Chitsauko 5
‘Tsvaka Jehovha’ Nokumunamata Sezvaanoda
1. Zvikomborero zvipi zvaunazvo pakati pevanhu vaMwari?
WAKAKOMBORERWA zvikuru kuziva Mwari anozadzika uprofita! Unokwanisa kuva mumamiriro ezvinhu akanyorwa nezvawo nomuprofita Hosiya, achiti: “Ndichakuroora uve wangu mukutendeka; uye uchaziva Jehovha.” Hosiya akanga achirondedzera mamiriro ezvinhu akachengeteka, akafanana neeparadhiso ayo vanhu vaMwari vaizova maari pavaizodzoka vachibva kwavakanga vatapwa kuBhabhironi. Saizvozvowo, vanhu vaMwari vomunguva yazvino vari kubudirira pakunamata uye vakachengeteka; mamiriro avo ezvinhu akafanana neeparadhiso. (Hosiya 2:18-20) Iye zvino unodanwa nezita raMwari somumwe wevashumiri vake vakazvitsaurira—mumwe weZvapupu zvaJehovha—uye unoda kuramba uchidaro.—Isaya 43:10, 12; Mabasa 15:14.
2, 3. (a) Nei Jehovha akasvika pakuvenga manamatiro evanhu vake vekare? (b) Nei tichifanira kufunga nezvemashoko akataurwa nevaprofita?
2 VaIsraeri vekare vaiva rudzi rwakanga rwakazvitsaurira kuna Jehovha, uyo akavapa bumbiro remirayiro iro mamwe marudzi akanga asina kuwana. (Dheuteronomio 4:33-35) Asi, zana remakore rechipfumbamwe B.C.E. parakanga rava kupera, mamiriro ezvinhu evaIsraeri akanga achinja zvikuru zvokuti Mwari akaita kuti muprofita Amosi avaudze kuti: “Ndakavenga, ndakaramba mitambo yenyu . . . Asi kana mukandipa zvinopiwa zvinopiswa zvakakwana, kunyange zvipo zvenyu zvinopiwa, handisi kuzozvifarira.” (Amosi 5:21, 22) Kunyange zvazvo Mwari asiri kutaura zvakadaro kuungano yake yomunyika yose mazuva ano, ungafungidzira here manzwiro aungadai wakaita uchinzwa kunamata kwako kuchitsanangurwa saizvozvo? Mumwe nomumwe wedu pane zvaangadzidza here pane izvi?
3 Kare mumazuva iwayo, vanhu vaMwari vaiti vainamata Jehovha nenzira yaaida. Zvisinei, vakawanda vavo vakanga vachishumira vanamwari vevahedheni, vakadai saBhaari weKenani uye zvifananidzo zvemhuru, kana kuti vaipa zvibayiro vari panzvimbo dzakakwirira. Vaipfugamira uto rokumatenga asi vachipika naJehovha. Saka, Mwari wechokwadi akatuma vaprofita kuti vanokurudzira vanhu kudzoka kwaari kuti vamunamate zvakachena. (2 Madzimambo 17:7-17; 21:3; Amosi 5:26) Saka, zviri pachena kuti kunyange kuvashumiri vaMwari vakazvitsaurira, pangava nezvimwe zvinhu zvinoda kugadziriswa—zvavanoita kana kuti mafungiro zvinofanira kuongororwa kuti tive nechokwadi chokuti izvi zvinoratidza kunamata kunodiwa naJehovha.
“KUZIVA MWARI”
4. Mamiriro api ezvinhu akanga akapararira Mambo Jerobhoamu II paaitonga?
4 Funga nezvenguva iyo wokutanga-tanga wevaprofita 12 akataura achimiririra Mwari. Zuva raJehovha rakanga richifanotaurwa rokuparadza umambo hwendudzi gumi hwaIsraeri. Zvisinei, zvaiita sokuti rudzi rwacho rwakanga ruchibudirira. Sokuprofita kwakanga kwaita Jona, Mambo Jerobhoamu II akadzorera muganhu waIsraeri kubva pedyo neDhamasiko nechokumusoro kusvika kuGungwa Rakafa. (2 Madzimambo 14:24-27) Kunyange zvazvo Jerobhoamu akaita zvakaipa, Jehovha akashivirira, asingadi kutsakatisa Israeri pasi pematenga. Mwari akabvumira nguva yokuti vaIsraeri vapfidze, ‘vatsvake Jehovha kuti varambe vachirarama.’—Amosi 5:6.
5. VaIsraeri vakanga vasingazivi chii chakaita kuti varambwe naJehovha?
5 VaIsraeri vakanga vakabudirira vangadai vakashandisa nguva yacho kudzoka kuna Jehovha nokusvika pakumuziva zviri nani uye kuvavarira kuita zvaaida. Asi, vaizvivimba, vachifunga kuti ‘dambudziko raisazouya pedyo kana kuti kusvika kwavari.’ (Amosi 9:10) Ungati vakakanganwa Jehovha nokuti “vakagutswa, mwoyo yavo ikatanga kuzvikwidziridza.” (Hosiya 13:6) Hatifaniri kungofunga kuti izvi zvinhu zvakaitika kare hazvinei nesu. Ona chikonzero nei Jehovha akakakavadzana nevaIsraeri: “Zvawakaramba zivo, ndichakurambawo kuti urege kundishumira somupristi.” Ivo vakanga vakazvitsaurira kuna Jehovha uye vakapoteredzwa nenhengo dzemhuri dzakanga dzakazvitsaurira. Asi, somunhu mumwe nomumwe vakanga ‘vasingazivi Mwari’ zvechokwadi.—Hosiya 4:1, 6.
6. Nei zvinganzi vaIsraeri vakanga vasingazivi Mwari?
6 Zvakanga zvisingaiti sokuti vakanga vasina kumbonzwa mashoko aMwari, ayo vabereki vechiIsraeri vaifanira kudzidzisa vana vavo. Vakawanda vangangove vakanga vanzwa nhoroondo dzomuBhaibheri kubva kuvabereki vavo, pavaitaura nevamwe, kana kuti pakuungana kwaiitwa nevanhu vose. (Eksodho 20:4, 5; Dheuteronomio 6:6-9; 31:11-13) Somuenzaniso, vakanga vanzwa zvakaitika Aroni paakagadzira mhuru yendarama Mosesi paakanga ari muGomo reSinai kuti apiwe Mirayiro Gumi. (Eksodho 31:18–32:9) Saka, vaIsraeri vomunguva yevaprofita vacho vaiziva Mutemo uye vakanga vanzwa nhoroondo dzezvakanga zvaitika kare. Kunyange zvakadaro, kuziva kwavo kwakanga kusingabatsiri nokuti hakuna kuita kuti vanamate Mwari sezvaaida.
7. (a) VaIsraeri vakava sei vasingateereri zviri nyore zvakadaro? (b) MuKristu ‘angatanga kukanganwa Muiti wake’ sei?
7 Ungashamisika kuti, ‘VaIsraeri vaizonyengerwa sei nyore nyore saizvozvo kuti varege kuteerera?’ Hosiya akatsanangura zvakaitika, achiti: ‘Israeri akatanga kukanganwa Muiti wake.’ (Hosiya 8:14) Shoko rechiito rechiHebheru chepakutanga rinoshandurwa zvakakodzera kuti ‘tanga kukanganwa.’ VaIsraeri havana kungoerekana vakanganwa nezvaJehovha. Asi, zvishoma nezvishoma vakakanganwa kukosha kwokumunamata sezvaaida. Unofunga here kuti muKristu angawira mumusungo wakadaro? Somuenzaniso, funga nezvomunhu anokoshesa zvikuru kupa mhuri yake zvainoda. (1 Timoti 5:8) Kuti aite izvozvo, nenzira yakakodzera angaona basa rake serinokosha. Zvichida, chimwe chinhu chingaitika, uye angafunga kuti anofanira kurega kuenda kune mimwe misangano yechiKristu kuti ashande. Pashure penguva yakati, kurega kuenda kumisangano kunova nyore, uye anorega kakawanda. Zvishoma nezvishoma, ukama hwake naMwari hunoita zinyekenyeke—iye ‘atanga kukanganwa Muiti wake.’ Zvakafanana zvingaitika kumuKristu ane vabereki kana kuti dzimwe hama dzisingatendi. Ane matambudziko aya: Achavapa nguva yakawanda sei, uye rini? (Eksodho 20:12; Mateu 10:37) Zvakadini nokusarudza kuti inguva yakawanda sei uye zvinhu zvinodiwa pakushanya, pamabasa okuzvifadza, kana kuti zvinhu zvokuzvivaraidza nazvo?
8. Muzuva raAmosi, kuva ‘nemazino akachena’ kwairevei?
8 Takadzidza Shoko raMwari uye takashandisa zvatinoziva. Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wedu angafunga nezvemashoko anoshandiswa mubhuku raAmosi, okuti: ‘mazino akachena.’ Achishandisa Amosi, Mwari akanyevera vanhu Vake kuti: “Ini, ndakaitawo kuti mazino enyu achene mumaguta enyu ose, ndikaita kuti mushayiwe zvokudya munzvimbo dzenyu dzose.” (Amosi 4:6) Kuchena ikoko kwakanga kusiri kwokugeza mazino. Kwaiva kwokushaya chokudya, kutambura nenzara. Uyezve, kwaiva kunyeverwa “kwete nzara yezvokudya, nenyota, kwete nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.”—Amosi 8:11.
9, 10. (a) MuKristu angaguma sei ava nenzara pane zvokunamata? (b) Nei tichifanira kuchenjerera ngozi dzokufa nenzara pane zvokunamata?
9 Pane zvokunamata, zvakarondedzerwa naAmosi zvave zvichizadzika mumamiriro ezvinhu anosuruvarisa echiKristudhomu. Kusiyana naizvozvo, “magedhi emvura okumatenga” akazarukira vanhu vaMwari munyika yose. Vakakomborerwa nemafashafasha ezvokudya zvine chokuita nokunamata. (Maraki 3:10; Isaya 65:13, 14) Zvisinei, muKristu angabvunza kuti, ‘Ini pachangu ndinodya zvokudya izvozvo zvine chokuita nokunamata zvakadini?’ Zvinofadza kuti vamwe vanoongorora vachitsvaka ruzivo, vakawana kuti mhuka dzinoongororwa murabhoritari dzaiva nekachikamu kouropi kane chokuita nokunzwa nzara kakakuvadzwa, dzaisanzwa kuda kudya kusvikira pakufa nenzara ipo paine zvokudya zvakawanda! Kunzwa nzara pane zvokunamata kwomuKristu kungakanganiswa zvokuti anotanga kufa nenzara kunyange zvazvo iye akapoteredzwa nezvokudya zvakawanda zvine chokuita nokunamata here?
10 Uchifunga nezvemamiriro ako ezvinhu, funga izvi: Jehovha akapa vaIsraeri zvokudya zvakawanda zvine chokuita nokunamata. Vaiva noMutemo, waigona kusimbisa ukama hwavo naye; vaiva nourongwa hwokudzidza hwokuti varoverere kuziva Mwari muvana vavo; uye vaiva nevaprofita vaivabatsira kunzwisisa zvaidiwa naMwari. Kunyange zvakadaro, vakatanga kukanganwa Jehovha. Bhaibheri rinotaura kuti mumazuva aHosiya, “vakagutswa [pane zvokunyama], mwoyo yavo ikatanga kuzvikwidziridza.” (Hosiya 13:6; Dheuteronomio 8:11; 31:20) Kana tisingadi kuti mamiriro edu ezvinhu pane zvokunyama anyanye kukosha kupfuura ukama hwedu naMwari, tinofanira kuziva nezvengozi iyoyo zuva roga roga.—Zefaniya 2:3.
FUNGA NEZVENYAYA DZINONYANYA KUKOSHA
11, 12. (a) Panguva yaitonga Mambo Uziya, nei vaprofita vaifanira kukurudzira vanhu kudzoka kuna Jehovha? (b) Joeri akasimbisa chii chaidiwa?
11 Jerobhoamu II paaitonga muIsraeri, Uziya (anonziwo Azariya) aitonga muJudha. Akaita kuti nharaunda yake ikure uye akaita kuti Jerusarema rikure. Uziya “akaratidza simba zvinoshamisa” nokuti “Mwari wechokwadi akaramba achimubatsira.” “Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha” uye “achida kutsvaka Mwari.” Zvisinei, vanhu vakawanda muJudha vakaramba vachikwidzira utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira.—2 Makoronike 26:4-9.
12 Unogona kuona pane izvi kuti kunyange zvazvo vanhu muJudha nomuIsraeri vaidanwa nezita raMwari, kazhinji kunamata kwavo kwaisanganisira zvinhu zvaakanga asingadi. Vaprofita vakaedza kuvabatsira kusiyanisa kunamata kwechokwadi nokwenhema. Mwari akateterera achishandisa Joeri, kuti: ‘Dzokai kwandiri nemwoyo yenyu yose, muchitsanya, muchisvimha misodzi uye muchiungudza.’ (Joeri 2:12) Ona kuti: Mwari aida kuti vanhu vake vadzoke kwaari ‘nemwoyo yavo yose.’ Chokwadi, dambudziko racho raiva nechokuita nemwoyo yavo. (Dheuteronomio 6:5) Munhu angati, vaingonamata Jehovha zvachero, asi vakanga vasingazviiti nomwoyo wose. Achishandisa vaprofita, kakawanda akasimbisa kukosha kwomutsa worudo, kururamisira, uye unyoro—hwose zvawo huri unhu hwomwoyo.—Mateu 23:23.
13. VaJudha vakadzoka vachibva kuBhabhironi kwavakanga vatapwa vaifanira kufunga nezvechii?
13 Zvino chifunga zvakaitika pashure pokunge vaJudha vadzoka kunyika yokumusha kwavo. Kunyange zvazvo kunamata kwechokwadi maererano noMutemo kwakatangwazve, havana kuita zvaidiwa naMwari nomwoyo wose. VaJudha vaitsanya pamazuva okupemberera zviitiko zvakanga zviine chokuita nokuparara kweJerusarema. Jehovha akabvunza kuti, “Maitsanyira ini here?” Kuparara kweguta iroro kwakanga kwaitika nokuti Mwari akanga aruramisira, zvakanga zvisiri chinhu chokuchema. Panzvimbo pokutarira shure votsanya vachichema, vaJudha ivavo vaifanira kunge vachipembera nomufaro, vachifara mumwaka yemitambo nokuda kwezvikomborero zvokunamata kwechokwadi. (Zekariya 7:3-7; 8:16, 19) Uye vaifanira kufunga nezvezvimwe zvinhu. Somuenzaniso zvinhu zvipi? “Tongai nokururamisira kwechokwadi; uye itiranai mutsa worudo nengoni . . . uye regai kurongerana chinhu chakaipa mumwoyo menyu.” (Zekariya 7:9, 10) Tose zvedu tinogona kubatsirwa nezvakadzidziswa vanhu vaMwari nevaprofita ivavo pamusoro pokunamata Mwari nomwoyo wose.
14. (a) Vanhu vakanga vadzoka vachibva kwavakanga vatapwa vaifanira kusanganisira chii pakunamata kwavo? (b) Vaprofita vakasimbisa sei zvinhu zvinonyanya kukosha pakunamata?
14 Kunamata nomwoyo wose kunosanganisirei? Ko vanhu vaMwari vainzi vaitei vasati vatapwa uye pashure pokunge vatapwa? Unoziva kuti zvinodiwa naMwari panyaya yetsika zvaifanira kutevedzerwa. Paivawo nezvinhu chaizvo kana kuti mabasa zvainzi zviitwe noMutemo, kusanganisira kuungana kuti vanzwe uye vadzidze zvaidiwa naMwari. Zvisinei, kuwedzera pana izvozvo, Mwari akaita kuti vaprofita vake vasimbise kushandira uye kuratidza mutsa worudo, kururamisira, unyoro, ngoni, uye kuva nomwero. Ona masimbisire akaita Jehovha izvozvo: “Ndinofarira mutsa worudo, kwete chibayiro; uye ndinofarira kuziva Mwari kupfuura zvinopiwa zvakakwana zvinopiswa.” “Dyarai mbeu mukururama; kohwai zvinoenderana nomutsa worudo.” (Hosiya 6:6; 10:12; 12:6) Mika akazivisa kuti: “Jehovha anodei kwauri kunze kwokuti ururamisire, ude mutsa uye uve nomwero pakufamba naMwari wako?” (Mika 6:6-8) Uye muprofita Zefaniya akakurudzira vanhu vaMwari kuti: “Tsvakai Jehovha, imi vanyoro vose vepanyika . . . Tsvakai kururama, tsvakai unyoro.” (Zefaniya 2:3) Mafungiro iwayo anokosha pakunamata kunodiwa naMwari.
15. Maererano nezvakarayirwa nevaprofita, vaKristu vanofanira kuitei pakunamata kwavo?
15 Mafungiro iwayo anei chokuita nokunamata kwedu? Unoziva kuti kuparidza mashoko akanaka oUmambo kunokosha. (Mateu 24:14; Mabasa 1:8) Asi ungazvibvunza kuti: ‘Ndinoona kuparidza munzvimbo yandinogara sebasa rakaoma, somutoro here? Kana kuti ndinokuona somukana wokubatsira vanhu vanoda kunzwa shoko reBhaibheri rinoponesa upenyu? Ndinovanzwira ngoni here?’ Chokwadi, ngoni uye mutsa worudo zvinofanira kutikurudzira kunyevera vamwe nezvezuva raJehovha. Kururamisira uye kururama zvinotikurudzirawo sezvatinoedza kuita kuti vanhu vemarudzi ose vanzwe shoko iroro.—1 Timoti 2:4.
16, 17. Nei unyoro uye kuva nomwero zvichikosha pakunamata kwako?
16 Somumwe muenzaniso, funga nezvokusungirwa kwatinoita kupinda misangano yechiKristu, yaunoziva kuti inokosha. (VaHebheru 10:24, 25) Wakambofunga here kuti izvozvo zvinosanganisira sei unyoro uye kuva nomwero? Vanhu vanyoro vanozvininipisa zvokuti vanogamuchira murayiridzo vobva vashandisa zvavanodzidza, vachiita zvakatongwa naJehovha. Achiziva zvaasingakwanisi kuita, munhu ane mwero achaziva kuda kwaanoita kukurudzirwa uye zivo zvatinopiwa pamisangano.
17 Unogona kuona kubva pamienzaniso iyi kubatsirwa kwatingaita nezvakadzidziswa nevaprofita. Asi, zvakadini kana ukaona kuti pane zvataurwa pamusoro apa pane chimwe chete kana kupfuura zvinofanira kugadziriswa? Kana kuti zvakadini kana wakaita zvikanganiso zvakakomba, zvinokunetsa mupfungwa pane dzimwe nguva? Vaprofita vacho 12 vanokupa nyaradzo norubatsiro.
DZOKA KUNA JEHOVHA
18. (a) Vaprofita 12 vane shoko rinonyanya kunyaradza ani? (b) Unonzwa sei pamusoro paJehovha, anoteterera vanhu kuti vadzoke kwaari?
18 Sezvataona, vaprofita vatiri kudzidza nezvavo havana kungotuka uye kupa mhosva chete. Vakaratidza Jehovha seari kukurudzira vanhu kudzoka kwaari. Funga nezvemanzwiro anoratidzwa nokukurudzira kwaHosiya kwokuti: “Uyai tidzokere kuna Jehovha, nokuti iye akabvambura-bvambura asi achatiporesa. Akaramba achirova, asi achatisunga nemachira. . . . Tichaziva, tichatsvaka kuziva Jehovha.” (Hosiya 6:1-3) Chokwadi, mukururamisira kwake, Jehovha Mwari akatonga Israeri uye akazotonga Judha. Zvisinei, vanhu vake vaifanira kudai vakaona kutambudzwa ikoko sematanho okuita kuti vavezve noutano pakunamata. (VaHebheru 12:7-13) Kudai vanhu vaJehovha vakanga vatsauka vaizodzoka, ‘aizovaporesa’ uye ‘aizosunga maronda avo nemachira.’ Fungidzira munhu akapfugama kuti asunge maronda omumwe wake nemachira. Iye zvino chiona Jehovha achizviita. Chokwadi Jehovha ndiMwari ane ngoni, anosunga nemachira maronda evaya vanoda kudzoka kwaari! Izvozvo hazviiti kuti tide kudzoka kwaari kana tikamutadzira here?—Joeri 2:13.
19. Kuziva Jehovha kunosanganisirei?
19 Kudzoka kuna Mwari kunosanganisirei? Hosiya anotiyeuchidza nezvokudiwa kwokusango“ziva” Mwari asi ku“tsvaka kuziva Jehovha.” Rimwe bhuku remazuva ano rinoti nezvaHosiya 6:3: “Pane kusiyana kukuru kwokuziva pamusoro paMwari nokuziva Mwari. Zvakafanana nokusiyana kwakaita kuverenga nezvorudo uye kuda mumwe munhu.” Hatifanira kungoziva Jehovha zvachero. Anofanira kuva munhu chaiye kwatiri, Shamwari yedu yatinovimba nayo yatinogona kutaura nayo takasununguka. (Jeremiya 3:4) Wava noukama hwakadaro, unogona kunzwisisa manzwiro aanoita paunoita chimwe chinhu, uye izvozvo zvinokubatsira zvikuru pakuvavarira kumunamata sezvaanoda.
20, 21. Mambo Josiya akaita sei kuti kuziva Mwari kuve kwake pachake?
20 Mambo Josiya aiva muenzaniso wakanaka pakuvavarira kunamata zvechokwadi. Funga zvakare zvakaitika kwaari. Kusvika panguva Josiya yaakava mambo, rudzi rwacho rwakanga rwashatiswa nokunamata zvidhori, chisimba, uye kunyengera zvakanga zvawanda munguva yokutonga kwaManase naAmoni. (2 Madzimambo 21:1-6, 19-21) Kurayira kwaZefaniya kwokuti “tsvakai Jehovha” kunofanira kuva kwakabatsira Josiya zvikuru, nokuti ‘akatanga kutsvaka Mwari waDhavhidhi.’ Josiya akatanga basa rokubvisa kunamata zvidhori muJudha, kusvika kunyange kunharaunda yaichimbova youmambo hwokuchamhembe.—Zefaniya 1:1, 14-18; 2:1-3; 3:1-4; 2 Makoronike 34:3-7.
21 Pashure pokuchenesa uku, Josiya akaramba achitsvaka Jehovha. Akarayira kuti temberi igadziridzwe. Paiitwa basa iroro, “[v]akawana bhuku romutemo waJehovha wakapiwa pachishandiswa Mosesi,” zvichida manyoro okutanga oMutemo. Josiya akaita sei bhuku iroro parakaverengwa? “Zvino mambo paakangonzwa mashoko omutemo, akabva abvarura nguo dzake.” ‘Akabvarurawo mwoyo wake’ akakurumidza kushandisa zvakanga zvaverengwa. Haana kuedza kuzviruramisa, achiti akanga atoita zvakawanda. Unoyeuka here mugumisiro wokuchinja kwake zvinhu? “Pamazuva ake ose [vanakomana vaIsraeri] havana kutsauka pakutevera Jehovha Mwari wemadzitateguru avo.”—2 Makoronike 34:8, 14, 19, 21, 30-33; Joeri 2:13.
22. Tingabatsirwa sei nomuenzaniso waJosiya?
22 Ungabvunza kuti, ‘Ndingadai ndakaita sei?’ Iwe, kufanana naJosiya, ungadai wakateerera mashoko evaprofita wochinja maitiro uye mafungiro ako sezvaidiwa here? Kunyange zvazvo tisiri kurarama mumazuva aZefaniya naJosiya, tinogona kuona zvakanakira kuita chimwe chinhu pane zvinotaurwa naMwari uye zano raanopa mazuva ano. Saka kana muKristu achinzwa mumwoyo make kuti anofanira kuchinja mararamiro ake kana kuti manamatiro, kudzidza nezvevaprofita 12 kunogona kumukurudzira kuita chimwe chinhu.—VaHebheru 2:1.
23. Kana uchifunga kuti unofanira kunatsiridza chimwe chinhu, ungaitei?
23 Pane dzimwe nguva, unganzwa sezvakaita Jona paaiva mudumbu rehove huru, paakati: “Ndadzingwa pamberi penyu! Ndichazotarirazve sei temberi yenyu tsvene?” (Jona 2:4) Asi mashoko aJehovha angatikurudzira zvikuru, isu vanhu vasina kukwana vanoita zvikanganiso! “Dzokai kwandiri, uye ini ndichadzoka kwamuri.” (Maraki 3:7) Kana ukaona kuti unofanira kusimbisa ukama hwako naJehovha, vakuru vari muungano yenyu vachafara kukubatsira. Kufanana nokutyaira motokari, unofanira kutanga zvishoma nezvishoma. Paunenge wangotanga kufamba, kuenda mberi kunova nyore zvikuru. Unogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achakugamuchira uye achakubatsira, nokuti “iye ane nyasha nengoni, anononoka kutsamwa, azere nomutsa worudo.” (Joeri 2:12-14) Chokwadi, mashoko evaprofita vacho anokurudzira vose vari kuvavarira kunamata Mwari sezvaanoda.
KUDZOKORORA
• Maererano neshoko revaprofita 12, vanhu vaMwari vaifanira kuitei?—Zefaniya 2:3.
• Vanhu vaMwari vekare vakamukanganwa sei?—Hosiya 8:14.
• Nei vaKristu vachifanira kungwarira kunyange pavanenge vachirarama vaine mafashafasha ezvokudya zvine chokuita nokunamata?—Amosi 4:6; 8:11.
UNOFUNGEI?
• Kunamata Jehovha nomwoyo wose sezvaanoda kunosanganisirei?—Hosiya 6:6; Mika 6:8.
• Kana ukazombonzwa sokuti waparadzana naJehovha, ungadzoka sei kwaari?—Hosiya 6:1-3.
• Ungatevedzera sei Mambo Josiya pakutsvaka Jehovha?—2 Makoronike 34:19-21; Joeri 2:13.
[Mufananidzo uri papeji 57]
Amosi
[Mufananidzo uri papeji 58]
Munhu angatanga sei kukanganwa Jehovha?
[Mufananidzo uri papeji 60]
MuKristu anganzwa nzara iye aine mafashafasha ezvokudya zvine chokuita nokunamata here?
[Mufananidzo uri papeji 64]
Uri kuedza kuita kuti vanhu vemarudzi ose vanzwe mashoko akanaka here?
[Mifananidzo iri papeji 66]
Josiya haana kuzviruramisa kuchenesa pakwaidiwa
[Mufananidzo uri papeji 67]
Uchachinja sezvinodiwa here kuti uite zvinoenderana nezvinodiwa neBhaibheri?
[Mufananidzo uri papeji 68]
Vamwe vanofanira “kutsvaka Jehovha” nokudzoka kwaari