaudza mashoko angu, kana vachida kunzwa, kana vasingadi; nokuti vanondimukira simba kwazvo. Asi iwe mwanakomana womunhu, teerera zvandinokuudza; usandimukira simba, sezvinondimukira imba iyo.”—Ezekieri 2:6-8.
9. Ezekieri aizova asina mhaka yeropa kupfurikidza bedzi nokuitei?
9 Ezekieri aisafanira kuva anokendenga kana kuti anotya, achida kuva anosundwa nguva dzose kuti aite basa rake. Aisazova nemhaka yeropa kana bedzi akataura mashoko aJehovha nenzira yokudisa uye noushingi. Ezekieri akaudzwa, kuti: “Asi kana iwe ukanyevera wakaipa, akasatendeuka pazvakaipa zvake, kana panzira yake yakaipa, iye uchafira muzvakaipa zvake, asi iwe warwira hako mweya wako.”—Ezekieri 3:19.
10. Boka raEzekieri rakabvumikisa sei kuva rakafanana nomuporofita?
10 Somuchinoitika chaEzekieri, boka rakazodzwa raEzekieri rakagamuchira basa ravo rakapiwa naMwari uye vari kuriita. Kana tiri Zvapupu zvaJehovha, tinofanira kuyeuka kuti upenyu hwedu noupenyu hwavamwe hunotsamira pakuteerera kwedu. (1 Timotio 4:15, 16) Chapupu chimwe nechimwe chinofanira kuvambirana nesangano raJehovha. Mwari haasati achizotisungira pangoro yake ndokutidhonza. Kukendenga nomwoyo wakakamuraniswa zvinoderedza Mutasvi weNgoro. Naizvozvo sangano rinooneka raJehovha rinotikurudzira kuti tichengete fariro dzoumwari dziri pamusimboti woupenyu hwedu. Kugamuchira kwenguva dzose kurudziro yakadaro kunotichengeta tichifamba pamwe chete nesangano raMwari uye kunosimudzira ushumiri hwedu hunoyera kupfuura muitiro, kusafunga. Zvamazvirokwazvo, vanhu vaJehovha vose zvavo vanoratidzira kuzvipira kwakatanhamara. Rutivi rwedu rwomunhu oga nderwokuti tichengete nhano yacho.
Mashoko aMwari Anopinzwa Mumwoyo
11. Muenzanisoi wakagadza Ezekieri kana toreva nezvamashoko aMwari?
11 Ezekieri akagadzawo muenzaniso wakaisvonaka kupfurikidza nokupinza mashoko aMwari mumwoyo make. Pakurairwa, iye akadya rugwaro rwakapetwa, kana kuti mupumburu, wakapiwa naMwari. “Rwakava souchi mumukanwa mangu nokuda kwokutapira,” akadaro Ezekieri. Kunyange zvazvo rugwaro rwakapetwa rwakanga rwakazadzwa ne“mariro nokuchema nenhamo,” irwo rwaitapira kuna Ezekieri nemhaka yokuti ainzwisisa rukudzo rwokumirira Jehovha. Chakanga chiri chinoitika chinotapira kumuporofita kuita mugove wake wakapiwa naMwari. Mwari akamuudza, kuti: “Mwanakomana womunhu, mashoko angu ose andichataura kwauri, apinze mumwoyo mako uye inzwa nenzeve dzako umene.” (Ezekieri 2:9–3:3, 10, NW) Zviono izvozvo zvakaita kuti Ezekieri azive chaizvoizvo zvaakabvumirwa naMwari kuti atore rutivi mazviri uye zvakasimbisa ukama hwake naJehovha.
12. Chii chakaita Ezekieri muanopfuura makumi maviri amakore ebasa rouporofita?
12 Ezekieri akapiwa zviono namashoko nokuda kwamadonzo akasiana-siana navateereri. Iye aifanira kuteerera nenzira yokungwarira uye ipapo kutaura nokuita sezvarairwa. Mashoko matsva nemiitiro zvakaziviswa kwaari nenzira inofambira mberi mukati mamakore 22 ebasa rouporofita. Pane dzimwe nguva Ezekieri akataura shoko chairo rakarongwa mashoko. Pane dzimwe nguva, iye akatendeukira kuzviito, somukurara pamberi pechidhina chaifananidzira Jerusarema. (Ezekieri 4:1-8) Muenzaniso wake munhau dzomunhu oga, zvakadai sokuita kwake kurufu rwomudzimai wake, wakatakurawo shoko. (Ezekieri 24:15-19) Iye aifanira kuva wapanguva iyoyo, achipa nguva dzose shoko rakarurama nokuita chiito chakarurama panguva yakarurama. Ezekieri akanga akasungwa muukama hwokushanda hwapedyo zvikuru, hunofambira mberi naJehovha.
13. Tinogona sei kuvaka ukama hwapedyo naJehovha?
13 Nenzira yakafanana, kuti tivake ndokuchengeta ukama hwapedyo naJehovha savashandi biyake, tinofanira kupinza Shoko raMwari mumwoyo medu. (1 VaKorinte 3:9) Kuvambirana nesangano rinooneka raMwari muna ikoku kunoda kuti tirambe tichivambirana nokuyerera kwezvokudya zvomudzimu sezvazvinogoverwa panguva yakafanira. (Mateo 24:45-47) “Mutauro wakachena” uri kufutunuka nguva dzose. (Zefania 3:9, NW) Tichakwanisa chaizvoizvo kugamuchira nenzira yokuteerera nhungamiro yoMutasvi weNgoro kana bedzi tichiwirirana nomusi.
14, 15. Muitiroi unodikanwa kuti tivambirane nenhano yakagadzwa nesangano raMwari?
14 Nedonzo iroro, tinoda muitiro wakanaka womunyengetero womunhu oga, fundo yomunhu oga, uye kutora rutivi muushumiri hutsvene hwamashoko akanaka. (VaRoma 15:16) Yeuka muenzaniso waEzekieri mukudya rugwaro rwakapetwa rwaiva neshoko raMwari. Ezekieri akadya rugwaro rwakapetwa rwose, kwete rutivi rwarwo. Iye haana kunhonga ndokusarudza zvidimbu zvingave zvaizomunakira zvikuru somunhu oga. Nenzira yakafanana, fundo yedu yomunhu oga yeBhaibheri nezvinyorwa zvechiKristu inofanira kudzorwa kuti ivambirane nokuyerera kwezvokudya zvomudzimu, uye tinofanira kudya zvose hazvo zvinoiswa patafura yomudzimu, kubatanidza zvokwadi dzakadzama zvikuru.
15 Tinoita nhamburiko yomunyengetero kuti tiwane mufungo wezvokudya zvikukutu here? Kuvambirana kunoda kuti zivo yedu nenzwisiso zvifambire mberi kupfuura zvapakuvamba, nokuti tinorava, kuti: “Munhu ari wose anonwa mukaka haana kurovedzana neshoko rokururama, nokuti iye mucheche. Asi zvokudya zvikukutu ndezvavanhu vakuru, zvaavo kupfurikidza nokushandisa vakarovedza masimba avo okunzwisisa kutsauranisa zvose zviri zviviri zvakarurama nezvisina kururama.” (VaHebheru 5:13, 14, NW) Hungu, kuita fambiro mberi yomudzimu rutivi runokosha rwokuvambirana runogadzwa nesangano raMwari.
Haana Kudziviswa Nokusakendenga
16, 17. Ezekieri akabata sei nokusakendenga, kunyombwa, uye kusagamuchira?
16 Ezekieri akagadzawo muenzaniso wakaisvonaka kupfurikidza nokuteerera ndokusazvibvumira amene kudziviswa nokusakendenga kana kuti kunyombwa. Nenzira yakafanana, kupfurikidza nokuvambirana nokukura kwomutauro wakachena, tinotsinhiraniswa norutivi runotorwa noMutasvi weNgoro youmambo. Nokudaro tinoshongedzerwa kuti tigamuchire mirairo yake, kusimbiswa kuti tisadziviswa nokusakendenga kana kuti kunyomba kwaavo vatinotaurira shoko raJehovha rorutongeso. Sezvakwakanga kwakaita naEzekieri, Mwari akadeya kutinyevera kuti vamwe vanhu vaizoshora nenzira yokushingaira, vachiva vakaoma musoro navane mwoyo mikukutu. Vamwe vaisazonzwa nemhaka yokuti havadi kuteerera Jehovha. (Ezekieri 3:7-9) Zvakare vamwe vaizova vanyengeri, sokutaura kunoita Ezekieri 33:31, 32, kuti: “Vanouya kwauri sezvinoita vanhu, vanogara pamberi pako sezvinoita vanhu vangu, vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti; nokuti vanotaura zvorudo nemiromo yavo, asi mwoyo yavo inotevera pfuma yavo. Zvino tarira, iwe wakaita kwavari sorwiyo rworudo rwunoimbwa noune inzwi rinofadza, unogona kuridza mbira kwazvo, nokuti vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti.”
17 Chii chaizova muuyo? Ndima 33 inowedzera, kuti: “Zvino kana izvi zvichiitwa (tarirai zvinouya!), nenguva iyo vachaziva kuti muporofita wakanga ari pakati pavo.” Mashoko iwayo anozivisa kuti Ezekieri haana kurega nemhaka yokusagamuchira. Kusakendenga kwavamwe hakuna kuita kuti ave asingakendengi. Kana vanhu vakateerera kana kuti kwete, iye akateerera Mwari ndokuita basa rake.
18. Mibvunzoi yaungazvibvunza umene?
18 Sangano rinooneka raJehovha zvino riri kusimbisa ziviso yokuti vose vanofanira kutya Mwari ndokumupa mbiri. Unopfuurira here paunotsoropodzwa nokuda kwokushinga mukupa uchapupu hwoUmambo, nokuda kwokuva ane tsika dzakanaka mumararamire ako? Uri kumira wakatsiga paunenge uri chipfuro chedzvinyiriro nemhaka yokusagamuchira ropa, kusanamata zviratidziro zvourudzi, kusachengeta mazororo enyika here?—Mateo 5:11, 12; 1 Petro 4:4, 5.
19. Kana iri nhungamiro, chii chatichaita kana tiri kuvambirana nengoro yokudenga yaJehovha?
19 Iyi nzira haisati iri nyore, asi avo vanotsungirira kusvikira kumugumo vachaponeswa. (Mateo 24:13) Nebetsero yaJehovha, hatisati tichizorega vanhu venyika vachitiita kuti tifanane navo uye nokudaro vachitibudisa mukuvambirana nengoro yokudenga yaJehovha. (Ezekieri 2:8; VaRoma 12:21) Kana tiri kuvambirana nesangano rengirozi rakafanana nengoro, tichakurumidza kuwirirana nenhungamiro uye miraidzo zvinogamuchirwa kupfurikidza nesangano rinooneka raMwari. Jehovha anogovera zvatinoda kuti tigonane nedenho pakutenda kwedu, kuti tichengete kubata kwedu paShoko roupenyu, uye kuti tichengete maziso edu akatwiriridzirwa pazvinhu chaizvoizvo zvomudzimu izvo zvinonangidzirwa paMutasvi woUmambo wengoro yokudenga.
Akanyandurwa Kuvambirana
20. Ndizvimwei zvinhu zvakanyorwa naEzekieri zvinofanira kutinyandura kuti tivambirane?
20 Zviono zvaEzekieri zvinofanira kutinyandura kuti tivambirane. Haana kuzivisa bedzi marutongeso aMwari pana Israeri asi akanyorawo mauporofita edzorerwo. Ezekieri akanongedzera kuUyo aizova namaruramiro apamutemo okutonga pachigaro choumambo chaJehovha panguva yakagadzwa. (Ezekieri 21:27) Mubatiri woUmambo iyeyo, “Dhavhidhi,” aizounganidzazve vanhu vaMwari ndokuvafudza. (Ezekieri 34:23, 24) Kunyange zvazvo vaizodenhwa naGogi waMagogi, Mwari aizovanunura, uye vavengi Vake vaizogombedzerwa ku‘ziva Jehovha’ kunyange sezvo vaipinda muruparadziko. (Ezekieri 38:8-12; 39:4, 7) Ipapo vabatiri vaMwari vaizofarikanya upenyu husingagumi mutsika yokunamata kwakachena kunobatanidza tembere yomudzimu. Mvura dzoupenyu dzinoyerera dzichibva panzvimbo tsvene dzaizova manyuko ezvokudya nokuporesa, uye nhaka yenyika yaizogoverwa nokuda kwechikomborero chavo.—Ezekieri 40:2; 47:9, 12, 21.
21. Neiko basa reZvapupu zvaJehovha zvomuzuva razvino uno rakakura kupfuura iro raEzekieri?
21 Ezekieri anofanira kuva akafadzwa sei kunyora mauporofita iwayo! Bva, basa reZvapupu zvaJehovha zvomuzuva razvino uno iguru zvikuru. Tiri kurarama apo mamwe amauporofita iwayo ari kuzadzikwa. Kutaura idi, tiri vatori rutivi vanoshingaira muzadziko dzakati kuti. Kupfurikidza nenzira yatinorarama nayo, tinoratidza somunhu oga kupwiswa kwedu kuti Jesu zvino anotonga soUyo ane maruramiro apamutemo here? Tinopwiswa somunhu oga kuti Jehovha achazvitsvenesa amene nokukurumidza ndokununura achipinza munyika yake itsva avo vanovambirana nesangano rake here? (2 Petro 3:13) Kupwiswa kwakadaro, kunoperekedzwa namabasa okutenda, kunoratidzira kuti zvamazvirokwazvo tiri kuvambirana nengoro yokudenga yaJehovha.
Pfuurira Kuvambirana
22. Chii chinogona kuitwa kudzivisa mhinganidzo kuti tichengete chiono chomudzimu chakajeka?
22 Ta‘isa ruoko rwedu pagejo,’ hatifaniri kutarira shure nenzira yokupanga kuchinhu chipi nechipi icho nyika inacho chokupa. (Ruka 9:62; 17:32; Tito 2:11-13) Naizvozvo ngatidzivise kombamiro ipi neipi yokuchengeta pfuma pasi pano, uye ngatichengete ziso redu rakapfava, rakanangidzirwa paUmambo. (Mateo 6:19-22, 33) Kupfavisa upenyu hwedu, kubvisa mitoro yenyika inoremedza pari pose panobvira, kuchatibetsera kuvambirana nesangano raJehovha. (VaHebheru 12:1-3) Mhinganidzo dzinogona kudzimaidza chiono chedu chengoro yokudenga noMutasvi wayo. Asi nebetsero yake, tinogona kuchengeta chiono chomudzimu chakajeka, sezvakaita Ezekieri.
23. Chii chinofanira kuita Zvapupu zvakatendeka nokuda kwavatsva?
23 Rutivi rwomutoro wedu seZvapupu zvaJehovha runobatanidza kubetsera vatsva vazhinji kuti vavambirane nengoro yokudenga yaMwari. Muna 1990 vanodokusvika 10 000 000 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaJesu Kristu. Nepo vazhinji vavanhu ivava vangave vachipinda mishomanene yemisangano yechiKristu, vanofanira kuona ukoshi hwokufambira mberi nesangano rinooneka raJehovha. SeZvapupu zvakatendeka, tinogona kuvabetsera kupfurikidza nomudzimu watinoratidza nekurudziro yatinopa.
24. Tinofanira kuitei munguva dzino dzokupedzisira?
24 Idzi inguva dzokupedzisira. Namaziso okutenda, takaona ngoro yokudenga ichiuya pamberi pedu. Mutasvi weNgoro youmambo akapa sangano rake rinooneka basa rokuparidzira kumarudzi kuti, pakupedzisira, vazoziva uyo ari Jehovha. (Ezekieri 39:7) Shandisa zvizere iri banza guru kugoverana mukurevererwa kwouchangamire hwaMwari nokutsveneswa kwezita rake dzvene kupfurikidza nokuvambirana nengoro yokudenga yaJehovha.
Waizopindura Sei?
◻ Ezekieri akagadza muenzanisoi kana toreva nezvebasa rake?
◻ Kuvambirana nesangano raMwari kunorevei?
◻ Ezekieri akarangarira sei mashoko aJehovha?
◻ Tinogona sei kutevera muenzaniso waEzekieri mukubata nokusakendenga?
◻ Chii chinofanira kunyandura vabatiri vaJehovha kuvambirana nengoro yake yokudenga?
[Mifananidzo iri papeji 15]
Chii chinodikanwa kuti tivambirane nengoro yokudenga yaJehovha?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Ezekieri akanzwisisa maropafadzo ake akapiwa naMwari. Iwe unodaro here?