Ndianiko “Ucharwirwa”?
“Zvino kuchaitika kuti ani nani unodana zita raShe uchaponeswa.”—MABASA 2:21.
1. Nei Pendekosti ya33 C.E. yaiva zuva rinokosha zvikuru munhau yenyika?
PENDEKOSTI ya33 C.E yaiva zuva rinokosha zvikuru munhau yenyika. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti pazuva iroro rudzi rutsva rwakazvarwa. Pakutanga, rwaisava rudzi rukuru—vaingova vadzidzi vaJesu 120 bedzi vakanga vaungana mukamuri iroro rapamusoro muJerusarema. Asi nhasi, apo marudzi mazhinjisa aivapo shure panguva iyoyo akanganwikwa, rudzi rwakazvarwa mukamuri rapamusoro rwuchinesu. Iri idi nderoukoshi hukurusa kwatiri tose, sezvo urwu rwuri rudzi rwakagadzwa naMwari kuva chapupu chake pamberi porudzi rwomunhu.
2. Zviitikoi zvinoshamisa zvakaratidzira kuzvarwa kworudzi rutsva?
2 Apo rudzi rutsva irworwo rwakavamba kuvapo, zviitiko zvinokosha zvakaitika izvo zvakazadzika mashoko ouporofita hwaJoere. Tinorava nezveizvi zviitiko pana Mabasa 2:2-4 kuti: “Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga, kukazadza imba yose mavakanga vagere. Vakaonawo ndimi dzichiparadzana, dzinenge dzomoto; ndokumhara pamusoro womumwe nomumwe wavo. Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, pavakapiwa napo nomweya kureva.” Neiyi nzira varume navakadzi ivavo vakatendeka vane 120 vakava rudzi rwomudzimu, mitezo yokutanga yaavo Pauro akadana gare gare kuti “vaIsraeri vaMwari.”—VaGaratia 6:16.
3. Uporofitai hwaJoere hwakazadzikwa paPendekosti ya33 C.E.?
3 Mapoka akaungana kuzofeyafeya “kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba,” uye muapostora Petro akavatsanangurira kuti humwe hwouporofita hwaJoere hwakanga huchizadzikwa. Uporofita hupi? Naizvozvo, teerera kune zvaakataura: “Namazuva okupedzisira, ndichadurura zvoMweya wangu pamusoro penyama yose; vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita; majaya enyu achaona zviratidzo, navatana venyu vacharota hope. Napamusoro pavaranda vangu napamusoro pavashandiri vangu, ndichadurura zvomweya wangu namazuva iwayo; vachaporofita. Ndichaita zvinoshamisa kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi; ropa, nomoto, nemhute youtsi. Zuva richashandurwa rima, nomwedzi uchashandurwa ropa. Zuva guru raShe rinobwinya risati rasvika. Zvino kuchaitika kuti ani nani unodana kuzita raShe uchaponeswa.” (Mabasa 2:17-21) Mashoko akanokora Petro anowanwa pana Joere 2:28-32, uye zadziko yawo yakareva kuti nguva yakanga yava kuperera rudzi rwechiJudha. “Zuva guru raShe rinobwinya,” nguva yokuzvidavirira yaIsraeri asina kutendeka, yakanga yava pedyo. Asi ndiani aizoponeswa, kana kuti kurwirwa? Uye izvi zvakafananidzirei?
Kuzadzika Kuviri Kwouporofita
4, 5. Mukurangarira zviitiko zvinouya, izanoi iro Petro akapa, uye nei zano iroro raishanda kupfuura zuva rake?
4 Mumakore akatevera 33 C.E., Israeri womudzimu waMwari akakura, asi rudzi rwokunyama rwaIsraeri haruna kudaro. Muna 66 C.E., Israeri wokunyama akarwa neRoma. Muna 70 C.E., Israeri anenge akarega kuvapo, uye Jerusarema netemberi yaro zvakaroromeswa. PaPendekosti ya33 C.E., Petro akapa zano rakaisvonaka mukurangarira ngwavaira iyoyo yaizosvika. Achinokora mashoko aJoere zvakare, akati: “Ani nani unodana zita raShe uchaponeswa.” MuJudha mumwe nomumwe aifanira kuita chisarudzo chomunhu oga chokudana zita raJehovha. Ikoku kwaibatanidza kuteerera mimwe mirayiridzo yaPetro: “Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene.” (Mabasa 2:38) Vateereri vaPetro vaifanira kugamuchira Jesu saMesiya, uyo Israeri sorudzi akanga aramba.
5 Mashoko iwayo ouporofita aJoere aiva nesimba guru pavanyoro muzana rokutanga ramakore. Zvisinei, anotova nesimba gurusa nhasi nemhaka yokuti, seizvo zviitiko zvomuzana ramakore rechi20 zvinoratidzira, pave pane zadziko yechipiri youporofita hwaJoere. Ngationei kuti sei.
6. Kuziviswa kwaIsraeri waMwari kwakavamba sei kujekeswa sezvo 1914 akasvika?
6 Pashure porufu rwavaapostora, Israeri waMwari akavanzwa namashawi echiKristu chenhema. Zvisinei, mukati menguva yomugumo, iyo yakavamba muna 1914, kuzivikanwa kworudzi urwu rwomudzimu kwakajeka zvakare. Kwose ikoku kwaiva muzadziko yomufananidzo waJesu wezviyo namashawi. (Mateo 13:24-30, 36-43) Sezvo 1914 akaswedera pedyo, vaKristu vakazodzwa vakavamba kuzviparadzanisa nechiKristudhomu chisina kutendeka, vachiramba noushingi dzidziso dzacho dzenhema uye vachiparidza mugumo unouya we“nguva dzavahedheni.” (Ruka 21:24) Asi hondo yenyika yokutanga, yakaitika muna 1914, yakamutsa nhau dzavakanga vasina kugadzirira. Mudzvinyiriro yakakomba, vakawanda vakaderera, uye vamwe vakabvumirana pane zvisina kufanira. Pakasvika 1918 mubato wavo wokuparidza wakadokuguma.
7. (a) Chiitikoi chakafanana nePendekosti ya33 C.E. chakaitika muna 1919? (b) Kutanga muna 1919, itapuroi iyo kudururwa kwomudzimu waMwari kwakava nayo pavabatiri vaJehovha?
7 Zvisinei, hazvina kugara nguva refu. Kutanga muna 1919, Jehovha akavamba kudurura mudzimu wake pavanhu vake munzira yakavayeuchidza nezvePendekosti ya33 C.E. Chokwadika, muna 1919 makanga musina kutaura nendimi uye musina kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba. Tinonzwisisa kubva mumashoko aPauro akanyorwa pana 1 VaKorinte 13:8 kuti nguva yezvishamiso yakanga yapfuura kare. Kunyange zvakadaro, mudzimu waMwari waiva pachena zvakajeka muna 1919 apo, pakokorodzano muCedar Point, Ohio, U.S.A., vaKristu vakatendeka vakasimbiswazve uye vakavamba zvakare basa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo. Muna 1922 vakadzokera kuCedar Point uye vakanyandurwa neziviso yaiti “Zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake.” Sezvakanga zvaitika muzana rokutanga ramakore nyika yakamanikidzirwa kucherekedza migumisiro yokudururwa kwoMudzimu waMwari. MuKristu wose akazvitsaurira—munhurume nomunhukadzi, mukuru nomuduku—akavamba ku“porofita,” ndiko kuti, kuzivisa “mabasa makuru aMwari.” (Mabasa 2:11) Kufanana naPetro, vakakurudzira vanyoro kuti: “Muzviponese parudzi urwu rwakakombama.” (Mabasa 2:40) Vanobvuma vaigona sei kuita izvozvo? Kupfurikidza nokuteerera mashoko aJoere anowanwa pana Joere 2:32 anoti: “Ani nani anodana zita raJehovha ucharwirwa.”
8. Zvinhu zvakafambira mberi sei nokuda kwaIsraeri waMwari chibviro cha1919?
8 Chibviro chamakore iwayo apakuvamba, zvinhu zvaIsraeri waMwari zvakafambira mberi. Kuiswa chisimbiso kwavakazodzwa kunoratidzika kuva kwafambira mberi zvikuru, uye chibviro chama1930 boka guru ravanyoro rine kariro yapasi rakaoneka. (Zvakazarurwa 7:3, 9) Vose vanonzwa mufungo wekurumidziro, nokuti zadziko yechipiri yaJoere 2:28, 29 inoratidza kuti tava pedyo nezuva guru zvikuru uye rinototyisa raJehovha, apo gadziriro yomunyika yose yorudzidziso yezvamatongerwe enyika, uye yezvokutengeserana zvichaparadzwa. Tine chikonzero chose zvikuru ‘chokudana zita raJehovha’ mukutenda kwakazara kuti achatinunura!
Tinodana Sei Zita raJehovha?
9. Ndezvipi zvimwe zvezvinhu zvinobatanidzwa mukudana zita raJehovha?
9 Chii chinobatanidzwa mukudana zita raJehovha? Mashoko akapoteredzaaJoere 2:28, 29 anotibetsera kupindura mubvunzo iwoyo. Somuenzaniso, Jehovha haateereri munhu wose anodana paari. Kupfurikidza nomumwe muporofita, Isaya, Jehovha akati kuna Israeri: “Kana muchitambanudza maoko enyu, ndichakuvanzirai chiso changu; zvirokwazvo, kana muchiwanza minyengetero, handinganzwi.” Neiko Jehovha akaramba kuteerera rudzi rwake amene? Iye pachake anotsanangura kuti: “Maoko enyu azere neropa.” (Isaya 1:15) Jehovha haasati achizoteerera vapi navapi vane mhaka yeropa kana kuti vanoita chivi. Ndicho chikonzero nei Petro akaudza vaJudha paPendekosti kuti vapfidze. Mumashoko akapoteredza Joere 2:28, 29, tinowana kuti Joerewo anosimbisa rupfidzo. Somuenzaniso, pana Joere 2:12, 13 tinorava kuti: “Kunyange zvakadaro—ndizvo zvinotaura Jehovha—nazvino tendeukai kwandiri nemoyo yenyu yose, muchizvinyima zvokudya, muchichema nokuungudza; bvarurai moyo yenyu, murege kubvarura nguo dzenyu, mutendeukire kuna Jehovha Mwari wenyu; nokuti une ngoni nenyasha, unononoka kutsamwa, une tsitsi zhinji, uye unozvidemba pakuitira vanhu zvakaipa.” Kutanga muna 1919, vaKristu vakazodzwa vakaita mutsinhirano namashoko awa. Vakapfidza pakukundikana kwavo ndokutsunga kusabvumiranazve pane zvisina kufanira kana kuti kuderera. Ikoku kwakazarurira nzira kudururwa kwomudzimu waMwari. Munhu wose anoda kudana zita raJehovha ndokunzwiwa anofanira kutevera nzira imwe cheteyo.
10. (a) Chii chiri rupfidzo rwechokwadi? (b) Jehovha anoita sei kurupfidzo rwechokwadi?
10 Yeuka, rupfidzo rwechokwadi runopfuura kungotaura bedzi kuti, “Ndine urombo.” VaIsraeri vaiwanzobvarura nguo dzavo dzokunze kuratidza ukombi hwemifungo yavo. Asi Jehovha anotaura kuti: “Bvarurai moyo yenyu, murege kubvarura nguvo dzenyu.” Rupfidzo rwechokwadi runobva pamoyo, runobva pasi pemoyo wedu. Runobatanidza kurega kuita zvakashata, kunyange sezvatinorava pana Isaya 55:7 kuti: “Wakaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu usakarurama mirangariro yake; ngaadzokere kuna Jehovha.” Runobatanidza kuvenga chivi, seizvo chaizvo Jesu akaita. (VaHebheru 1:9) Panguva iyoyo, tinovimba Jehovha kutikanganwira pahwaro hwechibayiro chorudzikinuro nemhaka yokuti Jehovha “uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru.” Achagamuchira kunamata kwedu, chipiriso chedu cheupfu chomudzimu nechipiriso chinonwiwa. Achateerera apo tinodana zita rake.—Joere 2:14.
11. Kunamata kwechokwadi kunofanira kuva nenzvimboi muupenyu hwedu?
11 MuMharidzo yapaGomo, Jesu akatipa chimwe chinhuzve chokurangarira, apo akati: “Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:33) Kunamata kwedu hakufaniri kurangarirwa kuva kwachero, sechimwe chinhu chatinoita setsika yokunyaradza hana yedu. Kubatira Mwari kwakafanirwa nenzvimbo yokutanga muupenyu hwedu. Nokudaro, kupfurikidza naJoere, Jehovha anopfuurira kutaura kuti: “Ridzai hwamanda paZioni, . . . kokerai vanhu, natsai ungano, kokerai vakuru, unganidzai vana, navanomwa pamazamu; chikomba ngachibude paimba yacho nomwenga paimba yake yokuvata.” (Joere 2:15, 16) Ndokwomuzvarirwo kuti vachangobva kuchata vatsauswe, vachingwarirana. Asi kunyange nokuda kwavo, kubatira Jehovha kunofanira kuuya pakutanga. Hapana chinhu chinofanira kutangira kuunganira Mwari wedu, tichidana zita rake.
12. Ndeipi bviro yewedzero inooneka mumushumo weChirangaridzo wegore rapera?
12 Tichirangarira izvi, ngatirangarirei nhamba dzinoratidzirwa nomushumo Wegore Rebasa ra1997 weZvapupu zvaJehovha. Gore rapfuura rakava nenhamba yapamusoro yavazivisi voUmambo 5 599 931—zvechokwadi boka guru ravarumbidzi! Vakapinda chirangaridzo vaiva 14 322 226—vanopfuura namariyoni anenge masere nehafu nhamba yavaparidzi. Nhamba iyoyo inoratidza kubvira kwakaisvonaka kwewedzero. Vakawanda vamariyoni masere nehafu ivavo vakanga vachitofunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha savanhu vanofarira kana kuti savana vavabereki vakabhabhatidzwa. Nhamba huru yakanga ichipinda musangano kwenguva yokutanga chaiyo. Kuvapo kwavo kwakapa Zvapupu zvaJehovha mukana wakaisvonaka wokusvika pakuvaziva zviri nani uye wokukarakadza kuti zvivabetsere kuita imwe fambiro mberi. Panguva iyoyo, pakanga pane avo vanopinda chirangaridzo gore rimwe nerimwe uye zvichida vanopinda mimwe misangano mishomanene, asi havaiti imwe fambiro mberi. Chokwadika, vakadaro vanofarirwa zvikuru kuti vapinde misangano. Asi tinovakurudzira kurangarira nokungwarira mashoko ouporofita aJoere ndokurangarira mamwe matanho avanofanira kuita kuti vave nechokwadi chokuti Jehovha achanzwa apo vanodana zita rake.
13. Kana tiri kutodana zita raJehovha, ibasai ratinaro kuna vamwe?
13 Muapostora Pauro akasimbisa rumwe rutivi rwokudana zita raMwari. Mutsamba yake kuvaRoma, akanokora mashoko ouporofita aJoere: “Ani nani unodana pazita raShe uchaponeswa.” Panguva iyoyo akarangarira kuti: “Zvino vachagodana seiko kuna iye wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusina muparidzi?” (VaRoma 10:13, 14) Hungu, vamwe vakawanda avo kusvikira nazvino vasati vasvika pakuziva Jehovha vanofanira kudana zita rake. Avo vanotoziva Jehovha vane basa kwete bedzi rokuparidza asiwo rokuvatsvaka ndokuvapa betsero iyoyo.
Paradhiso Yomudzimu
14, 15. Zvikomboreroi zveparadhiso izvo vanhu vaJehovha vanofarikanya nemhaka yokuti vanodana zita rake munzira inomufadza?
14 Iyoyo ndiyo nzira iyo vose vari vaviri vakazodzwa namamwe makwai vanorangarira zvinhu nayo, uye somugumisiro, Jehovha anovakomborera. “Jehovha akava negodo pamusoro penyika yake, akanzwira vanhu vake tsitsi.” (Joere 2:18) Muna 1919, Jehovha akaratidza shingairo netsitsi nokuda kwavanhu vake apo akavadzorera ndokuvaunza munzvimbo yake yomubato womudzimu. Zvechokwadi iyi iparadhiso yomudzimu, yakanyatsorondedzerwa naJoere mumashoko awa: “Rega hako kutya, iwe nyika, fara ufarisise; nokuti Jehovha wakaita zvinhu zvikuru. Regai kutya, imi mhuka dzesango; nokuti mafuro erenje anobukira, nokuti miti inobereka zvibereko zvayo, mionde nemizambiringa zvinovigira vanhu simba razvo. Naizvozvo farai, imi vana veZioni, mufarisise muna Jehovha Mwari wenyu; nokuti unokupai mudzidzisi wokururama, uye unokunisirai mvura, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, nomwedzi wokutanga. Mapuriro achazara nezviyo, uye zvisviniro zvichapafuma waini namafuta.”—Joere 2:21-24.
15 Irondedzero inofadza zvakadini! Gadziriro yezvokudya zvikuru zvitatu muna Israeri—zviyo, mafuta omuorivhi uye waini—pamwe chete namatanga amakwai akawanda. Muzuva redu mashoko ouporofita iwayo zvirokwazvo ari kuzadzikwa munzira yomudzimu. Jehovha anotigovera zvokudya zvose zvomudzimu zvatinoda. Hatifariri here tose zvakawanda zvakadaro zvinopiwa naMwari? Zvechokwadi, sezvakafanotaura Maraki, Mwari wedu a‘zarura masuo okudenga ndokutidururira chikomborero kusvikira pasisina kushaiwa.’—Maraki 3:10.
Mugumo Wegadziriro Yezvinhu
16. (a) Kudururwa kwomudzimu mutsvene waJehovha kunoratidzirei nokuda kwenguva yedu? (b) Chii chine nguva yemberi?
16 Kuri pashure pokunge afanotaura mamiriro eparadhiso yavanhu vaMwari apo Joere anoporofita pamusoro pokudururwa kwomudzimu waJehovha. Apo Petro akanokora mashoko ouporofita uhwu paPendekosti, akataura kuti hwakazadzika mu“mazuva okupedzisira.” (Mabasa 2:17) Kudururwa kwomudzimu waMwari shure panguva iyoyo kwakareva kuti mazuva okupedzisira akanga avamba nokuda kwegadziriro yezvinhu yechiJudha. Kudururwa kwomudzimu waMwari pana Israeri waMwari muzana ramakore rechi20 kunoreva kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira egadziriro yezvinhu yenyika yose. Mukurangarira izvi, chii chine nguva yemberi? Uporofita hwaJoere hunopfuurira kutiudza kuti: “Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, zvinoti: Ropa nomoto neshongwe dzoutsi. Zuva richashanduka rima, mwedzi uchashanduka ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.”—Joere 2:30, 31.
17, 18. (a) Izuvai rinotyisa raJehovha rakauya paJerusarema? (b) Uchokwadi hwezuva rinotyisa raJehovha riri munguva yemberi hunotisunda kuitei?
17 Muna 66 C.E., awa mashoko ouporofita akavamba kuva echokwadi muJudhea sezvo zviitiko zvakafamba zvisingadzivisiki zvakananga kumugumo wezuva rinotyisa raJehovha muna 70 C.E. Kwaityisa sei panguva iyoyo kuva pakati paavo vaisakudza zita raJehovha! Nhasi, zviitiko zvinotyisa zvakafanana zviri mberi, apo gadziriro iyi yezvinhu yenyika yose ichaparadzwa noruoko rwaJehovha. Kunyange zvakadaro, kupukunyuka kunobvira. Uporofita hwacho hunopfuurira kuti: “Ani nani unodana zita raJehovha ucharwirwa; nokuti pagomo reZioni napaJerusarema ndipo pachava navakapukunyuka, sezvakataura Jehovha, napakati pavakasara ndipo pachava vakadanwa naJehovha.” (Joere 2:32) Zvapupu zvaJehovha zvinoonga zvechokwadi kuziva zita raJehovha, uye zvinovimba zvakakwana kuti achazviponesa apo zvinodana paari.
18 Chii, zvisinei, chichaitika apo zuva guru nerine mbiri raJehovha rinorova nyika ino muhasha dzaro dzose? Izvozvo zvichakurukurwa munyaya yefundo yokupedzisira.
Unogona Kuyeuka Here?
◻ Ndirini apo Jehovha akatanga kudurura mudzimu wake pavanhu vake?
◻ Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinobatanidzwa mukudana zita raJehovha?
◻ Zuva guru nerine mbiri raJehovha rakauya rini pana Israeri wokunyama?
◻ Jehovha anokomborera sei avo vanodana zita rake nhasi?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Rudzi rutsva rwakazvarwa paPendekosti ya33 C.E.
[Mufananidzo uri papeji 16, 17]
Pakuvamba muzana rino ramakore, Jehovha akadururazve mudzimu wake pavanhu vake mukuzadzikwa kwaJoere 2:28, 29
[Mufananidzo uri papeji 18]
Vanhu vanofanira kubetserwa kudana zita raJehovha