Mambo Anomhura Nzvimbo Tsvene yaJehovha
“Vanhu vanoziva Mwari wavo, vachavanesimba.”—DHANIERI 11:32.
1, 2. Irwisanoi inoshamisa yakaratidzira nhau yavanhu kwamakore anopfuura 2 000?
MADZIMAMBO maviri anorwisana ari mubishi rerwisano yachose chose nokuda kwesimba. Wokutanga, ipapo mumwe, anowana ukuru, sezvo kwaanopfuura makore ane zviuru zviviri hondo yacho inopfuurira. Muzuva redu rwisano yacho yakatapura vanhu vazhinjisa vari pasi pano uye yakadenha perero yavanhu vaMwari. Iyo inoguma muchinoitika chisina kudeya kuonwa nesimba ripi neripi. Iyi nhau inoshamisa pachine nguva mberi yakaziviswa kumuporofita wakare Dhanieri.—Dhanieri, maganhuro 10 kusvikira ku 12.
2 Uporofita hwacho hune chokuita noruvengo runopfuurira pakati pamambo wokuchamhembe namambo wokumaodzanyemba uye hwakakurukurwa muudzame mubhuku ra“Your Will Be Done on Earth.”a Mubhuku iroro kwakaratidzwa kuti mambo wokuchamhembe pakuvamba-vamba yakanga iri Siria, kuchamhembe kwaIsraeri. Pashure pezvo, rutivi rwacho rwakatorwa neRoma. Kuvamba, mambo wokumaodzanyemba yakanga iri Egipita.
Rwisano Munguva Yomugumo
3. Mukuwirirana nengirozi, uporofita pamusoro pamambo wokuchamhembe namambo wokumaodzanyemba hwaizonzwisiswa rini, uye sei?
3 Ngirozi inozivisa izvi zvinhu kuna Dhanieri yakati: “Asi iwe Dhanieri, vanza mashoko, unamire bhuku nechisimbiso, kusvikira kunguva yokupedzisira; vazhinji vachamhanya pose pose, nezivo ichawanda.” (Dhanieri 12:4) Hungu, uporofita hwacho hune chokuita nenguva yomugumo—nhambo yakatanga muna 1914. Mukati menguva iyoyo yakaratidzirwa, vazhinji vaizo“mhanya pose pose,” muMagwaro Matsvene, uye nebetsero yomudzimu mutsvene, zivo yechokwadi, kubatanidza kunzwisiswa kwouporofita hweBhaibheri, yaizowanda. (Zvirevo 4:18) Sezvo tinopinda zvikuru munguva iyoyo, udzame hwakawanda zvikuru hwouporofita hwaDhanieri hwakajekeswa. Ipapoka, tinofanira kunzwisisa sei uporofita hwamambo wokuchamhembe namambo wokumaodzanyemba muna 1993, zvino makore 35 pashure pokubudiswa kwa“Your Will Be Done on Earth”?
4, 5. (a) Ndapapi apo gore ra 1914 rinowanwa muuporofita hwaDhanieri pamusoro pamambo wokuchamhembe namambo wokumaodzanyemba? (b) Mukuwirirana nengirozi, chii chaizoitika muna 1914?
4 Mavambo enguva yomugumo muna 1914 akaratidzirwa nehondo yenyika yokutanga nedzimwe nhamo dzenyika idzo Jesu akadeya kutaura. (Mateo 24:3, 7, 8) Tinogona here kuwana gore iroro muuporofita hwaDhanieri? Hungu. Mavambo enguva yomugumo i“nguva yakagadzwa” inonongedzerwa kwairi pana Dhanieri 11:29, (NW). (Ona “Your Will Be Done on Earth,” mapeji 269-70.) Yakanga iri nguva yakatogadzwa naJehovha muzuva raDhanieri, sezvo yakasvika pamugumo wamakore 2 520 anoratidzirwa muzvinoitika zvinokosha muuporofita zvaDhanieri ganhuro 4.
5 Makore iwayo 2 520, kuvambira paruparadziko rweJerusarema muna 607 P.N.V. mukati moupwere hwaDhanieri kutozosvikira kuna 1914 N.V., akanzi “nguva dzakagadzwa dzamarudzi.” (Ruka 21:24, NW) Ndizvinoitikai zvamatongerwe enyika zvaizoratidzira mugumo wadzo? Ngirozi yakazivisa ikoku kuna Dhanieri. Ngirozi yakati: “Nenguva yakatarwa uchadzoka [mambo wokuchamhembe], ndokusvika kunyika yezasi; asi nenguva yokupedzisira hazvingaiti sapakutanga.”—Dhanieri 11:29.
Mambo Anorasikirwa Nehondo
6. Muna 1914, ndiani akanga ari mambo wokuchamhembe, uye ndiani akanga ari mambo wokumaodzanyemba?
6 Pakasvika 1914 rutivi rwamambo wokuchamhembe rwakanga rwatorwa neGermany, yaiva nomutungamiriri akanga ari Kaiser Wilhelm. Mavambo outsinye muEurope yakanga iri imwezve munhevedzano yebonderano pakati pamambo wokuchamhembe namambo wokumaodzanyemba. Rutivi rwouyu wapashure, mambo wokumaodzanyemba, zvino rwakatorwa neBritain, iyo yakakurumidza kutora Egipita, umambo hwamambo wapakuvamba wokumaodzanyemba. Sezvo hondo yakapfuurira, Britain yakakumbanirwa neyaichimbova nyika yayo, United States of America. Mambo wokumaodzanyemba akava Simba reNyika reEngland neAmerica, umambo hune simba zvikurusa munhau.
7, 8. (a) Muhondo yenyika yokutanga, zvinhu hazvina kuitika “sapakutanga” munzirai? (b) Chii chakanga chiri muuyo wehondo yenyika yokutanga, asi mukuwirirana nouporofita, mambo wokuchamhembe akaita sei?
7 Murwisano dzekare pakati pamadzimambo acho maviri, Umambo hweRoma, samambo wokuchamhembe, nguva dzose hwakanga hwave huchikurira. Nguva ino, ‘zvinhu zvakanga zvisati zviri zvimwe chetezvo sapakutanga.’ Zvokona nei? Nemhaka yokuti mambo wokuchamhembe akarasikirwa nehondo. Chikonzero chimwe chaiva chokuti “zvikepe zveKitimi” zvakarwisana namambo wokuchamhembe. (Dhanieri 11:30) Chii chakanga chiri izvi zvikepe? Munguva yaDhanieri, Kitimi yakanga iri Kupro, uye pakuvamba muhondo yenyika yokutanga, Kupro yakatapwa neBritain. Uyezve, mukuwirirana neThe Zondervan Pictorial Encyclopedia of the Bible, zita rokuti Kitimi “rinotambanudzwa kubatanidza M[adokero] ose zvawo, asi zvi[kurukuru] M[adokero] anofamba mugungwa.” New International Version inoshandura kutaura kwokuti “zvikepe zveKitimi” se“ngarava dzenyika dzokumhenderekedzo yokumadokero yegungwa.” Muhondo yenyika yokutanga, zvikepe zveKitimi zvakabvumikisa kuva zvikepe zveBritain, zvaiva kumhenderekedzo yegungwa yokumadokero yeEurope. Gare gare Mauto Engarava Dzehondo eBritain akasimbiswa nezvikepe zvakabva kunyika yokumadokero yeNorth America.
8 Muiyi denho, mambo wokuchamhembe aka“ora mwoyo” ndokubvuma kukundwa muna 1918. Asi haana kupedzwa. “Ndokudzoka akatsamwa pamusoro pesungano, ndokuita sezvaanoda; uchadzoka, ndokuva nehanya navakaramba sungano tsvene.” (Dhanieri 11:30) Ngirozi yakaporofita kudaro, uye kwakabvumikisa kuva kwakadaro.
Mambo Anoita Nenzira Inobudirira
9. Chii chakatungamirira kukumuka kwaAdolf Hitler, uye aka“ita sezvaanoda” sei?
9 Pashure pehondo, muna 1918, Mibatanidzwa inokurira yakada chibvumirano chorugare chokuranga paGermany, sezviri pachena chakarongedzerwa kuchengeta vanhu veGermany vari pedyo nokuziya nenzara kwenguva yemberi isingazivikanwi. Somuuyo, pashure pokudzadzarika kwamakore akati munhamo huru, Germany yakanga yagadzirira nokuda kwokumuka kwaAdolf Hitler. Iye akawana simba guru muna 1933 uye nokukurumidza akatanga denho inotyisa pa“sungano tsvene,” yakamirirwa nehama dzakazodzwa dzaJesu Kristu. Muna ikoku iye akaita nenzira inobudirira mukurwisana naaya maKristu akavimbika, achitambudza noutsinye mazhinji awo.
10. Achitsvaka tsigiro, Hitler akatsvaka mubatanidzwa naani, uye nemiuyoi?
10 Hitler akafarikanya budiriro dzepfuma nedzokubata namamwe marudzi, achiita nenzira inobudirira murutivi irworwowo. Mumakore mashomanene, iye akaita Germany simba rokurwisana naro, achibetserwa muuku kuedza na“vakaramba sungano tsvene.” Ivava vakanga vari vanaani? Sezviri pachena, vatungamiriri vechiKristudhomu, avo vaiti vane ukama hwesungano naMwari asi vakanga vanguve varega kuva vadzidzi vaJesu Kristu. Hitler nenzira inobudirira akadana “vose vakaramba sungano tsvene” nokuda kwetsigiro yavo. Papa muRoma akaita chibvumirano naye, uye Chechi yeRoma Katurike, pamwe chete nechechi dzePurotesitendi muGermany, dzakatsigira Hitler mukutonga kwake kwose kunotyisa kwamakore 12.
11. Mambo wokuchamhembe aka“mhura nzvimbo tsvene” sei ndoku“bvisa chipiriso chinopiswa nguva dzose”?
11 Hitler akanga achibudirira kwazvo zvokuti akarwa, seizvo ngirozi yakadeya kutaura nomazvo. “Hondo dzichamutswa naye, dzichamhura nzvimbo tsvene, iyo nhare, vachabvisa chipiriso chinopiswa nguva dzose.” (Dhanieri 11:31a) Muna Israeri wakare, nzvimbo tsvene rwakanga rwuri rutivi rwetembere yaiva muJerusarema. Zvisinei, apo vaJudha vakaramba Jesu, Jehovha akavaramba netembere yavo. (Mateo 23:37-24:2) Chifo chezana ramakore rokutanga, tembere yaJehovha yave iri yomudzimu zvomenemene, nenzvimbo tsvene tsvene yayo mumatenga uye noruvazhe rwomudzimu pasi pano umo hama dzakazodzwa dzaJesu, Muprista Mukuru, dzinobatira. Kuvambira muma 1930, boka guru rakanamata musonganirano navakasarira vakazodzwa; nokudaro, ivo vanotaurwa kuva vanobatira ‘mutembere yaMwari.’ (Zvakazarurwa 7:9, 15; 11:1, 2; VaHebheru 9:11, 12, 24) Ruvazhe rwapasi rwetembere rwakamhurwa nokutambudzwa kwoutsinye kwavakasarira vakazodzwa neshamwari dzavo munyika umo mambo wokuchamhembe aidzora. Chitambudzo chacho chakanga chakakomba kwazvo zvokuti rutivi rwenguva dzose—chibairo chapachena cherumbidzo kuzita raJehovha—chakabviswa. (VaHebheru 13:15) Zvisinei, nhau inoratidza kuti pasinei zvapo nokutambura kunotyisa, maKristu akatendeka akazodzwa, pamwe chete na“mamwe makwai,” vakapfuurira kuparidzira pasi pevhu.—Johane 10:16.
“Chinonyangadza”
12, 13. Chii chakanga chiri “chinonyangadza,” uye—sezvakadeya kuonwa nomuranda akatendeka naakachenjera—chakagadzwazve rini uye sei?
12 Apo mugumo wehondo yenyika yechipiri wakanga wava pedyo, kwaiva nechimwe chinoitika. “Ndokumutsa chinonyangadza chinoparadza.” (Dhanieri 11:31b) Ichi “chinonyangadza,” icho Jesu akadudzawo, chakanga chatozivikanwa seChinzwano chaMarudzi, chikara chitsvuku icho mukuwirirana naZvakazarurwa chakapinda mugomba rakadzika-dzika. (Mateo 24:15; Zvakazarurwa 17:8; ona Light, Bhuku reChipiri, peji 94.) Chakaita ikoku apo Hondo yeNyika II yakatanga. Zvisinei, paNyika Itsva Gungano Roubati Ushe hwaMwari reZvapupu zvaJehovha muna 1942, Nathan H. Knorr, purezidhendi wechitatu weWatch Tower Bible and Tract Society, akakurukura uporofita hwaZvakazarurwa 17 ndokunyevera kuti chikara chaizomukazve chichibva mugomba rakadzika-dzika.
13 Nhau yakatsigira zvokwadi yamashoko ake. Pakati paAugust naOctober 1944, paDumbarton Oaks muUnited States, basa rakavambwa pachata yechaizonzi Chibatanwa chaMarudzi. Chata yacho yakagamuchirwa namarudzi 51, kubatanidza yaichimbova Soviet Union, uye apo yakashanda pana October 24, 1945, Chinzwano chaMarudzi chakaparara chaizvoizvo chakabuda mugomba rakadzika-dzika.
14. Kuzivikanwa kwamambo wokuchamhembe kwakachinja rini uye sei?
14 Germany yakanga yave iri muvengi mukuru wamambo wokumaodzanyemba mukati mehondo dzose dziri mbiri dzenyika. Pashure peHondo yeNyika II, rutivi rweGermany rwakabatanidzwa kuti ive mubatanidzwa wamambo wokumaodzanyemba. Asi rumwe rutivi rweGermany zvino rwakabatanidzwa nohumwe umambo hune simba. Boka reChikomonisiti, iro zvino rakabatanidza rutivi rweGermany, rakamira muchishoro chakasimba kumubatanidzwa weEngland neAmerica, uye rwisano pakati pamadzimambo maviri yakava Utsinye Hwakakomba pakati pamarudzi.—Ona “Your Will Be Done on Earth,” mapeji 264-84.
Mambo Nesungano
15. Ndivanaani vari ‘avo vanoita zvakaipa kusungano,’ uye ukamai hwavakava nahwo namambo wokuchamhembe?
15 Ngirozi zvino inoti: “Vanoitira sungano zvakaipa, uchavatsausa nokubata kumeso.” (Dhanieri 11:32a) Ndivanaani vari ivava vanoita zvakaipa kusungano? Zvakare, ivo vanogona bedzi kuva vatungamiriri vechiKristudhomu, avo vanotaura kuva vechiKristu asi kupfurikidza nezviito zvavo vanomhura zita rimene rechiKristu. Mukati mehondo yenyika yechipiri, “Hurumende yeSoviet yakaita nhamburiko yokuwana rubatsiro rwokunyama norwekurudziro rweChechi rwokudzivirirwa kwenyika yavo.” (Religion in the Soviet Union, rakanyorwa naWalter Kolarz) Pashure pehondo, vatungamiriri vechechi vakaedza kuchengeta ushamwari ihwohwo pasinei zvapo nomuitiro wokusatenda kuvapo kwaMwari wesimba iro zvino rakanga rava mambo wokuchamhembe.b Nokudaro, chiKristudhomu chakava zvikuru kupfuura nakare kose rutivi rwenyika ino—kuwa pakutenda kunonyangadza mumeso aJehovha.—Johane 17:14; Jakobho 4:4.
16, 17. Ndivanaani vari “vakachenjera,” uye vakararama sei vachidzorwa namambo wokuchamhembe?
16 Zvakadiniko, kunyanguvezvo, nezvamaKristu echokwadi? “Asi vanoziva Mwari wavo, vachava nesimba, vachaita mabasa makuru. Vakachenjera pakati pavanhu vachadzidzisa vazhinji; asi vachaparadzwa nomunondo, uye nomurazvo womwoto, uye nokutapwa, uye nokupambwa mazuva mazhinji.” (Dhanieri 11:32b, 33) MaKristu aigara achidzorwa namambo wokuchamhembe, nepo nenzira yakafanira “aizviisa pasi pezviremera zvikuru,” ave asati ari rutivi rwenyika ino. (VaRoma 13:1, NW; Johane 18:36) Achingwarira kudzorera zvinhu zvaKesari kuna Kesari, akapawo “zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Mateo 22:21) Nemhaka yaikoku, perero yawo yakadenhwa.—2 Timotio 3:12.
17 Muuyo wacho? Iwo akaita zvose zviri zviviri ‘kukurira’ uye ‘kugumbuka.’ Iwo akagumbuka mukuti akatambudzwa ndokutambura zvakakomba, mamwe kunyange kuurawa. Asi akakurira mukuti, zvikurusa, akaramba akatendeka. Hungu, akakurira nyika, seizvo chaizvo Jesu akakurira nyika. (Johane 16:33) Uyezve, iwo haana kutongorega kuparidzira, kunyange kana akazviwana amene vari mutorongo kana kuti mumusasa wechibharo. Mukuita saizvozvo, ‘akapa nzwisiso kuvazhinji.’ Pasinei zvapo nechitambudzo, munyika zhinjisa dzaitongwa namambo wokuchamhembe, zviverengero zveZvapupu zvaJehovha zvakawedzera. Nemhaka yokutendeka kwa“vakachenjera,” rutivi runokura nguva dzose rwe“boka guru” rwakaoneka munyika idzodzo.—Zvakazarurwa 7:9-14, NW.
18. “Kubatsirwa kuduku” kwakadini kwakagamuchirwa navakasarira vakazodzwa vanogara vachidzorwa namambo wokuchamhembe?
18 Ichitaura nezvokutambudzwa kwavanhu vaMwari, ngirozi yakadeya kutaura, kuti: “Zvino kana voparadzwa vachabatsirwa nokubatsirwa kuduku.” (Dhanieri 11:34a) Ikoku kwakaitika sei? Kutanga, kukunda kwamambo wokumaodzanyemba muhondo yenyika yechipiri kwakaguma norusununguko rukuru nokuda kwamaKristu aigara achidzorwa namambo anorwisa. (Enzanisa naZvakazarurwa 12:15, 16.) Ipapo, avo vakatambudzwa namambo anotsiva vakawana rusununguko panguva nenguva, uye sezvo Utsinye Hwakakomba pakati pamarudzi hwakaguma, vatungamiriri vazhinji vakasvika pakuziva kuti maKristu akatendeka haasati ari tyisidziro uye nokudaro akavapa zivikanwo yapamutemo.c Betsero huru yakauyawo muzviverengero zvinowedzera zveboka guru, avo vakagamuchira kuparidzira kwokutendeka kwavakazodzwa uye vakavabetsera, sezvinorondedzerwa pana Mateo 25:34-40.
Kucheneswa Kwavanhu vaMwari
19. (a) Vamwe vaka“zviisa kwavari nokubata kumeso” sei? (b) Chii chinorehwa nokutaura kwokuti “kusvikira kunguva yokupedzisira”? (Ona mashoko omuzasi.)
19 Havasati vari vose vakaratidzira fariro mukubatira Mwari mukati menguva iyi vaiva nevavariro dzakanaka. Ngirozi yakanyevera, kuti: “Asi vazhinji vachazviisa kwavari nokubata kumeso. Vamwe vavo vakachenjera vachaparadzwa, kuti vaidzwe, vanatswe, vacheneswe, kusvikira kunguva yokupedzisira; nokuti nguva yokupedzisira ichigere kusvika.”d (Dhanieri 11:34b, 35) Vamwe vakaratidza fariro muzvokwadi asi vakanga vasati vachidisa kuita tsauriro yapachokwadi kuti vabatire Mwari. Vamwe avo vakaratidzika kuva vakagamuchira mashoko akanaka vaiva chaizvoizvo tsori dzezviremera. Mushumo wakabva kune imwe nyika unorava, kuti: “Vamwe vaava vanhu vasina kutendeseka vakanga vari vaKomonisiti vechokwadi avo vakanga vaverevedza musangano raShe, vakaratidzira shingairo huru, uye vakanga vatogadzwa kunzvimbo dzakakwirira dzebasa.”
20. Neiko Jehovha akabvumira maKristu akatendeka ku“paradzwa” nemhaka yavaverevedzi vanonyengera?
20 Vaverevedzi vakaparira vakatendeka kuwira mumaoko ezviremera. Neiko Jehovha akabvumira zvinhu zvakadaro kuitika? Nokuda kwokunatsa, kuchenesa. Seizvo Jesu “akadzidza teerero muzvinhu zvaakatambura,” naizvozvo iyi mweya yakatendeka yakadzidza tsungiriro mukuedzwa kwokutenda kwayo. (VaHebheru 5:8, NW; Jakobho 1:2, 3; enzanisa naMaraki 3:3.) Ivo nokudaro ‘vanonatswa, vanocheneswa, uye vanoitwa kuti vachene.’ Kufara kukuru kwakamirira vakatendeka vakadaro apo nguva yakagadzwa inosvika yokuti tsungiriro yavo ituswe. Ikoku kuchaonwa apo tinokurukura hwakawanda hwouporofita hwaDhanieri.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., uye rakabudiswa muchiNgezi muna 1958 pa“Kuda Kwoumwari” Gungano raMarudzi Ose reZvapupu zvaJehovha.
b World Press Review yaNovember 1992 yakasimbisa nyaya yakabva muThe Toronto Star iyo yakati: “Mumakore anoverengeka akapfuura, vaRussia vakaona nyengedzo dzakawanda dzaichimbova dzisingakundiki pamusoro penhau yenyika yavo dzichipunzika pamberi pamaidi. Asi kuwadzanyurwa pamusoro pebatira pamwe yechechi nehurumende yechikomonisiti kunomirira jambwa rinoparadzanya zvikurusa.”
d “Kusvikira kunguva yokupedzisira” kungagona kureva “mukati menguva yomugumo.” Shoko rinoshandurwa pano kuti “kusvikira” rinooneka murugwaro rwechiAramaiki rwaDhanieri 7:25 uye ipapo rinoreva “mukati” kana kuti “kwe.” Shoko racho rine revo yakafanana murugwaro rwechiHebheru rwa 2 Madzimambo 9:22, Jobho 20:5, uye Vatongi 3:26. Mushanduro zhinjisa dzaDhanieri 11:35, zvisinei, rinoshandurwa kuti “kusvikira,” uye kana uku kuri kunzwisisa kwakarurama, ipapo “nguva yomugumo” pano inofanira kuva nguva yomugumo wetsungiriro yavanhu vaMwari.—Enzanisa na“Your Will Be Done on Earth,” peji 286.
Unoyeuka Here?
◻ Nei isu nhasi tichifanira kukarira kuva nokunzwisiswa kwakajeka zvikuru kwouporofita hwaDhanieri?
◻ Mambo wokuchamhembe ‘akakanda ruzvidzo ndokuita nenzira inobudirira’ sei?
◻ Kuonekazve kwe“chinonyangadza” kwakadeya kuonwa sei neboka romuranda?
◻ Vakasarira vakazodzwa vaka‘paradzwa, kukunda, uye kugamuchira betsero duku’ sei?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Muudzori hwaHitler, mambo wokuchamhembe akanaya zvizere mukukundwa kwake kwa 1918 musimba ramambo wokumaodzanyemba
[Mufananidzo uri papeji 16]
Vatungamiriri vechiKristudhomu vakaedza kusakurira ukama namambo wokuchamhembe
[Kwazvakatorwa]
Zoran/Sipa Press