Rugare Rwenyika—Sei Uye Rini?
RUGARE rwenyika ndichimwe chezviroto zvinodikanwa zvikurusa zvorudzi rwomunhu. Asi kufunga kuti hurumende dzavanhu dzinogona kurwuwana inyengedzo. Zvifundo zvenhau zvinobvumirana neizvo Bhaibheri rinosimbisa zvechokwadi, kuti: “Munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhanho dzake.”—Jeremia 10:23.
Musiki wamasimba ose bedzi wechisiko chapose pose, Jehovha Mwari, anogona kuunza rugare rusingaperi. Uye iye akapa chipikirwa chake chokuti iye achaita saizvozvo. Seiko? Kwete kupfurikidza nenhamburiko dzavanhu asi kupfurikidza neicho Jesu Kristu akaita musoro wokudzidzisa kwake kwose—Umambo hwokudenga hwaMwari. (Mateo 6:9, 10) Mutongi woUmambo ihwohwo, Kristu Jesu, anonzi muporofita “Muchinda woRugare” wechokwadi. (Isaya 9:6) Uye chipikirwa chaMwari ndechokuti mukutonga kwoUmambo, kuchava ne“rugare rukuru” mupasi rose.—Pisarema 72:7.
Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti ikoku kusati kwagona kuitika, tsika ino yazvino inorwa yezvinhu inofanira kuparadzwa. (1 Johane 2:15-17) Uye uporofita hweBhaibheri hunoratidzira kuti ruparadziko rwayo rwava pedyo.—Mateo 24:3-14, 22, 34; Ruka 21:25-28; 2 Timotio 3:1-5.
Ikoku, naizvozvo, ndiko donzo risingachinjiki raMwari “asingagoni kureva nhema.” (Tito 1:2, NW) Nokudaro, ko vatungamiriri vorudzidziso, zvikurukuru avo vechiKristudhomu, havafaniri kuva vakapa minyengetero iri mutsinhirano neiri donzo here? Ivo havafaniri kuva vaiitawo here mutsinhirano nedonzo iroro? Bva, hapana nomumwe wavamiriri ivavo vorudzidziso paAssisi akambodudza nezvomugumo uri pedyo wetsika ino nokutonga kuri kuuya kwoUmambo hwaMwari, shoko guru raJesu neShoko raMwari.
Ikoku hakushamisi nemhaka yokuti marudzidziso iwayo haana kudzidzisa vateveri vawo zvokwadi pamsoro pamadonzo aMwari. Panzvimbo pezvo, iwo rutivi rwenyika ino iri pasi paSatani, uye iwo anonangidzira nhamburiko dzawo pakuipfuuridzira. Somuuyo, vanhu vawo vakava vakakamuraniswa, vachiisa kutenda kwakawanda muurudzi kupfuura muUmambo hwaMwari. Ikoku kwakavatungamirira kuurayana murwisano dzenyika ino. Nokudaro, aya mashoko anoshanda kumarudzidziso akadaro: “Imi voutere, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika hunovengana naMwari? Naizvozvo mumwe nomumwe, unoda kuva shamwari yenyika, unozviita muvengi waMwari.”—Jakobho 4:4.
Nokudaro, zvichemo zvorugare zvinoitwa naaya marudzidziso hazviteererwi. Zvinoyeuchidza mugariro womunguva yomuporofita Jeremia. Shure panguva iyoyo vaporofita vorudzidziso rwenhema vakazivisa, kuti: “Kune rugare! Kune rugare!” Asi, chaizvoizvo, ‘kwakanga kusina rugare’ nokuda kwavo.—Jeremia 6:14.
Basa Redzidzo Renyika Yose
Bva, donzo raMwari richazadzikwa. (Isaya 55:11) Naizvozvo nhasi basa renyika yose romuraidzo weBhaibheri riri kuitwa. Uku kuri mutsinhirano nouporofita huri pana Mateo 24:14, NW hunoti: “Uye aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.”
Sezvo avo vari rutivi rweiri sangano rapasi rose renamato yechokwadi vachibvuma zvinodikanwa zvaMwari, ivo vakabvisa pesvedzero inokamuranisa yourudzi pakati pavo vamene. Ivo vazova chaunga chine rugare chavanhu vanodana uye vanoraramira Umambo hwaMwari. Somuuyo, ivo vari kuzadzika uporofita hunofadza huri pana Mika 4, hunoti:
“Uye kunofanira kuitika murutivi rwokupedzisira rwamazuva kuti gomo reimba yaJehovha [namatwo yake yechokwadi] richasimbiswa zvakasimba pamsoro pamakomo [mamwe marudzi ose enamato], . . . uye marudzi achadirana kwairi. Uye marudzi mazhinji achaenda zvamazvirokwazvo ndokuti: ‘Uyai, imi vanhu, uye ngatikwirei kugomo reimba yaJehovha nokuimba yaMwari waJakobho; uye iye uchatiraidza pamsoro penzira dzake, ndizvo tichafamba mumakwara ake.’ . . Ipapo vachatopfura minondo yavo vachiiita miromo yamabadza namapfumo avo vachiaita zvipfuro zvokusanzaurisa. Havachazosimudzirani munondo, rudzi ruchimukirana norudzi, uye havazati vachizodzidzirazve hondo.”—Mika 4:1-3, NW.
Kuri pachena zvikuru kuti uporofita ihwohwu hahungagoni kuva hwakazadzikwa nomusangano wapaAssisi. Vanhu vari kudirana kugomo rokufananidzira renamato yakachena ndivanhu vari kuraidzwa munzira dzokuda rugare dzaJehovha uye vanofamba mukuwirirana nedonzo rake nezvinodikanwa. Ivo havasi vanhu vanoramba vari mumarudzidziso avo ekare, akakamuraniswa nedzidziso dzinorwisana nemiitiro. Panzvimbo pezvo, ivo vanounganidzwa seizvo Mika 2:12 yakadeya kutaura, kuti: “Ndichavaisa pamwe chete samakwai muchirugu.”
Muuyo weiri basa redzidzo ndowokuti vanhu vanopfuura mamirioni matatu mupasi rose vakava vazivisi va“mashoko akanaka oumambo.” Ivo vakava vanhu vane rugare, uye havasati vachizoparadza upenyu hwomunhu biyavo mumugariro upi noupi. Seizvo Mika akadeya kutaura, ivo vakatopfura “minondo yavo vachiiita zvisanzauriso . . . ; uyewo havazati vachizodzidzirazve hondo.” Uye mamirioni akawanda avamwe vanhu vanofarira mupasi rose ari kudzidziswa navo.
Zvapupu zvaJehovha zvinotarira mberi kunyika itsva ine tsinhirano umo Mika 4:4 achazadzikwa kurudzi rwose rwomunhu: “Mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna uchazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.” Tevere, Mik 4 mundima 5, Mika anoita musiano pakati paavo vanonamata vamwari venhema vakawanda naavo vanonamata Mwari mumwe wechokwadi, achiti: “Marudzi ose avanhu anofamba, rumwe norumwe nezita raMwari warwo; asi isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri.” Sezviri pachena, zita raMwari harina kutongodudzwa paAssisi. Zvisinei, iwe haungadi here kudzidza pamsoro pouyu Mwari weBhaibheri? Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubetsera muna ikoku.
[Mufananidzo uri papeji 12]
Ndivanaani vakapfura chaizvoizvo minondo yavo vachiiita miromo yamapadza?